TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
TENDAYI AKA MAI MUKU NOVELS 🌳
February 14, 2025 at 02:39 PM
https://chat.whatsapp.com/HUcbIVCIllREraXG9oBs7R https://www.facebook.com/groups/670692785081137/?mibextid=NSMWBT For other books by Tendayi aka Mai Muku join my WhatsApp channel ine link riripazasi, imomu munomawana ese pasina kumirira kutumirwa https://whatsapp.com/channel/0029VaF2xB8EKyZCws6MdZ07 BEHIND THAT BEAUTIFUL SMILE 🌹 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 A SHORT STORY BY TENDAYI AKA MAI MUKU 🌳 0️⃣7️⃣1️⃣9️⃣7️⃣6️⃣9️⃣2️⃣0️⃣2️⃣ FINAL CHAPTER CHAPTER 12 REASON Ndakafarira kugara kwatakaita tega, zvinhu zvangu zvaiendeka ndichimuka nguva dzandada pamwe nekubika nguva dzandada uye zvandada. Nekusarudza kwaiyo mimba yangu ndaigona kuswerera drink chairo. Mumba mangu maisava nezvinhu raitovawo ground zvaro asi ndaifeeler sendiri mupalace chaimo. Nungo ndidzo dzaizondikurira ndaitoswera ndakarara kana zvandibata. Kuti ndifambe ndainzwa kurwadziwa nemakumbo pamwe nemabayo mudumbu. Ndaizongoguma ndarara zvekuti even vavakidzani vangu vaiti ndodada nekusaoneka panze. Pandaiva ndoda kusununguka ndipo Wise akazonobvisa tsvakirai kuno kumba kwedu. Madays akafamba kusvika ndabatsirwa kamwana kangu kamusikana. Baba vacho vakati vanoda kupa zita vega ini ndakangovarega ko iropa ravo, vakamuti Rania. Kubva kuzvarwa kwaRania ndiko kwakabva kwaita tisuwe baba pamba. Wise aiva asisabatike pamba achiti ndirikubasa kushandira mwana wangu. Rimwe day ndakanonoka kumuka uku ndiine washen yakawanda. Ndaita basa rangu rese ndikapedza ndokuchigezesa Rania. Ndichitomupfekedza baba vacho vakabva vapinda vachibva kubasa. Ndakafara ndichiti vaizoswerawo vachitamba nesu ini nemufaro kwakubva ndatogadzika Rania pamakumbo avo. Iko kacho kubva kasekerera zvako asi chinzwa mashoko akataurwa baba vacho... "Tora mwana Rea ndikuda kubuda ndakatomirirwa ndangouya kuzobvisa worksuit yangu yaane tsvina." " Kuendepi nhai baRania imi muchangosvika mamirirwa nani.Tichawanawo nguva nemiwo pano here kana kuti kungokuonai husiku chete? Iye Rania achakura asingazive baba vake nekuti vanobuda akarara vodzoka akarara." " Ndikagara pano todyanana here nhai Rea togainer chii? I need to be out there doing what others are doing. Rania kukura uku anoda kudya anoda kupfeka kusanganisira iwewe wacho." Akabva atobuda zvake mwana wavamwene vangu ndokutosara paye nemucheche wangu. Mashoko akataurwa nemurume wangu aive nesense zvawo kusaziva kana zviriizvo zvaireva chirungu chekuti, family over everything. Ndakangozviudza kuti rega ndimupe mukana kana azova free achatiwanira time. Kwaingovawo kurota kwangu Wise pamba haana kana kuzobatika. Aibuda kuchiedza odzoka kwadokwa zuva rega rega raMwari zvisinei nekuti iweekend. Chimwana changu chaikura zvinoyevedza chokwadi chinonetsa imimba chete. Pakanosvika Rania gore nesix months ndakabva ndatomurumura. Kuita sezvinonzi ambuya nasekuru vake vaiva vakatoimirira nguva iyoyi. Rimwe day ndakangoona sis Res vouya vachiti ndatumwa kutora mwana. Kuvabvunza nani hanzi nasekuru vacho, ndakamboda kuvanda neyekuti baba vacho havapo but ndaiva ndakatosara. Res aive atosvikira kubasa kwaBaRania vakatopedzerana. Ndakaona zvesure phone yorira Wise akati ndivape mwana. Ndakamarongedza mabag ndichichema chiona iye mwana wacho kutotamba hake namai vake vachifara kutoda kunditiza. Vakaenda ndikaramba kuvaperekedza ndokusara ndochinyatsoiridza mhere zvangu ndega. Kana ndizive hope dzakazobata nguvai ndinganyepi ndakatozokanuka ndomutswa nababa vauya. "Iiiii zvenyu vamwe mune rugare kutorara kuzorora sevanhu vakapedza nhamo. So Rania aitokutadzisa kurara kauyu nhaka uchanyatsosimba zvaasisipo. " "Ndezvanhasi chete kwanga kungori kurwadziwa nekuenda kwaRania, maswera sei ." "Heya pakanaka ndipeiwo worksuit yangu ndiwane kubuda time dzafamba." Ndiwo wakava mugariro wangu zuva nezuva, now ndirindega zvaisvota zvichirwadza asi chekuita pasina. Kushaikwa kwemwana pamba ndakatanga kusurukirwa zvakanyanya. Ndakava neidea yandaifunga yaigona kuzondibatsira ndisasurukirwe zvakanyanya. Ndakazvipira kuudza baba pfungwa dzangu manheru vadzoka, musi uyu vakasvika ndakamuka ndaiva ndatomirira kuzotaura navo. Wise aingosvikotora chikafu chake odya ozvirarira aisada zvekundimutsa. Achingopedza kugeza maoko ake achinwa mvura yake ndakabva ndaita semunhu avhunduka kubva kuhope zvangu ndokutomuka. "Aaaa mauya nguvai baRania?" "Ndichangosvika ini kasi ndakuitira noise kani wabva wamuka?" "Kana ndangopinduka ini nekubva ndatomuka ko hope dzacho dzinosvika pakupera tinenge tarara kare. Ko baRania ndine kanyaya kangu kandoda kutaura nemi." "I hope all is well nekuti kunzi ndine nyaya kunotyisa." "All is well kungoti honai Rania haapo ndoswera ndega pano pakusvota. Honai moshanda mabasa 2 kuri kuda kutichengeta ko zvakaipei ndikatsvagawo zvekuita zvinondivaraidza tibatsirane." "Ibva watodzima zvako pfungwa iyoyo mupfungwa mako. Handisati ndakundikana kuchengeta mhuri yangu, kasi mukuswera nenzara pano here kana kuti makashama hamusisina zvekupfeka. Kana zviriizvo zvamuri kufurirana mumastreets umu kanganwai zvenyu. Kana zvirikubva kumba kwenyu itosiya zvako nyaya iyoyi yaperera pano handide kuzvinzwa. Kana waona sewakugona kuzvishandira wobva watora zvinhu zvako wonogara wega woshanda zvako." Kana kuti ndizive nechandaiva ndatadza chaicho ndakachishaya chakaita ndiudzwe mazikushoko ese iwaya. Ndakarwadziwa kusvika pabhonzo chaipo ndakangokwanisa kusimuka nekubva ndabuda kuenda kutoilet. Ndasvikako ndakachema zviya zvekupedza shungu dzangu dzese. Ndaona ndaneta nekuchema ndakabva ndageza kumeso kwangu nekubva ndadzokera kunorara. Ndakasvika shasha yakagara handina kuda kuita basa naye kunze kwekutongorara zvangu. Hapana akataura neumwe zvezuva iroro kusvika kuedze. Kuchingochena alarm yangu ichirira nekutomuka kungoita zvese zvandinosiita kugadzirira baba. Hongu ndaiva ndakabatikana asi handina kuda kuzviratidza kwaari smile yangu haina kufader pameso angu. Only me ndini ndaiziva zvaiva behind that beautiful smile. Days passed ndisina kana kumboipinza zvakare mudariro nyaya yangu. I acted as if everything was okay but deep down l was hurt. With time ndakazoita ndichikanganwa and accepted my fate of being a house wife. My dad vakatanga vachapopota nekusadzokera kuchikoro kwangu but handina kuda kuvaudza kuti mukuwasha wavo ndiye aisada. Yaiva shuviro yangu yekudzokera asi zvakakona n'anga murapwi achida. Vakazongodzimara vaitawo give up vatonditsamwira. When Rania was 4 baba vacho vakatanga kunetsera mumwe mwana hanzi zvakangofanana nekuti hatina sekuti taingoita zvekumuona maweekends chete ana mbuya vacho vaisada naye. Semukadzi aiva committed l fullfiled dad's wish ikabata mimba. Ndakaivanza kuvanhu for 6 months ndaiti kana ndoenda kumba kwedu ndopfeka high waist nebig t shirt. Ndaitya nyaya yekunzi wotoramba uchizvara iwe usati wabvisirwa. Yakazongosvika nguva yekuti yaiva isisavigike asi chekuchaita hapana mwana akange otoda kuzvarwa. Pakaperawo 2 months ndakabatsirwa mwana wangu mukomana baba vacho vakatumidza kuti Wesley. Mufaro wangu wakavepo ndava newekusekererawo naye sekuti Rania akabva atotanga kuenda kuchikoro kwambuya vake. Kumba aingouya maweekends chete taitoita kusuwa mwana wedu. Wes ndiye aitova mwana wedu ega sisi vacho vaiva vasisatodewo kusiyana nambuya. Wise haana kurega mabasa ake even vana vava vaviri. Ndaingotambira zviripo ndichiti ndiyo imba yacho. Mumba makatanga kushanduka furniture chaiyo baba vaitenga. Pazvakanyatsotambarara baba vakabva vati vakuda kunoroora kumba kwedu. Kuuya kwaWes kwakaunza maropafadzo. Zvechokwadi day remarooro rakasvika baba vakanobvisa pfuma vabereki vakafara kuti after along time vazorangarirwa. Kusaziva chokwadi kwakaoma pese apa dai taiziva kuti kuroorwa kuchamutsa zvirere dai takazviita kare. Wise akasvika pakutaura kuti asi vabereki vangu ndivo vaiva vakatisungira chiraramo kani. All was well ndichingova house wife. With no time taiva takugarawo marooms akawanda akazara property tevere kaToyota aqua pamusha. Zvaiva zvonakidza kuti tawanawo ngorovhani yekufamba nayo kwese kwatada. Takazowirirana nababa kuti tiunganidze mari titenge peduwo pekugara. Vaiti vakatambira tobvisa yekushandisa imwe ndochengeta. Payakanga yawanda zvekusvika pakuti takukwanisa kunobvisa deposit ndipo vakabva vauya vachiti pane deal rabuda. "Mai Rania pane combi yandaona yakachipa second hand but in a good condition. Ndipe mari iya ndinobhadhara." "Okay but haizonetsa here since mati isecond hand moziva zvinhu zvakamboshanda zvinonetsa. Mambobvunza here kuti sei vakuitengesa necheap prize zvichida inogona kuzobuditsa mari yakawanda yobuda mamwe maproblems avasingakuudzei." "Reason kutokuudza yatomhosva handiti mari yacho ndeyako here ikuda kushanda? Ndini ndomukira ndichishanda mabasa 2 musana unobhenda ndewangu so usanditongera pamari yangu hapana chaunondibatsira nacho." Mashoko aWise akaita kundibata pamoyo kuti mbii ndakanzwa mweya wangu uchiita seunoda kubuda nekuzvimbirwa. Ndakangosimuka nekunotora mari yandaiva nayo yese nekuitsveta mumaoko ake. Handina chandakataura ndakangoti Mwari andibatsire nekuti kutaura kwaitozokonzera hondo. Akabuda mukomana akanoita madeals ake ini handinawo kana kufona kubvunza mazodii. Manheru akadzoka ndikangopawo chikafu nekutonanga kunoona hangu tv. Taitoiona manheru nekuti Wes aimuka na6pm ozorara na11pm. Hapanawo chavakataura ini hapanawo chandakabvunza kusvika tarara. Mangwana ndizvozvo vakangubuda without saying a word ini zii ndakadarowo. Vachinodzoka manheru ndipo shasha yakabva yati.... "Combi iya ndazoitenga ndauya nayo ndaisiya panze." Ndakatoita sendisina kuzvinzwa zvangu ini zii kutoramba ndichiona tv uku mwana wangu zamu riri mumukanwa. Wise akabva ataurazve this time achindizunza. "Reason wanzwa here zvandataura ndati handei munoona combi iya ndazoita madeals aye iri panze." "Ooooo congrats baRania handiti ndeyenyu here ko ini ndokwana papi. Itai zvamunoita handiti handina chandokubatsirai nacho here." Akangoramba akashama muromo iniwo nekubva ndatosimuka kuenda kubedroom. Ndakasvikorara zvangu ndokusiya Wes akamuka baba vacho vakauya vakamuwana akamuka ndokutanga kutamba vega. Handizive vakazorara nguvai ini ndaiva ndabatwa nehope kare. Mumba mangu ndaiva ndogara ndakanyarara asi kunze aiwa ndaisekerera zvekuti hapana aiona kuti pane zvinondinetsa. Ava necombi yavo vaingooneka kuti zvakavaomera ikuvanetsa mota yavo asi kuti vanditange pride yaivakurira. Ndaiti ndikaona vodzoka vane maoil muviri wese ndofa nekuseka zvangu kuti ko handiti mari yakarasika ndeyavo. Vaiti nhasi vagadzira chino mangwana chimwe kuswera mangwana chimwe zvichingodaro. Ini kana shungu zvangu zii ndakangoyeva. Shasha yaona kuti yakaita loss ndipo yakazofunga kutengesa mugweje uya. Yaiva yakanaka appearance asi yakatakura marangwanda. Yakambomutorera time kuwana buyer asi zvakazoita ndokutengesa. Mari yakabuda pakuedza kugadzirisa nepakuitenga yakatadza kudzoka paakaitengesa. Ndakaseka zvangu nechemumoyo kuti inonzi welcome to Harare haina mhosva wakakuriramo unovharwa. Baba vakazoti vati shande kwemwedzi imwe ndokuzouya kwandiri ari manheru zvikanzi "Mai Rania ndauya nemari yandinayo ichengete tizoona zvekuita pamberi apo." "BaRania itai zvamoda nemari yenyu ini handina help yandino kuoffer." "Nhai hanziiko nezvamunenge muchingotaura izvi paye wakaramba kana kuona mota ndatenga saka uri mukadzi wangu here?" "Ipapo panonetsa kudaira manje Wise, handitoziva ndiri mukadzi wako kana ndiri mushandi wako? Wakandiudza wega nemuromo wako kuti your money your ways ini handina chandinokubatsira nacho so dai watondipa zvangu pay pakukuwachira nekukubikira since ndakangofanana nemunhu anokushandira. Mari yako enda unoisa kubank wozotora ikoko woshandisa zvaunoda since uri iwe unoishandira. " Ndakabva ndatosiyana naye nemari yake handina kutambira ko ndinobatsirei hangu. Wise akabva angosiyanawo neni ongoitawo zvinhu zvake. Pese paanoda kungonditaudza nezvemari or zvekuronga anything ndaingomuyeuchidza kuti handina help kwaari. Zvakazoti rimwe day ndakatogara zvangu ndakafonerwa naRespect achiti ndaidiwa kumba weekend. Ndakangoti nyaya iya yekuchikoro yakuda kutanga zve. Weekend ichisvika ndakaoneka baba kuseni vachibuda ndokuzoenda masikati. Chakandinetsa ndechekuti ndakanoti ndichisvika ndakaona mota yabaRania iripo. Ndakanopinda mumba kudai wanikwe makaitwa decor ine peach and nevy blue my favourite colours. Kunodai vanhu vakaita kuchena with matching outfits peach and nevy blue. Vanhu vachindiona vakashedzera kuti 'surprise'. Ini ndakatoita confussion kuti ndoipi iyi kuzotarisa zvakanaka wanikwe inga pakanzi happy birthday Reason. Zvakaoma kukanganwa my own birthday zvinoita stress zvikuru. Wise akabva abudikira akabata a bouquet of flowers. Akafamba zvishoma nezvishoma hake wearing slim fit nevy blue suit with a touch of peach. Truely speaking he was looking awesome ndakatombomedzerera mate. Nekuchena kwese ikoko akauya akapfugama pamberi pangu. " Reason amai vaRania naWesley, one musikana akagon kundidzikamisa. Handinyare kuzvitaura pamberi pevabereki vako nhasi kuti ndine lucky kuva newe semudzimai. Yes l know ukusvotwa neni nekuda kwemashoko angu pamwe neaction pauri. I know utorine madoubts about marrying me. Trust me Reason zvakanditorera time kuti ndione kugona kwako uye kukosha kwako mulife mangu. Reason please ndiregerereiwo pane zvese zvawakasangana nazvo zvakaita ucheme zvakonzerwa neni. Pakusaona kukomborerwa kwangu kuva newe ndakakutora for granted. Kuti ndive zvandiri nhasi ndiwe ikoko hakusi kunyepa. Hausi mushandi wangu Rea asi uri mbabvu yangu mubatsiri akakwana. Ndauya pano ndikagara pasi namama ndikavaudza drama randakakuudza vakandipa advice yekuti ndikukumbire ruregero. Semunhu wandinoda ndakatsvaga a way iri romantic yekukumbira nayo sorry. Mari iya yawakanditi ndinoisa kubank ndakaipa maiguru Respect vandichengetere nhasi iri pano ndinoda kukupa uishandise zvaunoda iwe. Kana ukapedza yese kudya pizza ndiwe because isorry yangu. Pamberi padad namama nesister yako nevana vedu mai Rania ndiregererewo ndinokuda mukadzi wangu nemoyo wese. " Misodzi yangu yakabuda kutadza kuzvibeliever kuti ndiWise here uyu wangu wandoziva ari kutaura zvakadai. Maziso ese achiti jii pandiri nenyadzi ndokundibata. Mari iya ndakaitambidzwa veduwe ndaiti pamwe i2cents. Kunoiverenga kudai wanike yaiva 5500us madhora ndakamutarisa Wise akabva anyemwerera. Not because ndapihwa mari but because aona kutadza kwake akakumbira sorry l was left with no option than to forgive him. Akafara mukomana ndakabva ndapihwa my own outfit yaienderana nedecor ndokupfeka. The rest of the day was blessed we enjoyed it. Wise akauya pandiri ndokundizevezera munzeve akati.. "Reason you are an amazing human being sure who would know behind that beautiful smile lays a troubled soul?" I just smiled and we hugged each other how l missed my husband. THE END....... TEE LOVE TILL WE MEET AGAIN
❤️ 🙏 👍 😮 😂 52

Comments