QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕 Follow our WhatsApp channel: https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group join: https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs 🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇 *THE SECRET COVEN* 🧛🏽‍♂️🌑🧛🏽‍♀️ 🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸 Written by🖋️ *QUEEN ZEE* _aka 〽️agumbo_ Contact us 071⁶⁴⁵²907 077¹⁹⁶⁹067 _This is a work if fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_ (🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵) Chapter 2 _In Sadoko Kingdom_ *Dakota* Ndakatevera hangu ndichifamba aingomisa rukotsi ungati mubato wenhanga ndakabva ndamudana "Elena mira ipapo" ndakadaro ndomhanya akabva aramba achifamba "iwe Ele ukasango mira ndoda kunova udza mhamha kuti ndakuona nemukomana" ndakadaro akabva amira ndakasvika paaiva ndakabva ndaturura huni dzaiva musoro ndikamu tarisa "Ele ndinyarewo" ndakadaro ndichi pukuta tuziya twaiva twakuyerera akabva aridza tsamwa akapindura "ndinyarei sis Dee itai semunhu mukuru ipapa munenge muchindi svodesa neshamwari dzangu kuti zviitesei amugone kungomira tosvika kumba here" akadaro ndakabva ndamu dhonza nzeve aindi jairira zvokwadi mwana uyu "Ele uri mwanana kwandiri ndinoziva zvimwe zvinhu kukupfuura" ndakadaro "nxaa munhu asingazive kana kugera sango razara kuzasi uku munoita seticha bata shuro mupant menyu apa zvoti amugeze" akadaro apa aiva akwidza izwi aida kuzwikwa sterek manje, zvimwe zvivana zvaiva pedyo nesu zvakabva zvaseka ndakango musiya Ele ndikabva ndasenga huni dzangu ndikafamba kuenda ndakasvika kumba mhamha vaiva vakagara vaifurunura mubora "maswerasei mhamha" ndakadaro vakabva vandi tarisa "wanga uchiri kuitei nhayi Dakota shamwari yako yasopfuura nepano kare wanga uripi?" vakandi bvunza ndakabva ndafunga mbuya vaya vaiva vanditi ndisaratidza kana munhu chuma changu ndakabva ndanyepera mhamha ndaiva munhu ane pamuromo hangu asi ndaisanyepa "ndanga ndanosvitsa vamwe mbuya kumba kwavo vanga vachi remerwa nehuni" ndakadaro mhamha vakabva varamba vakandi tarisa "horait chipinda mumba ukuchidzire moto hona zuva rakuda kuenda muna mai varo tisati kana tabika" vakadaro ndakatoona taigona kuzovata nezhara ini ndozvandaisada hangu nekuti ndaigona kutomuka pakati pehusiku ndikatsvaga kana chekudya apa chaizo tyisa kubuda mumba macho ndoenda kunobika. Ndakafamba ndoenda mukitchen ndakasvika kwakutanga kugadzira moto ndakaisa mvura yechibataura ndikabva ndaenda kunobatsira mhamha kufurura muboora ndaida tikurumidze ndiwane kudya ndaiva ndava nenzara hangu. Elena akabva asvika akatanga kufamba achipinda mumba medu matairara akabva adanwa namhamha "iwe Elena huya pano" akabva acheuka achitarisa kwataiva ahana kudaira akabva apinda mumba akazobuda apfeka skirt yake apa yaiva pfupi netop akabata book aiva munhu uya ane zibody aiita kunge ndiye mukuru kwandiri kana takapfeka hembe "mhamha ndakumbobuda ndoda kunonyora homework kwana Manaka" akadaro kumba kwana Manaka kwaiva nemunin'ina wake vaingova zera rimwe iroro naEle ende vaingodzidza pachikoro chimwe chete. "Nhayiwe Elina kana maswerasei waita here zvawava kuti unoda kubuda?" vakamu bvunza iye akabva atarisa kudivi achi gadzirisa skirt yake "maswerasei mhamha" akadaro akabva atanga kutambisa zvikumwe zvake zvemumaoko. "Heya ukasa remekedza ini mai vako unozoda kuremekedza ani chifamba hako uende wokurumidza kudzoka kusati kwavira" vakadaro akabva afamba akuenda mhamha vakasara vachidzungudza musoro zvese nekutura mafemo vairatidza kupererwa chaiko "chienda unocheka ubike rega ndimbosvika kuzasi uko" vakadaro ndakabva ndagutsira musoro ndakasimuka kwakunopinda mukitchen ndakaona poto yangu yaiva yato fashaira ndakabva ndatanga kusika sadza ndakacheka muboora uya ndakauyisa mapuno acho twaiva tuya tudiki apa tunenge twakwaita kutsvukira zvandaida ndakaisa hanyanisi ndakabva ndagatsa pamoto muhadyana. Ndakatanga kubika pasina nguva ndaiva ndapedza ndakabva ndavhara goni remukitchen ndaida kunoteka imwe mvura ndaiva ndaona masara ishoma ndayiitira Elena kuti azowana chekushandisa makuseni. Ndakafamba ndoenda ndakabva ndaita rombo rakanaka kwakuona mhamha vaiva vadzoka "koapa mafungepi" vakadaro ndakashaya vaitadza kuona ndaiva ndakabata bucket here apa ndanguva iyoyo ndakabva ndabata chuma chaiva muchiuno ndiava ndazochi pfeka "ndoda kunoteka mvura amuchina yakawanda" ndakava pindura vakabva vati ndiende ndikurumidze kudzoka obvious ndaitoenda ndichimhanya zvee handi ndaiva ndasiya ndapedza kuchimona saka ndaida kutodya ndakadekera. Ndakasvika kusina vanhu ndakateka mvura yangu asi pakudzokera ndakabaiwa nemunzwa muroad ndakaturura bucket ndakabva ndakotama kuti ndiubvise ndakaona sekuti pandaiva paiva nemadrops eropa aiva adonherapo. Ndakambosiya zvemunzwa ndakatarisa kwakuona zvinhu zviya zvaingoramba zvichienda asi zvainanga musango. Ndakafamba ndopindamo ndakabva ndanzwa gumbo rorwadza ndakabvisa munzwa uya ndakabva ndatanga kufamba ndotevera ndakaona aiva mukadzi aiva akarara apa aiva akadhendwa dumbu rakavhurika airatidza kuti aiva nemimba ndaka screamer mudenga makabva maita lighting kuri kupenya chaiko. Ndakashaya kana zvekuita ndakaona the best way kwaiva kumhanya kupalace nekuti zvinhu zvakadai zvaisada ini ndione ndega. Ndakarova chitsoka ndibereke ndichisvika pagate repalace naguards akamboda kuramba kundi vhurira gate "please imbomirai izvozvo tarisai kwakuda kutovira" ndakadaro guard umwe akabva ataura "Chivhuno ngatimuregei apinde" akadaro achiudza umwe wake vakabva vabvumirana ndakavhirirwa ndikapinda ndakakumbira kuenda kuna king asi pakabva patouya elder wavo. "Tingakubatsira neiko nhayi chisikana" vakadaro "akuna kumira vakanaka weduwe ndaona umwe mukadzi anga akafa akadhendwa padumbu apa" ndakadaro elder vaya vakabva vandi tarisa "are you sure nezvawaona" vakadaro ndakagutsira musoro kuri kubvuma ndakapihwa maguards 2 ekuenda nawo apa ini ndainyanya hangu kuda kutaura naKing ndobva ndavaonawo for the first time. Ndaingonzwa nezvavo kuti vaiva very serious vaisada vanhu vanoita zvisina basa mukingdom mavo ini kuSadoko ndaiva ndakakuuya gore raiva rapfuura iri pakashaya mai vababa vangu ndiri munhu aiva akakura ndichigara nambuya mhamha vanenge vari kupalace kwavaishanda kukingdom kwandaimbo gara apa vaiwana zororo kana zvezuva rimwe paperwa mwedzi mitatu vozouya saka nguva zhinji ndaiva ndina mbuya vangu vaifarira kundiudza nyaya dzemashavi. Vakatanga kushaya ndibaba vangu mai vangu vachiri nemimba chaiyo saka apa taigara kuZayonda Kingdom yaiva after Yaremba ndokwa ndakabva ndichiuya muno muSodoko . Zvemu Sadoko zvaindi remera nekuti mukingdom macho maingotyisa so kana iri nguva yechirimo mvura ichinaya kwaisaita kozoita mahusiku. Ndaitofunga zvakawanda ndichitaura ndega takasvika paya ndakaona bucket rangu pasina ndakaenda kwandaiva ndaona munhu ndikaona munhu pasina asi ropa raivapo. "Uripi mutumbi wacho" akabvunza umwe one ndakabva ndabata musoro ndaitadza kuziva kuti zvaifamba sei ndaivawo ndiri confused savo "ndausiya uripo ipapa kutaura chokwadi ndauona" ndakadaro ndakabva ndabatwa nemaguards aya "takuenda newe kupalace kana uchiziva King Torin wanga usinga fanire kunyepa dai ukano pihwa punishment inorwadza ungati fambisa" akadaro umwe wacho ndakabva ndatanga kushinyira "kochii futi?" akabvunza umwe "mudumbu mangu mava kumonya" ndakadaro vakabva vaseka "aungatadze nekuti kwatiri kuda kuenda kana nesu tinovatya vanogara vari serious atitozive kuti smile yavo yakaita sei" akadaro umwe wacho "ndokumbirawo hangu kuenda paseri apo ndakakwara" ndakadaro vakabva vandisiya vakati ndiende sei vaiva vakapusa vanhu ava ndakabva ndapota kuseri ndakatanga kufamba zvishoma nezvishoma apa kwaiva kwakudoka ndakazotanga kumhanya ndoenda kumba. Ndakasvika kumba ndichiita kufemereka ndakangosvika nekupinda mukitchen ndikabva ndarovera door ndichigara kuseri kwaro. Vanhu vese vakangondi tarisa apana akataura panguva iyi ndaiva ndakabata hana yangu kuri kutsvaga mweya wekufema "iiiii" ndakadaro "nhayiwe Dee zvaunongobva uri mhepo uchisvika ichivhara door zvadii?" vakubvunza mhamha ndakabva ndatura mafemo "ayiwa mhamha pakaipa ndaona chisionekwi nhasi" ndakadaro "wanga uripi Dee ipapa baba vasodzoka kare nemugomo wawasiya muroad" vakadaro ndakabva ndatarisa baba ndakaona vaiva ndivo vaiva munhu aigona kunge aonawo mutumbi wemukadzi iyeye ndakabva ndataura nyaya yangu vanhu vakaramba vakandi tarisa ndakabva ndaona mhamha vaseka "Dee ndiudze uri kutaura hako ngano muno hongu mune varoi asi izvi zvevanhu vakafa atisati takambo sangana nazvo" vakadaro ndakabva ndavatarisa "saka mungati ndiri kunyepa here? Nhayi daddy amuna kuonawo here mutumbi wemunhu pamatora bucket nekuti panga pane ropa ranga richienda musango?" ndakadaro ndichibvunza asi apana akandi daira Ele aiva akangondi tarisa vanhu vakaenderera nekudya havo kuita sekuti vaiva vasina kunzwa nyaya yangu. Ndakasiyana nazvo ndikabva ndatora sadza rangu ndakadya ndikapedza musi uyu ndini ndaisuka apa taiva tanonoka kudya. "Mhamha nguva dzaenda idzi kondika suka hangu mangwana kwachena pane chakaipa here" ndakadaro "Dakota apana ndiro inorara panapa isina kusukwa" vakadaro vakabva vasimuka vachibuda kuenda kunorara vese nababa. Sezvo musi uyu kwaiva nemwedzi wakazara kwaito nyanya kutyisa nekuti kwaingonzi ndipo panonyanya kuitwa mutambo wevaroi ini ndaishaya kuti vanhu ava nyaya dzese idzi vaizvi wanepi. "Ele handewo zvee unondi mirirawo" ndakadaro akabva andipima akasimuka achisiya ndiro yake ipapo "vamwe tinongo suka wani tega chii chashamisira panemi" akadaro ndakabva ndaenda paari ndikamu pindura "iwe kana usingade unongo regedza ahu nyengererwe wanzwa apana kana chino shamisira pauri" ndakadaro akabva aridza tsamwa achifamba kubuda. Ndakasara ndega ndakabva ndangorovera moyo padombo ndikabuda ndoenda kunosuka ndakasuka zvakanaka ndikapedza ndakubvisa mandiro padara ndichiisa mumba kwakatangs kuita kamhepo kandisina kufarira. Ndakapinda maplates ese mumba ndapedza ndakabva ndavhara door remukitchen ndakuenda mukamuri redu ndakaona sekuti payard pane chakafamba ndakashaya kuti chii ndakabva ndaramba ndichifamba "tsviyooooooooooo huhuuuuuuu awuuuuuuuu huhuuuuuu" ndakanzwa kazwi kaidaro asi kaiva neruzha ndakabva ndamhanya kwakusvika ndichibheura door ndakaona Ele akamira pagirazi raiva mumba asina kusimira uyu ayiita kunge joki chairo humwe hunhu wake dzimwe nguva "nyayiwe unogarwa here nemweya" ndakadaro akabva acheuka achindi tarisa "imi sis Dee amudi kunyarwa tsvee kugeza sevamwe vasikana vezera renyu ana Manaka munenge muchida kunetsana neni mwanana" akadaro. Andina kuzomboda kuramba ndichitaura naye ndakawaridza ndokupinda mumachira umwe neumwe airara pake Ele ayiti ahadi kurara neni ndaisava nebasa nazvo. Ndakabatwa nehope pakati pehusiku ndakatanga kunzwa sekuti mumba mandaiva maibuda zvima sounds zvakaita sezvandaiva ndanzwa kuna Manaka naParewa ndakatarisa kwairara Ele ndakaita sekuti ndakaona mimvuri yevanhu vaviri ndakazeza kubatidza kenduru hangu. "Nhayiwe Elena" ndakadaro "sis mmmm Dee mati?" akabvunza "ukunzwawo zvandiri kunzwa here" ndakadaro akabva angoti ayehwa ahana kuzodaira zvinhu zviya zvaiva zvamira andina kunonokawo kubatwa nehope ndakabva ndarara ndakazo muka mangwana makuseni Ele akutobuda kuenda kuchikoro. Ndakamuka ndokuita basa ndakabva ndaona mune sadza raiva rakasara mupoto ndakadzisa kwakubva ndatanga kudya mhamha vakabva vabuda mumba mavo ndaitova nehunhu hwekudyira pamugonhi "nhayiwe Dakota watomukira sadza rungwanani runo apa auna kana kugeza kumeso mbovha iri kuita kuenda kunosvika kunzeve maziso akazara mabori iri kuita kusembera" vakadaro "haa zvambo fungwa naniko mhamha naicho chisadza chandanga ndaona apa chimuradzo chinonaka sei" ndakadaro ndichipedzisa kukokota hari yemuriwo ndakabva ndadutira zvimvura. Zuva raiva rakubuda ndakabva ndabatwa nehope ndakazomutswa namhamha "iwe Dee ukudiwa" vakadaro ndakamuka ndichizvi twasanura ndakashamisika ndichiona asi maguards ekupalace ndakatarisa mhamha vaiva vakandi tarisawo. Ndakada kufamba kupinda mumba rimwe guard rikabva rataura "ukaramba uchida kushandisa vanhu mhosva dzako dziri kuwanda" akadaro ndakabva ndamira vakauya vakandi bata ndakada kumbo svinha zvimusodzi asi zvakaramba mhamha vaiva vakangomira vari tuzu apana kana action yavakaita. Ndakatanga kumira ndisinga fambe ndakasimudzwa nemaoko ndakaona ndega ndaitozvi shungurudza "chindiregai ndinofamba hangu" ndakadaro vakabva vandisiya ndakatanga kufamba toenda kupalace takasvika kuya vanhu vaingondi tarisa ndakapindwa neni mukati paiva pakanaka asi colour zhinyi yaingova grey imomo ndakasvika kukandirwa pamberi pevamwe mukoma so aingova mazera iwawo ana Parewa ndakatarisa munhu uya ndakabva ndaona ndega kuti ndiye aiva king wacho nekuti aiva aita kushatisa chiso. "Chii chamandiisira pamberi pangu ichi" akadaro murume uya "King Torin ndiye musikana wacho" akadaro umwe guard "saka mungandiigira tsvina idzi pamberi pangu kuti zviite sei mungati mupengo bvisai kurumidzai tone muno kandira kunze uko" vakadaro ndakava shanyira pavo saka wavaiti tsvina ndiani ndakava nyara asi ndaida kuva tyora Thora iwo mabhonzi zvese nepfungwa kana zvirizvo zvaiita varase muromo ungati munhu akadyisa nduru yegarwe kushatisa chiso kudaro. Ndakatakurwa ndikabva ndafambwa ndobudiwa neni padoor takapesana neumwe mukadzi wechikuru kumashure kwake kwaiva nemusikana aiva nepamuviri "Torin chii chikuitika munomu and why musikana uyu akaita kutakurwa kudai?" vakabvunza mai vaya vachimisa maguards neruoko "mom tarisai musikana uyu mungati she is a destitute" akadaro "Torin mind you" vakadaro vakabva varamba vachienda kunogara pasi musikana aiva nemimba uya akandi tarisa akabva aridza tsamwa. "Mubatei zvakanaka musikana iyeye Torin your father was a good king vaibata vanhu zvakanaka be like him" vakadaro mai vaya ndakabva ndanoiswa panze pegate ndakatarisa maguards aya "ipapa muchatadza kurara kana kugeza maoko enyu nekuti mabata tsvarakadenga yakaita seni" ndakadaro vakabva vaseka ndakashaya chii chaisekesa ipapa ndakafamba ndoenda kumba ndakabva ndasangana naManaka apa aiva akachena chena achiratidza aiva ageza ndakamira pamberi pake "hesi Manaka" ndakadaro akabva abata mhino yake "nhayiwe Dee waka pedzisira rinhi kusuka mumuromo mako ungati makafira chidembo kudai" akadaro ndakabva ndaisa ruoko ndikafembedza maisambo nyanya hamo kunhuwa ndaitozo tsvaga chumuti ndokwesha mazino angu "asikana mukazo vhara mhino kuita sekuti muri kunyanya kukanda zvinobuda here" ndakadaro akabva aseka "muchati rutsira imi rega ndimbosvika kuYaremba uko ndinoda kunonoona tete vangu ndatumwa namhamha" akadaro "handei kaa tese ndobva ndaenda hangu kuZayonda ndimboona mai vangu nguva yareba" ndakadaro akabva anditarisa kuface "nembovha yaunayo yese iyi Dee ungati ndiende newe dai wageza taienda" akadaro ndakaona ndega kunyengerera kwaitonetsa ndakabva ndafamba ndoenda kumba ndakasvika kumba ndaiva ndadhiniwa mhamha vakabva vanditi ndinogeza haa ipapo ndakaramba hangu "ayiwa iwe Dakota ndakutadza chiita zvaunoda hako uri munhu rudziko auna basa nemuviri wako" vakadaro ndakabva ndavatarisa nekudhiniwa kwandaiva ndaita ndakabva ndava pindura rough "kokusa geza kwangu kunoku kanganisai pachii musade kutsvaga mutauro pasina mutauro imi muri kudei kwandiri" ndakadaro vakabva vanditarisa vakashama muromo "Dee" vakadaro ndakabva ndasimuka ndopinda mumba ndakabva ndatorara hangu ndakazo mutswa neshamhu yaiva yamhara pakati pemusana ndakasvetuka ndichino mira kumadziro ndakaona vaiva mudhara vaiva vauya neshamhu "saka iwewe unoda kutonetsa panapa" vakadaro vachindi rova imwe yakanorova nechepa zamhu panhu pangu "daddy mandikwadza kani" ndakadaro vakabva kundirova futi ndakabva ndaibata "Dakota anoto pisa musoro Baba Ele" vakadaro mainini ndakabva ndava pindura "iko kugeza kwamunondi netsera mazuva ose kwakanaka kani asi ndikasageza munofa kani" ndakadaro............ End of chapter 2 Stay tuned🩵
❤️ 1

Comments