QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
For previous chapters and other books.
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/HA66S0RCEdW4mRadkpuDTs
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
Chapter 6
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
_In Sadoko Kingdom_
*Dakota*
Ndakatanga kuwacha washen yangu ndapedza kuwacha vamwe ndivo vaiva vakutogeza apa taiva hedu kurimwe divi kwataiwachira kusiri pedyo nekune vanhu vaiteka mvura. Pane vamwe vasikana vakabva vango taura "mambonzwa here pane munhu ari kunhuwa panapa" vakadaro ndakabva ndasimuka ndokuva tarisa andina kutaura anything ndakageza hembe dzangu nemvura yakachena ndikabva ndasvina ndokuisa mudish kuti ndiende kumba. "Nhayiwe wadii kungo geza hona mamhororodzi aunawo" akadaro umwe musikana ndabva ndamu tarisa kubva kutsoka kusvika kuface nemaipiro aivaakaita aidi kunaka nekugeza ikoko. "Dzako itsitsi dzei kuda kubvisa mwana wemuroyi madzihwa" ndakadaro akabva afinyamisa face "kungotaurawo hangu apana kana chino shamisira pauri Dhakota basa kutora mukomana weumwe" akadaro ndakabva ndaseka ndakamu tarisa. "Saka muchaita sei nhayi" ndakadaro akabva aridza tsamwa. Ndakatoona ndega kuti kuswera ndoda kunetsana nevanhu vanoita sekuti vane mhepo taizo rovana ndakabva ndatsiga dish rangu ndoenda kumba. Ndakasvika mhamha vakagara ava ndovamwe unoshaya kuziva kuti vaitadzawo kushanda here vopota vachiti tengera hedu mupunga manje yaingova nyope hayo. Ndakayanika washen yangu ndapedza ndakabva ndaenda mukitchen kwakuona maiva musina kana kubikwa ndaka bhohwekana hangu kwete mbijana. Ndakaenda kwaiva kwakagara mhamha ndikabva ndava bvunza nyaya yechikafu "konhayi mhamha amuna kubika wani" ndakadaro vakabva vandi tarisa "nhayiwe Dee tikaramba tongobika panapa atisi mabhiridha zvee anoda kudya. Auna kubva wadya sadza here?" vakadaro vachindi bvunza ini ndaiva ndaenda kunowacha ndoudzwa zvekuti ahusi bhiridha anogara achida kudya vaiedza kurevei nekuti ini chikafu ndaichida. Handi ndaiva ndanowacha here saka tusadza twacho twairamba turi mudumbu kusvika rinhi nxaa. "Asi mhamha zvamunoita azvinakidze. Handi ndanga ndaenda kunowacha here?" ndakadaro "tarisa kana makumbo ako imhororodzi yetsvina iyi kuface aticha taure rega uchizo shaya vanokuda ndiani angada tsvina yakaita sewe" vakadaro ndakabva ndabata muchiuno ndikatura mafemo kwaiva kuzama kudzikisa hasha ndaisada zvekutaura. "Chindiudzai zvekubika hangu ndibike ndoda kudya" ndakadaro "apana anobata mapoto angu ane tsvina" vakadaro andina kuzova pindura. Ndakapinda mumba medu kwakutora zvekugezesa ndikaenda mubath ndakabva ndapukuta ndapedza ndakapfeka rimwe rokwe rangu kwakubuda ndaiva ndafunga kunodya hangu muchero wesango pane kunetsana namai ava. Ndakafamba ndoenda kumafuro kwakuenda padombo pandaisimbo gara kana ndikauya kuzoona Parewa. Ndakagara paya ndakanzwa munhu airidza muridzo ndakaona aiva Harry aibuda musango akabva atanga kuuya pandaiva akasvika achi sekerera. "Hesi Dhakota" akadaro ndakabva ndaramba ndakamu tarisa ndakaona Harry aiva akanaka hake zvisingaite Parewa aiva akanaka asi Harry aiva mukomana aiva akaita kakutsvuka so zvaiva kure apa aiva nemhino iya inenge yakaita seyevachena oita maziso semunhu ari kurwadziwa nemaziso apa ari mahombe. "Ndiri bho hangu urisei iwewe" ndakadaro akabva asekerera.
"Ndiri right hangu Dee kurisei kumba" akadaro ndakabva ndaramba ndakanyarara ndakatarisa kuma shure kwake. Kwaifamba Manaka ndakashaya aiva abvepi ndakatarisa Harry ndakatarisa Manaka aiye ahana kundiona nguva iyi nekuti akangobva kwaiva kwabva Harry achigadzirisa skirt. "Kowaka tariseiko?" akabvunza ndakabva ndakurumidza kufunga ndikamuudza apana chandaiva ndakatarisa akabva atanga kutaura "kondakanzwa kuti wakazora Manaka tsvina kumeso nhayiwe Dee" akadaro akatanga kuseka ndakabva ndamutarisa "wakazvinzwa nani" ndakadaro "namukoma vangu iwe vakauya kumba vakatsamwa vaiita kutura mafemo asi kahure kaya wakakagona nekuti kano onererwa nxaaa wakamu gadzirisa size ndofunga ahafe akaikanganwa" akadaro "ini Harry andidi zveku jairirwa ndiro damudziko rangu nekuti munhu akandi tsvaga anondiwana zvesure" ndakadaro akabva aseka "zviri pachena kuti Manaka ndiye akaku tanga kukudenha nekuti apana paichango uya wozora munhu tsvina kunze kwekuti akudenha" akadaro "ndizvo zvakatoitika akaitira mago pamachira angu......" ndakadaro ndikabva ndamuudza zvese zvaiva zvakaitika "ugoona mukoma Parewa ndakatovaudza kuti musikana wenyu zviri pachena ndiye anenge akadenga Dakota yakaita nyaya hako asi usatye kana Parewa akaku tsamwira achadzoka hake" akadaro takabva atanga kutaura dzimwe nyaya "auna nzara here" akadaro "ndinayo hako" ndakadaro akabva abuditsa nhunguru mukabag kaaiva nako ndakatanga kudzicha ndikazomwa mvura zvaiva zvava nani. Ndakaona Parewa akuuya aiva akabata kanhava ameno kwaaibva akafinyamisa face paakandiona ndakabva ndamutarisa "uyu ari kudei kuno iwe Harry" akadaro Parewa ndakabva ndasimuka ndaiva ndakuda kutoenda kumba asi akabva andi bata ruoko "ndakakuti nenyaya yekuuya kunoku" akadaro apa zvairwadza ndakacheuka ndichimuridza mbama ndaiva ndakuita kudedera nehasha. "Aundi udzire zvekuita wanzwa ndinouya kuno nguva yandada arisi dunhu rababa vako rinori kurumidza kundisiya ruoko rwangu izvezvi" ndakadaro akabva awedzera kundibata ruoko ndakascreamer denga rikabva raita black kukaita rima zvenguva pfupi kukabva kwadzoka kuita normal "nhayiwe Dakota unopenga here" akadaro ndakabva ndabata ruoko rwake ndichibvisa pane rwangu "Parewa siyana neni wanzwa andina kuuya kunoku kuzokuona ndauya kuzoona Harry uyu. Siyana nehupenyu hwangu wanzwa nhasi ndozuva rekuguma kundiona auchandione zvee" ndakadaro ndikabva ndabvisa ruoko rwake ndakatanga kufamba kuenda kumba. Ndainzwa kurwadziwa ini zveku dzvinyirirwa ndaisazvida hangu kana kamwe hako ndakabva ndamira pane chimwe chidondo ndakatanga kuchema ndakamira ipapo ende nguva iyoyo ndakatanga kunzwa dzungu mvura ikabva yatanga kunaya. Yaita kunaya zvine simba chaiko ndakaramba ndakamira ndakazoona ndava kwaiva nemvura yaiita selake asi paiva negomo ndakaramba ndakayeva mvura iya kwakutanga kufamba ndoenda ikoko ndakasvika paya kwava kutarisa mvura iya. Ndakayeverwa nayo pakatoita sekuti pakati pacho pachereka paita gomba pakati pemvura makabva mabuda njuzu yakaenda mudenga yakasimudza maoko apa yaiva netail yegold ndakayeverwa nezvinhu zvandaiona izvo zvaiva zvakanaka zvichiyevedza. "Yamaya" yakadaro ikabva yadzokera mumvura pakautika zisplash rakakura ndakatanga kunzwa kudanwa mumvura umu ndakabva ndango svetukira mukati ndakaona ndava kuimwe nyika pasi paiva pakanaka zvisingaite asi kwaitaurwa chimwe chirudzi chandisina kunzwisisa ndakaona ndabatwa ruoko neimwe njuzu yechikuru "welcome to Belele" yakadaro ichifamba kupinda neni mukati yaitova nemuswe wegreen. Apa palace yaiva yakanaka hayo iyi ndaingoona njuzu dzakasiyana siyana dzichifamba. "Letisha wauya naye" yakadaro imwe yaiva yakakura ndakatarisa face iya kwaku rangarira ndivo mbuya vaya vandaiva ndaka mboona.
Vakatanga kutaura neumwe wavo ndakazosiwa ndinavo vainzi ndivo queen ndakabva ndagara ndakava tarisa ndakavhunduka ndichiona ndine muswe wenjuzu panguva iyi "usatye hako ndozvazviri you are one of us kubva musi wawakazvarwa you had a different destiny" yakadaro ikabva yasekerera ndakaramba ndakanyarara "ok so chawawira kuno ndaona zvaitika between you and Parewa and it's not right nenguva yatava kupindana nayo I don't want anything chinoku disturber or chinoita ucheme nekuti uchashedza Kutaka" vakadaro "ndiani iyeye" ndakadaro "Kutaka imhondoro yekuBelele mountain ndiyo imwe inoku chengetedza ahifare kukuona uchichema Kutaka ahafanhe kuzikanwa kuti ariko cause umwe munhu weThe Secret Coven akambo uya kuno kuBelele aiva awana access kune imwewo njuzu yaakauraya akauya kuno akarwisana naKutaka masimba emunhu iyeye ndakashaya kuziva aiva akaita sei nekuti Kutaka akangoti zii akabva atiza munhu iyeye tisina kuona chiso iye akafunga kuti Kutaka akafa izvo ayihwa all along these years he's been practicing cause he's not happy" vakadaro ndakabva ndaramba ndakanyarara ndakataura mafemo takamboita nguva takanyarara tikazo taura "saka Kutaka wacho anonyanya kundi koshesa kudaro nekuda kwei" ndakadaro vakabva vaseka "you are special to everyone here asi kuna Kutaka you are like a germ" vakadaro ndakabva ndaseka andina kuzobvunza ndakazo tanga kurukwa navo mumusoro netumwe tuma beads so "mangwana uri kuenda kunksarudzwa kuti uno kwanisa here kuqualifier kushanda papalace andidi any mistakes unofanha kuenda wakachena" vakadaro vakazopedza ndakapihwa imwe hembe yaiva yakanaka nezveku gezesa ndakanzi ndozo geza mangwana musi uyu ndaifanha kurara ndakazora umwe mushonga wakauya nambuya vaya vainzi Letisha vakabva vandipa "zora usati warara mangwana womukira kugeza" vakadaro vakataura nezvimwe. Ndakazo dzokera ndakaona ndaingova pandaiva ndaka pedzisira kumira painaya mvura nguva idzodzo yakabva yagasser ndakafamba ndoenda kumba ndakasvika vanhu vari mukitchen apa kwaiva koda kudoka mhamha vaibika. "Kowanga uripi?" vakabvunza vakatarisa mumusoro mangu "ndanga ndiri kumba kweimwe shamwari yangu nyowani inonzi Nisha apa ndiye andiruka ndanga ndakahwanda mvura" ndakadaro "horait manairo aiita mvura yacho ahana kumira zvakanaka dunhu rino rino naya haro asi kwete zvekudai" vakadaro mhamha vakabva vatanga kupindurana nadaddy uku Ele ndakaona aiva asimo ndakaenda kuroom redu kwakubva ndachinja hembe ndakazo shedzerwa sadza ndakadya Ele aiva asati adzoka ende pavabereki vake apana akambo taura nezvazvo.
Ndakadya ndapedza ndonguva dzakapinda Ele ane uniform "enda uno chinja udzoke udye" vakadaro mhamha "asi amumubvunze kani kuti anga aripi" ndakadaro vakabva vanditarisa nerimwe ziso rekusvotwa neni manje vaito tambisa nguva yavo "imi zvinei nemi sis Dee regai isu vanoda chikoro timboita zvechikoro moda mhamha vandibvunze kuti handi ndikubva kuchikoro here" akadaro ndakabva ndasiya sadza kwakusimuka "hupenyu hwauri kukanganisa ndewako kwete wangu. Unenge uchingo vhura tukumbo pese pese asi pauchaona nguva yaenda ndopauno ziva" ndakadaro ndikabva ndafamba kubuda mumba ndakatoziva ndega ndaisara ndichi nyeyewa ende ndaisava nebasa nazvo hangu ndakabva ndazora mafuta angu kwakurara ndakaona Ele akupinda akabva amhanya kubuda panze achirutsa akadzoka akabva agara padoor zviya zvemunhu asisina simba ndakango tarisa hangu. "Muno mune smell iri kumisa moyo" akadaro achizvirova rova chipfuva. "Miswa zvee hanty chakabata" ndakadaro akabva andiitarisa "unorevei nhayi Dee" akadaro ndakabva ndamu ignore kwakurara manheru acho ndakarara asi ndainzwa sekuti mumuviri ndiri kupindwa pindwa nezvinhu. Makuseni ndakamuka Ele asati kana amuka ndikabva ndanogeza ndikadzokera mumachira ameno akazomuka nguvai ndekuti ndaiva ndarara. Ndakazomuka kwakutanga kuita basa ndichipedza ndakano geza ndikabva ndapfeka hembe yangu iya ndakaoneka mhamha vaiva vachiri vakarara ndakango ndovaudza kuti ndakuenda ndiri padoor ndikabuda ndoenda kuPalace kana tasarudzwa taizo tanga basa mangwana acho. Ndakafamba ndoenda ndaingoona vanhu vaiva vakachena asi ndaiita kutariswa hangu andina kuda kuita basa nazvo nekuti ndaienda kubasa rangu kwete ravo. Ndakasvika kuya kwakubva tamiswa magroup magroup taiva takaita kuwanda vanhu apa paidiwa vanhu 15 chete. Takamira paya King Torin vakabva vabuda nemukadzi uya aiva nenhumbu vakamubata ruoko ndakabva ndatoona ndega kuti aiva mukadzi wavo chete. Queen Mother vakazobuda asi ndakaona vanenge vaiva vane stress chaiyo ndakazama kuda kuona zvavaifunga asi ndakatadza takazo tanga kusarudzwa ndakaona mukadzi waKing atora umwe musikana akati anoda ashande sapersonal maid wake ndakashamisika ndichiona ari Manaka aiva akachena hake. Ndakaona ndanonge dzerwa naking "you huya pano" ndakabva ndafamba kuenda kwavaiva "my king" ndakadaro ndichi kotamisa huso. "Unonzani" vakabvunza "Dakota" ndakadaro vakabva varamba vakandi tarisa "ngaapihwe chinzvimbo chekuona mamaids aite mukuru wavo nekuti aivapo handi moziva ava nenguva yakareba achirwara it's better tipe umwe munhu. And she's very smart uyu well neated" vakadaro vachindi tambidza mabeads ewhite. Ndakatambira kwakubva ndama pfeka vanhu vakazotanga kusarudzwa vakapihwa mabeads ered zvapera takanzi todzoka mangwana nezvinhu zvedu. Takapatsana pakufamba toenda kumba andina wandakada kutaura naye ndakangozvi fambira kuenda kumba kwedu........
End of chapter 6
Stay tuned 🩵