Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
: NOT MY CHOICE💍 Written by Amai Mimie(K.Khums) 0782 818 892 L Munjeri (Mai Tamia) 0716600241 0786677765 Onsale please do not share this book🙏 Chapter 16 Mai Joshua. Dzimba dzinotanga matangiro akasiyana chokwadi. Mwana wangu aive akatoita zvekubatira mwana wevaridzi kuti ave wake.Handina hangu kufara nazvo asi chekuita paive pasisina. Happy aitove mwana mudiki zvekuti vabereki vake havaifanira kubvuma zvakadaro.Mufunge ndakaona vasikana vakuru kuna iye Happy asi ndotozvishaya kuti sei vakasarudza Happy kuti aroorwe achiri nemukaka pamhino kudaro.Zvakangooma hazvo anoziva ndiye Josh nevakarahwa vake kuti sei vakadaro. Basa guru randanga ndave naro apa kuvakiridza kuti zviite nokuti Happy wacho aitovawo amai handinzwaro nharo ndipo pamusha chaiko. Hazvina hazvo kutora nguva ndave kutoona machanges pamuroora wangu shanje dzacho dzaaive oita dzaitotaura kuti ndave kuda munhu wangu. Zvino Josh wacho ndipo paaive akuita kunge mudzimu chaiwo mheno kuti aive apindwa nei? Ini ndakangoziva kuti hakuna umwe ikoko kunze kwaShaleen anga adzoka mulife memwana wangu.Ugoona ndaiva ndangozviita ndichiti sezvo kwakanzi rooranai vematongo ka zvaizofamba mushe pavaviri ava.Handina kunge ndafunga kuti Josh anganotora munhu waasina nekupfimba kose kana kuzivana naye ini.Zvinhu zvacho zvakangoitika so fast zvekuti neni handigoni kuzvitsanangura chokwadi.Ndaidawo muroora veduwe handina kunge ndaziva zvaifunga Josh ndaitofunga kuti zvimwe mwana wangu haagoni kupfimba handina kunge ndamboona musikana wake kana kunzi apfimba kwakati.Kuroora kwake chakava chishamiso chikuru kwandiri nokuti zvakangonyukira padumbu akati,"Mhamha ndakuda kuroora." Zvakandishamisa kwazvo asi handina kukwanisa kubuditsa chokwadi chezvandaiva ndaita.Now ndakungo demba kuti dai Shaleen akasafunga kuvhiringa wanano yevaviri ava.Chokwadi ndingasanzi mai benzi.Pandaizviita ndaiti ndakahwanda kusaziva kuti hapana chakavanzira kusvika nokusingaperi. Josh aida Happy zvandaiona ini,rudo rwavo rwaisatoda wetatu nokuti yaitova perfect couple yakadaro pasina anopindira pakati.Hongu Happy aiva akamanikidzwa asi apa zvanga zvave pachena kuti akuda Josh nemoyo wese. Happy aive akugara achichema nguva zhinji kwazvo izvo zvaive zvakundibaya moyo.Ndakaronga rwendo kuenda kwanaShaleen wacho ndikamuona ariko. "Ndiburitsewo gedhe ka nhai Shaleen mwanangu?"Ndakamudaro achibva anditi,"Zvakanakai mhamha." Akabva afamba achiuya kwandiri.Takati tabuda gedhe ndipo pandakamuti,, "Wanga uchizviziva here kuti ndava nemuroora nhai mwanangu Josh atova nemwedzi yakati wandei aroora?"Ndakabvunza zvangu ndokuseka nhema.Chandaida kumuzivisa kuti Josh ave murume wemunhu.Akabva anditi,"Akandiudza manga matii nhai mhamha?" "Hapana zvangu ndanga ndangoti zvimwe haana kutaura ko vakoma vanozviita ka ukazoyeuka bako wanaiwa." "Akataura haana chaakavanza." "Zvakanaka Shaleen asi mozivawo ka matambiro zvatosiyana nakare muchiri vadiki pava." "Ichokwadi." Takazooneka zvedu achibva adzokera kumba kwavo.Ini kwangu asi aiti akati fambei ondicheuka kana neni l was doing the same kureva kuti tese pane zvataifunga.Ndakangoita kamunamato kuti dai akanzwisisa Shaleen ndaisada kuvhiringirwa muroora wangu veduwe. Ndakadzokera hangu kumba kunovaraidza umwe wangu. Ndaiedza chose kuti aseke tikange tiri tose. Wangu mwana ndiye aive oita benzi chairo kukanganwa kuti aive akambunyikidza mwana wevaridzi. Chandanga ndave kutyira manje kuti acharamwa akaenda kwavo, ndakazofara chose mushure mekunge ndaziva kuti aive nepamuviri ndakabva ndatoziva kuti hapasisina kwaachaenda kana iye Josh wacho aizodzoka kumba ndikamuudza zvaive zvaitika. Ndakatora phone yangu ndichimuzivisa zvaivepo. Akangokwanisa kuti "whaaat" nekubva atoti zii . Ndakasara ndotaura ndega parunhare munhu asisataure.Zvakanditambudza kuti ko aive ambopindwa nei chaizvo. Ndakakata phon ndikafonazve this time around haina kana kutodairwa zvachose.Ndangosiya phone ndichibva ndaenda kukitchen kwaive naHappy ndakasvika akagara akabata rushaya hake airatidza kuti pfungwa dzaive kure kure chaizvo. "Usanyanye kufunga funga makoti Josh anokuda ,ndamufonera ati basa rakamuwandira asi arikuuya", akangodaira nemusoro ndokuramba akanyarara. "Madya here?" Ndakabvunza akati ,,"ehe" asi ndakaziva kuti kwaive kunyepa chaiko mazuva aya kana kudya zvaive zvekungobata bata achisiya. Kunyarara kwacho kwaitoramba kuchiwedzera zvekuti kusamutaudza aiswera ari zii kana kuswera achingoyeredza misodzi. Josh was being unfair kumwana wevaridzi chokwadi. Mwana waaive asiisa chikoro nekukura kwake ikoko ouya kuzomudumper kuno kumusha. Happy Grey aive akutoda kundinetsa nekuramba achindi threatener. Ndakatoona kuti angajaire stereki ndichibva ndamuudza kuti "Hupenyu hwangu hwaive hwakatovhiringwa kare saka hapana chandanga ndichatya iye zvino. Muudze murume wangu wacho ungatondibatsira nekuti handimudi", akabva ati "You are crazy right?" Ndakabva ndakangokata call yacho ndokumublocker nekumublacklister. Ndaive ndakuda kumboita zvaJosh ndione kuti taisvikepi. Zvino Josh wacho kana kubudikira hake.Moyo wangu wakatanga kurwadza ndave kufunga kuti zvimwe ndakaitiswa nemunhu asinei neni hake. Kufunga kudaro misodzi yangu yaibva yati mokoto mokoto nematama angu. Apa zvakabva zvandibatawo nesimba kutanga kungorwara rwara zvisinganzwisisike. Kudya chaiko kwaive kwakutondinetsa ndofunga kwaive kuwandirwa nepfungwa. Josh kana aindida chaizvo aive akazouyirei kuzondisiya kuno nhai iye achigara ega? Ko hwangu hupenyu hwaive hwakambonyanyoita sei chaizvo? Kumba kwedu chaiko ndaive ndakangosiiwa kumusha vamwe vari dhorobha. Now ndambunyikidzwa kuroorwa ndosiiwazve kumusha.Sometimes ndinotombofunga kuti am cursed or vabereki vakandirera havasi vangu nekuti nobody seems to care about my life. Ana sisi vangu vakakura life iribho havatozivi kana kuenda kuhuni even kusakura mumunda asi ini ndiri kumusha kana mombe chaidzo ndaifudza. Pavakanditora ndave kuti ndakuwanawo mufaro sevamwe vana ndipo pandave kuroodzwa. Asi chii chaizvo nhai? Ndiani wandingabvunze nezvehupenyu hwangu akanditsanangurira maybe I will understand better. Imwezve nyaya yaigarondidya moyo yaive yekuti sei ndisina kubuda ropa pandakatanga kusangana naJosh. Ndiye aive murume wangu wekutanga kuziva asi chishamiso ropa harina kubuda. Chii chaizvo chinombonyatsoitika muhupenyu hwangu? Ndaingozvibvunza mibvunzo isina kana ani zvake anokwanisa kupindura. Shungu dzikakurira ndombodonhedza misodzi.Nhau yekusabudawo ropa sezvinoita dzimwe mhandara yaindivhiringa kwazvo nokuti ndakambonzwa tete vachiti chinova chituko kwehupenyu hwese.Zviri nani kuudza munhu kuti ndiri mvana pane kuti uri mhandara usiri.Ndaitovhairira Josh ndichiti ndiri sealed izvo kwani kana neropa harina kana kumbobuda zvachose.Hameno Mwari wacho l 'm confused chaiko.Handina ruzivo kuti life yangu yakanangepi chaiko. "Handei timbosvika kumashops uko tichitwasanudza tsoka " , vakadaro Mai Josh ndikavhunduka.Vaive vataura ndakavarairwa hangu nepfungwa. Ndakasimuka ndichipfeka mapush angu ndokuti "handei". Amai vaJosh vaiedza nepavanogona napo kuti ndisafunge zvakawanda wanda.Kana neni ndaive ndakuvafarira zvakapetwa chero dambudziko navo ndaiva ndisina.Ndainzwa kuvasuwa kwazvo vakangobva pedyo neni. Vaitondiratidza rudo rwakapetwa kupfuura rwandaipihwa namai vangu. Ndaive ndakutozvinyarira nechinhu chandakavaitira mafirst days vasina mhosva havo. Apa ivo vaitoita sekunge pasina zvakamboitika pakati pedu. "Mhamha", i called her tichifamba kudaro vachibva vati "yes" "I'm sorry mhamha pane zvese zvandakakuutirai ndichangouya, I was confused ndaitove nestress ipo paye." "I know my Princess usazviise pamoyo it's part of life zvakatodarika." "Chokwadi here?" "Yes dear ndokunzwisisa." "Thank you mom." "Welcome." "Makatosiyana namhamha vangu." Vakaseka zvavo vachibva vati,"Pakudii?" "Handina kubvira ndagara navo l hardly know her,l don't think she loves me ini." Vakaseka zvakare vakati,"Hakuna mubereki anovenga mwana wake dear wanzwa.Uchazviona hako nerimwe gore kuti unodiwa." "Hoo." "Yeah." Vakazochinja nyaya vave kundiratidza kune minda yavo vachiti tozokusvika rimwe zuva tonokuona. Takazosvika hedu kumashops uko kwaive kwakazara vanhu vakawanda wanda. "Paneiko paunganwa kudaro?" Ndakadaro mhamha vakati," Hamheno chiri kutambirwa." Takangonyenyeredza vanhu ndokupinda mushop kunotenga, tichibuda takabva tadhumana nemumwe musikana aive akaita kufa nekuchena. "Asi ndiye mukadzi waJosh kani?" Akadaro musikana uya paakataura ndakabva ndaziva voice ndiye munhu aive akambouya kumba. "Ndiye mudzimai waJoshua uyu Shaleen". Vakamupindura mhamha. "Iiii mhamha zvaanotoita kunge kamwana kechikoro?Mukadzi wemunhu iyeyu?" "Hongu mukadzi waJosh?" "Inga zvakaoma,vana vamazuvano kutamba humhandara kwava kushoma shuwa.Ini zvangu chero ndikachiroorwa aiwa ndakukodzera.Zvombodawo kumbokura kwete kupinda mumba uchiri kubuda mukaka pamhino." Vakandibata ruoko mhamha pasina kana shoko tichibva tatanga kufamba toenda asi mood yangu yanga yachinja. "Never mind her my Princess." Mhamha vakadaro tichibva tafamba kuenda kumba ini pfungwa chaidzo dzaive dzisisiri panzvimbo. Zvechokwadi kuzvitarisa ndakatoona musikana uye achitaura chokwadi. Ndaisaenderana naJosh zvechokwadi. Kufunga kudaro misodzi yakabva yatanga kuti mokoto mokoto nematama. "Happy please usarambe uchingochema ,do you want to kill my grandchild", vakadaro ndikavhunduka ndichibata dumbu rangu. Ndakasimudza chiso ndichibva ndavatarisa ndichida kunzwa zvavaitaura, ndaive ndisina nhumbu ini. "Handina nhumbu ini mhamha", ndakadaro vachibva vati "okay sorry", Takasvika kumba takanyarara umwe nemumwe achifunga dzake hake . Ini ndaingonyanya kufunga zvaive zvataurwa nemusikana uye chete. "Mhamha asi ndosaka Josh asisauye kumba." "Kutii" "Kuti ini naye hatiendarane maybe ave kuzviona now akazowana vezera rake." "Come here", vakadaro vachindibata ruoko ndokundigarisa pasofa. She promised kuti Josh aizouya kumba kana asina kuuya ivo ndivo vaizoenda ikoko kunoona kuti chii chaitora nzvimbo. "Siyai ndibike mhamha." "Ayewa makoti gara pasi ndikubikire ini." "Iii mhamha zvanyanya regai ndibike." "Okay on one condition." "Iii mhamha." "Shuwa ka." "Okay taurai tinzwe." "Ukabika nhasi ini ndobika mangwana wakagara uye unofanirwa kudya kusvika wapedza chikafu chinenge chiri muplate mako." "Zvidiki izvo l can do it." Ndakabva ndaseka vachibva varamba vakanditarisa zvikanzi,"Keep smiling my dear wanzwa." Ndakabva ndamira kuseka ndokuvatarisa ndichibva ndati,"I love you mhamha." "Me too dear." Ndakazobika ndokupakura tichibva tadya musame plate ndakatodyawo wena.Ndichipedza ndakabva ndanwa mvura pandinoti ndisimuke ndabva ndanzwa moyo wangu kumira ndokubuda panze ndisati ndasvika kure ndakabva ndatanga kurutsa. "Happy are you okey." Rakadaro voice randakaziva tevere ndichibva ndabatwa pamafudzi kusvika ndapedza zvandaiita. End of chapter 16
❤️ 👍 😂 😢 😮 🙏 13

Comments