
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 3, 2025 at 06:14 PM
https://chat.whatsapp.com/BCImIuX9vty3dWta9xtJT5
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?mibextid=NSMWBT
For other books by Tendayi aka Mai Muku join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
BEHIND THAT BEAUTIFUL SMILE 🌹
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
A SHORT STORY BY TENDAYI AKA MAI MUKU 🌳
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
Episode 5
REASON
In the process of trying to make others happy l ended up hurting myself unknowingly. Ndaiti zvimwe ndizvo zvinoita dzimba kusaziva kwete iyi yaitova abuse indisguis. Kadumbu kangu kaikura apa ndisati ndaziva kuti ndichanonyoresa riinhi. Wise nguva yake yekugara pamba yaiva shomanana achingoti ndiri kubasa. Kana mari ndakange ndisisapihwe every week sezvaimboitwa. Ndakange ndoiona kamwe chete pamwedzi. Kufirwa nevabereki kwakaoma ndakazvionera pana Wisdom. Chokwadi kudai vaiva vapenyu ndaisva ndarongedza kabag kangu ndikaendako. Zvirinani kushungurudzwa navamwene pane kunetswa nemumwe muroora anenge iwe. Kugara kwangu pamba apa kwakava kwekuvavarira semunhu aisava neoption. What l wasn't going to do was to go back to my parents house. Kwete nezera rangu irori zvitonzi akatotadza imba akadzoka kumurume never. Zvirinani kurembera pane kudonha handingatotange nekuita return soldier.
Zvakati rimwe zuva ndakamuka ndakatofizuka zvangu mabhonzo angu ndainyatsonzwa kuti akatyoka. Ndakaburitsa washen yangu ndokuisendeka paside ndichiti nditange ndapedza zvemumba ndozoiona. Ndichingopedza kuita zvemumba ndakabva ndabuda panze ndokugara zvangu ndowacha sezvo kukotama kwairwadza. Zvakandirambira ndichinyatsonzwa kuti ndaiva mupain ndokusiya ndombonozvambarara mumba ndichiti pain iserere. Ndichangozvambarara ndakabva ndanzwa kufamba panze. Pandakada kuti nditeetere kuti ndiani door rakabva ravhurwa ndokuona ari wangu murume. Pachinzvimbo andidairewo kukwazisa kwangu akabva atotanga nekundipopotera.
" Tinenge tichipfondoka kushanda kumabasa uko tichiti tikushandira mhuri izvo wakarara hako. Iko kurara hakuna kushata asi chakutadzisa kuti utange wapedza basa rako chii? Panze pakuita sepanogara mapenzi chero pakasvika muenzi anoti kudii? Waburitsirei hembe dzacho usingade kuwacha. Izvezvi kasira zvako kusimuka ipapo unobvisa zviri mumadish uyanike. Amaiguru vangu kugara navo makore ese aya handisati ndamboona hichapa hwakadai iwe ungauye kuzotishatisira pamba kudai."
Pachinzvimbo chekuti ndimudaire ndakashaiswa mukana nekubva ndatodhonzwa kusvikokandirwa panze. Nekusada kutsamwisa mudiwa wangu handina kuda kuzviratidza kuti ndasvotwa ndakangokotama nekutanga kuwacha ndichiedza nepose pandinogona kusachema. Akapinda mumba ndokundisiya ndiripo ini ndokushingirira kupedzisa. Pandakazosimuka kuti ndinoyanika musana wangu wakarira ndokuiridza mhere. Wise akabuda achimhanya achishedzera chaive chii, paakanondibata pakasvika vamwe amai vechikuru vaigara panext door ndokusvikoti...
" Heya unotomuda mwana uyu nhai chikomana?"
" Maswerasei amai hongu ndomuda mudzimai wangu, sei madaro?"
" Zvinondinetsa kunzwisisa ini, kuda munhu hakuratidzwe nemashoko chete asi kunyangwe nezviito. Kana usingakwanise kumuudza nemuromo kuti unomuda at least muratidze. Mwana akashinga uyu nezvaanosangana nazvo nezera rake hazvienderani. Anooneka kuti anokuda ko iwe zvakaipei kumuratidzawo kuva nehanya naye. Usazoyeuka bako uchinge wanaiwa, usavarairwe zvekusvika pakuda kurasa chiri muruoko nekuda kuombera. Mwanangu musana warwadza uchipedza ipapo dziisa mvura wonwa wogeza inopisa woita zvekuzvambarara pasi kwete pabed. Chikomana ukaita zvekundirasira nzeve ndaona wazodemba mangwana, ndaenda ini."
Vakabva vatotendeuka ndokuenda zvavo ambuya vaya. Ndakaita continue nezvandaiita Wise ndokudzokera mumba. Ndichipedza ndakaita zvandaiva ndarairwa kudzisa mvura nekunwa ndichipedza nekunogeza. Ndichipedza ndakabva ndati ndimbozorora zvangu ndakagara pasi pafloor chaipo. Kuti ndisimuke ndigadzirire zvekubika zvakandiremera. Ndakabva ndangoramba ndakagara ndoteetera marwadzo zvangu. Murume wangu akangotora zvaaida nekubva atobuda achiti aidzokera kubasa. Handizive maneto here akaita ndikotsire ndiripo pasi ipapo ndakatozoita kupepuka ndichimutswa nemwana wamaiguru adzoka kumalesson kwaaienda. Aida chikafu ndakangomutarisa anotora mufood warmer mandaive ndaisa, agoiti mhere hanzi torai mundipe imimi. Sezvineiwo mweya wetsvina amai vacho vakabva vasvika nekunzwa pamba iri noise.
" What's going on here maininini, sei Lee akuchema?"
" Ooo maswerasei maiguru akubva kusvika akandiwana ndakarara so ati ane nzara ndikamuti atore chikafu chake muwarmer."
" Mainini uyu mwana chaataura ndicho chinoitwa pano okay. Kana muchida kuramba muchichengetwa neni pano behave handiti, kana muchitadza kungopa mwana uyu chikafu kokuzoti mazvara munogona kuchengeta wenyu imi. Nungo dzakashata shame on you, as you can see ndikubva kubasa ndakaneta tibikireiwo tidye tiwane kuzorora."
As if it was enough kunditaurira mashoko akadaro vakabva vatopfuura vachinditsika makumbo angu nemaheels avo. Semunhu ari pamba pevanhu ndakangosimuka nekunanga mubedroon mavo. Ndakasimuka nekupa boy wavo chikafu ini nekubva ndatobuda kuenda kumashops kunotsvaga muriwo. Muroad mese l tried to act normal ndisape vanhu nyaya. Amhoresa wese kutodaira ndotoseka kutomupa smile kusvika ndidzoke zvangu. Ndakatanga kubika zvangu asi ndainzwa kuti hazvina kundimirira mushe. Ndakavavarira kusvika ndapedza maiguru vakazvivharira mumba mavo. Bamukuru nemunin'ina wavo vakasvika ndichangopedza kupakura. Ndakavakwazisa ndine smile l tried by all means to act okay pamberi pevanhu. Ndakabva ndatovagezesa maoko ndichiti ndivape chikafu chavo ndimbozorora. Ndichingopedza kuvatambidza maplates avo ndakuti nditendeuke ndiende mumba mangu ndakangoita sendabatwa nechiveve kunge ndaita stroke paguvhu ndiye pasi nemanhede. Wise akamhanya kundibata achibva ascreemer achiti...
" Oooo my God she is bleeding!"
Stay tuned...
End of episode 5
❤️
🙏
😢
😂
13