PRECIOUS a.k.a MANYONI STORIES🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI STORIES🇿🇼
February 8, 2025 at 01:52 PM
*💚MAFADZWA💚* (WHISPERS OF SWEET DEVOTION) https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N *VANODA FROM ONE FOLLOW CHANNEL INBOX YEMUNYORI HAINA BOOK.* MAIN GROUP https://chat.whatsapp.com/EVuEzgPoApJF9VTqnea07Z COMMENTS GROUP https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0 FACEBOOK GROUP https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI C 22 LAST FREE CHAPTER *MAI KAYDEN* Marriage yangu ndaisaziva kuti ichasvika pakurwadza zvimwe zvacho zvaikonzerwa namai vangu.I grew up ndichigara namama baba vaive vakashaya tichiri vana chaivo ini nemunini wangu Tanaka nabhudhi Reason.Avo vakazongoenda kuSouth Africa ndokunoti nyaa variko.Life yandakararama yaingove yekuti chauya chauya nekuda kwehunhu hwamama.Ndakatadza kunyora form 4 vashaya mari yekuti ndiregister.Vaive vopinza varume mumba nekuti vaigara pamba pevabereki.Ndakapedzisira ndave kuzvionawo kunge zvinhu zvakanaka ndaive ndotoitawo ndichiti ndizvo zvinoitwa.Zvinoita Mwari ndakazongoonawo munhu akada kundiroora anova Munashe.Takasangana kuGweru ikoko auya kuperekedza muchato weshamwari yake.Takapanana ma number takadanana zvakanakidza achibva atondiroora zvakadadisa.Regai zvinzi mahure anoroorwa zvinodadisa ndakatorwa nemuchato.Zvakadadisa zvino mai vangu vakanga vopinda pakati pangu nemurume wangu.Vaigara vachiuya iniwo ndaitiwo zvanetsa ndovaudza vachindipa mazano vana tete vakangodya mari yekuroorwa nekutorova road kuenda. Ndakazodzokera Gweru kumasungiro ndakabva ndangogara kumba kusvikira ndazvara.Ndakagara 4 months ndiriko kwakudzoka kumba kwangu.Ukuwo Munashe aive oti ndiende kumusha ndinoona mbuya vake.Mama vainditi ramba unogona kugariswa kumusha ndakaterera mashoko avo ndikaramba.He didn't react hake mukufamba kwenguva ndakazoona ndofonerwa nevamwe baba vandaimborara navo vachindipa mari VaMurwira vaive Mp vachindiudza kuti mwana ndewavo uyo ndaifanira kuuya naye vamuone.Ndakatanga ndicharamba asi vakaramba vachiita nharo ini ndaiziva kuti mwana aive waMunashe nekuti week before muchato ndipo pandaive ndarara navo.Ndakaenda kuGweru naye mwana vakamuona nekutoratidza hama dzavo mama vainditi siya zvakadaro tidye mari.Asi ini moyo wangu wairamba , ndakapedzisira ndatove muforo vachinditumira mari yekuuya kuGweru.Mota ndaive ndotya kushandisa ndaigona kuisirwa tracker.Munashe aiita sekunge akadzungaira asi pamwe pacho ndaiona kuti munhu uya angori cool asi zvekungwarwa paive pakangwarwa hapo. Chandakafarira haana kuita pressure nekuenda kwangu kuGweru kwandaiita aingoti okay.Ndaibva ndafara ndaiti ndikaenda taifadzana kwete zvekutamba kani.Achiti akandipa mari ndaiendesa kuna mama aisabvunza hake ndaiti ndikamuudza aingoti okay.Mbuya vake ndaingogumira kutaura navo paphone chete kuenda ndaisaenda hangu plus mama vakatondiudza kuti ndisanyanyofarire kutaura nayo mbuya iyoyo vanogona vaitoroya.Tikanetsane ndaimhanya kuudza mama ,zvino akazondibhowa munhu kwakutengesa maboutique ake kwakurega kundiudza mari yacho handina kuiona ndakaudza mama vakati musungise vese naTanaka.Ndakaita saizvozvo kusaziva kuti ndirikukuchidzira hondo mumba mangu.Paakabuda akadzoka achinja asisade kana nekutaura neni.Ndakamboti zvichapera asi akaramba akangodaro.Akashaikwa pamba kwe almost a month.Ndaive ndongogara ndichichema mama vaive vatouya.Bamunini Talkmore vaisatozivawo kuti aripi zvakaita kuti ndifunge kuti ave nema girlfriends.Rimwe zuva ndakabata phone yake hameno munhu anonzi Mafadzwa waaive aka pinner chat rake.Ndakanzwa chigodo kugara pahuro kutorwadziwa chaiko.Pamba aive asisagare aigona kuita 3 or 4 days asipo. Musi wandatuma Talkmore negrocery rambuya vake ndaida kunatsurudza kugadzirisa kutadza kwangu sezvo ndaimboramba kuvatengera chikafu , ndakazama kutaura naye umwe musi haa akaramba.Ndakabva ndatoenda kunamama ndakavaona vakagara naRevai uyo aive maid wangu ndaive ndakamutsvagirwa naTanaka aive hama yeshamwari yake.Ndakati "Revai imbobuda ndoda kutaura namama" akasimuka ndakanogara pacouch ndokuti "Mama zvinhu hazvina kumira mushe im scared i can't loose my marriage kuya kwandakabva handichadi kudzokera hangu." Her:"Usamunyengerere kana asisade" ndakashama muromo ndokuti "Mama i love my husband" vakati "Iwe Murwira ariko uko ungaswero netsana netwana twudiki utwu here ane mari seina Murwira here uyu?" Ndakanyatsovatarisa ndichizvibvunza kuti mai ava dzirikufunga here."Mama musadaro" vakati "Mwana uyu Kayden anozivikanwa kuti ndewe kwaMurwira saka iwe chauchada ipapa chii?" Ndakati "Murume wangu ndomuda musaite sekunge ndimi makarara naro dhara riya mwana uyu ndewa Munashe neiko musina tsitsi neni mwana wenyu mama" Her:"Chichaya hacho ipapo usazondipinze ndotoda kutaura naye ba Kayden" ndakaridza tsamwa vakati "Urikuridzira ini mai vako tsamwa?" Handina kudaira vaiita sekunge vanorasika pfungwa.Sure mune ane pfungwa dzakakwana anoudza mwana wake mashoko ekuputsa panzvinbo yekuti vavakiridze imba yangu.Yavarikuda kuputsa ivo chihure hachibhadhare ndakanga ndakazviita zvikapfuura Mwari vanga vandiwanira nyasha wani ndikaroorwa zvakanaka.Ndakaenda kukitchen Revai akati "Ba Kayden kumusha kwavo ndekupi?" Ndakati "Buhera" akati "Ndaimbovaona kwaMurambinda" ndakati "Yah vana gogo vavo vaigara ikoko vakashaya" akati "Horaiti".Ndakaenda upstairs kuroom kwaKayden aive arara pandakabuda ndakaenda kubedroom aigeza his phone yakaringer ndakada kudaira yakabva yakatwa ndakaziva kuti musikana chete.Akamufonera abuda kugeza ndakarwadziwa kani munhu aiita kutaura achisekerera inenge yaitove girlfriend chete.Yaingove rough rough naMunashe.Akabuda akandisiya ndirimo takazodzika tese namama ndipo pavakataura zvekuti hee ndakumboenda namai Kayden kuGweru.Ndakajamuka paakabuda ndakasimuka ndokuti " Mama enough please handichadi kutevera tsoka dzenyu ndoda kuita zve imba yangu" vakati "Ihasha dzeiko dzauri kuita Ella ini handidi kuzokuigira sadza kuchitokisi ita zvaekutamba" ndakati "Mama please endai mega ini imba yangu ndoida murume ndewangu ndicharwa ndimire.Makatadza kundiendesa kuchikoro nhasi mave kuda kundiputsira imba yangu.Aiwa mama zvimwe inzwaiwo tsitsi veduwee ndinotodawo zvakanaka muhupenyu hwangu" vakasimuka zvekusagaya kwakuenda upstairs.Ndakachema zvekuchema zviya ndakanzwa kurwadziwa pamoyo pangu.Ndakaenda upstairs ndakaona phone yangu ichiringer ndakaitora vaive gogo "Hello gogo makasimba here?" Vakati "Ndinofara ini mai Kayden maitabasa zvinhu ndazviona Mwari awedzere patapudzwa" ndakati "Muchitendeiko gogo ibasa redu kukuchengetai makatichengetera murume" vakati "Aaa kuti ndazvinhonga paroad here mai Kay?" Ndakati "Kwete gogo asi kuti itori kodzero yedu" vakati "Uchauya wondiona riinhi?" Ndakati "Next month gogo" vakati "Zvakanaka" ndakati "Ndozokufonerai time time" vakati "Zvakanaka" ndakakata ndaitove nestress ini .Manheru acho ndakatoita zvechisimba kuti ararewo neni ne2 minutes anga ato producer asi aisambodaro.Ini wacho ndakangoita zvandaive ndajaira kuzvibatsira ndega ndaive ndakuvara nezemo murume arimo. Following day racho ndakamukira kubatsira Revai basa mama vaive vatochena chena ndikaziva kuti shasha yave kuenda."Mamukasei mama?" Vakati "Ndamuka hangu enda unotora bag rangu ndiende hangu kumba kwamai vangu nababa vangu musare nema mereji enyu" handina chandakataura ndakanotora bag ravo ndakati "Mirai ba Kayden vauye" vakabva vatouyawo vakubuda , aive akatsamwa hake.Ndakamutevera rough yandakaudzwa asi ndakangoti hameno mari yandaive nayo ndakabvisa 50 US vaive vandishaishira hangu asi ndaifanira kutovachengeta.Grocery raivemo kare ndakaudza bamunini Talkmore kuti vavaperekedze.Ndakadzokera kunogara mumba ndichinzwa kurwadziwa.Ndakaswera ndakarara zuva iroro zvaisandiitira mushe.Manheru ndakasvikoudzwa kuti handichadi kukuona muno mubedroom.Yainge yave bad to worse. Simba rekuramba ndakarishaya semunhu aive nestress ndakanorara murooma maKayden.Asi ndaive nebundu mumoyo mangu pamwe nekudemba kuti chii chandakaita kuzvikanyira marriage yangu.Zuva rakatevera racho ndakamuka ndakamujamukira asi zvakashaya basa ndakaswera ndakarara.Ndakazobuda kuenda kukitchen mai Mona vaigara kuBudiriro kuimba yedu vaive roja vakabva vafona "Hello mai Mona" vakati "Murisei Mai Mpofu?" Me:"Mushe murisei imimi?" Vakati "Ndiri boe , mai Kay sorry yenyu musazonditi ndine makuhwa ndine nyaya yandiri kuda kukuudzai?" Ndakati "Taurai" vakati "Ndirimunhukadzi ndinonzwa kurwadziwa handifare ndichiona mukadzi biyangu achihurirwa ba Kayden vakauya kuno marimwe zuro nemusikana vakarara vachitinyaudza husiku hwese aiwa ndazama kuzvishingisa asi zvaramba" ndakati "Mati kudii?" Ndaive ndoita kubvira nehasha chaidzo "Regai ndikupei photo ravo vari two randakatora" ndakati "Isai ku app" ndakagara pachair ndoshaya zvekuita ndichiita kufemera pamusoro.Ndakanga ndarimirira vakaisa ari maviri rekutanga aifamba kuuya kuwire rimwe racho vaitove vese naba Kay vachibuda gate.Ndakaisa phone patable ndochema ndakanzwa Revai oti "Mafadzwa?" Ndakavhundukira ndokuti "Unomuziva?" Akati "Ehe , anogara aina ba Kayden asi mune hukama naye?" Ndakati "Finish ,ndohure rake iri" akati "Vanotoenda kumba kwaana Mafadzwa uyu" ndakati "Ndiudze zvimwe zvaunoziva , unoreva kuti ba Kayden vanogara vaine musikana uyu?" Akati "Ehe aaa ihure iri akanyepera mukomana wangu aida kundiroora kuti andirepa akanyadziswa kumapurisa.Mai Kay munoziva kuti ndakarambwa musi wemarooro angu ini and ndinofungira iye pane zvakaitika nekuti anodiwa nevarume anenge ane paakabata chete" ndakarova table ndokusimuka ndaive ndaita kufuta nehasha.Mai Mona vakatanga kufona handina kudaira ndaitova nehasha chaidzo.Munashe ndizvo zvaanga azofunga kundiitira hake.Ndakachema zvekuti musoro waive worwadza ndakabatirwa nehope pandakamuka ndakabuda panze kunofurwa nemhepo.Ba Kayden vakabva vauya takateverana mumba kunomubvunza asi nyaya yakasara yave kwandiri.Kayden aive akaudza baba vake nezvavaMurwira.Paakabuda ndakasara ndikagara pasi ndichipfikura kuchema.Asi zvaisandimisa kurwira imba yangu vasiri mai vangu.Ndakazosimuka kwakubuda ndakaona shasha yakagara musitting akati "Usatombondibvunza nezvaMafadzwa Ella ende usatomboita mistake yekunomugadzira handife ndakamuramba Mafadzwa" chigodo chakanoti mbii pahuro ndakati "Wafunga kundihurira zvakanaka ba Kayden" Him:"Iwe hauhuri here?Usade kunditsvaga wanzwa handidi zvejuchinjana mashoko newe" ndakati "Wakandiona?" Akati "Usandibvunze zvisina basa" Her: "Unayo here proof?" Akati "Aripo uyo Kayden handiti munoitira chihure pamberi pemwana mwana anotodzungaira kutadza kuziva kuti baba vake ndevapi.Im now doubting you uchadaro wakandichengetesa mwana asiri wangu zvino ndikazvibata kuti haasi wangu waparara Ella" ndakaseka ndokuti "Ita zvese zvaunoda uyu mwana uyu iropa rako shamwari chero ukada kutaurisa Kayden mwana wako" akati "Its okay asi ibva watogara waziva kuti Mafadzwa ndiye wandinoda" ndakaita kubayiwa pamoyo kani.Ndakati "Uri hure" haana kudaira ndakati "Harinyare zigarinya rechirume" akaramba ari zii ndaitoda kumutokonya ndaive nehasha ini munhu haangandiudze kuti anoda umwe munhu pamberi pangu.Ndakaenda kunomuzunza zunza akati "Ella ndisiye" ndakati "Ndiuraye ubve waziva kuti ndabuda mulife mako uite nezvaMafadzwa" akandibata maoko angu ndokuti "Handina mweya wengozi unonditeera Ella ndisiye tione" akandinakurira uko ndakachema ndakati "Ndokuda Munashe usandidaro" haana kudaira ndakaona asimuka ndakasara ndochema.Ndakazosimuka kwakuenda kuspare kwaKayden musoro waive worwadza ndakarara kuita flat chaiko.Pandakapepuka waive uchingorwadza musoro , zuva rakatevera ndakasara kumuka Munashe atoenda kubasa. Stress chaiyo ndiyo yanga ichandiuraya mai vangu ndakati handivaudze ndichazvigadzirisa ndega.Ndakafunga kufonera gogo ndivaudze ndiye munhu aikwanisa kudzora Munashe ende aivaterera mbuya vake.Ndakafona yakaringer ndakanzwa yodairwa "Hello mai Kay?" Me:"Makadiiko ambuya vangu?" Vakati "Ndinofara hangu muzukuru uriseiwo iwewe naKayden?" Me:"Tinofara hedu gogo kurisei kumba?" Vakati "Kuri nani hako" ndakati "Gogo muzukuru wenyu arikuita chihure kuno hmmm ndatambura" vakati "Hezvoo ko hanziiko nababa?" Ndakati "Handizive gogo kuti nditi akadyiswa ndotozvishaya ambuya ndatambura" vakati "Nyaya iyi haidi paphone muzukuru yakarema nyaya iyi zvaitoda tichionanana" ndakati "Ndinouya hangu gogo handitomboregi hangu" vakati "Zvatinoita mai Kay next week Saturday kurikuiswa dombo ragogo Munetsi ndatoudzwa naba Kayden achiti ndizvo zvaaronga.Unobva wauya toitaura nyaya yacho iye wacho aripo toonesana" ndakasekerera ndokuti "Maitabasa gogo maita henyu" vakati "Uchitendeiko muzukuru" ndakanzwa kutorerukirwa "Ndinoziva kuti munotererwa gogo" vakati "Zvakanaka" ndakati "Muswere boe ambuya vangu" vakati "Zvakanaka" ndakakata.At least ndanga ndave nehope yekuti anochinja mukomana.Ndakazvikadzimisa ndakati handiiti noise naye kusvikira taenda. And for sure kubva musi uyu hatina kutaura tese aingotamba yake ini ndichitamba yangu.Apa kudya akanga asisadye aiti akabva kubasa ozvikiira mubedroom ndaitoshaya kuti zvaifamba sei.Musi waaenda kumusha naTalkmore kunosiya dombo ndakaswera ndichifara patakapedza kudya lunch ndakati kuna Revai huya timbotandare.Takanogara hedu panze ndaida kuziva nezva Mafadzwa ndaida kuziva kuti mbiri yake yaive yei yekudiwa nevarume kudaro."Nhaiwe imbondiudza kuti Mafadzwa uyu anoita nezvei?" Akati "Mafadzwa angoriwo munhu akangofanana neni haashandi uyu.Asi anenge akatemerwa nyora chete dzekudiwa nevarume." Ndakati "Musi uya ndaive nestress waiti akaita kuti urambwe musi wemarooro chii chakaitika?" Akatanga aseka ndokuti "Ndakarambwa musi wemarooro mai Kay handizive kuti chii chakaitika ndainge ndatove nenhumbu ndakaita miscarriage kuchipatara ndikasvikonzi ndabvisa nhumbu.Murume nekutoti handichadi ndidzoserei mari yangu." Ndakati "Iwe usadaro ko hanzi chii?" Ndakati "Aive ex wake ndiye waakanyepera kuti amurepa akanonyadziswa kumapurisa" ndakashama muromo ndokuti "Zvakaoma nhai" akati "Aaaa naTalkmore uyu vakatombodanana ava ndiye munhu waakatanga kudanana naye kwakuchizopinda kuna ba Kayden" ndakati "Yuwiii kuita chipfambi chakapusa kudaro kuita varume vekuchinjanisa kunge hembe" Her:"Zvakaoma kani motoshinga henyu nekuti kamunhu kacho kanenge kanoziva mishonga akambopotsa afa nekurwara ndiwo madays aive ouya ba Kayden zvakanyanya kwedu uko" nechemumoyo ndakati "Saka ndiko kwakaenda mari" ndakati "Zvakaoma waita hako ndichaona kuti ndodii" akati "Kana kumugadzira imi mosiirei munhu arikudanana nemurume wenyu kuputsirwa marriage neumwe munhu kunorwadza mai Kay.Ini yangu yakaputsika ndisati ndaitanga pain yacho ndoiziva hangu semi mune muchato mozongosiiwa from nowhere nekuda kweumwe munhu asina kana basa.Ozongouya kutora hupfumi hwenyu hwamakashanda nemurume wenyu haaa imi musadaro imi" Me:"Ini hangu zven'anga handizvide asi zvave kundituma kuita zven'anga nekuti handirasikirwe nemurume wangu nekuda kweumwe munhu ini" akati "Zvinoda kushinga kune vamwe vanhu vakatumwa kuuya kuzoparadza zvinhu zvakavakwa naMwari"  ndakati "True" Her:"Kana muchida photo rake riri clear ndokupai" ndakati "Ko number dzake hauna here?" Akati "Ndopihwa nemwana watete vake , hakuna munhu anomuda" ndakati "Hure rinofarirwa nani?" Akati "Hapana sure" ndaive ndoda kumbofunga kuti ndodii ndakati "Rega ndimbonorara ndave kunzwa hope" akati "Okay" ndakapinda mumba kwakuenda kuroom kwaKayden ndakafunga kuti mama ndovaudza here or ndorega.Ndakazviudza kuti zvinhu zvangu ndoita ndega muphone mangu makapinda notification yemessage ndakatarisa ndokuona yabva kuna mama yaive yakanzi "Ella watondivenga ini mai vako nyakutumbura nekuda kwemurume unoziva here kuti ndomuudza mabasa ako awaiita kunashure uko" hana yangu yakarova ndakabva ndafona yakaringer nekudairwa "Nhai mama musandidaro?" Vakati "Aiwa handitsamwirwe nemwana wandakazvara kubva ndiende wakambofona here kunzwa kuti ndakadii?" Me:"Mama ndine stress ini ba Kayden vane girlfriend" ndakaerekana ndataura asi ndanga ndambozviudza kuti handitaure vakati "Wafunga kudii?" Ndakati "Mama ndiripakati handizivi ini" vakati "Huya kuno tizvipedze handiti wakati unomuda murume wako wotomugadzira nekuti ukasadaro inofa kwako" ndakati "Now makutaura mama kwete zvamaitaura musi uya" vakati "Saka urikuuya riinhi?" Ndakati "Tirikuda kuenda kumusha kurikuiswa dombo rambuya vaMunashe vekushaya vaye" vakati "Iwe ndakakuti kudiiko iwe siyana nazvo izvo huya kuno" ndakati "Horaiti mama" vakati "Good" Me:"Ndokuudza kuti ndouya riinhi?" Vakati "Ita zvekuti uuye mangwana" ndakati "Horaiti" vakati "Hatisisina chikafu" ndakati "Chiya mama chamakabva nacho chakatopera" vakati "Chingarege here nemhuri irikuno" ndakati "Zvakaoma okay ndouya nacho chikafu" vakati "Iwe kana usingade rega mhani" ndakati "Ndouya nacho mama handina kuramba" vakakata ndakatura mafemo. Ndakaona zvakanaka kuti ndiite wekugadzira Munashe wacho asi ndaida kutanga ndagadzira iye anozviti Mafadzwa uyu.Ndakazobuda kwakunogara musitting Revai akabva apinda nekuti "Ndapihwa number mai Kay" ndakazhinya ndokuti "Waita hako ko photo rake?" Akati "Ndapihwa futi" ndakafara kani.Ndaida kuzofona umwe musi hangu akandipa pamwe nephoto racho.Aive akanaka hake ndaisazvi compare naye regai aidiwa nevarume asi wangu ndaisamusiya achienda naye.Zuva rakatevera racho masikati Munashe akatosvika ndisingatarisire kuti arikuuya. Me:"Maswera sei ba Kay?" Haana kudaira zvaindirwadza zvekunyararirwa naye , ndakanzwa chigodo kunoti mbii pahuro pangu.Ndakada kumutevera asi ndakatya kunoudziwa rough ikoko.Ndakanga ndangogara musitting ndabata shaya papera chinguva achinhuwirira ainge ageza.Akasvikogara pacouch achibva ati "Ndisati ndakupa madivorce papers toda kutanga tawirirana" ndakaita kurohwa nehama ndikati "Madivorce papers eyi zvee?" Akati "Divorce paper nderei?" Ndakati "Wafunga kutondiramba Munashe?" Akati "Yah , ndoda kuita move on nelife yangu" ndakati "Kwete murume wangu ini ndinokuda chaizvo usandidaro kani ba Kayden.Ndapfugama nemabvi angu ndokumbirawo ba Kay usadaro" akati "Imbomira kundimanikidza Ella" ndakati "Usadaro ba Kayden" akati "Simuka ugare apa titaure" ainge atorova serious ndakati "Handisaine ma divorce papers acho urikuzvinetsa haundimanikidze kuita zvandisingade Munashe.Ziva zvekudyiswa nehure rako" Him:"Wakurwadziwa nekuhura kwangu ko iwe kwako?" Ndakati "Chihure chaunondiudza wakachiona here Munashe?" Akati "Why uine nharo Ella?" Ndakati "Hadzisi nharo asi ndikuzama kukuonesa hure rako rakakudyisa Munashe" akaridza tsamwa ndokusimuka akati "Rega program irikuda kuitwa ipere uchandiona kuti ndiri duzvi." Akabuda ndakaona kuti pashata apa ndakabva ndatoisira mama message kuti ndirikuuya mangwana.Moyo wangu waingotsva kuda kumufonera Mafadzwa wake iyeye.Handina kana nekudya hangu makuseni acho ndakamuka ndokugadzirira zvekubuda ndakati nditore wallet yemari ndakaivhura ndakaona musina kana cent.Ndakashaya kuti yaendepi mari yangu ndakatsvaga mari handina kuiona ndakavhundunyura hembe dzese mari can't get ndakatsvaga paaisa mari yake Munashe handina kuona mari.Ndakaita kunge ndave kupenga ndakati its too late ndoenda nemota ndakatsvaga makeys emota ndakamashaya ndakaona eCaravan.Ndakamatora ndakaburitsa mabag angu nemwana wangu kwakunoisa kumota.Ndakazama kumutsa kombi yakaramba kumuka ndakanzwa hasha dzekuti ndakapotsa ndarova Kayden.Ndakaburuka kwakuona tank rediesel rakavhurwa ndakaona sugar yakazara pasi ndikaziva kuti aisa sugar mutank mukomana.Ndakaita kunge ndichachema ndakabva ndafonera Mafadzwa ndakashurwa kuudzwa mashoko.Ndakabhidhaira kuenda mumba ndaive ndoita kufemeruka.Plan B ndanga ndisisina hangu ndakabata phone yangu kuenda kuwhatsapp ndakaona ndaisirwa video nenew number ndakadownloader video riya haaa zvandakaona ipapo ndakapotsa ndadonha Munashe aitofadzana hake naMafadzwa wake ndakaita kupera simba ndichigara pamatilea chaipo.Ndakachema kuita kubata musoro ndaive ndoshaya zvekuita , door rakavhurwa handina kuda kusimudza musoro kuti ndione kuti ndiani.Ndakanzwa izwi rakati "Makadii henyu?" Ndakasimudza musoro wangu ndakaona Mafadzwa uya aine umwe musikana waaive naye ndakati "Zvivindi zvako ndezvei Mafadzwa kuuya mumba mangu?" Vakatarisana akati "Mafadzwa ndiani?" Ndakaseka zvekuseka zviya ndikati "Ndimirire" ndakaenda kukitchen ndichiita kufemeruka chaiko ndakatora banga.Kwaive kusiri kufa ndekupi.Ndakariisa kumashure ndakabuda ndokuti "Urikudei pano Mafadzwa?" Mutema wacho akabva ati "Mafadzwa ndianiko?" Ndakati "Handisi bharanzi mhani imi" ndakafamba kunomira pamberi pake ndakabva ndamubaya mudumbu chaimo aka screamer achibata dumbu "Aaaaaaah mamaaaaaa!" Ndaive ndoyeredza misodzi ndakati "Wauya uchiti uchasangana nei ndizvo zvawavinga ndokuti udzidze kuti varume vevanhu havadananwe navo" ndakanzwa mota kupinda mugate hana yangu yakarova musikana aive mutema akavhomora banga "Tasha takuenda sorry munin'ina wangu rega ndifonere daddy" akadaro achiita kudedera ndaive ndangomira door rakavhurwa zvehasha vaive ba Kayden vaive vakaita kufuta chaiko akabva ati "Mafadzwa?Urikuitei pano?" Akamutakura akaita kuburitsa ziso akabva anditi "Ndirikudzoka gara warongedza mabag ako ubve pano"........ End of chapter *BOOK REDU RAVE KUWANIKWA KU SUB GROUP* PAYMENT DETAILS ZIM SIDE 2US ECOCASH 100 ZIG ECOCASH 0788257321 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA INNBUCKS 2US 0716307914 ZITA RINOBUDA TENDAI P MWANENGA AIRTIME NDIRIKUTORA ONLY NETONE AIRTIME YE 2US UNOTORA PICTURE RE JUICE CARD RAKO WOISA PANUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION 0716307914 OR +263 789491925 KANA UKASAPINDURWA DONT CALL UNOPINDURWA AIRTIME NDIRIKUGUMA KUTORA MANGWANA .NDIDZO ZVEKARE NUMBER DZINOISWA MA CONFIRMATION EDU JUST SEND CONFIRMATION YAKO NE ZITA REMUNHU ANENGE AISA MARI NEKEY YAKO YEBOOM READER.UNOBVA WAISWA KUSUB GROUP KUNENGE KUCHISVIKIRA BOOK. SA SIDE 30 RAND OTT VOUCHER BLUE VOUCHER ONE FOR YOU VOUCHER MOTORA SLIP CAPTURE MOISA PANUMBER DZIRI KUISWA MA CONFIRMATION NEKEY YEBOOM READER +263716307914 OR +263 789491925 BOOK REDU RINOVERENGWA NEBOOM READER KANA UCHI DOUBTER PHONE YAKO PLEASE MIRA KUBHADHARA BOOK RINOUYA RIRI PA BOOM READER CHETE.ZVICHEMO HUYAYI ASI CHIKWERETI KWETE BOOK HANDIKWERETESI.KUTANGA MONDAY BOOK REDU RINENGE RAVE KUUYA KUSUB.KUNE NYAYA KUMBERI UKO. MUNASHE ACHAZVIZIVA HERE KUTI MUNHU UYO ABAIWA NEBANGA HAASI MAFA? MAI KAYDEN VACHABVUMA KURAMBWA HERE?KUN'ANGA KWAVO VACHAENDA HERE? MAFA NAMUNASHE VACHASANGANA FUTI HERE? MAFA ACHAZIVA HERE KUTI ANE MUTWIN? ZVINODA KUTI UZVINZWIRE IZVI MIBVUNZO HOBHO ICHAPINDURWA KUSUB HUYAYI NEHUWANDU HWENYU MUNAKIRWE WASARA WASARA KUSUB UKO........ #kutsamwa KUN LABOUR💚
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 199

Comments