QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
For previous chapters and other books.
Vanoda book from chapter 1 follow
Andipe book kuinbox🙏
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/KmrXStpTPzoBQMKEJi3osZ
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
Chapter 8
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
_In Sadoko Kingdom_
*Manaka*
Dakota paakaenda ndichisara naParewa ndaiva ndasvotwa zvisingaite. Apa ndaiva ndisati ndasvika kumba ndakabva ndasimuka ndikanzwa Parewa andibata "saka wakutoda kuenda here nekuda kwaDee" akadaro ndakabva ndacheuka ndikamu tarisa "ini hangu Parewa zvekutaura unoziva andizvi farire manje Dee ndiye anondi tsvaga musi uya akandizora tsvina auna kana kumurova wakangoramba waka nyarara ini ndinotodawo mukomana anondi nunura" ndakadaro Parewa akabva abata kuface kwake akazondi tarisa "tese tikuziva chokwadi chiri pachena kuti ndiwe hako wakatanga kudenha Dee ayisi kana secret yatinoda kuhwandisa" akadaro Parewa ndakabva ndaridza tsamwa ndozvimwe zvaaindi bhohwera izvozvo kakuda kudefender Dee kaita kaindi svota zvisingaite hangu kwete mbijana ndakabva ndamutarisa "saka ndozvauno rega kumu tsiura here izvozvo chindisiya ndiende ndinoda kuno gadzirisa zvinhu zvangu andisati ndasvika kumba" ndakadaro "kounoda kuendepi ende wanga uchibvepi nekuti auna kana nguva wasvika pano" akadaro kondaiva ndarivara patakabva kuPalace ndakabva ndasvika kuYaremba ndaida kunoona Afasi ndaiva ndatumwa ikoko ndine zvinhu zvandaifanha kunotora nekuita ikoko ndisati ndatanga basa paPalace. Ndakabva ndatofunga nhema dzekuruka Parewa aisa fanha kuziva maplans angu "ndoda kuenda kwatete vangu saka apa ndanga ndatumwa ikoko namhamha pane zvavanga vachida ndinoita ikoko" ndakadaro akabva aramba akandi tarisa "horait mudiwa wangu chindipawo hako tsvodi usati waenda" akadaro ndakabva ndamumbundira ndikamupa tsvodi yaaida akazondi siya ndikafamba ndoenda kumba. Ndiri pachimwe chidondo ndakabva ndanzwa muridzo wakarira ndakabva ndaziva aiva Harry ndakatsauka munzira ndikaenda nekwaibva muridzo uya ndakasvika kwakuona aiva akagara padombo akasimuka kwakundi mbundira "maiguru" akadaro ndakabva ndasekerera akabva andipa tsvodi achiisa ruoko rwake mumbatya yangu akaisa chigumwe chake musikarudzi yangu. Ndakashinyira kuri kutapirirwa nezvaaita "rara pasi apa" akadaro ndakabva ndarara pamahuswa paya akauya pamusoro pangu akabvisa chikabudura chaiva nacho akabva avhura makumbo angu akaisa pant rangu paside "pari tight Parewa achiri kuziva kupaseva here apa kana ndiri ndiri kudya muriwo uyu" akadaro Harry ndakabva ndamutarisa Harry aiziva zvaaita asiyana naParewa wekuti aingokubvisa pant otokuvata taiva takarara tese kaviri chete aiva akandi wana ndisiri mhandara ndaiva ndakabviswa nemunin'ina wake Harry asi ndaiva ndakatsenga midzi zvekuti paakarara neni akango funga ndichiri ndakakwana ende aiti ahadi tirare tose pese pese nekuti atisati tawanana manje naHarry pese taingovata tese. "Iwe siyana nezva Parewa ndiwe unondi misa kuti ndimurambe nekuti unenge uchingoti uri kugadzirisa zveroora" ndakadaro Harry akabva atondi tsvoda akatanga kutambisa chombo chake pasikarudzi yangu akabva apinda takaita mutambo wedu tapedza akabva andi pukuta nepant rangu akarisa mutrouse rake andina kutaura ndakasimuka ndikamu tarisa "ndiri kuenda kuno shanda kuPalace mangwana" ndakadaro akabva asekerera akandi tarisa "inyaya yakanaka iyoyo ukatambira wopota uchiuya woenda neni kuguta guru wonondi dyisa zvinonaka" akadaro ndakabva ndasekerera ndakamu tarisa "unoziva ndokuitira zvese zvaunoda wani mudiwa" ndakadaro ndikabva ndamu mbundira ndakazo musiya ndikafamba ndoenda kumba ndakasvika hangu ndichisekerera nekuti ndaifara nezvandaiva ndaitwa naHarry.
"Kwakanaka here kwauno nyinura kudaro kuita sekuti uri hure rapihwa mangayi nechidhakwa" vakadaro mhamha ndakabva ndavatarisa ndikaseka ndichi pinda mukamuri rangu vakabva vandi tevera vakamira pamusiwo ndakaziva vaida kuziva kana ndainge ndapihwa basa kuPalace "zvaita here Manaka" vakadaro "Asafi agara anopedza basa mhamha apa chandafarira ndapihwa basa pedyo naQueen mukadzi waking Torin zvichati itira nyore kutora mwana wake ahafanirwe kurarama" ndakadaro ndikabva ndarara pamubhedha wangu ndakatarisa kudenga "queen vakanditi ndiri kufanha kutsvaga Yemaya naKutaka" ndakadaro mhamha vakabva vauya vachindi bata musoro vachiwu puruzira "I believe in you unovawana chete last time wakawana wani Parewa so easily uya anofanha kufa asati akuziva connection iri pakati pake naYemaya nekuti vakasangana vanenge vava nemasimba aka pfurikidza atidi zvinozoti netsa kuva defeater. Ende ini Dakota andimuone hangu zvakanaka auone pane zviri paari here" vakadaro mhamha ndakabva ndaseka "AHH Dee angava nei hake iyo chapa iyoyo isingadi kana mvura mhamha mungati angava iye here Yemaya iye Yemaya achinzi injuzu here ana Dakota ifende idzi" ndakadaro mhamha vakabva vasekawo "asi chokwadi kana Dee ahangambo ita Yemaya angori nedzungu uya akaita kupaparika apa mai Ele ndogara ndakamuudza zviri nani ararise hake mugoti wake panze kuseri kwemba kusingaonekwe naDakota" vakadaro "haa zvaDee anoda kukoshesa mugoti asi iye ahageze" ndakadaro takataura zvakawanda namhamha vakazobuda ndikasara ndega hangu. Ndakabva ndamboti rarei hangu mbijana ndakazomuka atova manheru ndakabuda ndikaenda kunodya ndapedza ndakabva ndapinda mumba ndikapfeka hembe dzangu ndikabuda ndakafamba ndoenda kudhamu ndasvika ikoko ndakabva ndagara pasi ndakafunya rusero ndakabva ndatanga kutambisa muviri wangu ndikabva ndabuda ndava kuPalace yedu ndakatanga kufamba ndopinda ndaiita kupfugamirwa nekuti ndini ndaiva Prince ndakabva ndabatwa ruoko naAsafi ndikabva ndasekerera "wanga wandisuwa kaa" akadaro ndakabva ndaseka ndichifamba kuenda kumberi kwaiva naQueen ndakasvika ndikabva ndapfunya rusero ndakava tarisa "Manaka" vakadaro ndikabva ndakatanga kuzvongonyoka ndakabva ndatambidzwa bakatwa ndikapihwa mwana wacho ndakamu dhedha nepakati ndikabva ndatanga kudya matumbu ekasvava kaya ndapedza ndakasimuka ndikabva ndadzvova zvakaita kuti papalace padengenyeke "Awuuuuuuuuu huhuuuuuuuuuu" vakadaro vamwe ndakabva ndasimuka ndikaisa maoko angu mudenga ndikatanga kutenderera ndakabva ndanongedzera munhu "we need more blood and this time ndiri kuda vana vasikana vega vega vachiri vapenyu 10 babies" ndakadaro akabva afunya chisero aka tsikitsira huso hwake. Ndakasimuka ndikabva ndagara pachigaro pangu Queen vakabva vatanga kundi puruzira mumusoro "you know tiri kufanha kutora mwana waQueen Lila before Yemaya knows zvatiri kuda iye Lila anofanha kukufarira zvisingaite I hope Asafi akupa zvinhu zvacho" vakadaro ndakabva ndaseka ndavatarisa "you know I will never disappoint" ndakadaro. Takazoita mutambo wedu tapedza ndakadzokera kumba ndikasvika nekumbo rara ndakazo muka ndogeza ndikabva ndaoneka mhamha. "Ufambe zvakanaka Manaka please be careful" vakadaro vakabva vandi mbundira ndakabva ndadonhedza musodzi yaiva first time yangu kutoenda kwekuti ndesinga gare namhamha vangu but I had to do this for the sake of my people. "Musatye mhamha" ndakadaro vakabva vandi puruzira vakabuditsa chuma chaiva cheblack "pfeka chinoku chengetedza" vakadaro ndakabva ndagutsira musoro ndichichi tora ndakabva ndachipfeka ndakatora bag vakandi perekedza. Vakandisiya havo pedyo nepapalace vakadzokera. Ndakapinda pagate repalace ndikabva ndafamba ndoenda kuno ratidzwa kwaiva nekwataigara ndakafara ndichiona Dee ariko zvakandipa pfungwa yekuti aiva asiri mukuru wemamaids pamwe aivapo aiva apora.
Asi paakazo shedzwa ndaka bhohwekana ndaitofanha kuita kuti vanhu vamuvenge abve pahukuru ipapo nxaa. Takaswera zuva rese tichingoona paPalace ndakabva ndaenda side raiva neroom yaKing vakafa kare ndaiziva zvee nyoka yaiva padoor ipapo yaisaonekwa nevanhu vasina maziso ane huchenjeri yaitoda isusu ana Manaka tinoona zvaka vanzika. Ndakabva ndabata door riya ndakanzwa kuva connected nezvaiva mukati ndakaziva aiva mabasa aQueen wekupalace kwedu veThe Secret Coven. "Hey" ndakanzwa zivoice rigobvu rakadaro ndakacheuka kwakuona aiva Torin apa kaserious kake ndaikada sei ndakabva ndanzwa kuzasi kwangu kuvhita vhita ndaiva ndamuchiva hangu "my king" ndakadaro "ukuitei ipapo amuna kuudzwa here kuti kuno akudiwe vanhu kana zvichinetsa pack your bags ubve pano wanzwa" vakadaro "no my love" ndakanzwa voice rakadaro ndakabva ndacheuka kwakuona vaiva Queen Lila apa vaitosunda dumbu ravo "Lila usapindire nyaya idzi arikudei kunoku mushandi wako" vakadaro king Torin "I'm sorry ndini ndamutuma anenge arasika" vakadaro Queen Lila. King vakabva varidza tsamwa vakaenda ndakasara ndakasara ndakamira navo "thank you" ndakadaro vakabva vachinja face yavo "stay in your lane ziva zvawakawira pano ibasa kwete kuda kubata bata zvinhu zvisinei newe unodzingwa pano" vakadaro ndakabva ndakotamisa face zviya zvekuti ndanzwisisa. "Good kana wanzwisisa now handei ndoda unondi massager" vakadaro takabva tafamba toenda kuroom kwavo takapinda vakabva vabvisa hembe vakatora towel kwakusunga vakabva vagara ndakaona dumbu ravo raiva neimwe mark yandisina kunzwisisa ndaizono bvunza queen vangu nhasi mhaneru. Ndakava massager ndapedza ndakabva ndaenda kwatairara mamaids ndakasvika kune musikana aiva akarara pasi akaunganirwa nevanhu apa aiita kubuda furo mumukanwa achi gwinha gwinha Dakota akabva apinda padoor achimhanya musikana uya akabva angoti zii. Dee akasvika kwakupfugama akabva atanga kuchema akabata musikana uyu ndakaona sekuti vaizivana chete koaiva afa nei musikana iyeye? Ndakatozvi shayawo ndakabva ndanogara pabed pangu maguards akazouya vakabva vatakura mutumbi wemusikana uya ende panguva ipapo takanzwa toshedzwa panze kukanzi n'anga yepa palace yaiva yauya ende munhu wese aidiwa. Takabuda toenda kuya ndakabva ndadhuma Dakota akasimudza chiso chake achindi tarisa maziso ake aiva akaita kuita red ungati maiva neropa rakaungana mukati mawo akabva andi tarisa akatsamwa "komuka tsamwa kudaro hanziiko?" ndakadaro akabva aseka "azvina mhaka" akadaro akafamba kubuda ndazoenda panze ndakasvika kwakuona vasikana vese vaiva vakamira vakaungana apa kwaiva kwakuvira pakati paiva nemoto. "Mupalace muno mapinda muroi akatumwa" yakadaro n'anga iya ikabva yafuridza powder yewhite vamwe vaka kachidzwa ndakaona Dakota akaramba akamira yakabva yakanda tsvimbo yayo pasi ndakatanga kunzwa zidzungu chairo "munhu wese ari apa acha tsvetuka nzvimbo iyi" yakadaro ndakabva ndatarisa vanhu vakatanga kupfuura paya munhu wese akajamba kwaiva kwasara inini chete ndakabva ndascreamer ndikadonha pasi ndakabata gumbo rangu yaingova way yeku avoider kusvetuka chete asi azvina kushanda vanhu vakaramba vakandi tarisa. "Simuka chisikana usvetuke" yakadaro ndakabva ndasimuka ndikatanga kukamhina ndakasvetuka zvakanaka ndakashaya kuti saka yaida tijambirei. "Zvaita regai ndichienda mambo wangu ndichadzoka ndotaura nemi" yakadaro ikabva yaenda takasara tikanzi tidzokere kumarooms edu nguva idzodzo Dee akashedza vasikana 4 kuti vanobika. Takaenda kwedu vanhu vakabva vatanga kutaura ndakaramba ndakagara ndaka nyarara ndichiona hangu vanhu takazo shedzwa kunodya takadya tikabva taenda kunorara ndikati ndakarara ndinganyepa ende mahusiku iwowo ndakabva ndabuda kwakufamba ndobuda ndakango buda nepamadziro. Ndakaenda kuseri kwakubva ndaona musikana akabuda ari pabhiza ndakashaya kuti ndiani ndakabva ndatorawo bhiza ndikabuda ndakashaya kwaiva kwaenda nemunhu uyu. Ndakamu tsvaga ndakamushaya ndakazoenda kudhamu ndikaenda kupalace ndakasvika queen vakatsamwa avana kana kutaura neni vakabva vasiyana neni ndaishaya chandaiva ndatadza. Ndakadzokera ndikabva ndarara hangu makuseni takaita kumutswa kumakuseni naDakota aiva atochena "mukai mukai takauya pano kuzoshanda kwete kuswera makarara" akadaro "nhayiwe ndisiye ndirare ini munhu wangu wandakauya kuzo shandira I think akarara" ndakadaro "iwe Manaka muno amusi mumba menyu Manaka muka izvezvi ndisati ndakurova andisi mwana wamai vako ini" akadaro ndakabva ndamuka takaenda kunogeza ende Dakota aiva akaita kumira padoor akati tarisa tapedza takapfeka ndakatarisa time muwatch yaiva kumazidziro kwakuona dzaiva kuma 5am saka taiva tamutswa kuma 4 sure. Takatanga kupihwa umwe neumwe kwekuita basa ndakabva ndapiwa kweku tsvaira yard "iwe usandi controller andina kuuya pano kuzotongwa newe" ndakadaro "hedeeee dzikamai imi kurumidza kukotamisa chasu yako utsvaire ungati face imbudzi iri kudya mufenje" akadaro Dee ndakabva ndafinyama "nxaa" ndakadaro "tsvaira apo uchipedza unotora hembe dzaQueen Lila uwache" akadaro ndakabva ndasvotwa hangu Dakota raiva dambudziko chairo..........
End of chapter 8
Stay tuned🩵