QUEEN ZEE NOVELS  WhatsApp Channel

QUEEN ZEE NOVELS

7.0K subscribers

About QUEEN ZEE NOVELS

*Welcome to Queen Zee Novels❤️‍🔥🤍* MUNO TINOBIKA MANOVELS EMHANDO YEPAMUSORO ENDE SUNUNGUKAI MUNO FEEL AT HOME🔥❤️

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 2:11:48 PM

🤣izvezvi tiri kufamba kuno simudza mbuya vaMona vandonyera pasi hedu

😂 ❤️ 👍 9
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 2:10:37 PM

Komurume akabatsira Chiedza ndiani nhayi

❤️ 🙏 👍 😂 😢 8
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 5:51:13 PM

*⚫️💘PPRECARIOUS LINES💘⚫️* Written by *QUEEN ZEE* Channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF Book *#15* CHAPTER *16* *CHIEDZA* “Yuwii yuwiii kani wondiuraya mwana uyu yuwiii” vakadaro mbuya vakabata muromo wavo waiva wandonyera pasi Andina chandaka taura ndaiva ndasemeswa sure munhu saka aibika muriwo waaibvisa muhembe sure. Mona akauya achimhanya aiva akatobata mudumbu make “Kohanziko nhayi mbuya” akadaro ivo vakabva vamuti “Mwana wamai vako uyu andi pusher kudonha pasi” vakadaro akandi tarisa akabva ati “Nhayi Chiedza ichokwadi here” akadaro ndakamu tarisa ndikabva ndamuti “Nhayi Monalisa wakandi tarisa ndiri munhu anga ita zvakadaro here mbuya yako ndairege kundi nyepera andizvide. Ungatadza neiko kurwara uchipihwa sadza nemuriwo waiswa mubrugwa nhayi. Muchipusiswa kudaro” ndakadaro nehasha chaiko mbuya yaijairira iyi “Chiedza usanyepa kudaro mbuya avangadaro” akadaro Mona ndakabva ndamuti “Wangu I don’t blame you the time yaucha pepuka it will be too late mwana wamai” ndakadaro ndichi buda hangu mukitchne ndakaenda kuno rara appetite yaiva tatopera hayo. Pakati pehusiku ndakamuka nekuda kwenoise yaiva panze ndaka shaya chii chaiitika. Mweya wangu wakangondiudza ndega kuti ndisabude asi ndirare hangu andina kubuda ndakazvi rarira hangu. Makuseni pandaka muka ndakaona mbuya vakagara pamukova wekitchen ende muromo wavo waiva wakazvimba. “Mwana wemuroyi” vakadaro ndakava tarisa ndikabva ndavati “Ndinokupai respect cause muri munhu mukuru asi kana makusada respect iyoyo call mai vangu muroi futi muone zvandinokuitai” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakati “Ndati mwana wemuroyi ndinoda kuona zvauchandiita” vakadaro ndakabva ndatarisa kuside ndaizama kubata musodzi waida kubuda hangu Hasha dzakatanga kubata pandiri ndaka ruma muromo wangu wepasi ndikabva ndaruma zvigumwe zvangu ndaisada zveku ramba ndakava tarisa. Mai vangu vaiva vasiri muroi kana ka1 chaiko. “Ehhh ndinoda kuona uchandiitei iwe mwana wembwa” vakadaro ndakabva ndafamba kuenda pavaiva ndakavabata ruoko rwavo ndakava simudza ndichiva tarisa ndikavati “Andisi kuzosiya muchi taura zvakaipa pamusoro pamai vangu. Zivai zveku taura manzwa andidi kurasa hangu hunhu nekuda kwenyu” ndakadaro ndakabva ndava siya ndakaenda padoor paMona ndakabva ndaknocker “Monalisa” ndakadaro ahana kudaira ndakavhura kwakuona aiva akarara “Mona asi uchiri kurwara kani” ndakadaro akabva ati “Zvava nani ndakapihwa mushonga nambuya ndiri kungonzwa hangu dzungu plus kurutsa” akadaro “Ok womwa mvura inodziya dai ndine Mari ndaiku tsvagira mapills ekumwa wanzwa” ndakadaro akabva ati “It’s ok Chiedza” akadaro andina hangu kuzogara Ndakabuda ndoenda kuchipatara sezvo mangwana taivhura zvikoro ndaida kunoona kuti mai vangu vaiva sei havo. Ndakasvika kuya zvikanzi it’s still the same paiva pasi a machanges ndakangoisa prayer ndikabva ndavaoneka. Ndakabuda kwako dzokera kumba ndakabva ndasangana nava Nhari vakanditi “Sorry hako Chiedza nemusi uya plus madrama akaitika asi just know you still have a place in my heart” vakadaro ndakava ignore ndaisada zvisina basa hangu. Ndati fambei ndakanzwa kubatwa zvine simba chaizvo plus kutonhora muhuro “Nyarara zvaka wanzwa” ndakanzwa voice ravo richidaro ndakapindwa nechando chisingaite Vakandi dzonzera muchimwe chidondo so “Rara pasi tione” vakadaro ndakavhunduka andina chimwe chandaka funga kwaiva kuita zvavaiva vataura ndarara pasi kudaro vakauya pamusoro pangu vakadambura pant rangu sekuti vaidhonza tambo yepachigayo chedhiziri chiya. Phone yavo yakaringer panguva iyi vaka ramba vari pamusoro pangu vakabva vaitora vakadaira ndakaisa a prayer mumoyo mangu “Nhayi Mwari ndizvo zvamada here izvi” ndakadaro musodzi yoyerera apa banga raiva pahuro chaipo vaya vakadaira phone yavo vari “Hello mandebvu ndinaye kuno musikana uya asi ndikuda kumbotanga ndapedza naye” vakadaro ameno vakanzi vakabva vati “Inopenga chembere iya ingamudii munhu achiri mhandara haiwa rega ndimu kwapure chiweti chake mhani” vakadaro vachicutter vakabva vandi tarisa vakati “Waindi dadira Iwewe dai now ndiri kutoku chengetedza so wanzwa manje wakandiitira dzungu rega ndichinzwe chiweti chawaidada nacho ichi nxaa” vakadaro akuna munhurume mulife mangu aiva akambondiona sikarudzi yangu ndakanzwa kuzvivenga kuti sure baba ava. Dai aiva kudiwa wangu Respect zvaiva Nani manje baba ava zvaiva zvisiri hazvo nyore. Ndakanzwa kugumwa gumwa kuzasi kwangu “Maihwiiiiiiii hangu mwana wemuroyi uyu” vakadaro vaNhari vachi tsvetuka kubva pamusoro pangu. Ameno vaiva vadii andina kana kuda kutarisa ndakango simuka ipapo ndiri bara kuenda kumba chaiko. Ndakasvika nekungopinda mumba ndikabva ndazvi vharira ndakabata hana yangu chaizvo zvaiita kukwata nekutya. Ndakagara pasi ndakabva ndatura mafemo kasingapere chaiko Ndakaona kubata kwaMwari vaiva vandi ponesa panguva iyi sure. Ndakaswera ndiri mumba umu andina hangu kuzobuda manheru ndipo pandakaenda kukitchen ndakagadzira tea ndikamwa hangu. Ndaiva ndakunzwa kupera simba chaiko mumuviri mangu umu nekuda kwenzara. Ndakamwa ndakubuda padoor ndakaona mbuya vachi svika pamba vaiva vakabereka maoko kumusana zviya zvemunhu apererwa ende ndaiva ndisati ndakambovaona eversince vakadaro. Vakandi tarisa vakabva vanditi “seiko une moyo waka sindimara iwe” vakadaro ameno yaiva nyaya yei andina kuda kuva terera. Ndakango enda kunorara makuseni chaiwo ndakamuka kugadzirira zvinhu zvekuchikoro. Ndakamutsa Mona airatidza kuto shaya simba chairo zvinova zvinhu zvaka ita kuti ndiende kunoku gadzirira porridge netea ndakauya ndikamupa akadya akabva amuka ndakamupa mvura yekugezq mudish aka geza ndakamu siya akupfeka uniform ndakaenda kunobika chikafu chedu ndikano geza. Takaenda tese kuchikoro musi uyu apana aitaura neumwe aiva akango nyarara achiratidza aiva Kure nepfungwa akabva anditi “Wakanzwa here vaNhari vakarumwa nechidzvinyu chiya chihombe chine mavara mavara” akadaro ndakanzwa hana yangu kurova ndikabva ndamuti “Ehh hanzi vakarumwa pai” ndakadaro akabva aseka akati “Kumagaro wenah ameno vaiitei kusvika pakurumwa nhayi” akadaro ndakango shama muromo saka ndosaka pava vakajumper nhayi. “Saka varikudii now” ndakadaro akabva anditi “Nguva dzawanga uchichinja mbuya vauya kuzondiudza hanzi vari kuenda kunobatsirwa nekuti riri kuramba kubva riri kuramba rakanamira” akadaro ndakanzwa hana kurova zvakasimba ndakashaya kana chekupindura Mona hangu. Takasvika kuchikoro ende sezvo raiva first day rekuvhura takasvika nekunanga paAssembly. Mateacher akatanga kuuya achiti chingamidza kudzoka kwataiva taita kuchikoro ende panguva idzi headmaster vedu vakauya vakabva vamira vakati “Ndinotenda nekukuonai vana vangu nekudzoka kwamaita. Ndinokutendai henyu panguva ino ndinoda kutaura ndaka nanga maform 4 and 6 kuti term ino yatava ndiyo tekupedzisira vamwe venyu muri pano pamwe vamwe venyu vachadzoka zvee asi ndinoda kuti mushande nesimba vanangu mupasser muende mberi….” Vakadaro ende vaka taura zvakawanda havo. Takazoenda hedu kuma class edu takangodzidzawo zvishoma ndaizama hangu kuisa pfungwa dzangu pamwe chete kuti zviite. Mazuva akafamba tichienda kuchikoro pandaiwana nguva pese ndaienda kuchipatara kunoona mhamha hangu. Ende even mai vaRespect ndaienda kunovaona. Umwe musi ndabva kuchikoro ndakawana bamunini Garikai vakagara panze ende vaiva pazuva nyama yaiva yakaita kukwatuka iyi asi vaifambwa nemakonye waiita kunzwa smell yekushata kwemunhu. Chaiva chaiva chitunha hacho ichi ndochokwadi. “Makadii” ndakadaro vakabva vandi tarisa vakanditi “Pandiri kupora make sure pano uri kubva uri muroi Iwewe izvezvi vaNhari gumbo ravo rakazvimba nekuda kwavo” vakadaro ndikabva ndavati “Ahisi mhosva yangu asi ndino famba naJesu” ndakadaro vakabva vatanga kukosora mbuya vakauya vakabva vati “Iwe koukangofa hako ndizorore nhayi Garikai” vakadaro vachi taura nabamunini ahh ndaka siya zvakadaro ndichipinda mumba. Ende zvesure vaNhari gumbo ravo kubva paya raiva rakazvimba zvekuti kana kubasa kwavo kwekuenda kumashops nekaFancargo kavo zvaiva zvadhakwa. Munhu wandai nzwira hangu tsitsi hangu mukadzi wavo chete ivo vaiva vazvi wana ndiwo waiva mubayiro wavo chete baba ava. Ndakabvisa uniform yangu nguva dzaiva dzaenda saka ndakabva ndangoti regai ndiende kunoona hangu vabereki vaRespect ndakasvika pamba pavo ndikabva ndaona sis vaRespect varipo ndakava mhoresa hangu zvakanaka zvikanzi nasis vacho “Saka nhayi amai asi Respect aka shaya zvimwe here pane kutorana netuvana utu tunenge twapera tuchirarwa nababa vacho” vakadaro ndakango udyura maziso kuri kushaya vaitaura nyaya yei “Iwe mai Kupa ndizvo zvawawira pano here uyu siyana naye ahana kana chitema hake umwe wake uya kadiki ndiko kanazvo” vakadaro zvikanzi nasis vake Respect “Andisi kumboona any difference hangu nekuti vana ava vana vemunhu 1 ende zvakango fanana hazvo” vakadaro “Imi nyaya iyi amuizive henyu bvunzai isu nyaya yekumaraini ekwavo takatoinzwa tiri kuma village ekwedu uku nekuda kwambuya vacho kaa ava handi vanofamba here andiva nzwisise vanenge vano bata bata” vakadaro “Amai nababa ini ndakuonai regai ndiende” ndakadaro zvikanzi namai vake Respect “Zvino wakuenda usina kana kudya here mwanangu rega kuterera zvino taurwa natete vako ava mwanangu” vakadaro ndikabva ndavati “Ayiwa mhamha regai ndiende hangu ndanga ndati ndingoku dongorerai hangu” ndakadaro zvikanzi naivo tete vacho “Iwe Respect ahambofe akakuroora as long ndichiri mupenyu akuna zvakadaro wanzwa. Ende paanodzoka munenge matosiyana mastandarnds anofanha kuroorawo mukadzi akadzidza saye” vakadaro I couldn’t stand it hangu ndakabva ndavati “Regai ndiende hangu tete Maitabasa” ndakadaro ndichitooneka kuenda ini zvekuudzwa mashoko ezvinhu zvandisina kuita ndaisada hangu: Ndakaenda kumba ndichisvika ndakaona mbuya vachinetsana naMona “Iwe simbe iwe suka maplates wanzwa ndasiyana namai vako vakaku regedzera” vakadar zvikanzi naiye Mona “Munoda nditaure nepaiko kuti andisi kunzwa mushe nhayi mbuya apa mai vangu vapindira pai nhayi” akadaro ndakango tarisa hangu ndaiva nditori nestresa dzangu saka zvevaviri ava ndakasiya zvakadaro. Avawo bamunini vaingoti semesa nemuviri wavo. Ameno zvakazodii ndakaenda kuroom kwedu ndaiva ndakurara ikoko nekuda kwaMona airwara. Manheru mbuya vakauya vachida makey ebedroom ramhamha “Mukumadii” ndakadaro vakabva vanditi “Ndoda kuisa baba venyu ava imomo” vakadaro ndikavati “Haiwa kana munhu akaora kudaro pabed pamai vangu” ndakadaro zvikanzi naivo “Iwe usandi farisire wanzwa” vakadaro ndakava ignore ndichitono rara mahusiku aya andina kurara ndaiita kunzwa sekuti pane mombe yaikuma padoor peroom redu Mona aiva akarara ndaisada kumu kanganisa makuseni mbuya vakamukira ndakaona vachigadzira gadzira zvinhu zvedu zveku chikoro “Mamukasei” ndakadar vakabva vanditi “Mutsa Mona mugeze muende kuchikoro” vakadaro “Ahh nhasi atisi kuenda hedu” ndakadaro vakango simuka vakatsamwa vakabata poto yaiva neporridge vachienda kunorirasa nepoto yacho vakabva varidza tsamwa “Midziyo yamai vangu yamuri kurasa iyoyo muchavaripa” ndakadaro ndichito famba kudzokera muroom medu. “Hunge vachiri vapenyu kaa” vakadaro *Stay tuned………* Please note that this book is going to be on sale from chapter 18‼️ So 1 free chapter left. Mitengo yedu ichange yakamira yakadai kune vanoda kugara vatenga book redu kugara tabata nzvimbo kusub. ZIM SIDE🇿🇼 $1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena $1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai 80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena $2 airtime Buddie or Netone scratch cards SA SIDE🇿🇦 R30 one For you voucher R30 Kazang R30 Blu R30 Ott R30 All network airtime Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2 KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOENDA KUSUB PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 74
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 3:33:53 PM

Chapter 16 how far nhayi queen 😪 ndini Nani takamirira kunzwa kuti mbuya yadii

❤️ 👍 😂 😢 🙏 35
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 6:58:14 AM

React before reading

❤️ 1
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 4:47:32 PM

Ana mai Garikai ndiri kunyora

😂 ❤️ 😢 👍 🙏 😮 18
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/2/2025, 9:17:09 AM

Chapter 17 ikunyorwa🔥❤️❤️❤️

❤️ 👍 10
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/2/2025, 4:43:14 AM

https://chat.whatsapp.com/L4W8096vVqxGdHoENVSUSt VACHADA HELP NEBOOM READER JOIN THE LINK ABOVE IRO. BOOK REDU KUTANGA PACHAPTER 18 RICHANGE RAVA KUVERENGWA KUSUB GROUP ENDE RICHANGE RICHIVERENGWA NEBOOM READER. VERENGAI ZVIRI PASI MUNZWISISE KUTI MITENGO YEDU ICHANGE YAKAMIRA SEI. Mitengo yedu ichange yakamira yakadai kune vanoda kugara vatenga book redu kugara tabata nzvimbo kusub. ZIM SIDE🇿🇼 $1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena $1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai 80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena $2 airtime Buddie or Netone scratch cards SA SIDE🇿🇦 R30 one For you voucher R30 Kazang R30 Blu R30 Ott R30 All network airtime Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2 KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOISWA KUSUB. NO MATEXT OR MACALLS KANA WAISA MESSAGE PAAPP INOPINDURWA PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY

👍 1
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
6/1/2025, 6:58:40 AM

*⚫️💘PPRECARIOUS LINES💘⚫️* Written by *QUEEN ZEE* Channel https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group https://chat.whatsapp.com/JMtqk1OS11m8BYsy5WSjuF Book *#15* CHAPTER *15* *MAI GARIKAI* “Aiwa asekuru andina rhino hangu pazvinhu zvamava kutaura izvi” ndakadaro vakabva vaseka vakandi tarisa vakati “Rungano wava kundiona sekuti ndakapusa here ini ausi kuona here kuti uri kukonzeresa zvinhu zvakawanda nhayi. Sei usinawo tsitsi hongu ndakakupa masimba ekuita zvaunoda asi apa wakupfurira muganhu. Zvichakonzeresa zvinhu zvakawanda andidi zvisvike kuneni” vakadaro ndikabva ndavati “Zvinozo svika seiko kunemi” ndakadaro “Iwe ausi kuziva kuti shamhu yakakandwa munguva nemuroora wako ine chirevo here nhayi” vakadaro ndakaseka hangu ndikavati “Munotyawo zvisina basa imi apana kana chiripo ingori shamhu yakakandwa muguva paya isina kana chirevo” ndakadaro sekuru vakandi tarisa neziso ravo rimwe chete sezvo vaiva vasina rimwe “Rungano usade kundiitira sekuti unoziva zvese handi. Hongu mukadzi uyu ahabate mushonga asi akakanda shamhu iyi nekuda kweshungu. Ende unoziva Iwewe kuti kurara kwakaita mwanakomana wako Garikai nemwana wamukoma wake zvaka nyangadza mweya weuyu wakafa akafuratira paachadzoka uchaona hako nekuti ndiri kuona kuti une shungu kwazvo wakasiya musikana une pamuviri pake” vakadaro sekuru ndikavati “Imi musandi tyira manzwa kana pane zviripo ndozviona kumberi hangu for now regai ndimbo relaxer zvekuvhunduka zvinhu zvichaitika kumberi uko kana ndiregei” ndakadaro “Heya ndiri kukupa yambiro sunungura muroora mukadzi wemwana wako mushakabvu uyu ukasadaro mwana wako Garikai ahapore” vakadaro sekuru ndakabva ndavati “Kana musisagone kuita zvekurapa nyararai ndichatsvaga kwekuenda” ndakadaro vakaseka havo ndakabuda mumatare umu ndakabva ndapinda hangu mumota yavaNhari ndikavati “Handei” ndakadaro “Zvaita here zvamanga mafambira” vaka bvunza ndikavati “Zvakaoma kani hama dzamai Chiedza hanzi dziri kufunga kuti ndini ndakavaisira chitsinga zvavane strock kudaro that’s why vakatumira mhepo pamwana wangu” ndakadaro vakanditi “Ahh very sorry henyu amai ndino vimba kuti zvichafamba nenzira yakanaka” vakadaro ndakango gutsira hangu musoro vakabva vanyarara takasvika pamba ndakaburuka ndikava woneka. Monalisa wakafamba kuuya pamota pataiva apa svimaziso zvaiva zvakawira mukati akabva ati “Maswerasei mbuya” akadaro “Ndiri right” ndakamu daira ndichibva ipapo ameno vakataurirana kuti asi Mona akazouya kwandiri akabva anditi “Andisi kunzwa zvakanaka mbuya” akadaro ndikabva ndamuti “Kochii warwara nei” ndakadaro akati “Mudumbu mbuya wakatanga nezuro ndaiti zvichapera asi zviri kuita worse” akadaro ndikabva ndamuti “Iwe handi wangu wava kuonererwa uchi mhanya namai vako kuchipatara here” ndakadaro akabva ati “Maida ndidii panguva yakadaro hongu ndine kakusa nzwanana kandinoita naChiedza asi azvireve kuti mai vangu ndakuvarasa mbuya mubereki wangu chero akatadza sei ndiamai” akadaro ndega ndakaona kuti ndikamusiya akadaro aigona kurasika zvikaita zvimwe. “Andina kuti rasa amai vako asi kwandabva hanzi ndivo vari kutumira mhepo kuti baba vako vasapora” ndakadaro akabva ati “Zvakaoma hazvo mbuya ini andisi kunzwa zvakanaka ndinoda kumbo rara hangu” akadaro achienda ndakasara ndakamira ndaka bata muchiona hangu ende ndakatanga kuona pamba panapa pasisina munhu ndasara ndega ini pano. Chero Garikai wacho once ndava nemasimba ekunzi pano paiva pangu iye Garikai ndaimu dzinga zvee rombe chairo kushaya charinoita basa kutedzana nema dress amai. Ndaisazvida hangu asi apana zvandaikwanisa kuita mwana wangu uyu aindida zvekuti ndaimu shandisa kuti ndiwane zvainhu izvi zvemwana wangu Joshua. Ndini ndaifanha kudya mari idzi nekuti mwana iyeye ndini ndakamu zvara kumureera kusvika akura kuroora kwakaita kwakandi rwadza nekuti akaroora mukadzi wandisina kufarira izvi zvaka ita kuti ini nemwana wangu tisanzwanane asi kubva kare ndiye mwana wandaida uyu kwete benzi iri sababa vacho. Baba vaGarikai vaindi bhohwa kwete mbijana ndaisamuda murume uyu asi zvakangoitikawo nekuda mari kwangu uku. Ndaka tora nyama yandaida kubika musi uyu ndikabva ndaipfeka ndizvo zvandaiita. Ndaiyiisa kuti vanhu vaende pasi pangu ndakazobika asi Mona aka ramba chikafu zvinova zvinhu zvakandi bhohwa ndikano rara. Munhu aindi temesa musoro pamba apa ndeaka kekushaya nyama kakatsonga aka ndaitadza kuziva ndoka batira papi chaiko kaindi bhohwa kwete mbijana hangu. Ndakarara mahusiku ese ndakagara hope ndakadzishaya makuseni ndakamuka ndikabva ndakupura nekuto pfeka zvishangu zvangu ndichienda kuchipatara ndir munzira ndaka rangarira kuti sekuru vaiva vakati John aiva nemunhu wakasiya ane mimba yake waiva aniko iyeye ndaizovaona ndabva kuchipatara hangu. Ndakasvika kuya ndikabva ndanzi nadhokotera “mwana wenyu tava kumubuditsa nyama yavo yava kushata zvekuti mweya isu atichaugone” vakadaro ndikavati “Kana muchiti mwana wangu Ava kushata munorevei iye munhu wandakabva kuona zuro wakanaka” ndakadaro vakati “Atina kuto nzwisisa zvakatanga nezuro madeko” vakadaro ndakaenda kunoona Garikai ndichipinda ndakatambirwa nemweya wekuora chaiko apa aiva abviswa mabandage ndakasvika pedyo naye ndaka vhara mhino paiva potanga kutoita tumakonye so tudiki. “Amai ndiri kunzwa sekuru ndiri kudyiwa dyiwa” akadaro ndakatadza kana kuzvi bata ndikamuti “Kana madhoti ahanhuwi kusvika pakadai mmmmm wawora” ndakadaro wakandi tarisa neziso andina kana kuvhunduka ini. Andina munhu wandaitya ini panguva iyi ndikaona sekuti ndakukutya ndaipedza newe ndaisada zvinondi shayisa peace mulife mangu hangu. “Amai itai something” akadaro ndikabva ndamuti “Apana chandinoita ini apana kana chandiri kuita hangu nekuti iwewe ndaka taurirana newe zvinhu ukabva waita zvaka wega chimbogara wakadaro ndokuti uzive andidi zveku pikiswa” ndakadaro sure munhu ndaiva ndakamupa zvinhu zvekuti ashandise iye wava kuzviona kunge anogona kuuraya sterek kuda kutema vanhu nedemo. Uyu waitova nengozi mwana uyu that’s why ndaida kuzomu dzingawo kana imba ndirini ndava nemasimba nekuti waigona kuzondi ponda. Andina kugarisa umu Ndakabuda ndikabva ndagara panabenji epachipatara apa. Ndakaona Chiedza kachifamba kakabata mvura ndakango dzungudza musoro kana zvainzi kusunungura mai Chiedza ndiko kupora kwaGarikai kana ngazvigare vakafa vese zvivana zvasara azvinetse hazvo. Ndakaona kuti zvirinani kusiya zvakadaro hangu zvaiva Nani ndaiwana zvinhu zvese kana ava vari vaviri vakafa. Chiphone changu chaka ringer ndakaona vari baba vaGarikai “Hello kohanziko” ndakadaira kudaro vakabva vanditi “Ahh vamancube ndafona ndikuudzei kuti ruva renyu riya rangomuka rakasvava” vakadaro ndakarohwa nehana ndikavati “Matii chii” ndakadaro “Ruva rakasvava ende mumba menyu mamunovata pamukova pakagara kiti ndiri kuzama kuidzinga ahisi kubva ndava kutotya ini” vakadaro ndaka cutter runhare rwangu nekuda kwehasha. Ndakasimuka kuri kubuda pachipatara apa ndiri tsoka ndibereke kuzvimota ndaifanha kumhanya kumba uku kusati kwaitika chimwe. Ndaka kwira chimota ndikaenda kumba kwangu ndakasvika kwakuona hongu kiti yaiva padoor ndakaziva kwaiva kutsamwa chaiko ndakaisimudza zvikanzi nababa Garikai “Nhayiwe mai Garikai autye here” vakadaro baba raiva gwara haro iri andina kuva pindura ndakapinda mumba mangu kwakuona zvesure midzimu yangu yaiva yakatsamwa ende paidiwwa sikarudzi yemhandara munhu akauya mupfungwa dzangu wekutanga ndiChiedza ndaizomu gona here manje *CHIEDZA* Ndakaswera ndiri pachipatara apa musi uyu ava madeko ndakazo enda kumba hangu. Ndaka buruka pamashops kwaiva kwasviba apa nzira yataifamba nayo yaityisa. Ndakatanga kufamba kuenda kumba ndaito famba zvisina noise mukati. Ndaka famba kachi nhambwe ndasvika pane mamwe kadondo ndakanzwa mazwi kutaura zvakandi rovesa nehana kuti ndiananiko vaitaura musango nguva dzino. Ndakamira ndichida kuterera ndakanzwa paka taurwa zita rangu “Chiedza ane nharo” ndakanzwa munhu akadaro ndakamboda kusiyana nazvo asi zvakandi kurira ndakazongo enda padhuze kuti ndinzwe kuti zita rangu raitaurwa kwaiva kwakanaka here. Ndakaona vari mbuya vangu ndakanzwa nyora dzemudumbu kusunga nekuti vaiva vakamira nevamwe varume vaviri. “Munhu wandiri kuda kuti mupedze naye kaa muchauya kumba manheru motopinda mumba nekuti munhu iyeye ndiko kwega kumugona. Kana mamubata mamuuraya ndinoda kuti mundipe sikarudzi yake musikana iyeye zvimwe zvava zvenyu” vakadaro mbuya vangu ndakanzwa kutya kukuru chaiko. Kovaiva vadirei kupindwa nepfungwa dzakadai nhayi pamusoro pangu. Inga wani ndaiva ndisina kana daka nambuya ava konow zvaiva zvashata papi. Ndakanzwa kubatwa muromo ndakada kuvhunduka “Shiiiiii nyarara please” akadaro munhu uya ende raiva izwi rechirume. Ndakanyarara ahi hana yangu yairova. Munhu uyu akandidhonza divi randaiva ndisina kubva naro akaramba akandi bata muromo ndakaona vanhu vaya vakuenda nedirection yepandaiva zvekuti vaindibata ndikaitwa kanyama nyama. Takamira paya kwekanguva ndipo munhu uya paakandisiya muromo akabva anditi “Simuka tiende neimwe nzira” akadaro “Kondimi ani” ndakadaro wakandi tarisa ndaka tadza kuziva chiso chake munhu uyu asi waiva wakapfeka gemenzi rewhite rakachena kwazvo “Aungandizive nekuti andisi wepano asi ini ndatumwa nemwanakomana wababa vedu kuti ndiku chengetedze pakufamba kwauchaita. Ndanga ndakakuringa kubva kwese uku” vakadaro ndaka ita confused hangu andina kunzwisisa nyaya yavo. Vaka famba neni nechimwe chisango ichi tainzwa maibatwa vanhu asi andina kunzwa any fear nekuda kwemunhu wandaifamba naye. Ndichisvika pedyo nekumba wakabva wati murume uya “Akuna chinhu chinokunda munamato. Tikanamata kuna Mwari zvatinoda anotinzwa ende tirege kuiswa pamiyedzo nevavengi vedu. Mhinduro ingaita seyanonoka asi Unouya. Namatira amai vako vachaponeswa inguva ende zvine chirevo. Namatira munin’ina wako satan ari kumira Mira ipapo asi akuna chinokunda munamato. Pray for yourself also nekuti kuchema kuchauya ende kunoda vakasimba pamoyo” akadaro murume uya ndakatenda hangu ndaka famba naye kusvika pamba ndava pamukova ndakacheuka kwakuona kwaiva kusisina munhu ndakatadza kuziva kuti munhu uyu aiva aendepi. Ndaka siyana nazvo ndakavhura door kwakuona mbuya vachi buda kuroom kwangu naMona vakabva vati “Ukubvepi mahusiku ano” vakadaro “Kuchipatara kuna amai” ndakadaro vakabva vanditi “Ndiri kukuona uri kureba muswe pano iwewe enda unotora sadza rako randasiya mupoto” vakadaro ndaka shamisika hangu mbuya kundisira chikafu inini kwaiva kusinq kunaka chete. “Horait ndoridya mbuya” ndakadaro chero ndine nzara hangu zvaiva Nani kurara nayo. Ndakaenda kubedroom kwamhamha ndakabva ndawaridza hangu pasi ndakanamata ndikabva ndarara hangu. Kuma 1 chaiko ndaka pepuka ndaiva ndabatwa nemudumbu ndakatora phone yamhamha ndaida torch Ndakabuda ndikabva ndaenda kutoilet ndichingo pinda ndakanzwa mafootsteps evanhu ende mudumbu makabva manyarara. Ndakamira paya mutoilet ndichida kunzwisisa chii chaiitika ndakabva ndarangarira dhende randaiva ndarongerwa nambuya ndakagara mutoilet hangu kwekanguva. Ende vanhu vaya ndakazonzwa kuenda “Imi mbuya inoti jairira iyi apana munhu” vaka taura vanhu vaiva panze ameno ndakazonzwa kuenda ende ndakagara mutoilet umu ndakazo buda kuma half 2 chaiko. Ndakaenda mumba ndakapinda mumablankets hope dzakaramba kubata kusvika makuseni ndipo pandakazo kotsira. Ndichango batwa be hope ndakanzwa munhu kupopota “Anondi jairira Chiedza saka ahana kaa kurara pano” vakadaro mbuya vachi uya kuroom kwandaiva vakasvika nekuvhura door vakaona ndakarara vakabva vanditi “Waivepi iwe manheru” vakadaro “Muno mbuya ndingaendepi hangu Kowhy mabvunza” ndakadaro vakabva varidza tsamwa vakati “Waka waster chikafu changu futi kana kumbodya hako mwana uyu anondi bhohwa” vakadaro vachi taura ndakava tarisa hangu “Ipai Mona adye hake chimunya ini andina appetite andisi kunzwa zvakanaka” ndakadaro vakabva vanditi “Ukwane” vakadaro vachiridza tsamwa vachi buda Ndakasara ndakarara hangu ndakazo muka nguva dzati fambei ndakamuka ndikabva ndageza andina kuita basa hangu ndaiva ndisina simba iroro. Ndakapfeka ndikabva ndati ndiende kuchipatara hangu ndiri munzira ndakangonzwa mweya wangu kundi rambira kuramba ndichienda ndakabva ndachinja kwakutoenda kugomo ndaka tsvaga kwangu ndega ndakaswera hangu ndichi namata ndakagara ndega. Kuma 6 manheru ndkaburuka ndikabva ndafamba kuenda kumba ndichisvika pamba ndakaona mbuya vaiva vasina kana mufaro vachindi tarisa. Monalisa aiva aka nyarara ndakaona kuti waiva uchiri kurwara ndakaenda paaiva “Wava sei” ndakadaro akabva anditi “Siyana neni Chiedza ndanzwa nambuya ndiwe uri kukonzeresa zvese izvi why nhayi” akadaro ndakatarisa mbuya ndikabva ndamu tarisa andina chimwe chandaka taura ndaka famba kupinda kumba ndikabva ndagara hangu; ndakazo buda kuenda kukitchen ndakasvika mbuya vachi bata muskirt mavo vakabva vabuditsa nyama “Ahhh” ndakadaro chete ivo vaka vhunduka zvaka ita vasvetuke vachino ndonyera pasi nemuromo. *Stay Tuned……* Please note that this book is going to be on sale from chapter 18‼️ So 2 free chapters left. Mitengo yedu ichange yakamira yakadai kune vanoda kugara vatenga book redu kugara tabata nzvimbo kusub. ZIM SIDE🇿🇼 $1.50 EcoCash 0771969067 G.Mangena $1.50 Innbucks 0783015697 T.Dzingirai 80 zig EcoCash 0771969067 G.Mangena $2 airtime Buddie or Netone scratch cards SA SIDE🇿🇦 R30 one For you voucher R30 Kazang R30 Blu R30 Ott R30 All network airtime Vari kune dzimwe nyika you can send airtime through world remit or mukuru on 0771969067 ye$2 KANA WAITA PAYMENT YAKO APP +263771969067 NEPROOF OF PAYMENT YAKO THEN WOENDA KUSUB PLEASE NOTE THAT BOOK REDU RINO VERENGWA NEBOOM READER OR BOOM STORY USATI WATENGA BOOK MAKE SURE PHONE YAKO INOBVUMA BOOM READER OR BOOM STORY HUYAI TIZONZWA KUTI CHII CHICHAITIKA🔥🤌🏾

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 116
QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
5/31/2025, 7:46:08 PM

Queen ASI makamboita nhetembo kani

😂 ❤️ 5
Link copied to clipboard!