
QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌷*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v
*FREE BOOK READ , COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 10
*ZVIKO*
Zuva rakatevera ndakamuka kugadzirira zvekuenda kubasa hangu ndakasvika Chiedza asatai avemo mu office.Ndaive ndakasikawo ndakagara pachair ndichida kuisira mudiwa wangu good morning message.Door rakabva ravhurwa aive Admire.Ndakaridza tsamwa iye na Tafadzwa ndaingove nekamwe kakuvavenga soo ,Kelvin aivada ungati ndivo vaidanana navo.
Him:"Hesi Zviko?" Ndakati "Urisei?" Akati "Ndiri boe , ndanga ndichida kuona Chiedza i can see kuti haasati auya"
Me:"Okay" ndaisatoda kutaura naye akamira ndokuti "Wakanaka Zviko" i rolled my eyes ndokuti "Stop it Admire ,why are you complimenting me uchiziva kuti ndiri musikana wefriend yako.Please usadaro i don't like it" akaisa maoko muhomwe achiuya kwandiri ndainzwa kubhowekana naye hangu "Its okay" akabuda ndakasara ndikatura mafemo ehasha chaihwo ndainzwa kubhowekana nekuita kwake ini.Kubva musi uyu ndaive ndisisamumhorese uye mushonga wangu handina kumira kushandisa.Kelvin aive asisabatike paphone handina kuita dhiri nazvo nekuti ndaiziva kuti munhu wangu ari loyal.
Musi waadzoka ndakaita zvekuudzwa na bamukuru ba Ano tiri kubasa.Ndakafunga kuti pamwe ndichaudzwa asi haana manheru acho ndipo pandakafona paphone yake yaiti irikudzima yairamba.Ndakafona panumber dzeyaaive akushandisa "Chibabe chacho" ndakasekerera ndokuti "Hesi mudiwa wangu ko kusataura kuti wauya?" Akati "Ndanga ndakaneta my love mangwana ndouya but late" ndakati "Okay my love wakafamba boe here?" Akati "Ehe babe , ko imimi makasara boe here madam?"
Me:"Yes my love kutokusuwa chete" akati "Unobhowa kuona iwe haudi kufadza murume wako" ndakaseks ndokuti "Zvawadzoka zvanaka mudiwa tochironga zvemarooro"
Him:"Yah , saka toenda kwatete riinhi?" Akabvunza ndakati "Handina tete ini mudiwa wangu ndichabvunza mama kuti ndodii?" Akati "Iri boe my love ita fast ndikutore ndatononoka kubvisa tsinga iyoyo" ndakasekerera ndokuti "Okay my love ndakurara ini" akati "Night" akabva akata no i love you.Handina kuita stress nazvo ndaiziva kuti ndodiwa hangu.Ndakadzirara dzehumambo hope , zuva rakatevera ndakafunga kuti munhu achauya kubasa but cant get.Ndakaona Tafadzwa time dzandakaenda kunotora tea.Ndakati "Tafadzwa" akamira ndokuti "Chero usingandifarire hako imbozama kushower some respect Zviko musikana wa Admire anonditi bamukuru iwe wega ndiwe unondideedza nezita" ndakaseka ndokuti "Zvauri funny are you related naKelvin?Zvehushamwari ndisiye zvangu bamukuru vangu ndi ba Ano kwete iwe.Kelvin arikupi?" Akanditarisa achibva aseka akati "Urikubvunza ani mufonere" akabva atoenda aiita zvaiifinhura hake , ndakabva ndarova u turn.Ndakazofonera Kelvin ndamboita zvebasa apa aitonzwika kuti aka relaxer haasi kuda kukanganiswa ko kuzoti ndirikudya sweet.Ndakatoona kuti hapana zvemunhu arikuuya.After work ndakaenda nekwamai Vallen kunovapa mari yavo."Gogoi pano?" Ndakadaro ndichitopinda mudinning vaive vachito aina "Muno aina kurikupisa kudai hamufende?"
Her:"Tazvijaira izvi mainini , titambire ka?" Ndakati "Kutambira chiko?" Ndakazviwisira pasofa "Ko kuita kuzvikandira pasofa kufaro hanziikk urikuda kumatyora here?" Ndakaseka ndokuti "Hamusi mave kundiwanzira kabisira here?Nekuonda ikoku here nhai sisi?" Vakaseka ndokuti "Sorry shaa , wauya nemadhorazi angu here?" Ndakati "Ehe ndatoona kuti ndingadyiwe" ndakaitora muwallet kwakuvapa.
Her:"Watadza kungoisa neyedrink?" Ndakati "Don't worry sisi zvedu zvave kuita bamunini venyu vave kutaura zvekuda kuona tete"
Her:"Inga nyasha dzakatiwana zvino hatina tete ka isu vachaita zvekudii?" Ndakati "Ko iwe tete vaya vatinongonzwa vachitaurwa nezvavo nadaddy vachiti mwana wamai vavo kudii kudii varipi?" Akati "Tete mai two ava vema twins , variko hanzi vanogara kuHatfield.Unoziva tinogara tichizviti hatina ana tete ivo variko"
Me:"Asi daddy zvavanoita its not fair ufunge kutadzawo kutsvaga vana vamai vavo nekuda kwekuti vakakurira kuhama dzavo chikuru kuyamwa zamu rimwe"
Her:"Zvevana vanyamunhu zvinonetsa siyana nazvo uende naye kwasekuru" ndakati "Heeede kana kwasekuru mujubheki handiende iwe paya pawakabvisirwa wakasara ukarwara kunge uchafa dai vasiri mai Sirivhiya vakakuponesa nekukupa malemon nesalt waifa iwe"
Her:"Taura hako munin'ina wangu zvinototyisa izvi vanosvikoti wave kuroorwa newewo unotadza kuno enjoyer ku honeymoon uko" takarova chikwee tichibva tarovana maoko."Sisi ini handichagare regai ndiende"
Her:"I thought murikurara ka ini?"
Me:"No sisi ndouya weekend" vakati "Okay wamai" vakabva vatosiya ironing kwakundiburitsa ndakasvika kumba kwatosviba.Asi mama vaive vachiri vakavhura tuckshop "Mama vangu" i hugged her ndapinda mutuckshop.
Her:"Waswera here mwanangu?" Ndakati "Ndaswera boe ini mama kwakurisei kubasa?" Vakati "Kwakuri boe hako ko kwako?"
Me:"Kwanga kuri boe hako , i have good news amai vangu" vakati "Ndiudzei asikana unoziva kuti mai vako vanotoda nyaya zvekudaro" ndakaseka ndokuti "Mukwasha wenyu ave kuda kuuya kubvisa" vakabata muromo ndokuti "Ndave kuuya kupihwa zvinhu zvangu , inga Mwari vakanaka.Ndinokukurudzira kuti unamate mwanangu imba ndiwe mukadzi mabvi ako aya ndiwo zvese asati auya kubvisa kudai ndiyo nguva yacho yekuti ushinge pakunamata.Kunze uku kune mhepo uye dzinosimuka panoda kuitika chakanaka.Namatira umwe wako ,mushonga haubatwe kuti hanzi ndigadzire umwe wangu Mwari kana akati ndewako anenge ari wako zvesure" ndakati "Amen mama munoziva wani kuti kunamata ndiko kwandinoda"
Her:"Asi imba haivakwe nemanyepo mwanangu iva pachokwadi pazvinhu zvako zvese"
Me:"Ndirikukunzwai mama regai ndinodya" ndakadaro ndichibuda mutuckshop ndave kufunga nyaya dzangu.Ndaive ndatovhiringika ndakanogara muroom mangu ndave kufunga kuti ko mushonga uyu ukasashanda.Uye ndakaita chibenzi ndikaenda kwagogo zvakaipei ndikangoudza Kelvin chokwadi andiregerere pachiri padhuze.Ndakava more confused zvekuti kana kudya handina kudya zvakanaka.Ndakageza kwakurara ndichingozvitongesa Kelvin haana kutotaura neni husiku hwacho.Iniwo i wasn't ready kutaura naye ndaive nestress.
Mamyepo chaiwo sure haavake imba ko kana zvaizotadza kushanda.Uye kana chakashandira umwe hazvirevi kuti neni ndinoshandirwa nacho mari yandaive ndaburitsa ndakaona isina basa pane kuzo looser Kelvin.Ndakadzamisa pfungwa ndikaona kuti zvandiri kuita izvi hazvina zvazvinondipa ndaitozonyadzisa vabereki munhu auya kubvisa mari.Zuva rakatevera akauya kubasa asi hatina mukana wekutaura aive busy.Akaita almost two weeks angori busy zvinova zvaive zvakundibhowa paphone pacho taitaura zvema minutes.This other day akafona makuseni iri Friday "Hello babe" ndakati "Daddy" akati "Aiwa handisi daddy iti my love nekuti unoramba kuti ndikupe zvinonaka daddy munhu waunotendera kuti asabate body yako" ndakanzwa kakubaikana ndokuti "Its not funny" akati "No work today urikuswera neni" ndakanzwa kufara ndokuti "Wow thanks so much my love saka tirikuenda kupi?"
Him:"Kwaunoda babe" ndakati "Okay let me prepare nditouye" akati "Relax im coming to pick you" ndakati "Okay saka ndakumborara hangu"
Him:"Yes rest easy babe" ndakati "Wangu im not dead ka ini" akaseka ndokuti "Sorry ndakusuwa" ndakati "Neniwo mazuvano hamusi kuda ne attention yenyu irikudhura" akati "Hauoniwo busy yandinenge ndiri here?"
Me:"Ndozvinzwisisa mudiwa so tell me wakuuya" akati "Fine babe" akakata ndakazvitarisa pamirror ndokuzvitarisa ndichisekerera hangu "Im in love" ndakazviwisira pabed ndichifara.Akazofona kuma 10 achiti aripa gate.Ndakabuda sezvo ndaive ndachinja kare ndakasvikopinda mumota."My love" i hugged him we kissed asi kwete zvinoenda kure ainge atondisiya "Ko kusada kundi kisser wakisser ani?" Akaseka ndokuti "Ndisiye zvangu ndizvimbe wondisiya ndakadaro"
Me:"Nhasi unoita hako zvaunoda neni Kev , ndirikutoona kuti hauchisina rudo nekundibata because of that"
Him:"Chengetai ndoda muzochema musi we honeymoon" ndakangonzwa hana yangu kurova ndichibva ndangos smiler.
Him:"Hamuchadi kutaura?" Ndakati "No , tirikuenda kupi?" Akati "Urikuda kuenda kupi iwewe?" Ndakati "Chero" akati "Hoo ndokuendesa kwandinoda chero kubhawa" ndakaseka ndokuti "Ndakambokuudza kuti dai wakaita conedian zvaibuda Kev" akamutsa mota achiseka akati "Totanga tanotenga chikafu ndine nzara ini"
Me:"Hauna kubva kumba here?" Akati "Ndatiza mai Mapani kukamanisa munhu wese kumba nhasi hanzi munhu wese kumasowe ini manje kuenda kunonamata potsori church ndeyavo kwete yangu"
Me:"ko kana vanga vachida kuti munonamatirwa?Asi hauzvidi here?"
Him:"Handishoori ini asi kuti ndoenda nenguva yangu" ndakati "Tete Kiara vaenda here?"
Him:"Kiara mupostori akakwana diro yaanoita kuenda kumasowe unototi asi mwana uyu anorwara.Asi hakanzwi msikanzwa yega yega yakazara mudzoro rake" ndakaseka ndokuti "Kev unotaurisa hako" akati "Im being real Kiara haanzwi , not kuti zvevakomana haaa ritori dondo riya asi kuita kwake chaiko atori sasikamu uchauya uchamuona hako kuti ibenzi"
Me:"Ini ndovada nehubenzi ihwohwo vane rudo aunt vangu" akati "Akasaita rudo angaite umwe ndiani iye ariyariye tete vacho acharaira vana vedu" akasekerera achinditarisa ndakati "yes" akatarisa kumberi achi driver ndokuti "Nhasi waka chiller nei kudai?"
Mr:"Hapana hangu "
Him:"I know you munhu wangu chiiko chirikunetsa babe?" Ndakati "Ndine zvandirikuda kutaura newe" akati "Ndiripo ndese babes taura tinzwe" ndakati "Ngatitange tanodya" akati "Fine" takapinda mutown tikaenda mu KFC yekuna Jason Moyo Avenue.Paaive akubhadhara order vanhu vazhinji vaka screamer takacheuka tichida kuona kuti vanhu variku screamer chii.Ndakaona musikana aive adonha phone yaenda uko bottle remvura raenda uko ndakanzwa Kelvin oti "What?Amanda?" Akandipusha achienda paaive zvakandinetsa kuti animuzivira kupi akamubata matama ndokuti "Amanda!Amanda!" He shouted again ndakaona odikitira kwaisanyanyopisa asi akadikitira achibva atora phone nekubva amutakura akabuda achimhanya.I followed him kumota akanga amuisa pamother seat."Kelvin wadii kumuisa kumashure uye ndiani?" Akandinongedza ndokuti "Usapinde mumota mangu" aive oita kudedera akapinda mumota ndakavhura door rekumashure zvehasha ndaitoda explanation kwaari airatidza kuti anomuziva nereaction yaakaita.Ndakagara kumashure akatanga kudriver achiita kumhanya "Kelvin unondiuraya ambori aniko uyu?" Haana kupindura akaramba achi driver achiti akatarisa kumberi omutarisa takazoona tasvika kuna Baines.Akaburuka achibva amutakura akamhanya naye ndakabuda kutevera ndakazoona atoiswa pa stretcher bed , akatevera sister vanga vamupusha.Ndaive ndatove more confused hangu pave paye ndakazoona ave kuuya asi airatidza kuve weak ndakafamba kuenda kunomuchingura akabats musoro achimira rimwe ruoko rwakabata muchiuno "Please imbondisiya Zviko enda kumba" ndakati "Asi wave neumwe musikana Kelvin?" Ndakabvunza ndave kutoda kuchema akaburitsa phone yake muhomwe yairinger ndakanzwa oti "Arikuna Baines ndaisa wani location ku app" achibva akata "My love talk to me , usandirwadzisewo kani Kelvin" akanditarisa ndokuti "Enda kumba Zviko im not in the mood yekutaura newe right now"
Me:"Ndiani uyu musikana uyu ukandiudza ndoenda" he sighed Admire achibva asvika naTafadzwa "Where is she?" Akadaro Tafadzwa akati "Ndarambidzwa kumuona" Admire akabva acheuka kunditarisa akafamba kuenda vese naTafadzwa.Ndakaona kunetseka chaiko pachiso chaKelvin ndakati handiende.Akatevera vamwe vake papera dzinenge 30 minutes ndakaona ba Ano vachisvikawo ndakanyumwa kuti something was fishy chete.Ndakatevera kumashure kwavo ndakavaona vachienda ku ma private wards.Vakanopinda muward ndave kuda kudongorera ndakaerekana ndabatwa shoulder rangu ndakarohwa nehana ndichicheuka ndokuona ari Tafadzwa "Urikundibatirei?" Akati "Dzikama hako icousin yaKelvin iyi enda hako kumba abva kumba achirwara so she colllapsed" ndakati "Hoo ,manje im not going anywhere handiti nditete here ava zvanaka" ndakabva ndatovhura door kupinda vese vakanditarisa Kelvin ndiye akasimuka aine hasha ndokuti "Ndakuudza kare kuti enda kumba urikudeiko muno who invited you?"
Tafadzwa:"Boys imbosiyai tete varohwe nemhepo endai munoitira noise dzenyu kure uko" akabuda atori nehukasha ndakatoona kuti handina changu regai ndiende kumba kwamai vangu nababa vangu.........
*AMANDA*
Ndakazomuka ndichiona ndirimuchipatara ndichipuruzirwa ruoko rwangu ndakaziva kuti ndi Kev.Ndakamovisa ruoko rwangu ndaisatoda kuti andibate munhu haangandinyepere ka , aingotaura chokwadi kuti ndirikunoona musikana wangu.Ndaisazviziva here kuti ane musikana "Babe wamuka?" Ndakati "Ehe wanga uchiti ndafa handife ini mai vangu chaivo vanebge vakatombozama kundibvisa iri mimba ikasabva nharo dzandinadzo ndedze munhu akasimba ndisiye" ndakanzwa munhu akakosora , ndakamuka kugara ndokuona muina Tafadzwa na Sekuru Admire neumwe murume aive mugiant."Take it easy babe" ndakati "Makadii henyu sekuru nemi bamukuru nevamwe vacho?" Vakati "Tiripo hedu" sekuru Admire vakati "Ndiri boe muzaya" ndainzwa kuda kutomushura Kelvin , ndakati "I hope handina kuita miscarriage?"
Kev:"Hauna babe utori bor hako ingori shock chete yawaita.Babe ava ndibamukuru mukoma wangu" ndakavatarisa ndokuti "Ndafara nekukuzivai bamukuru?"
Him:"Neniwo mainini , mapinzisa mukomana chando asvikira pakundiudza asi aindivanzira" ndakati "Ndizvo zvamunoita maiguru here nhai bamukuru kunyepa , apa iye munhu achiti i hate lies.Haaa andibhowa munin'ina wenyu dai angobuda pachena kuti ndirikunoona musikana wangu ndakamuda ndichiziva kuti ane munhu wake"
Kev:"Babe kutaurisa" ndakati "Ndisiye nditaure , imi bamukuru Tafadzwa manga muchizviziva ka imi pane secret yake yamusingazive here?" Akati "Ini ndibvise ipapo Amanda handina chandanga ndichiziva ndafonerwa nditori kubasa achindiudza kuti Amanda angodonha ndirikutya kuti anogona kuita miscarriage atozondiudza zvaitika ndauya pano" ndakatarisa sekuru Admire vachibva vati "Handitombo tolerater nonsense pamuzukuru wangu dai andiudza ndatonetsana naye infact dai ndatokuudza" ndakati "Hoo" akabva ati "Toenda kumba here babe?" Ndakati "Ehe" ndainzwa kuda kumushaudha ndainzwa kurwadziwa neshanje chaidzo asi handina zvandaichinja zvaive pachena kuti munhu wake anomuda iniwo ndinenge ndaidirwa iyo nhumbu yandaive nayo.
He helped me kusimuka takaenda kumota tave kuenda ndakati "Its not fair but" akati "Sorry babe ko iwe wanga uchaendepi?" Ndakati "Kufurwa nemhepo saka hautodi kuti ndifambe usadaro iwe handisi mujeri ka ini.Dai wangotaura hako chokwadi ndanga ndisingakubvunze nekuti ndinoziva kuti ndakada munhu ane munhu wake"
Him:"Mai Ju hamusi makuda kurebesa nyaya here imi?" Ndakati "Handisi Kelvin asi ingova munhu anotaura chokwadi"
Him:"Ndakanganisa mai Jue im sorry , unoziva ndapotsa ndafonera mama kuvaudza kuti ndakamitisa nekuda kweconfusion ndakutya kuti unondifira"
Me:"Haiwawo" akati "Im feeling guilty hangu zviri nani ndingovaudze uuye hako kumba nekuti zvandiri kuita izvi hazvina hunhu"
Me:"Ko musikana wako?"
Him:"Atove subject pama conversation edu here?" Ndakati "No , asi kuti you promised her kumuroora plus ini naye we are different level rake nerangu hazvipindirane ndiye akafitana newe"
Him:"Eish babe zvambodiiko?" Ndakati "I'm being real Kev , plus handidi kuburitsirwa misodzi nemunhu i understand pain yacho nekuti ndakasangana nezvakawanda.Let's break up uite nezvemusikana wako" akatsika ma emergency breaks achibva anditarisa ndokuti "Zvirikubva kupi babe?Urikuda kuwana way yekundiramba nayo here usadaro Ammy" aive atosuwa inini wacho ndaitorevesa kumuda ndaimuda asi kuti ndizove reason yekuburitsa misodzi kwemumwe munhu ndaisada."Ndakuto kumbirawo Kev" akati "Hauchandida here Amanda?Kana paine chandakutadzira ndiudzewo"
Me:"Hapana chawatadza Kev asi ndaona zviri wise"
Him:"Ndomuramba nhasi chaiye Amanda usandidaro" ndakati "Usamurambe Kelvin ndokumbirawo , unoziva why ndirikudaro i understand how it feels to loose someone you love so dearly.Please usadaro" akarova steering achibva ati "Uine nhumbu yangu wotarisira kuti ndinobvuma zvauri kutaura forget it shamwari chibereko chako chakambotambirirei mbeu yangu hakuna zvakadaro" akamutsa mota atorova serious.Takasvika kumba pasina aitaura neumwe ndakati "Ko bag ranga riine zvinhu riripi?" Akati "Aaah ratosara iro wanga watengei?" Ndakati "Zvinhu zvemwana wangu"' akati "Totenga zvimwe babe zvatosara" ndakati "Okay" taka pinda mumba achibva anditi ndigeze.Ndakageza mvura yaipisa chaiyo ndapedza ndakaona ndagadzirirwa chikafu ma plain chips "I hope unomada babe machips andakubikira" ndakati "Isa vinegar yakawanda ndokutoti ndimadye" akaenda kukitchen akauya nayo ndanyatsoisa yakawanda ndainzwa kuda zvinhu zvaivavira ndiripakati pekudya phone yake yakabva yaringer , "Hello" akabva aiisa panzeve pangu "Mainini murisei?" Aive mukoma wake ndakati "Ndiri boe bamukuru masvika here kumba?" Vakati "Ehe ndasvika i hope mukomana haasi kunetsa uyu , maiguru venyu varikuuya kukutorai mangwana" ndakati "Kuenda kupi?" Vakati "Kuuya kuno kumba handiti mave part of the family mai Mapani vadiki vana mama namudhara mufaro wavainawo dai muripo maberekwa ndivo vatoti ngaauye muroora wangu" misodzi yemufaro yakatanga kuyerera ndakati "Maita henyu bamukuru" , ndakanzwa voice rakati "Hesi mupfanha ndini sisi vako" vakaseka ndakaziva kuti mukadzi wavo "Makadii maiguru" vakati "Iti sisi ndiri sisi vako ini" ndakaseka ndokuti "Muriseiko sisi vangu?" Vakati "Ndiri kufara mufunge mangwana ndouya makuseni chaiwo kuuya kukutorai mogara muri ready" ndakati ",Okay maitabasa"
Her:"Iri boe mainini" vakabva vakata ndakatarisa Kev ndokuti "Wato succeder kurwadzisa musikana wako?" Akati "Iwe hausi kufara here kuti wave kuuya kugara neni uchdiona 24/7" ndakati "Ndiri kufara Kev , i love you" akati "Watanga hako kuda kundinyengedza hausiriwe wanga uchiti ngatirambane uri mai Maria here iwe vane tsitsi kusiira umwe mukadzi murume" ndakati "Kunetsana newe kupedza nguva" akabva andibata chirebvu changu takaita eye contact nekubva tatotanga kukissana......
End of chapter
kutsamwa kune labour🌷
😂
🙏
👍
5