TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳 WhatsApp Channel

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳

2.3K subscribers

About TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳

Ngatitandarei pamwechete nemabooks akanyorwa naTendayi aka Mai Muku. Waverenga wosiyawo kalike kako kuratidza tiri tese # learn something🌳 lnbox the athour on +263719769202

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/18/2025, 7:02:13 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VakdRbtAe5Vi6Bzn603u The sexy maid 👩🏽‍🦱🌹 A story by Rainah 🌹 & Swanky ✨ Chapter 1️⃣4️⃣ Sean Sure kamunhu kutogara kakaisa makumbo patable mumba mangu kunge ari mu office make nxaaa ndakadzinganisa ini.Haaa Shelly ndaida kumudzosera kuzero chaiko kwaiva coz munhu haandi cheat after zvese zvandakamuitira... Anyway ndakazoendeswa kuroom kwangu naTanya ndichibva ndatomborara and Reinna ndokubva ati ainge akunondibikira. Ndakasara ndakarara pabed paye asi hope dzairamba kubata. Even tho ndainge ndasangana neaccident , ndaifara hangu kuti i somehow manage to bring back Reinna and as soon as i recover ndaida kutomuudza how i feel for her. Ndakagara hangu maminutes akati wandei ndokuzoona. Reinna achipinda with a plate of food. Reinna " I brought food for you !" She said achitsveta plate iya pamakumbo angu ummmm ndakabva ndatanga kuona kamutsetse kepakati pemazamu ndikaerekana ndamisa zvino... " Sean what's with you kozvaukurwara wani,behave yourself!" I shouted inside my heart.Ummm haaa kusiwa na Reinna mumba one muyedzo mukuru sure.Apa mazamu acho ainge akanyatsoita round akatsvukirira hawo zvaito appetizer. Ndakabva ndatarisakuside apa iye ndokubva atanga kundigadzirisa pillow yandainge ndakatsamira yaiva kumashure kwangu.Maiweee zvangu worse akabva andiisa musoro pachest pake chaipo zvekuti ndakatadza kuzvi controller ini aah 😩.Ndakazongoerekana ndamubata muwaist zvakasimba ndokubva azvipushira kumashure achibva ati.... Reinna " I'm done! Can you eat by yourself or i should help you out?" She said akarova serious hake apa achitoita sepasina chaitika umm ndakanzwa kunyara veduwe ndokubva ndataurira pasi pasi chaipo nenyadzi... " Ndikuda kudyiswa!" I replied with a calm voice achibva agara paside neni ndokutora spoon achibva anditi.... Reinna " Here open your mouth! She said with a commanding voice ndokubva ndaramba ndakamutarisa mumaziso chaimo.Akabva aramba akanditarisawo ndokubva ndaona akufemera padenga ndichibva ndabata spoon iya ndokuidzosera muplate ndokubva ndaswededza musoro wangu pane wake.She then closed her eyes ndichibva ndagumhisa malips angu pane masweet soft lips wet lips ake and started kissing her so passionately. She didn't respond akaramba akango sticker hake. Ndakabva ndamuregedza,then she wispered in my ears... Reinna " I'm only here till you recover then i will leave!" Akabva anditarisa mumaziso chaimo apa ndainge ndavhura angu kuri kushamiswa nemashoko ake.Saka aitorevesa about leaving me? " And i won't let you go never!" I replied back with a wisper ndichibva ndamupa a perk on the lips but haana chaakataura again Anyway Akabva atora chikafu chiya ndokutanga kundidyisa but handina kana kudya 3 maspoon ndaguta nezvainge andiudza.Yes i had showed confidence but the truth is i feared losing her hangu. Apedza kundidyisa she took plate iya achibva asimuka ndokufamba achibuda apa mushengenene uchizunzika mulong loose fitting skirt imomo ummm!... Moment later..... Ndakanga ndakutobatwa nehope hangu ndipo pandanzwa Reinna achipinda achiita kumhanya achibva ati... Reinna " Sean i think there is someone at the gate!" She screamed with her eyes wide opened ndichibva ndasimudza musoro wangu kwakumuti... " Why do you say so?" I asked her Reinna " I can hear him knocking!" She replied " Ummm Reinna are you sure wanzwa zvakanaka?" I asked again to make sure aisava manzwira Reinna " Yes Sean and i think i should go and check!" She replied thoughtfully " Have you lost your mind? Ukuda kuendepi ipapa? Anyway mira tione ndione kuti ndokwanisa here kusimuka ndiende." I said netihasha mukati kkkk ah iye munhu angati akuda kubuda panze husiku hwakadai ah ngaasandiirire madhura ini. Reinna " Nxaa now ndiani akuita seasina kukwana manje. At least I'm fit and can go chero ndiri mukadzi hangu manje iwewe necondition yako iyi ukuda kuendepi nxaa mira ndinoona kuti ndiani ndidzoka ndichikudza." Kakatopindura hako rough kwakutofamba achibuda " Reinna no hey......!" Ndakasara ndakutotaura ndega atobuda kare.Ooh what if kana dziri mbavha nhaimi.They will hurt her umm ndakabva ndashingirira ndokusimuka pabed paye ndichibva ndatanga kufamba ndichikamhinha ndichibuda kumuteera but iye akange atove panze kare. Ndakateera till ndazobudawo panze ndokubva nda caller out her name... [ ] " Reinna!" I shouted out her name and she quickly replied.. Reinna " Sean, there is a man standing at the gate and he's claiming to be your father!" She shouted ndokubva ndafamba ndokuenda pagate paye ndione zvesure hezvo zva ari daddy vangu nhai apa vaive vasina kupfeka yooh kowhat is it now?" " Dad!" I quickly blurted out ndokubva vati.. Dad " Sean my son please lit me in ndarohwa nechando mwanangu ndisiye ndipinde mukati ndibikirwe tea nemusikana wako webasa ndichikutsanangurira zvaitika!" He said with a face full of sadness. Ndakabva ndati Reinna anovhure gate nemukati and ndokubva atomhanya and opened it. Dad vakabva vapinda mukati apa vakashama kudaro umnm ndakashaya pekunyarira chaipo. Ndakabva ndatoti Reinna apinde hake mumba asaona baba vangu vakashama akomana vaizonyarira pai.. " Dad now tell me what happened to you? Did you get robbed or something?" I quickly asked ndokubva vati.... " It's a long story my son for now imbopindawo neni mumba mundibikirewo tes hobvu ndapindwa nechando!" He pleaded " Okay dad let's go inside!" I replied tichibva tatofamba nekunopinda mumba. Takapinda hedu ndokuenda navo kuroom kwangu ndichibva ndavapa hembe dzangu dzekupfeka apa dzaiva dzakaita kubata chaiko but paiva pasina plan taitongonovatsvagira zvekupfeka mangwana acho. Anyway ndakabva ndazodedza Reinna kuti ndimuti abikire dad tea yavaida ... Reinna " You called for me." She muttered looking at me " Yes umm ndokumbirawo ubukire my dad tea nesomething to eat please!" I pleaded. Then turned to dad and said"Hey dad mukuda kufya zvakaitadei? " i asked ndokucheuka chichivabvunza ndipo pandakaona munhu ziso risiri kubva pana Reinna uku vachingomedzerera mate... " Dad I'm talking to you!" Dad " Yes son watii!".....

❤️ 👍 3
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/18/2025, 6:52:28 PM

Rangosvikawo mufon mako like inongodiwa mufunge

❤️ 👍 2
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/19/2025, 4:39:31 PM

Our main whatsapp group https://chat.whatsapp.com/GJ1fPGPEacsAjnWbmdLa5n Vanoda zvekupa macomments https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu Join us kufacebook towanikwa zvakare https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT Kuti usasarise Uchida kubva pa1 Gara wapinda muchannel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 💘💘💘MARINA💘💘💘 A ROMANTIC SHORT STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE🌳 +2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ EPISODE 3 ASHLEIGH Nhamo yekuva munhukadzi yakaoma chokwadi. Hauna kana zororo everyday same routine kuswera wakamira kusvika ridoke. I wonder nebusy yandinoita ndichiri 1 ko ndikazoita mwana ndokuvara nekufondoka chete. Kubva zvandaroorwa naBlue ndakangoenda kubasa kwegore iroro chete ndokutosiya. Next year yacho hubby decided kuti ndichirega hangu kuenda kubasa since aiva apihwa promotion kubasa. Mari yaaitambira was enough kuraramisa ini naye pamwe nekuita masavings for the future. To me it was fine handina kuona paine problem nekuti handina chandaishaya zvangu kudya nekupfeka Blue would support me. Despite kuva stable financially, there was a problem. My husband wasn't ready kuva nevana, kwaari aiti zvaizoderedza rudo pakati pedu. Semunhu akarairwa natete nambuya paakabva kumba kwavo ndakangoteerera. Ndakakura ndichigara nababa nehanzvadzi dzangu 2. Admire akaroora ndiri form 3 then Adrian akazoroora ndava muform 6, so ndakakura ndakakombwa neboys. Zvinoitwa mumba necouple handaizviva nekuti ndakakura ndisina amai nababa vangu amai vakafa ndiine 4 years. Up to now baba vangu havana kana kuzoroora vakangozvigarira zvavo pamba pavo now vakapihwa vazukuru kuti vawana wekuita naye nyaya. So pandakaroorwa anatete vakandiudza zvese zvandaizotarisirwa kuita ndava mumba. I still remember their words vachinditi. " Ashy mwana wedu waroorwa watokura hauchazipwere. Chikumbiro usanoshooresa dzinza redu nehunhu hwakafumuka. Mukadzi akaroorwa anova pasi pemurume wake anoteerera zvose zvinodiwa naye. Kukuroora it's a sign yekukuda nekudaro his word is final. He is your second father obey him and respect him always. Avoid mafights netunhu tusiri necessary kana pane chawaona chisina kukufadza chaaita tauriranai murugare worega kuita mamoods. Be submissive to him even Bible rinodaro. Kuchurch kwemurume wako ndiko kwakowo. Chero akafuma ati akuda zvekumasowe tevera ikoko ndiye musoro wemba. Murume wako ngaive best friend yako zvinounza peace. Manetsana matadza kugadzirisana nyaya inoudzwa hama dzemurume wako nekuti ndivo vava hama dzako. Kwete kuti padiki padiki wamhanya kumba kwenyu matobvako, asikana kwedu kana mouya kwava kushanya. Unotidadisa mwana wedu tinodada newe urambe uine hunyoro hwako. " Mashoko iwaya ndogara ndakamafunga nguva nenguva uye ndakababatisisa. Apa every Tuesday ndokakasika kupedza basa nekuenda kuchurch toita maprayers. AFM ndiyo church yekumba kwanaBlue hakuna kundinetsa nekuti kwedu taienda kuZaoga so zvakangofanana. Semunhu anogara pamba all the time uye asina shamwari ndokwandinopedzera nguva yangu. Kubva kwangu pamba kunanga kuchurch nekumashops but most of the time kumashops kwacho toenda tese naBlue. I love Blue so much zvekuti ndinotya kumutadzira so every word rake l obey. Kwedu kumba hakuna zvekunzi tinoenda out kunofara no. Even zviya zvekunzi kune inonzi valentines day kwedu izuva rakangofanana nemamwe ese pacalender. Mazuva ekutanga zvaimbondibata asi with time ndakazvigamuchira. Blue aindida zvekuti ndaiona Mwari vakandigonera. Kunyangwe hake aisaenda kuchurch but aisaenda kubhawa either. So as usual ndapedza kugadzira zvekudya zvamanheru hubby akanonoka kuuya. That was unlike him nekuti akaita busy aiindiudza. I just assumed kuti maybe his fon was off or akanganwa and brushed it off. Kana paine chandaisaita kurara hubby asati apinda mumba no hope dzacho dzaisatobata. After ndaneta nekumirira munhu akabva azosvika. Ndakamhanyira daddy samazuva ose asi ndakuda kunomumbundira ndakanzwa smell yedoro. " Babe don't tell me wanga uri kubhawa ukunhuwa doro, since when kunwa doro hubby?" " No no no babe you know your hubby haanwe beer. It's just ndanonoka kupedza basa there is this project yandanga ndichida kupedza nhasi nekuti ikudiwa mangwana kuheadquaters. So ndaona kwakusviba ndisati ndapedza l had to take an energy drink. Ndatuma guard kuti anonditengera stings abva ashaya kwakuuya nedragon. Ndanga ndisati ndakamborinwa babe that drink smells like beer vanorinwa daily vakashinga. I tried kurinwa kuti ndisarare ndipedze work yangu but ndakundikana ndasvika pahalf only nekutozorirasa. Even ndega ndikutozvinzwa kuti mukanwa mangu idanger." " Ooooo sorry dear l hope wanyora zvisvinu but please next time gara nawo maenergy drink mufridge yemuoffice mako." " Good idea that's why you are my wife now excuse me ndinogeza mukanwa ndiwane kupihwa a proper welcome nawifey." That's Jay for you he always knows how to make me laugh. Akaenda kubathroom ndokunogeza whilst l was warming his food. Ndichipedza achiuya akangodya nekubva atonorara. Kana neni ndopakatozouyawo hope dzangu. Kuchiedza ndakamukira kugadzirira baba kuti vabude. I always make sure kuti ndoisa mvura nebreakfast not forgetting lunchbox. Iyo ndakatoiudzwa navamwene vangu hanzi Jay haadye junky food especially zvemustreet anosema. Baba vachibuda ndakasara ndoita zvangu rangu ramazuva ese. Kana warijaira hazvimbokunetsa kana nenguva diki unenge wapedza. Kuswera wega nguva dzononoka kufamba kuti kudoke. Padzanga dzava kuma3 hubby akaisa message achiti ainonoka kudzoka aiva nebasa rakawanda. Semukadzi akarongeka ndakarova kaquick bath nekupfeka zvirinani. Though ndaisaisa make up baba vakandirambidza ndichangoroorwa ndakangoisa lip gloss only. Kana dressing ndaisapfeka zvinobata no hubby haadi body yangu ive exposed. Ndavabhoo ndakabuda ndakananga kumashops kunotenga case rangu remasting nerimwe reswitch. Ndakananga kubasa kwababa ndokusvikonanga muoffice mavo. Ndichinoti padoor hana yangu yakarova handizive nei zvekuti ndakamboda kudonhedza zvandaiva ndakabata. Zvakandinetsa kuti why asi pane zvakaipa zvaida kuitika kani? End of episode 3

❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 37
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/17/2025, 7:30:06 PM

Okay muno matojaira kugara musina book hanti

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/18/2025, 5:09:46 PM

Our main whatsapp group https://chat.whatsapp.com/GJ1fPGPEacsAjnWbmdLa5n Vanoda zvekupa macomments https://chat.whatsapp.com/K4tAaptQR9QIvVUTodvmtu Join us kufacebook towanikwa zvakare https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT Kuti usasarise Uchida kubva pa1 Gara wapinda muchannel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 💘💘💘MARINA💘💘💘 A ROMANTIC SHORT STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE🌳 +2️⃣6️⃣3️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ EPISODE 2 BLUE JAY Ndaona papera katime pasina action yaitika ndabva kuruka nhema hangu that's when l decided kuita zviite. Handaida kuti zviite easy so l faked a call kubaya keyboard fon iri locked ndokutanga kutaura ndega hangu fon iri panzeve. " Hello yes it's Blue l think vanhu vari paduty kusecurity vakanganwa zvavavinga. Lift radzima about 15 minutes ago nanhasi takangovharirwa. Okay do so thank you." Ndakaona babe kutura mafemo akanditarisa ini ndokudzosera fon yangu pakare. Pakapera 5 minutes pasina action yaitika ndokutanga kunyepera kupopota hangu ndokutora fon yangu and this time l called security zvemasure, ichingodairwa ndokubva ndatoisa paloud and said.... " Please do something about the lift tisati tasuffocater mweya wakutiperera." "Yes sir on it." With that said l knew nyaya yangu yakugadzirwa ko pabasa ndongotaura muromo 1 handidzokorore zvakare. Vanotonditi a man of one word yes hatitambe pabasa toita zvekushanda tozotamba panze. Nejust 1 fon call zvese zvakatanga kugadziriswa zvekuti malights akatanga kubaka kureva vaiva vakugadzira. With no time lift rakatanga kufamba ndokunomira nekuvhurika tasvika. Tichingonoti panze babe akamhanya kunondimbundira zvakaita ropa rangu rimhanye kwese kwese kusvika kutsoka. " Thank you so much sir pasina imi hamheno taizobva nguvai pano mamiramira." " Sure thank you my guy wabatsira nhasi ndaizononokesa kumba zvikaenda nepamwe vamwe toverengerwa maminutes. Shaaa l am sorry nhasi handikwanise kunokusiya ndobatwa necurfew wangu." "It's fine ndokunzwisisa ndokwira macombi futi pane pandoda kupfuura napo." "Curfew kupi futi iyo covid yakapera kare asi mogara kuheadquaters kani?" " No wangu madam zve kumba married life." Oooooo zvakaoma kutya mukadzi kudaro it can never be me yooo l love my freedom. Ndichinzwa zvekuti haasi kuenda nebabe ndikati ndaita manyemwe hangu mwana wevanhu kwakubva ndatoshandisa mukana. Ndakakwenya kamhuno ndokuoffer babe transport akamboda kuramba but l am Blue Jay l don't take no for an answer. Takakabva pabasa ndatone babe mumota paye ndakutofunga kumboenda naye paPlaka kumbonwa drink ko handiti aiva ati haasi kunanga kumba direct. Tasvika paye ndakavhura door kwakumutarisa hangu ndokuti..... " lni ndasvika handizive kana uchida kumbonwa drink wozopfuurira or une mamwe madeals?" " It's fine ndozvanga zvitoriwo mubrain dzangu l had a long day so l need to cool down stress nedrink." Ichoo chirauro chakabva chabata gwaya chairo pakati kati pedziva zvisina stress. Takadungamidzana takananga mukati segentleman ndokumutengera gin nekumutambidza. Akatambira ndokutenda hake achibva anwa ndokuti.. " How did you know kuti ndikuda kunwa gin?" " Semunhu ati aneta akuda kumbocooler down l just assumed kuti gin is the best medicine. By the way unonzani nhai chimhandara chokwadi ndingarohwe naamai vangu kuti ndaona musikana akanaka ndikamusiya achienda asina kundipa zita rake." "What will she do kana ndikasakuudza zita rangu ukaenda wakadaro?" " She will make me write l am a man a thousand times after that ndorohwa nemugoti." " Wooow vari serious but cool, ndonzi MARINA and you Blue ndozita renyu here ndanzwa muchidaro pafon?" "Marina cool name, are you a mermaid?" Akabva aseka hake mwana wevanhu chiona nyemwerero zvayo her name really suits her personality. Ndokubva ndamudaira zvangu ndichimuudza kuti Jay was my surname and Blue my name repachitupa chairo. Vanhu vakawanda vanofunga kuti inickname but no that's my real name yandakapihwa nababa naamai vangu. Tiripakati pekunwa hedu tichiseka ndakabva ndarohwa bendekete ndokucheuka ndakatocharger kuda kuona anondisaiza pane babe kudaro. Ndakazviseka chibhakera chagumira kumhepo ndaona ari Craig shamwari yangu. Iye wacho kubva atoseka hake aona disappointment paface pangu. "Blue unotogara wakagadzirira defense haaa wakapenga wangu, how far?" " You know me paterritory yangu handidi mashura ndoita hondo." " I can see wakapenga wangu yamazuva ese pick and lick handiti?" " Haaaa no not now but zvikafamba bhoo togona kungochitangidza. Unoziva wani l am a real son wababa vangu." " Do you Blue ini rega ndimbotsvaga hangu chekunwa hangu ndishaike panzvimbo vamwe takamirirwa kumba." " Iwe baya sure muchangoroora kaimi isu vamwe tovata muno, kutandara pungwe kusvika kwati ngweee." Craig akangonditarisa nekubva atoenda ini ndokuita continue patasiira naMarina. Takanwa tichiita nyaya paya kusvika babe azoti akuda kuenda paden. Takatenga rekufamba tichinwa asi ndakazopa babe rese ini ndabhoo. Muroad mese ndaigaya horror hangu kuti ndomupinda sei mwanasikana ndirare ndadya muchero but ndaishaya pekutangira. Akandipa madirection kusvika tasvika ndokumira pagate. " Thanks Blue l am a bit relaxed l hope to do this again safe journey. " Iwaya mashoko mashoma aireva zvakawanda, mwana wevanhu aisada kupinda neni mumba make uye akatondidzinga pachikuru. Semunhu aonera maths yake hake ndakadaira ndokumusiya achienda but ndakati asiye number. Iyewo obvious akatapirirwa neni akandipa ndikaifona ikatorira. Ndakarova u turn ndodzoka kwandabva since ndaigara opposite direction. Nemufaro ndakananga paden straight nekunoisa mota mugarage. Ndakaburuka paye ndokunanga kudoor. Ndichinorivhura ndiye dhuma naAshy achibva anditambira laptop achida kunoti hug akabva amira ndokuti... " Babe don't tell me wanga uri kubhawa ukunhuwa doro, since when kunwa doro hubby?" Oooooo shit kufarisa ndokuziva ini ko ndazofarira Marina kusvika pakukanganwa kuti kumba kwandakuenda kune mukadzi. Ashy anoziva murume wake asinganwi doro zvachose ari saint. Apa paiva pakuda plan b nekuti my wife was waiting for an explanation svinu chaiyo. End of episode 2 So Blue Jay is a married man........ poor Ashy.

❤️ 👍 😂 😮 😢 🙏 37
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/19/2025, 7:23:04 AM

Morning my fellow readers pliz like our book munyori aonewo kuti tirimo

❤️ 👍 4
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/20/2025, 7:17:15 PM

27 reactions pachapter 3 Inga henyu book kana morida mondiudza🫣

😢 1
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/20/2025, 10:03:16 AM

Nhasi book rombomira Haro kuuya handiti ka

😂 😢 😮 3
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/19/2025, 4:52:11 PM

Read like and share

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
2/18/2025, 8:16:30 AM

*Huya unzwe Chinyowani chichangoburwa naMama Tay. Chichiri kudziya ichi usasarire pane nyaya apa* https://whatsapp.com/channel/0029VafvdchAzNc4qxN9BW3Z *Garira Muchannel usazorasikirwe nebook and also for more updates plus book sometimes hariuye kumamwe magroups due to data and network issues*🥹❤️ ✨My Childhood Friend✨ A story Created and Written By: Mama Tay Aka Evernice✨ Edited by: _Nitah_❤️ Chapter1 Muno "Saka nhaiwe munopa unoreva kuti ukuregerera mukomana wepagogo Hove kudya here" said mama ndikaramba ndakavanyararira hangu because havanatsozive how much that guy mean to me. Kubvira ndichikura handina kumbobvira ndaita imwe shamwari kunze kwake iye Munashe ndiye shamwari yangu kubvira nekubvira zvino apa ainge azotorwa nevabereki vake kuenda kudhorobha achindisiya ndega ndaizozvigona here asi. Paakaenda ndakaita kubongomora mhere but chekuita painge pasina akabva andisiira kamwe kajacket kakanaka kandaigara ndakamukwereta kwakuti "Munopa my besty wosara uchindifungirawo apa hanty?ehe usazokanganwe kuti kuna Mumue childhood friend and udzidze nesimba ugozouyawo kudhorobha xaaaz. I'll miss you" ndiwo mashoko ake ekupedzesera umwe munhu otoona sekunge zviri easy,ringadzika sei kana ndangosara ndega ndega kudai. "Mama ndipei henyu sadza rake akazvimbirwa uyu sure zera rake kuonekwa achiramwira mukomana Sadza" said Miriro anove iye first born mumba medu uyu haamborina basa nezvakawanda chingori chimu l don't care zvacho now iform six eee zvimwe zvese angaite but pafazh ndivo varidzi. "Miriro chiiko newe kuita majokes paasingadiwe can't you see umwe wedu is in pain. Sorry henyu sis Muno anodzoka Mumu handiti kupi kwacho kwaangagare asati auya nepfuma yangu" "Mxm mese pano hamubatsire iwe Miriro ooh sadza racho unatsodya ukore tsereki handi ndizvo ukuda. Uyuwo anozviti hanzvadzi yangu busy kungofunga mari moda ndikuudzei sei chaizvo kuti Mumue is my friend. Iwewe Malvin zvikanzi Ronaldo aenda nhasi rinodzika here ipapa. Mhamha talk to your children please" ndakatodaro ndatsamwa vanhu kungoda kuita majokes paasingadiwe. "Ini ndibvisei munyaya dzenyu hangu ini yuwii ko ndina Sahwira here wekuti mungazoti zvingandiwana. Atete dai matodya mungatirwarire mukazototipa stress yemari dzechipatara futi" said mom ndikabva ndasimuka kuenda kuroom kwedu kwatinorara naMiriro since imba yedu ine 3rooms apa ndomutendawo murume anozviti baba vedu uyu ndipo akatombofungawo. About my father variko zvavo enjoying his money nemukadzi wavo isu vamwe tichitambura kuno kumusha. Vamwe vangu ndivo vanotombotaura nezvavo but to me he is dead. Ndichisvika muroom medu ndakaenda pachiwardrop chedu ndikabuditsa jacket riya kwakuripfeka misodzi ikayerera saka sure Mumue atoenda here. Handizive ndakabatwa nehope sei ndakatozoita kupeputswa naMiriro achindirova rova "Nhaiwe Mirie chiiko amana wakazotanga rinhi yekutamba tichirovana why can't you let me rest in peace" "Iwe iheartbreak here yakakurova kubva watokanganwa kuti nhasi iMonday kuchikoro. Muka hande unogeza apa you should be grateful ndakuisira mvura" "Eish maitabasa masivanda kutokanganwa zvekuchikoro huh iyi inonzi heartbody and soul break kunyangwe ndikazonzi ndaita mukomana haambogone kundipa heartbreak yakadai" "Huh sorry mafana you'll be okay hanty iwe zvingorwadza kuti munhu wawaitamba naye since Childhood ozongoenda maone. Chienda unogeza l think Malvin atopedza ndiwe wega wasara" ndakabva ndatomhanya kunogeza ndikadzoka ndichichinja ndikazononwa tea nembambaira dzangu sezvo vamwe vangu vanga vapedza vatomirira ini taidzidza tese pasame school ipo pamutungagore high tichigara kwachipenzi. Takaoneka mom tikabva tatopinda muroad kuenda kuchikoro and day iri ndaitongove low low even muclass ndandajairaka Mumue aripo dai so nditori kumabook 5 manje apa ndave ndega Ndakaswera muclass even pabreak time ndaitove busy nemabooks angu ko handiti handina imwe shamwari. Vanhu vaingonditarisa ndoona vakutaura tuzeve zeve but to me zvainge zvisina kana basa. Lunch ndakaenda hangu kumaupper ndichida kunoona sister yangu ndinzwe "Aaah wauya kusotaimira Munashe zvino akaenda waiti zvosvikepi" said umwe musikana ainge ane crush naMumue but ndakazvivharisa ndaudza Mumue magames ake ese so kubva ipapo anga andivenga "Ati ndikutaimira Mumue ndiani. Munashe ishamwari yangu saka handingatadze kuziva kuti akaenda usandiitire dzungu" "Munozvinetsa sis saka unoti Mumue ndipo paacharamba achikuona seshamwari yake sure amuHarare mune type netype yevanhu apa veclass yake. Zvehushamwari zvakatopera aika"paakadaro hameno hasha dzakabva nepi ndakabva ndangonovhura door remuclass mavo kwakusvikonomudhonza necollar " utaure zvaunoziva wanzwa Sasha. Munashe is my childhood friend haafe akandikanganwa even if zvikanzi awana dzimwe shamwari I'll always be his number one not zvako zvekuda kundikwidza bp yangu yakakwira kare" ndakabva ndatomusairira ndakuchema ko zvevanhu vanotaura zvisina basa ndombozvida here. "Haiwawo tibvire apo wakutyazve kuti nhamo yepaden penyu yakunatsobuda handiti waimbovharidzirwa naMunashe. Mxm buda muclass medu tone ukunhuwa" ndakanyara fani ndichinzwaro ko handiti chaive chokwadi here Mumue ndiye aitondicover zvekuti ndaisaonekwa kutambura kwangu but handizvo zvandaichema manje apa zvakuita sekudaro. Ndakangobuda hangu muclass macho uku misodzi ichiyerera vanhu vemuclass macho vavakutondiseka. Ini hangu I'm not that type inoti ikanyanyosekwa or kupopoterwa ndochema like ipapa ndakatadza kuzvidzora. "Ko iwe ukuchemei tatichitokutsvaga kuti tikupe chikafu makuseni momz yatipa mari hanzi tigotenga chikafu"said Malvin achitondibata ruoko apa anga ana sis Miriro. Kutozondidaro ndakabva ndatoita manyemwe kwakutanga kuridza mhere "Muno xaaaz chinyarara utiudze ukuchemei hona wakuita vanhu vese vatitarise" said Mirie zvikanzi naMalvin "Zvekutariswa hazvina basa izvo Muno tell us chii chakuchemedza udza ini baba vako handi unoziva handina nyaya inorara kuseri kwedoor"ndakatadza kutaura ndichichema zvikanzi naMirie " huh its obvious inyaya yaMumue ikumuchemedza but now takuda kuziva kuti ndiani ane zvivindi iyeye zvekuchemedza mupfanha wangu. Munopa itombomira zvekuchema undiudze chii chaitika tone hazvifadze kuona uchichema kudai" ndakavatsanangurira zvese ndikaona Mirie ainge atsamwa kwakundibata ruoko "Sis ingosiyanai nazvo please zvenoise hazvina zvazvinobatsira izvi" "Munopa nyarara kana usina something chisvinu chekutaura hure iroro ndotoda kusiya ndanoriisa panzvimbo paro ndiye ani anoswera kutaura zvenhamo yekumba kwedu as if we applied for it mxm vanhu vanondipengera ndovandoda" "But sis..." "No but Muno nyarara chete iwewe rega uchijairirwa You're too soft mhani rega Mirie anopedzera munhu nxaa apa kaSasha kacho kachibage zvako shit mhani" said Malvin ndikamboda kuseka manje tainge tatosvika muclass macho Miriro akaita kudzemura Sasha mbama paakada kutaura futi akapihwa imwe zvikanzi "Une lucky kuti tiri pachikoro but next time ndinokusiya wakumukira kuchipatara ndiwe ani anoudza mupfanha wangu zvenhamo as if takasigner mapaper ekuti toda nhamo. Yes tinayo nhamo and We're cool with it as long tiri kuuya kuchikoro and tisiri kufamba takashama hapana chakashata wanzwa here iwe" akangogutsurira musoro achibva aita kujungwa jungwa hanzi "Aiwazve asikana natsodairirai handiti pawanga uchituka mupfanha wangu wauchinatsolouder saka ezvino chii chanetsa. Ndati wandinzwa here" "Ehe ndakunzwa Miriro" "Good ukaona mupfanha wangu unotofanhira kumurespecter otherwise ndokubvisa zamu" team rese rakaseka zvikanzi naMalvin "Plus kana munhu wakashata usaganze nhaika asikana. Usati handizive une maprevious naMuno but izvozvo hatinei nazvo hedu coz togona kuzokunyadzisa takutaura dzekubvisa nhumbu plus kurara naSir Mahachi" kuzodaro team rese rakabva rangoti huh ini ndikamhanya kudhonza Malvin coz munhu wacho ane hana nhete. Takazoenda vakandipa chikafu changu aingove mabhisvo nedrink ndikabva ndatoenda kuclass kwakunogara hangu ndega and mabhisvo acho ndakatodya anenge 3 achiramba kudzika ndikangofunga Munashe. Pakuenda kumba ndini ndakaita number one ko muroad ndaingove ndega ka. Mhamha vakatoshamisika vachiona ndichikasira kusvika "Aaah ko shumbakadzi matodzoka kuchikoro" "Ehe mhamha maswerasei" "Ndaswera bho ini atete hanziiko kukasika kudzoka kumba" "Nothing mom asi hamundide pano nenguva" "Kana ndozvandinotoda izvozvo chitoita uwache uniform yako unondibatsira kutakura matengu angu eMango pambuya Zimunhu apo" ndakabva ndatopinda mumba fast ndikanowacha mauniform angu nekudya kwakunovabatsira hangu tikazosvika ana Mirie vadzoka apa vanhu vari busy kurwira poto yerice kana ndimiwo apa ndandatosiya rakawanda coz handina kumbodya zvoenda kure. "Hezvo asi mukati vana VaMalvin makanatsokwana here chokwadi kurwira rice sezvinonzi matanga kuriona nhasi" said mhamha vachiombera maoko ini ndainge ndanatsoita kugara pari pasi ndichiona hangu drama remahara iri "Ko iwe Muno wakatogara tsvee kubata vamwe vako vana imi munondinyadzisa haikona" "Ndiregei hangu ini nditone stress dzangu ndombowana time yekubata vanhu vakuru vakadai ngavaurayane tidye macabbage zvipere" "Mhamha handiti mamuonaka mwana wenyu anenge achitoti ngazvife manje fire hatife 2030 tetichiko" said Malvin ndikashaya fight yazopera nguvai munhu akuwana mukana wekutaurisa "Ukutaurisa Miriro achitopedza chikafu chacho haahaahaa little bro kwana iwe" "Munopa tanga wafunga tikafa unorwirwa nani iwe uri gwara. Momz mwana wenyu anobhowa uyu kungochemedzwa nevanhu mxm hameno zvikanzi ndapedza achaita sei" "Haiwa hanty paukupedza kunyora ndendichipedzawo kana ndabook 5 baba vangu ava varipo to fight for me" "Mxm unorwara" takaseka tese haiwa kungotaurawo but vanondirwira chete ava. Vakazosuka vakutoseka havo kwakuuya vachibatsirana kubika ini ndainge ndakagara ko handiti ndine stress here. Takadya tikabva tambotandara kwave kuzonamata takunorara. Patakasvika kuroom kwedu ndakabva ndatofunga mabhisvo angu nedrink ndikazvibuditsa apa light tatadzima ndofunga sistran dzakanzwa pfaa iya yemaMirinda ndinzwe "Hiiii Muno saka wawakamirira kuti ndirare kuti ugozodya ndipoo shamwari eish ipapa ndandichishaya ndodii ndandakadzipwa" "Ifa ka ndione ukutaura chokwadi" "Usadaro Muno ndiri sister yako ini" akandinyengerera kusvika ndamupa wani ndikazosiya zvandaida kupa mhamha vangu ko uyo mutemo ndikatodya ndomaker sure kuti pasara chamom zvasiyana nevamwe vangu vanozoyeuka vaguta........... End of chapter

❤️ 🙏 5
Link copied to clipboard!