
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 5, 2025 at 02:47 PM
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R
https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?mibextid=NSMWBT
For other books by Tendayi aka Mai Muku join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa
https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07
*BEHIND THAT BEAUTIFUL SMILE 🌹*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
A SHORT STORY BY TENDAYI AKA MAI MUKU 🌳
0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣
Episode 8
REASON
Mashoko akataurwa naambuya ava akasiya Wise asina kana chekureva. Ndakatofara nekuti ndaida kutonzwawo pane pfungwa dzake. Tarisiro Sandi dzose dzinoitika akangoramba akanyarara iniwo nehasha ndokubva ndatoti kuna Respect tiende. Mota yakasimuka zviya zvekuti Wise akatoshamisika akamboedza kumhanya achisheedzera asi pakashaya akamira. Respect akashaya kana chekutaura neni nekuti ndakatoita ari mariro chaiwo mumota imomo. Shungu dzandainzwa dzakawandisa zvekuti patakasvika pamba Res akatombomira kupinda mugate achiitira kuti ndipedze kuchema. Papera chinguva takazopinda mumba takadungamidzana nasisi vangu apa hana yorova kutya kudzingwa. Tichingopinda mumba ndakaona mama vakagara pasofa kungondiona vakabva vasimuka vachikanuka. Ini kungovati baa mumaziso ndakabva ndamhanya kunopfugama pamberi pavo.
"Kana mukada kurova kana kutuka amai zvese ndotambira chandinongokumbira musandidzinga ndapota. Raiva dzungu nekusateerera amai hakuna kwazvandisvitsa ndiregerereiwo."
Amai vangu vakandibata maoko ndokundisimudza pandaiva ndakapfugama. Vakandimbundira vachipuruzira musana wangu kuratidza kundinzwira tsitsi. Takambundirana kudaro takazongonzwa kukosora kumashure kwedu kunocheuka kudai wanikwe ndibaba vangu apa vakaita kupeta maoko avo zvavo vakatiyeva. Ziso ravo raitaura zvakawanda kunyangwe vasina chavaiva vaburitsa mukanwa mavo asi zvaitooneka kuti pane nhau. Ndakazonyatsovhunduka vataura vakaita kunditi ndeee...
"What's going on Reason, what are you doing here? the last time l checked you were no longer living here. "
"BabaRes zvinhu zvinotauriranwa kani garai pasi tionesane nhau yemwana."
"Kana uchida kufara pano onekana nemwana wako adzokere kwaabva. Musandijairire imi just because you have a good life that doesn't make you Americans. Hunhu hwedu sevatema hauchinjwi nekuva mupfumi. Leave my house Rea, you are lucky ndanonoka kumeeting waida kumborohwa ubude uchimhanya. Make sure pandinodzoka unge wabva pano handide kupara mhosva."
Ndaiti majokes kaini asi vakatofamba kundipfuurira vakabuda baba kutonanga kumota kwavo baba vangu. Ndakatarisa nepawindow ndikaona vachitovhurirwa gate nekutobuda. Ndakaita sendabaiwa pamoyo chaipo ndikaiti mhere kwetsu chokwadi Wise ainge andiparira.
WISDOM
Mwana anonzi Reason ndangange ndakaita kunonzi kujumha chaiko. Pachokwadi chaipo Reason haasi weclass yangu. Ndakabvira kare ndichimuchiva zvekuti paakandida ndakarira mumastreets. Kwaari zvakatanga zvichiita semafunnies asi sekuti vaiva vakawanda. Mwana iyeyu zvaaiva nekwaaibva zvaiva zvakatorasana. Ndaifunga kuti ndichagara ndichinetsana naye semunhu anobva kuhupfumi asi kana zvake. Kana aineni aitongozviisawo palevel iroro. Ndakarwadziwa pakapinda satan mumba mangu akatora mwana wedu. Ndakuti ndaporawo Rea from nowhere kungondiudza kuti akuenda kumba kwavo. Semunhu wandaisaziva achitaura taura ndakaona kuva serious kwake. Munhu akanyarara akataura zvinoshura and anenge achirevesa. Pandakaona kuti amai vakatsamwa ndakabva ndatobuda kuenda kubhwawa kunozeya mashoko ake. Ndasvikako ndakatenga quart rangu reblacklebel ndokuti pamuromo nekuzobvisa radarika muhalf.
Pakazopera 1 hour ndaiva ndanwa maquarts dai pasina kuti ndakazorambidzwa kunwa nemukomana aitengesa haaa kana crate ndaipedza. Akanditora ndokuenda neni kuseri kwecounter ndokundipa chair. Akandipa a glass of cold water akati ndinwe. Ndakaikakaira yese achibva anditambidza imwe.
"No mvura ndabhoo haidzike iyi inotoita ndiite soba."
"Exactly what l want itonwa mvura uite soba akati doro ropedza stress akatadza chaizvo. Chii chambokunetsa kudaro nguva dzino mubhawa uri kudei mainini vanani kumba?"
Ndakaita kuidutira mvura kusvika yondisvota ndakati zvimwe Munya achatondisiye asi kwete akatoti ndipedze 2 litres. Yakazondizvongora zvekuti ndakapedzisira ndazorutsa. Ndakatozomutenda nekuti ndakatanga kunzwa zvirinani doro rakatobuda nekurutsa. Ndipo ndakazotanga kutsanangura zvaiva zvataurwa naReason.
"Wangu vakadzi vanozviita asi chandoziva ukaona ataura pane zvaitika zvihombe. Kana uchitoti munhu akanyarara pane iripo mubvunze zvizere pamwe pane zvakavanzika zvaasina kukubudira pachena. It's too early kunetsana enjoy marriage muchiri vadiki kudai."
Ndakabva ndatobuda zvangu late chaiyo zvekuti kana nguva handina kuda kutarisa. Ndichisvika pamba ndakaona light radzimwa muroom medu ndikaziva kuti adzimai varara ndokungopinda zvangu musitting room nekurara sezvo ndaisada kumutsa Rea. Kuchiedza ndakamukira kuti blaz vasaona ndarara mumasofa. Ndakamhanya patuckshop kuti ndinotenga mamint ndiwane kugeza mukanwa ndisati ndataura namadam. Ndiripo ndipo ndakaona mota yamaiguru Respect yakanaga kumba ndakangoziva kuti hapasisina chakanaka. Ndakabva ndatodzokawo kumba ndisina kana nekutenga kwese. Ndakasvikowana vana vanyamunhu varimubishi kurongedza mabag kureva kuti vainge vataurirana vatopedzerana kare. Ivo gulez vangu vanenge vakamukira chaiko kana kuti vakatondisiya ndakarara vasina kundimutsa sekuti pamba paiva pasina vanhu vekubasa kusara kwangu naRea. Kunyengerera ndakashaya kuti ndotangira papi nekuti maiguru vangu ndaivatya. Ambuya vepanext vemadimikira vaya ndivo vakazotaura zvandakanzwa. I heard to do something fast isati yava too late. Reason akaenda ndakatarisa, mabvi angu akapera simba ndokugara pasi chaipo. Ambuya vaye vakauya vakandibata bendekete ndokuti...
"Hapana kana nemwedzi yakawanda waita mukadzi now atoenda. Pepuka mwanangu uyu mwana aenda uyu ukatendera satan apindire uchademba. Uyu mwana uyu ndiye anodzi mukadzi akabva kuna Mwari usamusiya."
Vakabva vafamba zvavo zvinyoronyoro vachienda kumba kwavo. Ndakatoona kuti ndofanira kuita action nekukasika zvisati zvadhakwa. Dambudziko raiva rasara nderekamusvikiro kandaizoita kwana Reason. Ndaisvika ndichiti ndini ani uye ndoda ani? Ndiri mundangariro dzangu pakabva papinda call nenumber dzandaisaziva ndokuidaira. Nekutodhinhihwa zvangu ndakadaira zvekutosvotwa asi ndakazodzikamiswa nemashoko andakanzwa akaita ndisare nequestion mark.
Stay tuned..
End of episode 8
*Adzoka zvake musikana wekwaChikosha makadiiko mafans manyama, munodiwa imi 😘*
❤️
🙏
👍
😂
😢
52