QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌹*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Uc
*FREE BOOK READ ,COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 17
*MAI ANO*
Musi wandakaudzwa naBa Ano kuti bamunini vakamitisa ndakafara ndichiti ndiZviko izvo kwaani aitove umwewo hake musikana.Ndakanzwa kubaikana zvakanyanya kuti ko nei bamunini vasarudza kurwadzisa Zviko.Ini naye taive tajairana uye aive munhu akasununguka , ndakango imaginer ari munin'ina wangu arikuitwa izvozvo.Ndakaona zvakanaka kubatsira Zviko.Apa ba Ano vanga vabva kunditi ndisamuudze.Ndakati dhemeti wenyu ndakatora line randaishandisa ndiri nusikana ndaive ndichiri naro but raisave registered ndakamupa address kuti aende.Hoping kuti zvichamisa kuti Amanda asauye.Zvakashaya basa ndakazama kuti arohwe mimba yakabva vana two akasara neumwe.Still hazvina kushanda zvakatoita kuti awedzere kudiwa that very same day iroro ndakadonhedza kambudzi kaive neline randaitaura naro naZviko ndaive ndotya kuti ichaonekwa mamessages oonekwa.I remembered kuti Yvonne PA wa ba Ano aive akandipa mavideo yekuparty kwavakamboenda ndakaona zvakakodzera kuti ndipe mama video iroro nekuti aiveko Amanda.Uye zvaita ipapo zvaitonyadzisa amwene vaibva vatoona kuti takaunzirwa hure chairo.Hazvishamisi mwana iyeye aisave wabamunini ndaida kuti atobve.Ndaingonzwa kumuvenga soo ndaizongoita hangu zino irema asi ndainzwa kubhowekana naye.
I planned rimwe deal zvekare revideo , ndakaripa Zviko i remembered kuti Zviko ane dzungu ndakabva ndatori deleter i lied to her kuti radeletwa na Anopa.She believed me apa ndanga ndabva kunyepera kufenda ndikapona nepaburi retsono ndakangofarira chinhu one kuti bamunini pavaka driver mota yangu havana kuda kuvhura kuboot , ndakambozvipa nguva yekumbodzikama.Sezvo Amanda anga achangobva kuchipatara , apa amwene vaive vomuitira mafavours akawanda zvese zvandaiitirwa zvaive zvoitirwa ini.Godo rikange rosimuka this other day akaigirwa mahewu nema fruits ndakanzwa kubatikana chaizvo.Manheru acho Zviko akandiisira message yaive yakanzi "Nhai maiguru nanhasi here hamusati mapihwa video?" Apa ndaitya kuti ba Ano vanogona kudongorera muphone mangu ndakabva ndamuka ivo vaive busy nelaptop.Ndakasimuka vakanditarisa vakabva vati "Wafungepi?" Ndakati "Ndoda kunoona kuti Ano arara here?" Vakati "Undiigirewo mvura" ndakati "Okay" ndakabuda ndokuenda kuroom kwaAnopa kaive kakatofa nehope.Ndakabva ndaita wekufonera "Sisi" akadaira ndakati "Mwana wamai vangu uriseiko?Mazuvano busy yacho ma1" akati "Ndiri boe , ko makazodiiko nevideo riya mukasadaro ndirikumuendera kun'anga Amanda wenyu"
Me:"Take it easy deal randiri kuda kuita rikasabuda unoita hako izvozvo." Akati "Mafungei?" Ndakati "Video akandipa asi ndafunga kuti nditange ndamuisira mushonga wekubvisa nhumbu mumahewu after that ndobva ndaburitsa video.Kuda kuvabhilivhisa ka" akati "Wow apa togona kubuda hedu nekuti vanoto believer" ndakati "Saka mangwana ndoripedzisa dhiri racho asi mushonga uchandinetsa kuwana"
Her:"Tosangana sisi ndouya nawo makuseni nditori nawo musatye" ndakasekerera ndokuti "Good rega ndinorara bamukuru vako vanozofungira zvisizvo" akati "Goodnight" ndakakata ndichibva ndafugidza Anopa , ndakabuda kuenda kukitchen ndichibva ndanotora mvura.Ndakasvika nekuvapa ndichibva ndapinda mugumbeze "Mai Ano" vakadaro ba Ano ndakati "Chii?"
Him:"Haudaire uchiti chii kunge usingazive kuti ndiri murume wako wanzwa" ndakati "Ba Ano munoda here kundibata munoda respect yangu kuita sekunge munoda nezvangu.Ndanzwa kuzarirwa kunzwa kudumbirwa pandanzwa mainini vachifadzwa nabamunini masikati imi hamuzvigonewo" vakati "Asi iwewe dzirimo here mumusoro mako umu?Ndichati ndakaroora munhu akakwana izvo uri benzi.Basa kuterera zvinenge zvichiitwa nevanhu chasara ucharepa munin'ina wangu zvese heee haugonewo kuzodai zvinoitwa nabamunini.Uno compare ini naKelvin kuita sekunge unomuda ndichakunzwira unoda kuti ndikushande everyday kuti ndiro basa here.Nezuro hatina kuita here ,makuseni pandabuda hauna kundichemera musi wandichakudzemura haudi kundiona futi" ndakati "Sorry" ndaive ndototya ba Ano vaitaura mashoko anorwadza zvekuti dzimwe nguva ndaitombochema vaitokundwa nabamunini Zviko aigara achitaura kuti bamunini venyu vane rudo.
Ndakazorara ,zuva rakatevera ndakamukira kugeza , ba Ano vakatoshamisika ndakanzwa voti "Urikuenda kupi kuseni kuno?"
Me:"Ndirikuenda naAnopa teacher vake varikuda kundiona" vakati "Kwakanaka here?" Ndakati "Ehe hanzi vabereki vese vadeedzwa" vakati "Ndopfuura neko" ndakaona kuti tsoro yangu haibudi ndakati "Ukaona baba voziikanwa kuchikoro kwemwana ini mai ndisingaziikanwe ndinoenda mbiri yekunzi ndinotonga murume rega ndiende murume wangu" akati "Nhasi wataurawo zvine musoro babe , anyways ndokudai Amasibanda dzungu chete ndiro rinoita tipesane" ndakati "Wakandida ndakadaro Evans"
Him:"Icho chimoko changu , ndokudira chinhu one babe kuti wakanga wakachengetera ini humhandara hwako zera rako rawakasvika uri mhandara vakawanda havazvigone" ndakati "Nhasi urimu good mood" akati "Unoziva kuti kubasa kunenge kuine zvakawanda zvinenge zvichida kuitwa ndinenge ndiine stress zvinoda Kelvin anozvigona ini ndopedzisira ndaneta"
Me:"Okay my love chiita uende ,i think bamunini vatobuda" akati "Byee babe" ndakati "Byee" ndakanomira pabalcony ndichida kuona kuti vabuda here.Pavakabuda ndakasara ndobuda ndakabva ndati kuna Oripa "Ndirikudzoka manje manje driver anoendesa Ano kuchikoro akauya unomuti amutore hake" akati "Okay" ndakamhanya nekuti Zviko ainge ofona.Ndaitoti pamwe achati ndiri mutown aive paSemi levi village.Asi aive akazvivhara kumeso akapiinda mumota.
Me:"Ko kuzvivhara kumeso" akabvisa ndokuti "Ko dai ndaionekwa amwene venyu vaya vanofamba zvee" ndakati "Mazuvano varikuenda ku office unovaziva wani kuti vanoda zvinhu kunge paper bag yema Ok."
Her:"Imi mavakudaro nhasi, ini hangu handione chakashata pavari amwene vedu" ndakati "Ndipe unokasika kushanda ka" akati "Ehe zvazvinoda here anoda kusiiwa ari ega make sure anoenda upstairs kwaasinganzwikwe one na one kanofa kamwana ikako"
Me:"Good , ini handisi kutomboda kugara rega ndiende ba Ano vanogona kungodzoka vakaona ndisiko apa ndanyepa kuti ndirikuenda na Anopa vanobva vasvika driver wake auya" akati "Okay totaura paphone" akaburuka ndichibva ndatoenda kumba ndakasvika aenda Anopa.Ndakanogara musitting kabag kangu ndainge ndakaisa imomo plus ndaida kuzobuda ndaisada kuti zviitike ndirimo.Ndakazoona obuda nabamunini ndakavhunduka asi handina kuzviratidza zvaireva kuti bamunini vanga varimo.Asi mota yavo yaisavepo wani , ndakangoti hameno.Pakadzoka mainini ndakakumbirira mahewu muyedzo asi ndaisamada ndaisatonwa mahewu aisandiitira.Paakanditi tora ndakasheedza Oripa akauya ndokuti "Madam matii?" Ndakavhura bag rangu ndokutora mushonga uya "Ndokumbirawo kunoisirwa mumahewu tora one asi uhafure unwe hako mamwe acho then woisa mushonga uyu ndewemudumbu ma acids ndanzwa nawo."
Her:"Okay" akatambira achibva aenda ndakambobuda panze , ndakazodzokera mumba akanga atomaisa patable ndaiziva kuti Amanda achauya.And for sure paakauya ndakamurova nestatement ndichibva ndabuda.Ndakaenda mutown chaimo , ndaive ndangomirira kuenda kumba ndakazobuda mutown kuma 10 kwakuenda kumba ndichisvika pagate ndakaona mota yabamunini ichibuda vakaburuka vachiita kufemeruka vakasvikovhura door nekuti "Dzoka kumashure uko ndirikuenda nemukadzi wangu kuchipatara" ndakati "Zvadiiko futi bamunini" ndakazoona ndave pasi aka reverser Kelvin aive mupengo chaiye akano parker muroad achimhanya kudzokera mumota akaivhurumutsa pandakasimuka tete vakamhanya kunopinda mumota mangu kwakuirova vakananga kutevera Kelvin.Ndakabata bata homwe dzedrees randaive ndakapfeka heeede phone yanga yasara mumota.Ba Ano vakasvikawo pagate ndokuti "Wakamirirei mainini vaendeswa kuchipatara wadii kuendawo" ndakati "Ndatorerwa mota nehanzvadzi yako Evans" akati "Wakapusa pinda tiende" ndakapinda ndaive ndochema , ",Chinyarara mai Ano i hope mwana wacho ari safe chiiko chirikumboitika?" Ndakati "Ba Ano mainini varikurondwa ndivanzwira tsitsi ini" apa ini ndaichema phone yangu Kiara aigona kuidaira yafonwa naZviko ndaiita kutsva kunzwa kudedera chaiko.
Takasvika kuchipatara bamunini vagara ku out patient vachichema , "Is she safe?" Vakabvunza ba Ano apa ini ndaitsvaga tete panze paparking bay paive pasina mota.Vakasimudza musoro bamunini ndokuti "Anwa mushonga wekubvisa nhumbu , ndirikutadza kuziva kuti apindwa neiko kuti azode kubvisa nhumbu.Handina chandisingamuitire munhu uyu blaz asi asarudza kuda kubvisa nhumbu" ba Ano vakati "What?Ko hanzi zvadiiko?" Ndakati "Hmmmm bamunini mainini vapindwa nemweya upi , ayas ndirikuvanzwira hasha zvino vagonei vabvisa nhumbu" vakati "Haina kubva maiguru iripo ingori pain yaanga achinzwa asi mwana akatosimba" ndakashamisika kuti haina kubva nei.Vakasimuka kuenda kuward ndakasara ndozvibvunza ndakasara ndiripo ndichingozvibvunza ndakazotevera ndakapesana na ba Ano vakaita kutsamwa ndakanopinda pandakati nditaurewo ka kuda kuita kunge ndarwadziwa ndakabva ndadzingwa nabamunini , ndakapesanawo naKiara akaita kutsamwa achifambisa ndakatya kumutaudza aigona kungondinyadzisa pavanhu.
Ndakaenda kumota kwa ba Ano ndakasvikoti "Hanzii ndanga ndichida kubvisirei nhumbu namainini?" Vakati "Ndakatsamwa mai Ano ndaizopedzisira ndamuudza mashoko asiriwo."
Me:"Ini kuona kwangu hangu ba Ano mwana anogona asiri wabamunini nekuti pane video randakaona pa fb , ravo mainini vachitamba paparty ihure munhu uyu" vakanditi "Neiko uchingotaura chero zvangouya mupfungwa dzako iwewe ka handidi nemashoko angu dai wasara kumba" ndakati "Sure" akati "Ndipe tione" ndakati "Phone iri mumota makey ana tete" akaridza tsamwa achipinda mumota.Ndakanzwa kurwadziwa ndaive ndodemba kuti dai ndaripa Zviko atopa mama zvino plan yacho yaenda nepamwe.Tete vakabva vabuda ndakaenda kwavaive "Ndipeiwo makeys" vakandipa vari zii vachibva vaenda kuna ba Ano.Ndakanopinda mumota ndakaona muine ma missed calls aZviko ndakamuisira video ku app ndokuti "Isa video iro neimwe number yeumwe munhu kuna Mai Mapani izvozvi nhumbu yaramba kubva shamwari.Akabuda ndoisa futi" payaka ticker ka2 ndakadeleter chat.Ndakabva ndatomutsa mota kuenda kumba , ndakasvika mama vaveko "Maswera sei mama?" Ndakadaro ndichipinda musitting vakati "Ndaswera hangu , ndanzwa kuti mainini vako vaenda kuchipatara varwara"
Me:"Ehe , ende zvakaoma mama mainini kuda kubvisa nhumbu ndafara kuti haina kubva." Vakati "Yuwii inga zvakaoma" ndakati nechemumoyo zvangu zvaita vakabva vati "Saka hanzi ndanga ndichida kubvisirei?" Ndakati "Mama kutaura chokwadi kuona kwangu nhumbu haisi yepano vanenge vakahura chete" vakatanga kuseka zvekuseka zviya ndakatoshaya kuti varikusekei ini , vakanditarisa ndokuti "Wakamuona achihura?" Ndakashamisika ndokuti "Mama murikuzviona sezvinhu zvisina basa asi ndizvo zviripo" vakati "Tibvire uko enda unondibikira tea uko ugadzirire muroora wangu chikafu vave kuuya" ndakavhunduka ne behaviour yavo ini vaizama kudiiko mai ava......
*AMANDA*
Ndakanzwa moyo wangu kusununguka chaizvo pakataura tete Kelvin akanditarisa ndokuti "Sorry mai Jue" ndakaramba ndiri zii ndaive ndatobatikana tete Kiara vakabvs vamutambidza phone ndakaona oyeredza misodzi akati "Sorry babe rega ndiende kumba" aive odedera akabatwa natete ndokuti "Dzikamai bro musaite dzungu ndoziva kuti achazama zvimwe ziso rangu riri paari dont worry.Plus ndokuzivai hangu munotiitira ngozi"
Him:"Unorwara here Kiara ndosiya munhu anga achida kuuraya mwana wangu iwe kwana mhani" akada kubuda akabatwa "Bro please dzikamai i know kuti havana kuzviita vega regai ndiende sarai namaiguru" vakabva vabuda akanditarisa ndokuti "Babe sorry" ndakanzwa misodzi kuungana mumaziso mangu.Ndakati "Ndichiri mwana mudiki stereki zvandasangana nazvo hazvisi zvezera rangu Kelvin.Ini hangu handichadi handichakudi" ndakataura ndichinzwa kurwadziwa ndaisvikepi ndiri munhu wekugara ndirimuchipatara.Akauya kundibata ndokuti "Babe ukandisiya ndingafe usandidaro Amanda ndinokuda mukadzi wangu"
Me:"Ndisiye usandibate , handichadi haubvumewo kurambwa wakaita sei?Udza hama dzako chokwadi kuti ini newe takasainirana contract kwete zvako zvauri kuita izvi.Tirimumanikidzira apa ndinogona ndakato curswa nemusikana wako"
Him:"Amanda please usataure uchidaro i understand your pain babe asi please fungawo mwana wedu unoda akure asina baba"
Me:"Zvitori nani ini ndakakura ndisina mai na baba wani chii chinoshamisira ipapo." Ndakadaro ndichiyeredza misodzi.Akati "Babe kani" i closed my eyes ndokuti "Please ndodawo zororo ,i want peace Kelvin im tired , ndaneta mudiwa ndinzwirewo tsitsi ndakabva kure nazvo chasara ndichafa nestress chaiyo" akati "Unoda ndiitewo sei nhai mai Jnr urikuda ndirarame sei?"
Me:"Semuraramiro wawaita ndisati ndapinda mulife mako" akati "Babe usandirwadzise usadaro" ndakati "Saka ini ndini ndinonzi rwadziswa just because iwe haudi kurwadziswa pafungewo kani Kelvin" akati zii ndokuti "Okay babe ndoita zvaurikuda zvacho asi under one condition" ndakati "Yei?" Akati "Tinonogara tese"
Me:"Izvo ndizvo zvisingatoite nekuti kugara newe kwandiri kuita ndiko kurikukonzeresa" he sighed zvekupererwa ndakaona kurwadziwa kwake mumaziso ake haana kupindura.Akazoti "Rega ndinotaura nadoctor tiende kumba" ndakati "Okay" akabuda ndakasara ndozvibvunza kuti ndimbori chiiko panyika pano ini why ndirimunhu wekuchema nguva dzese.Ndongove munhu wekurwadziswa here nhai Mwari , ndakazonzwa bamukuru voti "Mainini im sorry nemashoko andataura" ndakatoita zvekuvhunduka ndichipukuta misodzi yangu "Its okay bamukuru muri munhuwo wenyama hamuregi kubatikana uye hazvi believerke" vakati "Ndirikunzwa kunyara ndamhanya kuda kutaura mashoko akaipa nekutsamwa ndisiri kuziva kuti pane nyoka" ndakati "Zvinowanikwa hazvina kutanga nhasi"
Him:"Im sorry mainini ndokuripai mai mwana" ndakati "Its okay ba mwana" Kelvin akabva apinda ndokuti "Handei babe" ndakati "Tisati tabuda promise me kuti urikundiendesa ku Westgate" bamukuru vakati "Westgate?" Ndakati "Ehe , ndoda kumbofurwa nemhepo bamukuru Kelvin ngaambobuda mulife mangu maybe zvingapere" vakati "Murikutiiko mainini zvamuri kutaura ndizvo zvinhu zvisingaite kana kamwe chete muri part of the family makatakura mwana weropa redu saka hamuna need yekuenda kunogara kure kwese ikoko.Iiii please mainini mukadaro mungatirwadzise apa mama tatovaudza kuti tave kuuya" ndakanzwa kubhowekana ndaisada kuenda ikoko ini ndaiziva kuti chii chaizoitika futi here.Takabuda ndakanopinda mumota maKelvin.
On our way akabva ati "Nhai babe unondida here iwewe?" Ndakati"Unondibvunza zvaunoziva here"
Him:"Unokwanisa kurarama usina inini here kwauri kuda kunogara uko.?" Ndakatadza kuupidura mubvunzo iwowo nekuti kutoshaya Kelvin ndaisada ndaitonzwa moyo wangu kurwadza kana arikubasa asi handina zvandaizviita."Pindura babe ndoda kuziva" ndakati "Ndokuda Kelvin" akati "Ehe ndazvinzwa asi will you be able kugara usingandione as for me handigone hangu babe nditori kubasa ndiwe munhu wandinenge ndichifunga zvawakandipa ka zvakakurisa you controlled me kubvira kupfungwa zvese nemoyo wangu" ndakati "Newewo Kev" akati "Unonyepa dai zvirizvo usiri kutaura zvekuda kubva pandiri" ndakamutarisa ndokuti "Handina option my love ndirikuzama kuda kuti ndiwane peace Kev" akati "If urikuda kumbofurwa nemhepo toenda ku SA next week tonoita mwedzi tiriko handiti" ndakati "Ko kubasa plus handina passport" akati "Ndozvigadzirisa kubasa handiti kune vanhu mudhara kana blaz vanomboita ndoda kuti uwane peace babe ufurwe nemhepo now kave kechi three uchipinda kuchipatara its not good" ndakamedza mate ndokuti "Okay ba Jnr" he smiled ndokuti "Good now ndave kutaura namai Ju chaivo" takasvika kumba nyaya dzachinja.Patakapinda mumba mama vakabva vandimbundira ndokuti "Yuwiii chihera wangu urikunzwa sei?" Ndakati "Ndirinani hangu mama" vakati "Gara apa , Oripa huya nemvura iya" ndakatoshays kuti imvura yei.Vakauya nayo aunt vakavatambidza ndakazongoona vave pasi mama vakati "Kelviin unokuvadza munhu mhani urikuiteiko" akati "Handisi kuda zvekutaura naye ngaarongedzw tunhu twake atekaire abve pano" bamukuru vakati "Yes ngaabve tatsvaga umwe maid arikusvika mangwana" akagwadama ndokutanga kuchema "Ndaita sei sir?Taurai mhosva yangu basa rangu ndichiri kurida ndokumbirisawo kanii" maiguru vakauya vari chahwiriri ndokuti "Bamunini munoita ngozi ndokumbirisawo kani kuti musadaro aunt huyayi kuno" vakavadhonza kwakuenda navo kukitchen.Mama vakati "Nhai Kelvin chiiko?" Akati "Mama ndiye munhu aisira Amanda mushonga wekubvisa nhumbu mumahewu uyu" vakati "Arikutumwa ndine video randaisirwa iri ariku party pacaption bvapanzi muroora wenyu ipfambi garinya mwana waainaye haasi wekwaMapani.Ndamuti waitabasa vatorwa ndivo vatinotoda kuchengeta chaita kuti ndisa believer i saw your car at the end of the video ndabva ndaziva kuti ndiwe waive naye.Someone close to you ndiye arikuita zvinhu izvi shamwari dzako Kelvin dziongorore" ndakati "Zvakaoma" vakabva vati "Don't stress yourself inwa imvura yemunamato iyi ndaendera iwewe chete zvemunhu arikuzviita tozviona" ndakaitora kwakunwa.Kelvin akabva ati "Hande upstairs" takaenda , ndakasvikogeza nekurara iye ainge ave busy palaptop hameno zvekubasa zvaaita.Ndakazomuka ndichiona asimo ndakaenda pabalcony ndakaona vari panze vese kusara kwamaiguru.Ndakabuda kudzika downstairs , ndakapfuura nekukitchen ndichida kunwa mvura i was shocked ndichiona maiguru vachivhura mahewu angu vachiisa zvipowder zvebrown imomo.Ndakaita kudedera kunzwa hasha saka ndivo havo nguva yese vanga vachizviita.Ndakanzwa dzimwe hasha dzekuti ndakashaya kuti dzabvepi.Ndakaoinda nekuvhara door zvehasha vakavhunduka vachindiona i locked the door ndokuti "Murikuiteiko akoma?" Vakanyepera kuseka ndokuti "Ndine nyongo munin'ina ndati ndimbobe rimwe hewu ndiise ndinwe pamwe zvingaite nani"
Me:"Mave kunwa mahewu ave kunaka?" Vakazhinya vachifemeruka ndakachitora ndokuti "Inwai akoma" vakati "Ndichanwa" ndakati "Inwai mundisiire ndinayo nyongo" vakati "Kana munin'ina" apa vaidedera ndakabva ndatoziva kuti ndivo havo nyakuita musara.Ndakavazamurira mbama vachinldonhera kusink "Right ndimi henyu maindisetera muchizama kuda kuzviita mutsvene" ndakavapa imwe mbama yaive strong ini wacho ruoko rwangu rwakasara rwovava mukati.
Her:"Uri hure , wakatora murume wemunhu handisikusiye kusvikira wabva pano" ndakavapa imwe ndaiita kututuma nehasha vakaibararadza mhere vachidonha pasi"Handiti ndimi mazvitanga munoti ndakapusa kani kunyarara hazvirevi kuti ndakadzungaira.Amasibanda well done kana murikufunga kuti Kelvin ndirikumuudza kanganwai henyu mai mwana.Tichatamba tsoro iyi tiri two imimi neni.Adenha mangwiro otokwinya ndaka abuswa kubva kare handivhunduke izvi ndatindivara nazvo tobatana pasecond plan" ndakakiinura door kwakubuda.......
End of chapter
kutsamwa kune labour🌹
😂
❤️
👍
4