QUEEN ZEE NOVELS
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕 Follow our WhatsApp channel: For previous chapters and other books. Vanoda book from chapter 1 follow Andipe book kuinbox🙏 https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T WhatsApp group join: https://chat.whatsapp.com/KmrXStpTPzoBQMKEJi3osZ 🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇          *THE SECRET COVEN*          🧛🏽‍♂️🌑🧛🏽‍♀️ 🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸 Written by🖋️ *QUEEN ZEE* _aka 〽️agumbo_ Contact us 071⁶⁴⁵²907 077¹⁹⁶⁹067 _This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_ Chapter 9 (🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵) _In Sadoko Kingdom_  *Dakota* Ndakarwadziwa nekufa kwakaita musikana wandaida kubatsira ndakaona ndega kuti paPalace panapa paiva nezvaitova zviripo. Nekuti kufa kana kudzingwa ndokubuda kwaiita munhu pano. Pataka jambiswa tsvimbo nen'anga pane zvandakaona pana Manaka zvandisina kunzwisisa panguva iyi pagumbo pake paiva tattoo randisina kuziva ndaida kuzobvunza Queen Nisha zvairevei. Takadzokera mukati ndakatora vasikana vekunobika navo taitaura mukitchen "ndiani amboonawo zvandaona paPalace pano pane kamwe kakurema kasinga nzwisisike" akadaro umwe musikana ndakabva ndamutarisa "ngatizivei zvatakawira panapa nenzira iyoyo mazuva edu ekurarama panyika anowedzerawo" ndakadaro akabva agutsira musoro zviya zvekuti ndazvinzwa. Takapedza kubika tikaendesa chikafu vanhu vakadya pakunorara ndakatanga ndaenda kunoona Katarina. "Dee" akadaro achida kusimuka kuti agare zvakanaka ndakaenda pabed paaiva ndikabva ndamumisa "no rambai makarara" ndakadaro akabva asekerera "thank you ndiri kuona wakuda kubuda please tell Nisha kuti Lila's life is in danger" akadaro ndakabva ndaramba ndakamu tarisa ndaida kuto nzwisisa kuti relationship yavo naLila ndeyei asi ahana kutaura ndakabva ndataura "pane musikana wandanga ndichida kubatsira nhasi kutiza but afa" ndakadaro "Dakota you have to understand panapa paPalace apana kumira zvakanaka ziva izvozvo apana anoenda arimupenyu kana asina kunzi enda" wanzwa akadaro ndakabva ndagutsira musoro kuti ndiri kuzvinzwa "kana uri kuzvinzwa I'm glad asi please usade kupinda nemoyo muzvinhu zvepano remember wakauya kuzoparadza avo vano paradza nekutambudza mweya yevasina mhaka focus on that the rest zvisire kuvadzimu vanenge vachiziva zvavanenge vachiita if the person is meant to die anongofa" akadaro akataura hake but kwandiri ndakaona zvisinga shande zvichidaro I'm sure munhu ayiita izvi aitova neaccess paPalace panapa ende aizama nepese paanogona kuhwandisa chokwadi chake manje mupedza nemuranga wakaipa aiva auya Dakota vaizondinzwa havo kusvika vapinda muforo. Ndakazo yeneka Katarina ndakaona ane mark ndakasiyana nazvo ndikabuda muroom make ndakaenda mangu ndakabva ndabvisa hembe dzandaiva nadzo ndikazora mafuta angu ndapedza ndakapfeka dress rimwe rirefu rewhite ndakabva ndabuda nedoor rekumashure asi ndakapotsa ndambo batwa ndakazobuda ndikabva ndasvetukira pabhiza ndakanzwa sekuti pane munhu aindi teera ndakabva ndabuda muroad ndakahwanda ndakazoona aiva Manaka akapfuura asi aiva akapfeka nhumbi dzeblack ndakaramba ndakamutarisa ndakatanga kuona vision yezvaiitika kumberi paachasvika padam nezvaachaita ndakabva ndaona sekuti aienda kwaiva nezisango zitema kwaiva nepalace nguva iyoyo vision yangu yakabva yadzima. Ndakabva ndabuda kwaku mhanyisa bhiza ndoenda kudam ndakasvika kaakugara paya ndakatarisa mudam ende panguva ipapo mumvura makatanga kuita chamupupuri chaiva nehasha chakasvika kunditora ndakazoona ndava papalace yekuBelele ndakapinda mukati ndaida kungoona queen chete. Vanhu vaiita kunditarisa kuita sekuti vari kuona munhu akashama ndakabva ndatarisa muvuri wangu kwakuona ndaiva netatoo respider padumbu pangu. Kozvaiva zvava zvipi futi zvandaiva ndakuitiswa hangu ndakapinda kwakuona queen vaiva vakagara vakabva vasekerera. Panguva idzi njuzu dzakatenderera pandiri pakatanga kuimbwa song vairatidza kuti vanhu ava vaifara vakatanga kutamba ndakapedzisira ndajoiner ndakazogara pasi ndaneta Nisha akabva ataura. "Good work I'm proud of you" akadaro ndakabva ndamutarisa "ndaitasei" ndakadaro "ausi kuziva here muvengi wako ari pasi pemhino yako kudai uri pedyo naye asi iye ahazi kuziva ndiwe waari kutsvaga. Ende zvichaku rerukira kuti ubate munhu uyu nekuti akatumwa kubva kunyika yavo yerima" vakadaro ndakabva ndabata hana yangu hope zvandai fungira zvaisava izvo "uri right ndiye munhu watiri kutsvaga," vakadaro ndakabva ndabata musoro wangu "ndichamuuraya ende ndichapa musoro wake kumapere" ndakadaro ndaiva ndatsamwa vanhu vakatanga kundi kuza zvakaita ndinzwe kufara takazo sara tiri tega naNisha ndakabva ndamutarisa nekuchembera kwaaiva aita ndakaona kuti kwatinobva kure kana aiva water goddess asi now akasarudza kupa inini mukana wekuti ndiuraye vanhu ava "tsvaga weakness yake paari" vakadaro queen ndakabva ndavati ndaiva ndanzwisisa "ndaona mukadzi anonzi Katarina kupalace ati ndikuudzei kuti Lila ari panjonzi" ndakadaro queen Nisha vakabva vasimuka zvine hasha vakaita kuscreamer zvakaita kuti kurire mheni mudenga vakacheuka vakandi tarisa ndakaona kuti vaiva vava nehasha "no no no ndiri kuvimba newe Yemaya mwana akatakurwa naLila akandi koshera zvisingaite andinga kwanise kuona mwana uyu achiuraiwa" vakadaro vakabva vayeredza musodzi ndakanzwa tsitsi ende ndakaona ndega kuti mwana uyu aiva akava koshera ende ndaizoita chero kuti mwana iyeye ararame even zvikanzi kuuraya ini ndaiva ndisina tsitsi nevaroi. Nisha akabva abata ruoko rangu akati tibude panze pemvura takaita sekudaro ndakaona tiri panze peBelele lake akabva agara pasi ndakagarawo ndakapfunya rusero "vhara maziso ako ende zvipe nguva usamhanye take your time" akadaro ndakabva ndataura mafemo ndikavhara maziso ndakavhura maoko angu ndikabva ndama batanidza semunhu ainamata ndakatanga kuona rima rega rega panguva iyi neropa ndakabva ndatanga kuona vanhu vakawanda vakaitwa vasungwa ende vana vacheche vaiva vakaitwa zvimukuyu vakayanikwa kumadziro ndaiva ndakamira pakati ndakaona kuti taiva papalace panze asi apana aiva achiri netariro kuti zvichanaka ndakatanga kunzwa hasha nguva idzi asi ndakabatwa kuti ndidzikame naParewa akabva andi tarisa akandi bata hana yangu.......Ndakabva ndavhura maziso ndichi femereka ndakatarisa Nisha akabva asekerera "waona here vision" akadaro ndakabva ndagutsira musoro "horait iwe zvako zvirinani apa wakura kare chaiko ini ndaiva mwana at 16 years ndakapihwa masimba akawandisa asi ndakakunda chandinoda kukuudza zvese zvaunoita ngazvibve pasi pemoyo wako ende ita zvinhu zvako nerudo ausi kuitira iwewe asi you are doing this for the sake of your people" vakadaro ndakabva ndavatarisa "why makandi sarudza musina kusarudza vamwe vana" ndakadaro vakabva vaseka "there is something mauri unogona kutadza kuzviona hako izvezvi but uchazviona you are strong and brave apana waunotya ende musi wakuchaita mwedzi wakazara varoi pavanenge vachiita kutambo wavo ukuru iwewe nguva idzodzo ndomusi waucha rasikirwa nehumhandara hwako kune mukomana akakoshesa akasarudzwa nevadzimu mwana waKing late father vaking Torin mukomana iyeye he's is a witch hunter mai vake vaiva mukadzi aishanda papalace sahealer kare asi vakazotiza after vazikanwa vakatakura mimba yaking vanhu vaviri ava vaidanana zvisingaite. Mai vemwana uyu vakafa vachimuzvara vakapawo mwana wavo kune umwe mukadzi wavakaona vakati amuchenge. King vakazorora mai Torin ende king vakafa vasingazive vane a heir kunze nekuti varoi vaiziva kuti mukomana iyeye ndiwitch hunter achawisa varoi vakawanda zvakadaro vadzimu vakaona zvakanaka kupa mukomana iyeye mbabvu yake inova Yemaya yaachafamba naye rwendo rwese kusvika vakunda" vakadaro queen Nisha andina chandaka nzwisisa mukomana uyu aimbova ani chaizvo. "Mukomana uyu ambori ani chaizvo" ndakadaro "Yemaya zvimwe zvinhu siya zvakadaro moyo wako wakaku svitsa kare kwaari asi amusati makuziva mese chete ende vanhu vaanogara navo there are from the Fire Goddess vakatumwa kuzo chengetedza mukomana iyeye vanoita zvese mumasimba avo kuti achengetedzeke" vakadaro ndakabva ndasiyana nenyaya idzi dzaiva dzakuda kundi temesa musoro Ndakatanga kuratidzwa war yakamboitika kare ndakatya zvisingaite ini yangu kana ichinzi yakakura kupfuura apa ndaizozvi gona here weduwe. "Usatye ini gogo Bhanzala vakaita ndive chanda gwinyira ndiri mwana chaiye iwe una Katarina sister if Kutaka achaku batsira" vakadaro Queen vakabva vandibata maoko vakatanga kutaura language yaisa nzwisisika ndakazo muka ndiri kupalace apa ndaiva ndakatochena ndakapfeka hembe ndakangoenda kunomutsa mamaids. Manaka ndiye aida kutondi netsa asi aisandi ziva zvakanaka gore rino airegedzera mweya wechando chete akanzwa bhata. Ndakafamba ndoenda kwaiva nevanhu vandauva ndasiya vachi tsvaira ndakaona Manaka akagara pamatombo akatozorora hake vamwe vachiita basa ndakasvika paari ndikabva ndamubata musoro akaridza mhere "hezvo nhayiwe kwakanaka here" ndakamudaro akabva abata kumusoro wake pane chaakaviga ipapo ndakatoona ndega vatete ava vaiva nezvavaiva nazvo sure. "Simuka ipapo unditevere" ndakamudaro ende ndakataura nevoice raiva risina kana zvekutamba ndakaenda naye kuroom kwaQueen Lila ndakabva ndaknocker vakati ndipinde ndakapinda Manaka ari kumashure "my queen" ndakadaro vakabva vasekerera vachisimuka vakamuka ndakaona vaiva vasina kupfeka apa padumbu pavo paiva nemark ndakabva ndarangarira ndaiva ndakaona Katarina ane mark iyoyo. "Ndokubatsirai nei chief maid" vakadaro ndakabva ndabata Manaka "ndamuona akagara Queen ndanga ndamuudza kare auye kuzowacha washen washen yenyu" ndakadaro vakabva vatarisa Manaka neziso "please ngaabude munomu iwewe Dakota sara" vakadaro Manaka akabva abuda "ibva padoor ipapo" ndakadaro akabva aridza zitsamwa achienda "please musikana uyo andimu chenese anoita zvinhu zviri weird sometimes" vakadaro "musatye kana pane zvaari kuda pano tichazviona ndichaku chengetedzai" ndakadaro vakabva vasekerera ndakazobuda ndikaenda kwaiva naKatarina ndakanomu bvunza nyaya yemark "watanga wapedza here nezve tattoo redande mutande raunaro" akadaro ndakabva ndavhura hembe yangu ndakaona ndingori naro "nderei" ndakadaro "Anansi the spider striker goddess" akadaro ndakaramba ndakamu tarisa "so makundipa futi masimba enyu imimi" ndakadaro akabva asekerera "you deserve them ndiwe wakakodzera ndichaku trainer pamazuva mashoma andasarwa nawo dandemutande arinetse nekuti unenge uchichinja kuriita, I hope Kutaka will be happy about you" akadaro ndakabva ndashaya why Kutaka uyu aindi koshesa kudaro "why achindi koshesa kudaro" ndakabvunza "siyana nazvo" vakadaro vakabva vati ndibude ndakabuda ndakaenda kuno manager vanhu vakaita basa ndakanzwa ndabatwa ruoko naManaka "uri satan wanzwa" akadaro "hezvo kondaitei" ndakadaro ndakamu tarisa "zvawaida zvakaita kaa fara now Parewa andiramba handi wakamuudza ndakauya kuzo shanda kupalace" akadaro Manaka ndakabva ndaseka hangu ndakamu tarisa "yuwii zvagara zviri pachena kaa kuti bamunini ndovaudza mukoma wavo kuti vari kuitiswa" ndakadaro "Harry ahamboite zvakadaro" akadaro Manaka "sure here zvagara arwadziwa kaa kuti musikana wandaka tanga kubvisa husikana inini ndoenda kwandakaenda zvemwedzi ndodzoka ava kufambidzana nemukoma vake unoti zvino nakidza here. Ndisiye hangu uchingomisa miromo inenge mabvi en'anga" ndakadaro akabva andisiya akafamba kupinda mukati mamaids aiva atotarisa "basa mapedza here girls?" ndakasara vakabva vadzokera kuita vakazotanga kubika takadya tapedza ndakati vangu vaende kunogeza vakazodzoka ndakati umwe neumwe andiratidze nzwara dzake vakaita sekudaro Manaka aitova hake nehombe ndakadzi cheka ndakaona akaita kudumbirwa nehasha. Queen mother vakabva vauya kwataiva vakandi tarisa "uri kuita basa rakanaka my dear ende Torin akagona kusarudza nekuti unoenderana nebasa rako" vakadaro ndakabva ndango kotamisa huso andina kutaura vakabva vaenda ndakasara nevashandi vangu sezvo basa raiva rapera ndakavati timboenda kunoona hedu kumunda "apana basa rinonzi rapera" akadaro Manaka "horait chiita rasara" ndakadaro ndikati vamwe tiende takabva tafamba toenda kuya takaona vashandi vaishanda vamwe vayi chereswa makomba. Ndakatanga kutenderera ndichiona ndakabva ndaona umwe musikana wechidiki ainzi aiva akaba maorange mumunda meumwe elder wepa palace aiva mwana mudiki musikana iyeye ndakabva ndamusimudza "why wakaba maorange" ndakadaro akabva apukuta musodzi waiva wakuda kubuda "ndaida kupa hanzvadzi yangu aiva nenzara" akadaro ndakabva ndabata mwana uya ndoenda naye kupalace maguards akamboda kupopota asi ndakama misa ndavaudza mashoko ndakasvika muthrone room ndikabva ndaisa mwana uya pamberi paKing Torin "and then" vakadaro "mwana uyu mudiki zvisingaite zvekuti anganzi anochera makomba nekuda kwemaorange" ndakadaro "akaitei?" vakadaro vaito ratidza kuti vaisa ziva nyaya yaiitika ndakabva ndava tsanangurira zvandaiva ndanzwa "ndasiri kumboziva ndozviriko" vakadaro "saka muri king pachii kana musikgazive zvinhu zviri kuitika mukingdom menyu saka zviri kuratidza kuti pane vamwe king vari kutonga panapa vasiri imimi" ndakadaro ndakaona vatsamwa vakabva vasimuka "don't you dare talk to me like that I'm king Torin I rule Sadoko kingdom and no one rules besides me" vakadaro ndakabva ndavatarisa "saka mwana uyu akaenda sei kana musina kutonga murimi" ndakadaro vakabva vagara pasi vakabata musoro vakashedza hand man wavo vakati vaida kuona maelders ese ndakaona Queen mother avana kufara nazvo "matauriro rudzii aunoita naking ukaita mukuru wemamaids azvireve wava kuita zvaunoda pano" vakadaro ndakabva ndava tarisa "mambo akanaka ane huchenjeri ndiye ega anotenderwa kupihwa rukudzo ende mwana uyu anofanha kubhadharwa nekuti iabuse yaakaitwa" ndakadaro ndikabva ndamubata ndoenda kunomupa chikafu ndakanzwa kuputswa kwezvinhu muthrone room pane aiva atsamwa chete............. End of chapter 9 Stay tuned🩵

Comments