Mai Tamia Stories WhatsApp Channel

Mai Tamia Stories

3.8K subscribers

About Mai Tamia Stories

Welcome to Mai Tamia stories and entertainment. โค๏ธ don't forget to share our link tifare pamwe chete. Mai Tamia 2024 Production โค๏ธโค๏ธโค๏ธ โค๏ธ

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:47:21 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaDInUp8qIzn7UI3Ro2H Temptation โค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธ story wrriten by Mai Tamia 0786677765 Nyasha 0785651210 Comment,like and share please๐Ÿ’ Chapter 02 Samantha Ndakasvika pamba ndokunzwa pakati zii, door raive rakavhurwa zvaro asi paive nekunyararo rwakadzama. Ndakabva ndafamba ndichinopinda mukati kwave kuona mai vangu vakarara pasi vachibuda ropa mukanwa, I called her asi Havana kudaira zvachose zvakaita hana irove, ndakadana vamwe Mai vaigara pedyo navo kuti vandibatsire kunovaisa mumota ndokubva ndatodriver ndakananga kuchipatara, apa kunze kwaive kwatodoka, mheno dai ndisina kunge ndafunga kushanyira Mai vedu zuva iri chii chaive chakaitika chaizvo. Ndakasvika kuchipatara vachibva vatomhanyiswa muemegerncy ndikasara ndiri muwaiting area ndichingoisa munamato kunaMwari kuti vabatsire Mai vangu, ndiri pakati pekudaro, akabva afona wangu murume achiti ndidzoke kumbe nekukasira,ndakanzwa kubatikana kusingaite nekuti ndaive ndasiya ndamuudza kuti ndainovata kwaMhamha ko aive achinja nguvai zvekare. Ndakabva ndamufonera ndichimuudza kuti ndaive nditori paHarare hospital naMom achibva angoti hoo ndokutokata zvake. Ndakatoziva kuti aifunga kuti zvimwe ndaimunyepera. Ndakaramba ndakamira paye dzamara chirembe vazobuda vachinditaurira kuti Mom vaive vaita Liver cancer uye vaitoda emergency surgery asi Mari yaidiwa yaive yakawandisa chose. "Will she survive?" Ndakabvunza vachibva vati "it's 50- 50 coz surgery yakanonokwa she might survive or die coz heart transplant haisi nyore zvachose kumunhu ave weak sezvavaive vave. Ndakakumbirisa kuti vavabatsire ndichibva ndaoneka ndichienda kumba kunotsvaga Mari yacho yaidiwa 50000us . Ndakadriver ndakananga kumba kwangu ndokuwana kusina munhu, ndakafonera wangu murume for ikaramba kuita zvachose ndakafonera sisi asi vaisadaira ndokubva ndaisa message ndiine chivimbo chekuti vakaiona vachafona back asi Havana kuita zvakadaro, kunze kwakachena ndakagara murume asina kuuya at the same time sisi vasina kufona , zvakaita ndipinde munzira kuenda kumba kwavo kuti ndinotaura navo, ndakavaudza zvaive panzvimbo vachibva vati "zvakaoma and parizvino mari handina zvachose uye ,zvekare murume wangu abuda" Vakadaro sisi ndichibva ndavaudza kuti "Mhamha vanogona kutadza kurarama zvachose" "I heard you Samantha and you know very well kuti hapana pandingade kuti Mai vafe, rega ndione kuti ndichaita sei", Vakadaro ndichibva ndati "it's okay ndave kuenda kumba ndozodarikira kuhospital. Ndakabva ndabva kuye ndoenda kumba ndikawana wangu murume aveko ndakaisa munamato wekuti dai andibatsirawo nemari yaidiwa kuchipatara. Ndakamuudza zvose achibva aratidza kunzwa tsitsi chaizvo achibva atoti tiende tese kuchipatara kunovaona, hazvina kutinetsa nekuti vaive vari muroom yavo vega Saka hatina kurambidzwa akupinda zvachose asi chimiro chavaive nacho chairwadza kutarisa. "Handei tinoona Doctor tinzwe kuti zvii zviri kudiwa" akadaro wangu murume tichibva tabuda kuenda kuOffice yachiremba vachibva vataura kuti Mari yaidiwa nekukasira at least Tika depositer 30k vanogona kutanga surgery tozopedzisa yasara yacho takabuda muye tichidzikera kwaive namhamha, "babe Mari iri kudiwa yakawandisa I can't give you coz ndinobva ndatobroka yet hatizive kuti vanorarama here" ,akadaro wangu murume ndichibva ndamutarisa ndokuti "chero Shoma zvayo" ndakadaro achibva atsenga tsenga mukanwa akatarisa divi zvinove zvakandiratidza kuti aisada kundibatsira zvachose, ndakanzwa Simba richipera Mandiri nekuti ndipo paive netariro yangu paari. Ndakatarisa vangu amai ndikanzwa misodzi ichiita kumhanyidzana kubuda. Condition yavaive vari yaive isisavaraidze zvachose hayo, zvinonzi hazvo munhu akaberekwa anofa asi umm, it was hard for me to watch my Mom dying like this. Zuva iri ndakademba kuti dai takaberekwa takawanda zvimwe paizowanawo mwana aigona kuvarapisa. "I'm sorry Mom I failed you" ndakadaro wangu murume achibva andibata mashoulders ndokuti "It's okay my love let's go home mwari rega vaite kuda kwavo", akadaro wangu pane kuti abvunze kuti todii ave kutotaura zvekuti mwari vaite zvavada chokwadi, ndiye munhu mumwe wandaitarisira kuti achandibatsirawo asi ave kuita give up. "honey the Doctor said Mom vakaitwa surgery machances ekurarama aripo 50 -50", ndakadaro trying to remind him zvaive zvataurwa naChiremba achibva ati "Kureva kuti even machances ekutadza kurarama acho still ari high, babe come on vechipatara vanokupai false hope just because varikuda Mari asi iwewe wakatarisa will she survive this, look right now she is on life support every part of her body is filled with machines do you think she will wake up, come babe let's go and rest" akadaro wangu murume achiratidza kushaya hany'a zvake, nyangwe zvazvo iye aive nedzimwe pfungwa inini I told myself that Im not going to give up on my Mom. Ndakapukuta misodzi ndokuti "you can go home, I will stay, as you can see my Mom needs me", ndakadaro achibva afamba kubuda without saying a single word. Ndakafamba kuenda paive namai vangu ndokuti "Mom I know you can hear me, but you can't say anything, please be strong for us we still need you" ndakadaro ndichizvisimbisa asi kutaura chokwadi ndaive ndisina kana zano rimwe zvaro rekuti ndotangira payi . Ndakabva ndafunga zvekare sisi Fungai ndaive ndavazivisa zvekurwara kwaMom kuseni chaiko mheno sei vaive vasati vasvika. Ndakavafonera asi fon haina akadaira ndakazosiya ndoti vachafona vaona missed call asi hakuna zvakadaro zvakaitika kunze kwakasvika pakudoka zvekare sisi vasina kuuya kana wangu murume asina kudzoka. Ndakagara ndakatarisa Mai vangu ndichiita kupererwa nemazano chaiko kut ndoita sei ndiwane Mari yaidiwa kuti vagone kurapwa. Ndiri mukufunga kudaro vakabva vapinda chiremba ndokuti "Hazvibatsire kugara wakatarisa Mai uchichema at least try to raise something mozotaura muchiti takazama asi zvakazoramba" ,mashoko achiremba akasvika pamoyo pangu zvechokwadi ndikaona kuti aive nehudzamu zvaibatsirei kugara ndichichema nhai ndisina zvandaironga, ndakabva ndatosimuka ndokubuda ndiri munzira ndakafunga kuenda kumba kwasisi ndotaura navo, ndakasvika pachiratidza kunge paive pasina kana munhu aive aripo zvachose nerunyararo rwaivepo asi window repabedroom Pavo rairatidza kuti rakavhurwa. Ndakabva ndangovhura door rekunze ndokupinda and mudining maive musina arimo zvachose ndakabva ndafamba ndakananga kubedroom kwavo uko ndakasvikonzwa imwe mhere yandakatadza kunzwisisa zvachose. Ndakabva ndateerera kwave kunzwa kuti yaitove mhere yekunakirwa kwete kurwadziwa, ndakabva ndafamba ndichidzokera muimba yekutandarira ,ko ivo sisi sei vandinyepera kuti murume wavo aive abuda. Ndakanogara muye ndichivapa nguva hana yakazorova pakavhurwa door ndakatarisa kuye ndokuona Grey anove iye Garden boy wavo achibuda mubedroom mavo achipedzisa kusunga belt rake. Ndakafinyamisa trying to understand asi ndakatadza kuzvinzwisisa zvachose. Asikuti aive apinda nemusikana wake muroom masisi here nhai? Ndakazvibvunza iye achibva andimhoresa hake akarova serious. Chinhu chandakagona kuita kubvunza kuti vaive varipi sisi achibva ati "mubedroom mavo" ndakasimuka ndichienda ndakazara kushamisika kukuru ndakasvika nekuvhura door ndokuwana sisi vakamonera towel vachiratidza kuti vave kuenda kunogeza. "Hey haugone kuknocker here usati wapinda muroom mangu?" She asked nezwi raive nekahasha ndichibva ndatarisa kumashure kwangu ndokuvatarisa zvekare. "Are you yelling at me?" Ndakavabvunza vachibva vati "mumwe arimuno ndiani?" Vakaudzosa mubvunzo ndikaona kuti kutambisa nguva kuzama kutsanangura chinhu ndakabva ndangoti "sorry sisi but ndauya kuti titaure nezvekurwara kwaMhamha " "Wandiudza kare Samantha and I know that, do you have to remind me every minute?" "Am sorry but situation inaMom haina kumira zvakanaka Mari irikudiwa so that mangwana vanoitwa Opp" "I don't have money and there is nothing I can do about it okay" Vakadaro ndikanzwa misodzi yave kumhanyidzana kubuda. "Ko murume wako inga ane Mari wani kana urikubatikana chaizvo wadii kupihwa Mari iri kudiwa nemurume wako?" Mashoko Aya akandiremera kana kupindura nekuti murume wangu wavaitaura wacho aive atoramba zvachose hake. "It's okay sisi handei munoona Mhamha" ndakadaro ndafunga kuti zvimwe vakaiona chimiro chavanacho vanogona kunzwisisa, vakapinda mubathroom chinyarire ndokubuda pasina nguva vapedza kupfeka pakabva paita knock padoor vakavhura ndokuona ari Grey uyo akabva ati "aive afonerwa kuti Mai vake varwara aida Mari yekumukira kumhanya kumusha ......... End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ 10
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:47:05 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaDInUp8qIzn7UI3Ro2H Temptation โค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธโค๏ธ https://whatsapp.com/channel/0029VbAzybLBadmbsNTaux13 Story written by Mai Tamia 0786677765 Author Nyasha 0785651210 Chapter 01 Ndakatarisa nguva ndokuona kuti dzaive dzatofamba, 10 dzanga dzave kutokwana wangu murume asati adzoka kubasa, zvinove zvaasingamboite mazuva ese hake. Ndakatora fon yangu ndokumufonera asi fon yake yairamba kuita zvinove zvakaita hana yangu irove zvisingaite. Ndakabuda panze chaipo ndokuona zvechokwadi mugarage maive musina mota kureva aive asati apinda zvechokwadi. Ndakazama kufona zvekare asi fon haina kuita ndakabva ndachinyatsopererwa chaiko kuti chingave chii chaive chawana mumwe wangu. Ndiri pakunetseka kudaro fon yangu yakaringer and I was more than happy ndichifunga kuti aive murume wangu ndipo pandiri kuona ari Samantha my sister aifona ndakaridza tsamwa ndichikata ndakatoziva kuti hakuna chimwe kunze kwekuda kunditi hee zvazodai wangu murume andidai, panguva iyi ndaisatoda maproblems nevamwe chandaingoda murume wangu chete. Sezvineiwo haana kuzofona zvekare ini ndakabva ndatanga kufonera murume wangu zvekare but it didn't work, Ndakabva ndafunga kufonera shamwari yake yekubasa ndave kuda kufona ndipo pandakaona gate kuvhurwa mota ichipinda. Ndakaisa chipiyaniso ndichitenda mwari. Akaburuka achiratidza kuti aive azere nemufaro wangu murume, he was singing and dancing zvinove zvakandiratidza kuti aive auya negood news. Ndakaramba ndakamira paye kushaya kuziva kuti ndofara here or ndotsamwa. Akasvika pandiri ndokundimbundira nemufaro achiti "mwari vatirangarira mudiwa wangu" akadaro ndikati "what is it?" Ndakabvunza achibva ati aive apomotwa kuve Manager kubasa kwavo, and kunonoka kwaaive aita yaive nyaya yekuti aigadzirisa mapapers ake sezvo aifanira kutanga kunoshandira America for 6 months achigainer experience ozodzoka Zimbabwe. He was more than happy asi kutaura chokwadi ini mufaro chaiwo ndaive ndisina zvachose it's not easy kugara kure nemumwe wangu zvakadaro. Takapinda hedu mumba ndichibva ndamusiira chikafu akadya. Ndokubva ati "Rega ndidye coz ndiri kubuda mangwana kuseni chaiko kureva ndichaita nguva ndisina kudya zvabikwa nemudzimai wangu", akadaro achitofara hake ndofunga akazviona kuti ndaive ndisiri kufara hangu. Achibva ati "do not worry my love I will be with in my heart, and trust me I will never cheat on you chandiri kufambira ibasa chete, kana usiri kufeeler comfortable nekusara wega unogona kuenda kwaMom or kwaMainini Sama" akadaro ini ipapo ndipo pandakarangarira kuti Sama wacho aive ambondifonera, ndakatora fon kuti ndimufonere ndokuona aisa message yaive yakanzi Mhamha varwara, ndakaridza tsamwa ndichiisa uko vanga vatotanga matricks avo ekuda kukama murume wangu Mari, ndakabva ndatodzima fon yacho kuti vasandinetse. "Babe are you okay?" Wangu murume akabvunza ndichibva ndamuudza kuti ndaive right " Okay babe let's go to bed ndoda kudya zvese nhasi coz mangwana ndichabuda kuseni seni chaiko" akadaro grabbing my hangu kunge ane zvisvinu zvaainoita ikoko. Asi ndakazongozviudza kuti ndaifanira kutoisa pfungwa panzvimbo tinakirwe tese sezvo paizoita nguva yakareba ndiri ndega. Ndakabviswa hembe dzese ndichimubvisawo dzake ndichingopedza ndakaona ndatove pabed kare munhu atove padenga. "Babe ngatimbotambai zvishoma musati mapinda" ndakadaro achibva ati "ndezvekutungana kwembudzi zviye babe nyaya yese iri pakuisa apa " akadaro achitondonyera chinhu chake hake. I closed my eyes ndichizama kuisa pfungwa dzese panzvimbo and it worked coz ndakaguma ndave kunzwawo kunaka kwazvo. Ndakasimudzira chiuno ndichivhura angu makumbo giving him full access ndaive ndonzwa kumwe kunakirwa kusingatsanangurike zvachose zvekuti ndaida kunyatsoinzwa ichirova mberi mberi chaiko. All of a sudden ndakanzwa mumwe wangu ave kutodzvova zvekuratidza kuti zvake zvaive zvashata and akabva atoti forototo zii ari pamusoro pangu ndichinyatsonzwa wait yake yese. I tried kumover chiuno kuti tirambe tichienderera mberi so that ndopedzawo asi yakabva yatobuda zvayo ichimhanya. Ndakamupusha kuti abve pamusoro pangu achibva arara hake padivi pangu ave kutoridza ngonono, Ndakanzwa kurwadziwa ndichiona mumwe wangu achizvikanda padivi nekutotanga kuridza hake ngonono. Kuside kwake zvese zvanga zvaita and haana kana chimwe zvee chaanga achada ndakatora towel ndokutanga kumupukuta nguva iyoyo achibva amuka hake ndokuti ,"you see babe I told you kuti handife ndakapera ini ndosaka ndakakukanda matwins. Akadaro ndichibva ndati " I think we should do one more round" he smiled ndokuti "a real man haaite 2 rounds coz one iroro anenge atokupedzera kare" chinzwa unzwe voice rake manje. Raive rizere confidence, ndakashaya kana chekutaura kuti ndimuudze kuti ndaive ndisina chandanzwawo ndakaona zvisingaite nekuti ndinoita sekunge ndamudzikisira. Ndakangozvuva gumbeze ndokufuga kana nekugeza handina kuzoda zvachose nekuti ndainzwa kubatikana. Atove makore since we get married but I've never enjoyed sex , hongu vana taive navo matwins Nancy naAncy vaive kuboarding school completing there 0'level. But mufaro wemukati maive musina zvachose, ndakabva ndabatidza fon yangu ndafunga kumbotsvaga zvinondivaraidza kuti ndisafunge zvebonde izvi zvachose. Ndakabva ndatanga kuverenga hangu rimwe novel dzamara hope dzabata ndakazomuka zuva ratokwira mumba mese mazara chiedza. Ndakavhunduka coz I was supposed to prepare something for my husband ndakamuka ndokuona paine kanote paside kaive kakanzi goodbye my love totaura ndasvika. Ndakabva ndaziva kuti shasha yaive yainda. Ndakafamba ndichienda pawindow ndokuvhura curtain ndichibva ndatarisa panze apo ndakasanganidzana nemashura. Grey my garden boy aive ari busy hake kuitira wet kumadziro emba, ndakanzwa hasha but dzese dzakapera kuti hwaa ndayeverwa nechinhu chake, mwana aive akatakura kurema zvake iyeye. Ndakambomedza mate ndokuzozviudza kuti ave sartun aive oda kundishandisa uyu, ndakatora bhutsu yaive pedyo neni ndokumutema nayo achibva avhunduka achikwakuka kunomira uko "Chapa yemunhu kasira kutora zvako mvura usuke madziro angu awaitira wet yako zifuza remunhu, basa kugona kuwetera madziro musingazive kuzvishandisa zvinhu zvacho imbwa yemunhu", ndakadaro ndichituka ndakazozvidzora ndafunga kuti ndaive ndotukira munhu mhosva is yake zvachose. Ndakadzoka mumba ndokuenda kunogeza ndichipedza ndakabva ndanzwa padoor Paine knock, ndakaenda kuye ndokuona ari Samantha....... End of chapter 01

โค๏ธ 4
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/21/2025, 12:34:06 PM

Mune vanhu muno

โค๏ธ ๐Ÿ™ 4
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 11:49:38 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VbAjt73JP2120tkNiI2k Nyasha the poor village boy ๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡๐Ÿ‡ Romantic story Written by Mai Tamia 0786677765 Author Nyasha 0785651210 Read๐Ÿ‡react๐Ÿ‡share๐Ÿ‡ Chapter 01 Ndakavhunduka mushure mekutambidzwa shamhu kumusana ndichisvetuka ndichinomira uko, hana yakarova ndaona vari Vamutasa vaive vandirova mushure mekundiwanikidza ndichidongorera mwana wavo Chido aigeza muchinjausi. Ndakaona kuti pangu paive pandiperera nekuti vaMutasa vaityiwa nemunhu wese mudunhu, kana nechaive chandipindawo ndakachishaiwa mufunge kuti ndibatwe nemweya wakadaro, ndakatoona ndega kuti kuzviponesa kwaive kubereka tsoka ndakananga kumba kwaMai vangu, ndakaita hushamwari nemhepo zvekuti kana naivo zvakaoma mate mukanwa,hongu kutiza ndaive ndatiza hangu asi hondo yakazouya mushure mekunge ndasvika pamba ndave kufunga kuti vaMutasa kana vakatevera ndichaita zvekuita sei nhai, ndakafunga izvi ndikaona ndega kuti ndaive ndaigochera pahutsi zvechokwadi. Ndakafunga kudzokera shure ndonohwanda ndiri pakachikomo Kari pedyo nemusha wedu ndichiona zvaiitika, ndipo pandakaona mota yaMukoma ichisvika pachivanze, kuti ndichidzokera zvaive zvisisaite zvachose ndakabva ndangofamba kuenda kunota ndichiita sendainovachingamidza, ndichisvika paye ndakatambirwa negumbo raive rakapfeka gogo richitsika pasi, ndakakwidza naro ndokuona vachidzikisa rimwezve gumbo vaive Maiguru vangu vaive vauya vakapfeka dress raive nevent rinotangira muchiuno chaimo. Ini hangu ndanga ndatogara ndaimisa kare nekuonda Chido akashama ndakabva ndatowedzera hukasha, zvimwe ndezvimwe Maiguru vaive vakasikwa mwari achida havo chiri chimiro chete ndinoti mukoma wangu ndiye akatora Queen of beauty. "Hey Bamunini imi" Vakadaro vachindirova kambama padama ndikavhunduka kana nenguva yavaive vasvika pedyo neni ndaive ndisina kuiona zvachose."aah sorry Maiguru titambire " ndakadaro vachibva vati "muchitambireiko ,varipo here anaMhamha handisi kugara ndiri kumhanya ndanga ndauya kuzotora imimi", pavakadaro ndakanzwa kufara chose ndaive ndakutiza nyaya dzangu manje ndakabva ndangoisa munamato kuti zvikasire ndisati ndateverwa. "Mukoma wenyu vati muuye muzodzidza kudhorobha form 5 vamwe vakatovhura zuro" Vakadaro ndichibva ndaita kumhanya kuroom kwangu kunorongedza zvihembe zvangu ivo vakasara vachiseka ,hongu ndaive ndakapasa zvinodadisa form four asi nhau yaive yamisa zvese ndeyekushaiwa Mari, handina kunge ndaziva kuti mukoma wangu vachandirangarira zvakadaro. Ndakarongedza pasina nguva ndaive ndapedza ko ndaimbove nengani hembe dzacho nhai. Ndakapinda mumba ndabereka bag rangu Mhamha vachindiona vakabva vati "Hezvo nhaiwe Nyasha kana nekugeza hauchageza?" Vakadaro Maiguru ndokuseka zvavo vachiti "atogona nekuti nhasi ndofanira kunomunyoresa kuchikoro nekutsvaga mauniform" Vakadaro ndichibva ndati "Saka handei Maiguru baba naMhamha toonana " ndakadaro vese ndokuseka zvavo vaifunga kuti kwaive kufarira kuenda kudhorobha kwete izvo kwani ndaifarira kutiza mabororo andaive ndatanga. Mota ichisimuka kubuda muyard ndakaona vaMutasa vachiita kukanyaira vakananga pamba pedu vaine shamhu muruoko ndakaisa chipiyaniso kutenda mwana nekundinunura nekuti nhasi ndairohwa ndikazvirega. "Munonamata nhai Bamunini?" Vakabvunza Maiguru ndichibva ndati "nei madaro?" Ndakabvunza nekuti ini kuchurch ndaive ndakaguma kuenda ndichiri kadiki zvekunamata zvaive kuresa neni. "Ndaona muchiisa chipiyaniso" Vakadaro vachiseka ndichibva ndati "Yaa ndinonamata " ndakadaro vachibva vaseka zvavo ndokuti "nemamisiro amanga makaita Mbo... ndeemunhu anonamata here aye?" Vakadaro ndikanyepera kukachidzwa umm ndakanzwa kunyara handidi hangu kunyepa handina kunge ndaziva kuti Maiguru vaive vazviona zvandaive ndakaita nguva dzavakaburuka. Ndakabva ndatogadzika bag rangu pamakumbo nenyadzi ivo ndokuseka vachiti "kunyara here uku?" She asked vachitoda kuramba vodzosa nyaya iyoyo mudariro ndakabva ndati "aiwa Maiguru, ko ivo mukoma varisei zvavo" ndakadaro vachibva vati "vari right chose, varikubasa zvavo tichasangana navo pachikoro pauchange uchidzidza vanowirirana nahead wepo kureva kuwana nzvimbo kwavo hakunetse. Vakadaro ndichibva ndavatenda chose hangu. Ndakabva ndazoramba ndave kutaura dzimwe nyaya ndichida varege kudzosa nyaya yavo inonyadzisa kudaro iyi. Takasvika ndokuenda pachikoro chavainondinyoresa panonzi paEverbright Academy hazvina kunetsa nekuda kwemaconnections munguva diki taive tatopedza zvese kusvika kumauniforms aidiwa ndichibva ndatoudzwa kuti ndaitanga zuva rinotevera chikoro. Hongu ndaive ndakakurira kumusha zvangu asi ndaive ndisina kupusa zvachose chaingove pandiri yaive nhamo chete, hupenyu hwedu hwaive hwakasara nekuti taive tisinawo pfuma. Mukoma Stan vaive vave kuzvishandira havo vaitibatsira pane zvavanokwanisa asi semunhu ane mhuri yake hapana paaizogona zvose hake. Uye basa ravo raive risina Mari yakawanda Maiguru ndivo vaitove nebasa rinobhadhara zviri nani. Ndinongovatenda nekumira nesu kwavanoita kunyanya panyaya yechikoro apa ndakazviudza kuti ndichashanda nesimba ndigozowanawo basa riri nani kuti tibatsirane kuchengeta vabereki. Takasvika kumba kwavo vaigara havo pedyo nechikoro kureva ndaive ndisiri kuzofamba rwendo kunge zvandaiita kuchikoro chekumusha. Takatambirwa nemusikana wavo webasa Maidei uyo akabva angoudzwa kuti anoisa zvinhu zvangu muimba yevaenzi ndokuudza kuti atsvairemo ndimo mandichange ndave kushandisa imomo. Kudya kwakauya tikadya zvemanheru, tapedza kudya mukoma ndipo pavakazoti "kuno kudhorobha kwasiyana nekumusha zvachose, hunhu hwako ubve wasvipira pasi imbwa inhonge zvachose handidi kunzwa kuti waita zvakafanana nezvawasiya waita kumusha uko, baba vandifonera vandiudza zvose" Vakadaro ndikanyara zvekuti dai paive nemwena ndingadai ndakapinda hangu nekuti nyadzi dzinokunda rufu hama wee. "Uri mwana mudiki Nyasha hausati watomboshanda zvachose, handifunge kuti kana nepant wati unoziva kuti rinoita marii, Saka zvevakadzi siya zvachose uchiri mwana mudiki iwe haikona kuda kuparira baba namai matambudziko" Vakadaro vave kutopopota Maiguru ndokuti "azvinzwa mwana Stan ukabva wapopotera mwana kudaro nezuva rimwe zvinobuda here," Vakadaro mukoma ndokuti "baba vatoripiswa mbudzi kumusha uko nekuda kwake iyeye Saka usamureverera tikamubhabhadzira pano achatiitira zvimwe Siya ndimuudzise zvaanonzwa" Vakadaro mukoma ndichibva ndati "sorry mukoma ndinokuvimbisai handizviite zvekare uye ndinovimbisa kuve mwana akanaka and trust me I will make you proud one day" ndakadaro vachibva vanditarisa ndokuti "uchengete mashoko ako iwayo" Vakadaro ndokusimuka vachienda Maiguru ndokusara vachiseka zvavo ndokuti "asi mabatwa makavata nemwana wevanhu Kani, nekuti ndaona munenge mune moto mubhurugwa" Vakadaro ndichibva ndati "aiwa it was just a misunderstanding ndanga ndichipfuura nepa vaMutasa ndokunzwa kuda kupinda muchimbuzi ndisati ndapinda vandiona kwave kundimhanyisa vachiti uri kudongorera mwana wangu arikugeza handina kunge ndaziva kuti manga muine munhu and handina chandaona kutaura chokwadi . Ndakanyepa ndichidaro kuti nyaya yacho ipere ndokuzosimuka ndichienda kunorara hangu. Ndakazviudza kuti ndinofanira kuita zvechikoro chete mweya weruchiva uyu ndofanira kuita kuti utame kubva pandiri zvachose ndiko kuti remangwana rangu rinake. Ndakamuka kuseni ndokuenda kuchikoro and my day went well, ko inongove nhamo zvayo asi ndakasikwa mwari achida Saka neNew uniform plus kakuzvida hangu ndiri mublazer ndaibva ndatokwanawo pamamonya ipapo kutoitawo wehigher class chaiye....... End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ 17
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:43:23 AM

New book coming tonight๐Ÿ†

Post image
โค๏ธ 2
Image
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:17:22 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VbAjt73JP2120tkNiI2k Click and follow this link kune vanoda nyaya dzerudo dzakadzika dzika. Cooking and baking skills Bedroom issues Jokes Herbal solution (kurapwa nemishonga yechibhoyi) Nyaya dzebonde

โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ 3
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/21/2025, 12:35:38 PM

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC HIDDEN PASSION Ssn1 ๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ STORY WRITTEN BY MAI TAMIA 0716600241 0786677765 (Ssn1) Free book please share๐Ÿ‡ CHAPTER 02 Ndakabuda ndichifambisa zvekuti Mandy akatozondibata ndatobuda gate kare ndokuti "kwakanaka here Aliah?", ndakangoseka nhando ndokuti "Yes kwakanaka chose ko kungagoipei?", "Ndaona mood dzako nhasi wanga usiri boe zvachose ndikati totaura tave kuenda kumba but ndatozoona waita kusvotoka chaiko", "Ndine zvandiri kumhanyira kumba Mom vane zvavati vanoda kutaura neni", "Aah it's okay then, but unongoudzawo vamwe coz ukaita kutiza zvoita sekunge ndine zvandakutadzira kaa" Takazofamba hedu kuenda kumba tichitaura nyaya semazuva ese asi ini hana yangu yaingorova zvakadaro, Mandy ndiye aitanga kusvika so ndakamusiya ndichibva ndapfuurira kwedu uko ndakasvikoona pamba pakazara Zara vanhu. Ndichiri kugate ndakabva ndamhanyirwa naMainini Juliana vanove ndivo muninina waMom mudiki. Vakasvikondimbundira zvakasimba ndikatoshaya kuti boe here coz she wasn't like that before ,.hongu vaindifarira havo asi kwete zvekuzondimbundira zvakadaro, ndakangovambundirawo back ndokumirira kuti vandisiye but she didn't infact ndakatonzwa hembe yangu yave kunyorova nemisodzi ndichibva ndazvibvisa pavari ndokuvatarisa kumeso chaiko and she quickly looked away vachipukuta misodzi. "Are you alright?", ndakavabvunza ndichidaro vachibva vatadza kuviga misodzi yavo nekuti yakatobva yaita manyemwe kubuda yave miviri chaiyo. "Mainini chi", ndakabvunza vachibva vandibata ruoko ndokuti handei tinogara Pasi ndikuudze zvese zvaitika asi unofanira kushinga mwanangu nekuti zvaitika takavarairwa, kutonga ndekwamwari ufunge", vakadaro Mai vangu ndichibva ndati "umm' Takafamba ndokusvikogara nechekuseri kwemba uko kwakabva kwauya vamwe vakadzi vatatu ndokugarawo nesu ikoko , vese ndakaona vachiratidza kundinzwira tsitsi chaizvo ndikatozvishayira mupanda. "Aliah, tine hurombo nezvaitika ndanga ndatouya pano nekuda kwehope dzandarota husiku dzisina kunaka but ndasvikoona mhamha vako vakadonha pamusuwo apo vakafa", vakabva vawedzera kundibata zvakasimba ndichibva ndabvisa ruoko rwangu pavari zvine hukasha. "Musiyane nekutamba nezvinhu zvisingasekese mave vanhu vakuru imi nxcaa", ndakadaro ndichitosimuka and they failed to stop me. Ndakafambisa kupinda mubedroom ndokuchinja uniform yangu mainini vakabva vatevera zvekare ndikati"mhamha vaenda kupi nhai?", Havana kudaira vakabva vatarisa Pasi misodzi ichidonha. Ndakaedza kutsvaga Mom calling her name but havana kana kubudikira havo ndikati zvimwe mheno kwavaenda havo ,ava vanhu vaive pamba pedu vaive vakutondibhowa nekuramba vachisvika vachindibata maoko. Ndakapihwa sadza ndikaridya hangu waiting for my Mom but Havana kana kubudikira, infact hama nevavakidzani vakatotanga kuwedzera kuwanda pamba zvekuti ndanga ndakuita ndichirohwa Nehana coz kana mhamha vacho vanga vasiri kudzoka kwavaive vaenda kwacho, ndakatanga ndicharinga nzira asi hakuna zvakadaro vamwe ndovaiti Mom was in mortuary ini ndaingoti kutamba havo, nguva dzekurara dzakasvika mhamha vasina kuuya ndichibva ndangorarawo nevaive pamba ivavo kunze kwakachena zvakadaro ndipo pakasvika ana gogo vachichema mhere chaiyo, apa ndipo pandakatanga kugutsikana coz gogo vaisauya pamba zvekudaro and even kuchema kwavo kwaive real. Ndakatombopindwa nekapfungwa kekuti maybe it's true but ndakazongoti haa it's just a dream coz Mai vangu hapana pavaizofa hazviite, ndakaswera ndakagara hangu panzvimbo imwechete ndakamirira kupepuka kubva kuhope dzandairota dziye and that dream change to be reality pakauya Mota yeNyaradzo yakatakura coffin. Vanhu vakachema zvinosiririsa asi ini handina chandakakwanisa kuita kutevera mumba mavakaisa coffin riye ndokusvikoti "ndivhurirei" vakamboramba vakanditarisa sevane zvavari kuverenga pandiri vanhu ndokutanga kukavadzana vamwe ndivo vaiti muvhurirei, vamwe vachiti kwete. Vanhu vakaramba vachikakavadzana ndichibva ndaona kuti zvinganonoke ndokuvhura ndega vanhu vakarivara. Ndakatambirwa nechiso chamai vangu vachinge vakavata havo mufunge. Ndakazvitsunya ndichida kuti ndimuke kubva kuhope dzandairota ndokunzwa kurwadziwa, ndakafamba kuenda kumadziro ndokuzviroveresa ndokunzwa kurwadziwa apa ndipo pandakagutsikana kuti this is reality . Ndakafamba kudzokera pacoffin riye ndokuti "Mom stop this now", ndakadaro ndichiedza kuvamutsa apa makumbo chaiwo aive akupera simba hana yangu ichirova zvisingaite. Mainini vakauya ndokundibata vachida kundibvisa paye ndakangonzwa kupera simba muviri wese zvakazotevera handina kuziva kwave kuzopepuka ndiri muhosptal mainini Juliana vachichema vari padivi pangu. Pavakandiona kuti ndaive ndamuka vakabva vamhanya kunodaidza Dr vakauya vakadungamidzana . Dr wacho ndaingoona achinditarisisa zvakanyanya akaita ma test aaida pandiri ndokuti ndizorore hangu. Achingobuda ndakabva ndarangarira kuti ndaive ndaguma kuona Mai vangu mucoffin around 5pm apa kunze kwaitoita semangwanani chaiwo. "Mhamha what happened?", ndakabvunza vachibva vati "wakadonha zuro ndipo patakauya newe pano Dr vakati waita heart attack ", "Mom vangu vavigwa here?", ndakabvunza misodzi yave kubuda manje vachibva vati not yet asi vanozorodzwa nhasi. Handina kuzombomirira kunzwa zvimwe kwave kutobuda ndichimhanya mainini vakamboedza kundishevedza asi Havana kukwanisa kundimisa or kundibata chaiko coz speed yandaive nayo yaive yakatonyanya, chishuwo changu ndaida kusvika Mom vasati varadzikwa nekuti ndine zvandaida kutaura navo....... *Dennis* Hope dzekurota musikana uye dzaive dzakutondivhiringa zvisingaite coz ndanga ndave kungofunga nezvadzo zvakanyanya, who is she ndiwo mubvunzo waive wazara mumusoro mangu asi mhinduro ndaive ndisina zvachose. Now ndanga ndakuti kuisa musoro Pasi ndobva ndaona musikana uye so zvanga zvatove worse kuratidza kuti zvine chirevo. Rimwe day ndichangobva hangu pabasa ndakananga kumba ndakafonerwa naSister Nancy vachiti ivo pane patient yauya emergency ndakabva ndangokonesa mota kudzoka pachipatara ndokumhanya muemegency straight, hana yakamborova zvekutadza kana kushanda chaiko ndichiona mwanasikana andinetsq kuhope arere pabed hake. Ndakazozvishingisa kuti vanhu vasaone kuti pane zvaitika ndave kufocuser nekuti amuke ndigozowana kutaura naye one on one. Ndakaita matest andakaita kwave kuona kuti aive aita heart attack. "Madam chii chaitika kwaari nhai?", ndakabvunza coz zvairatidza kuti aive avhunduka zvakanyanya "Arasikirwa namai vake so anga asiri kuchema pese apa achiti arikurota nhasi pauya body ndipo paadonha" Vakadaro ndichibva ndavati "kusachema kwaakaita ndiko kwakakonzera hurwere kukura kuchema kunobvisa bundu mumoyo munhu akasachema iye arwadziwa zviri very dangerous pahutano hwemunhu" Ndakaedza nepose pandogona kumubatsira ndokuona kuti she was out of danger kwangosara kumuka chete drip ndakamuisa one kuti awane simba parakapera ndakabva ndamubvisa rimwe ndaizomuisa amuka ndakangosiya tsono iripo paruoko. Kuti ndichienda kumba moyo wakarwadza kuti ndiende ndisati ndataura naye mwana uyu ndokuenda muOffice mangu ndakangoudza mainini vake kuti vanondiwana mupi akamuka asi ndaiita ndichimutarisa hangu. Kunze kwakasvika pakuyedza mwana asina kumuka ,ndanga ndave kutotya zvisingaite ndipo pakabva papinda Mai vaye vachiti Aliah aive amuka. Ndakamhanya kuye ndokuwana amuka zvechokwadi asi chiso chake chairatidza kushungurudzuka zvikuru so ndakaita ma tests and andakaita kusanganisa bp iyo yaive yakakwira zvisingaite. Ndichibva ndaenda kunomutorera mapills ekulower bp yake but was shocked kudzoka muroom musina munhu, ndakabuda panze ndichibva ndanzwa kuti aive abuda achimhanya. Ndakapinda mumota ndokutanga kufamba nenzira ndichiti zvimwe ndovawana munzira asi handina wandakaona zvachose and to make matters worse ndanga ndisina address yekumba kwavo even fon number zvayo ndakabva ndanetera futi ....... Join our group for more chapters End of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ 22
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/21/2025, 12:35:13 PM

https://chat.whatsapp.com/HkkjmyUJbZa1DVzW2upYFC HIDDEN PASSION SSN 1 ๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ๐ŸŒท๐Ÿฅฆ TRUE STORY WRITTEN BY MAI TAMIA 0716600241 0786677765 (Ssn1) Free book please๐Ÿ‡ share CHAPTER 01 Ndakamuka hana ichirova mushure mekurota Mai vangu vanyura mudziva raive nemvura dema dema. Ihope rudzii nhai? Ndakazvibvunza ndega asi mhinduro ipapo ndakaishaya zvachose ndakabva ndarangarira mashoko aMom vangu vachiti ukarota hope dzisina kunaka pfugama unamate mwari ndiye anoziva zvose zvakavanzika uye ndiye murwi we hondo dzese panyika. Ndakatora dhuku rangu ndokusunga ndave kuti ndichipfugama ndakabva ndanzwa noise ye chinhu chakadonha or kudonhedzwa muimba inorara mom. Ndakabuda ndichimhanya without thinking twice ndokuwana mom vave kutobudawo panze vakabata gonzo ravaive vauraya. "Ko urikuendepi husiku huno", she asked coz dzaitove past 2am ipapo ndakabva ndati "ndanzwa noise muno thats why ndamhanya", ndakadaro and she laughed ndokuti "dai dziri mbavha waizodziitei nhai? Next time usamhanya kubuda listen carefully first ndokuti zviite, by the way ndanga ndichirova gonzo iri nhasi rafarisa zvokuti so pandazoriva ndipo paita noise yezvinhu zvadonha padressing table" Ndakatura befu ndichibva ndati "handichatoendi kunorarara kuroom kwangu ndave kurara nemi coz you scared me a lot", ndakadaro vachibva vaseka havo. Ini ndaitorevesa ndakabva ndatorara muroom mavo asi hope chaidzo dzakandinetsa kubata ndichiedza kufunga nezvehope dzandaive ndarota. Ndakazorara kunze kwachena kwave kumuka zuva rabuda kare kare. Ndakabuda panze ndichimhanya ndokuona Mom vagere havo panze vakabata rushaya neruoko one ndikatoshaya kuti vaifungei mangwanani akadaro. Ndakafamba ndichienda pavari ndokuvabvunza chainetsa and she said "hapana am feeling low chete mheno chii nhasi", vakadaro ndichibva ndavati "Mogona murikuda kubatwa neflu mazuvano ndomabatiro airi kuita flu yacho " "Yaa kana kusangana nebad or good news ndangomuka ndakaneta zvisingaite hapana kana Basa randaita ndangomuka nekugara pano apa, simba chairo handitorina don't know why?" "Aah obvious good news kkkkk", ndakaseka zvangu ndichibva ndamhanya kunogeza zvimwe zviye zviye coz ndaive ndatononoka kuchikoro zvisingaite, Mom pavakandiona vakashamisika vachiti"ufunge handina kutombofunga kukumutsa nhasi kunganwa kuti kuchikoro ,but wanonoka kare wadai wazongoenda mangwana " "Mom but...." "No buts ndine zvandoda kutaura newe so nepane nguva hauzokwanise kuenda kuchikoro" "No problem Mom mogona kutaura henyu ndoenda breaktime kuchikoro kwacho no problem", ndakadaro vachibva vati ndisiiro mvura ndigeze ndakaisa mvura yavo vachibva vanogeza ndaiti vachadzoka vachitaura nyaya yavo but no Havana, vakabva vatoti ndibikiroo something ndakabvisa uniform ndokunobika tea nechingwa chine mazai zvinokasira ndakadzoka ndokuvapa ndichibva ndanopfeka uniform yangu ndokutora bag rangu ndichienda pavaive vari. "Watoshinga kuenda kuchikoro nhasi?", she asked ndikati ehe mhamha remember ndave form 5 apa hapatodi mafunnies coz ndogona kufoira. Ndakadaro vachibva vati yaa ndokuita nguva vakanyarara kuti zii ini ndokunyararawo. I looked at my mom for while ndichibva ndazogadzirisa pahuro iri way yekuvarangaridza kuti vaive vandishevedza. Ndanga ndatove neabout 10minutes ndakagara ndakavatarisa but vaitoratidza kuve kuresa nepfungwa zvinove zvakanditambudza kuti kwamboitikeiko muzuva ranhasi coz sandizvo zvavari nyangwe zvikanzi bad feeling zvavo zvaive zvanyanya, she is always happy. "Ohh, sorry kutorivara hangu' vakadaro vachibva vapukuta maziso avo that's when I realised kuti vaitochema, ndakabva ndaita kumhanyirira padivi pavo chaipo ndokuti "are you okay Mom, tell me what is it?" "Hope dzandarota nhasi dzandityisa I think magumo angu ave pedyo", vakadaro vachibva vatura befu ndikati Marotei?" "Ndarota baba vangu naSekuru vakasofa kare kare vachiti vauya kuzonditora kuhope handina kuramba ndatovapa ruoko rwangu ndikatanga kufamba navo", "Ndosaka mukufeeler weak Mom murikufunga nezvehope idzi but please just pray dzingoriwo hope dzakaipa nothing will happen to you coz hamusi kana kurwara and hamurware Mom, and again kurota munhu akafa mweya yetsvina hazvireve chinhu Mom " "Yaa ndizvo hazvo but I think ndine zvandofanira kukuzivisa zvandisina kubvira ndakakuudza kuitira mangwana",vakadaro vachibva vatura befu ndokuzoti "asi Aiwa enda kuchikoro mwanangu tozotaura manheru" "Mhamha ingotaurai kani ndanonoka kare" "Aiwa enda hako mwanangu ondiwana ndiripo I think I need to rest now, ingori nyaya yekumusha kwenyu", "Aah kana iri iyoyo let me go ndozozviona ndanga ndichiti mheno zvimwe zvakakosha ini" ndakadaro ndichibva ndatobuda hangu kuenda kuchikoro ndikasvika vamwe vatove musecond lesson. Hongu ndaive ndisina kuita hanya nenyaya yekumusha kwedu yaive yataurwa iyi nekuda kwekuti Baba vangu Havana kubvira vakanditsvagawo asi mheno kakubatikana kandanga ndave nakowo, ndanga ndakutofeeler weak zvekuti kana nechandaive ndavinga kuchikoro ndakatochishaya coz zvese zvaitaurwa zvaipinda zvichibuda hapana kana chandakanzwa hangu. Ndanga ndatononokerwa nekudokesa zuva hangu, sezvinei nguva dzekubuda dzakakwana ndichibva ndaita wekutanga kubuda muclass nebag rangu. Dennis Ndakamuka ndokugara kwave kusveerera switch ndokuita on light. Ndakatora fon yangu kutarira nguva ndokuona dziri 00:03 kureva ndaive ndamurota zvekare exactly 12midnight, who is she nhai? Ndakazvibvunza zvekare ndikashaiwa mhinduro pakutanga ndaimboti it's just a dream but noo mhani there is something to it. Now yave third time ndichirota a young girl crying for help asi pandoda kutaura naye ndobva ndapepuka. Who is she nhai? Ndakazvibvunza kasingaperi kusvika ndazofunga kunotaura nyaya iyoyo na Pastor vekuchurch kwangu coz zvanga zvave nechirevo izvi. Ndakangogeza kumeso ndokukwesha mazino angu kwave kuchinja hembe. "Where are you going this early morning Son?", vakadaro Dad ndichibva ndati "am going to see Pastor James, coz had a terrible nightmare " "Warotei?", he asked vaisa newspaper ravo pamakumbo chaipo ndichibva ndavaudza kuti ndine musikana wandirikurota" "She is your destiny Son kkkkkkkk ,hazvidi prophet izvi when time comes you will meet her", vakadaro ndichibva ndambokwenya musoro ndokuzoti "I don't think so coz she is crying for help", ndakadaro vachibva vati "enda hako unamatirwe asi zvandareva ndizvozvo mwanangu ndave munhu mukuru ini kuchena vhudzi uku kuona zvakawanda" Vakadaro Dad ndichibva ndatonzwa nungo dzekuenda kunaPastor coz Dad vanga varatidza kuti hapatorina big deal panyaya iyi...... End of chapter 01

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 17
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:43:37 AM
Post image
โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ 2
Image
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
5/18/2025, 10:33:30 AM

Our ends today guys varikuda garai maita payment kutanga mangwana hapachina

Link copied to clipboard!