PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
February 7, 2025 at 08:57 PM
*💚MAFADZWA💚* (WHISPERS OF SWEET DEVOTION) https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N *VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL INBOX YEMUNYORI HAINA BOOK.* MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z COMMENTS GROUP https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0 FACEBOOK GROUP https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI C 21 *MAFADZWA* Pandakasvika paroad ndakaona Varaidzo akamira akapetera maoko ake pachipfuva akarovanisa maoko achiseka ndokuti "Mahure monetsa" akafamba kuenda mugate mavo ndakangoti "Sorry Mwari ini hangu zvekuudzwa matuzvi handidi" ndakamhanya kunomudhonza achibva adonha negotsi "Mafadzwaaaa!" She screamed out my name ndakati "Duzvi , waurikuti hure ndiani?" Akati "Sorry Mafadzwa ,sorry hako ndokumbirawo undisiye" ndakati "Paya ndakakusiya nenyaya yekuti ndairwara zvino nhasi handikusiye usatomboita hako mistake yekutiza nekuti pandokubata zai mbishi rinoibva nezuva" akati "Mafadzwa" ndakanogwazhura shamhu ndakamuona ave mugate mavo achirova chahwirira ndakamira ndakabata muchiuno ndichiseka ndokudeedzera kuti "Uchenjere kuwa ukabva mazino unorambwa naTalkmore" ndakaenda kumba neshamhu yangu ndichifa nekuseka ndaisarega kuseka nezvaainge aita musikana.Kumhanya kwacho ungati munhu azvidhotera ndakasvika Cynthia achibva amhanya kuuya kwandanga ndiri "Wanga uchiri kuitei?" Ndakakwenya musoro ndokuti "Imi sisi zvobvunzwa here?" Akati "Nditende mama vanga vachida kuuya ikoko hamuna zvamaita?" Ndakati "Varikupi?" Her:"Varimumba umu" ndakati "Rega ndivaone" ndakaenda kubedroom kwavo , vaiita kunge vaishushikana vaive nezvaivanetsa ndakataura navo vakangonzvenga havo nyaya asi ndakaona kuti mai vakaremererwa ava asi vaisada havo kunditurira ndakabva ndatoita worried.Ndakabuda kuenda kuspare ndakavanzwa vakutaura naSerina ndaida kumubudira asi ndakamusiya akadaro.Ndakazobuda aenda ndakanogara paive namama ndakati "Mama kana paine zvirikukunetsai you are free kundiudza ndiri mwana wenyu wani" vakanditarisa ndokuti "Handisati ndave kuda kukupa stress Mafadzwa imboita zvekushanda" Me:"Mave kutondipa stress nekusandiudza ndatosurukirwa kutaura chokwadi handifungi kuti ndonoshanda zvisvinu kubasa kwacho." Vakanditarisa ndokuti "Tirikunetsana nababa vako ndoda kuti vakuendese A level" Me:"Mama , its not making any sense inga ndizvo zvandiri kunoshandira wani siyanai navo baba vaya ini handinei navo hangu.Pandakarwara vakataura shit imi modzoka movafonera chiiko nhai mama?.Ini ndacomplainer here kana zvaramba zvekuenda A level zvacho ndotsvaga course yekuita siyanai navo" vakati "Ndazvinzwa Mafa mwanangu chiitai muende munoburitsa mari" ndakati "Ndoiburitsa Friday handiti ndoenda Sunday here no need yekuzvipa pressure" vakati "Eho" ndaive ndakavatarisa mai vangu ndaivada hangu zvimwe ndezvimwe ndaisada kuvaona vakasuva ndaibva ndatosuwawo.Ndakabva ndatochinja hangu nyaya Tadiwa akadzoka kuchikoro takangogara panze ndakasimuka kuenda mumba kunotora phone yangu.Maive nema missed calls a Munashe aitove neshavi rekunetsa mwana uyu ndakamuisira text message yaive yakanzi."Watotanga kunetsa handiti?" Ndakagara pabed ndichibva ndabatidza data akabva afona "Babe" ndakati "Baba" akati "Babe" ndakati "Matii?" Akati "Babe" ndakati "Shewe" akati "Urikuitei?" Ndakati "Ndiripaphone" akati "Pandafona wanga urikupi?" Ndakati "Panze namama" akabva ati "Gara nephone yako handidi mukadzi anogara kure nephobe handiti" ndakati "Aiwa ndisiye zvangu iri inodonha ikatsemuka kana kuvira mumvura" Him:"Ndobasa remurume wako unoti ndingatadze kukutengera phone here Mafa?" Ndakati "Handina kudaro plus mari inoda kuita uchi saver kwete kushandisa sebenzi" akaseka ndokuti "Ndasvika kwagogo my love" ndakati "Varisei havo?" Him:"Vari boe ava , vaswera sei ambhuya vangu?" Ndakati "Vaswera boe zvavo" akati "Good mangwana ndouya ndokusiira makeys mozotsvaira nekusuka ndokubhadharai" Me:"Ndati ndinoda kubhadharwa here?" Akati "Token of appreciation babe" ndakati "Eho" Him:"Une zvauri kuda kuita here timbotaura hedu" ndakati "Hapana" akati "Better , so tell me kuti urikuda kuenda A level here?" Ndakati "Yah asi zvinenge zvave zve next year nekuti gore rino zvakona" Him:"Ko ndikakuendesa kuchikoro zvinenge zvakashata here my love?" Ndakati "Aiwa Nashe imbogara nemari yako kubva riinhiko uchiburitsa mari." Him:"Ndirikuitira mukadzi wangu mai vemwana wangu so handione paine need yekuti ungarambe" ndakamboti zii ndokuti "Hazviite mama vanozonyumwa" akati "If you say so" ndakati "Handisisina nyaya ini" akaseka ndokuti "Musikana wekutaurisa anopererwa nenyaya zvakaoma" ndakati "Totaura later my love ,i love you" Him:"I love you too" ndakabva ndakata hameno zvandaive ndotonzwa nekutaura naye kwandaive ndaita.Ndakaisa muchinjikwa ndokuti "Mwari ndinoziva kuti chivi chandiri kuita kudanana nemurume wemunhu ndiregerereiwo" ndakabuda panze.Ndaive ndogadzirira zvekubika ndini ndaive paduty rekubika.Manheru acho takataura zvema 2 minutes pa app ndichibva ndarara.Ndaive nemazihope hangu , following day racho yaive Thursday akafona nditori pakati pekusuka.Yaive muhomwe phone "Hello" Him:"Goodmorning sweetheart? " ndakati "Morning" akati "Ani?" Ndakati "Nashe kunetsa here?" Akati "Unomboziva morning isina rimwe word kumberi kumunhu waunoda inopedza rudo here babe?" Ndakati "Handizive" akati "Inga ini ndanyatsoti goodmorning sweetheart ,chakutadzisawo kuti morning daddy chii?" Ndakati "Unonsinetsereiko?" Him:"Hakusi kunetsa asi ndirikukuudza zvandinoda next time uzive.Ndakuuya ndokuudza ndasvika kumba kwenyu hakusisiri kwekutambira ndingazoripiswe na ambhuya" Me:"Horaiti" akati "Love you" ndakati "I asarepi?" Akaseka ndokuti "I love you" ndakati "Me too" akabva akata ndakaisa phone muhomwe kwakuenderera mberi nekusuka.Ndapedza ndakanogeza Cynthia ainge atsvaira mumba mama vanga vabuda.Pandakabuda mubath sisi Cynthia vakati "Wageza kuseni kuno kwakanaka here?" Ndakati "Yah ,ndirimunhusikana ini" akaseka ndokuti "Mama havapo ndiudze kuti nezuro waive woitei naBa Kayden" Me:"Hezvoo hezvoo nhaimi sisi yatove mhosva nekukuudzai kwandakakuitai.Hapana apa vaindiratidza zvose zvaida kuitwa" vakati "Hoo" ndakaenda mumba ndakapfeka ka jean skirt kangu kaive nema button pamberi ne t shirt ye pink.Ndakabva ndatoenda kukitchen kunobika ndamirira kuti asvike.Ndakabika ndikapedza ndave kuda kupakura phone yakaringer ndakaziva kuti ndiye hakuna umwe.Ndakaiburitsa muhomwe kwakudaira "Babe" ndiye uyo ndakati "Nashe" akaramba ari zii ndakati "Helloo" akati "Taura mushe tinzwe" ndakati "My love" akati "Ndasvika babe" ndakati "Okay ndakuuya" akati "Iri boe kasika ndakakumirira" ndakati "Horaiti ndakutobuda" ndakangobuda ndisina kuudza sisi Cynthia.Aive oda kufarisa ka ndosaka ndakangobuda pandakasvika ndakaona Serina akamira naye ndakanzwa zikugodo kunoti mbii pahuro chaipo.Ndakafambisa kwakusvika nekuti "Iwe urikuitei pano?" Akaseka ndokuti "Uri mainini vangu Mafa asi know your limits" ndakaona ziso raMunashe rakamutarisa ndakati "Nashe!" Zvehasha chaizvo akaita kakuvhundukira ndokuti "Sorry" ndakaramba ndakamutarisa ndokuti "Munashe" akati "Babe" he hugged me achibva andi kisser pa forehead ndokuti "I love you musikana wangu wanzwa ndokuda zvekuti dhuu wazvinzwa babe" ndakaona Serina akuita kakufinyama ndakati "I love you more daddy" Serina akangotumhuka kuenda akabva ati "Yoh babe ma enemies ako akawanda kubva zvandasvika pano pane musikana anonzi Varaidzo here hameno auya achindiudza zvekuti heee Mafadzwa ihure akapomera ex wake kuti akamurepa this n that.Uyuwo auyawo telling me the same thing ndangoona kuti its hatred chete nothing more" ndakamutarisa akaisa ruoko rwake muchiuno changu ndakati "Dai ari mumwe munhu azvitora serious waita hako Nashe" akati "Pano hapasi safe ngatipinde mumota ambhuya vanobudikira ndikanyara" ndakaseka ndokuti "Taura hako apa vabuda makuseni seni" takapinda mumota. Me:"Varisei gogo?" Akati "Vari boe havo , wandirotawo here babe?" Ndakati "Handina ini my love" akaramba akanditarisa achibva ati "Chiiko ichi nhai babe?" Ndakati "Chii?" Akanongedza pamalips pangu achiswedera pandaive ndakada kutaura akaisa chigunwe pamalips achibva anyatsorereka musoro wake we kissed kutonzwa kunakirwa nayo kiss yake.Akandisiya ndokuti "Hatina zvatanga tichitaura dai usina kubvuma kundi kisser" ndakangoseka akabva ati "So babe tell me what happened kuti uzosvikire pakurepwa ndakutoda kuinzwa nyaya yacho nekuti vaturikiri vauya vakataura" Me:"Zvakaitika musi wechristmas uya"  akati "Tell me" ndakatanga kutsanangura ndakabva ndatoita emotional kwakutanga kuchema ndakasara kupedza kutaura ndave kuchema.Ndaifunga kuti achataura anything but he remain silent akanditarisa hana yangu yakarova ndikafunga kuti pamwe afunga kundiramba akabva ati "Im sorry babe , ndapererwa vamwe varume vanotishooresa unomboziva unowana chii pakurepa ex wako.Just because she kissed someone pamberi pako.So zvoreva kuti you are not allowed to move on here.If i get a chance to meet him kukuudza sure babe ini ndomuparadza kumuuraya chaiko" Me:"He is the same guy wawakarova that day" akati "Nhai babe waive wakachiveiko paya?" Ndakati "Rudo ibofu Nashe" akati "Ndabatikana dai ndakazvivhurira munhu wangu ndega don't worry uyo ndiye wandichapinza mujeri.Ndoda kumbogadzirisa zvema divorce papers." Me:"Handisi rini here reason yauri kuda kurambira mukadzi Munashe?" Akati "Iwewe hauna mhosva babe marriage yedu yaive yakato shaker kare.Ndagara ndanga ndisisamude hangu" Me:"Inini hangu handidi kuzochemwa neni handidi kuve reason yekurambana kwenyu muri two zvekuti ndozonzi nevanhu ndiye akavarambanisa" Him:"Usafunge izvozvo , hausi tombori reason yekurambana kwangu na Ella asi ndokumbirawo Mafadzwa kuti usandihurire" ndakaseka ndokuti "Hausati wamdiroora" akati "Saka une ma intentions ekuita umwe mukomana?" Nechemumoyo ndakati "Ndikamuona anoda kundiroora asina mukadzi ndoenda" ndakati "Handimbodaro" akati "Promise me" ndakati "I promise" akati "Good babe rega ndikupe makeys ndoda kudzokera kuHarare mangwana makuseni ndinenge ndauya ndokuona mangwana handiti" ndakati "Okay" akati "Sekerera kani my love" i faked a smile akabva ati "I love you" ndakati "I love you more" akati "Waiti unoda kuenda kure kupi?Hauna kwaunoenda ende usaite hako mistake yekuenda somewhere usina kundiudza" ndaive ndozvitongesa kuti ndomuudza here or ndorega ndakaona hangu zvakanaka kuti ndimuudze. Me:"Ndirikuda kuenda kubasa kuChinhoyi Nashe , ndirikutoenda Sunday" akati "Wakundiudza nhasi?" Ndakati "Taitaura tese here kumashure uko" Him:"Babe usadaro , aiwa hauna kubasa kwaunoenda hako" ndakati "Iiii hazviite Munashe , ndinenge ndarwadzisa mai vangu haudiwo mukadzi anoshanda here?" Akati "Ibasa rei?" Ndakati "Mu reastaurant asi ndinenge ndiri cashier" akati "Haiwa babe kana zviri nani ndikupe mari iyoyo per month handidi uende kure neni ndokuzonoita msikanzwa ikoko" Me:"Handina zvandinonoita Munashe ,plus toonana zvakanaka zvisina kutya hauzvioniwo here my love" akayi "Haaa kana ipapa ndichida kukuona ndikakutumira mari kuti uuye kuHarare unongouya tinenge tichitya ani?" I sighed ndokuti "Munashe kani" Him:"Babe wami" ndakati "Ndokumbirawo Chirasha mama vanozonyumwa" akati "Nyepa kuti urikuenda kubasa ndokutsvagira imba kuHarare ndokuchengeta babe" ndakati "Hazviite Nashe , shamwari yamama hanzvadzi yake inoshanda ikoko" akatura mafemo zvekupererwa ndokuti "Fine handina zvandingaite asi unozvibata ikoko Mafadzwa" akataura nezwi rekuto commander chairo ndakati "Ndakunzwai Chirasha" akaburitsa makeys muhomwe kwakundipa."Ndakuenda ini" ndakati "Mufambe boe" ndakavhura door akanditarisa ndakati "Urikudei?" Akaseka ndokuti "Ndambotaura newe here ini?" Ndakati "Ziso renyu Ngara" akati "Daddy loves you wanzwa" ndakati "I love you too" ndakabva ndatovhara door kwakuenda kumba.Ndakasvika kumba mama vaveko "Urikubvepiko iwe?" Ndakati "Kunopihwa makeys naba Kayden" vakati "Mashoko andanzwa haana kundifadza Mafadzwa" hana yangu yakati bamu ndakati "Mashoko eyi?" Vakati "Chii chirikuitika pamuri muri two na ba Kayden?" Ndakaita kunge ndichazviwetera as semunhu akangwara ndakabva ndati "Zviiko nhai mama?Munoona ka zvamunoita munomhanya kufungira zvinhu zvisipo ndizvo zvakazoita kuti mutadze kubeliever kuti ndarepwa" vakati "Nyaya iyi yatenderera hanzi iwewe urikudanana na ba Kayden" ndakaseka ndokuti "Vanhu vemuno vagara vakandivenga mama igaro ziva imi matotora mashoko avo mukamaisa muhana.Hamu trust mwana wenyu handiti?" Vakati "Mbuya vaVaraidzo havanyepi mhani" ndakati "Mbuya iya ngaizive zvekutengesa mishonga yekubvisa nhumbu kwete kutaura kwaisina kuswera" Her:"Zvikazobuda chiri chokwadi Mafadzwa pano haupagari nababa vangu kudai." Ndakati "Nhai mama ndozviitia ndakamira pai?Nerespect yandinopa ba Kay iya" vakafamba kuenda mumba asi ndega ndakatoona kuti pashata.Ndakanodya ndapedza takabva taenda kunotsvaira nekusuka basa raivepo kani.Takapedza ndanzwa butter takakwesha nema bucket.Takamusiya machena takadzokera kumba mama vakabva vati "Huya pano" vaive vakagara panze vakati "Mafadzwa hauna vamwe mai kunze kwangu inini haudanane na ba Kayden here iwewe?" Ndakati "Handidanane navo mama" vakati "Une sure?" Ndakati "Ehe sure" vakabaya phone yavo kwaku player call record yandakapedzisira kutaura navo paphone yavo.Ndakaita kudikitira ivo vacho pachezvavo vaive vodedera phone yangu yakabva yaringer ndakashaya simba rekuitora kudaira.Vakaibvuta ndokubva vaseka vakandipa ndokuti "Daira uise paloud , daira tinzwe" ndakaita kudedera ndokuti "Mama ndakamanikidzwa navo haisi mhosva yangu" ndakapihwa mbama yekuseri kweruoko "Pfutseki handisi bharanzi ka ini imi makaitisana mimba wondiudza kuti wakamanikidzwa.Zvinoreva kuti nguva yese iyi maizivana henyu Mafadzwa unoda kundiuraya here iwewe" vaive voyeredza misodzi "Handichato believer zvekuti wakarepwa dairai phone mai mwana" ndakaidaira ndokuisa paloud "Babe" akadaro ndakati "Ba Kayden" akati "Urikuita kunge urikuchema hindava" ndakati "Aiwa ba Kayden handichadi ini kudanana nemi hangu handichadi" ndakapihwa imwe mbama phone ichinowira uko. "Ndino blamer iwewe Mafadzwa urimbwa wazvinzwa wandifambisa mbiri muno yekuti handigone kuraira ndiri hure ndini ndakakufanisa.Unoda ndiraramire kupi nhai Mafadzwa?" Vakagara pasi vakabata shaya ndaive ndangogara pasi vakati "Handidi kukurova ndokuuraya izvozvi tora tunhu twako ubve pano.Kubasa uku hauchaende ndomuudza Kudzi atsvage umwe" ndakadzungudza musoro ndokuti "Mama musadaro ndisiyei ndiende hangu" vakati "Wandiuraya Mafadzwa bp yangu yakwira chete chiiko chamunenge muchiita ichi.Murume wemunhu here Mafadzwa mwanangu ndakaramba ndiri ziii vakati "Mafadzwa handichadi kukuona pano hameno kuti nhasi uchararepi kubasa enda pano handisi kuda kukuona" ndakati "Maitabasa" vakasimuka kwakuenda mumba vakabuda vakabata bag rangu vakanhonga phone kwakundikandira zvese pamwe nephone ndokuti "Ndaneta ini ,ndaneta hauchinje Mafadzwa enda chero ukatetereka nenyika handina basa nazvo ndototi minus problem ndine mwana one ini Tadiwa ndiye ega mwana wangu" vaitaura vachiita kudedera ndakabva ndafamba kunomira pagate ndakanzwa moyo wangu kutsemuka nepakati hakuna umwe ainge azvikonzeresa aive Serina ndakatarisa phone yaive yadzima.Ndakaibatidza yakabaka Munashe aive aisa mazi messages chandakakwanisa kuita kumu blocker nekudeleter number dzake.Ndaive ndichadirei kuramba ndotaura naye iye anga andidzingisa pamba ende hasha dzaive namama dzairatidza kuti vakatsamwa havadzoreki.Ndakafamba kunogara mudondo chaimo kwave kuti nzvii ndipo pandakabuda ndakaisira Cynthia message yekuti agopa Munashe makey auya.Ndakafamba kuenda kwaMurambinda ndakarara murank asi ndaingochema moyo wangu waiita kubanda chaiko.Kufara kwangu kwaive kwe 2 minutes nguva zhinji yaive yekuchema.Makuseni ndakamukira kuenda Harare ndakaudza mama Kudzi kuti ndirikuuya vakatoshamisika kuti ndakasikirei ndakanyepa hangu kuti ndoda kungogarira ikoko.Ivo vacho vakati zviri right wagona.Apa nekugeza ndaive ndisina ndakasangana navo muHarare mutown "Mafa mwanangu urisei?" Ndakati "Ndiri boe hangu" vakati "Waita lucky bhudhi vangu vatorimuno mutown saka mobva matongoenda mese" ndakati "Horaiti mama" vakati "Mama havana kutaura neni hanzii?" Ndakati "Vachafona havo" vakati "Wadya here?" Ndakati "Aiwa handina" vakati "Ndokupa mari wotengera muroad" ndakati "Maitabasa mama"  vakandipa 3 dollars hapana kupera nguva hanzvadzi yavo yakabva yasvika.Ndakaona nekufanana takakwazisana vachibva vati "Mafa ava ndosekuru ava , bhudhi uyu ndiye Mafa wacho" vakanditarisa ndokuti "Uriseiko Mafa?" Ndakati "Makadii henyu sekuru?" Vakati "Ndinofara hangu , handei ndamisa vanhu" mama Kudzi vakabva vati "Ufambe boe Mafa ndichafonera mama ndovaudza" ndakati "Horaiti" takabva tatoenda takasvika paive nechirori vakati "Pinda kumashure" ndapinda lucky ndaive nezambia mhepo yemurori ndaiiziva hangu.Ndakazvivhara nezambia ndichibaya hangu phone yangu yakafonwa nenew number ndakakata ndakaziva kuti ndiMunashe ndaive nepain isingatsanagurike hangu yafonwa futi ndakadaira "Iwe hure iwe urikukata hako uchiziva nyaya dzako ndiwe urikudanana naMunashe" ndakaziva kuti mukadzi wake ndakati "Bratishiti mhani iwe kudanana nemurume wako kuita seiko.Usandinyangadze imbwasungata ziva zvekutonga murume uko kwete kuda kutonga neni ndisinei newe shure yakaora , be** rinonhuwa" ndakabva ndakata misodzi yangu yakaerekana yoyerera ndakabatidza data ndakaona video rakaiswa nenew number.Ndakari ignore handina kuvhura.Ndakasvikira pakubatirwa nehope ndakatozomutswa tasvika. Sekuru:"Mafa tasvika" ndakaburuka nebag rangu vakati "Handei kuseri uko" ndakatevera paive neka cottage vakakiinura ndokuti "Uchambogara pano kwemwedzi wozotsvagawo imba asi ndine zvandiri kuda kuti tionesane ndirikuuya" ndakati "Horaiti" ndakapinda kwakugara pakamubhedha.Vakadzoka pave paya ndatoneta nekugara apa nzara yaive yondibvunza mutupo handina kuzotenga chikafu.Vakavhara door ndokuti "Sorry nekunonoka" ndakati "Its okay" vakamboti zii ndokuti "Hmmmm shaaa kuti upinde basa panotoda mari i hope Kudzi akakuudza" ndakapusa munoziva ndakati "Havana" vakati "Eish saka uchaita sei?Hauna here yauinayo?" Ndakati "Ndine 10" vakati "Haikwani" ndakati "Ndobhadhara hangu mwedzi wapera ndashanda" vakati zii ndokudzungudza musoro ndokuti "Hazviite" Me:"Panodiwa marii?" Vakati "60US" ndakati "Nhai Mwari" vakati "MuZimbabwe hamuna basa remahara , itoita plan" ndakati "Handina ndingatodzokera hangu" vakati "Uchisiya basa re 220" ndakati "Handina mari dai zvaibvira mandipawo kana muinayo ndozokupai ndatambira" vakati "Hmmmm zvatingaite apa Mafa , tongonakirana ndokubhadharira worega kundidzosera" ndakati "Meaning?" Vakati "Hausi mwana mudiki make up your mind" vakasimuka kubuda ndakazvibvunza kuti chiiko chirikuitika muhupenyu hwangu ini.Baba ava varikutaura kuti vanoda kurara neni kuti ndiwane basa.Ndakayeredza misodzi ndakagara ndave kuzvibvunza kuti ndiri chiiko pasi pano ini.Munashe akandibatsirirei hake dai akandisiya ndakafa.Ndakanzwa moyo wangu kutsva uye ndaive ndoita kunge ndatakudzwa zidombo mumoyo mangu.Ndakachema ndave kufunga kuti ndoita sei , option chaiyo ndaive ndisina kudzokera kwacho ndaidzokera kupi ndaienda kunani.Kuri kunaMunashe ndanga ndisisade zvanga zvasvika munzeve dzemukadzi wake izvi.Ndakadzamisa pfungwa ndikaona kuti hapana hapana.Ndakabatirwa nehope ndichifunga ndakatanga kurota ndichiita kunge ndaive musango raive nemhuka asi ndainzwa voice raMunashe richindideedza.Ndakazviudza kuti handidaire ndakazoita zvekuvhunduka ndadonha ndanzwa chinhu changa chandivira pamusoro pangu ndakasvinura ndokuona sekuru vaya varipamusoro pangu.Ndakada kuscreamer asi ndakavharwa muromo ndakada kurwisa simba rikati wakandiisepi ndaive ndorepwa futi kechipiri ndakazvibvunza kuti ndakatadzei pasi pano.Mai vondiramba ,ndoita mimba ndorepwa zvekare pamusoro pazvo.Ndakarepwa ndakasvinura ndakatarisa misodzi ichiyerera ndakapfavirira.......... End of chapter ZIM🇿🇼 2US ECOCASH 100 ZIG ECOCASH 0788257321 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA INNBUCKS 2US 0716307914 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA AIRTIME NDIRIKUTORA ONLY NETONE AIRTIME YE 2US UNOTORA PICTURE RE JUICE CARD RAKO WOISA PANUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION 0716307914 OR +263 789491925 KANA UKASAPINDURWA DONT CALL UNOPINDURWA.NDIDZO ZVEKARE NUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION EDU JUST SEND CONFIRMATION YAKO NE ZITA REMUNHU ANENGE AISA MARI NEKEY YAKO YEBOOM READER.UNOBVA WAISWA KUSUB GROUP KUNENGE KUCHISVIKIRA BOOK. SA SIDE 30 RAND OTT VOUCHER BLUE VOUCHER ONE FOR YOU VOUCHER MOTORA SLIP CAPTURE MOISA PANUMBER DZIRI KUISWA MA CONFIRMATION NEKEY YEBOOM READER +263716307914 OR +263 789491925 BOOK REDU RINOVERENGWA NEBOOM READER KANA UCHI DOUBTER PHONE YAKO PLEASE MIRA KUBHADHARA BOOK RINOUYA RIRI PA BOOM READER CHETE.ZVICHEMO HUYAYI ASI CHIKWERETI KWETE BOOK HANDIKWERETESI.MUKANA URIPO WEKUTI MUGARE MABATA NZVIMBO KUSUB HUYAI HUYAI NEHUWANDU HWENYU MUNZWE HUTAKUNANZVA HURI MUBOOK REDU.I HOPE HAKUNA ANOSARA #kutsamwa KUNE LABOUR💚
❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 316

Comments