
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
February 7, 2025 at 12:44 PM
*💚MAFADZWA💚*
(WHISPERS OF SWEET DEVOTION)
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL INBOX YEMUNYORI HAINA BOOK.*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 20
*MAI MAFADZWA*
Kuuya kwamai Soja kwakandishamisa uye zvavakataura zvacho zvakaratidza kuti vaida kuona nekunzwa kuti Mafadzwa ave sei.Handiti vaive vakamuroya sure munhu unoita simba rekuroya munhu wauisineyi naye ungati ndiwe unomupa mweya wekufema.Mazuva akapindana ba Kayden vaifona vachibvunza kuti Mafadzwa ainge ave sei.Rudo rwacho aitokunda vehukama chaivo.Musi wavakauya vakaenda naMafa kwambuya vavo ndakabva ndatobuda kuendawo kunoona garden rangu ndakasangana namai Soja hameno kuti kwaibviwa ndepi vakati "Mai Mafadzwa mirapo" ndakamira asi ndainzwa kutobhowekana navo chaizvo vakati "Ndaona mota yabva pamba pako iina Mafa nemuzukuru wepaMunetsi asi mune hukama?" Ndakati "Ehe , ndirikumhanya ndokuonai mangwana" ndakabva ndatofamba kuenda ndaiita kunzwa kusvotekana nekuita kwavo.Ndakanokuona ndichibva ndasiya ndadiridza kwakudzokera kumba.Mazuva akafamba tete vasingaoneki hameno kuti vaive vaenda kupi.Mafa akadeedzwawo Harare naba Kayden vachiti aone chiremba.
Haana kumira kufamba mazuva pane kamwe kakuita kwaive koitwa na Mafadzwa kandisina kunzwisisa ndakatadza kuziva kuti chii chaimunetsa.Waiti ukamubvunza aiti ndiri boe asi ini samai ndaitoona kuti mwana wangu ane zvirikumunetsa.Baba Kayden aingofona achibvunza kuti Mafa ave sei apa mombe dzandaida kumupa akaramba.Ndakashaya kuti moyo wake wakaita seiko mwana uyu vashoma vanozviita izvi.Umwe musi ndakaisirwa message naKudzi yaive yakanzi "Mai Mafa , Mafa ave sei?KuChinhoyi kwaita basa ririkudirwa munhu ane 5 O levels pa restaurant bhudhi vangu ndimanager wepo.Asimba zvekushanda here?" Ndakafara ndakati Mwari mandibvira nepi aitoshanda akaunganidza mari yake yekuchikoro ini ka business kangu kainetsa kutengwa kwacho.Ndakabva ndatoita wekufonera "Hello Kudzi?" Akati "Ndiri boe asahwira maiona here message yangu?" Ndakati "Ehe asimba uyu rega nditaure naye"
Her:"Muudze anotozvichengetera mari yekuchikoro" ndakati "Taura hako ko pekugara manje" akati "Achitanga first month anopihwa accommodation asi pamwedzi wechi two anenge ave kuzviitira ega asi zviri nani" ndakati "Waita hako rega ndigotaura naye"
Her:"Iri boe akoma mondiudza" ndakati "Iri boe" ndaive ndatononokerwa ini.Ndakazomuudza akabvuma uye aida kuramba kushanda mukore uno.Ndakazomufonera Kudzi manheru akati iye aizouya kupera kwemwedzi mari yetransport anoisa.Kuita kwake mwana wangu ndiko kwaive kindipusisa hangu Mafadzwa aive munhu aitaurisa chaizvo aisanyarara muromo wake waigara wakashama.Asi ainge ave nekamwe kakudzikama kandaisanzwisisa ndaingozviisa numaoko AMwari pamwe ndiko kwainge kwave kudzikama kwake , who knows.Umwe musi ndatuma Mafa kwaMurambinda ndakazongoona mota yake yosvika ndaitove ndakagara paveranda.Ndakasimuka kunomukwazisa "Titambire" akati "Munotambireiko mama?" Ndakati "Vanhu ka , ndimi matitsika kudai" akati "Tauya kuona imi vakatibereka" ndakati "Handei mumba or mogara pano"
Him:"I prefer kugara mumba" ndakatora zambia rangu kwakuenda hedu mukitchen."Makadii henyu mama?"
Me:"Ndinofara hangu mwanangu wakadiiwo iwe?"
Him:"Ndiri boe zvangu kurisei kuno?Nevamwe vese?"
Me:"Vanofara havo varisei ana Mai Kayden na Kayden wacho?"
Him:"Vari nani zvavo" ndakati "Tinotenda Mwari rega ndione kuti ndingakubikire chii?Cynthia" ndakadaidzira akati "Musazvinetsa henyu mama ndiri right ini"
Me:"Zvino zvingaite here kuuya woenda usina kudya"
Him:"Ndatouya kukumbira kuti vana Mafa vandigadzirirewo pamba nekutsvaira Saturday tirikuuya kuisa dombo." Ndakati "No problem vanonotsvaira usatye hako mwanangu.Ndinovimba kuti muroora wangu ndomuona arikuuya handiti?"
Him:"Ehe varikuuya" ndakati "Apa Mafa wacho ndasomutuma kare hameno kuti ave kudzoka here?" Ndichibva kutaura akabva atobudikira ndakamuona achiri kure hake uri mukitchen waiona munhu anenge ari muroad miti yaive mishoma, Cynthia akabva auuya kukitchen kwataive "Matii mama?" Ndakati "Ndakudeedza nguvai chirega hako" akati "Horaiti , ndanga ndichigadzira hembe , ba Kayden murisei?" Vakati "Murisei sistren?" Akati "Ndiri boe" akafamba kuuya kugara pandaive ba Kayden vakabva vati "First born yenyu ndi Cynthia here mama?" Ndakati "Kwete uyu mwana wasisi vangu Mafa ndiye first born" ndakabva ndati zii pfungwa dzanga dzatove kuna Tasha mutwin wake.Zvinhu zvaindidya moyo pese pandaibvunzwa nezvevana vangu Tasha aiuya mupfungwa dzangu munhu unenge uchitoziva kuti une vana vatatu asi kuti uzvitaure hazvitaurike nekuda kweumwe munhu anoroya.
Him:"Horaiti ndaitoti ndiyo first born yenyu" ndakati "Aiwa sandiye" akapinda mugate Mafadzwa , vakamhoresana naba Kayden ndakavaudza zvavaive vataura.Akabva atobuda akateverwa naCynthia ndakati "Hunhu hurikuitwa naMafadzwa mazuvano unotoshaya kuti chii?"
Him:"Kukura mama" akaseka ndakati "Iiii hakanzwi aka hakakuri misikanzwa nemashoko ega ega ndiwo akazara mudehenya rake mwana iyeyu" vakaseka ndokuti "Ndakuenda mama , ndokumbirawo kuenda naMafa ndinomuudza zvekuita" ndakati "Hazvina kushata mwanangu Mafadzwa wacho haabudi mumba" ndichipedza vakabva vatouyawo isu taive tatobuda panze.Vakaenda ndakaona Serina otevera mumashure memota ndakati "Serina huya pano?" Akati "Ndouya gogo ndoda kunoona Varaidzo" ndakati "Unoenda huya pano" akaratidza kusvotwa akati "Chiiko gogo matumwa here?" Ndakati "I rough yeiko yaunoda kuita tete variko here?" Ndaitoda kunzwa kuti varipi.Akati "Vakaenda Harare hanzi mainini Tasha varikubvisirwa" paakadaro ndakanzwa kunge ndajungwa pamoyo ndakati "Enda hako" ndakafamba kuenda mubedroom mangu kunotora phone ndaida kutofona.Airamba maphone avo mukadzi nemurume vese saka vaive votodya pfuma yemwana wangu wandakazvara ndega.Ndakayeredza misodzi ndakademba kuti dai ndakakumbira number dzagogo.Ndakaona zvakanaka kuti ndiende ndinodzipihwa naBa Kayden aiwa Victor akanga andirwadzisa ini ndaive ndoda kumudzorerawo.
Ndakabuda Cynthia akati "Murikuenda kupi mama?" Ndakati "Kuna Mafadzwa" akabva ati "Nditumei murikudei?" Ndakati "Ndisiye ndiende ndega kani" akati "Ko zvamunenge murikuchema wani?" Ndakabva ndatodzokera mumba ndaive ndoita kunge ndave kurasika njere.Ndakanogara pasi pafloor chaipo ndakaenda online ndichibva ndafonera ba Mafadzwa.Yakadairwa asi zvehasha"Hello urikudeiko iwe?" Ndakati "Usandiitire hasha Zvauya wakandimanikidza kupa Victor mwana wangu nehudununu hwako izvozvi arikuroorwa iwe uriko uri zii" akati "Wati kudii?Tasha arikubvisirwa ndisina kuudzwa?" Ndakati "Usanyepere kudzungaira apa" akati "Haaaa zvimwe zvese ndingaite asi pamari apa anondiona Victor" yakabva yakatwa ndakachema kusvikira ndanyarara asi ndaive nebundu mumoyo mangu.Ini ndozvara vamwe ndivo vekudya.Ndakanzwa door rovhurwa ndakaona ari Mafadzwa "Mama" ndakati "Wadzoka" ndakadaro ndichipukuta misodzi akati "Murikuchemei?" Ndakati "Handisi kuchema ini" phone yangu yakaringer ndakafunga kuti ndibaba vake akaitora ndokuti "Ndimama Kudzi" ndakati "Ndipe kuno" ndakapihwa kwakudaira "Hello Kudzi?"
Her:"Akoma murisei?" Ndakati "Ndiri boe hangu kurisei ikoko newe wacho?"
Her:"Kuri boe hako mari ndave kuisa ndoisa panumber dzenyu handiti?" Ndakati "Ehe itoisa agonotora Mafadzwa" akati "Okay sisi Sunday yacho anofanira kutomukira makuseni seni chaiwo zvekuti ndonomukwidza" ndakati "Waita hako mupfanha wangu" akati "Iri boe sisi" akakata ndakati "Mafa Sunday ndipo pari kupera mwedzi" akati "Ehe ndaizviziva mama kuti Sunday ndipo parikupera mwedzi uye ndinenge ndaifembera kuti ndirikuenda Sunday.Ndati manga muchichemei?"
Me:"Musoro urikurwadza" akaseka ndokuti "Nhema idzo pane arikukunetsai here mama?Ini hangu handidi kukuonai muchichema" ndakasekerera ndokuti "Huya ugare apa mwanangu ndikuudze" akauya kugara paside pangu ndokuti "Moda kundinyepera?" Ndakati "Kwete" akati "Ndiudzei" ndakati "Ndiwe mufaro wangu mwanangu pauri ndinotarisira kufadzwa sezita rako mwanangu.Zvichengete uye ushande nesimba udzidze uite chinobatika muhupenyu ndiwe ziso rangu" akati "Ndizvo zvamanga muchichema here mama?"
Me:"Kutofunga nhamo dzangu mwanangu nekuzvibvunza kuti ndichazovei panyika pano" akati "Apa makungonyepawo henyu mama asi mune zviri kukunetsai" ndakati "Ndichakuudza asi imboshanda udzidze"
Her:"Okay mama regai ndimbonogeza ndatsva" ndakati "Zvakanaka mwanangu" akasimuka kwakubuda.Pandakabaya phone yangu ndakatoona mari yapinda iri 20 US.Ainge aita hake Kudzi uye ndaive netarisiro yekuti anonoshanda zvakanaka.Ndakazongozvisimbisa kuti Mwari achapindura hake ada asi mumoyo maive neshungu dzaibvira moto.Ndakaona Serina auya ndakati "Wavingei?Wanga usiri kuchenama here iwe pandakudana?"
Her:"Sorry gogo" ndakati "Wavingei?" Akati "Mandideedza ka paya ndanga ndichiti mama vakaenda Harare mainini Tasha varikuda kuroorwa asi mama vakafona vachiti pane zviri kunetsa here haaa hameno zvinyaya zvirikubuda ikoko" ndakati "Zvei?" Akati "Pakafona mama ndakanzwa vachiti murume wavo wacho arikuuya kuroora akachinja date remarooro" ndakati "Hoo" akati "Regai ndiende" akabva atofamba kuenda ndakasara ndongoti dai akarega kutobvisirwa kwacho ngazvinetse kusvikira vamuudza chokwadi.Vanoti ini mai vemunhu handirwdaziwe here.......
*VARAIDZO*
Ndainge ndaora moyo kushaya kuti ndochidii Talkmore wacho akabva ati zii chimbuya ichocho chinenge changa chatipa zvinhu zvefake.Ndakaonawo Serina auya umwe musi ndaitove ndakagara muberere memba akati "Asahwira?" Ndakati "Hesi kani" akazvipa pekugara ndokuti "Chimbuya chiya chakatipa fake mushonga"
Me:"Haiwa takatambisa mari paya" akati "Iwe uri nani wakabvisa ishoma" ndakati "Mari imari sahwira inotorwadza mufunge hazvinei kuti ishoma here or yakawanda"
Her:"Todii?" Ndakati "Ndave boe ndichawanawo anondida zvaTalkmore zvaramba" akati "Haiwa ini i won't give up hangu ndotsvaga zvimwe" ndakati "Mari handina ini" akati "Ini ndoenda ndinayo ndobira mama Mari yemukando.Mukapusa asikana hamuroorwi zvamazuvano zvakuda kungwara ngwara kuchangamuka" ndakati "Mmmmm ndogona kubira gogo taura hako iwe nekuti ukatarisa Vakaroorwa ava vanenge vakabva nekure"
Her:"Wazvionaka?" Ndakati "Ehe saka iwe ukanzwa kwawanzwa ndiudze"
Her:"Ndatove nako ndatouya kuudza iwewe" ndakati "Hey inga makatoshinga asikana saka kunoendwa riinhi?"
Her:"Kana wangobata cash tell me toenda" ndakati "Iri boe ndokuudza" takachinja hedu nyaya , ndakazimuburitsa.Pandakadzoka mbuya vaive vagara panze ndaingoisa munamato wekuti vambobude apa vaiwanzofamba nemakeys avo.Ndaifanira kuita plan yekutora pavanenge varipo chete nekuti ndaisvikepi ndingori munhu wekusemwa nevarume nekusadiwa nekuda kwekushata.Ivo mai vangu vaive vakandizvara ndakashata kudaro hameno kuti zvainge zvadini inga ana Mafadzwa vaive vakanaka chaizvo ava nana Serina vaionekera.Zuva rakatevera vakamukira kundimutsa kuseni seni ndakati "Mbuya munodei?" Vakati "Huya undiitire thorough mumba mangu tione haudyi urere" ndakaridza tsamwa chaizvo apa ndaitoda kurara , ndakazofunga kuti ndaida mari ndakabvuma hangu asi dai paive pasina izvozvo handifungi kuti ndaiita zvakadaro ini.
Ndakazamura kwakubuda muma blanket ndakavaona vamire padoor ndokuti "Unoda kurara fani kwauchanoroorwa uchanetsa iwe"
Me:"Handiroorwe muno ini nemaboorangoma emuno aya ndoda kukunyadzisai mbuya ndimi munonditarisira pasi muchiti heee rinodiwa nani njiri",
Her:"Ungadiwe naniko Varaidzo neiko kusviba ikoku nekushata kwako dai wazama kugeza nefoam bath pamwe ungaite nani wozorawo ma Nivea Q 10 anozora vamwe izvozvi umwe wako Revai ave kubasa iwe ungorimuno nana Serina.Joy chaiye haachatambi newe hunhu hwako hwakaipa fani"
Me:"Ehoi mbuya tichaona" ndakapinda mubedroom mavo vakati "Ita zveku cleaner imomo" ndakaramba ndiri zii hangu.Ndakatarisa nepa window ndakavaona variku gedhe chaiko.Ndakavhundunyura zvinhu zvavo zvese ndakashaya kana dhora pasi pematress ndipo pandakaona 100US ndakaita kuzhinya ndakaitora kwakuindonyera mubraa mangu.Ende ndaida kuvarambira ndakagadzira matress kwakutanga kutsvaira.Ndakamu nicer nicer muroom mavo ndapedza.Ndakaita basa repamba apa ndaive ndaneta.Ndakashingirira ndapedza ndakageza kwakuenda kwaana Serina ndakamuona akagarira plate yenyama.Ndakati "Urikuita kuzvidyira?" Akati "Kuponda nhamo" ndakasvikonhonga nhindi yenyama kwakugara ndakati "Waibika wena ko iko kunaka" akati "Haaa iwe nyama iyi ndeyemu chicken inn hausikuonawo here" ndakazhinya ndokuti "Yabvepiko?" Akati "Brighton andiigira busket renyama" ndakati "Hiiii iwe" akati "Sure tangoita zvema two minutes" ndakati "Kuitei?" Akati "Wangu chimwe chii?" Ndakaziva zvairevera ko avo vagara vaivhura huru kutopfuura ini.
Me:"Ndave nayo mari handei" akati "Good girl apa guess what?" Ndakati "Chii?" Akati "Revai arikushanda kumba kwaMunashe akandifonera akandiudza hanzi ane mari mufesi uya" ndakati "How?Iye arimushandi waTalkmore"
Her:"Mmmmm handichazivewo" ndakati "Aiwa unonyepa iwe" akati "Eho ndodirei kuita nharo nema down sydrome" ndakati "Kundituka kabisira ka uku?" Akati "Kwete totoenda nhasi hakusi kure" ndakati "Handei ndatouya nayo" akamuka kwakutora plate yenyama akaenda nayo mumba.Ndakasara ndosimuka akabuda kwakukiya door achibva ati "Handei" takafamba ndokuenda tichitaura nyaya.Takasvika vaive asekuru ivavo.Takanzi "Pindai henyu vazukuru varungu vangu" takafamba ndokunopinda mukamba kaive kari katoko toko kekuti takaponda takakotama.
Him:"Vazukuru vangu tangai maisa mari yedare umu chero yamuinayo" ndakati kuna Serina "Isa ndine yakabatana" akaisa 15 US.Vakabva vati "Mayambuka vanangu zvenyu zvaita vazukuru vangu ini ndiri chamangura ngura hapana chinoramba asi ndinoshanda nemapicture evanhu" ndakaburitsa phone ndakaona Serina oburitsawo phone yake.Ndakatoshamisika kuti anaro photo rake.Vakati "Ndoda kutaurira zvandinoda kutaurira paari ndipei maphone enyu" takavapa vakabva vaita zvavakaita zvavaitaurira taisazvinzwa vakati "Mofanira kuuya nawo ari macard tiise mubhodhoro asi zvaita hazvo" vakatora chihari chavo kwakuburitsa zvipowder ndokuti furidzira vachitaurira vakabva vatiisa umwe pamhanza.Vapedza vakatitemera nyora pahuma ndokuti "Zvaita handina chimwe chandichakupai pamunodzoka nema photo mondipa mari ndongoda 40Dhorazi" takazhinya ndokuti "Maitabasa sekuru" vakati "Hazvitendwe vazukuru" takaombera kwakubuda.
Tave panze ndakati "Une chivimbo chekuti zvinoita here?"
Her:"Ehe zvinoita dont worry" tati fambei phone yangu yakaringer ndakatarisa ndokuona ari Talkmore ndakaita kujamba ndokuti "Heeeeede zvatoita Talkmore afona" akati "Hiiiiiii ndakuudza daira daira" ndakabaya answer button akati "Hesi bae?" Ndakati "Handisi bae wako waivepi kare kese?"
Him:"I will explain babe ndouya kukuona mangwana ndine i phone yandakakutengera im sorry" ndakasekerera ndokuti "Toona mauya" akati "Ndokuda bhebheza" ndakaita kumerera ndokuti "Boo" akati "Dairawo zvakanaka" ndakati "Totaura wauya" ndakabva ndakata Serina akati "Mapinda machena mhai , zvino Munashe wacho anouya kuno here?" Ndakati "Ndomuudza Talkmore kuti auye naye usatye my friend" akati "Hiiii utomuudza usarega please" ndakati "Don't worry" kupiko ndiri ndaizotorerwa Talkmore wangu kwaive kuda kumufadza.Takapesana toenda kumba ndakasvika mbuya varipanze "Maswera sei mbuya?" Vakati "Mari yangu irikupi?" Ndakati "Kwanai mbuya murikuti ndiri mbavha here ini?"
Her:"Ndaiashaya zvoreva kuti uri mbavha ndaisiya irimo"
Me:"Iiiiii mbuya handina mari yenyu ini naMwari kudai handina mungatoti ndiri mbavha ndisechei?" Ndaiziva kuti havambondiseche vakati "Tichaona" vaive vakatosuwa vaive nekupenga ava.Ndaive nemufaro zvee wekuti baba vaive vouya.Gogo manheru sadza havana kudya ndakangoti hameno ndezvavo izvo kutsamwira mari.Zuva rakatevera ndakamukira kuita basa rangu.Ndichibva ndageza Talkmore akabva afona "Hello" ndakadaira akati "Huya undione babe" ndakati "Uripi?" akati "Pambuya Munetsi" ndakati "Horaiti" ndakabuda gogo vaive vakarara.Ndakasvika atoripamota akavhura maoko ake kuda kuti ndimumbundire ndakaramba akati "Babe kani sory mudiwa wangu hona ndakuigira i phone" ndakati "Waivepi?"
Him:"Its a long story mama vairwara ndaimboona nezvavo but now vave boe havo"
Me:"Saka wave kundifunga nhasi?" Akati "Usadaro inga ndati sorry wani ndakuigira iphone ndakamboishandisa zve week chete" akadaro achindipa ndakati "Kungoti ndokuda asi wakadibhowa" akasekerera ndokupa sign yekuti ngatipinde mumota.Ndakatoziva kuti kuda kunorohwa chiweti.Takapinda takagara kuback seat akatanga kundi kisser , "Ndanga ndakusuwa" takatanga kukissana mafeelings angu cant get kana kunzwa chimwe chete hacho.Takasvikira pakuita sex yacho handina chandainzwa ndakati pamwe kumutsamwira.Takaswera tese handina kana mari yandakapihwa ndakaeda kumba ndakatosuwa kushaya feeling one , two kusapihwa mari.Ndakasvika nekuchinja line ndaive ndofarira iphone ka.Mazuva akafamba tichitaura tese achiuya kundiona aingondikwira kana mari yandaipihwa hangu.Serina aive asisaoneki.Rimwe zuva akangoerekana auya iri Wednesday akaisa message kuti huya.Ndakaenda ndakasvika paari nekuti "Hanziiko kuuya musina kutaura?" Akati "Ndati ndikuone babe Friday ndirikurara kuno Saturday tine function" ndakati "Hoo" akati "Ndokuda next month ndokutor tonogara Harare handiti" ndakati "Kunditizisa" akati "Tichataura ndakuda mukadzi ini" ndakati "Okay my love" he kissed me ndokuti "Tozotaura Pa phone" ndakati "Boe" akati "Chienda" ndakati "Horaiti" ndakaenda kumba ndakanogara paveranda ndozvitora maphoto , ndakamborara ndakazoona mota yakano parker pambuya Munetsi.Ndakafamba kuenda kugate ndaida kuona kuti ndeyaani.Ndakaona Serina achiuya achifambisa akasvikoti "Sahwi ko kubva mati zii matokanganwa kuti takanzi tiuye nemapikicha nemari dzevanhu.Iyo tozotaura Munashe auya apa ndirikuuya" akamhanya ndisati ndataura ndakateverawo takasvikomira padoor tinzwe eeeh mune vanhu varikunakirana mukati umu.Takaenda kuwindow wanikwe ndiMafa naMunashe ndakanzwa chibundu Serina akaburitsa phone yake kwakutanga kutora video.Pavakapedza takabva takanomira kuroad akati "Mafadzwa?" Aive oita kushinyira nehasha akati "Uyu ndoda kumugadzirisa uyu" ndakati "Dzikama iwe murume wemunhu uyu" akaseka ndokuti "Ndopa Revai achapa mukadzi wake" akabva atofamba kuenda........
End of chapter
*NOTE THAT*
BOOK REDU FROM CHAPTER 23 RINENGE RAKUWANIKWA KU SUB GROUP.UKO KUNOPINDWA NEVANENGE VABHADHARA.MITENGO YEDU IRIPAZASI APO
ZIM 🇿🇼
2US ECOCASH
100 ZIG ECOCASH 0788257321 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA
INNBUCKS 2US 0716307914 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA
AIRTIME NDIRIKUTORA ONLY NETONE AIRTIME YE 2US UNOTORA PICTURE RE JUICE CARD RAKO WOISA PANUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION 0716307914 OR +263 789491925 KANA UKASAPINDURWA DONT CALL UNOPINDURWA.NDIDZO ZVEKARE NUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION EDU JUST SEND CONFIRMATION YAKO NE ZITA REMUNHU ANENGE AISA MARI NEKEY YAKO YEBOOM READER.UNOBVA WAISWA KUSUB GROUP KUNENGE KUCHISVIKIRA BOOK.
SA SIDE
30 RAND
OTT VOUCHER
BLUE VOUCHER
ONE FOR YOU VOUCHER
MOTORA SLIP CAPTURE MOISA PANUMBER DZIRI KUISWA MA CONFIRMATION NEKEY YEBOOM READER +263716307914 OR +263 789491925
BOOK REDU RINOVERENGWA NEBOOM READER KANA UCHI DOUBTER PHONE YAKO PLEASE MIRA KUBHADHARA BOOK RINOUYA RIRI PA BOOM READER CHETE.ZVICHEMO HUYAYI ASI CHIKWERETI KWETE BOOK HANDIKWERETESI.MUKANA URIPO WEKUTI MUGARE MABATA NZVIMBO KUSUB HUYAI HUYAI NEHUWANDU HWENYU MUNZWE HUTAKUNANZVA HURI MUBOOK REDU.I HOPE HAKUNA ANOSARA
# KUTSAMWA KUNE LABOUR💚
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
510