
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 1, 2025 at 05:51 PM
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?mibextid=NSMWBT
For other books by Tendayi aka Mai Muku join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
BEHIND THAT BEAUTIFUL SMILE 🌹
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
A SHORT STORY BY TENDAYI AKA MAI MUKU 🌳
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
Episode 4
REASON
Ndakazama kusimudza musoro asi ndaiona madzengerere chaiwo. Luckily ndakaona Wise kunyangwe ndaiva ndakaneta l could see him and hear him also. Akauya akatanga kundipuruzira sekacheche kusvika ndarara zvakare. Pandakazomuka maiva musisina munhu ndaingova ndega, ndakazama kusimuka ndokuona ndakabairirwa padrip. Pakarepo pakabva papinda nurse akanditaurira kuti ndaiva ndaunzwa masikati ndichinzi ndafenda. Wise akabva asheedzwa ndokupinda achiita semunhu aimhanyiswa.
"Babe you scared me zvako chii chaiitika ndazongofonerwa ndichinzi ndimhanye kuhospital?"
"I don't remember clearly but pandichiri kuziva ndepandatadza kusimuka ndiri paverander. "
"It's okay thank God pane akasika kukuona you will be fine."
Akabva atondioneka Wise ini ndokusara ndirimo muhospital apa ndisingazive kuti chii chaizvo chainetsa pandiri. Manurse aingouya nezvimachine zvavo vachiita zvandaisaziva vobuda. Kwakasvika pakuedza vachingodaro after every 2 hours. Kuchiedza Wise akauya kuzondiona pavisit ya6 achibva atomhanyira kubasa kwake. Pavisit yamasikati ndakaona amai vangu vachipinda naRespect, l couldn't hold my tears ndakachema. Vakandinyararidza vachibva vanditamvidza chikafu chavaive vandivigira. Ndakachitambira nekubva tatanga kutaura nyaya...
"Ndataura nadoctor ati uri kufanirwa kuitwa operation and that operation will save 1. As a mother handingasiye mwana wangu l suggest ibviswe zvayo urarame. "
"Thank you for concern mom but l will not let them take away my baby. Kana zvisingaite zveoperation yacho then they should let me be. Kana Mwari akati tichafa tese nemwana wangu ndizvo zvichaitika. Wangu mwana handibvise never kakunzwira mwana wenyu ikako ndiko same kandirikunzwawo."
"Why are you doing all this nhai Reason, nezvandakanzwa kuhama dzako urikuvavarirei?"
"Zvipi amai zvamakanzwa?"
"Reason zviri kunzi nhumbu yasvika iyi wakanyepera murume kuti ndeyake zvese nemwedzi. Zvakawandisa zvakataurika, tell me wakagara zvakanaka here kumba uko, uri kudya here now tarisa uone kuonda kwawaita kuita scrap. Tell me everything l am your mother kana uchirohwa or any abuse dzoka kumba mwanangu hausiriwe watanga nekutizira. People learn from their mistakes unotorarama life yakanaka ukademba nguva yaurikutambisa uchiti uri married. Now see wakatizira riinhi not even tsvakirai kuno zvayo, hatizivi kuti uripi uye unani."
"Ndakunzwai amai but trust me ndiri bhoo angori manyepo zvawo vanhu havashaye zvekutaura. As for kuonda handidye maybe that's why moyo wangu unogara wakasviba."
I had to lie zvaizoita here kufumura murume wangu kuna ambuya vake. Yes l was suffering but l was willing to sacrifice my happiness for my love. Wise ndomuda achandiitira plan chete that l know. Takazongotandara totaura dzimwe nyaya kusvika visiting hour yapera ndokusara ndega. Ndakange ndakuti doctor akauya akabvunza kuti ndirisei ndodaira kuti ndave kunzwa zvirinani. I was hiding my pain kuti ndisaitwe operation, l loved my baby l didn't want to lose him or her. Ndakaita 2 days ndichingoramba neyangu yekuti ndapora kusvika ndakaitwa discharged. Tava kumba ndaiti zvimwe kuda maiguru vachanzwa tsitsi kuti munhu ari kurwara vakaitawo basa izvo kwani ndaizvinyepera. Ngoma yakaramba yongova ndiyo ndiyo kushanda non stop pasina mubetseri.
Wangu murume kuti ndimuudze ndaitya kuti ko akanditaurira kuri ndakuda kumupesanisa nehama dzake ndodii. Ndichangosvika ndaiva ndaunzwa kuti mukoma wake namaiguru ndivo vaiva vabereki vake nekudaro ndivateerere so ndaitya kucomplainer. Manheru vanhu vauya takatandara ndaitoita sekunge zvinhu zvese zviri right izvo kwani mukati ndichitsva. Shamwari chaidzo ndaiva ndisina nekuti maiguru vaiva vakanditaurira ndisashamwaridzana chero nevavakidzani zvavo. My sister Respect akatanga kupota achiuya kuzondiona kumba. Pane paakazouya iri weekend akasvika ndichiita washen ndiri pamugodhi mvura yacho ndichichera ndega. Akabvunza why ndaiita zvese ndega necondition yangu ndisati ndadaira maiguru vakamhanya kudaira hanzi ....
"Mutovatsiurawo veduwe murimi nekuti ini pano ndaneta. Haagone kugara pasi kubva kuseni munhu akangomira achozvikuwadza. "
Ndakangosekenyeka zvenhema kuri kuvhara kuti sisi vangu vasaziva kuti kunyeperwa. Ndakabva ndatotukwa naRespect hanzi nditeetere maiguru vangu. Kuti ndimuudze zvaiitika zvaigumira parurimi ndongonyarara. Kahupenyu kangu kakange kave kekupretender kuva ndinofara zvakanyanya wainzwa vanhu voti chokwadi mukadzi waWisdom anofara anogara achisekerera kusaziva havo kuti behind that beautiful smile there is more hidden things.
Stay tuned.....
End of episode 4
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
26