
QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌹*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Uc
*FREE BOOK READ , COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 24
*KELVIN*
Pandakabuda ndakaenda kubedroom pakarepo Tafadzwa akabva afona "Hello Taflo" akaseka ndokuti "Mira izvozvo shamwari pane mavideo auchapihwa na Kiara but please ndokumbirawo kuti usazoite anything chekuti ubatwe kuti tave kuziva munhu ari behind zviri kuitika pana Ama" ndakagara pabed ndokuti "Ndiani?"
Him:"Unonetsera hasha mumwe wangu ndosaka taisada kukuudza unogona kubva watotanga hondo" ndakati "Trust me ndoda kuziva kuti ndiani?" Akati "Mai Ano" ndakaita kudedera ndaive ndakazviona kuti i stupid yemunhu mukadzi waEvans kuvhengedzera kwake kwaisave kwemunhu ane dzakati kwesere.Ndakati "Fine ngaaise" akati "Good" akakata ndaive ndofemera padenga saka zvinhu zvese ndiye aiita hake muchinyararire achinyepera kusekerera Amanda achiziva kuti inyoka inoruma nepasi.Vanhukadzi vaida kunzi vatadzi moyo wavo wavainawo wakatooma.Kiara akabva aisa mavideos zvandakaona ipapo ndakapera simba apa iye naZviko ndivo vaizvironga , ndakatura mafemo kasingaperi ndaive ndoshaya zvekuita nehasha.Kiara pazasi akabva ati "Bro please musazoite zvisizvo ndokumbirisawo vanhu vechurch varikuuya mangwana ndivo vachazvipedza havo chokwadi chichabuda handina kana kumupindura ini nekuti ndaive ndakatodumbirwa hangu.
Amanda akazouya but airatidza kuve confused akakwanisa kutaura kuti hameno zvandaitwa namaiguru.Anga ave kungoita zvinhu zviri weird.Ndakapotsa piece diki ndamurova akazorara ndakabuda ndichida kutoenda kuroom kwamai Ano vanga vaitei mukadzi wangu.Kiara akabva andivharira way ndokuti " Mira hako Kelvin , urikuenda kupi?"
Me:"Ndisiye Kiara ndoda kumundinda Privi" akandibata ndokuti "Chii chaitika?" Ndakamuudza akati "Don't worry ndavashandisira munamato mira ugoona drama richaitika mangwana" ndakati "Ini ndomuuraya Privi anoda kuzviita aniko pamba pano?" Akati "Bro kani come on.Ini mondiziva nekutaurisa asi murikuona ndakadzikama wani handei downstairs" takafamba kudzika asi pfungwa dzangu dzaisave panzvimbo.Akatoita lucky rekuti akatomboita nguva arikuroom kwake nehasha dzandaive nadzo ndaimudhinda big time.Pataivr takudya ndipo pakadzika Ama mastairs akauya , she was behaving zviri weird zvaive zvotondibhowa neniwo ndakaerekana ndamudzipa ndakatozrohwa nablaz kuti ndimusiye.Akanga ashandisirwa mushonga mukadzi wangu hameno zvaaive ongoita.I tried ku actor asi zvakaramba akakotsira akagara pasi , i looked at her ndichitomuchiva kepiri "Kelvin takura mukadzi wako umuendese upstairs she is tired" i sighed ndokuti "Zviri kuitika mumba muno handisi kuzvifarira"
Mama:"Ini wacho urikuti zvirikundinakidza here?" Handina zvimwe zvandakazotaura ndakatakurana nemukadzi wangu kwakunorara.Akatozupepuka tikafadzana hedu kwakurara makuseni acho.Ndakamuka akaita kufa nehope ndini ndakatozomumutsa.Taive tatogadzirira zvechurch ndipo patakanzwa bad news dzekuti Privi aita accident.Hameno kuti midzimu yake yaizamba kutamba game ripi naye.Takaenda ku Parirenyatwa tave tikanomutora kuenda ku private at least aive ari right.Ndakafonera munhu akanotora mota kwayanga yaitira accident.Iniwo ndichibva ndafonerwa kubasa kwakuenda.
Ndakasvika Letwin akandimirira muoffice "Afternoon sir , mafiles ese aya arikuda kuitwa submitted nhasi" ndakagara pachair achibva amaisa patable ndakatanga kumavhura one by one.Iye aive paside pangu akandipa pen ndakatanga kumasigner.
Her:"Manyararei kana kumbondimhoresa?" Akadaro Letty ndakati "Kana ndisingade haundiudzire hausi mukadzi wangu ka iwe anondiudzira zvekuita"
Her:"Ndiko kwazvasvika here boss"
Me:"Handisi sahwira wako" ndiwo ega mashoko andakapedzisira kutaura naye iwayo , ndakambozorora aingove arimo mu office mangu."Letwin" ndakamumutsa aive arara "Sir" ndakati "Imboendesa aya im tired" akati "Dai ndaigona signature yenyu ndakuisirai" ndakati "Zvine musoro here zvauri kutaura?" Akaramba ari zii ndaitomuona hangu kuti aive nekamwe kakundifarisira kaaita kandaisada hangu.Akamatora kwakubuda Admire achibva apinda he was low.
Him:"Kev" ndakati "Mandirasa mazuva ano iwewe naTaflo" akagara pachair ndokuti "Ini ndine hondo dzangu hausi kuona kana paphone handisi kana kubatika" ndakati "Chii my guy wakamitisa hure here?" Akaseka ndokuti "Come on mazuvano handina mweya wema babe ini nditorine stress dzangu zvirikuitika kuden kwedu zvinoda Jesu" akadaro ndakati "Chii?" Door rakabva ravhurwa aive Letwin ndakati "Imbobuda" akati "Ndoda phone yangu" aindibhowa kuita kwake akauya kutora kwakubuda akaseka ndokuti "Anokuda ka iyeyu , hameno nyaya dzaari kutaura hanzi ndirikudanana naboss vangu" ndakaridza tsamwa ndokuti "She is not my type besides that mukadzi wangu akandikwanira ndikamurwadzisa gehena randinoona rinenge rakatooma" akaseka asi kwaive kuseka kwepamusoro chaiko."Shaa kumba kwakaitika makuna makuna , Ado slept with iur young sis"
Me:"Rape here?" Akati "No kwete rape kutorara vese vachitoda mama vairwarawo ukuwo Zviko akauya mwana wehanzvadzi yamoms ndakabva kumba ini ndingazvigone" ndakashamisika ndokuti "Ko hanzi chii?Saka wakabvira Zviko kuden?"
Him:"Ado wacho atove drunkard , Zviko ndikagara same house naye ndoita ngozi handitodi".
Me:"Shame inga ma1 zvino urikugara kupi?"
Him:"Ndiri kurenter flat mutown muno ndirikugara naAdo.Mari yese irikuperera kurent"
Me:"Wadii kuenda kwaTafadzwa handiti anogara full house ari 1"
Him:"Ndingazvigone here zvake uya anounza mahure pamba ndisiye hangu" ndakaseka ndokuti "Taflo imwe mbeu" airatidza kubaikana zvekuti dai pasina hondo yaive kumba ndaimbomutora.Akazobuda hake , ndakasara kupedzisa basa ndichibva ndafonera Amanda phone yake yaisaita ndakafona pane ya Kiara tikataura ndaive ndatomusuwa ndave kuenda kumba ndakaona Letwin ondimisa ndakamira akabva apinda ndakamutarisa ndiine kushamisika ndokuti "Hanzi kudii?Buda mumota mangu wanzi nani upinde?" Akati "Boss ndodawo kusiiwa kuna first" ndakati "Handidi dzika mumota mangu face inenge map ye Africa" akaburuka ndakamutsa mota kuenda kumba ndakatengera Ama ma chocolates aaida.
Zuva rakatevera racho makuseni , pandakamuka Ama anga atomuka kare ndatora phone yangu ndakatobaya kuma calls nemistake ndokuona kuti Letwin aive ambofona kuma 11.Ndakabva ndamufonera "Morning boss?"
Me:"Wakafona waidei?Inguva dzekufona here idzodzo.Kana tatopedza zvebasa handidi kuona call yako kana uchiri kuda basa ita zvebasa stop calling me im not your mate Letwin" akati "Sorry boss , ndaida help"
Me:"Ndiri helper wako here ini?Ndikanetsana nemukadzi wangu nekuda kweka call kako ririkupera basa" ndakakata ende aive akadaira mai Jnr.Ndakamuka kunomira kubalcony , ndainzwa kufara kuti nhasi munhu arikunyadziswa pajekerere ende ndaida kutomurova Mwari ndaizomukumbira ruregerero later ndamuranga apa maoko angu aito swinyirira kuda kurova.Amanda akazouya kucleaner , tikageza ndokuzobuda.Vaive vatouya havo munhu akatanga kubatsirwa ndi Amanda apa akabva audzwa nezve vabereki vake madzibaba vacho vakatadzawo kuita secret asi ndakafarira chinhu one kuti vaive vapenyu uye vaive vorwadziswa nekuda kwemabasa avo.Takazoenda upstairs kwaive naPrivi sezvo akanga asina kudzika.
Kuita kwake kwaipedza simba uye kwainzwisa hasha , zvisine Mwari vanongoita zvavanoda panguva yacho.Pakatanga kunamata madzibaba takaona munhu adonha pabed ave kuchema "Ndoda kureurura kaniiii , ndinoda kureura" vanhu vakamira kunamata "Reurura taura wega wakaitei?"
Her:"Ndini ndaikonzeresa zvese zvaiitika pano ini naZviko takaronga kuda kurambanisa bamunini naiye anozviti Amanda uyu.Ndini ndaimuudza zvese zvaiitika pano handimude ndakamuvenga akatora murume wemunhu ipfambi." Ndakanzwa hasha dzekuda kutomuhaka paaive Kiara akandidhonza "Dzikama" akandizevezera.Ndakagara zvakanaka mukoma vaive vangoshama muromo "Taive toda kupedzisa umwe wacho asi nhumbu yakaramba kubva takazama zvimwe asi zvakaramba.Bamunini ndainge ndavachiva ini kutovada chaiko , iri zipfambi iri harienderani navo" mama vakashama muromo ndokuti "Jehova" vachibata hana yavo , akabva angoti zii madzibaba vakanamata nendimi vachibva vati "Ndizvo zvamanga mugere nazvo , asi chikuru pazvinhu zvese kuregerera" nechemumoyo ndakati "Kuregerera muroyi kuti topenga here" ba Ano vakabva vati "Madzibaba yeresaiwo mumwe wangu uyu wandave kuda kuwana kutaura kudai ane pamuviri pangu" takacheuka tese ndokuona Siyabonga akapfugama padoor akatarisa pasi."Siyabonga?" Blaz vakati "Ehe handichina chekuita naPrivi next month ndoda kunobvisa" vakakiriridza ndokuti "Madzimai ava vanoda kuitirwa munamato nekuti ndirikuona hondo irikusimuka kubva kumusha kwavo.Yakamira uye haisi kuda kuti vapinde mumba.Mungaronge henyu madzibaba kuti moda kunoroora mwaka unotevera asi ndaona mangoneta uye musisinei naye mudzimai wenyu uyu anoda kubatsirwa zvakasimba.Chishanu ngavauye kusowe" vakatarisa Kiara vachibva vamunongedza netsvimbo yavo ndokuti "Munodiwa chaizvo madzimai asi imbodzikamai mbichana ndaona magraduater vana mai vapihwa zvekwavo" akangotarisa pasi ini ndaive ndotoda kusekerera kufarira pfuma zvee.
Privi akabva amuka kana kusatonyara paakanzi bvuma kuramba hake.Zvino ndaida kusara ndomu teacher lesson.Pakaenda ana madzibaba pakasara pakamuka chibhebhenene.Ndaida kutomuuraya chete , nekuda kwehasha ndakazosairira mukadzi pasi.
"Babe sorry" akamuka nekutoenda upstairs haana kutaura neni , "Kelvin uri kuona kuti unozvisimudzira mhepo" handina kuvadaira ndakamuteera.Aive atorara hake pabed "Sorry babe" haana kudaira ndakaenda kubed ndakamuona achichema akabata dumbu rake , ndakamubata akandisairira uko "Mai Jnr kani inga ndirikuti sorry wani?" Akati "Siyana neni Kelvin waka trainer tycoon ka iwe unenge uchingoda kurova chete"
Me:"Ndaita nehasha sorry" akati "Ndisiyewo kani" ndakatoona kuti ndikada kumunyengerera zvakapusa ndinotorara ndakatsamwirwa.Ndakamutendeudza zvenharo ndichibva ndaenda pamusoro pake.Takaita eye contact achibva avhara maziso ake , Ndakada kumu kisser akaisa ruoko pamuromo "Tapihwa munamato Kev ngatisiyane nezvatiri kuda kuita" ndakati "Urikutozvidawo?" Akati "Ndatota" ndakati "Kunyepa iwe wakanditsamwira"
Her:"Handitogone kukutsamwira zvinoenda kure" ndakati "Thanks babe ndirikuuya" ndakabva pamusoro pake kwakubuda , taive totoda kuendesa Privi kumba kwavo aisa deserver kuita muroora wekwaMapani.Paakaenda upstairs mama vakati "Saka mukoma wako aive achida kuunza musikana wake pano tave kupinda busy futi rekutsvaga maid vese vari vaviri vakazvitakura ari samai Jnr doctor akatoti asaite basa rinorwadza zvino munhu wacho nharo"
Me:"Ma agent ariko mama ,mai Jnr siyai vakadaro ndini ndomugadzirira size" vakati "Ndinovimba kuti hatiitirwe zvekwaPrivi izvi ndapera mate mukanwa"
Me:"Ndakamuona kare kuti haana kukwana taive takaunzirwa zvimwe regai anopengera kumba kwavo"
Her:"Ko iye Zviko" ndakati "Uyo ndikapedza zve psychopath iri ndomusungisa handiti ndimi here makamunzwira tsitsi" vakati "Ndaiziva here kuti acharamba achida kudzoka" Ba Ano vakabva vatouya naPrivi , aive otoda kutitongera pamwana mudhara vakagura muswe wake.Takananga kuChivhu kwatete vacho.Takanozvisiya tave muChivhu mutown ndakati "Blaz ndipei ndi driver"
Him:"Wagona ndaneta ini" takachinjana ndakabva ndati "Saka makandivanzira henyu kuti kwave nevamwe gulez?"
Him:"Ndaida kukuudza asi ndaishaya kuti ndotangira papi waigona kuzoudza Privi"
Me:"Kunenge kutori kupenga kutengesa mwana wamai asi makagona blaz Privi aitozviratidza kuti haasi munhu pavanhu.Semusi waandibvisira hembe ndakashaya kuti apindwa nemweya upi?
Him:"Pakataurwa yekurohwa i sensed kuti pane zvaitika chete"
Me:"Regai zvigare kumba kwazvo" , takachinja hedu nyaya taive totaura dzimwe takasvika kumba mamheru kuma 8 chaiko.Ndakasvika mama vachakagara namudhara."Maswera sei mama ,mudhara maswera here?" Ndini uyo mama vakati "Ndaswera hangu mafamba zvakanaka here?" Ini ndokuti "Yeah tafamba boe" mudhara vakadzikisira maglass avo ndokuti "Regai zviende ndakamuona kare asi kuti ndizotaura unoita sekunge usiri kuda muroora.Aive akanyanyongwarisa mukadzi wako kutokundwa namai Jnr mwana mudiki asi anooneka kuti hunhu huripo hameno kana kuri kunyepera" ndakati "Ndozvaatori"
Him:"Ungati kudiiko ari mukadzi wako.Zvino zvazvadai ndave kuda kuti muchienda munobvisira vana vevanhu anoda muchato ochata" blaz vakati "Muchato handichadi" ini ndakati "Kuchata ndokuda" mama vakabva vati "Mese murikuchata Evans" vakati "Mama handichazi mwana mudiki?" Daddy vakati "Mai Evans matanga handiti" takaseka tese , vakabva vati "Reason yandaitira kuti muchinobvisira vana vevanhu inyaya yema shares eku Wine Pallet ndoda kukutengerai mashares ikoko Evans zvawaramba kuchata usazoti ndaita favour.Munhu wa COO asingade kuchata" vakati "Ini hangu mapositions ese iwayo amuri kundipa mucompany menyu handimadi munoziva kwandiri based ndiri" vakati "You want to be the FCO" vakati "Yes" blaz Finance vagara vaiida havo vakabva vati "Granted saka Kelvin ndiwe wave kuita our company CEO" i smiled haa uko ndiko kwaive kwangu , company neni yai runner smoothly" mama vakabva vati "Machinja zvekare" vakati "Kelvin agara ndiye aive achangoita Chief Executive Officer" vakati "Okay VaMapani" ndakati "Maitabasa baba vangu zvekuroora izvo tozvitaura kwakachena" mama vakabva vatib"As for you Kev ndaudzwa nemuroora wangu take your time mwana atange aziva mai vake nababa vake chero hazvo vakamurasa vanofanira kutsvagwa vazive kuti vakarasa blessing ndichaenda naye kumasowe Friday anobatsirwa kuti azive hama dzake nedzinza rake" ndakati "Thanks mama goodnight" ndakaenda upstairs vakasara nablaz.Ndakaona mai Jnr vakasvinura aiona movie pa laptop.
Me:"Hausi kundiona here babe?" Akanditarisa ndokuti "Maswera sei ba Ju" ndakati "Ndaswera boe babe" ndakanogara paside pake aiona ma nigerian movies ndakaivhara ndokuti "Handione izvi ndoona ma black American movies" akati "Saka zvaunoda ndizvo zvandoda here?"
Me:"Ehe unotofanira kuzvida ndini baba"
Her:"Ita so tione" aive akarova serious ndakaitora kwakuisa padressing table akati "Zvakaoma" ndakati "Ndiwe urikuzviomesa" ndakagara paside pake ndokuti "Waudza mama about your life wagona babe" she sighed ndokumuka kugara "Ndaisvikepi nhai Kelvin"
Me:"Hapana babe wagona very soon ambhuya vangu ndinenge ndakuvaziva" akati "Ambhuya vako vakafa" ndakati "Okay babe handei togeza"
Her:"Ndatogona ndikasageza hangu" takaenda kunogeza tapedza ndaive ndakunzwa nzara "Rega ndinotsvaga chikafu" akati "Gara muno ndinokugadzirira tanga tabika sadza ndoziva kuti hauride everyday" ndakati "Urikunobikei?"
Her:"Manoodles nemazai" akabuda ndakasara ndotevera vana mama vanga vanorara paakacheuka ndokuti "Hezvoo wateera" ndakati "Ndoda kukumirira mune rima muno"
Her:"Rakaruma ani?" Ndakati "Ini" akaseka achitonobatidza light , achibva abatidza stove.Paakada kufamba ndakamudhonza ndichibva ndamutaridzisa kwandaive "Toitira vanhu noise Kelvin"
Me:"Vanani vese vari upstairs" akati "Ndisiyewo zvee" ndakati its too late ndakabva ndatanga kumu kisser , ndakaona ansikochekera muhuro ave kuchinyatsotamba nemuromo wangu , ndakatanga kupuruzira magaro aive smooth mhani , aive ongoburitsa tuma sounds ndakanyatsokwidza ruoko rwangu kuuya kumusoro ndichiuya nemukazamu uku "Kev kaniii" akadaro achimira kundi kisser ruoko rwake rumwe rwaive rwave pachest rimwe rakabata musoro kugotsi takaita eye contact ndokuti "Chii babe?" Akati "Ndokuda murume wangu"
Me:"Neniwo babe" ndakadaro ndichirereka musoro wangu kuda kumu kisser akaisa ruoko rwake palips angu ndakati "Ndikisse kekupedzisira ndikusiye." Ndakanzwikwa nani aive ototambisa malips angu neruoko rwake "Malips aya anondinakira , haafaniri kukisser mumwe munhu kunze kwangu wazvinzwa pauri ndouraya munhu Kev" ndakati "Une sure kuti unoita murder" akati "Ehe my love nekukiswa chete ndatota" ndakati "Saka tipedzise zvatatanga here?" Akati "Im all.yours Kelvin ita zvaunoda neni" akadaro achinyatsondibata dama rangu zvaive romantic ndakawedzera kumerera ropa richiita kuflower nereverse akatanga kundi kisser , "Hey , hey hamuna bedroom renyu here makutitadzisa kunwa mvura" takavhunduka tichisiyana aive Kiara.Amanda akaseka achibuda "Mutikwanire iwe nemukadzi wako" ndakati "Udzime stove" ndakatevera babe ndakaseka ndichipinda mubedroom munhu anga atokotsira.Ndakamboti kunyepera ndakaenda kunomuzungunutsa aive atokotsira.Ndakamusiya ndichibva ndatorara zuva rakatevera racho takamuka kugadzirira zvekunoona sekuru.Takaenda patakasvika Amanda akatanga kudedera ndokuti "Ndirikutya Kev" ndakamutarisa ndokuti "Kutyei babe?" Akati "Gogo" ndakati "Havana zvavanokuita ndinewe inini murume wako" akaramba akatarisa kulawn aive ongiyeredza misodzi ndakati "babe chii?"
Voice:"Uyo ngaabve pano uyo handidi kumuona pano" rakadaro izwi ramai Admire , vakati "Pfambi iyo ngaibve pano puma ibva pano Amanda wauya kutora murume wangu nematsvuko ako awave nawo iwayo izvozvi unotokechwa naye Kelvin uyu matoranepi?".....
End of chapter
kutsamwa kune labour🌹
❤️
👍
😂
3