QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕 Follow our WhatsApp channel: For previous chapters and other books. https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group join: https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs 🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇 *THE SECRET COVEN* 🧛🏽‍♂️🌑🧛🏽‍♀️ 🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸 Written by🖋️ *QUEEN ZEE* _aka 〽️agumbo_ Contact us 071⁶⁴⁵²907 077¹⁹⁶⁹067 _This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_ Chapter 3 (🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵) _In Sadoko Kingdom_ *Dakota* "Nhayiwe Dee matauriro rudziiko aunoita neni nhayi aundipe kana respect" vakadaro ndakabva ndavapindura "ayisi kana nyaya yerespect apa asi chamunondi rovera kugeza chii ipapa ati andigeze ndiani manje nhasi ndachida kugeza andichatoite" ndakadaro daddy vakabva vasiya shamhu vakabuda mhamha vakandi tarisa "iwe kana una zimbuya rehuchapa rakagara pauri ngarikurege maimanje zuva rinenge rava kutorova ngongonya asi une mbovha izvezvi kudai" vakadaro andina kuvapindura ndakasiyana navo vakabva vabuda ndakasara ndega ndikagara pamasaga echibage aiva mumba ndakabva ndanzwa mudumbu mangu kurira ndakatanga kukwenya musoro yaitova nzara iyi ndakabuda mumba medu ndikabva ndaenda kukitchen ndakaona door repo rakakiwa ndakabva ndaenda kubedroom kwamhamha ndika knocker. "Mhamha" ndakadaro apana kana akadaira ndakagogodza kusvika ndaneta "haa kumwe kujairirana chokwadi" ndakadaro. Ndakabva ndafamba ndikaenda paiva nemuti wepamba pedu ndakakwira imomo kwakugara hangu ndakabva ndatobatwa nehope ndakazomuka ndanzwa kutaura kwevanhu ndakapotsa ndadonha mumuti mandaiva ndakabva ndatarisa kwakuona vaiva mhamha nadaddy ndakaburuka mumuti ndikabva ndaenda pavaiva "ahusati wageza Dee" vakadaro ndakashaya ahasiriye munhu aiva anditi chiita zvaunoda nemuviri wako here ndakabva ndakwesha kumusana "ndichageza kana ndadya" ndakadaro vakabva varovanisa maoko "nhayiwe Dakota handi patabuda ipapo dai wasara uchigeza here tarisa inguvai dzino dzaune mbovha kudai ndozvamaita here kwawaigara nambuya vako" vakadaro ndakabva ndavatarisa ini ndaiva nditongori munhu akakura asinga farire mvura chimwe chandaidira mbuya vangu vaindi nzwisisa avana kana zuva rimwe ravaiva vakandi tukira kugeza kana kundi nyimira chikafu kuti geza vaiva munhu aiva nerudo neni ende vachindi nzwisisa. Vaiti kana ndagara mazuva ndisina kugeza vaindi dzisira mvura voti "Dakota chienda unogeza" vaitaura neni zvine rudo ndozvandaida. Kwete game iri rekuda kunyimana chikafu kwaiva kutondi tadzira kukuru ikoko ndaingova munhu asinga farire kuda kuudzirwa zvekuita nemuviri wangu sekuti ndakamboudza munhu zvekuita newake. "Ehe ndozvataita mbuya vaiva vasina dambudziko neni" ndakadaro "mbuya vako vaiva vaku jaidza wava negore uripano asi amuchinje mai Ele vongogara kukuudza mukadzi mukuru akaita sewe kuti geza sure" vakadaro daddy "ivo vanenge vatumwa here?" ndakataurira pasi. "Watii Dee" vakadaro daddy "apana regai ndinogeza" ndakadaro ndikafamba ndoenda kunotora bucket ndakachera mvura ndikabva ndaenda kunogeza. Ndakageza hangu asi ndaiva ndakato dhiniwa ndapedza ndakabva ndabuda ndakano pfeka ndakabva ndaenda kukitchen ndakanogara padivi pamhamha "chikafu changu chiri payi?" ndakabvunza vakabva vanditarisa vaka finyamisa face "enda unosuka mumuromo iwe" vakadaro nezwi raiva pamusoro ndakasimuka ndiri speed ndakaenda kwakunotsvaga chimuti ndakatanga kugeza mazino ndakazodzokera ndakapihwa mutakura wangu ndikabva ndadya. Ndakabva ndatobuda ndaida kuenda kunoona Parewa ndakasvika kumafuro kuya aiva ega hake akafara kundiona "hii ndanga ndakusuwa Dee urisei hako" akadaro ndakabva ndaseka "haiwe unondisuwa kuti ndadii ah" ndakadaro akabva aramba akandi tarisa "ndiani angatadza kusuwa tsvarakadenga yakaita sewe" akadaro ndakabva ndaseka ndichifamba kuenda ndakanogara padombo ndakazoona Parewa akarambs akandi tarisa "kwakanaka here" ndakadaro ndakabva ndaona muchikabudura make muchiita sekuti aiva aisa chimuti nekuti chaiva chakakwirira chakabaya "konhayiwe unoisirei zvimuti mukati kuri kuzvibaya" ndakadaro "apana Dee" akadaro achifamba kuuya kwandaiva akaramba akatarisa pamakumbo pangu sezvo ndaiva ndakagara ndakama kwidza padombo ndakabva ndatarisa kwakuona ewoo dunhu rangu rese raiva panze apa kanduwe kandaiva ndakapfeka kaiva kasina pakati nzevve dzangu dzaiva dzakato buda ndaiva ndaka dzidzisa nagogo kuzvikudza. Ndakanyara chokwadi panguva iyi Parewa akabva atendeuka akaenda kwaiva nemombe dzake ini nekunyara ndakasara ndakagara padombo riya ndaishaya kana kuziva kuti ndoita sei chaizvo kochimuti aiva achiisirei muchikabudura chake nhayi Ndakaona ndega ndaito funga zvisinei neni ndakabva ndasimuka ndikatanga kufamba ndoenda kumba asi ndakabva ndanzwa Parewa achindidana ndakacheuka "Dakota! Iwe Dee!" ayidaro ndakabva ndamira akasvika pandaiva akandibata ruoko todzokera kunogara padombo riya akabva andigarisa iye akamira asi ndaisvoda kumutarisa nekuda kwenyadzi "Dakota kouri kunyarei nhayiwe?" akabvunza "handi wandionerera here" ndakadaro akabva aseka "iwe inini ndakuonerera nguvai" paakadaro ndakabva ndanzwa kusununguka saka zvaireva aiva asina kundionerera ndakabva ndatiza nyaya "nhasi une matamba here?" ndakamubvunza "ayehwa ndanga ndauya nemaranjisi aya Mamaka ndiye anomafarira" akadaro "horait saka iye anodzoka nguvai" ndakadaro "kubva kupi nhayi Dee?" Akadaro ndakabva ndatoona ndega kuti mukoma ava apana kana chavaiziva vanenge vaiva murima chete zvino ini zvekunyepa kana ndakabva ndamuudza kuti Manaka aiva aenda kuYaremba koiye Mana aigotadza kuudza mukomana wake kuti zvidii handi kana vanhu vachifambidzana vanenge vachiwirirana here zvekuudzana iye chaimukonesa kutaura chii. "Andisi kana kumboziva ndakaguma kumuona nezuro akatobva akumhanya mhanya andina hangu kutsvagana nazvo nekuti ndaiva ndambowana nguva neharanga yangu saka ndakango musiya achienda zvino handi dai akandiudza here nezuro kuti Parewa ndicha mbofamba ndopandaimu rambidza here?" akadaro Parewa asi ndakaona kuti aiva abatikana kungoti Manaka waiva nenguva mumwe musi akada kumuka achiita seakakwana umwe musi dzinenge dzakadambuka imwewo anenge achiita seadya madhoti emuroyi. Ndakatoona ndega kuti shamwari yangu waiva nedambudziko asi ndakango siyana nazvo. Ndakaswera ndakagara naParewa aiti kana akaona mombe dzakuenda kusiriko osimuka achinodzi tinha ndaiva ndazo pihwa majanjisi aya apa ayinaka zvisingaite. Nguva dzekuti ndiende kumba dzaiva dzakuda kukwana ndakabva ndamuti ndakuda kuenda "Mira ndino shedza mupfana wangu Harry asare nemombe ndikuperekedze" akadaro ndakabva ndabvuma akaenda achimhanya kumba kwavo kwaisava kure zvekuti pasina nguva aiva adzoka. Akauya nemunin'ina wake akabva andi mhoresa akabva atanga kutaura "asi mukoma makamboona here kuti Dakota akanaka kupfuura Manaka" akadaro Parewa akabva angondi tarisa ndakabva ndaseka hangu "iwe Harry ini zvangu Dee anogeza kamwe pavhiki kana ndikazvifunga wondi enzanisa nanaManaka vekungodai vakuto dira mvura pamuviri" ndakadaro akabva anditarisa. "Haa Dee wakanaka hako kungoti ndiri mudiki kwauri asi dai ndiri kutokubereka hangu tichifamba takambundirana tiri shiri dziri murudo. Manaka ahana kumbonala uyo hungori hutsvuku huri paari asi ahana kunaka" akadaro achizvi bata zvindebvu ndakabva ndaseka hangu "Parewa chindi perekedza hangu ndiende ndinoda kusvika kumba nguva dzichiripo nditange kubika" ndakadaro Harry ndiye akabva apindura "asi nyaya yangu Dee wayinzwa here kungoti makore ahana basa asi haa ukandipa mukana iwewe unoita kupenya chaiko ukawedzera kunaka" akadaro ndakabva ndamutarisa "iwe Harry kwana mhani rega ndiende kumba zvehubenzi hwako andingazvi gona" ndakadaro Parewa akabva andibata ruoko tofanha kuenda Harry akasara achiseka achiridza muridzo ndakangoti zvakatooma hazvo tava munzira ndakabva ndabaiwa zvee nemunzwa apa waiva uya mudhongi ndakarwadziwa ndakatanga kuyuwira Parewa akazviona kuti ndaiva ndabaiwa akabva achonjomara achibata gumbo rangu akatanga kutumbura munzwa uya "ndiri kurwadziwa" ndakadaro "nekutya kwako uku koukazoroorwa unodii nhayi Dee" akadaro "haiwe isu tisu ticharoorwa here" ndakadaro akabva angoseka zviya akandindi simudza "kozvava zvipi nhayi Parewa" ndakadaro "mira Dee uri kuramba kubuda ndoda kukugarisa padombo iro ndigowana kukutumbura zvakanaka" akadaro "horait" ndakapindura takasvika paiva nedombo racho akabva andigarisa ipapo akatsvaga mumwe munzwa akatanga kundi tumbura ndakazonzwa munhu ayi gadzirisa pahuro ndakaona ari munin'ina waManaka naEle "hesi Nakaya" ndakadaro ndoraiva Zita remunin'ina wake Manaka. "Ndakambo kuudza kuti sis Dee vanenge vari kudanana nemukomana wasis vako ukandiitisa nharo" akadaro Ele achitaura naNakaya "iwe Ele zvimwe zvinhu ngatingo siyana nazvo saka munhu akatumburwa munzwa zvoreva vakudanana here" akadaro Nakaya "heya daro hako sis vako vanotorerwa mukomana nambuya musodzi ivava vakaita zvekutamba. Nemagezero anoita sis vako Parewa akanaka zvisingaite uyu ahatombo pindirane naDee wemaweti" akadaro akabva atanga kufamba Ele ndakashaya kuziva kuti aiva achiri right right here kana kuti paiva pakanganisika koainditi ndinga tora mukomana waManaka inini kuti ndadii hangu. "Sorry Dakota musamu tedzera munin'ina wenyu Ele uyu" akadaro "iribho hako Nakaya ukwazise Manaka" ndakadaro "horait imi bamukuru Parewa ndichauya ndichitora mbeva dzangu" akadaro Nakaya "iribho mainini ndinoku gadzirirai" akadaro Nakaya akabva atanga kufamba achitevera umwe wake. Nguva dzese paitaurwa nyaya Parewa aiva akanyarara achindi tumbura munzwa wakazobuda ndakafara. Akandi perekedza kusvika pedyo nekumaraini kwedu akabva ati akudzokera "wofamba zvakanaka Parewa waita zvakanaka" ndakadaro "azvina hazvo mhosva Dee chindipawo kana mapapiro hawo" akadaro "hezvo ndoiwanepi nhayi huku yekubvisa mapapiro kuti ndikupe nyayiwe Parewa" ndakadaro "iwe unopenga chete" akadaro achiseka "ndiri kubvunzawo zvee?" ndakadaro "rega ndiende hangu Dakota" akadaro akabva atanga kufamba achienda. Ndakasvika kumba kwakuona mhamha vaiva vakamira pamugoni Ele akamirawo ndakaziva nyaya yaiva yatosvika nemusikana iyeye andina kuda kutaura ndakasvika pavaiva asi ndakasvika nekukandirwa nemashoko. "Augone kana kuziva kugeza asi unoda kutorera sahwira wako mukomana chiiko newewo sei une mweya wetsvina iwewe Dee nhasi ndoda kukurova kana kuti uchadzokera kumba kwenyu. Auchengeteke unoda ndizo tarisana sei nevanhu munomu nekuda kwekutorera munhu mukomana" vakadaro ndakatarisa Ele akabva atarisa kuside ndakatoziva ndega aiva mabasa ake ekutaura zvekunyepa zvega zvega ndaiva ndatorera Manaka mukomana nguva ipapa sei aindi venga kusvika pakadai. "Saka matotenda manyepo iwawa kuti ndatorera Manaka mukomana inini?" ndakadaro ndichiva bvunza nekuti ndaiva ndisina kufara nazvo hangu "usandibvunze zvaunoziva Dakota" vakadaro ndakabva ndatarisa pasi nekuti ndaiva ndakutonzwa hasha dzangu kukwira ini zvekugadzirirwa nyaya ndozvandaisada hangu ndakabva ndatura mafemo "mhamha ndinoziva hangu ndinoita zvimwe zvinhu zvatinotadza kunzwanana asi mukomana waManaka ndingamudii munozviziva imi kangani ndichibva panapa ndichienda kunotandara naParewa vasati vakuto fambidzana naManaka ndiava ndakutaura naParewa ini asi nhasi makuda kundiita muipi nekuda kwemanyepo amanzwa" ndakadaro ndikabva ndafamba kuenda mumba matairara ndakavhara ndichirovera door. Andina kuzombo buda mumba umu kusvika madeko apa nzara yaiva yakundi bvunza mutupo mudumbu maiva mongorira kuratidza amuchina chinhu. Ndakazoona Ele akuuya apa aiva asina kana kubata ndiro yesadza ndakabva ndamubvunza "matodya here?" ndakadaro "ehe tadya kotingaregera here nekuda kwenyu" akadaro ndakabva ndambo nyarara ndisina kumupindura "korangu sadza riripi watadza kana kuuya uchindi danawo here" ndakadaro "imi sis Dee amuna mushandi nhasi ndini ndatozobika imi maka zvambarara ipapo michiita sekuti muri nyoka inemimba" akadaro "koukataura zvakanaka unobvei" ndakadaro "siyanai neni" akadaro ndakabva ndanyarara hangu ndakazama kurara asi zvakaramba ndakashinga kubuda ndakaenda pakitchen ndikaona door raiva ratoiswa chihuri apa makey airatidza kuti anenge aiva aenda namhamha musi uyu ndakatarisa kudare ndikaona kugoti waiva wasiiwa muchi tin ndakatora chitin chiya chaiva nemvura nemugoti ndakaenda nacho mumba matairara ndakasvika kudira Ele mvura yaivamo. Akasimuka achindi tarisa zviya nehasha "nhayimi komandi dirirei mvura" akadaro "ndogara ndichiku tsiura nyaya yemugoti pano uyu auna kana kuomera asi unenge uchingomisa zvimagaro mudenga uchisiya mugoti panze" ndakadaro "ndinova shedzera mhamha izvezvi" akadaro ndikabva ndamutsunya nechepa nyama nhete yaiva pamusoro pechiuno akayuwira "wakapusiswa sterek ini ndinoku rova manje" ndakadaro ndichitora mugoti uya ndakabva ndamurova nawo kumagaro akaridza mhere ndakatanga kumurova ndakazonzwa ndabatwa "nhayiwe Dakota unoda kundiurayira mwana" vakadaro mhamha "mwana here iyeye anoita sekuti mwana wekuuchikwa nxaa ini Ele ndinomurova kana achitaura zvisina basa achitadza kundipa respect sasis vake ndinomurova" ndakadaro vakabva vandi tarisa "usada kundi tsvaga wanzwa" vakadaro ndakabva ndakanda mugoti kuna Ele akamhanyira pana mai vake "chindipaiwo makey ndine nzara" vakadaro "nhasi akuna chikafu chako" vakadaro vakafamba kubuda naEle. End of chapter 3 Stay tuned 🩵 _Kana mapedza kuverenga itai follow channel yedu💋_

Comments