
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
For previous chapters and other books.
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
*SPONSORED BY MAI NENYASHA*
Chapter 5
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
_In Sadoko Kingdom_
*Dakota*
Ndaifamba ndakaita kutsamwa chaiko ini zvekupindirwa nemwenje mudziva ndaisazvida hangu. Manaka apa ayiva adarikidza muganhu ndaida kumugadzirisa yake yaasingafi aka kanganwa. Ndakasvika kumafuro kuya kwakuona vaiva vakagara havo padombo naParewa iye Manaka aiva akagariswa pamakumbo paakandiona akabva afinyamisa chiso chake "uri kudei kuno iwe imbwa?" akadaro "imbwa ndimbuya vako" ndakamudaro akabva asimuka achiuya kwandaiva ndipo pandakabva ndawana mukana ndakavhura plastic riya ndikabva ndamu poshera kuface netsvima yake akaita kuridza mhere "Dakota uri mwana wasatan wanzwa" akadaro ndakabva ndamu svetukira ndikatanga kumuposhera netsvina iya kuface kwake neplastic ndakazo batwa naParewa akandi bvisa pana Manaka ndakasimuka ndaiva ndakuita kufemeruka nehasha ndakatarisa Manaka ndakamu nongedzera "usade kundi jairira Manaka" ndakadaro "Dakota uri mwana wehure wanzwa unoti ndiani asingazive kuti wakaita zvekuhurwa mai vako vakadzingisa mukadzi aiva pamurume" akadaro ndakabva ndatarisa Parewa ndakaona aiva atsamwa vaitopenga vaitsamwira ani aiva nebasa nazvo "Dakota ibva kuno andidi kukuona futi kuno" akadaro Parewa "ndagara ndiri kuenda usade kundi pusher ndosiya ndakuzorawo madhoti aya" ndakadaro ndichimu sikiza neplastic riya akangondi tarisa nerimwe ziziso ndakabva ndafamba ndoenda kumba ameno zvavakasara vachiita ikoko naManaka ndaisava nebasa nazvo. Ndakaenda kumba ndikabva ndasvika mhamha vakagara nechepa mukova wekamuri ravo ndakabva ndasiyana navo ndikapinda mumba medu matairara ndakabva ndatora jira raiva raitirwa tsvina ndikatanga kuwacha ndakabva ndarianika apa kwaiva kwakudoka ameno raioma here. Ele akabva adzoka kuchikoro ndakaona aiva akatsamwa inenge yaiva nyaya yemugoti yanezuro chete manje ini ndaisava nebasa nazvo ndezvekwake akapinda mumba akabva atora chikafu chiya chandaiva ndamboona ndakaona mainini vakasimuka vachino rova poto yaaiva akabata ichino wira kure "iwe sei usinga gone kubvunza chikafu chako" vakadaro vachipopota "komhamha ndatadzei wani ndinosingo tora chikafu chinenge chiri mupoto kana ndabva kuchikoro" akadaro "haiwawo andidi munhu anondiitira dzungu wanzwa ndoda kudzikamirwa hangu andidi mwana akapaparika augone kubvunza kuti chikafu changu chiripo here kokubata chikafu cheumwe ndokuita sei?" vakadaro ndaiva ndakango tarisa drama iri ndakashaya kuti vanga tsamwire izvozvo here zvekusvika pakurasa chikafu nhai. "Mhamha zvimwe zvamunoita azviite asi" akadaro Ele mhamha vakabva vamudhonza nzeve. Ndaiva ndakango tarisa hangu ndakabva ndafamba ndikanhonga chipoto chiya ndikaendesa padare ndakamira ndakatarisa mai nemwana vaiva vakuto netsana.
"Iwe chauno mirira ipapo uchitadza kubika chii" vakadaro ndakabva ndarovanisa hangu maoko ndikafamba kupinda mukitchen ndakaona pamoto paiva nebeans ndakashaya dzaiva dzaiswa nguvai ndakataster dzaiva dzatoita ndakabva ndabura. Ndakatanga kubika daddy vakabva vapinda mumba vakandi tarisa ndakaona vafinyamisa face "maswerasei daddy" ndakadaro "taswera" vakadaro vachibuda ndakasiyana nazvo ndikapedzisa kubika ndakanyatsa kumona sadza racho. Panguva iyoyo ndakabva ndanzwa vanhu vaiti "tisvikewo" vakadaro ndakanzwa mhamha vovatambira ameno zvakataurwa panze ipapo. Ndakadongorera panze kwakuona vaiva mai vaManaka naye ndakabva ndaziva yaiva nyaya yekuMafuro ndakaona zvaiva nani nditize ndaisada zvekutongeswa ndakafamba ndichi nyahwaira kuenda kuseri kwemba ndakabva ndamhanya ndotiza ndikaenda hangu mudondo paingova pedyo nepamba asi maiva musango. Ndakabva ndakwira mumuti ndaida kuona zvinenge zvichiitika kumba kana vakuenda ndodzokera. Ndakagara mumuti imomo ndakatanga kunzwa kutaura kwevanhu ndakanzwa sekuti paiva nevoice remwana wekumba kwedu Ele asi ndakambo zama kuzvi ignore asi ndaka mundikana ndakabva ndaburuka mumuti ndofamba kuenda kwaiva mavoice aya. Ndakaona pane vaviri vaiva vakamira ndakanyatsa kuona ndega kuti waiva Ele chete ameno mukoma waaiva naye andina hangu kukwanisa kunyatsa kuona chiso chemunhu wacho. "Iwe ndakakuudza madhiri ako aya ndeekupenga ega ega tarisa izvezvi wava ......" akadaro ahana kupedza kutaura zvaaida akabva abatwa muromo naEle "ndiri kunzwa sekuti padhuze pane munhu nyarara" akadaro Ele ndakasvotwa ndaida kunzwa nyaya dzavo mukomana uya akabva abvisa ruoko rwaEle pamuromo "iwe munhu anobvepiko tava nenguva yakareba sei tichingo uya pano apana kana munhu asi nyaya yangu wainzwa mangwana toenda kwa......" ahana kupedza kutaura futi abatwa muromo ndakaita sendichabuda ndobata mukomana uya collar ondiudza hake nyaya dzavo nekuti Ele aiva akuto kangasina zvakawanda achingomu bata kuti asataure. Ndakabva ndakosoro ameno zvakabvepiko "ndambokuudza" akadaro Ele achifamba ndakabva ndaona apana plan kunze kwekumhanya kumba aigona kuzondi fungira kana akaona ndisipo. Ndakaenda kumba ndakaona ndiri nechekure ana Mai Manaka vaiva vakutoenda ndakabva ndamira ndakatarisa pavakabuda gedhe ndakabva ndamhanya kuchimbuzi ndakazobuda ndanzwa kutaura kwana mhamha ndakabuda ndakabata mudumbu. "Yuwi yuwi zvaari mashura nhayimi baba Ele" vakadaro mhamha "zvakatooma hazvo pedzerana wega nemwana wasis vako" vakadaro daddy vakabva varamba vachito pinda mumba. Ndakasara ndakatarisana namhamha vaiva vakango bata muchiuno zvekupererwa "saka wanga uri muchimbuzi nguva yese iyi tichiku tsvaga" vakadaro ndakabva ndabata mudumbu ndichigomera "zvakatooma hazvo mhamha ndiri kunzwa mudumbu muri kuita kupisa chaiko apa tsvina iri kuramba kubuda" ndakadaro ndakuda kutochema vakabva vandi bata ruoko "zvino ukachema mukadzi mukuru akaita sewe zvinobuda here watanga nguvai mudumbu wacho?" vakubvunza "nguva dzandanga ndichibika ndopawa tanga mhamha" ndakadaro vakabva vandi tarisa "arisi jeko here?" vakadaro "ndochii ichocho?" ndakava bvunzawo "iwe Dee imboita semunhu mukuru handi auzive jeko here iwe rinorwadza vasikana kana vari kumwedzi" vakadaro ndakabva ndarangarira ndaimbonzwa Manaka kana Ele achiti ari kurwadziwa naro ini ndaisato zviziva hangu nekuti kumwedzi kwacho kwavaitaura ndaisakuenda "ayiwa arisi" ndakadaro vakabva vango dzungudza musoro "chienda unorara ndichatuma Eke nesadza rako" vakadaro ndakabva ndaona kuti Ele aisambo bvuma zvakadaro "ndipei ndidye izvezvi mhamha ndobva ndangono zoroora hangu" ndakadaro vakabva vaseka havo "wageza here?" vakadaro ndakabva ndanzvenga mubvunzo "koana Manaka vanga vachidei pano" ndakadaro vakabva vandi tarisa.
"Asi Dakota unombonzwa zvichiita sei chaizvo?" vakadaro "zvei nhayi mhamha" ndakava pindura "nyaya yako waenda ukano zora Manaka mago uko kumafuro ane mukomana wake azvibuditse chimiro chakanaka ipapa ukaona vabereki vemwana vakusimuka kuuya kuno vanenge varwadziwa nezvawaita mwana wavo andina kufara nehunhu hwako" vakadaro ndakabva ndatarisa pasi "saka iye kuuya achi itira tsvina pamachira angu ndozvaka naka here" ndakadaro ndakabva tarisa "andina kuti iye Manaka zvaaita zvakanaka asi aunga dzorere chivi nechivi zvakaipa izvozvo" vakadaro ndakabva ndatoona ndaizo regedza hangu muromo ndikanyinwa sadza ndakavati vandi pakurire kwakuona ndichiisirwa kaspede kesadza mupoto maiva musisina "vatobva pano vadya ndorasara" vakadaro mhamha ndakabva ndanyarara kwakudya kasadza Kaya ndapedza ndakabuda kwakuenda mumba matairara ndakanzwa Ele aku popotedzana namhamha aiva abva zvee kusango kwaaiva "imi mungape vanhu chikafu panapa mondiudza kuti idya mutakura wemasikati munotaura zvekupenga mhamha madi kupa ivo mutakura" akadaro ameno zvaaka pindurwa ndakabva ndanzwa mudumbu kurira yaitova nzara iyi. Ndakafunga zano rangu kwakubuda ndoenda kwana Manaka vaizono ndipa chikafu chavaiva vadya chete ndakasvika kumba kwavo ndikaona mukitchen maiva nechiedza kuratidza kuti maiva nevanhu ndakasvika nekungo pinda chete. "Hezvo" vakadaro mai vaMakana vaito pakura mukunga une dovi nenyama. Ndakabva ndagara pasi vakaramba vakandi tarisa vese "kochikafu ndechei amuna kubva kumba kwedu madya here muchiti pedzera sadza" ndakadaro vakabva vandi tarisa mai vaManaka "uri kudei pano nezvawaita mwana wangu une zvivindi zvekusvika panapa" vakadaro ndakabva ndaseka ndakava tarisa "tisu tichambotya here atidaro ndogona kusiya ndakurovai Mose ndoenda mangwana kunoona ndadzoka zvee" ndakadaro vakabva vandi tarisa vakaridza tsamwa "chero mukaridza tsamwa andina basa nazvo ini ndipakurirei mupunga wakati wandei ndanzwa nemutakura kumba uku mudumbu mungasa ita churu chenyemba here nenyimo" ndakadaro ndichito gara zvakanaka. Mai vaManaka vakabva vapedza kupakura ndakapihwa ndiro ndikasiya ndapedza ndakabva ndati ndakuenda hangu asi ndakaona vaiva vakatsamwa Nakaya ndiye ega aiita seari kufara. "KoManaka ndiani anoku geza madhoti iyeye akashinga" ndakadaro akabva aridza tsamwa. "Mukati mazuvaano tichambotya tsamwa here isu tatova vamwe vanhu atinzwe kana pano vhunduka ndiperekedzewo zvee nhayi ndoda kuwana kuno zorora kumba zvakanaka nekuguta uku" ndakadaro "asi nhayiwe Dakota wakaitasei iwewe nezvawaita Manaka une zvivindi zvekusvika pano" vakadaro mai vake ndakabva ndaseka "pamwe pacho panongoda zvivindi chaizvo munoona Manaka ndiye atanga angaitire mago pamachira angu kana nyaya yacho andizive ndeyei" ndakadaro vakabva vango dzungudza musoro "tataura nevabereki vako zvapera chienda hako" vakadaro ndakabva ndabuda ndoenda kumba ndakasvika mumba medu mekurara Ele aiva asimo apa kwaiva kwatovira ameno hake nezvema husiku ini ndaiva ndaguta ndakabva ndawadza ndokurara apa kwaitonhora jira raiva rakatota rimwe ndakatorara ndakaita sezongororo kuungana chaiko.
Ndakamuka makuseni ndikaita basa ndapedza ndakabva ndatobika sadza nematemba aiva arimo ndikadya ndikasuka mandiro angu vanhu vasati vamuka. Mhamha pavakamuka vakandi tarisa ndakagara pamusiwo "hona kana neshena yaunayo wakato rara mumachira here Dee" vakadaro "ehe ndakarara" ndakadaro "haa zvakatooma Ele aripo atoenda here kuchikoro" vakadaro "koava kuenda neweekend asi?" ndakava bvunza "ehe ava kuenda neweekend" vakadaro andina kuzobvunza vakabva vapinda mumba vakabuda vachindi bvunza "komatemba anga ari mumba aenda kupi?" vakadaro "andizive komanga mune matemba" ndakadaro vakabva vanyarara vakafamba kuenda kukamuri ravo vakadzoka vakabata amwe zvee vakabva vatanga kubika vapedza vakamboda kutanga nyaya yavo yekugeza "ini mhamha takuzo rovana pano kana zvichinetsa ndiri kunhuwa here" ndakadaro "suka muromo Dakota" vakadaro "muchasukwa nesadza zvee ndipei ndidye uko vanoda kugeza ivo ngavageze vasingade vasiyei" ndakadaro vakabva vandipa plate yangu ndikadya apa ndaiva ndazvimbirwa kani iko kwangu kukara uku iye zvino ndaiva ndakuita kutadza kana kudi nekuguta ndakabva ndaona pakupinda guard umwe wekupalace akasvika akataura kupalace kwaudiwa maids anosvika 15 ndakabva ndato nyoresa zita achienda mhamha vakasara vachindi bvunza. "Nhayiwe kupalace ungaku gona here nekusa geza kwako ikoko" vakadaro "zvirinani kuenda ikoko hangu pamwe ndingawana wanguwo hevo ana Manaka vakuitira mago mumachira edu nekuda kwana Parewa vano jungirira zvimuti mubrugwa" ndakadaro mhamha akabva vaseka "ayiwa iwe Dee ndakutadza hangu" vakudaro ndakabva ndasimuka kwakuenda mumba matairara bdakabuditsa hembe dzangu ndikaisa kudish ndakabva ndaenda kutsime ndaida kuwachira ikoko ndakabva ndasangana naManaka akamira pamberi pangu "kwakanaka here?" ndakadaro "ndikuone uri pedyo neParewa uone ndichaku tyora tyora" akadaro "haa vatete zivai zvekudanana naParewa achienda pamusoro pako ukada kundi farisira ndokuregedzera mucheka izvezvi andina kana mangwana zvandakakuita zvishoma ndoda kukurova zvekuti ukaona mumvuri wehembe yangu yakanikwa unotiza" ndakadaro akabva aseka "Dakota aunyatsa kundiziva zvakanaka iwewe" akadaro "kana newewo aindi zive mushe" ndakadaro "iribho mwana wekuhurwa" akadaro "iribho Manaka vari nani mai vangu vakahura vakapa baba vangu mimba yavo pane vako vakarara nemukoma wababa vako vachiita vana navo" ndakadaro akangosara akashama muromo ndaiva ndango taura ndakashaya zvese zvaibvepi asi raiva simba rimwe rangu kani rekutaura zvakadaro. Ndakasiyana nazvo nyaya yekuti mai vanhu ihure yakandi svota mhamha vakango svika pana daddy vachangobva paumwe mukadzi votonzi hure nxaa ndaida kukarikita kakapusa kachingo misa kutsvuka ungati ishure yegudo. Ndakazo svika kutsime ndikabva ndatanga kuwacha vanhu vaingo taura zvekuno shanda kuPalace.....
End of chapter 5
Stay tuned 🩵
_Follow kana mapedza kuverenga_
😢
1