QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌷*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Uc
*FREE BOOK READ ,COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 14
*SPONSORED CHAPTER*
*MAI ADDIE*
Noku aive atondiratidza kuti anenge anga ava kutoziva varume ndakabaikana chaizvo.Ndakatevera upstairs ndakamuvhurira door akamira pamirror.Ndakada kumupa mbama akabata ruoko rwangu ndokuti "Handisi Amanda wamairova mama ini handidi izvozvo" ndakati "Uri mwana wandakazvara iwe kodzero yekundiita izvi hauna uye ndokurova ukafa" akandisiya ndokuti "Muri mai vangu try to show me some respect handidi hangu kurohwa mama" ndakati "Zvako zvekugangaridza izvi" ndakabvisa push rangu kwakumurova ndakasairirwa ndikanowira kudoor rebathroom yake akabuda ndakasara ndiri mushock chaimo.Noku mwana wandakazvara kundirova ndakasimuka kwakubuda ndakamuona asimo.Ndakagara pasofa ndikachema kuburitsa misodzi chaiyo ndainzwa moyo wangu kurwadza chaiko.Ndaive ndakatadzei zvekusvika pakurohwa nemwana wandakabereka.
Her:"Chamuri kuhwihwidza ipapa chii?Sandimi manditanga ini hangu mama zvese zvamunondiita handizvidi itai zvinhu kwazvo kuti tiwirirane" handina kumudaira akabhidhaira kuenda kukitchen akaisa ruoko kumusana akati ",Ndoziva kuti murume wenyu muchamuudza ndokunyudzai iri ende handizeze zivai izvozvo imi mairambidzwa nani kuita mukomana musati mawanikwa nadaddy handidi munhu anopindira munyays dzangu" ndakagutsurira musoro ainge andinongedza banga
Her:"Murikuchemeiko pukutai misodzi iyo tiri in good books wani mangoda kuongorora zvisinei nemi chete otherwise imi neni tiri boe takadai" ndakati "Chidzikisa banga mwanangu?" Akati "Pukutai misodzi mama" ndakapukuta hana ichiita kurova ndaitya kufa hangu.Akati "Good" akafamba kuenda kukitchen ndakaona Winnie akamira pacorner peroom yaive paside neroom yake.Ndakaenda kwaaive ndokuti "Zvawaona hazvinei newe enda unoita basa rako uko" akati "Horaiti" akaenda asi i was still in shock it was unbelievable mwana wangu anga aroyiwa chete pane zvanga zvaitika paari.Ndakakwira upstairs ndichizvidya pfungwa , baba vacho vakadzoka kubasa ndaisave munhu kani.Zvaisataurika ini ndanga ndapihwa warning ndaive ndototya nekuti haana kumbobvira akaratidzira attitude yakadaro.Mazuva akafamba ba Addie vachingoondoroka ungati munhu ane chirwere Noku aive obuda nguva dzaanoda achidzoka husiku asi aitangira vana bhudhi vake kusvika.
This other day baba vacho vakatanga kusvika iye asati asvika.Takadya havana kumubvunza tave kuenda kunorara vakati "Nokuthula wandisiri kuona arikupi?" Ndakati "Kuroom kwake" i lied vakati "Haana kuuya kudya nei?" Ndakati "Anga achangobva kudya pamasvika abva atonorara" vakati "Ndine zvandinoda kutaura naye regai ndiendeko" ndakati "Ko mukataura naye kuseni arikuverenga anga achiti haasi kuda kunetswa"
Him:"Wati anorara now wakuti arikuverenga" ndakati "Zvakasiyaneiko kwanga kuri kusada kuti mumunetse" vakati "Rega ndiende" vakakwidza mastairs hana yangu ichirova ndakatevera ndakavaona vamira padoor rakashama vakabata muchiuno "Where is she?" Ndakati "Haasi kugeza here" vakandinongedza ndokuti "Iwe ,handichadi zvekukurova arikupi Nokuthula?"
Me:"Anga arimo umu munoziva kuti imba ino yakakura pamwe ari kuguest room" vakati "Uri kunyepa Rachel ndati arikupi Nokuthula" ndakati "Nhai ba Addie murikuda ndinyepe here?" Vakati "Wagara urikutonyepa hako unoda kundiuraya here mai Addie?" Ndakati "Iwe siyana neni wanzwa izvozvi waperezeka kuonda enda unotestwa unenge wave nechirwere" ndakabhidhaira kuenda kubedroom.Ndakanzwa kuchema kwaNoku ndakabuda ndichimhanya ndakaona mwana achindhindwa nababa vacho.Ndakamhanya kudzokera mubedroom ndaive ndakutya kuti ndogona kubatanidzirwa ndikanobata.Ndaitetera nyama yangu , vakauya kubedroom.vachiita kufemeruka "Ndikafa inini nhasi ndikanzi nhasi ndafa iwe naNoku ndiwe munenge mandiuraya chokwadi unovharira mwana anga arikubhawa.Arikutonhuwa hake doro uyu" ndakati "Akatodza iwe baba vacho ini handisi mhondi mwana uyu iropa rako kwete rangu tsiura ndiwe muridzi wemwana" vakati "Horaiti mai Addie mazuva urikufarisa urikutora advantage yekunyarara kwangu"
Me:"kunyarara kwemunhu arikuziva kuti ane chirwere une mukondombera iwe handichatodi kusangana newe"
Him:"Okay" vakabuda ndakasara ndokurara , zuva rakatevera ndakaona Ado na Admire vachidya vari vese ndakatoshamisika kuti vave kuwirirana.Vaive vasingawirirane nekuti vakakura vakapatsanurana Ado aigara nambuya vake mai vababa vasati vafa.Pavakafa akasara ogara nemunin'ina wambuya ini ndaigara naAddie.Ndakafamba kuenda pavaive "Vana vangu" vose vakanditarisa Admire akabva asimuka ndokuti "Mamukasei?" Achitoenda kukitchen ndakati "Ko zvamunobva maita sekunge hamusi kuda nezvangu hanziiko?" Ado akati "I will not tolerate you kusvikira mandiudza kuti makadzingirei Amanda ende haisi kuzopera nyaya iyi?" Akasimuka Admire aive akatorova serious akati "Ado daddy wambovaona here?" Akati "Kwete" akaenda upstairs "Nhai Adonis ungabva wavenga mai vako nekuda kwemutorwa"
Him:"Kwamuri mutorwa asi kwandiri ihama hamuna moyo amai ende shamhu yamucharohwa nayo naMwari yakakurisa" akafamba kuenda upstairs misodzi yangu yaive yoyerera ndakati "Nhai Mwari ndakatadzeiko ini?" Ndakaungudza kani ndakaona voburuka vakabatirana baba vavo ndakati "Vaita sei?" Hapana akadaira hana yanhu yakarova ndakamhanya kufunga kuti asi vafa sekutaura kwavo.Ndakaita kunge ndichazviitira manyoka.Ndakavatevera panze ndakaona vave kutobuda nemota ndakasara ndikagara padoor ndakabats shaya "Nhai Nwari murikuzama kundiratidza chii muhupenyu hwangu?" Ndakanzwa kukikwa ndichinovira kwakadaro uko nemuromo futi ndakayuwira kusachems unenge usina kurwadziwa."Makatadza kubata murume wenyu achindirova mune hutsinye amai mazvinzwa hamuna moyo neni neiko?" Akadaro achifamba kuuya pandaive akasvikondinengedza banga ndakashiver ndokuti "Ndaive ndarara mwanangu usandiuraye"
Her:"Kufa munoda imi regai ndikuite kuti muende kuna mai venyu handiti paya makada kuzviuraya" ndakati "Kwete mwana wangu ndakumbira chihera usandidaro kani" ndakati "Nhasi ndave chihera nekuti mave kutya kufa kutanga nhasi mofanira kutomira mira pese pandinorohwa kana kutukwa otherwise munofa ende handitye kuuraya dai musimi makanditunhidza dai zvese izvi kusina kohwai gohwo renyu" akasimuka kwakunopinda mumba ndakasara ndotura mafemo.Ndanga ndaenda ndakaenda mumba ndichipukuta ropa ndakamuona akagara pachair ndakati "Winnet bikira Noku chikafu , urikudekmi chihera?" Akati "Bacon , three boiled eggs , ne toasted bread with butter" ndakati "Winnet mugadzirire chikafu" akati "Tea yangu usaise mvura" ndakaenda upstairs ndokunogeza muromo wangu.Ndakabva ndafonera Addie akadaira ari low "Hello Addie , varisei daddy?"
Him:"Vari nani i bp yanga yakwira asi vave nani havo" ndakati "Totenda Mwari" akati "Okay" achibva akata ndakarara ndofunga nhamo yangu.Ndakafunga bhudhi vangu mwana wamai uyo aive akakurira kwaana baba vake.Pakashaya mai akabva aenda hatina kuzomboonana zvekare taingotaura paphone zvikazongoguma zvakadaro pandakabatsirwa vana two.Ndiye aigona kundibatsira nekuti naNoku ndaigona kuurawa ndakatemba.Zvino ndaisaziva kuti ndovawana kupi ndakaswera ndakarara ndaive ndototya kufamba mumba mangu.Vakazouya ba Addie vakaiswa muroom ma Admire vana vacho vaingondiratidzira imwe attitude yandisina kunzwisisa.Ndakatotya kuenda kunovaona ndakazoona Admire ouya mubedroom "Makarara henyu murume wenyu achirwara hamuchinjewo makaita sei?Ini i changed ndatoona kuti makandikudza zvisizvo change mama hausi hupenyu uhu" ndakati "Kuchinja chii?Ndakatadza kukudza here?"
Him:"Ehe mama maindifurira kuvenga Amanda muchimupomera zvaasina kuita muchigara makamurova ndikazvitora kuzviita zvinhu zvakanaks but i have learnt a very big lesson"
Me:"Urikuti ndine hutsinye here Admire?" Akati "No mama asi ndirikuzama kukubatsirai samai vangu.Murume wenyu chaiye hamumutereri Noku nezuro akarohwa hanzi akauya akadhakwa mushure mekunge manyepa kuti aripo"
Me:"Vatanga nhema dzavo baba vako vakamuvengereiko , akavatadzira chii?Asi dai ari Amanda vasiri kugona naye"
Him:"Zvave zvenyu izvo asi ndati ndikuudzei kuti repent" akabuda ndakasara ndotura mafemo ,ndaive ndakavaitireiko vanhu ava ini.Ndakabuda kwakuenda kuroom kwaive nababa vacho.Vaive vakarara ndakadzokera kubedroom kwangu ndaivewo nedzangu dzekutya Noku.Mazuva akafamba vaive vaku recover Adonis akatotora leave kubasa nekuda kwababa vake ndiye aivapa mapiritsi.Noku aingoita yaaita uye hapana aimubvunza.Admire ndiye aienda kubasa kucompany kwaana Kelvin shamwari yake.Pavakapora vakatanga kuenda kubasa munoziva ndainzwa kurwadziwa ndichiona baba nevana vachitaura nyaya vachiseka ini ndikada kuti ndidairirewo ndainyararirwa kunge ndirikusemesa.Ndakati hazvina mhosva ini ndaive naye Noku wangu.This other day ndakabuda kuenda kumashops netsoka ndakasiya mota ndichida kutwasudza tsoka ndipo pandakabva ndasangana namai Rue vakatondimirira nemota."Pinda mudikani uriseiko?" Ndakati "Ndiri boe hangu inga waita basa" akasekerera ndokuti "Uchitendeiko" ndakapinda kwakugara achibva amutsa mota.
Her:"Wakanangepiko?" Ndakati "Kumashops"
Her:"Ndiko kwandiri kutoendawo hurisei hupenyu hwako?" Ndakati "Huri nani hupenyu hwangu ,ko imi asikana makazodii paya makangotiza hamuna kana chamakataura" akati "Unoziva chii hako mudikani mbuya vaya vakambondibatsira ndichakuudza zvakaitika rimwe zuva."
Me:"Zvakanaka sezvo varume vedu vachiwirana zvakaipei kuti tiwadzane" akati "Sure" akadaro achisekerera mai vaive veclass ava havo kwete zvangu zvechimbuya mbuya.Pamwe aizondidzidzisawo kuti aizviita sei , takachinjana manumber takasvika kuma shops tatochinja nyaya.Akatenga zvaaida same neni tave kuenda she played song yaZhakata hupenyu mutoro.Ndakaona kuti mukadzi aripakushushikana uyu.Akandi dropper pagate mota yaAdmire ichisvika baba vacho vakabva vaburuka vakaita kufuta ndokuti "Ndakati muendese anouchikwa kwete zvekuti muwirirane handitodi kukuona uinaye kana uine contact yake bvisa muphone mako" ndakati "Hezvoo sandimi makandi introducer kwaari here?Zvaipei nhai ba two" Admire akabva ati "Daddy izuva reku celebrater kani moms pindai" ndakaridza tsamwa kwakubhidhaira kupinda mugate manje ndaitozoda kutaura naye havandirambidze kutaura nemukadzi mubiyangu zvee......
*KELVIN*
Ndakatevera mukati but ndaitya kuti anogona akanganisika mwana wevanhu zvenhumbu zvaive zvisina basa asi iye ndiye wandaityira ndaifa zvee if anything happens to her.Ndaiita kudedera ndakanga ndamira pareception ndichingodongorera ndakazoona doctor ave kuuya ndakamhanya kunomuchingura "Arasikirwa nevana vaviri zvekuti dai mati nonokei aishaya umwe chete airarama.She is out of danger now im sorry for your loss" ndakati "Thank God ndingamuone here?" Vakati "Arara munokwanisa henyu kunomuona asi kana achinge abuda haachatenderwi kuita basa rinorema kana kurwadza nekuda kwekuti musana wake hausisina kusimba kusvikira azvara" ndakati "Thank you" akapfuurira kuenda ndakafonera ba Ano yakaita through vachibva vadaira "Tirikuuya ikoko , varisei mainini?"
Me:"She is fine arasikirwa nevana two anga aine matripplets.Kwasara one im happy kuti ari safe" akati "Thank God" ndakati "Dzokera hako kumba enda unochengetedza mhondi iyo ndoda kumudzidzisa lesson raasingafe akakanganwa nhasi arikurara muma cell"
Him:"Tichangobva pamba rega ndidzokere Tafadzwa ave kuuya na Admire urikupi?"
Me:"Coperate 24 kuBelgravia" vakati "Waita driving ipi wasvika ikoko?" Ndakangoseka ndokuti "Regai ndimbonoona mukadzi wangu" ndakakata ndichibuda panze ndakanotenga mvura ndaiziva kuti mvura anoida.Ndicho chinhu chandakanyanyoona paari mvura anonwa munhu wacho.Ndakanotenga ma 500mls angu 5 kwakunoisa muward maaive.Aive akakotsira ndakamutora maphotos ndichibva ndamupa forehead kiss.Ndakabuda kuenda kuoffice kwadoctor ndaida kunzwa kuti anobuda riinhi.Ndakasvikw nekupinda nekuzvipa pekugara "Ndingakubatsirei nei?" Ndakati "Mutauriro wauri kuita neni it seems like hausikundiziva handiti?"
Him:"Handingazive nyika yose ka nhai mukuru?" Ndakati "Okay ganza arikubuda riinhi mukadzi wangu?" Akati "Nhasi manheru ndoda kugadzirisa medication yake" ndakati "Okay" ndichibva ndabuda ndakaona Tafadzwa naAdmire nemutwin wakeAdo nababa vavo vasvika varipa reception"Aripi muzukuru wangu?" Ndakati "Regai ndinoona kuti amuka here?Makadii mudhara" vakati "Ndinofara mwanangu?" Admire akati "Muzaya uyu daddy" vose vakasekerera ndakaenda kuward ndakaona munhu amuka asi aichema , ndakatozomuburitsa mundangariro.Ndakamuudza kuti asara neumwe mwana akaratidza kufara , ndakazobuda kunotora Admire.Tafadzwa akabva ati "Ndirikuda kutaura newe?" Ndakati kuna Admire "Endai henyu sister perekedzai vanhu ava muward mune mukadzi wangu" vakaenda ndakasara na Tafadzwa ndokuti "Ndanhonga phone ine ma messages iyi" akadaro achiburitsa kambudzi ka itel" ndakaibvuta ndokuti "Ndeyani?"
Him:"Handisi kuziva asi ndainhonga pagate mamessages ese ekuti enda kuWestgate arimo im suspecting Admire nekuti kwasara kukaita hondo" ndakati "What?" Akati "Im suspecting not kuti ndiye zvinoda kutsvakurudzwa" phone yake yakabva yaringer akati "Ayas ndakazonyengawo zvimwe ....hello babe im busy ndotaura newe later" ndakanga ndatove kure nepfungwa chaiko.
Kana ari Admire anenge achizama kudii pakuti Amanda arwadziwe handina kuona shumo yazvo ini."Shaa rega ndiende babe aripaden" ndakati "Nhaiwe wakaitweiko nevanhukadzi?" Akanga atove chinhambo ndakasara ndotura mafemo ndaisanzwisisa ini nyaya dzacho.Vakazobuda ndakanoona babe ndakatozodeedza doctor ave kuti musoro.Ndakatozorarapo ndatoona kuti handingamumutse akanga abaiwa injection.
The following morning kuma 4 ndakamutswa necall yablaz."Hello" vakati "Ndanga ndichida kuuya zvino kubasa kwaita emergency rega ndiende mama ndivo vachauya"
Me:"No ngavarege , tirikuuya nhasi ngavatarise imbwa iyo maiguru vanokurirwa naye" akati "Boe umhorese mukadzi kana amuka" ndakati "Blaz hamuna wenyu mukadzi here?" Vakaseka ndokuti "Ndewedu tese asi mupfanha uri sharp shooter 3 boom one time aiwa ndodada nemi Mhukahuru" ndakati "Kufarisa rudzii kwamuri kuita bambo" akaseka achibva akata.Ndakadzokera mukurara zvekare.Akazondimutsa ndiye , takaita zvekuti tiende kumba on our way akandiudza nezva Admire ndega ndakabva ndatoona kuti ndiye munhu anga azviita.Zvino ndaida kutomusungisa chete.Ndakasvika kumba hasha dziri muhuro worse pakanzi namama vabereki vake vauya varikukumbira ruregerero.Ndaanosiya Amanda mubath ndichibva ndadzika downstairs."Right mauya pano kukumbirira mhondi yauraya vana vangu two kuti ndimusiye achifamba agodya umwe wacho asara?" Mai vacho vakati
Her:"Mwanangu kani ndave kukumbira ndirini mai vacho ndokumbirawo mwanangu hongu akatadza uye ndirikumushoora zvakanyanya ndokumbirisawo kuti musamusungise ndakumbirisawo"
Me:"Handiite izvozvo uye ini kana ndasvika panguva yekuita hutsinye hapana anondidzora.Mwana wenyu imbwa iyi munhu anoita kunge asina kubuda nepakabuda nevamwe.Wagona Zviko nezvawaita ndaitoshaya kuti ndokuramba sei.Amanda ndiye wandinoda ndiye mukadzi wangu waratidza kusafunga iwr namai vako nababa vako mese hamufunge" ndakadaro ndichitora phone yangu muhomwe ndaive ndotofonera mapurisa mama vakaibvuta "Aiwa Mhukahuru chiregai kudaro musafonere mapurisa tauriranai munzwanane" mai vake vainge voyeredza misodzi handina kana kunzwa tsitsi "Imi mai imi ndimi munenge makatodza mwana hutsinye nayo face yenyu yakashinga kunge comrade varikuenda kuhondo" vakati "Mwanangu tinobhadhara hedu madamages" ndakati "Mari yei?Chii chinonzi mari pamberi pangu handiide mari yenyu ini , i have more than you have" ndakatarisa mama ndokuti "Ndipeiwo phone yangu" apa ndaitaura ndichiita kudedera "Mwanangu tapfugama tokumbirawo usadaro inga makadanana zvakanaka neumwe wako wani nhasi wave kupindwa nemweya upi?" Iye akabva ati "Im sorry Kelvin ndiregererewo kani ndatozofunga ndaita i blame munhu aindiisira mamessages"
Me:"Murikuzivana waurikuda kuita zuze ndiani satan wemaroma" akati "Mira nditau..."
Me:"Shut up!" Ndakataura zvehasha ndaive ndoita kufemeruka baba vacho namai vacho vaive vapfugama vachichema ndakati "Im letting you go asi uchachifira.Uye urikuenda zvine marules and regulations one usatsike gumbo rako paCrafted Spaces hauchisina basa rako ikoko.Two usatombofe wakamira paunondiona otherwise ndokumamisa too bad ukandiona tiza.Kuzoti ukaona mukadzi wangu hautofanire kukosora handitombodi kana Zviko handidi hangu.Zveweek rino endai handina kukuregerera zvekuti hausi kusungwa izvo ndezvekumama wanzwa endai ndichiri mugood mood." Vakati kwanyanu vese kwakubuda ndakasara ndikavhara maziso angu misodzi ikayerera ndakaenda kuroom kwangu ndakaona babe aina maiguru asi kuita kwavo vaiita sekunge vane zvavaitaura ndakatukira mukuseka vaive benzi vaisaona kuti pano ndirikutukwa.Pandakanotorera Amanda mapiritsi nerimwe sadza ndakanomumirira achidya ndakazobuda nema plates ndakanga ndagara musitting ndairwadziwa ndikafunga muraramiro wakaita Amanda kutonzwa kunge ndini umwe munhu ouya kuda kumuvhiringa misodzi yaive yotoyerera.Ndakazonzwa mama voti "Hasha dzako idzi mwanangu ukabata kurova mukadzi haararami" ndakati "Wangu mukadzi handirovi asi akaitirwa zvandisingade neumwe munhu ndinouraya kuita kubvarura chaiko."
Her:"Unoda kudzikamiswa hazvidi kudaro tinoita ngozi mumusha zvino zvowochema ihasha here?"
Me:"Ndisiyeiwo zvee mbuya va Ano" vakati "Wagona hako wamusiya achienda zvimwe zvacho kungozviisa kuna Mwari ndichatonovakirwa munamato wekuti muroora wangu asawane chinomuwana" ndakati "Im scared mama iye munhu akamupa information ko akazama zvekare kuda kubvisa yasara iyoyo nekuti handisi kuziva kuti ndiani uye arikuzviita nechinangwa chei?" Vakati "Mimba dzekumhuri mwenyu hadzibve nemushonga izvo usatye hako asi sezvaitika izvi inobva uri mushonga kana.Usazoudze mukadzi wako ndezvedu tega izvi" ndakati "Munoti anozama here mama nemudiro waanoita mwana munhu wacho" vakati "Zvakanaka zvakadaro"
Me:"Regai ndimbomuona" vakati "Eho" ndakaenda upstairs ndakanzwa Kiara achitaura ndaisada kupinda asi paakataura zva Admire ndakavhura door ndatoshatirwa , ndakabvunza akamboti zii ndakaona oyeredza misodzi achibva ati "Bro hasha ndedzei?Aitoratidza kurwadziwa nezvaitwa makoti uye akatotaura kuti nayewo aitomudarowo but he realised kuti hazvina zvazvinomupa apota afa Zviko dai vasiri daddy vazomubata dai tiri pamariro izvozvi.He promised Zviko kuti anomuda kumuuraya and ndave kutotya ini dai angovharirwa hake nekuti Admire atori nehasha chaidzo" ndakashama ndokuti "Admire?" Ndaive ndozvibvunza kuti saka ndiani anga azviita."Makoti rega ndiende taurai nemurume wenyu uyu" akabuda ndakaenda paaive ndokuti "Babe Admire haasiriye azviita" akati "Ndatoshamisika zvataurwa natete zviri pachena kuti haasi saka ndiani" ndakati "Stop stressing yourself babe imboita zvehutano hwakhwako ndomutsvaga munhu iyeye" akati "Okay ndirikuda mahewu" ndakati "Mahewu akaita sei ndinotenga?" Akati "Mabuttermilk" ndakati "Okay paya pandambouya maiguru vanga vachiti kudii?" Akati "Maiguru vanotaurisa hako hanzi wakaonanepi nabamunini?"
Me:"Wadii kuti kubhawa?" Akaseka ndokuti "Chienda kani mudiwa ndirikutonzwa kumada" ndakati "Eho babe rega ndiende" ndakabuda ndakasangana namukoma "Blaz" akati "Varisei adzimai vangu?" Ndakati "Iwe mudhara iwe mukadzi wako haumuzive here?" Akati "Urikuendepi?" Ndakati "kumashops adzimai varikuda mahewu" akaseka ndokuti "Rega tiende tese" akapa Ano laptop tichibva tabuda tese.Ndivo vakadriver akati "Mota yamaiguru yaendepiko vabuda nguvai?" Ndakati "Maiguru ndiani?" Akati "Mukadzi wako?" Ndakati "Ko iwe wako ndiani?" Akanditarisa achibva aseka ndokuti "Mainini" ndakati "Wakapusa stereki paya unofira mahara" akaseka ndokuti "Bamunini mukadzi ndewangu iwe sandizvo here zvawandiita pandakaroora maiguru vako wakuramba nhasi" ndakaseka vakatsika mabreak taona mota yamaiguru yaka parker kunze kweroad ndakati "Maiguru?" Akati "Uyu mukadzi uyu arikuendepi?" Takabuda tese ndokuona vari busy kubata bata kumberi kubonet."Chiiko nhaiwe mukadzi iwe urikuendepi?" Akati "Bamunini mota kungodzima apa ndirikuenda kumashops kunotengera Ano mushonga aputsa bhodhoro remushonga wake wechikosor apa ane chikosoro chisiri kuita" ndakati "Endai neyangu iyo muuye nema hewu ma buttermilk mongotenga ari 10 arikudiwa nemunin'ina wenyu" vakati "Hazviite bamunini ndoda kuenda neyangu ndiyo yandajaira yenyu iri manual ka iyo" ndakati "Wakaenda kudriving school yepasi pemuti here iwe usingagone kudriver manual" akati "Handisati ndaijaira bamunini" ndakafamba kuenda kuboot ndakanzwa ndadhonzwa "Bamunini huyayi mugadzire mota" ndakati "Kwakanaka here mai Ano?" Mukoma vakabva vati "Kunei kuboot mai Ano?" Vachifamba kuendako akati "Gumbo rangu kaniii" ndakacheuka vaive mumashure mangu ndakaona vatoti gwadara pasi.Ndakati maiguru ndichifunga kuti zvimwe kunyepera ndinzwe eeeh munhu haasi kufema hana yangu yakarova...."Mukoma maiguru vadonha" vakati "Heeeee" vakamhanya kuvatakura kuvaisa mumota mangu ndakavhara bonet remota yavo nekuimutsa ichibva yamuka ndakadriver kutevera blaz ndakatozoyeuka kuti mota yanga ichinzi yafa waniii.....
End of chapter
kutsamwa kune labour🌷
❤️
👍
😢
4