Mai Tamia Stories WhatsApp Channel

Mai Tamia Stories

3.8K subscribers

About Mai Tamia Stories

Welcome to Mai Tamia stories and entertainment. ❤️ don't forget to share our link tifare pamwe chete. Mai Tamia 2024 Production ❤️❤️❤️ ❤️

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/13/2025, 11:08:51 PM

Pane aisa mastars asina kuuya kuinbox App me pliz ndiwane kukuisa mugrp mune vamwe mabooks ndichaisa mangwana🙏

❤️ 1
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/13/2025, 7:28:23 AM

Promotion guys anyone ane bank account, Ndikudawo kutengerwa maStars paFb anoita $0.29cents to complete my challenge. Kana watenga maStars App me ondipa FB username rako, ndokuisa mugrp remafans umo ndichasenda mabooks angu ese for free https://www.facebook.com/share/r/19BDLUi7CS/ https://www.facebook.com/share/r/1CB3us3FAr/ https://www.facebook.com/share/r/16M5XDQsCp/ Baya chero link ipapo rinokusvitsa pareel rikuda mastars kana uchida kubatsirwa kuziva kuti munotenga sei inbox I will assist you,

❤️ 1
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/15/2025, 4:48:43 AM

The Forbidden fruit 🍓🍓🍓🍓🍓🍓🍓 Full book available Uyezve promotion ichiripo.so hurry up and secure your place *Ecocash* $1us or 80zig Scratchcard $1us buddie S.A inbox me for payment plan 0786677765 L Mtandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu Uko muchapihwa book rese kusvika finale Note: book iri rakapedza kare kunyorwa🍓

❤️ 👍 2
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/14/2025, 6:16:31 AM

https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7 https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J Forbidden Fruit 🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎 Romantic Story Written by Author Nyasha 0785651210 Mai Tamia 0786677765 Read🍎like🍎and share🍎 Chapter 13 Maidei Ndaive hangu munhu asina kudzidza asi ndaive ndakuona care pana Kudzie.Yes mazuva ekutanga aive asingandifarire zvake but mazuvano aive ondiratidza kuti ndirimunhuwo akakosha zvinove zvaindifadza chose. Akasiya ati ave kunonditsvagira matablets ndokubva abuda kuenda hake pasina nguva mumba makapinda mukadzi nemurume vachiti vaive vatumwa naKudzie vakandipa chikafu pamwe nemapills ndichibva ndadya kwave kunwa mapills aye ndichipedza ndakatanga kunzwa kadzungu kunge hope like ndichibva ndaoneka kunorara ndichivasiya hangu vakatandara vachiti vaimirira iye kudzie. Ndakangobatwa nehope dzandakatadza kuziva kwadzabva ndokurara zvekufa chaizvo kwave kuzomuka ndiri mune imwe room isiri yandinorara uku ndaive ndisina hembe. Ndakashamisika nazvo kuti ko zvafamba sei futi nekuti ndichiri kurangarira ndakangodya nekurara nehembe dzangu and muroom mangu zvekare. Ndakafungisisa dzamara ndazofunga vanhu vakatumwa naKudzie vaye kuti asi kuti iye akazouya ndarara here? Ndakafunga izvi ndikamuka ndichienda muroom muye maive musina kana munhu zvachose. Ndakabuda panze ndokuona Kupa akazembera mota handina kutaura naye nekuti ndoziva kuti akandivenga ndakati ndifambe achibva andibata ndokuti "you drugged me last night right?" Akadaro ndikatadza kana kunzwa zvaaitaura ndichibva ndazvibvisa paari ndokuti "iwe siyana neni ndozviziva kuti wakandivenga saka ndakasiyana newe so siyana neni wanzwa kunze kwekunge une zvauri kutsvaga ndikutambidze panze pano", ndakadaro achibva andisiya nekukasira nekuti aindiziva kuti dzangu dzakadambuka. Ndakapinda mumba umo ndakawana Kudzie ari pasofa. Mheno mumwe mufaro wandakangonzwa soo nekumuona ndakati ndiende pane umwe wangu asi akandiratidza humwe hunhu hwakaita simba rese ripere. Saka anonyepera kuve necare neni ndizvo kaa? Ndakasara ndichifunga izvi ko kana andivenga Kudzie ndiani achandiita zviye. Ko inga akandivimbisa wani kuti ndiye shamwari yangu ko izvi zvave zvipi. Ndichiri kuedza kubatanidza zvaitora nzvimbo akabva abuda kuenda mukomana sare ndangoti tuzu. Ndakazvishingisa ndokuita basa rangu zvakanaka kwave kudzokera kunorara hangu kana kudya zuva iri ndakatadza moyo wangu waive wakangosviba soo. Ndakaona Aunt Sophie vapinda vachibva vati "uri mwana wekumusha iwe and you will never defeat me dai uri mumwe watombobika chikafu chakati wandei wadya nekuti nhasi urikurara wabva pano", vakadaro vachiseka zvavo ndokubuda ndichibva ndaridza tsamwa vakafamba kuda kubuda ndokudzoka vachibva vati "go and raise your bustard alone" vakadaro ndokubva vabuda zvavo vachiratidza kufara maitiro avo akandivhundutsa zvisingaite nekuti vairatidza kuve serious pakutaura kwavo kuti vane zvavandirongera here? or kungondityisidzira chete? Ndakafunga zvese izvi ndichibva ndazoti but Haa havana chavanondiita ava. Coz madam vari kuside kwangu. Ndakadaro vachibva vaenda zvavo ini ndokurara ndakazomutswa naMadam vaiita kudeedzera zita rangu kunge hameno hameno, zvekuti neniwo ndakatonetseka kuti ko kwauyei nhai? ndakabuda panze vachibva vandibata ruoko zvenharo chaizvo kwave kuenda neni kusitting room ndokuti "watch this" vakataura vachinongedzera kutv uko ndakaona Kudzie naKupa vachirwa papublic ndakavhunduka ndokuti "ko vaitana sei nhai?" Ndakadaro vachibva vandipa mbama yakaita ndione kuti hazvina kumira mushe "they are fighting because of you vana vangu varikurwira iwe pajekerere pakadai and Kudzie ndiye CEO pacompany yababa vake asi hona zvaitika une chokwadi Maidei ndakakutambira ndiine chinangwa chekukubatsira iwe oparadza mhuri yangu zvakadai? Vana vangu havana kana zuva rimwe zvaro ravakambobvira varwa kubva vachikura asi nhasi vorwira musikana asingagone kuvhara makumbo ake, wave nemazuva mangani uripano iwewe watouraya mhuri yangu kare? Wakatumwa nani pano iwewe?", vakadaro ndokutura befu ini ndaitotadza kuzvibatanidza ini Kupa akandivenga zvekusada kana kuona mumvuri wangu zvachose kudzie ndiye wandinotamba naye ko izvo ndezvipi nhai? "Madam mheno zvavanetsana pachavo ava handisi kuzviziva ini ende handina mukomana ini" ndakadaro ndichizama kuzvinunura "Handisi kuda kutaura mashoko akawanda izvezvi rongedza zvako ubve pano", vakadaro Mai Kudzie ndichibva ndamboda kuvakumbira asi vakati "handidi kupara mhosva ibva zvakanaka and usafe wakadzoka pano zvekare handidi hangu kuona kana mumvuri wako zvachose", vakadaro vachiratidza kuti vaive vashatirwa ndakabuda muye ndokuenda kunogara kucottage ndakati handina kwandiri kuenda ini kusvika vaziva chokwadi chaicho. Ndakazoona Aunt Sophie vauya she packed my things ndokubuda nebag vachibva vadzoka ndokuita kundizvuzvurudza chaiko kundiisa kunze kwegate kwaive nebag rangu. "Usafe wakaratidza chiface chako pano zvachose nekuti unofa nekurohwa vakadaro vachibva vatora fon yavo kwave kundiratidza mapicture angu ndina Kupa pabed tisina kupfeka ndokundiratidza rimwe ndina Kudzie. Ndokubva vati "ndiyo nyaya yawadzingirwa pano iyoyo and ziva kuti vakomana avo varwa varikukuvinga kuzokuuraya chaiko ukasatiza nekukasira", vakadaro ndikanyatsoona kuti nyaya yacho yaitove hombe zvekuti ndakangotora chibag changu ndokumhanya ndakananga kwandaisaziva ini. Ndakamhanya dzamara ndave kunzwa mabayo chaiwo ndokuzozorora ndave chinhambwe hangu ndichibva ndagara kuseri kwevamwe madzimai aive pamusika wavo apa nzara yaive yandibata zvino asi takakura tichirambidzwa kukumbira naGogo saka ndakazvishingisa ndokuramba ndakagara paye ndisingazive kana kwekunanga. kunze kwakadoka ndiri paye anamai vaye vachibva one one. Vamwe vacho ndivo vakandivhunza kuti "mune wamakamirira here ndikangoti ehe vachibva vaenda ini ndokusara ndichinhonga maApple nemaorange zvaive zvaraswa ndikadya", ndakatarisa pandaive ndiri kwave kuenda paive nemuti muhombe soo ndokuona kuti ndogona kutorara ndakazembera muti uye ndozoona zvekuita kwachena kuti ndingaite sei?.... *Auntie Sophie* Ave makore ndirimo muguta handiitiswe nepwere ini ndakaronga zvinhu zvangu zvakanaka kwave kuisira Kupa drug rekuti arare.Ndiye wandakaona ari munhu ari right kushandisa kuti kudzi anyatsosvotwa chaizvo. I followed kudzie achienda kuroom yaMaidei ndikanzwa achiti ave kunomutengera mushonga ndakabva ndatoona uriwo mukana wekuita zvinhu zvangu kwave kupinda team rangu ndokubva vatora Kupa kumuisa imomo pamwe naMaidei kwave kuvabvisa hembe vese ndokuvatora mapictures vasina kupfeka kwave kuudza vanhu vangu zvekuita vachibva vakiya door. Ndakati handisi kuzorara ndoda kuona panodzoka kudzie ndakamira kusvika adzoka ndichibva ndavaudza kuti vapinde muaction and iyewo nenharo akabva anzwa noise yakaita aone sekuti ichokwadi Maidei aive ahura. Ndakanorara hangu ndichiziva kuti basa rapera kwave kuita kuti team rangu ribude risati raonekwa ndakati fight yaKudzie naKupa ndiyo ichaita basa yega. Sekuziva kwangu Mai kudzie havadi nevana vavo vanoda kuti vabatane vagare vachifara so ndakashandisa mukana iwoyo to destroy her achibva adzingwa. Ndakanzwa kufara chose kuti at least ndaive ndamugona muroyi wemwana uyu ndakabva ndatoona zvangu zvakanaka kuti ndichienda kumusha kunotsvaga mwana wangu. Ndakabva ndati kunaMai kudzie regai ndinotora mwana wangu mumbogara naye kusvika ndakwanisawo kuwana mari inoita ndigone kumuchengeta", ndakadaro ndatofunga zano rekuti mwana wangu awane one anomuroora pavana vavo kuti tigone kumuka sezvo ndaive ndakasiiwa ndiri pazero nematsotsi", vakabvumirana neni ndichibva ndatobuda nemota yangu ndakananga kumusha ndaisatoda kana kunorara ndaida kusvika ndichidzoka same day iroro and ndakafara chose kusvika pamba pachiratidza kuti paive pachiri nevanhu. Ndakaburuka ndokubva ivo vabuda panze aive manheru zvawo asi nemwedzi waiveko vakakwanisa kunyatsondiona yangu hanzvadzi kungonditi baa yakabva yatofamba kuenda kuimba yekurara ndikasara ndakati tuzu. "Mazofunga kubudikira after 17 good years?" Vakadaro maiguru vangu ndikanzwa kunyara zvisingaite asi sandizvo zvandaive ndavinga ndakabva ndati "am sorry asi kukuudzai kuti ndakaita tsaona pandakabva kuno paye ndokuita memory lose ndairwara for the past years last month ndipo pandakatanga kuziva zvakaitika so please forgive me", ndakadaro ndichibva ndanyepera kuchema and she believed me nekuti vakabva vandimbundira tight kwave kuti "am so sorry Tete handina kunge ndaziva kuti ndizvo zvamakasangana nazvo mufunge ndaiti zvimwe maramwa mwana zvachose", vakadaro ndikati "am sorry please call her for me I want to see my daughter's face" ndakadaro vachibva vati "Aah Maidei akaenda kubasa musiuno uyu kuHarare", pavakataura zita rekuti maidei hana yangu yakarova zvekunge ichabuda panze. Vanoda promotion yave kuenda kumagumo Garai mabata nzvimbo book risati rakwira Ecocash $1us or 80zig Innbucks $1us Scratchcard $1us buddie S.A inbox 0786677765 L Mtandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reThe forbidden Fruit.

❤️ 🙏 4
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/13/2025, 6:25:22 AM

https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7 https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J Forbidden Fruit 🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎 Romantic Story Written by Author Nyasha 0785651210 Mai Tamia 0786677765 Read🍎like🍎and share🍎 Chapter 11 Kudzie Yes ndaive ndakambosangana nevasikana vakawanda chaizvo asi handina kana umwe zvake wandaive ndakambowana achiri akakwana. Ini kugara kwese uku ndaitofunga kuti zvimwe vasikana hakusisina ini izvo kwaani variko vamwe vakatopikira kufa vari mhandara chokwadi. I enjoyed every single moment yandaive naye Maidei. Ndakanakirwa zvekuti ndakati ma1. Dai ari munhu ari upgraded ndaimutora hangu coz umm she is too much. Ndaitonzwa kuda kumupamha zvekare asi nekuda kwekuti ndaive ndichangobva mukuboora munhi ndakati regai ndiite azorore ndozosimudzira ave mangwana. So kubasa ndakaswera ndichingofunga chinhu chete zvekuti kumba ndakaenda yakamira kare asi chakandishamisa handina kana kumuona achibudikira ndikati zvimwe aive arara. Ndakatandara nevamwe dzamara vese vanorara ndichibva ndasimuka ndakananga kuroom kwamaidei uko ndakasvikoona ari machira chete munhu musina ndakanotarisa kukitchen aive asiko zvekare zvekare ndichibva ndazofunga zvimwe zvinhu zvakandityisa asi kuti adzingwa kani? Ndakazvibvunza ndokuzozviti futi haakana angadzingwe nani? Ndakadaro ndokufunga kunotarisa kuroom kwake kwave kuona zvechokwadi musisina kana chake munoziva ndakanzwa sekunge ndaive ndarasikirwa nechimwe chinhu chakakosha pahupenyu hwangu kunzwa kunge ndadzurwa moyo soo. Ndakatadza kana kufamba one step kubuda muroom make zvekuti ndakayerekana ndagara pabed paairara kwave kutanga kunhuhwidza pillow yaaitsamira. "She is gone'', ndakayerekana ndataura ndega kunge munhu aive akupenga. Ndakati haakana hazviite mheno paari anodzoka muno chete ndomumirira ndakadaro ndichitorara pabed pake asi hope dzakandiba ndiri ipapo ndikazomutswa pakati pehusiku nechando kwave kuona pasina auya apa ndipo pandakabva ndaziva kuti aive aenda zvechokwadi. Ndakabuda muye ndichienda kuroom kwangu apa ndaive ndakurwara chaiko handizivi chii chaive chakuitika pandiri chokwadi ko sei ndisisade kushaya munhu wandaive ndakavenga nhai? Ndakazvibvunza ndega ndichibva ndazvisimbisa ndokuti haa haana basa uyo kwave kunorara asi hope hadzina kuzondibata zvachose dzamara kunze kwatochena ndakasvinura ndakamuka nekugeza kwave kubuda ndichibva ndasangana naMhamha vachiti tea yaive yaita ndikati "ndiri boe" ndakataura ndichitofamba kubuda kana nekudya ndaisada zvachose. Ko vaive vakambomuunzirei pamba vachiziva kuti haana mazuva. Ndakapinda mumota ndokuimutsa ndakananga kubasa after work kana kuenda kumba kwakandirwadza zvisingaite ndakazongozvishingisawo semunhu aive asina zano. Ndakasvikoparker mota mugarage kwave kubva ndaona malights emucottage ari on zvinove zvakandinetsa kuti asi vatounza umwe mushandi kare kani. Ndakati kana zvirizvo ndoda kurara ndamumhanyisa iyeye wacho kuti varongeke next time. Ndakasvika nekuvhura door ndokutambirwa nekamunhuwi kechikafu chainhuwirira kubikwa. Ndakafamba ndakananga kukitchen uko ndakasvikoona Maidei achiimba hake achitamba zviye zvekuzunza magaro. Moziva ndakanzwa mumwe mufaro wandisingagone kutsanangura nanhasi. Akazovhunduka ndamumbundira tight kubva nekumashure. "Ndaiti wakanditiza kaini", ndakadaro achibva ati "Aah kuti ndakavinga iwe here?" Akadaro mwana wevanhu ndokubva azoti "ndisiye apa uda kundirwadzisa futi zvawakaita paye?" Akadaro ndikati "Trust me this time hazvicharwadze kunaka chete chete", ndakadaro ndichibva ndaenda pane zvaaibika aive atopedza zvake ave kupakura. "Ndine nzara' ndakadaro achibva anditarisa ndokuti "hauchasema manje?" Akabvunza ndichibva ndati "kusemei nhasi dakutodya iro?" Ndakadaro ndichirumirira muromo wepasi asi iye ndakaona haana kuibata nyaya yacho. Akandipakurira ndichibva ndadya and chikafu chainaka ichocho chaive chabikwa zviri natural musina mazispices. Ndakadya nemoyo wese iye achidyawo kunge munhu anga akufa zvake. "So wakadii kundiudzawo kuti wakugara kuno?' Ndakabvunza achibva ati "iih ndanga ndichambowana mukana wacho here wekukuoneka ini ndaive ndafara kudai kugara ndega pasina anondituka ufunge kana kundishora", akadaro ndikanzwa kunyara zvese nekubatikana nekuti neniwo ndaive one of them vaimushora ndakabva ndafunga kumutengera hembe dzaanokwana pamwe nekumurukisa musoro iwoyo. Handizivi kuti rwave rudo here kana kuti chii asi ndakangoona zvakanaka kuti ndimuvandudze pane zvaaive ari mwana uyu. Ndakabva ndamuti "tomorrow I will take you out for shopping", ndakadaro achibva ati "handinzwe chirungu ini usazvinetse hako nekundituka", akadaro ndikatomboseka zvimwe zvacho zvaanoita Maidei zviri funny soo and ini ndaive ndave kutojaira kahunhu kake ikako. Ndakasimuka ndichienda pasink paaive amira achisuka maplates ndokubva ndaisa maoko angu around her waist achibva avhunduka ndokuti "watanga",akadaro ndichibva ndati "kwadoka kaa handei ndokudhonza tunhu twuye ndisati ndanorara" ndakadaro achibva ati "asi hauzondirwadzise kunge zvawakaita musi uye handiti kaa, perera kuita zviye zvinonakidza chete zvawakatanga kuita paye zvekudhonza dhonza zviye", akadaro ndichibva ndafunga kumugadzirira size chaiyo yekuti achazokaruka yavemo mukati. Ndakamusimudza ndokumutakura kuenda naye kubedroom kwave kusvikomuisa pabed. Chinhu chekutanga chandakaita kumubvisa hembe dzese and aisatombonyara zvake zvinove zvakandiratidza kiti aitive innocent haana kana chaainzwisisa kana kuziva kuti arikuitei zvake aitoona sekunge tiri kuita mutambo wevana vadiki hake. Ndakabvisa dzangu tichibva tasara tave musvo tese ndakakwira pamusoro pake ndokutanga kumukisa pamuromo achaipo uku maoko angu akabatirira musoro iwoyo ndakadzika ndokuisa musoro wangu nechemuhuro kwave kutanga kumukisa muhuro ndichiita sendinorumirira huro iyoyo at the same time ndichimufemera ndikaona ati zii achinzwika kufemera padenga chete ndikaziva kuti pane zvaive zvoda kubatira apa. Ndakabva muhuro ndokudzoka kusvika pamazamhu aive akamira kuti twii zamhu raive rakaoma zvekuratidza kuti harina kana kubvira rakakanywa kanywa zvatinoona zvakaita evamwe vanasikana vanozviti mhandara vacho. Ndakaisa kanipple kaye mukanwa ndokutanga kuyamwa ndichimboita sendinokarumirira nekufuridzira soo uku rimwe racho richitambisa imwe nyatso. Ndaiita kumachinjanisa ndikaona munhu ave kuzvonyongoka soo ndikaziva muviri uye waive wakumutuma kuita zvihombe zvacho ndakabva ndati not so fast kwave kubva ndadzikisa wangu musoro ndokusvikoumisa pamuromo waro chaipo ipapo kwave kutanga kunanzva beans nerurimi rwangu uku ndichiisa kapressure zvishoma ndakadzika pazasi ndokurumirira tunhu twaidhonza twuye ndokunzwa "Aah ooh ahaa" ndakabva ndaziva mwana aive onzwa kwazviri kuenda nako. Ndakasimuka ndokumitarisa ndikaona akavhara maziso ndakabva ndatora mukana iwoyo kuipinza zvinyoro nyoro ndikaona achivhura maziso ndakabva ndamuvhara muromo nekiss uku ndichiita kamovement kangu slowly ndikaona achivhara maziso achivhura muromo zviye zviye zvinoita munhu anakirwa kusvika kugotsi chaiko. Ndakaita nguva ndichiita zvishoma zvishoma ndokuzopicker mushure mekunge iye atu*** kwave kuisa pressure ndokupedzawo kwave kuzvikanda paside pake. "Zvanga zviri sei?" Ndakabvunza achibva ati "umm zvinhu zvinonaka izvi Gogo vangu vane hutsinye chokwadi vainditi hapabatwe nevarume vaida kuti ndisanakirwewo", akadaro ndichibva ndatoona kuti mwana uyu ndikasamuudza chokwadi achange ave kuzviita pese pese. Ndakamuka paye ndokubva ndamutarisa ndichibva ndati "Gogo vako vaive right hapabatwe zvechokwadi murume wako chete ndiye anofanira kuziva panhu ipapa", ndakadaro achibva ati "saka iwe uri chii?" "Ndini murume wako kubva nhasi chese chaunenge uchida unondiudza ndokupa but ngazvive pakati pedu tiri two chete", ndakadaro achibva adaira nemusoro tichibva tanogeza kwave kumbochitinha futi imomo ndokuzobuda torara. Ndakamuka early morning chaiyo ndokubva ndaenda kuroom kwangu. Kwave kuzobuda ndoenda kubasa. Nguva dzandakaona Mom vave kubasa ndakabva ndadzokera kumba kwave kutora Maidei ndokuenda kunorukwa pamwe nekumutengera hembe. Hama dzangu pasi pano hapana munhu akashata kana ane huyanga mupe zvikwanisiro uone hako. Aive aitwa make up mwana wevanhu achibva abuda runako rwese and aive akanaka kupfuura vose vasikana vemuguta vatinoti vakanaka ava. Ndakabva ndatoona kuti apa ndaive ndahwinha apa chaari kuda kuvandudzwa chete pamwe nekudzidza kuti ave weclass yangu. Ndakaenda naye kumba ndokumusiya ndichibva ndadzokera hangu kubasa............. Aunt Sophie Mwana uyu anozviti Maidei aida kuzviona kunge akanyanya chaizvo. Ini ndirikuti ndahwinha vakabva vatomubvisa pedyo neni ndokumuisa kucottage kuti afurwe nemhepo and inini vakabva vandiisa mukitchen forgetting kuti ndaitovewo nekumba kwangu. Ndakati hapana chakaipa ndoda kusiya ndamuisa panzvimbo yake chaipo pakakodzera. Ndakabva ndafunga kumuendera manheru kuroom kwake kuti ndimudzinge chaiko kwave kuona Kudzi ariko vachitofadzana zvavo. Ndakamboda kunomutsa Mai vacho ndikazofunga kuti ndonzi wavaona uchiitei ikoko so ndakabva ndasiya zvakanaka ndipo pandiri kuona zuva rinotevera vachiuya vakadungamidzana uku vakachenesana ndichimuona ndakabva ndatoona kuti apa zvaendwa apa Kudzie haachatomusiye mwana uyu kwete coz aive akanaka. Kudzie akamusiya ndokuenda iye wacho achibva apinda mumba make. Ndakaendako ndokuwana munhua chirutsa zvinove zvakaita hana yangu irove worse. Kurutsa imimba kaiyi? Kureva ndini ndaruza here nekuti kudzi achabva amuroora ndakatarisa otove Mai veimba noo ndakabva ndafunga zano rekuvaparadzanisa zvachose and ndoda kuvaparadzanisa nenzira inorwadza zvekuti kana mimba ikabuda hapana anoibvuma. Ndakabva ndatobuda pamba kuenda kunoronga zvinhu zvangu ............ Let's start to subscribe tigare taiswa kuSub to avoid pressure uye tibate promo ichiripo 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 *Ecocash* $1us or 80zig *Innbucks* $1us *Scratchcard* $1us buddie *S.A inbox 0786677765 L Mutandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reTHE FORBIDDEN FRUIT. NOTICE🌹🌹🌹kana mafree chapters apera book rinenge rakwira price to $2 so Garai mabata yenyu nzvimbo nedollar chete. End of chapter

❤️ 👍 😂 🙏 5
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/14/2025, 6:16:48 AM

https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7 https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J The Forbidden fruit 🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎 Romantic Story Written by Author Nyasha 0785651210 Mai Tamia 0786677765 Chapter 14 Aunt Sophie Ndakamboti pamwe ndaive ndakanganisa kunzwa zvakanaka kwave kuti. "Mati mwana wangu makazomupa zita rekuti ani?" Vakaseka zvavo ndokuti "rechirungu ramakasiya pakapaper takaritadza isu ndokubva tangomuti Maidei.akura zvisingaite saka takati ambonoshandawo muguta achinje hupenyu hwake. Munoziva ndakanzwa kutsva zvekuti ndakatombotadza kana kudaira ndakasimuka ndokubuda panze ndichizvipumha puma. Ndakatarisa mudenga ndokuti mwari itai kuti zvisave izvo please zvandiri kufunga coz I will not forgive myself. Ndakadzokera mumba ndichibva ndati "taurai naMukoma muvaudze kuti ndaive ndakaita tsaona haisi mhosva yangu", ndakadaro vachibva vabuda zvavo vakadzoka pasina nguva ndokuti "zvanzi haisi mhosva yako kutiza rusvava here?" Vakandidzorera nemubvunzo wakandiomera ndaive ndatiza mwana mudiki diki asina kana chaanoziva zvake kana kuona kana kunzwa aive asati oanguva yandakamusiya. "Uyo Maidei uyo", vakadaro vachinditambidza fon yavo ndikanzwa ruoko rwangu rwuchidzedzera kuitambira . Ndakazvishingisa kutambira asi ndakaramba ndakavhara maziso ndichitya kutarisa mufananidzo uye. Kwave kuti mwari ndibatsirei. Ndakadaro paye ndichivhura maziso kwave kusangana nezvandaitya chaizvo. Maidei the same girl wandaive ndaitira hutsinye. The same girl aive azviwanira mudiwa wake ndikamuparadza. Kufunga kuti ndini ndatosiya ndamudzinga pamba kwakaita kuti muviri wangu upere simba. Zvino aripi izvezvi? Ndakafunga izvi ndichibva ndati "ane imwe hama yaanoziva here kuHarare?" Ndakabvunza ndichida kuwana clue yekunomutsvaga vachibva vati "yaanozivira kupi and ndakamukomekedza kugara pamba paari kushanda nekuti Maidei haana kuenda kuchikoro haana kana chaanogona kuverenga, asi aiwa Mai vakamutora ndakanzwa kuti vane moyo wakanaka chose", vakadaro ndichibva ndatooneka ndokuvapa fon number dzangu ndikatora dzavo ndokuti "kana adzoka please call me", vakambomba kuti rarai hee Mirai muende madya asi umm zvese izvozvo zvaisaita. I must find my daughter nekukasira. Ndakapinda mumota ndokuimutsa kunge ndaive ndasvikirwa, ko sei zvinhu zvakada kudaro nhai? Ndakangovenga mwana wangu for no reason. Chokwadi ipapa ndakabva ndadzidza kuti shoko riye remubible rinorevei. Ida umwe wako sekuda kwaunozviita nhai. Ini ndaive ndavenga munhu ndichiti mhenowo umwe munhu apo ariye mwana wangu. Ndaive ndakamusiya kumusha asi mwari vaive vamuunza kwandiri panzvimbo yekumupa rudo ndikabva ndaita kumuparadza chaiko. Ko kana aine nhumbu chokwadi nhai? Who will believe her? Achazvibvuma here kudzie kuti nhumbu ndeyake or mwana wangu ave kutofamba nemandakafamba namo. Moziva kusaita tsaona inyasha dzamwari. Nekuti nzira yese misodzi yaingobuda ndichifunga zvandaive ndazviitira. Mwari vaive vandituka kusvika kumagumo chaiko. Ndakagara ndave a bad mother and now zvabva zvazadziswa kuratidza mwana wangu huipi hwangu chaiho. Ndakadriver mota zvekupenga dzamara ndasvika Harare asi hondo yakavepo pakuti ndopinda ndichiti kudii kunaMai kudzie kuti ndivaudze chokwadi hazviite zvachose nekuti she will hurt me nekukonzeresa kurwa kwevana vavo kuti ndisataure zvekare ndinoti kudii? Ndakafunga zvese izvi ndiri kunze kwegate kwave kuzofunga kuti Maidei anga adzingwa kare kureva haasisipo pamba apa chandave kufanira kuita apa kumutsvaga nekukasira. Maive mati zii musisina kana benzi raifamba zvaro zvekuti kana pekutangira ndakapashaya. Ndakabva ndafunga kuenda kumba kwangu kunorara sezvo panga patove pakati pehusiku ndoona zvekuita kwachena ndinomuwana chete nekuti hakuna kure kwaaenda and direction yaakaenda nayo ndirikuoziva so kwekutangira kutsvaga ndinako. .......... Kupa Ndakatadza kuziva kuti zvakafamba sei chaizvo kuti ndizomuka ndiri pasame Bed naMaidei tisina kupfeka. Ndakatora hembe dzangu dzaive pasi ndokupfeka nekukasira I tried to wake her up asi haana kumuka zvachose zvinove zvakandipa mubvunzo. Ko ndaive ndauya sei kucottage nhai coz ndichirangarira ndakaguma kudya ndiri mumba mangu ndimo mandaive ndarara. Ndiani angade kutamba neni zvakadaro. Ndakambofunga kuti ndiye Maidei asi umm nekudzungaira kwake handifunge kana aine ruzivo nezvemadrugs and again marariro aanga akaita ndeemunhu aisirwawo drug zvekare. Zvakandinetsa zvisingaite apa Kudzie akandipna ndichibudamo akabva aita kunge asvikirwa ndikazvishaya. Akabuda kudzie ini ndichibva ndazofunga kubudawo kuenda kubasa sezvo ndaive nepaper work yaida kuitwa. Ndakageza ndokubuda asi ndainzwa kuti muviri wangu uri weak zvisingaite. Ndakabva ndapfuura nemutown ndichitenga lemonade kwave kuzodya something ndikanzwa zviri nani ndokuenda kubasa uko ndakasvika Kudzie ave kutobuda. Ndakamumhoresa akaramba akati zii uku chiso chake chichiratidza kutsamwa zvinove zvakandinetsa ndichibva ndati "ichiri nyaya yekurara nebenzi riye here yamakatsamwira mukoma or pane zvimwe?" Ndakabvunza ndichiseka hangu achibva andibata collar zvine simba ndokuti "you slept with her and you still have the guts to call her a mad woman?" Akadaro ndichibva ndati "handina kurara naro benzi riye Bro trust me", ndakadaro nguva iyoyo fon yake yakabva yapinda message akandisiya ndokutarisa fon yake ndikaona achishama muromo akasimudza fon yake kwave kundiratidza pic randaive ndatorwa ndiri pamusoro paMaidei uku tisina kupfeka. Moziva hana yangu yakarova zvisingaite coz sekuziva kwangu handina kurara naMaidei ini. Asikuti zvaitika ndakadhakwa here? Ndakazvibvunza ndega ndave kushaya zvekutaura nekuti evidence yandaive ndaratidzwa yaive yakaoma kuiramba nekuti she was holding me. "Uchiri kuzviramba here?" Akabvunza kudzi ndichibva ndati "I think she drugged me " ndakadaro ndichibva ndapihwa imwe mbama yakaita ndinzwe kadzungu zvishoma pamwe nekutsamwa zvekare kwave kuti "iwe nyangwe kana ndakarara naye ane basa reiko mukadzi wemunhu here uyu" ndisati ndapedza kutaura ndaive ndapihwa imwe bhutsu ndichiwira pasi ndipo pandakaona kuti paive pashata apa ndichibva ndatanga kumudzosera munongoziva hupenyu hwemudhorobha munguva diki paive pazara vanhu. Vamwe ndivo vakazobata asi ndainzwa hasha dzisingaite. "Ko Kudzie atsamwa chii zvekusvika pakundirova papublic kudaro", ndakadaro kufamba kubva paye asi mapurisa akabva asvika ndokubva tatorwa tese kuenda kupolice uko ndakasvikonzwa mashura Kudzie achiti ndaive ndavata nemusikana wake. Munoziva dzimwe nguva unombofunga kuti uri kutadza kunzwa here or zvimwe zvinhu ndakatomboseka chaiko Kudzie achitaura kudaro asi nekuzoona ari serious ndakaona achiratidza kurevesa chaiko. As brothers takabvisiswa mari shoma ndokubva tasiiwa ini ndakabuda muye ndakananga kumba nekuti ndine zvandaida kunzwisisa from Maidei and she was already gone. Uku mhamha vaiita kupopota kwete zvekutamba kuti chokwadi two brothers kuchinjana musikana one pedzezvo morwira hure. Mashoko iwayo akandibata zvisingaite nekuti handina kubvira ndakada Maidei kana kufunga kurara naye even one day zvaro. Munhu akaita izvozvo anofanira kuripa mhosva dzake kana akave iye Maidei anondiona handimusiye zvachose. Ndakabva ndafunga kuti pamba pedu pane cctv camera inoona zvese. Handina kuda kutambisa nguva ndakabva ndamhanya mustudy room munove ndimo maive nelaptop yacho iri connected to our cameras........ book redu rave kuwanikwa neatenga chete. Ecocash $1us or 80zig Innbucks $1us Scratchcard $1us buddie S.A inbox for payment plan 0786677765 L Mtandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reThe forbidden Fruit

❤️ 👍 🙏 😢 😮 12
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/18/2025, 5:51:47 AM

: https://chat.whatsapp.com/BFFOi1PPmXUENbF6OAqhOs *Undesirable fate* 🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼🌼 Story written by Mai Tamia.....🌼 0786677765 Read📚react❤️and share🙏 Chapter 0ne Ndakatarisa zvekare bhutsu yaaive akapfeka ndokubva ndaita kuoma mbabvu nekuseka. Ndakaseka zvekubuda misodzi chaizvo ndakazonyara mushure mekuona kuti class yese yaive yakatarisa kwandiri including Sir Peter , kana nenguva dzavaive vapinda handina kuzviona zvachose ndiri busy kuseka bhutsu yaive yakapfekwa naAlisha umwe musikana aigara pamberi pangu. "Urikusekei?", vakabvunza Sir ndichibva ndati "am sorry Sir" kwanga kwave kutya kurohwa chaiko nekuti shamhu ndiyo yandakakura ndisingazive zvachose, and again kuzivikanwa kuti ndaiseka umwe mwana nekuda kwekutambura zvairovesa kana kutodzingisa chikoro chaiko nekuti zvinonzi zvakamboitika vana vakaseka umwe mwana akapfeka skin tight yakabvaruka akazviuyara, so ndizvo zvataigara tichiparidzirwa kuti tisaite kuti vamwe vana vabatikane zvachose. Vakanditarisa ndokubva vatanga havo kuita zvebasa ravo dzamara vabuda, vachingobuda chete ndakabva ndasimuka ndokuenda paive naAlisha ndichibva ndati "nhasi tine announcement guys", ndakadaro ndichibva ndaseka ndakabata muromo kwave kuzoti "mamboona shato yapinda muno here guys", ndakadaro ndokuseka zvekare vanhu vese ndokusimuka kuuya paive naAlisha vamwe ndokutanga kuseka,vamwe vakaratidza kubatikana nazvo, aive akapfeka bhutsu ine ruvara rweshato apa yakatsemuka padivi, ndakatarisa pasi payo ndokuona kuti raitove tire remota chairo zvakandipa kuwedzera kuseka ndichigara pasi chaipo. Ndokuwedzera kuseka zvekunge ndichaita mabayo. "Nhai Taona urikusekei, chashamisa chii ipapo nhai?", akabvunza umwe musikana anonzi Mavis ndichibva ndatadza kumudaira ndichinongedzera bhutsu iye. "Iwe hazvisekananwe izvi vakataura vakati mhanza haisekwe hakuna akambo Applier kuti iuye, uye vakuru voti ushe madzoro hunoravanwa, haufe wakaziva kuti mangwana chaiwo unomuka uripapi nehupenyu nedzimwe nguva kutozonyururwa mumadhaka naiyeyi wauri kuseka uyu", akadaro Mavis ndikaita kugara pasi chaipo nekuseka, ndakabva ndaburitsa fon yangu ndokutora bhutsu iye picture vamwe ndokutanga kuseka, iye Alisha aive achingoyeredza misodzi akagara zvake ndikati "chiri kuchemedza ipapa chii kupusa ikoko ungabvume kubuda mumba wakapfeka kunge benzi kudai", ndakadaro Mavis achibva ati "ko kana kusina orega here kuenda kuchikoro nekuti haana" akadaro ndichibva ndaseka hangu ndichisimuka kwave kuburitsa 200us ndokupukutisa skirt yangu yaive yasviba nekugara pasi kwave kunoisa pamberi paAlisha mari yacho "zvitengere bhutsu neuniform zvirinani" ndakamudaro ndikaona class yese ichiratidza kushamisika neamount yandaive ndasiya patable ko imbori mari here iyoyo kana tave kutarisa mari inababa vangu ndidzo dzatinoti change kaidzodzo. Ndakabva ndatobereka bag rangu kwave kufamba ndichienda kumota kwangu ndanga ndatofunga kuenda kumba ini coz ndaive ndaneta nekuseka. "Wave kutiza malessons?" Ndakacheuka ndokuona vari Sir Peter vaive vapindawo mucar park vakananga pakahonda kavo. "I'm going for breakfast " ndakadaro vachibva varamba vakanditarisa ndakaridza tsamwa kwave kupinda mumota yangu ndokuimutsa ndakananga kumba uko ndakasvika mhamha vagere panze nemadzimai ekuchurch kwavo I guess vaiita zveruwadzano. Ndakaomesa gotsi hangu kunge ndisiri kuvaona ndokufamba ndichienda mumba ndikanzwa mhamha voti "iwe Taona hausi kuona vanhu here?" Ndakacheuka ndokuti "ndiri kumhanyira kudzokera kuchikoro ndakanganwa something, ndakataura ndichitopinda mumba umo ndakasvikochinja hangu hembe ndokuzvikanda pabed kurara. Chii nhai chandingazvinetsere kuswera kuchikoro daily sezvinonzi ndine chandinoshaya kuchikoro ipart time kwandiri. "Taona unoziva here kuti mukana wauri kutambisa uyu uchauchema mangwana, chikoro chakakosha isu tese vauri kuona nhasi tiripanp takatopfuura neko kuchikoro" vakadaro mhamha vachipinda padoor pangu ndikatoziva kuti vaive vatanga zvekare. Instead yekuvadaira ndakabva ndatopfeka mapush ndokunhonga macar keys angu nekubuda ndakananga kuoffice kwaDad chinhu one chinondibhowa panamhamha munhu anoda kuparidza paridza zvakanyanya soo vanozviita sekunge vanoziva zvese maererano nehupenyu yet havana kana chavanoziva zvavo. Buy the way zita ndinoitwa Taona Meda ndakaberekwa ndingori one mumba mamai nababa vangu, and hatina chatinoshaiwa my father is a well known business man nekuti vane mabusiness akasiyana siyana the whole world zvekuti ndega ndinoona ndisina kana ndichizoshota chii zvacho muhupenyu.Kuchikoro ndinoendawo kunodzidza kuverenga nekunyora zvinove zvandave kugona now ndave form 3 hangu. Back to my story Ndakasvika pabasa paDad mota yavo iripo ndakafara chose nekuti ndakaziva ndinovaona varipo ndakabva ndangomhanya kupinda muElevator ndakananga kuoffice kwavo on my way there ndakabva ndaita mahwekwe naManager waMudhara wangu vanove baba vemukomana wandinodanana naye Ryan. Mongozivawo zvinoitika kuti ukasangana nevabereki vemukomana unongonzwa kakunyara nyara soo, worse uchiziva kuti vari kuziva zviri kuitika pakati penyu. Ndakazvishingisa ndokuvamhoresa vachibva vati "Ryan aenda kumba nhasi haana kushanda anga asiri kunzwa zvakanaka" ndakangoseka Seka ndokuti "ndauya kuzoona Dad ini" vakati Ooh ndokuzoti vaive muOffice yavo. Ndakafamba kunopinda muye ndikaona muine umwe mukadzi aive akagara pachair achiratidza kutsamwa zvisingaite, achinditarisa akabva afinyamisa chiso achindipima nemaziso kwave kusimuka ndokuita zvekunge arikubvuta handbag rake raaive aisa patable yaDad ndokuti "My god will surely fight for me one day Isaac Meda mark my words" akadaro ndokuridza gogo achifambisa kubuda ndikasara ndichingotarisa, ndakadzosa maziso ndokutarisa baba vangu ndichibva ndati "Who is she?" I asked him vachibva vati "never mind her she is nobody" vakadaro trying to cover up ndichibva ndati "kwete kaa, she called you by your name and not just calling you but she Cursed you father. Tell me the truth?", ndakadaro vachibva vati "that woman worked here for so many years before you where born infact I started this company with her but something happened and she left I never saw her for so many years till today she came up claiming to have 50% share of the company yet am the owner and zvese zviri pano ndakazvishanda asipo, kukura kwakazoita this Firm aive asisipo zvachose, so ndaramba kuita zvaataura that's why she Cursed me, trust me my daughter haana basa uyo", vakadaro mudhara asi ndichivatarisa ndakanyatsoona kuti vaive vasisina kugadzikana zvachose uku vaidikitira, vakasunungura tie ndokuibvisa kwave kuisa zvekare bhatye uko. Ndakaenda pafridge ndokutora mvura kwave kuisa muglass ndokuvapa. "You said you started this together?", ndakabvunza vachibva vati "she was my personal assistant ari zvekare secretary zvese naManager but mari yaive yangu", vakadaro ndikati "nxcaaa saka anopenga zvee ko kana aida kudya pano akazosiirei basa racho, munhi akadai akadhakwa uyo Garai matoita order kuti asasvike pano zvachose or kumutorera peace order" Ndakadaro ndatoona kuti vainetseka nezvinhu zvisina kana zvachose havo. "Ko sei usiri kuchikoro?", vakadaro vachitarisa watch yavo. Ndichibva ndaseka hangu "ndanga ndakusuwai" Vakanyemwerera zvavo ndokubva vati "be serious nechikoro asikana coz your life depends on it", vakadaro ndikaseka hangu ndokuti "ndave kugona kusolver simultaneous equation 😂😂😂😂 ndakadaro ndokubva vaseka zvavo ndokuti "ndidzo maths dzakapusa manje dziye chinongodiwa kubata formula chete" Vakaseka zvavo ndikaziva kuti he was trying to mock me. Vakazonyarara zvavo ndokuti "ndine meeting irikutanga just after 20minutes so ndokuona kumba", vakadaro ndichibva ndavambundira kwave kubuda, ndisati ndapinda mulift ndakabva ndafunga kuti ndaive ndisina kukumbira mari, chinhu one chavaisaita mudhara kundisira mari muAccount kwete ndaipihwa yandiri kuda kushandisa ipapo, so apa ndanga ndisisina pocket money. Ndakabva ndafamba kudzoka kuoffice kwave ndikaona vaita kubvisa mabutton ese ehembe vachizvifaner. "Are you okay?" Ndakabvunza vachibva vaita kuvhunduka vanga vasina kutomboona kuti ndaive ndadzoka. "I'm fine don't worry" vakadaro ndichibva ndati "you are sweating", ndakadaro ndokubva vati "yaa ndiri kutsva" Ndakabva ndafamba kuenda kunoita on fan ndokuvatarisa ndichibva ndati "instead yekubvisa hembe matadza kuita on fan" Vakabva vaseka zvavo ndokuti "Aah zvakawanda zviri mupfungwa zvandiri kufanira kuita nezvebasa so hazvina kana kutombouya mupfungwa dzangu, do you want some money?", vakadaro ndichibva ndadaira nemusoro, ivo vega vanga vatoziva zvandaive ndadzokera. Vakabva vavhura safe yavo kwave kundipa mari, ndakavatenda ndokubva ndabuda hangu ndiine mufaro. Ndabuda ndakatanga kufunga kuti ndoenda kupi ndipo pandakabva ndafunga kuti Ryan aive ambondikumbira mari yekugadzirisa mota yake achiti anodzosa month end atambira. Ndakabva ndatodriver ndakananga kumba kwavo uko ndakasvika gate rakatokiiwa chaiko. Ndakamufonera ndichibvunza kuti aripi achibva ati "arikumba, ndakabva ndamuudza kuti ndaive pagate ndokubva aseka hake achiti "sorry I lied to you ndabuda kumbonotsvaga mari yandanga ndichida. Ndakabva ndamuudza kuti ndaive ndauya nayo achibva ati "kune cousin yangu iriko kumba ikoko rega ndimufonere umusiire ini ndabuda namhamha" akadaro ndikati okay ita fast. Ndakadaro ndokuverenga 2000us pamari yandaive ndapihwa iye pasina nguva pamwe kamusikana kaive Kari half naked kakabva kavhura gate uku kaitsenga bubble gum. Ndakakatambidza mari kachibva katotendeuka kudzokera mukati kasina kana kutaura neni zvako ndakaridza tsamwa ndokubva ndafonera iye Ryan wacho ndichiti "watadza kuudza hama yako kuti ndini ani here?" Akaseka ndokuti "hanzii nhai?" "She didn't greet me" ndakadaro achibva ati "Ooh sorry about that, did you greet her?", akadaro achibvunza inini ndikati "Ooh I see ,so am the one who should greet her right?", ndakadaro achibva ati "noo just wanted to know ndati pamwe wamumhoresa akaramba akanyarara. "Handina kumumhoresa ini,let me go", ndakadaro achibva ati "Are you not supposed to be in school right now?", akadaro ndichibva ndatokata fon ave munhi wechi3 manje kundiudza zvekuti ndaifanira kunge ndiri kuchikoro . Ivo kufunga kwavo vanofunga kuti handizvizive here kuti kune chikoro nhai nxcaa....... Malikes, malikes ngaauye guys ndiko machapters awande. End of chapte

👍 ❤️ 🙏 6
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/17/2025, 10:38:44 AM

https://www.facebook.com/share/15d4XoGcMH/ Click and follow my FB page🙏 don't forget to like , comment and share our links and post mastars zvekare ngaanaye ipapo

❤️ 1
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/13/2025, 6:28:09 AM

https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7 https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J Forbidden Fruit 🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎 Romantic Story Written by Author Nyasha 0785651210 Mai Tamia 0786677765 Read🍎like🍎and share🍎 Chapter 12 Kudzie Ndakadzoka kubasa ndokubva ndafunga kuona Maidei. Ndanga ndatove addicted to her sekutamba sekuseka mufunge ndichisvika pamba ndiye munhu wandaingonzwa kuda kutanga kuona. Ndakafamba two steps ndakananga kucottage ndokuzofunga kuti ko kana pane arikundiona mumba . So ndakabva ndambopinda mumba first greeting my Mom. Kwave kunogeza ndichibva ndachinja hangu, Ndakaenda kukitchen ndokutsvaga chekudya ndapedza ndakabva ndafunga kubuda kuti ndinoona munhu wandaive ndasiya masikati. Kwandiri ndaitonzwa sekunge ndine time ndisina kumuona mheno sei zvaive zvandidaro soo. Nguva iyoyo fon yangu yakaringer and it was my girlfriend ndakabva ndafunga kuti ndaive ndaive ndamboona mamissed calls ake kuseni handina kufona. Ndakabva ndangomusira message kuti "very busy will call you later' ndakangotaura kuti asandinetse nekuti ndaitoda kubuda kunoona Maidei. hondo yakazovepo pakuti ndobuda sei manje nekuti ndaisada zvachose kuti pawane anondiona ndichienda kucottage. Ndakazofunga zano kwave kukiya room yangu ndichibva ndabuda neback door ndokuenda kuye ndikawana Maidei akarara hake uku musoro uye waive ungori papillow usina kana kusungwa zvawo aah zvakaoma kumwe kusaziva ma1 make up iye zvayaive yave zvimwe zvinhu kusatoziva kuti unogezawo usati warara. Ndakamumutsa achibva amuka hake apa maziso aive akatsvuka. "Kwakanaka here?" Ndakabvunza achibva ati "yaa handisi kunzwa zvakanaka kubva pandarutsa masikati ndirikunzwa kupera simba", akadaro hana yangu ikarova mwana uyu kubva day one randarara naye handina kushandisa protection zvachose and ndaitodira mukati zvangu ndakazorora. What if kana iri nhumbu nhai? Asi haakana hazviite haingamboiti nhumbu kwete even kana ikave iyo will abort it, ndingazvitaure ndichitii kunamai vangu nhai nemamiriro ezvinhu iwaya . Ndakazvifunga ndega ndichibva ndamuti "okay rarara rega ndikutsvagire mapain killers ", ndakabva ndatonopinda mumota kwave kubuda kuenda kutown. Ndakanotenga pregnant test first ndokubva ndazotenga chikafu chekuti adye kusanganisira ice cream iyo ndaiziva nyangwe akadya haamborutse nayo. From there ndakabva ndambotenderera delaying time kuti vanhu vekumba varare coz ndaisada kurisker zvachose. And again mudhara vaive vakandisiira basa so ndaisada kuti vadzoke vachinzwa anything bad about me. Pfungwa dzangu dzaiita kupishana nenyaya yekuti ndodii kana iri nhumbu imwe pfungwa yaiti unoibvisa asi ndakabva ndafunga kuti ko kana ariye ega mwana wandakapihwa namwari nhai zvinozodii? Ko kana mwana wevanhu akafa during the process? And again kubvisa nhumbu ndinenge ndatouraya kaa", ndakafunga zvese izvi dzamara ndaona zvakanaka kuti kana iri nhumbu ndongomuchengeta nemwana wangu secretly pasina anenge achiziva zviri kuitika. Ndanyatsoona iri good idea iyoyo than kuita hutsinye. Ndakafunga izvozvo ndave kunze kwegate ndichibva ndazopinda hangu ndikawana door repacottage rakakiiwa ndakazama kuvhura asi harina kuita zvekuti ndakabva ndatopusa chaiko. Ndakaknocker asi hapana akadaira zvachose. Ko Maidei akatanga rinhi kukiya door? Worse achiziva kuti ndirikudzoka kudai. Ndakabva ndafunga kuti asi aenda kumain house kani? Ndakafunga kudaro ndiri pakati pekufunga ndakabva ndaona Aunt Sophie vachibva kuseri kwemba vakabva vati "yohwe mukoma nemunin'ina muri paQue yekupinda mucottage?" Vakadaro vachiseka ndichibva ndavhunduka ndokuti "matii?" Ndakabvunza vachibva vati "kupa ndamuona achipinda naMaidei imomo handifunge kana atobuda nekuti havana nguva vapinda vakabatana maoko," vakadaro hana yangu ikarova chingave chokwadi here chavari kutaura? Kupa my brother? Ndakazvibvunza ndega ivo vachibva vafamba kuuya pandaive ndiri ndokuti "musikana anonzi Maidei haana kupusa sekufunga kwenyu she is using the two of you kuti awane zvaari kuda kubva kwamuri that girl is not an ordinary person as you think akatouya pano for a mission, so don't get attached to her", vakadaro ndokufamba vachipinda mumba ini sarei ndakati tuzu kunge mudziyo ndichizama kufunga kana vaive vataura chokwadi. Ndakati kana handisi kuzonopinda mumba ndisina kubata chokwadi chezvataurwa izvi kwave kubva ndagara pamusuwo paye ndakagara kusvika ndaneta chaiko apa chando chaive chakundibata asi ndakati handisi kuzobvapo hangu. Ndakafunga zano ndokutenderera kuseri sezvo bedroom rake raive newindow kuseri. Ndakasvika paye ndokunzwa muchiitwa noise yakandivhundutsa mhere yebonde yaibuda imomo yakaita ndinzwe makumbo ese kupera simba kubva zuva randarara naye Maidei haana kubvira akachemerera zvekusvika apa. Ndakamboda kungobvapo asi ndakati kana ndokusheedzera "Kudzie?" Ndakasheedzera ndokubva ndanzi "iwe pfutseki mhani ibvapo why are you disturbing us?" Moziva kana kuti ndidaire ndakatadza zvachose pahuro pangu pakaita sekunge pane chinhu chaive chakandigara. Ndakabva kuye ndichinanaira uku zvinhu zvandaive ndatenga ndakanoisa mumota kwave kuimutsa ndakananga out kana nekwandaienda handizivi zvachose. Girls are the same chokwadi Maidei ndaifunga kuti ari different nekumuona akazara izvo kwaani kwaitove kushaya anomutanga hako. Ndakadriver mota ndakananga kubasa kwangu kwave kuzogara mucar park ndichichema chaiko kunge ndaive ndafirwa. I felt betrayed kunzwa sekunge ndaive ndatorerwa zvese zvangu mufunge kurwadza kwazvo worse it was Kupa my brother, my one and only brother ndiye aive agona kundirwadzisa zvakadaro. Ndakanyatsoona kuti ndaive ndakapusa ndini kubvuma kupusiswa nethis cheap village whore apa uone ndanga ndisisina nguva nemusikana wangu ndichiti ndawana something better uku hapana zviripo zvachose. She is worse than the devil. Ndakabva paye ndokuenda kunorara kumba kwemusikana wangu asi ndakatadza kana kuita chinhu zvachose pfungwa dzichitenderera zvekuti kana naiye akazviona kuti pane zvainetsa akaramba achindibvunza dzamara ndangomunyepera kuti inyaya dzekubasa dzaindinetsa. Ndakanyepa ndichidaro achibva azosiyana neni. Kuseni ndakamukira kubuda sezvo vabereki vake vaive varipo ndokubva ndananga kumba uko ndakasvikirana nedoor repacottage richivhurwa ndakaburuka mumota yangu ndichida kuona aibuda kwave kuona kupa achibudamo achitozwamura hake maoko pamwe nekushama n'ai. Ndakafambisa kuenda kwaaive ari ndokumubata collar zvine simba ndikati "what is the meaning of this?" Ndakabvunza ndatotsamwa achibva atoshamisika ndokuti "Aah ko ndimo mandazorara nhai? Akadaro ndichibva ndati "sei wainyepera kunge wakavenga Maidei? Waida kundinzwa here?" Ndakadaro achibva ati "I truly hate that girl bro izvo I can't lie please help me kufamba musoro wangu uri kutema", akadaro Kupa ndikamusaidzira achinowa pasi zvekuti akakanuka avepo. "From today am no longer your brother", ndakadaro ndokufamba ndichinopinda mumba ndaive ndazvionera pamhuno sefodya kubata munhu red handed ,so kuchemedza kwaaita Maidei madeko kureva anogona bonde chaizvo kupfuura inini kaa? Kureva inini handina kana pandaisvika kaa, kukiya door kwaaive akaita Maidei kwaive kuavoider inini handiti? Ndakanzwa musoro uchiita kunge uchatsemuka pandakapinda mumba kwave kuzozvishingisa kugara pasofa Mhamha vachibva vapinda ndofunga kwaitovewo kumuka sezvo aive mangwanani ngwanani "Kwakanaka here nhasi kwawamukira kudai?" Vakabvunza ndichibva ndatadza kana kuvadaira zvandainzwa zvacho ma1. panguva iyi zvaive zvakaoma ndaisada kana kutaura nemunhu zvachose nekuti ndaitoona sekunge everyone around me is my enemy. Vakangoti eeh ndokubva vaenda havo kukitchen pasina nguva akapinda Maidei uyo akapinda nekusekerera achindiona zvake ndokubva ati "ko nezuro wakandinyepera wani kuti urikudzoka?" She asked mubvunzo wakaita ndinzwe hasha. So it's true nhai kuti she is trying to play smart games with us. Ndakamutarisa ndikaona face yake ichi looker innocent like always ndakabva ndanyatsoona kuti ndaitamba nenyoka ndakavarairwa. Akafamba kuuya pedyo neni ndokuti "ndikuda zviye zviye zvawakambondiita", akadaro achibata patrouse rangu ndikamupa mbama yekuti akanowira uko ini ndikasara ruoko rwuchirwadza. Ndakasimuka ndokuti "handina kupusa kunge iwewe wanzwa do you think you can use me and my brother same time huh?" I asked her achibva aramba akanyarara uku achichema. Ndakaenda paari ndokuti "I hate you more that I hate the devil himself you are just like his daughter, munhu anoda kutamba nemoyo yevanhu", ndakadaro ndaita kushatirwa chaiko ndichibva ndamukava kwave kubva ndaenda kuroom kwangu kunochinja ndokubva ndatobuda kuenda kubasa.... Gara wabata nzvimbo yako kusub book risati rakwira mutengo Ecocash $1us or 80zig Innbucks $1us Scratchcard $1us buddie S.A inbox 0786677765 L Mtandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reThe forbidden Fruit. Notice🌹#1 musaise Airtime yemufone ndiri kutora mascrathcards chete Notice🌹mafree chapter kana apera book redu rinenge rakwira price rave kuita $2so Gara wapinda papromotion nekukasira.

🙏 ❤️ 👍 😂 8
Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
6/13/2025, 6:23:32 AM

: https://chat.whatsapp.com/IvxmLVf3PTc0J1kvnZEDE7 https://whatsapp.com/channel/0029Vam3cw19RZAeSrQedT2J Forbidden Fruit 🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎🍎 Romantic Story Written by Author Nyasha 0785651210 Mai Tamia 0786677765 Read🍎like🍎and share🍎 Chapter 10 Maidei Ndakanyatsoona kuti ndigone kuramba ndiri pamba apa ndaifanira kuita something chinoita kuti Mai ava vadzingwe ndivo pamba apa. So ndanga ndave kutoshanda ivo ndokutanga kuita sekunge munhu akapusa zvangu. Ndakarongedza zvinhu zvangu zvese ndichibva ndanoisa pamusuwo wemba yavaiti cottage iye ndichibva ndanovaudza kuti ndaive ndaisa zvangu panze. Ndakataura ndichinzwisa tsitsi vachibva vandipa makey vakanyarara. Ndakaenda kuye imba yandakatanga kupinda maive mudining room umo ndakawana muine masofa zvese neTv. Ndakabva ndasekerera zvangu ndikati "saka kuno ndichange ndichigara ndega nemaroom ese aya. Ndakabva ndatomhanya kunovhura imwe room ndokuwana muine bed newadrobe. Ndakanovhura umwe ndokuona iri bathroom netoilet. Ndakamhanya kune imwe yacho zvekare ndokuona muri mubedroom zvekare and this one toilet nebath zvaive mukati. Ndakanovhura imwe ndokuona muri mukitchen asi maive musina kana chinhu ndakabva ndaneta chaiko nekuti ndaiti zvimwe ndave kuzvibikira ndega ndichizvidyira asi maive empty zvamo asi mastove zvese zvaivemo. Ndakabva ndabuda muye kwave kunoisa zvinhu zvangu muroom yaive netoilet mukati iye nekuti zvekubuda door husiku ndanga ndisisatozvide zvachose ini ndanga ndajaira chirungu kaa. Ndapedza kurongedza ndakabva ndadzokera kunoita basa rangu kumain house asi Mai vaye vaingonditarisa zvekusvotwa chaizvo mheno chii chavaive vachiri vakagarira ivo vanga vambotaura zvekuda kubuda kuseni paye. Handina kuratidza kuti ndaive ndichiri kuvada ndakaita sekunge ndaive ndagonekwa chaizvo navo. Vakazobuda naMadam ndokusara ndiri ndega hangu kwave kuenda kukitchen ndokubika chikafu chandakanoisa kuroom kwangu kwave kutakura drink nemabiscuits ndokunosiya zvekare ikoko kwave kutanga kuita basa ndakaswera ndega pasina aripo pamba ndichibva ndazofunga kuvabikira zvemanheru ndakasarudza kubika beef neveg sezvo zvirizvo zvandaigona and ndakanyatsomaker sure kuti ndabika nemoyo wese hangu ndichipedza vakabva vasvika Madam vaine shamwari yavo and zvakandibhowa nekuti ndaiti aenda ini. Vakasvika nekukumbira chikafu mumwe wavo achibva azoti "ndakuudza wani paye kuti ngatigare tadya out paye", vakadaro Madam ndokuti "ini chikafu chekunze chinondinetsa ini ndinoda home cooked food",vakadaro vachibva vati ndipakure ndakanovapa vachibva vati "I hope zviri kunaka sekutaridzika kwazvoka kwete kunge zviye zvekuseni" vakadaro ndichibva ndati "sorry madam asi paye zvaitika vanga vandituka kuti ndiri mombe yakabva kusina uswa uye ndirimbwa saka ndanga ndichida kungovaratidza hangu kuti imbwa nemunhu hazvigare zvese", ndakadaro ndichibva ndazofunga kuti ndatanga kwave kubva ndapfugama pasi chaipo ndokuti "am sorry madam nezvandaita kuseni asi ndarwadziwa mufunge henyu ndirimunhuwo anodawo rudo mufunge saka zvakangooma kunzi urimbwa nekuda kwehurombo, hakuna akasarudza kuve zvandiri izvi mufunge munhu wese anotodawo hupenyu hwakanaka ihwohwo", ndakadaro vachibva vati "It's okay yapera kare nyaya iyoyo ko Kudzie aidei muroom mako?" Vakabvunza ndichibva ndaona kuti ndikada kutaura zvakanaka zvinoenda nepamwe ndichibva ndati "aida kundirova kuti ndakapunza fon yake handiti munoziva here kuti akandivenga futi, handizivi kuti munyama here kana kuti chii chiri pandiri chinoita kuti vanhu vese vandivenge kudaro ndisina kana kuvatadzira",ndakapedza kudaro ndave kutochema vachibva vauya kuzondisimudza pandaive ndakapfugama paye ndokuti "I hate to see your tears coz ndakambochema like this hupenyu hwakandiomera ndichishaya help so handitodi kuonawo munhu achitambudzika zvachose nekuda kwangu, iwewe kubva nhasi haubike muno ndichakupa chako chikafu chaunozvibikira nekudya wega. Muno basa rako kucleaner kuwacha chete mukitchen vese varipapo vanoita vega since murimo mune nyaya", vakadaro ndikafara chaizvo ndokuvatenda vachibva vatanga havo kudya ndikanzwa voti "Inga unogona kubika wani nhai Maidei?" Vakadaro Mai vaye ndokuti "anogona uyu asi mukonyo chaiwo ndiwo wakamugara, and becareful nevanhu vanogona kupretender kunge uyu munhu anogona atori someone akauya for reason nekuti mwana wekumusha anobika zvakadai?" Vakadaro Mother ndokuti "zvirikunaka kaa?" Vakadaro vachibvunza umwe wavo zvavo ignoring zvaaive ataura iye achibva ati "zvekudyira nzara", akadaro ndichibva ndanopakura changu kwave kudya zvangu ko handiti vanga vasati vandipa zvangu zvekubika here. Ndapedza ndakabva ndaoneka ndokuenda kunorara hangu ndakasvika nekugara pasofa hangu uku kuti ndibatibatidze TV hapana kana chandaigona zvangu kana kunzwisisa ndakaguma ndarara hangu pasofa paye kwave kubatwa nehope ndichibva ndazomutswa nekachando hwatove husiku kwave kunorara pabed hangu. Ndakarara kunge munhu akapedza nhamo. Kurara zvekukanganwa kuti ndingoriwo hangu mushandi pamba pevanhu. Ndakazoita kumutswa naivo Madam vachiti vave kuenda kubasa ndokusiya vati ndinoita basa rese kumba. Vakaenda zvavo ndichibva ndabuda kuenda kuye ndikaona muina Aunt vavo vaye. Ndakabva ndabvunza kuti "ko vamwe varipi?" Vakanditarisa ndokuti "hanzvadzi dzako nanatete vabuda wanga uchitsvaga ani wako chaiye?" Vakabvunza neway yerough soo yakandibhowa ndichibva ndati "oky thanks ndanga ndichitsvaga Gogo" ndakadaro vachibva vasimuka ndokuuya kuzomira kumberi kwangu kwave kuti "you know what I hate you and handidi kunyepa I hate poor people coz kutambura kwandakaita kwakaita kuti ndigume ndaita chimwana chisina baba so kubva ipapo handidi kutomboona munhu anotambura pedyo neni', vakadaro ndichibva ndati "kureva motobva pano zvee nekuti ndiripo. Ndakadaro vachibva vati "ndakatomira rwendo rwangu nekuda kwako iwewe and trust me ndichabva pano iwewe wabva", vakadaro ndikati "pamba penyu here pano?" Ndakabvunza vachibva vati "shama zvako uchitaura dhodhi uchazviona zvandiri kutaura", vakadaro ndichibva ndatombonzwa kuda kuvaseka kwave kuzozvidzora ndokuenda hangu kwave kunoita basa rangu. Ndakashanda zvekupedza nguva diki kwave kudzokera kucottage kwangu uko ndakamutswa naMadam pasina nguva vachindipa zvinhu zvekubika zvavaive vauya nazvo. Ndakabva ndatotanga kubika ipapo coz nzara yacho ndaitove nayo kare ini. Ndakapedza kubika ndokudya kwave kugeza hangu ndichibva ndamborara ndakazomuka kunze kwadoka ndokutanga zvekare kubika ko kutyei hangu ini ndaive ndakuzvionera ndega..... verenga zviri pazasi unzwisise zvakanaka. Book redu richatanga kutengeswa pachapter 14. So vanogara vaita payment vapinda musub group mafree chapters asati apera. Munotenga book nemutengo wakaderera. Let's start to subscribe tigare taiswa kuSub to avoid pressure. 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 *Ecocash* $1us or 80zig *Innbucks* $1us *Scratchcard* $1us buddie *S.A inbox for payment plan 0786677765 L Mutandwa Kana waita payment inbox me neproof of payment ndokuisa kuSub group redu reTHE FORBIDDEN FRUIT. NOTICE🌹🌹🌹kana mafree chapters apera book rinenge rakwira price to $2 so Garai mabata yenyu nzvimbo nedollar chete.

❤️ 👍 😂 5
Link copied to clipboard!