TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 4, 2025 at 03:24 PM
https://chat.whatsapp.com/BCImIuX9vty3dWta9xtJT5 https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?mibextid=NSMWBT For other books by Tendayi aka Mai Muku join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 *BEHIND THAT BEAUTIFUL SMILE 🌹* 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 A SHORT STORY BY TENDAYI AKA MAI MUKU 🌳 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ Episode 7 *REASON* Mukomana achipedza kudya akabva anogeza samazuva ese. Kubva day randadzoka kuhospital ndakaita miscarriage hatina kumbosangana. Ndaityira musana wangu sezvo doctor vakati timbogara for 3 months kuitira kuti ndisimbe. Baba vachipedza zvavaiita vakawana ndakazvigarira hangu mumablankets ndichitotamba word legend paphone. Ndichiona apinda mumablankets ndakabva ndagadzika phone yangu pasi nekubva ndatanga kumutaudza. "Wise we need to talk, In fact l want to tell you something." "Hope all is well kwandaita kudeedzwa nezita instead of babe." "All was well before l lost my baby, Wise hauswere pano so you don't even know zvinosara zvichiitika. Yes l admit you love your brother and your sister in law that l can't take it from you. But don't you see kuti behind that beautiful smile of your maiguru there is something hidden? " "Reason are you okay, l mean ukurwara here pane zvikunetsa here, musoro wako hausi kurwadza?" "You know what Wise tomorrow l am going back to my father's house. I can't take it anymore it's better kunzi a return soldier riri alive than kuva a married woman but usingaone mabenefits acho. Sorry to say but l am done good night." Ndakabva ndatodhonza blanket nekunyatsofuga zvangu ndakamupira gotsi. Mashoko angu akaita apere simba chero rekutaura akarishaya. Akamboedza kuda kuti babe babe but l just gave him a sign yekuti no. Dai zvaibvira kufamba nehusiku ndaisva ndaenda zvangu nekuti pamba apa hapana kana chaimbovaraidza. Misodzi ndiyo yaiva yoerera manje pamatama angu. Ndaiti ndini ndega ndaichema izvo kwete ndakanzwa Wise okwidza madzihwa ndikaziva shasha yabatikana. Akabva abuda mumba ndokundisiya ndega. Ndakambomira ndichiti achadzoka asi ndakadzimara ndikabatwa nehope pasina kana munhu adzoka. Kuchinoedza ndakaona ndiri ndega pabed ndokumuka ndichiti ndinogeza semunhu aiva nerwendo ndaida kutotenda kuseni chaiko. Ndakabuda panze ndokuona maiguru vachitobudawo nemwana wavo kuenda. Ndakavasiya vachienda handina kuda kutaura navo zvakawanda vaizoudzwa nabamunini vavo. Kana vari sabamukuru ndivo vaiita wekutanga kubuda ndaisatovaona kazvinji kacho. Ndakangoisa mvura yangu pastove ndokuigarira zvangu ndichidya chimunya. Pfungwa dzangu dzaitova kure chaiko ndichironga nekurongonora. Ndakafunga kusangana kwandakaita naWise ndikazvituka pakumubvuma kwandakaita. Sei ndisina kubvira ndazviona kuti munhu uyu haazondikoshesa iye akambodanana nesu tese neshamwari yangu zvivindi anazvo. Nehasha ndakangosimuka nekubva ndanotora phone yangu nekutophonera Respect. Yakadavirwa pasina kana kure kwayaenda kuita sekuti anga akatoimirira call yangu. Pachinzvimbo chekuti ndidaire ndakatanga kunzwa misodzi kubuda. Respect akapedza kuramba ongoti hello asi hapana aitaura, zvakazongondikurira ndokuiridza mhere yakaita sisi vangu vangoti.. "I am coming there like now Reason hold on okay don't cry nana." Kutondidaro ndaiva ndatozvisuwa kunzi "nana " kumba kwedu munhu wese aindisheedza kudaro. Ndakazvibvunza kuti why am l suffering in the name of marriage. Handizive Reason akaita zvekudii nekuti ndakazongonzwa ndozungunutswa munhu ondimbundira. " What's wrong Rea don't tell me warohwa nekuti iiiiii ndingaite ngozi pamba pevanhu." Pandakada kuti ndimudaire ndakaona Wise achisvikawo ndokusvikondibata maoko. Nehasha dzandaiva nadzo dzakasangana neshungu ndakamuzavhurira uko. "Thank God mauya maiguru Respect, munin'ina wenyu ari kundiramba akuti akuda kudzoka kumba." "Wow my wish finally comes true, Rea zviri zvinhu zvako ndinopisa mumota now. Hapana chekugarira pano mwana wacho hausisina and you are still young pakusuffer. Wise kana uyu uchimuda uchaziva zvekuita asi nhasi ndoenda naye." "Musadaro kunditorera mudzimai wangu Rea ndomuda kubva kare mwana uyu ndichiona future yangu naye." "Wise future ipi , unomboziva ndogara sei pano here? Maiguru vako turned me to be a slave maid vakamumisa basa vachiti avapo anogara pamba. Chikafu chaicho chinodyiwa pano ndini ndinoona zvafamba sei. Maiguru vako again vakati ndorangu rekutenga chikafu since ndiri rovha risingaendi kubasa ndofira yekugara pamba pavo. Zvinondirwadza kuti handiwo hupenyu hwandaida hwandirikurarama. Ndakavanzira amai vangu nasisi vangu nezvemagariro angu pano nekuti ndaiti zvinozonetsa. Ndaitya kukonzeresa mitauro pano but no not anymore. You think it was just a common miscarriage nhai. Muri varoyi mese pano makauraya mwana wangu, munhu akaswera achiumburuka kuti ari kurwara momuti ita basa chete. I am done Wisdom zveimba zvacho ngazvigare. If you truely love me you will fight for me but for now ndaenda. " Takatanga kurongedza mabag angu mumota naRespect. Wise aingomhanya achipfugama asi ndaisatocheuka. Ndomuda munhu wangu but it's high time apepuke aone hupenyu sezvauri. I can't be with him iye ari under someone. Murume ndiye anomirirawo mukadzi wake ozivawo every movement yake. Kana nekuchageza kuya kwakashaya basa tichipedza kurongedza mabag angu tatobuda panze pegate kupinda mumota, ambuya vaye vepanext door vakabva vandisheedza. Ndakafamba kuti ndinovachingura panzira.. "Wafungepiko mwanangu kuseni kuno nemabag?" "Ambuya ndichamboenda kumba kunozorora ." "I see iwe chikomana huya pamberi pangu tione. Uchiri kurangarira mashoko angu musi uye. Ukangosiya mwana uyu achienda unoita rombe iwe, haumuwane zvakare musikana anoshingirira imba yake seuyu. Nezera rake nezvaaiisangana nazvo hazvipindirane. Mirai pano mese ndine 1 condition chete kwamuri mese. Wisdom kana uri serious nekuda mwana uyu semukadzi wako, ndokupa only 3 days. Chekutanga enda unobvisa tsvakirai kuno haunyare mwedzi mingani uri zii nemwana wevanhu. Chechipiri dzidza communication nemudzimai wako hezvo mwana akaita miscarriage nepamusana pekushandiswa zvakapfurikidza. Chetatu ibva pamba apa unotsvaga imba yekugara mega muri vaviri. Ndapedza newe zvava kwamuri kufunga kana kuwarira. " Yakabva yabhidhaira zvayo mbuya iyi ichidzokera kumba kwayo, takasara takatarisana naRespect pasina aibuditsa mazwi. Stay tuned.... End of episode 7
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 24

Comments