
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work if fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
Chapter 1
*Dakota*
"Iwe Elena ndakati nenyaya yekusiya mugoti usina kusukwa apa wakauvatisa futi panze" ndakadaro ndichitaura nemunin'ina wangu iye aitova busy kurongedza mabooks ake ekuchikoro "imi sis Dee musandinetsa weduwe sukai kaa imimi pane chinonetsa here ipapa. Basa rekunhuwa wet mukadzi mukuru" akadaro munhu wacho aiva nerough ipapa wet yairehwa kuvata ndisina kugeza kwandaiva ndakaita nezuro paingova pamuromo hake asi aiziva neni tino svitsana kumapena chete ndamu kwapaidza ndakabva ndabata bag rake ndaida anosuka mugoti munhu wepi asina nyadzi nxaa kachapa kemunhu. Mugoti unenge usina kana kuwomera everyday anenge achiusiya paanosuka apa the worse part anosiya manheru worara panze ndaigara ndakaitaura nyaya iyoyo asi anondinzwa apana pamba tairara tasuka ndaida kuzo pedzerana naye "mhamha mhamha sis Dee vari kundinonotsa kuchikoro" akadaidzira Ele ndakabva ndamudzosera bag rake instead yekuti mhamha vauye daddy ndivo vakabva vauya kubva kukamuri ravo vachiuya mumba matairara mandaiva naEle apa ndaiva ndisati ndawarura magumbeze.
"Iwe Ele buda muno uyende kuchikoro tone" vakadaro akabva abuda achimhanya ndakasara ndakatarisana nadaddy "iwe chii chiri kunetsa" vakadaro "ndiEle ndinogara ndichimuudza nenyaya yekusasuka nekurarisa mugoti panze" ndakadaro vakabva vanditarisa "une basa rei ukarara unobiwa here?" vakabvunza "ayehwa ahisi riyo hayo nyaya yacho asi daddy kunze kune zvehusiku uku atizive kokana mugoti wacho uchishandiswa nevaroi" ndakadaro kwaingova kutaura hangu nekuti muSadoko kingdom mataigara maiva matekeshera nenyaya yainetsa yevaroi. Apana aiziva kuti danho ravo raiva rananai taitoti kana dzava kuma 8 unenge watopinda mumba ende aubude nekuti kwaityisa. Wakarara waigona kutonzwa vanhu vachiseka panze zvekurasa mvura mahusiku waisaenda panze isu taitowetera mumba naEle muchigaba. "Iwe Dakota aupenge wanzwa iwewe nezera rako iroro wava munhu mukuru asi unogara kunetsana naElena" vakadaro vakabva vandirova mbama vafamba kubuda ndakasara ndakamira chandaiva ndarohwerwa chaicho ndakachi shaya panguva iyi. Ndakabva ndagara pamablankets ndakatanga kutambisa chuma changu chaiva muhuro chaiva chipo chandaiva ndakapihwa nambuya vangu. Chaitika ndechekuti pamba pandaigara paiva pamba pamainini vangu ini mai vangu vaishanda kupalace saka ndinenge ndina mainini. Ndipo pandaigara ndakanetsana mwana wavo Elena nekuti aindibhohwa chaizvo pazvinhu zvaaiita kazhinji anenge achizviitisa. Ndaigara ndakataura nyaya yemugoti asi apana ayindinzwa ini mai vangu vaiva vakangondi dzidzisa kuti zvinhu zvakaita semugoti, mutsvairo nechikorobho azvi rariswe panze. Zvinhu zvidiki hazvo asi waigona kutoshaya zvinhu zvino tadza nei kukufambira muhupenyu izvo unenge uchi sundirwa munyama kuburikidza nekungo siya siya zvinhu panze. "Iwe Dee muka ipapo tione hunhu rudzi hwaunondi itira everyday munenge muchinetsana naElena kuti zviite sei" vakadaro mainini ndakabva ndakwenya mumusoro "inyaya yekurarisa zvinhu panze mhamha" ndakadaro vakabva vandi cheka neziso vakaridza tsamwa "iwo mugoti une basa here Dee usade kutsvaga varoi pasina iwe. Ndimi munoti danira varoi imi everyday inenge ingori musasiya chakati munoshedza varoyi" vakadaro ndakabva ndatanga kubata bata vhudzi rangu ndichi kwenya mumusoro.
"Ipapa muka unogeza uko nezuro auna kugeza kaa asi uno ngwarira kutaura zvemugoti koiwe kumbo gezawo muviri wako uno bveiko nhayi Dakota" vakadaro mhamha ndakabva ndatonzwa kusvotwa ini zveku geza ndaisa zvida hangu chokwadi chaicho ndoimwe nyaya yandai netsana naElena achizoda kunditi maweti zvindibhohwa wet ndaisambo nhuwa hangu asi ini nemvura taisaona "haa mhamha ndozogeza kana ndabva kumvura" ndakadaro vakabva vadzungudza musoro vakabata muchiuno "kana usina kugeza nhasi audye zvoita sekuti ndinokuitira hutsinye asi farira kugeza Dee watova musikana mukuru 21years ahasi makore ekutamba nawo asi unoswera shena uchisvika kumagaro aumbo tarise unoti ndinowana mukwasha sei" vakadaro ndakabva ndaseka hangu ini zvevakomana ndaisada kuzvinzwa ndaimudi nhayi mukomana ndaisanzwa kana panoti tambe tambe mumuviri mangu ndikaona mukomana. Avana kuzoda kuramba vachitaura neni vakabva vafamba vakabuda ndakasara ndakamira ndakanzwa mubrugwa mososona ndakada kupinza ruoko ndakabva ndaona bamunini vakamira padoor ndaka erekana ndaregedza mweya. Avana zvavaka taura vakapinda vakabva vakatora chitorobho chavaida vachibuda ndakabva ndasara ndokwenya zvakanaka. Ndakapeta machira ndikamaisa paaigara ndakaita basa pabasa ndaisambozeza hangu kana kamwe chete ngaiita kuita kungenga kunge chigayo ndaisaneta. Ndapedza ndakatora migomo yangu kwakufamba ndoenda kumvura ndakasvika kune vanhu vaiva vari paline. "Nhayiwe Dakota waito revesa here kuti ausi kugeza nhayi asikana" akadaro Manaka ndakacheuka ndaiva ndatomunzwa nevoice rake. Ndakabva ndafamba kuenda paaiva "saka ukuda kunzwikwa nani nhayi Manaka vakakunzwa vachakupei" ndakadaro ndakamu tarisa "sorry kani Dee" akadaro ndakabva ndatarisa paiva nemabucket angu ndikaona munhu aipindira "mira ndiri kudzoka" ndakadaro ndakasvika pane musikana uya ndikabva ndamu bata mafudzi akabva andi tarisa ndakaona abata mhuno yake "yuwi nhaiwe ukundi batirei" akadaro "ahh iwe wanga uchi ita passing where my buckets" ndakadaro and ndaiva serious akabva ati bvuu kuseka "iwe kana usinga gone chirungu wadii kunyarara hako apa ukuita kukanda mumuromo kunhuwa kudai" akadaro abata mhino yake ndakabva ndamubata skirt yaaiva akapfeka "iwe Dee siya munhu wakuda kutanga futi musindo Pano patsime tichaku rambidza kuchera kana ukada kutiitira sekuti mai vako ndivo muridzi vepano" vakadaro vamwe ambuya so ndakabva ndaregedza musikana uya ndikagara pabucket pangu ndakanyarara. Chaivawo chokwadi mai vangu vaigara vakapihwa macomplains nevanhu pese pavaidzoka musoro wangu waiva uya unotopisa ungati idombo rakandwa mumoto. Manaka aiva ava kutoita nyaya nevamwe vasikana vemedu imomo. Ndakazochera mvura ndikabva ndaenda kumba asi ndiri munzira ndakabva ndanzwa paside panzira pachiita sekuti pane vanhu vaivapo. Ndakabva ndadzurudza mugomo ndakaenda ipapo kwakuona vaiva vamwe baba so vainzi vaMuringani vaitovhima havo ndakabva ndava mhoresa "maswerasei vaMuringani" ndakadaro vakabva vanditarisa vakadzokera maziso avo kune muteyo wavo wavaiteya "nhayimi vaMuringani amunzwe here" ndakadaro "aikaka ndiwe Dakota ndiri right hangu urisei ndasina kukuona" vakadaro ndakabva ndaridza tsamwa ndakano takura bucket rangu ndikafamba ndoenda kumba.
Ndakasvika kumba ndakaona mhamha vaidya sadza ndakabva ndagadzika bucket pasi ndopinda mukitchen. Ndakaona maiva musina kana sadza apa mapoto aiva ari empty ndakabuda kwakuenda kwaiva namhamha nebasa rese randaiva ndaita ndotadza kana kuisirwa chisadza zvaiva unfair zvaiita mhamha. Ndakabva ndava bvunza "nhayi mhamha koini sadza rangu riripi" ndakadaro "iwe Dee andina kukuudza here kuti kana usina kugeza audye nhasi here" vakadaro yuwi kovaito revesa ndakabva ndangotora chitauro nesipo ndakamhanya kuenda kuchinjauzi ndakanogeza ndakaona vaiva vakaita kundi mirira pamusiwo apa ini ndaida kurova fast. Ndakazopedza ndakatariswa ndapedza ndakapfeka hembe ndakabva ndapihwa sadza ndakadya hangu asi kana iriyo game yavaiva vakuda titambe yekuti asina kugeza ahadye yaiva isina kunaka hayo kana kamwe chete. Ndakabva ndagara pasi pemuti nekuguta ndaiva ndakufunga ndingaitei hangu sezvo ndaingova munhuwo chikoro ndaiva ndakasiya form 3 nekurwara kwandaiva ndakamboita plus ndaisatoona kuchikoro ndaiva dofo. Ndakabva ndaona zvaiva nani ndikaenda kumafuro kunenge kuna Parewa aiva mukomana waManaka ndakasimuka ndakutofamba kubuda yard ndakabva ndashedzwa namainini ndakaenda ikoko vakabva vataura "kowaku endepi?" vakabvunza "ndoda kusvika kumafuro uko ndinoona hangu Parewa" ndakadaro vakabva varamba vakandi tarisa "iye Parewa waunogara uchienda kumafuro ahasi mukomana weshamwari yako here nhayi Dakota" vakadaro mhamha "ndiye asi pane chakaipa here" ndakadaro "azvipe chimiro chakanaka vanokuonai muri mese misi nenguva vanoti" vakadaro ndakabva ndaseka "pane asinga zive here kuti Parewa ano danana naManaka koini ndinenge ndatadzei hangu kungotsvaga zvekutandara chete" ndakadaro vakabva vango dzungudza musoro wavo "heya undiigire huni kana wakubva ikoko" vakadaro ndakabva ndavaudza ndaiuya nadzo ndakaenda kumafuro ndaiziva side raainyanya kutambira ndakaita rombo rakanaka ndikasvika Manaka ariko asi ndakaona anenge asina kufara nekusvika kwangu apa Parewa aiva akabata Manaka pachidya andina kunzwisisa kuti vaitei hangu. "Dakota wauya" akadaro Parewa achibva paiva naManaka akasvika pandaiva akatanga kusekerera akandi tarisa akabva akandi bata vhudzi rangu "haa vhudzi rako rakanaka" akadaro ndakabva ndaseka "hesi Manaka" ndakadaro ndichi mhoresa sahwira wangu asi madairiro wakaita akandi shayisa mufaro mumoyo mangu asi ndine pandaiva ndamu tadzira here nhayi. "Rega ndikupe kaa matamba ndama nhonga kumuganhu kwedu uko pedyo neYaremba kingdom" akadaro ndakabva ndasekerera matamba ndaima farira hangu akabva atora matatu mukabag kake akandipa ndakaona Manaka akuvhura kabag kaya "Koangu nhayi Pare aripi" akadaro "sorry Manaka andina kuziva kuti wakumadya" akadaro ndakabva ndaona ndega zvaiva nani ndikano tinha mombe dzaParewa ndakabva ndabva pavaviri apa ndakanoita kanguva ndiriko asi pandaiva ndakudzoka ndakanzwa tumasounds twandaiva ndisin kujaira ndakato ndiswedero pedyo ndakashamisika ndichiona Parewa ari pamusoro paManaka ndakabva ndadzokera kwandaiva ndabva koini ndaiva ndouya sei kune shiri dziviri idzi dzinenge dzichi danana. Ndazoenda pandaiva ndakudanwa naParewa ndakaona Manaka aiva akagara apa aiva akusekerera ndakaona ndaiva ndaita mwanana kuna Manaka.
"Waitabasa Dakota" akadaro ndakabva ndaseka "ahisi nyaya Parewa regai ndiende kuno tsvaga huni ndiende hangu kumba" ndakadaro "wadi wamira taenda tese Dee ndakutoenda" akadaro "komanga mato......" ndakabva ndakurumidza kumira kutaura ndaiva ndakuda kutobvunza nyaya dzisinei neni "wati Dee?" akabvunza "apana Manaka rega ndimhanye" ndakadaro ndikabva ndatoenda ndakaenda kwaiwanikwa huni dzakawandisa kwakubva ndatanga kutsvaga ndichiunganidza panguva idzi ndakabva ndaona vamwe mbuya so vachifamba apa yaiva ino chembere yakwegura "Dakota" vakadaro ndakabva ndavhunduka ndichiva tarisa "ahh komaziva zita rangu sei" ndakadaro vakabva vaseka havo "nhayiwe ndiani asingazive tsvarakadenga yakaita sewe musikana akasarudzwa nevari mumhepo nevari pasi pemvura zvee" vakadaro ndakashaya vaiedza kurei ndakabva ndava tarisa "andina kunzwisisa hangu muri kurevei" ndakadaro vakabva vaseka "ndirege zvangu ini chidondi takurira apa" vakadaro vachindi tambidza kabag kavaiva nako ndakabva ndatambira ndakazo sunga svinga rangu ndikabva ndatanga kufamba ndoenda kumba navo. Tava munzira vakabva vati vanoda kutsauka vaiva vonzwa mudumbu ndakamira paya nguva dzakafamba ndichiri ndakamira kana kudzoka ndakatanga kuva tsvaga andina kuvaona. Ndakabva ndati ndisiye chibag chavo ipapo asi ndakangoti regai ndimboona chii chiri mukati. Ndakavhura kwakuona maiva nechuma chaiva nabeads akanaka ndakaramba ndakachi yeva hangu. "Chakanaka kaa muzukuru tora hako" ndakavhunduka ndakabva ndatarisa kumashure kwakuona vaiva mbuya vaya ndakanyara hangu konguva yese iyi vaivepi ndisati ndavhura chibag chavo vava kuzo budikira izvezvi ndakanyara hangu "ahh mbuya ruregerero" ndakadaro "haiwa muzukuru chitora hako ndanga ndatokanganwa kuti ndasiya munhu akamira kuno" vakadaro ndakabva ndaseka "maitabasa" ndakadaro "uchi tendeiko pfeka tione" vakadaro ndakabva ndapfeka chakabva chatanga kuita kakupenya so ndakasekerera ndakazo simudza musoro ndikaona mbuya vaya vaiva vakandi yeva "chengetedza chuma ichocho chiise muchiuno kana wasvika kumba usaite chionekwe kana nani hake" vakadaro ndakabva ndagutsira musoro ndikatanga ndoenda kumba. Ndakaona vana vechikoro vakuuya ndakaziva ndaiva ndaswera ndisipo pamba zvandaiva ndisati ndamboita hangu. Ndakatanga kufamba ndakabva ndaona mwana wamai vangu Elena achifamba akabatana maoko neumwe mukomana mwana aiva form 3 iyeye aiva akutoita zvekudanana kudai ndakanzwa hasha ndaisada chinhu chinomu kanganisa chero hake dzimwe nguva aindibhohwa. "Iwe Elena wakuto famba wakabatana maoko nemukomana munhu asinga zive kurara asuka mugoti" ndakadaidzira vanhu vakabva vandi tarisa iye akacheuka akabva atarisa kumberi akatanga kufamba ndakawedzera kufambisa ndosvika oaaiva ndaka tarisa mukomana wacho ndakabva ndataura "please siyana naElena achiri mwana wechikoro izvezvi mubvunze kuti mugoti kumba uko asiya asuka here" ndakadaro "sorry henyu sister Ele bye ndokuona mangwana andingambo fambe newe nhasi nasis vako ava vanomakisira" akadaro mukomana uya akabva atomhanya kuenda ndaka tariswa neziziso naEle akabva afamba akuenda...........
End of chapter 1
Stay tuned 💋🌼