
QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌷*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Uc
*FREE BOOK , READ , COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 13
*AMANDA*
Takapedzisira tatove mumood yesex zvino musikana wake akabva azvivharisa akangoerekana asvika.Ndakatombobatwa neshanje ndichimuona ndakazongozviudza kuti munhu haasi wangu uyu.Dzingori nharo dzandiri kuita nekuzvifadza nenhema.Apa ndakabva ndatonzwa mafeelings kutiza.Ndakanotora contract paper mumota ndakaendako ndichitoritsvaga ndikabva ndariona.Still hazvina kushanda aive akatonditsamwira ini wacho ndakazvishoora ndiri ndainogadzirwa nekuda kwemukomana.Zvagara zvinhu zvakanaka hazvina kumbobvira zvakandida.Ndakazongonyengererwa hangu naKelvin asi pachokwadi chaipo ndainge ndave nemoyo two.Kuda kutomutiza chaiko umwe uchiti ndiye wako iyeye mudzimu haupe kaviri.Nerimwe divi ndaive ndofunga kuti ndiani ainge amupa address.Pfungwa dzangu dzakamhanya kufunga Admire nekuti naye taisa clicker zvekudaro kuwirirana kwedu kwaive kwepamusoro.Asi kana oda kuita hutsinye aiita zvekuti waiti baba nemuridzo.Ndakatya kuudza Kev kuti ndozvaari uye anogona ariye ndaizokanganiswa hangu ndikashaya kuti chandafira chii.
Akazofona manheru Kev , the following morning ndakamukira kurongedza hembe dzangu magara maive nema monarch two.Kuma 6 i was shocked ndichitoona hanzvadzi yaKev yakambondiona ndarara ikoko achipinda "Makoti" akauya kundimbundira akandisiya ndokuti muriku glower henyu maiguru bhudhi vangu varikukupai rudo" , mukadzi aive mugiant mbichana akapinda ndokuti "Hesi kani munin'ina wangu inga tazowanirwa kedha aidiwa natete.Asi nhai tete asi maitoziva kuti kune umwe" akavatarisa ndokuti "Umwe upiko?Vambori vanganiko imi munourayisa munhu asina mhosva imi.Chiiko nhai maiguru?" Ndakaseka ndokuti "Makadii tete , handidi kuudzwa ndangoona nekufanana nabhudhi venyu."
Her:"Ndiri boe maiguru murisei henyu imimi?" Ndakati "Ndiri boe ...maiguru ndimi vandakataura navo nezuro paphone?" Vakati "Ndini chaiye muroora mukuru wekwaMapani" zvikanzi natete "Zvinoda uine njere zvekuita muroora mukuru maiguru mai Ano munofarisa fani" ndakatoona kuti pahuviri hwavo pane one ane dzungu ndakabva ndati "Tangomira garai henyu pasi" tete vakati "Ndirikutoda cereal ndamhanyiswa naivo maiguru venyu ava" ndaksti "Arimo hobho mukitchen" maiguru vakabva vati "Handisi kuda kugara ini tete mwana wangu ndoda kusvika asati aenda kuchikoro"
Tete:"Kuti hakuns vanhu here kumba kwacho ?" Vakati "Vatete munonyanya kuda kupindura rough nguva dzese Ano ane flue ndakanganwa kuudza mama pane mushonga wake" vakati "Ndobasa rephone kana neni nditori ne lecture na 9 musati ndimi mega mune zvamuri kumhanyira" vakabva vati zii ndakaona kuti vatsamwa.
Me:"Ndanga ndapedza hangu ndanga ndichitoti muchafona muchibvunza madirections zvino mangosvika musina kufona asi matoudzwa naKelvin" vakaseka ndokuti "Nezuro pavakataura nyaya yacho bamukuru vako ndakati ndivabvunze vakati handina kuudzwa.Takazofonera bamunini Tafadzwa vakatipa zvese ndakafara ndikati ndomu surpriser munin'ina wangu" ndakaseka ndikati "Mandiitira surprise sure...Zvino handina zambia sisi dai matondiigirawo" vakati "Zambia ndokupa tave kumba" ndakati "Ndamboburuka seiko mumota macho" tete vakabva vati "Mai Ano mukadzi wangu neiko uchigarira pfungwa iwe topfuura tichitenga zambia" vakaseka ndokuti "Tete munoziva wani kuti mukadzi wenyu ari slow pakufunga maitabasa baba" takaseka tese ndakazobatsirwa kuburitsa mamonarch.Maiguru takavasiya vamumota ndichinotora zvimwe zvanga zvasara.Hameno kuti zvinhu zvaivemo aizoita sei Kelvin.
Mota yakarohwa takatenga zambia vaimhanya zvekuenda ndakanzwa tete vakuti "Mai Ano ndipei hangu ndi driver , driving yenyu yamuri kuita iyi haiko murikumhanyira kupiko?" Vakati "Tete siyai kani takusvika wani inga ndakuudzai wani?"
Her:"Aiwa mai Ano ini hangu driving iyoyo handiide ufunge" vakanzwikwa nani ndakatozoona tatosvika.Hana yakatanga kurova zvekutya chaizvo , apa musikana wake anga achangobva kusvikawo pagate.Ndakaziva kuti hakuna umwr ndi Admire chete pamwe ndiye aive akafurira Kelvin kuti andide kuti awane pekundibatira ndaive ndisisazvinzwisise ini.Ndakaitwa kanyama kanyama naye mushure mekunge maiguru vavhura window rekumashure kwandaive.Ndakanzwa kurwadziwa nezvandakaitwa ipapo zvakaita worse pandakatutwa nemota pain yandakanzwa ipapo ndakanga ndotoona rufu rwangu.Zvaiita musana uyu apa ndaive ndobleeder nesimba chairo ndaive ndisisina.I sensed kuti mwana wangu aparara pano , Kelvin helped me takaenda kuchipatara asi ndanga ndisisiri inini nekuti ndairwadziwa zvakanyanya.Semusana waive wondiendesa kumakuva chaiko.Ndakazongoti zii ndaendeswa muward , ndakazomuka ndichiona ndiri ndega asi ndinenge ndanga ndachinjwa ward ndainzwa zvave naniwo asi musana waindirwadza apa ndaive ndakaiswa drip.Apa ndaive ndonzwa nyota ndakamuka musana wangu wakandirwadza zvekuti ndakapotsa ndaburitsa misodzi ndakambogara kwakuzotanga kutarisa kuti ndingaone mvura here ndakamaona ma 500mls emvura aivemo aive sealed.Ndakatora one zvekushingirira ndikanwa ndakadzokera mukurara.
Misodzi yaive yazara mumatama ndichizvibvunza kuti am i cursed , chiiko chaimboitika muhupenyu hwangu.Ndakachema zvekuchema zviya ndichifungisisa ndakatozovhunduka pandakanzwa izwi raKev richiti ",Unoda kundikuvadzira mwana wacho umwe chete asara here babe" ndakatarisa kudoor ndichipukuta misodzi ndokuti "Hesi Kelvin?" Akati "How are you feeling mai Ju?" Ndakati ",Ndave nani hangu" akafamba kuuya kugara pachair ndokuti "Usacheme babe warasikirwa nevana two vanga vari 3 dai tanonoka tisina kana one asurviver" ndakasekerera asi pain chaiyo ndaive nayo "Better" akati "I'm sorry nezvaitika babe" ndakati "Its part of life dai zvanga zvisina kuitirwa ini zvaitirwa ani?"
Him:"Pawakachema pakakwana babe handitodi kuti ucheme nhasi kumba ikoko hakurarike munhu arikupa Zviko information ndikamubata arikufira mafufu segonzo" ndakati "Iwe urikufungira ani?" Akati "Tafadzwa , ari Admire haamboite izvozvo handiti ndisekuru vako" ndakati "Munhu haavimbwe naye Kelvin iyeye waunoti ari innocent ndiye anenge atori nyoka yacho."
Him:"Taura hako , rega ndideedze Admire auye akuone auya karei stoped him kuti asapinde wanga wakarara" ndakati "Okay" ndaitoda kumuona ndaida kumubvunza kuti arikuzviitirei.Ndiye aizviits i blamed myself nekunyepa kwandakaitira Kev kuti Admire ndiye munhu aive nerudo neni ndaitya kuti vanogona kusawirirana nekuda kwangu ndaisaziva kuti kutoramba ndichiwedzera matambudziko mulife mangu.Iniwo ndakabva ndatokanganwa mubatiro waaindiita ndiri kumba kwavo.
Him:"Babe urikufungei?" Ndakaita zvekuvhunduka ndokuti "Hapana" ndaive ndotonzwa musoro kutema "Ndirikudzoka" akabuda ndakarara nemusana hameno zvaive zvoitika munyama dzangu.
Pasina nguva akapinda Admire i was shocked ndichiona aina sekuru Ado na daddy vake.Misodzi yakati mokoto pamatama apa vaive vaita kudzikira vakasekerera ndokuti "Muzukuru wangu ndiwe ,ndirikufara Ama ndakuona moyo wangu wafara kana kupora ndabva ndapora" he hugged me ndokuti "I heard zvese zvaitika be strong muzukuru wakapinda nepakawanda hautadzi kubuda ipapa you are not weak Amanda" ndakati "Ndozviziva sekuru asi zvanyanya" ndakadaro ziso rangu richienda kuna Admire akabva ati "I know zviri mupfungwa dzako , handisi rini Ama ndamuudza ndozviziva kuti i wronged you zvinotorwadza asi trust me on this one its not me." Ndakati "Hoo" sekuru Ado vakabva vati "Hesi muzukuru wangu" i smiled ndokuti "Sekuru vangu murisei?" Vakati "Ndiri boe urikunzwa sei?" Ndakati "Ndichirikurwadziwa nemusana , musoro watotangawo izvozvi" vakati "Usafungisise muzukuru ndizvo zvinoits hupenyu uye ukaona uchiyedzwa kudai kumberi uko kune chakanaka" ndakati "Kuti kudaro here?" Vakati "Ehe" vakazogara takataura nyaya hedu asi still handina kuvachenesa sekuru Admire hangu.Pavakabuda ndaive ndakunzwa musoro wangu kuwedzera kurwadza.Kelvin akazouya ndikamuudza kuti musoro wangu urikurwadza.Ndakabaiwa injection nadoctor ndikabva ndarara.
Following day racho ndakamuka ndichiona Kev akarara pachair , ndakamutarisa ndakayerekana ndoyeredza misodzi ndakazviona ndega kuti Kelvin anondida even ndichimbomu doubter hapana munhu paamgasiye mubhedha wekumba kwamai vake achirsra pachair akarindira munhu waasingade."Daddy" ndakadaro ndichimubata musoro akssimudza musoro maziso ake aitove nehope.Akazvitwasura ndokuti ",Goodmorning babe?" Ndakati "Mamukasei?" Akanditarisa ndokuti "Ko urikuchemei?" Ndakati "I love you" he took my hand and kissed it ndokuti "I love you too" akasimuka ndokuti "Nhasi tirikuenda kumba we were supposed kuenda manheru zvino wakarara kunge kamwana kacheche.Ndakatongoona kuti zviri nani tiare tese pano nekuti ndaisada kukumutsa" ndakati "Zvink hapabhadharwe here nemazuva here?" Akati "Chakakosha chii mari newe mai Ju?" Ndakati "Mari" akati "Unoroveka rega ndinoona doctor" akabuda ndaive netarisiro yekuti ndichaonawo vanhu vekumba kwavo.Paakadzoka doctor vakandiudza munwiro wandaizoita mapills avanga vandipa.Takabuda asi kufamba kwainetsa ndainzwa kupera simba mumakumbo.Yaive nzara chete tave mumota ndakabva ndati ",Ndirikuda kuita zvekurara musana wangu hausi kuda zvandakauita" akati "Okay" akatyora seat achibva amutsa mota akati "Usazoti mama havakude babe ndavarambidza kuuya vanga vachida kuuya ndavati vachengetedze Zviko anogona kutiza.Maiguru vari weak vanogona kukurirwa naye.Ba Ano vaenda kubasa kwaita emergency" ndakati "Hazvina mhosva mudiwa" akati "Anofira mujeri Zvikomborero" ndakati "Nekuda kwei?He was fighting munhu akamutorera mukomana wake handione aine mhosva ini" akanditarisa zvekushamisika ndokuti "Are you for real?Tsitsi dzako dzakamboita seiko munhu aida kukuuraya?"
Me:"Ndiripo ndiri mupenyu mwana tasara neumwe is there any need yekuti asungwe.Haasiye ega munhu atanga kundurwadzisa Kev ,plus dai pasina munhu arikumupa information zvese izvi kusina munhu iyeye imhandu yangu agara akandivenga kare usanetseke ndomuziva" akanditarisa ndakati "Tarisa kumberi uchandiurayisa wave iwewe." Akati "Ndiani?" Ndakati "Admire ,ini naye kuwirirana kwedu ndekwekufojera uku haana rudo neni.Munhu atorinerudo neni ndi Ado mutwin wake" akati "Saka wainyepa kuti zvidii nhai mai Jue?"ndakati "Ndaida ku avoider kuti musazovengane otherwise ndiye hakuna umwe plus munhu uya wekuti akaita chinhu anoda kunyepera rudo muroyi uya kufana mai"
Him:"Saka urikuti Admire ndiye azviita" ndakati "Zviripachena izvi Kelvin" ndakaona aruma muromo zvehasha ndakati "Admire ndiye ngaasungwe nekuti arikuita izvi aine chinangwa" ende ndaitoda kuti asungwe mai vaje vambochi feeler.
Him:"Nhasi chaiye anorara avemo mukati asi Zviko ndoda kumupa punishment uyo anofanira kutombotsikwa heavy" ndakati "Okay asi munhu anofanira kupinda mujeri wamuziva handiti" haana kudaira.Akarova mota zvekuenda chaizvo takasvika kumba ndaive ndonyara kani.Pandakaburuka mai vake vakauya kundimbundira ",Titambire muroora hatina kutambirana zvakanaka nezuro nekuda kwetsaona yawakasangana nayo. Kev mwanangu enda naye neku back door vabereki vaZviko varipano handione zvakanaka kuti mupinde nemavari" akati "Okay mama" vakanditarisa ndokuti "Wave kunzwa sei muroora wangu?" Ndakati "Musana uchiri kurwadza nekupera simba mumakumbo" vakataridza kurwadziwa ndokuti "Asikana sorry mwanangu maiguru vako ndavati vagadzire chikafu ndoziva kuti une nzara murume wako paafona achiti mave kuuya ndamuti abike" ndakati "Maitabasa mama" paive pasisina need yema introduction apa ,takafamba kuenda ndakatozoita zvekutakurwa apa kunyara kani.Takanopinda mumba akaenda neni kuroom kwake.Akasvikondiisa pabed ndokuti "Ndonokugeza here babe?" Ndakati "Ndiendese mubath ndogeza" akati ",Fine mami" akanditakura tikaenda mubath ndakasara ndogeza akanga abuda.Ndakabuda aive asimo muroom maiguru vakabva vapinda "Shame munin'ina wangu sorry hako , wave kunzwa seiko manje?"
Me:"Musana ndiwo urikurwadza sisi" vakati "At least tasara neumwe mwana asi iiii zvakaoma musikana wabamunini uya handifungi kuti akati kwesere ini.Kana ndimiwo munhu anofunga osairira munhu muroad vane cream pakati here bamunini vacho vaabva aitira kudaro" ndakati "Zviriko" vakagara pabed ndokuti "Apa vabereki vake vatoti vanobhadhara havo mari yema damages havasikuda kuti aende kujeri bamunini varikuita kudya marasha hmmm mainini motoshinga murume wenyu haadi zvisina basa" ndakati "Zvinowanikwa" ndaisada zvekutaura "kubva mandipindura ma one word answer kudaro mainini kuita sekunge ndini ndakazviita" ndakati "Aaaah zvasisi vangu veduwee sandizvo mufunge ndirikunzwa kupera simba" vakati "Inzara iyi regai ndinokutorerai chikafu chenyu chatoita" vakasimuka ndakabva ndati "Asi nhai maiguru kana maiziva kuti Zviko musikana waKev makadzikisirei window?"
Her:"Ndaifunga kuti haakuzivei ini , zvakatondinetsawo mainini" ndakati "Okay" vakabva vabuda ndakazora mafuta ndakagara ndokuzosimuka ndave kupfeka.Vakadzoka nesadza raive neroasted beef nema vegie "Idyai mainini muite zvakanaka" ndakati "Maitabasa" vakabva vati "Makanaka henyu mainini regai bamunini vangu vapengereke yellow born vakagona mochinjawo paint yevana tanzwa nekuzvara zvana zvitema"
Me:"Anongotora paint yaana baba vake ko ndinenge ndiri wedzinza rake here sisi" vakaseka ndokuti "Taurai henyu , ko nhai munin'ina wakasanganepiko nemuramu wangu chiso chako ichi hachisi chinyowani" ndakanzwa hana yangu kurova pamwe zvichida vaive vakandiona kwaana Senzeni ndakati "Mukufamba imomu" vakati "Hoo , saka kungofanana hako asi hey bamunini vakapinda havo apa" ndakati "Yah" ndaitaura kuti kudii raive dzungu rega rega haro vakabva vati "Asi hey naZviko pachaita hondo dai muri mumwe magara masota bamunini vasati vaitwa zvimwe" ndakamedza sadza raive mukanwa ndokuti "Maitabasa sisi ndaguta" ndaive ndakutosvotwa nenyaya dzavo ndaitoti munhu kwaye izvo hadzimo , ndosaka tete vaiva pindura rough sure munhu kuzviratidzira nefirst day."Watoguta here?" Ndakati "Ehe ndokumbirawo kudeedzerwa Kev andipe mapills ndiye amasiya kumota" vakati "Don't worry ndonotora" pavakasimuka door rakabva ravhurwa Kev akaramba akavatarisa ndokuti "Murikuitei muno imi?" Vakati "Nhai muramu ndorambidzwa here kuona munin'ina wangu" akavanongedza ndokuti "Zvamurimi mutaure kwamusina kuswera" akabva aseka vakasekenyeka ndokuti "Kuti kudiiko bamunini" akati "Chibudai mai bhoyi" vakabuda akauya kugara paside pangu ndokuti "Babe Zviko ngaatende midzimu yake mai vake vachema ndapedzisira ndanzwa tsitsi ndikamusiya ini." Ndakati "Wagona" akati "Asi basa rake hakusisina handishande nemhandu" ndakati "Zvave zvako izvozvo ndokumbirawo kunotorerwa mapiritsi angu" akati "Okay babe wadya here maiguru vabuds neplate yanga iine sadza wani apa" ndakaruma chigunwe ndichipusisa face ndokuti "Handina kuguta ini ndanga ndichinyara" akaseka ndokuti "Kunyara mumwe munhu akafanana newe come on munhu anofanira kudya plus ndanga ndatokanganwa hanzi nadoctor hauchatenderwi kuita basa rinorwadza kusvikira wazvara musana wako hauchisina kusimba hamuchatenderwi kushanda henyu" ndakati "Asi murume wangu ndowachira ndega hembe kana kubika" akaseka ndokuti "Come on babe usandityire hako pachikafu kana pahembe pano maid aripo plus kana uri kutyira kuti ndodyiswa izvo usavhunduke" ndakati "Sure?" Akati "Yes babe rega ndinotora ndikupe" ndakati "Mvura my love" akamira padoor ndokuti "Ndakati ndonzi ani?" Ndakati ",Daddy" akati "Good ndiri kuuya nazvo zvese handiti wati hauna kuguta" ndakati "Kuri kunzwikwa kubva wataura wakamira padoor zvakuita sekunge ndanyimwa"
Him:"Kana murwere akutaurisa kudai zvashata" akabuda ndakanga ndotonzwa musana kurwadza nekugara.Ndakarara akadzoka netray yaive neplate yaive yakavharwa nemvura newaterglass."Ndakuigira idya" akadaro achigara paside pangu ndakaitora kwakutanga kudya."Uyu asara uyu anoda kudya aitoomeserwa nevamwe vake hazvishamisi ariye asunda vamwe kuti vabude asare adye ega ane mukonyo unenge wamai" ndakaerekana ndaseka "Zvirikumbobva kupiko?" Akati "Idya richiri kupisa" ndakadya ndikaripedza ndakanwa mapills ndaive nekakurwadakabva ndarara sezvo nyama dzaive dzichiri kudzimba.
Ndaitonzwa kuti pano kuzvishingisa asi ndirikurwara ndakabatirwa nehope Kev anga abuda.Zvinhu zvangu zvese zvaive zvekushingirira.Ndakazonzwa ndozungunutswa ndakasvinura ndokuona vari tete vakatanga kuchema ndokuti "Sorry maiguru ndiri murume benzi ndakatadza kumira mira kuti mukadzi asakuvadzwe" ndakati "Mochemeizve aunt , zvakatopfuura handiti masarirwa nako kamwana kenyu"
Her:"Ehe hazvo asi iii zvakaoma munhu kuita bitterness yekuda kuuraya."
Me:"Heartbreak moziva kurwadza kwayo here aunt?" Vakati "No maiguru asi zvimwe zvacho munhu dzidza kuzvidzora hasha hadzina zvadzinopa akasara akarohwa sei naAdmire ndakamunzwira tsitsi" ndakati "Admire?Akamurova?" Vakati "Ehe , akachema Admire aive oita kudedera nehasha takatozonzwa nezvimwe zvakatishamisa" Kev akabva apinda nekuti "Akati chii Admire?"apa akasunga face ziso riri red......
End of chapter
kutsamwa kune labour🌷
❤️
👍
😂
6