MAI YOLLAR SHONA  NOVELS🇿🇼
MAI YOLLAR SHONA NOVELS🇿🇼
February 8, 2025 at 06:54 AM
https://chat.whatsapp.com/FVWYvvKSS24LPPlB7KTuhV *Huya kune vamwe kugrp kunosvikira book* https://whatsapp.com/channel/0029VaIueYQCRs1hHK8hB31b *Vasina book kubva pachapter 1 handei paçhannel tinobaya follow uye ndiko kuti ukasire wawana machapters emberi.* https://chat.whatsapp.com/FDWMT1Se5gH4m0UzwWKjg5 *Kana book rakuitira hande nemacomments umo* *NDINI NDAKATADZA HERE* *✍️ By Nommar aka maiYollar* 📲+263773669548 📲+263719533043 *Chapter 13* *Musekiwa* Ndakaona hangu kuti mbuya namainini vaitotaura vakadekara chaiko vachiti handipo. Mbuya:"Nyama dzechembere rufa ndichimuka muroora." Mainin:"Munopora amai nyama dzino mborwadza." Mbuya:"Hiiii ndigo gwinya kutoita basa rangu here? ndingafara ondidya moyo ndi Musekiwa, moyo wangu ndoshuva kumuudza zvese ipapa haazivi kuti mai vake vaiva mukadzi wa Tapera." Mainini:"Izvo siyanai nazvo achazvinzwa anyatsokura, ikozvino mati pane chaanganzwisisa here?" Mbuya:"Zvinofunga Mwari hatizvizivi, ndinofuma ndakaoma iye asingazivi kumusha kwa mai vake, pano hapana anomuda anozodii hake?" Ndakabva ndabuda ndokuenda pavaiva. Me:"Handichadi kuona muchizvidya moyo futi mbuya, ndakuzviziva hapana chandisina kunzwa, kumusha kwamai vangu musandiratidza. Handinei navo nyangwe zvikaoma handitsvagi muroyi." Mbuya vakatanga kukosora ..ndokuzotaura. Mbuya:"Bodo mai ndi mai muzukuru usataura kudaro nhaika." Chakanyanya kundirwadza chekunzi vaiva mukadzi wa bamukuru Tapera, unogona kutomboseka mhamo serugare ndakatomboseka, ndofunga zvangu kuti mudhara wangu akaoma angahwetura mukadzi wemukoma sure.Yaahh ndaitofanirwa kungwarirawo gore randaizoroora chokwadi type iyi haitadzi kutsvetsva muroora, aitotyisa mudhara uyu. Mainini vakabva vanditi.. "Hapana chinochinja Musekiwa, mai ndimai mwanangu. Hapanawo zvavaigona kuita, ngatitende Mwari kuti havana kufunga kuuraya vakatoziva kuti unorarama." Me: "Mainini nyangwe mukaparidza nomuridzo handifi ndakada kuona mukadzi wamunoti ndivo mai vangu ende ivo ngavasambofa vakada kuswedera pedyo neni zvavo." Takaramba topikisana, Ndakazobva panana mbuya ndaserera hasha, ndakuenda kurukova kunogeza asika ndakanga ndava nemhinduro kuti sei bamukuru Tapera vachinditarisa neziso reruvengo. Kwaiva havo kudaro asi ko ini ndaiva ndaita sei ndini ndakatadza here? Zvinhu zvakazenge zvava kundiremera ndaida kuswera ndichitsvaga maricho vamwe ndivo vaiti vakupa basa wonzi mari wouya wotora.Vamwe waidzokera wopiwa vamwe zvaingopera zvakadero. Ada kuchererwa gomba remarara aingodaidza ini vamwe vaindipa zvekubika, ndakamboita garden ndichitotengesawo muriwo mvura yakabva yaitawo manyemwe ikakasika kupera ndiko kusiyawo zvegarden kwandakaita. Mbuya vainge voda anoswera navo dzimwe nguva ndaisvika vazviitira chaiko, ndakatanga ndichadana mainini asi kubva zuva randanzwa kuti vaizofanira kuripwa kana vabata tsvina yavamwene ndakabva ndatanga kugadzira mbuya vangu ndega. Rimwe zuva misodzi yangu yakatanga kungoyerera ndichifunga kuti mhosva yangu yaiva yei chaizvo, mbuya pavana vatatu ini ndiri muzukuru asi ndini ndotakudzwa mutoro wakadai, ndaishaya kuti ndozviti nherera here? kana kuti yangu nhamo yainge yanyanya, zvikabudura ndainge ndoita kusunganidza neshinda ndaiva ndongoita chero ndavhara pakavanzika chete, hembe kuita rengenya sendichadyiwa nembwa ndichifamba. Muraini vamwe vainge vopota vachiuya nechikafu asi vashoma vazviita kusanganisira vamwe vataingoti sekuru vaiva muzvina bhizimizi. Apa ndipo pandakaona kukosha kwe Church yako munhu,mbuya vaisaenda kuchurch vaizviti ndine bheriya yemusha kutoti kunamata hanzi ndonamatira mumba. Ndakafara rimwe zuva sekuru vekumagirosa vauya vachiti vaona baba vakavabatisa chikafu ndaimbozororawo ndichimbodya ichocho. Ndaka shamiska mbuya voti havadi kuchiona chikafu chacho mumba mavo,vakaita kuyerera misodzi neshungu. Me: "Aghh mbuya isu tisina here chikafu chacho regai tibike tidye, hameno zvavo na Mwari wavo,plus ndiko kutochinja kwavo hapana anoziva." Mbuya:"Muzukuru zvirinani iwe neni tinhongwe mumba umu tafa nenzara pane kutambira zvatengwa naTitus nix bodo ndaramba." Sekuru vakamboedza kuti ini ndini wamaomesera asi mbuya vakaramba vakashinga moyo. Ndakaitarisa sugar ichidzokera chokwadi apa kana tea ndaiva ndisichaizivi. Taiva torara mukitchen nambuya ndairara ndichifutidza moto vaichema chando. Vairara vachingotaura nyaya usiku hwese, dzimwe nguva kuvhumuka chaiko asi pane musi wakandishamisa Havana kutaura husiku hwese ndakafarawo kana ini ndakakotsira hope chaidzo asi mumba sandi madzikirira iwayo maiita kakurema hameno sei. Ini wacho ndaingovhunduka vhunduka kusvika kuyedze. Ndakamuka kungurunga porridge yehupfu hwezviyo hwandaiva ndakuya,rakati raibva ndakanyika tauro mumvura kuti ndipukute mbuya kumeso. Me:"Nhasi marara mbuya chimukai mudye usvusvu uhu." Havana kana kudaira ndakati ndivamutse ndinzwe muviri chando, zvaisada kuudzirwa asi kuona wega. Ndakatarisa kumeso vaiva vakashama muromo maziso akavhurika, ndakangoona kuti mbuya hapachina. Ndakaedza kutaura navo "Kkkkk mbuya musaita zvekutamba neni handiti kana mukadaro moda ndisare nani dzorai moyo ndapota." Ndakazvishingisa kwakubuda kuenda kumba kwa bamunini ndaka knocker, ko vanhu vaiva vachakarara zvavo. Mainini vakabuda.... "Kwakanaka here Musekiwa kwaunomuka kuseni kuno." Me:"Mainini ndaona sekuti mbuya hapachina." Mainini:" Ummmm Musekiwa zvaunotaura sedambe kudaro here waona nei?" Me:"Handei tinoona kani mbuya hakuchina." Mainini:" Ini ndinotya ngatidane vatete mai Phiri avo tiende." Takadungamidzana tiri vatatu takasvika vakatarisa vakataura kuti "chava chando." handina kuchema ndakabvunza tete. Me:"Saka todii tete?" Tete:"Rega titume nhume kwasabhuku ndozviripo, Mwari vatonga" 10 dzakasara dzochaya pamba pambuya vangu pazara,chokwadi wafa wanaka zvamunoona nguva diki iyoyo chikafu chainge chazara ndaitofunga zvangu kuti dai vakatipa chikafu ichocho kana hurwere hwambuya vangu hwaiderera sure. Vakomana vemuraini vaiva busy kutema zimuti raiva pamba raiva rakaoma hanzi kuitira huni kwandiri zvese izvi zvaita kunge ndiri kuona hangu firimu. Vana vambuya vangu vakauya vese vari vatatu vairatidza kurwadziwa nekufirwa namai.. "Nhaiwe Musekiwa watadza kupfeka hembe dziri nani here unotinyadzisirei pane vanhu." NditeteThelma vaitaura zvavo. Me:"Kkkkk tete motonyara ini nhasi ndatopfeka dziri nani, ko ndikazopfeka dzimwe dzacho munodii?" Vana mudhara ndaiita sendisingavaoni zvangu. Mbuya vakavigwa muromo nemaziso zvakaramba kuvhara, vamwe vaiti ishungu vamwe vaiti aiwa vanonoka kupetwa vatovigwa pane akazoti deno madziisa mvura moishandisa zvaiita. Vasiri vehukama vakabva kukasara vehukama pakazonzi pane dare remusha raida kuitwa. Ndakanzi ndipindewo. "Mudzimai wako aripiko Titus?" Ndevamwe sekuru vaibvunza kuna baba. Baba:"Varipo panze." Sekuru: "Ko kana tati musha handiti ivo ndivo vanamai vacho here ngavapinde isu tinoda kuenda titoriwo nezvakatimirira kumberi." MaiTadi vakadanwa vakapinda sekuru vakatanga kutaura.... "Vakomana ndini ndakudanai, nhau iripo ndeye mukomana uyu Musekiwa kana dziri dzekusachengeta kwenyu mai tombosiya nekuti neniwo ipapo ndine mhosva yekupeperwa hanzvadzi yangu nechizukuru ini ndiripo. Ndongoda kuziva kuti munofungei naMusekiwa?" Akatanga kupindura ndi bamukuru. Bamukuru:"Handizivi kuti muri kubvunza tese here kana kuti muri kubvunza baba vake." Sekuru:"Parizvino ndri kubvunza mese, muchiona musikana arara uyu anga achingochema nekuda kwemuzukuru wake mwana uyu,akagara zvakanaka mweya wake unozororawo." Ndakanzwa mai Tadiwa vakuti. .. Mai Tadiwa: "Pamusoroi vedare kana iri nyaya yaMusekiwa rega ndingoti.......... *Titus* Haiwawo ndakazongo musiya achipaumba ini sure ndinganzi imhosva kupa mai vangu chikafu here. Ko ivo amai kundiramwira chikafu hanziiko nhai veduwe, ndaitozvidya mupfungwa hangu, Ndaitofunga kukwira kuno kumbira ruregerero kana pane chavainge vakatsamwa, uye ndaida kuvatora varapwe kwachona. Hapana kutora nguva shoko range rauya kuti amai hakuchina.Ndakamboita sendarohwa nezvinhu, kutaura chokwadi ndakabaiwa pamoyo ini mai vangu ndaivada hangu. Ndakazvishora nekusachengeta mai vangu, chokwadi iye mai Tadiwa aiita seaitofarira kufa kwa mai vangu, aisanzwisisika zvaaiita hake ko iyo mhere yaakaridza hake hairidzwi nemunhu akakwana chaiye. Zvisinei mai vangu vakavigwa zvavo asi mashoko aitaurwa aiva akawandisa kunyanya pamusoro pedu. Ndakarohwa nehana nemashoko a maiTadiwa mudare rainge rataurwa nezve nyaya ya Musekiwa. Sure munhu angashinga kushama pamberi pehama dzangu kutaura kuti..... End of chapter 13 Achagara nani Musekiwa mbuya zvavaenda?
❤️ 😢 🙏 8

Comments