
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
For previous chapters and other books.
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
Chapter 4
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
_In Sadoko Kingdom_
*Dakota*
Ndakavatera panze ipapo pavakabuda ndakabva ndabatana navo vasati vaenda kure "haa ini henyu zvimwe zvinhu mungaita henyu asi pakundi nyima chikafu apa munenge muchindi resvera zvakanyanya" ndakadaro mainini vakabva vandi tarisa "iwe andina zera newe wanzwa icho chikafu chaunoda kunetsera unoziva chinenge chabvepi here?" vakadaro vachindi bvunza "chabva kupi kana kupi andina basa nazvo nyaya yekundi nyimira chikafu nekuda kwekugeza munenge muneni izvezvi mava kundi nyimirei" ndakadaro vakabva vaseka vachifamba kupinda mumba mavo vakabva vatovhara gonhi ravo ndakasara ndakamira ndega paya ndakanzwa kunge pane mazitsimba aifamba ndakashaya aibvepi ndakabva ndatarisa necheku road ndakaona chiri chimunhu chidoko chaifamba apa chaiva chakapfeka black mumusoro mune zihat reblack ndakatanga kufamba ndoenda padoor pangu ndaiva ndakutotya ndakuda kuvhura door ndakanzwa kunge ndabatwa ruoko ndakatarisa kwakuona chaiva chimunhu chiya "ndisiye" ndakadaro ndichichi kandira kure chiso andina kukwanisa kuchiona chakabva chasimuka chikandi tarisa "uudze vakaku tuma kuti kuno kune moto" chakadaro "unopenga iwewe wanzwa kana waiti ndinokutya wakapata ndichaku pedzai kuno umwe neumwe hake" ndakadaro ndakashaya zvandaiva ndataura zvaiva zvabvepi "rino idhunhu redu tisu tinotonga muno mukingdom uchamubva uchimhanya Gurumba aumuzive zvakanaka" chakadaro ndakabva ndaenda pachaiva ndakatanga kuchidzipa chaiva chakushaya mweya wekufema ndakabva ndanzwa sekuti ndaiva ndakunzwa dzungu ndakachisiya ndakabva ndadzedzereka ndoenda mumba medu. Ndakazomuka makuseni maoko angu aiva nematuzu ndaka rangarira mbuya vangu vaigara vakandiudza kuti weti yemakuseni chifumuro ende yaibatsira ndakabva ndaenda kuchimbuzi ndakaitira maoko angu wet zvaiita kurwadza apa ayiita kupfungaira hutsi hutema. Ndakatanga kushinyira ndirimo muchimbuzi ndakanzwa munhu aitaura panze "nhayimi mai Ele ndiani arikuita zvisaka rurama muchimbuzi umo" vakadaro daddy "konei madaro nhayi baba Ele?" vaibvunza mhamha asi mukutaura kwavo ndainzwa vachifamba kuuya kuchimbuzi. Ndakanzwa door raku gogodzwa "mhamha" ndakadaro "nhayiwe Dakota urikuitei imomo" vakadaro ndakabva ndapfeka ndobuda ndakatarisa navo apa maoko angu aiva asvava hawo asi aiva achiri nekaku rwadza "wanga uchiiteiko?" vakabvunza "ahh varoi vane nharo neni manje avandizive zvakanaka ndiri chiranga mapenzi inini" ndakadaro ndofamba kuenda kugedhi mhamha vakasara vondi shedza ndaiva ndabuda kare. Ndakatanga kufamba ndakatora nzira inoenda kudhamu raingova mukingdom umu paiva nemutunhu murefu asi ndakashingirira kusvika ndakasvika hangu. Ndakasvika kwakugara pasi peumwe muti ndakatarisa mvura.
"Dakota" ndakanzwa munhu akandidana asi matauriro acho aiva aya ezwi sekuti munhu ari pasi pemvura "ndiani akundidana" ndakadaro ndichitarisa asi apana wandakaona ndakazo tarisa paiva nerimwe dombo kwakuona paiva neuno mukadzi munaku aiva hake mutema apa vhudzi raiva rakareba zvisingaite ndakabva ndasimuka ndikatanga kufamba ndoenda ikoko. Ndakasvika paya ndakabva ndamira pamberi pemunhu uya apa maziso ake ungati imvura akandi tarisa achi nyemwerera "Dakota" akadaro ndakabva ndavhunduka vaiziva seiko zita rangu zvakandi shamisa "maziva sei zita rangu" ndakadaro vakabva vaseka "zvakatooma hazvo rega ndichikuudza zvanda fambira" vakadaro ndakashaya vaimbova ani uye vaiita nezvei asi vaiva vakanaka havo zvisingaite. Ndakaramba ndakamira ndakava tarisa zvangu zviya zveku ngwarisira ana Ele zvaiva zvapera apa ndaiva ndakaita kuumbuka nekupusa chaiko "Dee mangwana kuchauya kuchitsvagwa mamaids ekushanda kupalace iwe batana nevamwe ipapo ugoenda kupalace nekuti nguva yako yakwana azvichaite kuti urambe uchingo tenderera tenderera nekuti pane vavengi vakuda kufembedza kuziva kuti ndiwe ani" vakadaro ndakabva ndakwenya musoro ndaisa nzwisisa "ndimi ani" ndakadaro "zvekuti ndiri ani zvichiri nebasa here iwe fambira basa rako ratakakutuma kuzoita kwete kuda kukuudza musoro uchida kubvunza zvisinei newe" vakadaro ndakashaya kuziva zvaimbo famba sei nekuti ini zvinhu zvandaiudzwa zvese zvaiva zvitsva kwandiri mukadzi uya akabva asimuka akatanga kufamba achipinda mudhamu andina kuzoona aiva aenda nepi ndakasara ndine kupererwa chaiko. Ndakabva ndatendeuka ndikatanga kufamba ndodzokera kumba apa ndaiva ndangobva apa nebasa ndaiva ndisina kana kuita ndakasvika kumba ndikaona mhamha vaiva vakutsvaira mumba asi pavaka ndiona vakabva vaisa mutsvairo pasi ndakasvika pedyo navo vakabva vataura "unombo zvionasani chaizvo?" vakadaro ndakabva ndava pindura "saDakota" ndakadaro apa ndaiva ndakunzwa nzara zvichibvira madeko ndaiva ndisina kudya ndaiva ndakutoziya chaiko. "Iwe Dee wava kuda kutonetsa panapa kana ndichiku shungurudza unoenda hako kwaunoda" vakadaro ndakabva ndaseka "aiwa ini hangu kwekuenda ndokwandisina kutongo shingirira ndiri pano hangu ndingadiko" ndakadaro vakabva varidza tsamwa vakasiya kutsvaira ndakapedzisa hangu ndikabva ndaona paitova nechimuradzo chaidziswa ndakachimirira pachakapedza kudziya ndakatora ndokudya ndikabva ndaenda mumba mataivata. Ndakagara ndaifunga hangu zvaiva zvaitika kudhamu ndakazonzwa mhamha vakupopota ndakabva ndaziva ndega kuti yaiva nyaya yesadza manje ini ndaisava hangu nesimba rekuda kunetsana navo. Vanhu vaiva vakandi nyima sadza nezuro madeko now voda kundi kurira musoro taipedzerana vaisandi ziva zvakanaka havo. Ndaitova benzi pandiri inini ndoziva ndaiva neimwe pfungwa yaimbodambuka chete ndakabva ndaramba hangu ndakagara ndakaona door ravhurwa vakabata chipoto chandaiva ndadyira. "Sadza ranga riri umu waridyirei" vakadaro "handi nderangu here nekuti madeko apfuura ndaiva ndisina kudya" ndakadaro apa ndainzwa hangu kuguta ndaitoshaya zvekuita ndaiita sendicha regedzera mweya nekuzvimbirwa "akakuudza nderako ndiani andina kuudza here nezuro kuti apana sadza rako" vakadaro ndakabva ndava pindura ndakanyatso dekara "ndakafunga ndezvane zuro chete ndipo pega pamakati amuna sadza rangu nhasi amuna kumbo taura izvozvo" ndakavadaro vakabva varidza zitsamwa "unondibhohwa wanzwa Dakota dai mai vako vambouya ndivaudze nyaya dzako" vakadaro ndakabva ndatanga kuridza hangu muridzo ndaiva ndakuto funga kumafuro ndina Parewa kwaiva nani ndaisava nevanhu ava.
Ndakabva ndatoona ndega kuti zvaiva nani kubva hangu pamba apa ndimbono pfuurwa nemhepo. Ndakabva ndasimuka ndakuda kubuda ndakabatwa namhamha "Dee ndichaugura muswe wauri kurebesa iwowo mazuvaano" vakadaro ndikabva ndaseka "dai matougura usati wanyanya kurebesa nekuti muchazou tadza" ndakadaro ndikabva ndavasiya vakadaro ndakabuda kwakufamba ndoenda hangu kumuganhu wekingdom iyi neYaremba ndakasvika ikoko ndakabva ndaenda pasango raiva pedyo neiroro ndakatanga kunzwa munhu ayi screamer ndakamhanya kuno tarisa ikoko kwakuona aiva mukadzi ane mimba akabatwa nevamwe vakomana vaviri ndakaona vaiva vakapfeka matehwe asi zviso zvavo andina kuzviona nekuda kwekuti vaiva vakazora ameno zvaiva zvii zvitema "heyiiiiiiii" ndakadaro ndakamira vakabva vasiya mukadzi uya apa vaiva vakabata ano mazi machete ndakaona umwe wacho raiva rino zigomana rakayamwa rikaguta akatanga kutambisa chipfuva chake achiuya kwandaiva. "Svika pedyo neni uone zvandinoda kukuita" ndakadaro akabva aseka apana chaaka pindura akaramba achifamba ndaiva ndakutya asi ndakazvi simbisa ndakabva ndasimudza maoko angu mudenga ndaiva ndakuona hupenyu huchindi perera ndakabva ndanzwa sekuti ndakagarwa nemweya umwe pandiri ndakatanga kudzvova seshumba. "Iwe ahasiriye musikana watiri kunzi nevakuru vedu achauya ane hasha here uyu" akadaro umwe wacho andina kuda kupa aiva pamberi pangu mukana wekutaura ndakabva ndango nyudza nzara dzangu padumbu akabva adonha achifa ndakatarisa aiva asara nemukadzi aiva akarara pasi ndakanzwa hasha saka ndovanhu vaiita basa rekuvhiya vakadzi matumbu ava. "Ndiregererei hangu inini ndatumwa nemukuru wedu" akadaro ndakabva ndaseka "ndiudze mukuru wenyu ndiani" ndakadaro ndichifamba kuenda paaiva akabva atanga kubvunda "atimuzive atisati takamboona chiso chake asi vanongoti tuma" akadaro ndakabva ndamu svetukira ndikamu uraya ndakasimuka ndakabva ndatanga kunzwa pfungwa dzangu dzichidzoka panzvimbo ndakatanga kuchema ndaisa nzwisisa zvii zvaitika pandiri ndakatarisa mukadzi uya ndakaona aitotya "simukai muende kumba" ndakadark vakabva vapfugama "maitabasa" vakadaro vakabva vasimuka vakaenda ndakasara ndakamira pakati pemitumbi iya zvaiva zvaitika ndaizviziva asi ndaisa nzwisisa kuti zvaifamba sei. Ndakabva ndatarisa maoko angu ndakaona ari clean aisamboita sekuti aiva abuda mazinzwara auraya vanhu. Ndakaona mbuya vaifamba vaiva vaya vekundipa chuma vakabva vandidana neruoko ndakamhanya ndoenda kwavari takatanga kufamba toenda kurimwe divi ndakaona tabudikira kudhamu zvee. "Kuno tiri kudei" ndakadaro "Dakota dai wambonyarara waona zvandinoda kukuratidza" vakadaro ndakabva ndadzikama ndakaona vakufamba kuenda padhamu chaipo ndakarangarira mukadzi uya aiva apinda asi ndovanhu vaya vataiudzwa kuti vanogara pasi pemvura here? Ndaingo funga hangu ndega asi mbuya vakaya vakasvika kugara vakabva vapfunya rusero vakatarisa mumvura "gara wakaita sezvandakaita" vakadaro ndakabva ndagara. "Nhasi tichakuudza zvese zvaunoda kuziva nekuti hondo yawatanga vachauya vachiku vhima vanhu vepedyo vari kuda kuona kufa kwako nekuti vanotya kuti uchava fumura mabasa avo. Kubva zvakafa King Haruti baba vaking Torin varoyi vava kuita zvavanoda nekingdom ino kune makingdoms akati komberedza kune vamwe vanobva ikoko munomu ndimo mune mukuru wavo" vakadaro mbuya vaya vakabva vapukuta musodzi waiva wakuda kubuda denga rakabva rasviba ndakatadza kunzwisisa zvaifamba sei?
"Munorevei?" ndakabvunza vakabva vatura mafemo "chekutanga ndinonzi Nishant haa ndangova chembere dai ndakarwa hondo idzi asi andichadzi kwanise takaona zvakanaka kuti inini nevari pasi pemvura nevari kumhepo tikupe masimba ekuti uzorwa newakaipa asi iwe kwauri vakakubvisa moyo wetsitsi nekuti hondo yawaka tarisana nayo ahisi yetsitsi asi kuuraya. Kuchauya vanhu vakasiyana siyana vachazama kufamba munzira dzako vane masimba akasiyana siyana asi uchakunda chete that's why vachikuti Yamaya goddess of the water and Anansi the spider trickster goddess une zvizhinji zviri pauri nekuti kuchauya zvizhinji kumberi. Ndaimbova goddess makare kare zvakaoma kuti unorwa hondo dzimwe dzaunenge usinga zive kuti dzaka tangira kupi zvinhu zvino rwadza hazvo but zvimwe tofanha kuzviitira vanhu vari kuparadzwa nemademon souls aya vasina mhaka takaona zvaka kodzera kuti iwe urwe hondo idzi and zvekusa geza zviri pauri nekuti pane amwe masimba anobva zvee ipapo saka usatye kana kuda kukanganiswa nevanhu ndozvauri" vakadaro vakataura zvakawanda ndaisazvi tenda hangu kuti saka ndaiva munhu ane masimba here "chimwe handi wanzwa Malia akuudza unofanha kuenda kunoshanda kupalace ugoenda ikoko musi waunoenda mahusiku uwane kuuya kuno pane zvinoda kuitwa musi wawakazvarwa mukingdom muno makanaya mvura zvisingaite varoi vakatoziva wazvarwa nekuti mvura yacho yakasiyana nedzimwe saka vaka gadzirira kuti chero zuva uchauya asi isu tichava rasisa" vakadaro ndakabva ndabvumirana navo. Ndakazo dzokera kumba ndega hangu asi munzira ndaka sangana naHarry akabva atanga kutaura hake nyambo dzake ini ndaisava hangu mumood yenyaya dzake ndaiva nezvandaifunga hangu "asi wakamboona here kuti iwewe naParewa munoenderana" akadaro Harry ndakabva ndamu tarisa "iwe remekedza rudo rwamukoma vako naManaka ndiye waanoda. Parewa anoda Manaka ende rudo rwavo andina kana chekushora asi iwe unenge uchitaura zvisina basa ndokuita sei ikoko iwe Harry wani Manaka munhu aribho wani" ndakadaro Harry akabva aseka "mukadzi mutsvuku akasaroya anohura" akadaro zvakandi bhohwa zvaakataura ndakaita sedzichamu gadzika mbama asi ndakamu nyara ndakabva ndasiyana Nate ndikati ndiende kumba akabva andibata ruoko "Dakota chero hako ukada kutaura kuti bweee Mwanyaka bweee rudo rwaZviko bwee Mwanyaka mwanyaka asi chingoziva kuti Parewa anokuda zvandakaona ndega nemaziso angu kuti apa paita zverudo" akadaro ndakabva ndabvisa ruoko rwake pandiri ndaiva ndatsamwa hangu ndakatanga kufamba ndoenda kumba ndakasvika mukitchen mune chikafu andina kuda kudya ndakasiyana nacho ndikabva ndaenda mumba medu ndaka pererwa ndichiona pamachira pangu pane mago chokwadi munhu angaitira tsvina pamachira angu ndakabva ndanzwa mhamha kutaura "iwe Dee kwakanaka here kusiya chikafu?" vakabvunza vachiuya mumba medu vakabva vapinda "handi makati kana ndisina kugeza andidye here manje nhasi andisi kugeza" ndakadaro vakabva vatarisa pamachira "yuwi ungamamira pamachira iwewe" vakadaro ndakabva ndavabata hembe "munondiona ndiri munhu akadaro kudhotera pamachira angu here ndiani ambopinda munomu?" ndakavabvunza "Manaka ndiye apedzisira kusvika pano achikutsvaga" vakadaro ndakabva ndavasiya ndakanotora pepa kukitchen ndamanhokora tsvina iya kwakuyiisa muplastic ndikabuda ndoenda kumafuro kuna Parewa.........
End of chapter 4
Stay tuned 🤍