TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ WhatsApp Channel

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ

3.6K subscribers

About TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ

Ngatitandarei pamwechete nemabooks akanyorwa naTendayi aka Mai Muku. Waverenga wosiyawo kalike kako kuratidza tiri tese # learn something๐ŸŒณ lnbox the athour on +263719769202

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/2/2025, 4:58:16 PM

Kana waona book Isa kalike kacho tifambe

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 6
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/2/2025, 4:50:24 PM

https://chat.whatsapp.com/GJ1fPGPEacsAjnWbmdLa5n Vanod from 1 gara wapinda muchannel ubatane nevamwe https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 Join us kufacebook towanikwa zvakare https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share&mibextid=NSMWBT ๐Ÿ’ฅ๐Ÿ’ฅ๐Ÿ’ฅPAIVAPO๐Ÿ’ฅ๐Ÿ’ฅ๐Ÿ’ฅ ( Rema's Bleeding Heart) A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #NATURE A SHORT FREE STORY CREATED AND WRITTEN BY TENDAYI AKA MAI MUKU #MUZUKURU WACHIHERA 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ1๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ0๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ CHAPTER 13 Ini nhamo yangu haipwro zvayo pandinoti ndinwngw ndakuzororawo zimwe zvotangawo. Fon yakarira vaiva doctor kuhospital kunamom. He didn't even gave me ti.e to say anything his words were clear, so direct akngoti, " Please be here like now will talk when you are here." Just like that fon ichitocutter. Ndakangomhanya kunopfeka gown sezvo ndaiva ndakapfeka night dress. Ndakatsvaga bhutsu ndokuona zvimamorning shoes kwakutopfeka izvozvo. Ndakatora macar keys nwkutibuda. Huby akateera achimhanya akasvikondibata. " Babe are you okay chii ndiani afona uye ukendepi?" " Hospital babe the doctor just called kuti ndisvikeko now. I am confused and afraid kuti chava chii again." " Okay so ukuenda wega here mira tiwnde tese and hauna kupfeka kana pant Rema huya upfeke tibue tese." Eish ndakanyara for sure ndaisava nepant nhaimi kuri kudonha kuchipatara vanhu vanopnerera havo. Ndakadzoka nekupfeka pant netight kwakuzobuda. Zvehembe zvakafungwa naniko ini ndaitoona ndichinonoka. Takabuda nahubby oasina kana wataudza taizovaona tadzoka sezvo hwaiva husiku zvaisaita kumutsa munhu wese. Mota yakarohwa nahuby takananga kuhospital. Tichinosvika takatsvaga doctor akabva atiti tauya just in time. Akafambisa nesu akananga kuward yaiva namama. Hana yangu manje yaiva toita kuriva zvaipneka nemihembe. Sylvester just squeezed my hand achibva andibata zviri tight. Takanoponda ndokuona mama vakarara vakatarisa kuside. The moment yatakongopinda she moved her head kiratidza vaiva vakamuka. " Thank you doctor, ndibatsirri kumuka ndigare." I was shocked and at the same time happy kuti mama vakutaura zvainzwika kudaro. Takavabatsira kumuka ndokubva vagara zvakana. " Thank you doctor, can you give privacy please, l need to talk to my daughter alone." Vanhu vachingobuda mama vakabva vandisekerera havo kwakubva vandibata ruoko. " Rema my daughter, did anyone ever tell you kuti wakanaka mwanangu. Look at that smile ko iyo flawless skin zvayo mmmm apa Mwari akandigonera hangu. Moyo chaiyo Rema handizive wakauona kunani nekuti mmmm ini nyakubereka ndomboedza kuva sewe ndokundikana. I thank God ndiwe first born your siblings are safe." " Mama is everthing okay, you look like mapora pane patakusiyai and yet you called me here in the middle of the evening just to praise me here?" " Listen baby girl l called you kuti ndikuudze zviri pamoyo pangu." " But mama can't it wait here kusvika kuedze mukumboziva inguvai here?" "Yes l know exactly what time it is, Ream ndikada kumirira kuedze maybe it will be to late. " " Too late for what exactly?" " Will you stop interrupting me lady and listen to what l am about to tell you?" Ndakangogutdurira musoro wangu mama vachibva vatova smile yavo again ndokutanga kutaura vachiti, " Rema l know you have a golden heart please whatever life gives you accept don't question God. Life is not easy at all and it's never fair, learn to adjust in any situation. Ukaona vana vamai vako voita sevakuneta be there for them uvasimbise. Nancy is naive and spoiled ndakumbirisawo whatever chingaitike kwaari please Rema usamurase. Support her always pane pamwe ungazoona sewakumujaidza anozviitisa but please be her guardian angel. Mwana akajaidzwa iyeye l know and l blame myself for that but please Rema she is your sister. Noco is a man handimutyire he will be your number 1 comforter. Rema my time is up please pangu ndakarwa pakakwana now it's time l go and join my ancestors. Achasara ari amai ndiwe Rema and vana ndevako." " Mama stop talking like that please, your time is up kudii.?" " Rema my daughter words of a dying horse are very powerful and special. Handichina chekuraramira wakura you can take care of my family whilst l am gone. Chimwe chinhu mwanangu l know your marriage ine maups and downs but hear me Sylvester ndiye wako iyeye. Ini amai vako ndakaita murume 1 kusvika nhasi teedzerawo izvozvo. Haubvumidzwe kuita mumwe murume kusvika wako iyeye ashaika kana kuti ndiye akuramba upabatisise ipapo. Gara uchiziva kuti ndingashaikwe panyama asi mumweya ndinewe my angel l love you and l trust you can make it in life, God be with you." Mama vakabva varegedzera ruoko rwavo pandiri vachibva vavhara maziso avo. Ndakazama kuvataidza asi havana kana kundidaira. " Mama please wake up this not the time for ma pranks okay. Mama kani mati ndidiniko ini ko Nancy ndomutii mama ko Nico zvake musandidari please. Sure mungandisheedzere kuuya kuzondioneka here mama?" Ndakachema ndokumhanya kunodeedza doctor vakauya vachiona mama vayi zii. Vakanditi ndibude oanze vachibva vasara varimo nemanurse vega. Sylvester aiva akagara pabench paakaona madoctor omhanya akateverawo. Akasvikondibata ndokutanga kundinyaradza. Doctor vakauya kuzotaura nesu asi ndakaziva zvavaida kutaura zvacho nekuda kwechiso chavo. Vasati vatombopedza kutaura ndakaerekna ndaikwetsura mhere yakavharira chipatara chose. Valayozopinda busy manirse kundibata ndichirwisa kud kunoona amai vangu kuti zvesure here vaiva vaenda. Lucky my hiby was with me ndiye akayozoita paperwork yacho kuti mama vaiswe mumortuary. Zvapera takabva taenda kumba tichinosvika pagate takaona mota yaCassy ichisvikawo. I knew ndihuby aiva amufonera chete, kungomuburuka kwandakaita ndakabva ndanozviwisira mumaoko ake ndichiieidza mhere. " Cassy mama is gone, mama vatisiya kani Nancy naNoco ndovaudza kutiii?" " Shhhhhh Rema please try to calm down husiku ko vana vanozodii iwe ukadai." Aitiko uyu calm myself how ini amai vangu vaenda. Takanopinda mumba ivo vana vacho kunge vanga vanzwa noise takatovaona mudinjing. Nico achingondiona ndakabatiranwa l think akaziva zvaivapo. Akangomhanya kukwidza upstairs pasina time ndokuburuka ati speed akananga kudoor. Patiri kuda kuudza Nancy kuti chii chaitika takazongonzwa mota yomutswa panze munhu atobida. Nancy audzwaqo news akangodonha pasi ndiye zii vamwe zvino vobata Nancy vamwe vomhanyira Nico aya ndiwo akava ma1. End of chapter 13

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 71
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/3/2025, 2:59:01 PM

Kubva matotanga nekunyima Ruvheneko malikes aaaaaaa

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/3/2025, 9:12:29 AM

Murisei guys pane kuti mumirire 1 book manheru maswera musina chekuverenga ndati ndikuitirei plan. Ndoda kukupai book Unsolved Mystery, iri kana usina kumboriverenga wawanirwa nyasha. You will not regret zvachose kuriverenga

TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/2/2025, 11:43:01 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VbAJH5dGJP8OzgJKrf41 HELLO ONLINE READERS NDAUYAWO NENYAYA INODAKADZA KUNE VESE VANOFARIRA MAROMANTIC NOVEL'S UYE VANODA KUDZIDZA ZVEMUDZIMBA UNGAVE UINE ZVINOKUNETSA USINGAKWANISE KUSHARE ASI UCHIDA HELP PINDAI MUNO MUCHANNEL YAMASIBANDA MAMA DELPHY MUNE MABOOK AVO ANE DZIDZISO ZVEKUTI UNOBATSIRIKA IZVEZVI MUNE BOOK RAVARIKUISA RINONZI SAVE MY MARRIAGE RINOGONA KUKUBATSIRA KANA WAPINDA MUSITUATION INORWADZA KUTI ZVISAKUPE DEPRESSION. USASARE JUST CLICK JOIN LINK THEN FOLLOW WATOPINDA MUCHANNEL YACHO MASIBANDA MAMA DELPHY NOVEL'S CHANNEL WE WELCOME YOU ๐Ÿ™๐Ÿ™

๐Ÿ‘ 1
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/3/2025, 10:08:06 AM

https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share Join my WhatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 ๐Ÿ”“๐Ÿ” UNSOLVED MYSTERY ๐Ÿ”๐Ÿ”“ A FRIEND OF THE ENVIRONMENT # NATURE๐ŸŒณ FREE BOOK WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI MUKU # MUZUKURU WACHIHERA 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ1๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ0๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ EDITED BY PTK MHOFU. CHAPTER 1 ๐ŸŒบ RUVHENEKO ๐ŸŒบ Kunze kwakanga kwakakwidibira kuine rumhepo rwaifefetera zvaipinda mukati memuviri kwakadai kana basa rainyatsoitikawo moyo nepfungwa zviri pamwe chete nekuti kwaisapisa musi uyu. Sezvo taiva paholiday zvikoro zvichangovharwa ndaiswera ndakamira kubatsira amai vangu mabasa ese. Kubva zvandapedza kunyora form 4 yangu ndakawana basa pachikoro Chemhondoro Primary School kwaMrehwa. Apo pandaishanda saclerk. Amai vangu vaiva vakangobara vana vaviri chete ini Ruvheneko musikana mukuru kotevera Elvis mukomana aiva mudiki aitoita grade 7. Amai vaive vakamujaidza kuti haaite basa kana ndiripo sezvo aiitawo kana ndiri kubasa. Zviya zvekunzi mwana mukomana Basa rake kuenda kumombe zvega kumba kwedu zvaisashanda. Basa rese raiitwa nemwana wese hapana aiti izvi handigoni. Baba vedu vaishanda kuHarare pane imwe company yaiita zvesteeel. Vaipota vachiuya kumba kamwechete pamwedzi kuzoona mhuri. Ndichangopedza kuwacha mbatya dzangu ndakabva ndapinda mumba kuti ndinotanga kubika breakfast. Elvis akauya achinditaurira kuti ndaidiwa kunze kuroad nemumwe mukomana. Ndakatoshaya aiva ani aindida nekuti ndaiva ndisina kana mukomana kana shamwarikomana hayo. Ndakatobuda zvangu ndakatosunga chizambia semunhu aisaziva kuti ainoona ani. Ndichinosvika panze pechivanze wanikwe pakamira mujaya aiva akapfeka zvakanaka kuratidza kuti abva kurefu. Paakatendeuka ndakaona kuti aiva Stewart wekwaMazani uyo aindida kubva kare. Ndaiva ndakaguma kumuona pave nechinguva iye achindiona chionai nyemwerero zvayo kuita kusvika kunzeve. "Ndakurova nesurprise usingafungire ndanga ndototya kuti ucharamba kuuya kuzondiona. Urisei chipondamoyo changu?" "Nhaiwe Stewart ko ukasvika baba vangu varipo iwe uchiita zvivindi zvekusvika pamba pedu?" "Usatya hako ndatotanga ndabvunza ndikanzwa kuti havapo ungati ndingade kuita zvinhu zvinozokupinza panguva yakaoma here?" " You are a stalker handiti, zvino uri kudei pano unouya usina kana kudanwa?" "Nyaya yangu handisati ndaneta kukutaurira, Rue ndidewo ndifare ndiite sevamwe." "Stew ndakakuudza kuti ndoda nguva handingati ndakakuziva last year zvekukuona pano neapo ndakutokupa moyo wangu. Ko kana ukazouputsa ndinounamirwa nani? Zvemoyo hazvide kumhanya ndotya kuzotora nzira isiyo nekuita zvinhu nekunonokerwa." "Rue ini handineti kumira kunyangwe ukati ndizodzoka kupera kwegore kumhinduro yangu ndinozvitambira ndichisekerera. Rudo rwangu kwauri harutengwi nemari uye haruyerwi pachikero. Chirwere chakandibata ndechemoyo hakuna mushonga unokwanisa kuchipedza kunze kwako. Hana yangu yakarovera iwe wega naizvozvo ndichaudza moyo wangu udzikame kusvika wandidawo Ruvheneko mwana wekwaSande." "Zvandakakuudza kare uchatanga kundipfimba nezvandichakuudza nhasi hapana chashanduka. Handidi nezvako ndipewo mukana wekufema pasina anondinetsa ndapota." "Ikoko kuoma musoro kwako ndiko kunoita kuti ndirambe ndichiswedera pedyo newe. Okay ngatiitei deal l will give you 4 months dzekufunga uye kundiongorora nekuti wati haunyatsondiziva. After that whatever you say l will accept l promise kusazokunetsazve, deal?" "It doesn't change anything Stewart gara uchingoziva kuti moyo wangu handikupe." "Fine handiite nharo newe ndakungoenda ndichiziva kuti l have an unsolved issue newe." Akabva aenda mukomana ndikasara ndakangomutarisa. Pfungwa dzangu dzakatanga kufunga zvakawanda ndakamutarisa, zvivindi zvake ndezvei uye anotemba nei? What on earth is that zvaasiya aita pano, who does that kupa munhu alternative yakadaro? Is it love or lust ina baba ava handichaziva ini. Anyway who cares hamheno hake ndiye anozvinetsa ini my priority now kushanda kuzvigadzirira hupenyu not zvevarume. Kana nguva yakwana Mwari achandipa anoenderana neni. Ndakatodzokera mukati ndokutanga kupedzisa zvandaiita nekubva ndanogeza nekubvisa zvizambia hezvo ndazoonekwa ndakadaro. Ndichipedza ndakabva ndanorara zvangu panze painyatsotonhorera ndichizorora zvangu. Elvis akabva auya pandaiva ndakarara ndokugara nechekumusoro kwangu akanditarisa. Haana zvaaakataura asi semunhu wandajaira ndakaziva ane nyaya. "Taura nyaya yako asi kana uri kuda kukumbira mari handina Elvis ndokuziva." "Iiiiii sisi ndamboti ndiri kuda kukumbira here ini ndangogara chete ini kana kuti handichabvumidzwa kugara pamuri henyu?" "I know you more than anyone shamwari uri mwana wamai vangu iwe. Taura hako zvaurikuda ndiri kuda kurara ndanzwa nehope." "Ehe ndikuda kukumbira mari asi ndanzwa zvangu nyaya dzenyu nemukomana auya achikudai. Ndinomuziva zvangu anogara achindipa mari kana kunditengera tunonaka ndikamuona kumashops. Ane moyo wakanaka musamutuke zvamanga muchiita izvo pamwe ndiye murume wenyu. " "Iwe ubva wachera kakomba upfire wanzwa, chii chaunoziva iwe mwanana zvake. Zvibva zvapera nhasi zvekupihwa mari nevanhu vausingazive ko ukabiwa unoitasei? Uri kushayei pano kusvika pakunotengerwa zvekudya nemunhu wausingazive. Ngazvibva zvaperera pano ndisazvinzwa zvakare, usiyane nekupindira nyaya dzisina zera newe, zvevarume unozvizivira kupi usangwarise." "Sorry sisi ndazvinzwa handizvipanhe zvakare." Ndakabva ndamudzinga pandaiva ndiri kamunhu kepi kanoda kuhakira zvisi zvako. Grade 7 anondiudza zvekuita murume pakudii? kana nehope dzandainzwa dzakabva ndapera kuti hwaa. Vana ava chiiko kungwarisa kudaro kushaya kana matyira zvavo zvakaoma. Kwakazongova kugarawo kwekuzorodza nyama sezvo zvehope zvakavhariswa naElvis. Ndakabva ndafunga kunoona iye anozviti Stewart. I must put a break zvisati zvenderera handidi madrama mangwana ozoti mwana wenyu aidya mari yangu. Ndakabva ndatosimuka kunopindura mbatya dzangu dzandaiva ndawacha. Ndichipedza ndakabva ndatopinda munzira ndakananga kwandaiziva kuti handaizomushaya Stewart sekuti vanhu vekumba kwavo vaiva neshop paMurehwa center. Ndakatora nzira yekudanburira nekuti ndaida kukasika kusvika kuti ndikasike ndadzoka amai vasati vaona kuti ndabuda kuenda parefu. Sezvineiwo midzimu yangu yakandinzwa ndokusangana naye munzira hamheno kwaiendwa. Achindiona akabva atanga kusekerera izvo zvaibva zvaita kundisvota. "Wakanangepiko chipondamoyo changu Ruvheneko?" "Handina nguva yakawanda kutaura newe, ndafara ndabva ndasangana newe pano ndisati ndasvika kure. Stewart handizive igame ipi yauri kutamba nehanzvadzi yangu asi ndati ndikuudze siya zvichakanaka." "Oooo kumupa mari nekumutengera zvekudya? Haisi nyaya hurusa iyo kungopa tsano vangu, ndaiti ndokugona kusaziva kuti hauzvide zvakusvota wena kusvika pakunditsvaga munhu anga akarara." "Asi wanga uri pamba pedu wakahwandira kani, waudzwa nani zvese zvaitika ?" "Ndangandingori kumba kwedu ini handina kumbokuhwandirai. Ndasobvako kuseni paye, ndangotaura ndichiti kutamba kusatoziva ndizvo zvaitika ruregerero Rue." Kana nekudaira handina ndakangotendeuka nekubva ndatarisa nzira ndodzoka kumba. Munzira mese pfungwa dzangu dzaifunga zvakawanda. Ndichisvika kumba handina kuda kutambisa nguva ndakangonanga kwaiva naElvis. Ndakasvika achigeza maoko ake paside pake paine kapadza kadiki kuratidza kuti aibva kumunda. Ndakamubvunza kana aive ambonoona Stewart akataura zvandaive ndamutukira asi akaramba. Ndakamboti zvimwe kuda kunyepa asi ndakazogutsikana amai votsigira kuti vaiva naye kumunda kubva zvandamudzinga pandaiva. Ipapo ndipo pandakabva ndagara pasi kuzorora chaiko. Mumoyo mangu makaramba kuti ndibvunze zvaataura kuti angotaurawo asina ruzivo. Handizive kuti sei asi mukomana anonzi Stewart hana yangu inorova pese pandomuona. Kuti chingava chii, kufungira zvisipo here, kumuvenga here nekuda kwekuti anondida, kuti ndingave ndichimudawo here ndisingazive, ndodii kuti ndigadzikane? End of chapter 1 An "unsolved mystery" is an event or crime that has not been solved, or for which the truth is not known. It can be a real-life event, like the disappearance of someone. An unsolved mystery often has many unanswered questions, and can leave the reader feeling both intrigued and frustrated but l hope you will not be frustrated. Stay tuned totsigirawo munyori panew book redu miono yenyu inotendwa. TENDAYI NOVELS # LEARN SOMETHING ๐ŸŒณ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 56
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/3/2025, 6:49:30 PM

Nhasi timbori kunhamo kwamai vaRema imboverengai Ruvheneko naStewart vake kwanhasi

๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 2
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/3/2025, 6:45:44 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?ref=share From 1 join my WhatsApp channel https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 *๐Ÿ” UNSOLVED MYSTERY ๐Ÿ”“* A FRIEND OF THE ENVIRONMENT #NATURE ๐ŸŒณ FREE SHORT STORY WRITTEN AND CREATED BY TENDAYI AKA MAI #MUZUKURU WACHIHERA 0๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ1๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ7๏ธโƒฃ6๏ธโƒฃ9๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ0๏ธโƒฃ2๏ธโƒฃ CHAPTER 2 *STEWART* " Widza kanda kuno hona handina munhu apa makaungana ikoko. Ndipo paya pandinozoti handidi team ina Kevy naTonde hona chete uri kunyatsoona kuti munhu akabuda asi urikukanda ikoko unoti rinopinda mumambure here. Zviri pachena kuti ranga richatoita offside." "Iwe Stew unonetsera kuda kubva waita sekuti ndimi munoziva kudarika tese isu ana Tonde hatizive. Wangu kana muri muground unondikurira, hande pagate haugohwese kana rimwe." "Tonde munhu anokugarisa pasi ndiKevy pagate pako paunoganza napo unopatiza kana ouya mukomana." "Iiiiiii taura hako Stew mukomana anorova bhora iyeye, anoita kuisa simba rake rese pariri. Ukasatotiza unomukira kuchipatara handizvipamhe zvakare kuda kubata bhora rake. " "Haaaa boys mave kutondifamba ka apa, ndisiyei ndirovere kumberi ini ndingazvikwanise zvendonda. Ndozvinoratidza kuti ndinozvarisa honai ipapa ndine matwins zvikomana pamusoro pacho. Imi vamwe vedu kana nevasikana vacho vekuti mumitise hamuna ipapa." "Yowe takupindirwa mumagarden edu manje vakomana kwanhasi togumira pano. Tosangana mangwana nguva dzimwe chete idzodzo, Tonde ndokuona kumba ndiri kuda kumbopfuura nekwaChinjanja pane zvandiri kuda ikoko." Takabva tapesana nevamwe vangu ndikabuda naKevy toenda nenzira imwe sezvo aigara pamhiri pepandaida kuenda. Takapfeka shangu dzedu nekutora Nhava dzedu nekutonanga muroad. Takafamba tichikurukura zvedu nezvebhora rataibva kutamba. Uyu waiva mugariro wedu mazuva ese kana tashaya zvekuita tainotamba mutambo watakajaira. NaKevy taiwirirana kudarika nevamwe vese nekuti taiva takadzidza tese kubva kuprimary uye ambuya vake vakakura vachitamba vese naaambuya vangu. Hushamwari hwaana ambuya vedu ndihwo hwakatibatanidzawo isu. Kevy aiva ane speed akatoroora nematwins vakomana. Kudzikama aiva asina zvake nekuti aroora kwete mukomana wacho marokwe anomadisa ndiChitova zvomene anotovanedzevamwe. Kukura chaiko kuri kumunetsa bhururu wangu hamheno kuti achadzikama zvadii. "Iwe Stew wakazodii nemusikana uye wekuseri uko?" "Musikana upi zvakare watanga kuda nyaya?" "Mumwe upiko zvakare asiri Ruvheneko, handisati ndanzwa kana nemakuhwa kuti uri kufambidzana naye. Uri kutadza kunyengerera here ndipinde ini ndigadzirise zvinhu ukaneta uchatangirwa nevagonhi zvavo." "Siyana nazvo Kevy kana nguva yakwana achauya asi ndiwe unoda kunditorera kani nekuti mataurito ako unozviita iwe?" "Iiiii bodo zvimwe ndingaite asi hama yangu handiidyire nyama yayo. Ndingaporonge zvangu kunze uko asi kwete kuhama dzangu." Takazokurukura dzimwe nyaya kuti nzira iite pfupi, pasina nguva taiva tatoparadzana ini ndoenda kwangu. Ndakatosvika pamba ndokuona ambuya vangu vakagara panze vakavata havo nekachikari kavo ako kaisasiyiwa pasi. "Kwakanaka hako here nhai vaChireranherera vangu nepane zuva apa matobata kachikari kare?" "Aaaaaa kunoipei hako nhai chizukuru , kungonzwa hangu kuda hunovavira kwakaipa here. Ndikakuti nditengere mavave chibuku chemustoro unotenga iwe kana kuti unotondiudza nyambo kuri kunyima?" "Haaa ambuya inga ndinokutengerai wani mave kundiwanzira henyu. Mangwana ndodzoka kubhora ndokuigirai mavave enyu." Zvambuya vangu here vanenge vane zviri mupfungwa ipapa ukona vonwa havo vari voga kudai. Mbuya Chireranherera vaizivikanwa nekurapa zvirwere zvakasiyana siyana vachishandisa midzi . Kuvabvunza ivo vanoti ndinoita kuroteswa miti nekurapa kwayo. Ndaingova muzukurukomana wavo mumwe chete. Pakubarwa nababa naMai taiva vaviri nemusikana aiva mukuru kwandiri Samantha aiva akaroorwa ave neyake mhuri. Vabereki vakabatwa neicho chirwere chapedza veruzhinji vakangofa vakateedzana vachitisiya tiri vaviri. Panguva yacho Samantha aivawo mudiki asingakwanisewo kuriritira ini naiye. Ndipo ambuya vakabva vatitora ndokutanga kugara nesu. Muchembere wacho haabvume kukura nemakore ake mawandiro awo haafambi akakotama kana maziso avo achiri kuona. Ndakangokura ndakajairana navo zvese zvandinoda kana zvinondinetsa ndinovataurira zvese. Hukama hwangu naambuya vangu hwakasimba sekuti vakandibvisa madzihwa pamwe nekuwacha weti dzangu. Shasha yakanwa chikari chayo kusvika yapedza ndokusimuka yopinda mumba. Semunhu wangu wandajaira ndakavasiya vakadaro ini ndokukasika kuvabikira kasadza nekamukuyu ketsuro kaivamo mumba. Ndichipedza kuvamonera ndakabva ndavaendesera mumba mavaiva vatorara zvavo. Vakamuka ndokudya kupedza nekudzokera kunorara zvakare. Ndakabva ndaziva kuti nyaya yavo ihuru sekuti dai yaiva nyaya njee yatotaurwa vapedza kudya sadza. Ndakamboda kunovamutsa kuti ndivabvunze chanetsa asi ndakatya kuudziswa sekuti kana vasingade zvekutaura havatode kunetswa. Nyaya yandaive ndapara chaiyo ndakaitsvaga ndikaishaya. Ndakazongosiyana nazvo ndomirira kuzotukwa kana voda havo. Muzuva rakatevera vaingova vari zii zvavo vachingoita zvinhu zvavo voga. Ndakangotambawo yairira ndichiti zvimwe vachataura asi kana zvavo. Akagumisira ava vazuva matatu pasina chavataura havo, takaguma tapinda musvondo kusvika ava masvondo maviri pasina kana chavataura zvakare. Ambuya vanositsamwa asi apa zvaiva zvapfurikidza mwero. Zvakandishungurudza kusvika ndaita pfungwa yekuvapinda nayo. Ndakabuda pamba ndichiti ndiri kunotsvaga zvigubhu zvangu zvitatu zvechibuku kuti ndiwane kuvanyengerera. Ndaitofamba hangu ndichironga nekurongonora zvekuti kana vandaipfuudzana navo munzira handina kuvaona. Ndakatotanga kufunga zvangu Ruvheneko mwanasikana wandinoda asi iye achindivharira kunze hake. Mwana akakura ndichiona ndichingomuyemura kupfurikidza nemoyo wake wakanaka uye tsika chaidzo dzizere. Ndakabva ndatanga kutomuona atova amai vevana vangu achiri kuprimary chaiko. Ndakamboshinga kumirira kusvika ava form 4 ndikasvitsa shoko. Hazvina kufamba sekuronga kwangu mwana akandirambira mudenga asi ini handina kuzviisa muhana ndakaramba ndakatsika ipapo chete. Handizoneta kumirira sekuti ndiye ega akarovesa hana yangu pavasikana vese vemunharaunda medu. Ndakazoshamisika ndobatwa ruoko kutarisa wanikwe ndiElvis hanzvadzi yaRue. "Kudai muri kufambira muhighway maitsikwa nemota chete chinguri ndabvira kukudanani." "Kana kumbozvinzwa wena makadiiki tsano marova kana kubhora handisikukuonai." "Ndiriko zvangu kumba kumbobatsira sisi basa kunyanya kumunda. " "Aiwa zvakanaka kubatsirana basa rinoreruka, ko tsano asi makaudza sisi venyu kuti ndinokupai mari nekukutengerai zvinhu, ndakazotukwa sei navo?" "Zvakangobudawo ndichiti ndirikugona kusaziva kuti ndakazviparira neniwo ndakatukwa. Ndakuuya hangu musanditengera kana kundipa mari zvakare handidi kutsamwisa sisi vangu. Ipapa zvikangozivikanwa kuti ndamira ndikataura nemi nyaya yacho haiperi." Takazongoonekana mwana ndokuenda kwake ndotyira kuti angatukwe. Ndipo pandakaona kuti chokwadi Rue haandide angatukire mwana izvozvo chokwadi. Ndakasvika pamashops nekutenga chibuku changu nekubva ndatopinda munzira ndodzokera kumba. Ndakasvika ambuya vakagara panze zvavo vakaita kubata rushaya. Ndakasvika pavaive ndokugadzika zvigubhu zvangu nekungotora chimukombe mumba. Ndakadira mumukombe nekubva ndadzvuta nekuvatambidza. "Batai nepapa muchembere mudzikisirewo mavave aya." Vakatambira mukombe ndokuti pamuromo ndokuzogadzika pasi musisina chinhu. Ndakavadirira ndokuzadza mukombe uye vakaudzasa zvakare kupedza wese. Ndakadira rimwe chigubhu chekutanga chichibva chagunduruka ndokurasira kure. Vakabata mukombe uya ndokudzvuta kamwe vachibva vanditarisa kumeso ndokuti.... "Taura nyaya yako haungonditengere mavave pasina zvaunoda." "Haaa ambuya munoziva kare nyaya yangu, kunditsamwira kudaro ndakaparei zvakare, masvondo maviri kana kutaura neni zvadii?" "Nekuti wakapata mwanakoma handina muzukuru mbende ini. Nezvauri izvozvo unonzi wakundikana kupfimba musikana wagova dera here?" "Ndiyo nhau yacho ambuya zvakaoma, kutaura chokwadi mwana anditemesa musoro iyeyu. Parizvino ndatosvika pachikamu chekuda kutozviramwa, ndaneta." "Kwete kwete handina muzukuru anoramwa ini. Kana uchiziva kuti unomuda musikana uyu ndokuudza zvekuita ini nhasi chaiye unoswera wosekerera iwe huya pano ndikuudze munzeve mashoko angaende nemhepo." Ndakarereka nzeve yangu ndokuudzwa kazeveve naambuya. Hana yangu yakarova ndichinzwa zvavakataura asi ivo vakabva vaindibata maoko ndokuti... "Handinganzi Chireranherera vangu vana vachitambura, simuka unoita zvandareva kunze kusati kwasviba " End of chapter 2 Stay tuned.... WekwaChikosha โ™ฅ๏ธโœ๏ธ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 23
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/2/2025, 4:29:22 PM

Rema chapter 13 loading ......

โค๏ธ ๐Ÿ™ 3
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS ๐ŸŒณ
6/2/2025, 10:42:36 AM

Maswersei vadikani, nhasi book renyu PAIVAPO rinouya

Link copied to clipboard!