
QUEEN ZEE NOVELS
February 10, 2025 at 03:37 PM
Book #8 📕
Follow our WhatsApp channel:
For previous chapters and other books.
Vanoda book from chapter 1 follow
Andipe book kuinbox🙏
https://whatsapp.com/channel/0029VaJLQ46IiRp06EnIXi2T
WhatsApp group join:
https://chat.whatsapp.com/KmrXStpTPzoBQMKEJi3osZ
🛖🦇🛖🦇🛖🦇🛖🦇
*THE SECRET COVEN*
🧛🏽♂️🌑🧛🏽♀️
🦂🩸🦂🩸🦂🩸🦂🩸
Written by🖋️
*QUEEN ZEE*
_aka 〽️agumbo_
Contact us
071⁶⁴⁵²907
077¹⁹⁶⁹067
_This is a work of fiction. All characters events, and places are fictional, and any resemblance to real events or people is coincident_
Chapter 10
(🩵READ, SHARE AND ENJOY🩵)
_In Sadoko Kingdom_
*Dakota*
Ndakatarisa mwana uya ndakaona vanhu vaiva nehutsinye zvechokwadi "maitabasa ndava nevhiki ndichichera makomba ndoda kuenda kumba kunoona hanzvadzi yangu anenge ava kufa nenzara" akadaro ndakabva ndamubata maoko "asi wanga uchigara kuno kani?" ndakamu bvunza "ehe tanga tichigariswa kumacells" akadaro ndakanzwa moyo wangu kurwadza ndakabva ndavhara maziso ndaida kudzora hasha dzandaiva ndakunzwa. "Unonzani?" ndakamubvunza "ndonzi Dakota" akadaro akandi tarisa achisekerera ndakabva ndaseka ndaiva ndava confused ndakabva ndaramba ndakatarisa mwana uya "you" ndakadaro ndikabva ndakabata huro ndokadzipa kakabva kabuditsa maziso kunze kakabva kandinyudza nzwara mumaoko ndakatanga kudedera ndakamira paya iye aiva adissapear ndakasara ndakamira ndakangonzwa dzungu ndikaona rima. Andizive zvakasara zvichiitika ndakamuka ndiri muroom mangu ndakazama kumuka ndainzwa muviri wangu kurwadza. Ndakamuka kwakuona ndaiva ndakaita kuita white ndakabva ndatarisa padoor ndikaona Queen Mother vachipinda vakasvika nekundirova mbama ndakanzwa nyoka dzemudumbu kurira "tarisa zvakaita tsitsi dzako now wava ne3days wakarara ipapo you are useless wanzwa" vakadaro vakabva vandirova imwe mbama ndakamuka kwakumira ndakatarisa kwakuona ndaiva ndaita kudzikira skin yangu yaisaita. Ndakabata kuface kwangu kwaiita kunge ameno ameno ndakaona aiva manheru ndakabva ndabuda muroom mangu ndikafamba ndobuda asi ndiri padoor ndakanzwa ndabatwa ruoko ndaka tendeuka kwakuona yaiva n'anga yepa palace "my queen" yakadaro ndakabva ndashaya yaiedza kudii "kwakanaka here" ndakadaro takabva yaseka "asi nhai mambokadzi makadirei kutendera wakaipa aone pane weakness yenyu. Hongu makapihwa mweya yekuti musava netsitsi kune vane hutsinye asi apa makatadza kuona here kuti varoi vaiva vaku teyai. Ndiri kuona kumberi kune matare maviri evaroi the secret coven nethe black coven" yakadaro n'anga iya ndakabva ndabata musoro kwaiva kupererwa chaiko zvinhu izvi ndaisazvi nzwisisa chokwadi chaiko kwaiva kutondi tambudza uku. "Musatye mambokadzi fambai zvakanaka asi chenjerai varoi avana zororo garai muri pamberi pavo muvarasise" vakadaro ndakabva ndagutsira musoro zvekubvuma. "Regai ndiende" yakadaro ikabva yafamba yoenda ndakashaya yaidei mahusiku iwawo papalace ndakasiyana nazvo ndikabva ndanotora bhiza ndakari tasva ndobuda kuenda kudam. Musi uyu andina kuenda kuBelele ndakasvika Queen Nisha vakandi garira asi vaisafara. "Ndakakuudza kuti basa rawakatumwa aridi tsitsi ita focus nezvawaka endera papalace zvimwe siyana nazvo" vakadaro ndakabva ndakotamisa chiso changu.
"Ndokumbirawo ruregerero kubva nhasi ndichaita basa randaka fambira ndosiya zvisinei neni" ndakadaro vakabva vandi tarisa vakandi bata bendekete "ichauya nguva yekuti vachazama nepese pavanogona napo kukubata saka chenjera ngwarira munzira yauri kufamba munoda kushinga. Chero ukaona munhu anonzwisa tsitsi sei siya kana wazodonhedza varoi ava unenge wasununguka" vakadaro ndakanzwisisa hangu zvavai taura asi zvaisava nyore hazvo. "Saka apa ndichadii" ndakadaro "andinga kuudze zvese zvekuite let your spirit control you" vakadaro ndakabva ndanyarara andina kuzo bvunza ndakabva ndasimuka ndikadzokera kupalace. Ndakasvika ndichirara kuhope kwangu ndakatanga kurota hondo chaiyo mademons atairwa nawo inini neumwe mukomana andina kukwanisa kuona chiso chake ndakabva ndamuka. Ndakatarisa ndakaona kwaiva kwachena ndakachinja ndikabva ndakwesha mazino nekuzora mafuta ndikaenda kwaiva nemaids ndakaona vaiva vakatogara ndakabva ndatora chimwe chiwepu ndikaenda pavaiva "saka kana ndikarwara munoswera makagara kaa musingaite basa" ndakadaro ndichiva nongedzera vakabva vaseka ndakatarisa kwakuona Manaka aiva akapfeka mabeads ewhite ndakanzwa kutsva chaiko ndakafamba ndopinda mukati kuthrone room ndakasvika nekungo bheura door "guards uyo mukandei panze" vakadaro Queen Mother ndakaona king Torin vaiva vasipo paseat pavo "arikungondi bata chete achademba kufa kwake nhasi" ndakadaro ndakabva ndatarisa queen mother ndakaona ruvengo rwavo rwakazara pandiri manje munhu wavaitamba naye chaiva chazezesa chaicho apana waaitya kana ani hake maguards aya akufamba kunondi bata ndakafara ndichinzwa voice raking Torin "chii chiri kuitika panapa?" vakadaro ndakacheuka kwakuona vaiva vakapfeka zvekurwisa vairatidza kune kwavaibva "son" vakadaro Queen mother "chii chiri kuitika panapa andina kana 2days ndaenda and already the palace is scattered" vakadaro king vakabva vamira pamberi pangu "Dakota wava kunzwa sei?" vakabvunza ndakabva ndakotamisa huso hwangu "ndava nani" ndakadaro "mabeads ako ehu chief maid aripi" vakadaro "ana Manaka" ndakadaro vakabva vatarisa queen mother vakatuma guard anoshedza Manaka akauya akabva atariswa naking akanzi andi dzorere mabeads angu akaita sekudaro "next time musade kutonga tonga mhamha ndini king panapa and any failure to obey the king you know the punishment" vakadaro king Torin ndakabva ndabuda ndakaenda kwaiva nemamaids "manga muchida kuzviita kunge maka ngwara handi maisa cleaner pano nhasi tiri kuita thorough cleaning" ndakadaro ndakabva ndapa vanhu kwekushandira Manaka ndakamusiya ndaiziva zvandaiita. Takaita basa tapedza takanogeza ndikazoti vanhu vabike vadye. Ini ndakabva ndaenda mumba maKatarina ndakasvika akagara akabva asekerera achindiona "ndafara kuziva kuti wapora" akadaro "maitabasa asi ndiri confused mwana uya ndiyo face yake here kana kuti" ndakadaro akabva abata kuface "atisati takuziva kuti ambori ani chaizvo tese tiri kuda kuziva" akadaro ndakabva ndango dzungudza musoro zvekupererwa. Ndikarangarira munhu wekumbondi dzipa ndichiri kwana mainini chimunhu chiya chipfupi ndiye mwana uya ndakashaya aimbova ani chaizvo nekuti paya raiva izwi rechirume apa raiva rechisikana. Asi ndakaona ndega mumaziso angu kuti uyu aiva muvengi wangu ende ndiye chimunhu chimwe chete.
Ndakasimuka ndikabva ndamira ndakamu tarisa "hondo iyi yatanga kuoma isati yatanga kudai ndichai kunda here" ndakadaro ndaiva ndakuda kudonhedza musodzi zvese izvi ndaisambozvida chandaida panguva iyi kuenda kumba kunamai vangu asi ndaka tarisa vanhu vaiparadzwa ava moyo wangu wairwadza "Dee kusarudzwa kwawakaitwa vakatoona uriwe waka kodzera kurwa hondo iyi akuna umwe angazvi gona kunze kwako please usaite give up" akadaro ndakabva ndamutarisa "mapowers enyu edande mutande anoshanda sei" ndakadaro "kutanga mangwana tichange tichimukira makuseni seni ndonoku dzidzisa mashandisirwo awo mapowers iwawo" vakadaro ndakabva ndasekerera. Ndakazo buda muroom muya ndikapinda mangu asi ndaka vhunduka ndichiona pabed pangu pakarara munhu ndakano tarisa kwakuona musikana aiva akavhiwa pachipfuva airatidza atorwa moyo ndaka screamer ndichishedza maguards akapinda akatanga kumhanya mhanya kubvisa musikana uya ndakatadza kumuziva asi airatidza ndimaid ndaiva ndisati ndaka mbomuona pama maids angu ese. Ndakasara ndakamira ndaiita kudedera chaiko pakabva padzoka umwe guard akasvika achindi bata obuda neni ndakasvika neku kandwa pamberi paking nema elders avo. "Chii chaitika?" vakadaro king Torin ndakabva ndavaudza zvese vakabva vati ndidzokere ndakadzokera ndakagara pabed pangu vision yemusikana uya yakadzoka ndakavhara maziso angu kuri kuzana kuda kukanganwa asi zvairamba ndaiona akarara pabed so lifeless ndakanzwa kupindwa nechando chaiko "munhu aita izvi ndichamubata chete" ndakadaro ndichi taura ndega. Ndakanzwa ndakushedzwa ndakabuda kwakuona ndaidiwa nen'anga yakabva yati iri kuenda neni kushrine kwayo. King vakabvuma takabuda papalace tofamba kuenda ndakazoona ndasvika musango paimwe nhinga. Takapinda mukati ndakaona maiva nezvinhu zvakasiyana siyana ndakabva ndaona umwe mukadzi aiva akagara pasi aiva nerasta mumusoro akabva asekerera akanditarisa mumaziso ake makabva mabaka moto "fire goddess" ndakadaro akabva asimuka achi sekerera "Yemaya" akadaro achindi mbundira ndakamu mbundira back. Akazondi siya akabva ataura "andina nguva yakareba ndino fanha kudzokera" akadaro ndakabva ndamutarisa "horait" ndakadaro akabva asekerera "soon mwedzi uri kuzara anyday from now gara waka gadzirira. Musi uchazara mwedzi ndinoda uve Uri kumafuro kuya padombo" akadaro akabva atofamba kubuda akango nyangarika. Ndakasara ndaka tarisa pasisina munhu "munhu wandiri kunzi ndisangane naye ambori ani?" ndakabvunza "munhu wamunoda mambokadzi" yakapindura n'anga iya. "Ini andina munhu wandinoda hangu muhupenyu hwangu andina kumbo bvira ndakaga munhurume muhupenyu hwangu ini" ndakadaro yakabva yaseka "tichaona musi uchasvika zuva racho. Ende nyaya yemutumbi wemunhu akafa wamaona musatya varoi vari kuzama kuda kuona pane weakness yenyu shingai" yakadaro ndakabva ndango nyarara andina kuzo taura anything. Ndakazo dzokera kupalace ndakasvika vanhu vaiita basa ndakabva ndagara hangu panze ndichi pfuurwa nemhepo ndichifunga funga zvinhu ndichi batanidza. Ndakasimuka ndaona pamberi pangu pamira Manaka ende aioneka ega kuti pane zvaaka tsamwira chete.
"Ana Dakota muno wanza dzungu dai wakafa nxaa" akadaro ndakabva ndamu tarisa "horait" ndakamudaro ndichi pindura "iwe chero ukanditi horait ndiri kurevesa dai wakafa kungomuka kwako ndakuto torerwa chinzvimbo chandaiva ndapihwa uri mwana wemuroyi" akadaro ndakabva ndaseka ndakamu dzvinya huro "taura futi mashoko iwawo unopedzisira kuona sadza nhasi wanzwa. Mai vangu vasiye avatambe newe" ndakadaro akabva andi svipira kuface ndakabva ndamurovera pasi ndikafamba ndopinda mukati ndakaona Queen mother vamira pamberi pangu "zvauri mhondi nhayiwe koukauraya mwana wevanhu" vakadaro "mwana wevanhu mwana anobva kunevanhu chaiko anoziva mashoko ekutaura. Asi mwana wemhuka asina kurairwa anongo regedzera mashoko seari kuregedzera mweya manje neni anopaguta pano achaita mweya ucha simudza chamupupuri" ndakadaro "autorina respect uri kutaura naqueen asi unoita seuri kutaura nemwana wamai vako" vakadaro "ndiregei zvangu ndiende andidi nemashoko angu mozowana kuti atina respect asi vanhu ndimi munoti tsvaga" ndakadaro ndikabva ndafamba ndichienda kuroom kwangu ndakasvika ndikabva ndatarisa pabed paiva pachiri nemachira ane ropa ndakabvisa kwakunomapa Manaka ndaida awache akamboda kuomesa tsinga dzekumagaro "ehh ndinoku rikita izvezvi wacha zvinhu izvi ende uchipedza woenda kuno gadzira kuroom kwangu wanzwa" ndakadaro akabva agutsira musoro zvekubvuma. Ndakanogara kugarden ndaida peace yangu ndega asi nguva idzi pane chinhu chandakaona chakafadza maziso angu ndakaona munhu aifamba achinanga kwairimwa mabanana kufarm ndakabva ndafamba ndotevera sezvo munda wacho waiva wakakura takafamba parefu ndakazoona aenda paimba yaiva pakati pemunda uyu. Munhu uya akapinda mukati ndakabva ndaenda kuseri ndaida kunzwa vaitaura kuti. "Ndiri kuona sekuti Yemaya apinda mupalace" akadaro munhu uya voice rake ndakatadza kuriziva hangu "ohh" ndozvakaita munhu aitaura naye paiva pasina kana window rekuti ndino dongorerawo kuti ndione zviri mukati. "Yes my lord nyaya yava kunetsa ndeyekuti ndiri kunzwa kuti kune secret coven asi iyo ahina hayo simba seedu ndiri kuzama kuda kubata Saraunga akasiya adzipa umwe mushandi kupalace uku ndoda kuziva akazviitirei" akadaro munhu uya saka munhu akandi dzipa ainzi Saraunga aimbova ani chaizvo. Ndakatanga kunzwa masounds amwe andisina kuziva ndakabva ndatobva kwakudzokera kuPalace ende nguva idzodzo ndakabva ndaenda kuna Katarina. Ndakasvika muroom make ndakabva ndatura mafemo "Katarina" ndakadaro ndichimu tsvaga pamubhedha ndakaona asipo ndakatarisa kwese mutoilet make ndakaona maiva musina munhu ndakabva ndatarisa maigara hembe dzake ndakaona munhu akagara pakati padzo achiita kubvunda "vanga vadzoka" akadaro achiyeredza musodzi "anani nhayi?" ndakabvunza "vanga vadzoka Dee andisati ndakuda kufa ini" akadaro ndakamu batsira kubuda ndikabva ndamuudza zvandaiva ndanzwa akabva anditarisa akandi batisisa "chenjera pauno famba Dakota" akadaro Katarina ndakabva ndatarisa makumbo ake aiva ava kuita zvakanaka hawo "munorevei kana muchiti ndichenjere pandino famba" ndakadaro "vanhu vava kuziva uripano vamwe vakuziva ndiwe ani vamwe avasi kuziva kuti ndiwe ani ziva pekutsvagira nyaya dzako unogona kufunga uri kutsvaga zvinhu iwe uri kurasiswa nevaroi tiri kushanda nevanhu vakawanda vakazara pano vanobata bata usavimba munhu chero ini usandivimba" akadaro ndakabva ndamedza zigodo reshungu ndakatanga kudzamisa pfungwa...........
End of chapter 10
Stay tuned🩵