Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE 💍 A collaboration written by Amai Mimie (K.Khums) 0782 818 892 Amai Tamia(L.Munjeri) 0786 677 765 Chapter 19 Josh "I love you babie."l said ndichimurarisa nemusana pabed achibva ati,"Ndokuda Josh."Ndakamutarisa mumaziso chaimo Ndikati,"Sure here mummy zvikanzi,"Serious Josh l do love you kungoti ndakanonoka kuzvirealiser chete." Ndakanzwa moyo wangu kuti nyevenu achitaura zvaiva pamoyo pake Happy.Ndaiva ndakamirira mashoko aiwaya for so long achiramba kubuda mumuromo make.Kutaura chokwadi Happy ndiye ega aingova pamoyo pangu zvaShaleen was a mistake and l regret kumuendesa kumba kwangu kwandakaita.The worse part of it my other rib Happy haasati akutsika kana kuziva kuti road yekumba kwangu yakaita sei haazive asi Shaleen akuziva every corner of my house. Ndakazvibvisa pakufunga zvisina basa ndokusvededza muromo wangu pamunhu wangu achibva aita wekubvuta chaiko ndokutanga kudyanana zvedu.She wasn't a bad kisser zvake aitoziva zvaaiita.Takatora kanguva romancing each other .Pandakaona kuti munhu wangu aibva ave kuda nezvangu handina kuswera ndichimuudzira zvekuita we made love zvekuti ndakaguma ndoita kudzvova munhu chaiko.Akatura befu achibva ati ,"Ndanga ndakusuwa Josh." "Really?"Ndakabvunza zvikanzi ,"Chokwadi Josh my life was empty usipo." "Do you really love me Happy?" "Yes l do love you Josh." Phone yangu yakabva yaringer ndichibva ndaiignore obvious aiva Shaleen an enemy of happiness.Yakacutter ichibva yatanga kurira futi zvekuti yaiva yakudistuber conservation yedu. "Chingodaira ka nhai Josh." She said ndichibva ndamuti ,"Call haina basa Happy ane basa ndiwe mukadzi wangu." I said ndichitoswedera kuti ndimupamhe futi.Yakatanga kuringer futi ndichibva ndaita yekuswerera ndiri pamusoro paHappy ndikaenderera mberi nebasa.The way she was mourning yaindipenza zvekuti ndainyatsonzwa parere moyo chaipo.Ndaipota ndichimborova tumbama twerudo wanike tonakirana zvedu.Takazopedzerana zvedu ndichibva ndamuti ,"Unondipenza mwana iwe come closer." Akangosekerera achibuditsa mazino akati weke semukaka.Ndichibva ndamutora ndomuisa pachifuva.Achibva atanga kutambisa hairy iripo.Ndipo pandakazotora phone yangu and l was shocked kuona iri pacall.Ndakabva ndangoti,"Hello ,ko ndiani wangu uyu your number is not saved." "It's me Grey unoziva kamuchemerero kaanga achiita ndo the same kaaiita kwandiri that day raasvika late.I enjoyed her unoziva l think zvinotoda threesome tinyatsoona mukuru." "Mufana iwe usarwadziwe mhani?Bvuma defeat mukadzi ndewangu hapana zvaunogona kuita nokuti atori mumaoko angu kutaura kuno." "Defeat handibvume mukuru achibva kwamuri arikuuya kwandiri who knows maybe urikutosimbisa mwana wangu." "What!" Ndakadaro nehasha achibva ati,"Ko kutyei Happy will be always mine kubva kare kusvika narini.If you don't believe me check some messages kuapp." Ndakacutter call iya ndokumhanya kuapp.Network yaitova down zvekuti ainonoka kudownloder ndaiita sendicharovera phone pasi chaiko.Uyuwo Happy ainge atobatwa nehope zvake aripa chest pangu.Ndakamubvisa ndokumurarisa ndikaita kusimuka chaiko kuri kutsvaka network.Yakazoita zvayo pave paya ndikavhundutswa nevedio randaiva ndakatarisana naro. "Happy , Happy muka, muka,,,ndati muka Happy." "Chiiko Grey,l mean Josh." Ndakaseka ndisingadi kuseka chaiko.Happy aitondiitira mashura chaiwo.It wasn't enough kurara kwaakaita naGrey otondidaidza nezita rake ini manje.Ndakaita hasha zvekuti ndakaerekana ndamupa mbama neseri kweruoko achibva aridza kamhere ndikamuti ,"Dzikama zvako uti hlo nokuti ndokukuvadza Happy." "Ko ndaita sei nhai Josh inga tanga tichingofarawo wani nhai?" "Kufara nani Happy haa,ukupedza kundinyepera apa uchinditi unondida of which wanzwa zvako nekubaisa zvinhu zvandakabvisira pfuma.Ndine chikwereti kumba kwenyu here ini Happy?Maybe wanga usingazivi hako rega ndikuudze kumba kwenyu handina kana kusara nekachikwereti zvako iwe ndipo powondiitira shura rakadai.Unombondiona sani chaiko iwe?Kukuda imhosva here mwana iwe?" Haana kana chimwe chaakataura zvinova zvakandipa hasha futi ndikamupa imwe mbama ndikaona mututu uchiti do do pasi. "Unondikuvadza Josh kani, sorry hako Josh ndati sorry kani." "Sorry for what Happy haa." "Handizivi Josh,handizivi kuti ndatadzei asi sorry murume wangu." "Wakapusa Happy wanzwa,kupusa chaiko unondiudza kuti unganorara neumwe murume ini ndiripo une shuwa iwe.Ndati wakapusa wanzwa.Ini ndakarara naShaleen yes handirambi nokuti ndaiva ndakadhakwa handitozivi kuti ndakarara naye here kana kuti?Ko iwe happy kuita murume wekuvinga kumba kwake une shuwa iwe." "Believe me Josh ndaisada kurara naye Grey akandimanikidza." "Waitarisira chii iwe waenda kumba kwemunhurume uri wega.Waizvida Happy.Ndakakupa 2 Weeks dzekuti uchinje hunhu hwako kwete dzekuti unorara neumwe murume Happy.Now ndiudze Happy nhumbu yaunayo ndeyani?" "Nhumbu?" "Yes,nhumbu yawakatakura ndeyani?" "Handina nhumbu ini Josh?" "Ungaziva sei kuti une nhumbu uchingobaisa kumunhu wese." Akabva anyarara ndokubata dumbu rake zvikanzi,"Sorry Josh l made a mistake please ndiregererewo murume wangu ndongoda iwewe wega believe me." "Buda muno first thing tomorrow morning pack yours and go." Akapfikura Happy asi handina kudzora moyo.Ndaimuda mhani Happy nemoyo wese aiva pamoyo pangu apa asi kungofunga kavedio kaiva muphone ndainzwa kuzarirwa chaiko.Akabuda mumba mangu ndokuenda panze ndikanzwa kuvhurwa kukitchen ndikaziva kuti ndiye ndakabva ndazviwisira pabed zvehasha zviya. Ndakatsvaka hope asi hadzina kuuya ndakazongobiwa kunze koedza chaiko.Ndakatozomutswa namhamha vachinditi,"Dzora moyo Josh mwanangu anoendepi mwana iyeyu shuwa." "Handigari nepfambi mhamha ngaaende l don't care." HAPPY Ndaiva ndatadza kuita mukadzi wekuna Zvirevo.Ndaiva mukadzi benzi anoputsa imba yake nemaoko.Ndaisaziva kuti Grey angandiitira hutsinye hwakadaro kurara neni achitora vedio shuwa.Hezvo ndiko kwazvasvika.Ndaitofara kuti ndava murudo naJosh not knowing kuti pane zvikuru zvaitevera.Akava marwadzo pamoyo pangu asi ndaizviita sei? Yanga yatodeuka mvura yemuguchu isisadyorereke zvachose.Ndakamudzingwa mubedroom kuita sembwa chaiyo.Ndakakwesvaira ndakananga kukitchen uko kwandakasviko kutidzira moto kuti ndiwane kudzirwa sezvo kwaitonhora.Ndaiva ndangobuda ndiri ini ndisina kana juzi chero kagumbeze kadiki. Ndakamarangarira mashoko anatete pavaindiraira vachiti murume anoda respect uye murume haahurirwe.Hanzi varume vakatenderwa kuita chero vakadzi 100 asi iwe mukadzi zvakarambwa.Kuhura kwemukadzi koswera kwazara nyika yese asi murume hazvinyadzise. Yaierera misodzi ndiri pamoto ndikaerekana ndabatwa pabendekete ndikacheuka ndokuona vari mhamha ndichibva ndavati,"Sorry mhamha this time l messed up.Murume haaitwe mapitse naye.Nhasi uno ndarambwa nezera rangu rino ndonangepi chokwadi?Chero zvikanzi ndaenda kumba ndosvikoti ndarambwa nokuda kwei mhamha." Ndakachema ndakavabata makumbo zvikanzi,"Wakatadza Happy,wakatadza apa.Zvino tichaziva here kuti mwana ndewani ini ndanzwa murume wako achiti akakuwana usiri mhandara." Ndakashaya neremuromo ndichibva ndangoti zii.Vakabva vabuda voenda kuroom kwavo.Nyaya dzataisitaura dzose dzakatama vachibva vafuratira. Handina kudzikotsira hope kwakaedza ndakagara ndichibva ndangozonotora hembe dzangu ndokubuda. "Ngaaende mhamha dai ndakamuwana ari sealed ndaiti zvimwe mwana wangu.Zvino ndakawana avhurwa kare nevagoni ngaaende kumunhu wake." Akadaro Josh ndikaziva kuti hapachina chembwa vatenzi vararira mutakura.Ndakafamba ndoenda ndipo pandinonzwa oti,"Uvaudze chokwadi ikoko kuti wakahura kwete kunyepa.Munyai ari kumashure kwako ndoda pfuma yangu." End of chapter 19 More comments more 🔥
❤️ 😢 👍 😮 10

Comments