
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE💍
Written by
Amai Mimie (K.Khums)
0782 818 892
L Munjeri (Mai Tamia)
0786 677 765
Chapter 17
Happiness
"Happy are you okey."
Rakadaro voice randakaziva tevere ndichibva ndabatwa pamafudzi kusvika ndapedza zvandaiita. Ndakanzwa hana yangu kurova nemufaro ndichibva ndaita kumusvetukira.Ndaiva ndasuwa murume wangu veduwe.Ndaitarisira kumbundirwa back asi zvakadaro hazvina kuitika ndikanzwa bundu richinoti dzii pamoyo pangu.Ndaiva ndamumbundira nemufaro wese ndichibva ndanyatsozorora mumapapiro ake ndichiti umwe wangu andisuwawo asi zvaingova zviroto.
Ndakazvibvisa paari zvishoma nezvishoma ndokutanga kufamba ndichienda kunotsvaka chekubvisisa marutsi angu.Ndakanotora ndikadzoka akamira chete akatarisa kwandaive ndaenda nako ndichibva ndangobvisa marutsi aye kwave kufamba ndichipinda mumba.Kana bag raaive akabata handina kuzoda kuritambira.
"Hezvo titambire."
Vakadaro mhamha ndikaziva kuti Josh aive kumashure kwangu. Ndakangosvikogara ndokuramba ndakanyarara hangu kana kuzomumhoresa handina. Akazosimuka achinoisa bag rake kubedroom mhamha ndipo pavakasara vachiti.
"Ndiwe unofanira kumhoresa murume wako Happy ,usamirire kuti iye akutange, another thing bag raauya akabata iri ndiwe waifanira kutambira nekunorongedza."
Ndakangoti " Ehoi mhamha."Apo maziso aive atojenga misodzi kare.
"Ooh come on Happy unoda kuchemei zvekare apa."
"Handisi kuda kuchema ini."
Kwaingova kutaurawo zvangu asi misodzi yaive yakutoyerera.
"Try to be strong ,inga auya wani Josh?Zvino kuchema ndekweyi?Munhu ndewe kusimbawo.Kwete kuita sekacheche.Zvawadai watokura muroora chirega kupusa uvake imba yako."
She said ndichibva ndapukuta misodzi kwave kunyepa kuti ndaida kunotsvaga something chekudya kukitchen.Apo ndaitoda kunowana mukana wekuti ndinonyatsochema ndiri pangu ndega pasina anondiona.
"Aah sure idyai mobva magadzirira varume venyu ava zvekudya," ndakabva ndatobva paye ndakananga mukitchen. Chandakatanga kusvikoita kuchema kusvika shungu dzapera.
Ndapedza kudaro ndakabva ndatanga kubika hangu sezvo ndaive ndatumwa. Kuona kwangu Josh anga asisina kana basa neni uyu nokuti aive achinja zvekuti.Kumhoreswa chaiko ndiye aisingondimhoresa asi this time haana kutomboita sekudaro. Aitoita kunge ane zvimwewo zvaaifunga zvisinei neni. Ndakasvika kupedza ndokubva ndapakura kwave kuendesa kudining kwaaive ari namhamha. Ndakasvikopfugama ndokumupa chikafu chake. Pakumugesa maoko ainyatsogeza akanditi ndeee mumaziso chaimo.
Joshua
Ndakaita sendarohwa nemheni kunzwa mhamha vachitaura kuti Happy ane nhumbu. Apa ndipo pandanga ndabva kuvimbisana zvimwe naShaleen. "Babe are you okay?"
Akadaro Shaleen achiuya kuzondibata ndikamuvhizura ruoko zvekuti kana naiye akakanuka. Nyaya yandaive ndanzwa yaitoda kuti ndimbozvipa nguva yekufungisisa.
" I think you have to leave now", ndizvo zvandakataura achibva ati ,"Kuendepi Josh iwe wabva kundishandurudza ndatova mukadzi wako".
"Shaleen I'm not in the mood please leave."
Ndakataura zvine hukasha achibva aseka zvake ndokuti "Goodbye my husband ndichakuona pandinenge ndadira kusvika wapedza kuunganidza mari yeroora l 'm giving you 3 months."
Akadero achiganza zvake achibva anhonga kabag kake kwave kubuda hake.Ndakasara ndichizvirova pamwe nekuzvituka nezvandaive ndaita, ndaisafanira kunge ndatendera Shaleen kuuya kumba kwangu. Ko ndozozvifambisa sei nhai iye achiti ndakavata naye.
Ini I can't remember anything chakaitika about us and zvaive clear kuti she drugged me kuti aite zvaida neni.
Oh noo mhani happy will die akanzwa kuti ndakarara naShaleen iye ave nenhumbu kudai. Umm but nhumbu ina Happy ndeyangu here? Ndakazvibvunza mubvunzo hana yangu ikarova zvisingaite ndafunga message yandakaona muphone make from Grey, and to make matters worse Happy wacho haana kubuda ropa pandakavata naye kureva kuti vaive vakatobvira kare vari mugame ravo kairi. Ndakatoona kuti paitoda kuitwa zvekungwara chaizvo otherwise yaifa kwangu.
Ndaitofanirwa kunyatsoongora zvizere ndoziva kana yaive yangu nhumbu yacho. Ndakabva ndatoronga rwendo kuenda kumusha ndaida kumutora kuuya naye Harare toenda kwadoctor vanoita scan kuti nhumbu yacho yakura sei?
Ndakasvika Happy wacho achibuda panze achimhanya asi haana kwaakasvika achibva atanga kurutsa zvakaipa. Ndakaziva hangu kuti yaive mimba yaimudariso.Ndakazoshamisika kuona munhu achindijambira ndokundimbura tight, hana yake yainyatsonzwika kurova. Happy chaiye wandinoziva kumbundira inini?Ndakashamisika zvekutadza kudzorerawo favour ndikazoona akuzvibvisa pandiri. Ndakamutarisa achifamba ndichida kunyatsoona kana aiva iye chaiye wandaive ndakamirira kuti andipewo wake moyo. Akaita yaaita tikazopinda mumba takadungamidzana.
"Josh unofanira kuziva kuti Happy mwana mudiki and ziva zvekare kuti wakamutora nenzira ipi? Handina hangu kufara nebviro yawakaita pano."
Vakadaro mhamha panguva dzakabuda Happy ndichibva ndavati,,, "ahh mhamha Happy haandide uyo hamusi kuzviziva here?"
"Iwe wakamutorerei uchiziva kuti haakude, waizivaka kuti uchaita kuti akude, zvino kana wave kumubata nekuseri kweruoko kudaro unoda zviitwe sei?"
"Handina zvandambomuita ini mhamha.Mubvunzei kana pane pandakamutadzirawo?"
"Sei waisapindura mamessages kana kudaira macalls ake."
Vakadaro mhamha ndikangotsenga tsenga mukanwa ko zvanga zvichapindurika here?.
"You see, uri wrong pazvese Josh ita kuti mwana wevanhu azorore kwete kuti umuondese zvekare, look now she is pregnant but akungogara achichema nekuda kwako, Usatombodaro hako neni tingapesana pano",
Vakataura mhamha kusvika shungu dzavo dzapera ndakanyatsoona kuti vaive vagara vakatondimirira negumbo rimwe.
Happy akazouya achindipa chikafu. Kuzondipfugamira Kani mukadzi wangu ndakanyatsonzwa kuti aiwa ndakosha apa. Akadzokera hake mukitchen mhamha kwave kuti " you see, she is changing, usamuite kuti adzokere kuve Happy uye wakare, sekuona kwangu now anenge akagamuchira kuti ave wepano",
"Haisi nyaya yenhumbu here yakumupa kungoita zviripo?"
I asked her zvikanzi,,,
"Haatorina chaari kuziva ipo paye nezve nhumbu.Handina kumuudza."
"Aah ko kurutsa kwaari kuita ari kuti chiii?",
"Hameno handina kumbonzwa achitaura nezvazvo."
"Aah it's okay mhamha regai ndiendese ndiro dzangu dzangu kukitchen."
Ndakasvika akagara akabata shaya.Ndikanzwa tsitsi.Ndakada kumutaudza ndijazvidzora.Ndainzwa kuzvinyarira ini pachezvangu.Zvakare ndaida kutanga ndaziva kuti nhumbu ndeyako chaizvo ndaisada kusimbisa mwana asiri wangu.Kana pasina zvavainge vaita naGrey wake ko seiko akavanza uye akanyepa kuti ainge aenda kwana mhamha vake.Handina kuzvidzora mushe chida pandakazotarisa nguva yaaiva adzoka kumba.Zvaindipa kufungira zvakawanda kwazvo.
Ndakadzoka hangu kuzotandara namom avo vakazoita kundidzinga kuti chienda kune mukadzi wako. "Aah mom ndiri kuenda dakumbotandara nemi",
"Handisi mukadzi wako Josh enda uko", vakadaro vachindisikiza nebhutsu yavaive vabvisa ndichibva ndabva kuye ndichiseka hangu.
I was shocked kusvikoona Happy ari naked hake akarara pamusoro pemagumbeze. Ndakanzwa junior Josh achiita kugwinha nehukasha chaihwo kuona usavi wakananikwa asi ndakazvidzora.
Ndakangopinda mugudza kurara asi hope hadzina kuuya nekuda kwekurwadziwa chaiko. Happy wacho aingoshanyarika shanyarika akarara kudaro.Ndikaziva kuti pane zvaaida,l was craving for it but kuti ndirare naHappy zvaisakodzera zvachose.Ndakasvika pakumuka ndoenda zvangu kubath room uko kwandakasvika ndozvibatsira chero hangu ndaiziva kuti ichi ndicho chivi chakavengwa naMwari.Asi ndaizviitawo sei ndaiva ndakurirwa nemifungo yenyama.
Ndapedza ndakageza ndokuzodzoka ndonzwa zvirinani. Ndakasvika Happy akagara akabata phone yangu uku misodzi ichiyerera.Akangokwanisa kunditi,"Saka ndochikonzero why usina kana kumbondibatawo semukadzi wako Josh.I tried to change myself for you Josh bacause ndokuda,but this Josh l can't bear it because it's too much for me."
Akadaro achikanda phone yangu pabed achibva atosimuka otora rimwe gumbeze ndokurara pasi.Akatanga kupfikura ari pasi paya ndipo pandakatora phone ndotarisa kuti chii chainge chatora nzvimbo kunodai,,,
End of chapter 17
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
11