
QUEEN ZEE NOVELS
January 22, 2025 at 04:30 AM
*🌱ECHOES🌹*
https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N
*ZVAKANAKA KUGARIRA MUCHANNEL KUTI USARASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS UYEZVE NDIKO KUNOSVIKIRA BOOK REDU*
MAIN GROUP
https://chat.whatsapp.com/K9ttKbpuUJp0cx09QtlUzS
COMMENTS GROUP
https://chat.whatsapp.com/GiM5bSYiFRcK8O94Lalos0
FACEBOOK GROUP
https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Uc
*FREE BOOK READ ,COMMENT AND SHARE*
WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI
C 20
*SPONSORED BY MRS KAZAMULA*
*AMANDA*
Ende maiguru vaive vandirwadzisa sure , kurasikirwa nevana vangu 2 nekuda kwavo.Chihure chipi chandaive ndaita chavandiudza kuti ndatora murume wemunhu.Dai naZviko vaive varooraba zvaive nani nekurara vese vaive vasina.Ndakanyatsonzwa kurwadziws unotofunga kuti munhu ndewako izvo muvengi wako.Vaitozivana naZviko ndakaenda upstairs ndichiita kufemeruka , Kelvin paakapinda mubedroom ndaiita kunzwa kuzarirwa ndakabuda kuenda kukitchen ndaida kunobika pamwe ndainzwa zviri nani sezvo maid anga adzingwa.Ndakanotangana nemaplates wangu murume aiita kunge muswe wangu akatevera maiguru vakabva vapinda chigubhu chemahewu chaive pasink ndakavapira muyedzo vakaramba pakabuda Kelvin vakandinongedza ndokuti "Usaite kunge wakabuda nepaburi rembudzi iwe ndokudhinda usati zvawandirova ndikanyarara ndokutya" ndakati "Torovana mai Ano ini hangu zvekujairirwa handidi , hamuna nyadzi makaita sei kuda kuuraya vana vangu heede huriii zvino ava vakatengwa neropa raJesu chasungwa pasi pano chasungwa nekudenga haibve nhumbu iyi kana zvirizvo zvamuri kutumana naZviko manyangira yaona dhemeti" vakati "Ndokudzemura" ndakaerekana ndabata banga kwakuvanongedza "Try me ndikuvhiye chigurokuro tione kuti unowawata muroyi" vaive vodedera vakati "Simba rakawandira pakutaura hauna zvaunondiita" ndakazamurira mbama yekuseri kweruoko vakabata dama ravo dai vaiziva hasha dzandaive nadzo vaindidzikamira mai ava.Uye ndaisatombovatya kana kamwe chete , takazopedza kubika vati zii.Vakandibatsira kuserver chikafu asi zvaive zvekuvavarira.Zuva rakatevera pakaenda Kevy kubasa ndapedza kucleaner muroom mangu ndakabuda kuenda downstairs.Tete Kiara vaive vakutobuda "Makoti wamuka sei?" Ndakati "Ndamuka hangu aunt mamukawo sei?"
Her:"Ndamborara here zvechikoro zvino stresser mufunge , ipapa ndine mazihope apa ndine lecture na 9" ndakati "Dzidzai bans mugochengeta mukadzi" maiguru vakagadzirisa pahuro pavo vachibuda mukitchen , tete Kiara vakabva vati "Iko kuzvitutumadza kwamunozvita uku tichakunzwirai?" Vakati "Nhai tete maitwa seiko siyanai neni muite zvamainini handiti ndivo vamava kupa rudo rwese"
Tete:"Hauna kukwana mukadzi waEvans , imhosva here kutaura naChihera , wabatikana nekungoti ndiri kutaura naye manje ehe ndomuda iwe handikude une dzungu zimunhu risina kurairwa ndozviziva kuti wakamuvenga Chihera uyu ziso rako rawakamupa musi uya raive rehuroyi , kuroya sandi kubvarura machira chete hutsinye chaihwo kuroya" vakati "Tete ini zvemashoko nemi handidi"
Tete:"Kana neni futi handidi asi ndiwe wanditanga harinyare...maiguru ndiperekedzei henyu" takabuda vakati "Musavasekerere ava kubva musi uya ini navo hatichawirirane kana kamwe chete apa mazuvano ndirikushaya nguva yekuenda kumasowe dai ndatombonobvunzira kuti chii ichocho ava handivachenesi vanogona kuuraya munhu"
Me:"Musandityire tete ndakatovaonera kare" she smiled ndokuti "Better regai ndiende" vakadaro vachipinda mumota.Ini ndega ndini ndaive ndisina mota pamba apa Anopa chaiye aive nadriver asi ndaisave nepressure nazvo ndaive ndakavinga munhu wangu zvemari yaitovewo bonus asi Kelvin ndiye wandaida.Ndakadzokera mumba ndakaona maiguru vari musitting.
Her:"Wakaudza Kiara kuti andipostere mashoko handiti zvino ini handivhundutsirwe nemwana ane mukaka pamhino sewe unofira mahara"
Me:"Ndoudza Kiara kuti handigone kuzvimirira here , use your brain mother ini handinakirwe nemi kana ka1 ende ndatokuvengai makaurayisa vana vangu and muchazvifira kana muine nharo rovai umu" vakaita kudadazika vachiseka "Urikutamba nemunhu asiriye dzikama hako"
Me:"Handivhunduke izvozvo mai nhanha nekuti hamuzive kwandakabva uye hamuzive kuti ndakararama sei ndiri soldier rakarwa hondo zvenyu izvi zvidiki." Vakati "Tichaona pano haupagare Zviki ndiye mukadzi waKelvin" ndakasekera svoto ndokuti "Anoziva kunaka kwake Kelvin wamunoti ndiye mukadzi wake?Akatombotundiswa naye , dai asina nhumbu here haana kutomborarwa naye and ini ndini mai Jnr mukadzi waKelvin zvamuri kutaura izvo ndezvekushure kwehuku handiti makanditi hure ndave kuchida kukuratidzai hunhu hwehure handiti moziva kuti kuti hure harizeze kurova kana kuurays rinouraya rambai muchitaura matuzvi iwayo dhemeti" ndakafamba kuenda kukitchen ndichiita kufemeruka ndakaona door riri locked.Vakatanga kuseka ndokuti "Tiri two pano , uchadya kana vamwe vako vauya" ndakafamba kuenda kunomira pamberi pavo vakasimuka vachibva vandisairira ndakadonha pasi nemusana.
Ndakaita kakugomera vakandinongedza ndokuti "Usade kufarisa kanobva kamimba aka ukaswera wasvava imbwa yemunhu" ndakanzwa pain ndakaramba ndakagara , asi zvaisandimisa kuudza munhu chokwadi."Ndosaka wakarerewa mutray kunge chingwa pant remurume wako chairo haugone kuwacha unomirira kuti maid awache datya" akafinyama ndokuti "Watii?" Zvanga zvabata ka ndaksngotaura not knowing kuti ndaiudza munhu chokwadi kabisira."Zvandakuita zvishoma ka izvi?" Ndakati "Uchatorerwa murume basa kufunga kuisira vamwe mushonga murume achienda nevanogona kumufadza busy kuterera zvatinenge tichiita nemurume wangu mashaya sedhongi" ndakasimuka ndokubva ndafamba kuenda upstairs.
Apa ndainzwa nzara anga andigona hake asi zvaisapera mushe ndaida kumuratidza kuti neniwo ndopenga.Ndakabuda kuenda kuroom kwake ndakaona makeys aripa door ndakari locker.Kwakuenda kuroom kwaAnopa kwakuri locker futi ndakaenda kubedroom kwamama ndikari locker kwakuenda kuroom kwatete Kiara ndika locker ndichibva ndabuda.Iye aive musitting ndakaenda kuwindow reku kukitchen ra8ve riri locked ndakaisa makey mukitchen nepa window.Ndakabva ndadzokera neback door kwakunozvikiira muroom mangu.Lucky enough maive nemvura mubedroom.Ndakaswera ndakaisa ma earpods ndichinwa mvura , padzanga dzave kuma past 5 ndipo pandakamuka ndaiziva kuti mama vadzoka ndakabuda ndokuona mama natete Kiara vakagara musitting.
Me:"Maswera sei mama?Tete maswera sei?" Vakati "Taswera ko nhai makoti wamboonawo make epama rooms edu here?" Ndakati "Nhasi handina kutombombeya muno ini mama pandaburitsa aunt ndabva ndanorara kuroom kwangu" vakati "Anopa haana kuchinja kana kudya mai vake varikutiwo hanzi pamabika malocker door repa kitchen" ndakaseka ndokuti "Nhasi ndanga ndichi faster ini mama handina kutombopinda mukitchen." Vakati "Saka aripi?" Ndakati "Bvunzai maiguru?" Vakabva vati "Ko ini ndozvizivira kupiko nhai veduwee ndaswera ndakarara kuroom kwangu" ndakaziva kuti shasha haina kuenda kuroom kwayo ndakati "Pamwe arimo maybe makiya nemistake munogona makanganwa maiguru endai munotarisa" vakati "Kupiko hakuna chinhu" Anopa akabva ati "Aya makey ari apa panga pakarara mama pandasvika manga makarara muno mama neiko muchinyepa?" Ndakaita kuvanyarira vakatanga kutsenga mukanwa ndokuti "Eish ndinenge ndatove nechirwere wena" ndakamatora kwakunokiinura mukitchen ndichibva ndatora makeys aya ndokuti "Hezvoooo nhai maiguru ko makeys acho ese zvaari muno zvaita zvekudiniko?" Vakati "Makeys?" Ndakato "Ehe akoma" ndakabuda ndakamabata mama vakati "Akomana kutamba rudziiko uku nhai veduwee nenguva dzandauya musadaro mai Ano" vakada kutaura zvikanzi natete Kiara "Ehe tazvinzwa zvamuri kuda kutaura hamuna valid response mai nha" vakatora avo tete vachibva vaenda ndakavatema nawo kumeso kwakuenda kunobika.Ndakagadzira cereal rangu ndichibika.Ivo vakazouya nguva yekudya asi waiona kuti pano ndiri kugairwa horror chaidzo.
Amwene vakabva vati "Iwe mai Ano hausi wave kunyanyira umwe wako here , ndiye akabika nezuro nhasi zvee abika" vakati "Ndirikurwara mama tete Kiki vanoita ava" bamukuru vakabva varidza tsamwa ndokuti "Kuuya kwakaita Chihera pano wave kutogara uchirwara rwara ka iye apinda muchipatara kangani kana uchirwara enda kuchipatara ndiko kune varwere haana kubuda muchipatara nezuro here asi ave kutoshanda maid arikusvika mangwana makuseni muchange muchibatsirana basa" vakabva vasimuka iniwo ndakaona kuti yakora muto kwakuenda kukitchen.Kev anga asati auya , tete vakazouyw nemaplates ndokuti "Zorora hako makoti ndosuka Kev auya" ndakati "Thanks tete" ,ndakaenda kunorara.Mazuva akafamba tichingoitirana madrama namaiguru uye ndaitotarisa mufambiro wavo nekuita kwavo chikafu chavaibika ndaisadya ndaidya chaibikwa neni uye maid ndaitomuudza kuti usabike ndobika ndini , rimwe zuva ndakabuda neback door kunogara pamushana ndakaona ziku rubber raive pacorner yemba ndakangorifarira kwakuritora ndichibva ndatopinda mumba ndave padoor pamaiguru ndakanzwa voice raKelvin uye zvaitaurwa ipapo ndakaziva kuti vatraper murume wangu zvekare ndakarivhura zvehasha kwakuona mashura chaiwo.Kubvisira Kelvin hembe nhaimi mai ava vaishura here.Kelvin akabuda tikasara tave two vakamhanya kuenda kubalcony ndakakiya door.Ndakavadeedza nechigunwe "Huya pano apa zita rako repachitupa ndiani?" Vakati "Iwe urikuda kundirova" ndakati "Handikurove wakamboona mahure anorovana ndoda kukupa tip yekugona kuseducer varume ndirikuona kuti uri munyowani" vakati "Handiuyiko" ndakati "Manje ndikauya ikoko unowa ukafa handisi kuda izvozvo" vakaramba kurambisisa ndakaendako ndokubva vamhanya kudzokera mubedroom vakanovhura mudrawer hameno kanhu kavakatora.Ndakamhanya kwakunovanama nayo kumusana vakazhamba vachikwenya ndakatanga kuvadhinda ndaiita kunzwa mazikuhasha akapfurikidza "Wakaurayisa vana vangu iwewe unoti ndokusiya here uri muroyi nhasi ndoda udye asara wacho neni tife tizorore handiti haundidi mulife mako urimbwa , uri muroyi uri pfambi garinya haunyare wakaita sei." Ndairova ndichitaura zvaive zvasangana neshungu ndakachema ndichivarova."Amanda sorry kaniiii , sorry Amanda handichazviite kaniii mhaiiiii kani zvondofa" ndakamusiya ndave kuita kufemeruka ndaneta aive azvimba , paive pasina need yekumuti maiguru nekuti akanga andiratidza kuti respect yangu haanei nayo.Ndakagara pabed ndakavhunduka ndafuridzirwa zvinhu zvaakamdifuridzira kumeso.Ndakakachidzwa kwakutanga kukosora akasimuka ndokuti "Zvaenderana nekundirova kwawandiita fira matadzo ako" ndakatanga kunzwa kupera simba "Mandiitei mai Ano?" Ndakabvunza ndichisimuka "Urikuda kundiuraya zvandave kupera simba" ndakasimuka kukiinura door ndakaenda kubedroom ndakasvika ndave weak kushaya pekubata Kelvin akamhanya kundibata ndave kuda kudonha takatarisana mumaziso akati "Babe Chii?" Ndakati "Maiguru ba Ju vane mushonga wavandifuridzira kumeso , ndivo futi vakakonzeresa kuti.." Ndakabatwa nechikosoro chekuti ndakatadza kana kutaura "Babe chii?Babe kani taura neni?Amanda mukadzi wangu" akadaro achindiisa pamubhedha akati "Babe usandidaro be strong my love" ndaive ndakungokosora kuti nditaure kuti ndoda mvura zvakaramba kubuda.Akaitora yaivemo mufridge achibva andipa ndakanwa."Babe ndakudemba hangu amana pfungwa dzako dzanga dzichifungei chiona manje zvaitika" ndakati "Maiguru muroyi Kelvin" akati "Wanga uchida kuti kudii?" Pandakada kuti nditaure ndakanzwa pazasi peguvhu rangu kusunga ndakamhanya kubata ipapo "Mwana wangu Kev , mwana wangu kaniii?" Akati "Amanda chii?" Akandibata matama angu takaita eye contact handizive kuti chii chakaitika pandiri ndakamusairira uko achinovira pasi simba racho ndakashaya kuti rabvepi chaizvo."Nhai babe wave kupenga here , aita sei mwana wedu" ndakanga ndisisanzwe kurwadziwa ndakabva ndati "Mwana wako nani?Haasi mwana wako uyu pawakarara neni paya ndakazorara nasomeone im sorry nhumbu haisi yako" ndakadaro ndichisimuka pabed akandibata ndokuti "Wati kudii Amanda?" Ndakati "Wazvinzwa" ndakabva ndabuda ndakanogara musitting.Ndaive ndonzwa dzungu musoro uchiita kunginga kurwadza nzeve dzacho dzichirira idzi.Akadzika mastairs ndokuti "Iwe Amanda majokes ako handisi kumafarira" ndakatovhunduka ndokuti "Wati kudiiko Kev?" Akati "Zvauri kutaura zviri kubva kupi?" Ndakati "Ndati mwana haasi wako" akaridza tsamwa ndokuti "Handisi kuzvifarira zvauri kutaura Amanda handisi kumada majokes ako" ndakati "Ndoda kuzorora" ndakasimuka kuenda upstairs ndichibva ndanorara kuita flat.
Pandakapepuka ndakaona ndiri ndega mubedroom ndakabuda ndakaona vanhu vachidya.Zvakandibhowa kuti vanhu ava varikudya vasina kundideedza ndakadzika downstairs ndakarova serious.Handina wandakataudza mama vakabva vati "Makoti waswera sei?" Rambei ndiri zii hangu , tete vakati "Makoti mama varikutaura newe" rambei ndiri zii hangu ,ndakatarisa Kelvin aive akanditarisa akadzungudza musoro achibva adzipa maiguru.Vanhu vese vakaita kukwakuka patable vachida kumubata "Waitei mukadzi wangu muroyi iwe ndiudze izvozvi wamuitei ukasandiudza im showing no mercy ndirikukuuraya" mama vakati "Kelvin mwanangu unoita ngozi kani musiye" bamukuru vakamukava achinowira uko."Nhaiwe Kelvin aitweiko mukadzi wako wacho?" Ini ndaive zii hangu ndichiona vachibamurana nekupopotedzana.
Him:"Haasiriye Amanda wandoziva uyu ndini ndirikuziva zvaitika masikati.Babe please udza bamukuru zvawaitwa" aive otochema ndakati "Kuitwei kwekudii?Nani inga ndakuudza wani kuti mwana haasi wako" akati "Shit!Murikuona zvandiri kutaura here mazviona" mama vakanditarisa ndokuti "Haasiriye chihera wangu wandinoziva uyu chii chaitika" ndakasimuka kwakuenda kukitchen ndaida kunwa mvura ndakanzwa mudumbu mangu kusunga pazasi peguvhu zvakare ndaka screamer ndiri mukitchen vanhu vese vakauya kundibata."Chii muroora?" Ndakati "Mwana wangu kani?" Vakandibata kwakubuda neni ndakaendwa neni musitting.Vakandiisa pasofa apa zvaive zvowedzera ndakatanga kuchema ndakaerekana ndati "Mirai henyu ,mirai nditaure ,mirai kaniii huuuuuu eish , mwana wandakatakura haasi wekwaMapani maiweeeee kanii ndakapa Kelvin mimba isiri yake paakandibvisa humhandara ndakanorara neumwe munhu ndiyo nhumbu yandiinayo haisi yaKelvin" ndichipedza kudaro ndakaita sekunge pane rima rabva mumaziso mangu kunzwa kunge pane chinhu chakumurwa pandiri pain yandainzwa mudumbu yati hwaa.Vanhu vese vakashama miromo Kelvin akati "Amanda wati kudii?" Ndakatanga kufunga zvanga zvichiitika pandiri ndikayeuka mashoko andanga ndataura.Simba rekuramba ipapo ndakarishaya ndokuti "You heard me right" mai vacho vakagara pasofa ndokuti "Kunyepa thats a big lie hakuna zvakadaro" Kelvin akabva ati "Mama chiiko!Ataura ega apa chamuri kuramba chii zvinhu zviri pachena" akataura zvehasha vakabva vati "Kelvin shandisa pfungwa mhani iwe hausikuona here kuti munhu uyu pane zvanga zvichiitika paari" maiguru vakabva vati "Mhai zviri pachena izvi kani , masikati chaiwo andibhura kundirova honai zvakaita muviri wangu anga achitoita kunge arikurasika njere ndakazvireva kuti ihure munhu uyu" ndakanzwa zikugodo kunogara pahuro ndakazvishingisa kuti ndisacheme aai zikugodo raive pahuro raindirwadza.Vanga vabudirira havo pakundirambisa" ndakagara ndakazembera sofa tete Kiara vakabva vati "Bro hakuna zvakadaro" akati "Kiara!" Zvehasha akauya kugwadama pamberi pangu ndokuti "Look into my eyes" ndakavhara maziso angu misodzi ichiyerera akati "Amanda look into my eyes" zvehasha ndakamutarisa akatadza kutaura akaerekana ave kuchema "You've won" akasimuka kwakuenda upstairs ndakasimuka kuda kumuteera ndainzwa moyo wangu uchindirambira kuti ndisateere ba Ano vakabva vati "Urikuda kuenda kupi unonotirohwerwa uko" pasina nguva akadzoka ndokuti "Moyo wangu urikuramba ndafonera someone kuti auye nemushonga wekubvisa nhumbu ikaramba kubva ndoziva kuti ndeyangu handisi kuda kupikiswa" ziso rake raive kuna mai Ano , ndakapotsa ndasekerera mama vakati "Mangwana ndirikudeedza vanhu vekuchurch kuti vamboise munamato muno vatiudze kuti chii chiri kuitika" ndakati Mwari kudzwai mandinunura , maiguru vakabva vagara pasofa asi ndaiona kuti munhu apererwa uyu."Asi Kelvin unoramba uchirwadzisa mwana wevanhu ko kungo believer usina kuona nhai.Vanhu vekuchurch ndivo vachatiudza chokwadi chese plus zvinokanganisa mwana" akati "Kana kutomusimbisa kuti abude akasimba"
Her:"Ko ikabva" akanditarisa ndokuti "Ndobhadhara damage" ba Ano vaive vangoti zii.Ndakagara ndakazembera sofa vaive vongotaura vana vanyamunhu vega maiguru vanga vave zii.Vanenge vainzwa kutsva chaiko kushaya kuti vodini.Ndakatanga kuimba song ya chief hwenje yekuti "Mungandirongera kuti ndife kuronga kwavo asi denga rine kuronga kwaro" nechemumoyo , ndakamedzera mate ndavhara maziso ndakabatirwa nehope ndiripo.Ndakatozovhunduka ndarara mubedroom pabed.Kelvin aive akanditarisa kumeso chaiko pandakada kutaura akatanga kundi kisser zvakakwidza mafeelings angu asi ndakakasika kumusiya ndaida kuziva kuti chii chaita kuti asandituke nehasha dzaaitira vana mama."Imbondisiya Kev" akati "Hausikuda kubatwa nemurume wako here come on ndikisse yatomira iyi" ndakati "Chimbomira Kev wandisiirei nehasha dzawanga uchiita" akati "Handigone kupretender babe asi ingoziva kuti zvaitika ndanga ndichizviziva zvanga zviri planned munhu achareurura ega hake" ndakati "Ndiudze kani my love i thought uchandirova" akaseka ndokuti "Haaa kana handirove mukadzi wangu ini katete kako naTafadzwa vafambira nyaya dzacho unoziva fariro yandiri kuita ka inotoda kuti ndimbosvira mukadzi wangu kumuchemedza chaiko ita kudai ndiyamwe" akadaro achitoda kundibvisa dress ndakamubata ndokuti "I love you so much Kelvin , uri blessing mu life mangu unoziva ndanga ndatoti kutambura kwangu kwauya" akaseka ndokuti "Mira uone" akatora phone yake achibva andiratidza video raZviko namai Ano vari paSemi levi achibva alocker ndaive ndotoda kutora phone yake.Ndakati "Saka kana waiziva wazvisiireyi zvichiitika" akati "Babe vanhu vaka investigater vandipa nhasi pawanga uchizvamburana namai Ano.Vati ndisiye zvakadaro zviitike Kiara akanga atokushandisira munamato kare.Zvino murume wako haasi acter hauna kutoonawo hasha dzandanga ndichiita ndanga ndichida kutouraya" ndakati "All thanks to tete , ndokuda murume wangu oooh ita zvaunoda neni wakandikoshera my love" akaseka achibva ati "Handichadi" achindipira gotsi "Kev kani wandidenha wakundisiya futi" akati "Kwete mai Mapani maramba imi" ndakati "Daddy kani unoda ndicheme here?" Akati "Ndoziva kuti zemo rinokuchemedza ka iwe" ndakaseka ndichimupuuruzira dumbu kudzika kuzasi ndakaibata ichibva yamira kumira iri mumaoko angu akati "Unodenha ka waimisa wazviona" akadaro achicheuka achibva andinama nekiss zvenzara chaizvo ndakanyatsobatirira muhuro make ndichinzwa kuti zvakanaka kuva pano nyama nepfungwa zviri pamwe chete ndichinakirana nemurume wangu vegodo vachironga kundiwisira pasi......
End of chapter
kutsamwa kune labour 🌹
❤️
😂
👍
9