
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
February 7, 2025 at 05:54 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b
*Ban yadzoka guys, munogona kutoona kumagrps kusichauyi book munyori arohwa neban asi ukange uri kuchannel zviri nyore book inoriwana.*
https://www.facebook.com/share/g/1FbCSKsroS/?mibextid=A7sQZp
*Join our Facebook group*
ZVIKASASHAMISA HAASI MWARI
✍️ By Nommar aka maiYollar
📲+263⁷⁷³669⁵⁴⁸
📲+263⁷¹⁹533⁰⁴³
Chapter 32
Muchanyara
Ndakamutarisa zvangu kwakuseka, ndakaramba ndichifamba kuenda kunogeza. Hushingi hwekuziva zvandainge ndavinga ndaiva zvangu nahwo. Ko iyoka yekuti taimboraira vamwe kunge isu takambozviita kkkkkkk.Ko iyo dzidziso yandainge ndapiwa nemadzimai aghhh kunyadzisa kwsingova kudawo kwangu zvangu. Kakutya kaiita zvako kachindibata, asi ndaisada kuzozviita semunhu asingazivi zvaanoita. Chimwe chinhu ndaityiraka iro ganda redu risingadi zvisina basa aizve murume anoti achinotanga kupinda wobva wakuzvuka kkkkk asi ndaiva zvangu ndamboita hurukuro ndikaudzwa kuti hapana kukuzvuka kunoitika.
Ndakafamba nhano nhatu ndichibva ndacheuka ndokusekerera zvangu kwakuti.....
"Handeika" Akasimuka achiita kumhanya Elliot chandakaona ndechekuti Iye Elliot wacho aiva nekarespect kwandiri saka zvaitomunetsawo Takapinda kugeza kkkkk kkkkk yuwiii zvangu regai ndiseke ini. Kunyarana ndokuziva ini, ndiko kwaiitika patiri. Ini semusikana hapana hapana, nyaya yacho ndaingosiira kuna shewe, zvisinei murume murume kkkkk plus zvagara kana uchida kuona hukasha hwembwa idenhe ichidya bhonzo rayo.Vashoma varume vanogona kuzvidzora vatoona pakaita kuyanikwa, kunyanya ari wake zvake. Ndakaona Elliot achiita achichinja, kuratidza kuti hukasha hwaiita huchisimuka.Takapedza kugeza ndikaita kusimudzwa kani ndokunoiswa pamubhedha waivamo.
Yakatanga kuuya kiss yepiri kubva zvatainge tadanana, ndaiva ndangoinzwa pamuchato.
Zvemusi uyu paisava nevanhu saka neniwo ndakatoidairira ndakakiswa muviri wese imi kani yuwiiii hazvitauriki. Elliot akatora nguva achitamba nemuviri wangu ende hapana paasina kubata, hapana paaizeza kubata zvake......
Ndaiva ndakunyatsonzwawo kuti pane chidanho chakufanirwa kutorwa.
Akataura munzeve dzangu ndokuti....
"Zviri kudii?"
Ndakashaya chekudaira asi kuti ndakamubata zviya zvekuratidza kuti ita ndozviripo.Nhaimi ko ndaigoita chiroora chei ipapa, ini ndakanga ndarongedzerwa bag kuti amai endai muno***.
Anaconda ainge zvino aita kutsamwa kwete zvekutamba, ndakaritarisa ndikataura nechemumoyo ndikati "Nhasi zvangu ndinopona here ipapa" ndakabva ndafunga prayer yamai vaya ndikati ehezve ndiyo yakakumbirwa iyi yakagwinya.
Elliot akandisimudza makumbo zvinyoro nyoro achibva ambotanga kupuruzvira kuzasi kwangu apa ndaiva ndonyara nhaimi hakusi kutsvedza kwakainge koita. Akatanga kundirova rova naanaconda achirova rova ipo chaipo ndakafunga prayer yamai vaya vachiti nhingi yaMucha itapire seshuga ndikabva ndaziva kuti ukaona munhu odaro kureva kuti inogona kutovava. Ndakazvifunga nguva diki diki iyoyo kuti zvechokwadi umwe mukadzi anogona kufirira asi otadza kufadza murume wake ndakabva ndaita kashort prayer nechemumoyo ndikati...
"Mwari nekuda kwekuti ndimi makazvisika mukati zvivepo. Ndinoti sezvakanamatwa nemurandakadzi zuva riya ngazvive saizvozvo.Amen."
Kupiko mati ini ndaizogona here kuzvitaura sezvazviri kutozvitaura mumoyo kwacho ndaitonyara ini. Elliot akaramba achiita zvaaiita aghhh imi munhu anopinda munyika yake ega nguva diki diki henyu.Zvandaiva ndonzwa ipapo nyangwe dai ndaibvunzwa zita ndaigona kutaura reumwe.
Ndakamuti...
"Aghhhhhhh ummmmm Elliot"
*Elliot* "Chii Mucha?"
*Ini* "Uri kundi aghhhhhh aghhh shuuuuuu uri kundikuvadza kani aghhhh."
*Elliot* "Ndakukuvadza neiko honey?"
Aibvunza uku ari busy kunanganisa anaconda paaifanira kuenda.Akaedza kupinda ndinzwe haghhh haikona mhani iheeede unozomboti ndizvo zviya zvanga zvinyerekedza here?
Ndakamubata pachest zviya zvekuti mira, iye achibva abva ndokuti......
"Ko chii honey?"
*Ini* "Ummm kurwadza shaa"
*Elliott* "Eish but ini wakundikuvadza manje hona." Ndakarara zviya zvekuzvishingisa, akatukutudza kuda kupinda haghhhhh ndakazviti apa handikundi, ndaiva ndonzwira iye pachake tsitsi, mazitsinga ainge achiti ndare ndare nhaimi musikirwo wezvinhu zviya wakaoma.
Ndakaona ozora mate iwee kkkkkkk,ndakaita kakutsutsunya ndikanzwa kuti idi mukomana uya akuchipinda. Akatora kanguva achiita kunyengetedza, ndakazonzwa kakurwadza kaya kuti kasiyana, pane kakangoita kunge ndachekwa nebanga. Ndakaedza kuda kumubvisa asi haana kubva akabva atiita sechikwekwe kuwedzera kunamira zvake. Ndakamusiya asi ndichirwadziwa.
Mukomana akatanga kuchiita achisimudza chiuno achiita seava kubva asi yaisabuda aibva achidzosa ipapo ipapo ipapo. Ndakadawo kuedza kusimudza changu semunhu aiva stairwa asi zvakaramba nekurwadziwa. Chiri funny chinhu one, ini ndairwadziwa asi umwe wangu anenge aitonakirwa zvake. Akaramba achidaro uku ini ndichishinyira nekurwadziwa kwakanga kwava nekakupromiser kuti muchero pakati pegarden reEden ummmmmmnaka mufufundisi. Ndakanzwa achinja giya rake, kana neniwo ndine munzwiro wandainge ndoita ndakanzwa ava kuti....
"I'm comming honey, aghhhh I'm comming bbie"
Ndega ndakabva ndatozvinzwa kuti mukomana akutura ndiko kwakava kuenda kwehumhandara hwangu hwandaiudzwa naamai vangu kuti hwakakosha, apa ndaigutsikana kuti rwaendera chiripo.
Elliot achipedza akamboramba akanditarisa ndokuzoti.....
"Mudiwa ndatenda hangu, rega nditaure chokwadi ndafara zvangu mudiwa apa wandigonera"
Ndaiva ndangotsikitsira, ko iro ropa aghhhh ndakagoitwa sekacheche kkkkk kusimudzwa ndokuiswa mutub kugezeswa, ndakadzoswa pabed ndichitika ndirare ndipo pandakaona munhu ava kutanga kundibata bata zvekare. Ndakaratidza kushamisika ndipo pandakanzwa ava kuti.....
"Soryy love,tiri kufanira kuita futi ,ndiko kuti usazorwadziwa."
*Me* "Nhasi futi here?ngatizvione mangwana veduwe." Haghhh zvakaoma,ndakamutadza ini,ehe zveshuwa pepiri apa ndakanzwa kurwadziwa kuri nani zvangu. Mamwe mazuva ese ndakanga ndava kutonzwawo kufarira mutambo wacho ko taingoswereraka taigoitei kkkkk kkkkk hanzi naElliot "Kana ukasarutsa kuratidza kuti wava nekaJuniour mudumbu hatiendi kumba" Ndakatanga zvangu kugaya ,ndaiva ndakarara paruoko rwaElliot,iye ari busy kutamba nevhudzi rangu,ndakafunga nyaya yekuzvara kwangu,kuti ndaizozvara mwana or vana vakaita sei, ndakati rega ndimbodenha zvangu Elliot.
Ndakasimudza musoro ndokumutarisa kwakuti.....
"Honey"
*Elliot* "Hellooo"
*Ini* "Pane zvandiri kuda kubvunza zvangu" Akatanga zvake kutambisa chirebvu changu kwakuti...
"Asi zviri kuda kuti nditange ndatsunzunya kani, zvauri kuda kubvunza zvacho kkkkk."
*Ini* "Kkkk ayaghhh,aiwa,ndati ko kana ndikazvara mwana ane albinism unoita sei?"
*Elliot* "Mubvunzo wenyu uri kutiiko nhai Mufundisi Muchanyara?"
*Ini* "Ummm ndozviziva kuti ndiri Mufundisi,asi sei uchifarira kushandisa zita iroro patinenge taita setisiri kunzwanana."
*Elliot* "Sorry honey, asi apa hatisi kunzwanana kani? chitaura watii?"
*Ini* "Ndati ndikazvara musope zvinotambirika here kumba kwenyu."
*Elliot* "Hazvitambiriki, unotomurasa........ Yes usanditarisa handiti ndiyo mhinduro yauri kuda here? Ungandibvunza zvakapusa kudaro.Zvinotambirika here? nani? Isu tirisu varidzi vemwana, okey iwe kana zvaramba kutambirika wanga wafunga kudii huhhh?"
*Ini* "Kungobvunzawo zvangu"
*Elliot* "Ummm honey, isu patiri totarisira zvese, saka uda nditsamwe kuti mwana afanana namai here? ini ndakada mai vacho kkkkkkk,ndotoda kamhenya sewe shaa?"
*Ini* "Handisi zvangu kudaro, asi kungoti zvandinoona mukurarama nealbinisim handifungi kuti vana vangu vanozvikunda ishuviro yangu kuti Mwari vandipe havo vana vakafanana nababa vavo."
*Elliot* "Kana iwe wakazvikunda ivo vanotadza nei? Hugh ,nhai cwt,inga ndiwe unombonditsiura wani. Apa uri kuyoshora Mwarika apa? " Akabva atotanga zvake kundikisser, takaita svondo rese tiriko. Musi wataiti tiri kuenda mangwana ndiwo watakaswera tichiona nzvimbo zvedu tichirezvana.
"I'm pressed shaa, ndokusiya pano here kana kuti wopinda mukati."
*Ini* "Handiti unodzoka here? Rega ndigare apa ini."
Akabva andipa kiss ndokuenda.Ndaitoyeverwa zvangu nemakomo ndipo pandakapukuta maziso angu ndichiedza kuti ndione kuti zvandaiona ndizvo here. Dakangoerekana ndati...
"Prince!"
Munhu wandaidaidza haana kana kuvhunduka saka ndakadaidza kepiri haana kucheuka. Ndakasimuka ndokuenda kwaaiva ndokumira mberi kwake ndokuti...
"Prince hausi kundinzwa here?"
*Iye* "Kkkk sorry madam, pese apa manga muchidaidza ini kani? Munenge mafananidza handinzi Prince. I'm Jayden."
*Ini* "Kkkkk iwewe kuita Jayden okay Mr Jayden ko nematambudziko pastor Robson"
*Iye* "Pastor Robson.....pastor Robson. Aghhh ndimi aniko imi?"
*Ini* "Kkkk ini ndini ini, Imika ndimi Jayden."
Akatanga kuita kunge kurangarira kusvika azoti....
"I'm sorry please."
*Ini* "Sorry ani kkkk?"
*Iye* "Handicharangariri zvangu sekuti panguva iyoyo ndakabata zvakaipa. Kushandiswa kwandaiitwa ndainzi nditsvage masope asi ndine one wandiri kutsvaga anova ndiye akazondisunungura. Ndakanzwa kuti ari kuHarare ava mufundisi."
"Honey, aghhh ndanga ndava kutoshaya kuti wadii"
Elliot akabva asvika sezvinei ndaiva ndambomuudza zvangu zvishoma pamusoro paPrince saka ndakabva ndangomuudza kuti ndiyani.Ichokwadi vana vanoda kunamatirwa mufunge henyu. Prince akandiudza zvakandityisa pamusoro pevanhu vavaitora vachishandisa iye aisatonzi Prince hanzi iri raiva zita rebasa. Akandinzwisa tsitsi achidemba achiti...
"Zvandakabata zvakaoma kana kuti ndipfugame nditi Mwari handigoni."
*Ini* "Chirega kuchema hama yangu, nekuti kune akadanidzira ari pamuchinjikwa akati zvapera. Aitoreva izvo zvawakabata izvi, chava kudiwa kuzvidurura nemoyo unorevesa kuna Mwari uyo anotaura mushoko rake kuti kunyangwe zvitadzo zvako zvakatsvuka seropa ndichazvichenesa semazaya echando."
Ndakasiya ndamubatsira ende aitoratidza kuti ari kurarama life ine confusion zvake. Akanditenda tikabva taparadzana, ndaida number dzake asi munhu wenyama wangu akandiudza kuti hazviiti kukumbira number dzemunhurume murume aripo, ndakatovawo nekafeeling kekuti iye aitodawo number asi akazeza kukumbira plus aiwawo ndaidzidiiko zvangu.
Manheru acho hanzi naEliot
"Mupfanha nhasi ndoda kukushandira uri kuishota."
*Ini* "Kushotei futi?"
Akabva arova rova anaconda yake ini ndokuti...
"Aghhh ko ndadii?"
*Elliot* "Kutokanganwa kuti wakavingei kuno wakutoita zvekuparidzira zvigunduru zvako."
*Ini* "Elliot unorihwa naMwari iwe. Chigunduru chipi? Plus kutotemba kuti murume wangu akati anomira neni pabasa raMwari."
*Elliot* "Haghhh izvo ndakazvipira tingazotadza kuhwanana mweya mutsvene wakukupa 40 days dzekushaya bonde."
*Ini* "Kkk ipapo mweya mutsvene unenge wakanganwa kuti wakandipa marriage."
Takaseka zvedu, husiku hwacho takarara tichiri pakura bota haikona ko ndaivaka ndozvinzwisisa kuita kunzwa kunaka kwazvo.Takamuka ndokutakurana netwedu
kudzoka zvedu Harare.
Ndaitogaya yechiroora, asi ndakashamisika, handina chiroora chandakatamba, takasvika vanhu vakaungana kuimba yatainge tatengerwa ndakaitirwa party yakafarwa zvebasa.
Vamwene vangu navatezvara hanzi kukutambira, nekukuratidza kuti tinokuda muroora. Ndakafara uye kunyatsonzwa kuti ndagashirwa.
Ndaiva ndaudza zvangu vanhu veku Disablity home kuti ndiri kuuya. Ndaiva ndachengeta cake randaidawo kunofara navo kuti vazive zvakanaka zvaiva zvandiwa so vabereki vaElliot vainge vakutoda kudzokera. Vakamanikidzira kusvika saka takabva taenda tese zvedu.
Takasvika vakarongeka tikava nenguva yakanaka asi ndakazobvako musoro wotema nekuchema nhaimi tuvana twaiita mapoem. Patuvana utwu pane kamwana kandainge ndapiwa kakaita kuora nemaronda nekushaya aikatarisawo ende ainzi ainge anhongwa ari muplastic mai ndofunga iyoka yekuti zvauirei kwandiri.
Kakasimuka ndokuti....
"Makorokoto kwamuri mhama vedu machata tinoti makorokoto.
Ikodzero dzenyu kuti zvakanaka zvese zvive zvenyu.
Murandakadzi ane moyo wakachena kuti ngwee.
Dai musipo imi naMwari wenyu vamwe tingadai tiri mamvemve.
Ndauya nhasi nditarirei.
Ndini uya uya aiva aora mukandinditora nemoyo wenyu.
Ehe rudo rwakatangira kune vakanhonga havo vakarwadziwa nemweya waMwari ko handiti vangu vekubereka vakanga vati ndiite nyama yemagora here?
Mukunhongwa makauya imwe nhamo yekuti ndaidemba kuti dai vakasiya ndichidyiwa nembwa zvangu.
Ko ndiyani hake aizogona zvatadzikwa nanyakutumbura.
Mwari vakatimutsira iyemi murandakadzi.
Mukati bodozve huya uri weganda rangu ndinoziva zvarinoda. Makatibvisa kwataibatwa senhapwa.
Makatibvisa kwataisemwa.
Mukatiita kuti tizivewo kuti tiri vanhu sevamwe.
Rudo rwenyu rukuru, uye nderwechokwadi.
Nhasi tava kukurawo sevamwe vana tichiziva kuti tine mubereki iyemi tichigara pasina kusekwa, pasina kutsvinyirwa pasina kutya.
Nhasi ndini ndadai kuva muchena chena akachema kuti mbuu vava kutoita kuvhunzana kana ndichifamba kuti murungu here kana kuti musope.
Mhama tinongoti chengetwai nedenga murarame kudarika kurarama mugoonawo kuyaruka kwedu tigogona kudzosera rudo urwu kwamuri. Tinokudai mhama.
Ichokwadi pamwana uyu ndaiona Mwari, anotonzi akasvikirwa imbwa ichiedza kuvhura paperbag uyezve aichema ende mai havana kuzikanwa kwavaiva.
Vakaita zvakasiyana siyana tumashort dramma twaisiririsa koita rimwe group rakandirwadza zvekare. Vakaridza song yandakazobvunza kuti ndiyani akaimba ndakachitozochema worse ndaratidzwa video yacho. Ndikati ichokwadi nhamo yako ndiyoyo asi ukabuda kunze unoona kuti kune ane yakadarika yako.
Song yaiva ya The great man yainzi...
_Pavakandizvara vainzi mabareiko? Ohhhhh Mwari ko ini ndatadzeiko.Mai vaingochema ohhhh vachingochema sei ndazvara chirema_
Haghhhh ndakaita sendicharidza mhere hama dzangu asi mukuchema ikoko ndairumbidza Mwari zvangu nekuti vana ava vainge vava nehutano uye vairatidza kufara.
Tezvara vangu navamwene vakaratidza kufara, ndakavimbiswa zvakawanda zvavaizobatsira nazvo kuvana ivava. Takava nenguva yakanaka kani ndichicheka cake takazobvako kwatodoka kana kumba kwamai Steve ndakatovaudza kuti tatoonana ipapa sezvo vaiva vauyawo.
Munzira taingotaura pamusoro pevana vaiva kuHome umwe neumwe achipa muono wake ndakafara kunyangwe nevaichengeta vana ivavo kuti vaiziva zvavanoita.
Vabereki vaElliot havana kuzogarisa zvavo vakapedzisa zvimapapers zvavo zvavaiti vanoda kugadzirisa vachibva vadzokera.
Hupenyu hwekutanga kunzi amai uye kugara ndega hwakambondi rwadza. Ndaitoti kusuwa vandaigara navo ndaingoona sekuti hupenyu hwapidiguka hameno zvandainzwa pandiri.
Chandakaita kumaker sure kuti hazvina kukanganisa hukama hwangu naMwari.Vhangeri ndiroka randainge ndochiita kuzvambura ,kwete zvekutamba.
Elliot akafunga zvekuva nesurgery, ndaimusimbisa hangu aiita achizvizeza asi takasvika pakukunda. Akavhura surgery yedu pakati peHarare chaipo..... Nguva zhinji Elliot aingoti kubva zvataroorana aiona zvinhu zvake zvichiendeka, iniwo kwandiri ndaiona kuti zviya zvinonzi mukadzi kana murume akanaka anobva kuna Mwari ichokwadi. Pana Elliot ndaiona chikomborero zvangu. Ndakagara mwedzi mitatu ,pane wechina ndipo pandakatanga kunzwa kusvotwa, ndine chimwe chikafu chandainge ndovenga,koita chandainge ndofarira. Ndega ndakatoona kuti yava nhumbu.
Ndakaudza Elliot, iye akatonditi ainge azviona zvake. Akanditarisa ndiye kkkkk zveshuwa yainge yavapo mimba. Zuva iroro ,akabva atoudza vabereki vake, ndakaona kuti afara kani.
Elliot aiita zvese zvinoita kuti ndigare ndakafara,neniwo ndaiedza kufadza murume wangu. Kana ari magrup ekubika ndakapinda veduwe kudawoka kudzidza zvizhinji.
Ndaizama zvangu kusaziva kana iye aiona paishota ko munhu haungazoiti hako 100%. Nyangwe zvangu ndakatambirwa zvakanaka mumusha, hapaizoshaikwaka vasina kundifarira.
Variko vaihumana kuti mukadzi waElliot musope anotyisa ,ndakaona vamwe tete vosvika kumba,hanzi
"Ndati ndikuudzei kwekuti muende munogadzirwa mimba iyi asabuda ari musope" Elliot akavarambira vakativimbisa kuti kana tikazvara musope ndewedu,hanzi munobata mega kkkkk. Ndakangoti haisi mhosva yavo. Dumbu rangu raiva rakuoneka,ko kunyara zvangu kuchurch kkkkk ndaiita kushaya zvekuita,iro dumbu racho kukura kwaraiita zvaro.
Shungu dzangu dzaiva dzekutora Tariro ndogara naye,asi zvaindinetsa kutanga kuna Elliot,ndakashamisika rimwe zuva ndichinzwa Elliot achiti...
"Iiii ndanga ndichiti uchati mainini Tariro vauye kunoka ini"
*Ini* "Kuuya kuno kuzodii?"
Ndakanyepera zvangu kunge ndisiri kuziva zvaaireva. Akanditarisa ndokuti.....
"Une shuwa kuti ungabvunza kuti kuzodii here?"
*Ini* "Kutobvunza nemoyo wese"
*Elliot* "Okey kana usikuziva ngatiisiye,rega ndimbotsvaga chingwa zvangu."
*Ini* "Unditengere dhaga, utsvage rakatsvukira"
*Elliot* "Ndinokuda chose mudiwa, asi handifi ndakatenga dhaga."
*Ini* "Kkkkk ndichabuda ndega shaaa, kwarinowanikwa ndinokuziva" Aisada kani kuti ndidye dhaga, apa ini ndairida hameno zvandakazoigirwa ndikadya handina kuzofarira dhaga futi.
Takaronga zvekuti Tariro auye zvake, haana kuramba akauya. Munin'ina wangu aiva nerudo zvake. Vanhu vakabva vatotumidza zita pamba pangu hanzi "apo pemasope apo" kkkk kkkkk ungamudii munhu munhu.
Mukangondipa malikes mafadza moyo wangu futi futi. Ko kuchannel watofollower here kumirira new book.
End of chapter 32
*FINAL LOADING..........*
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
622