Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
: NOT MY CHOICE 💍 A collaboration written by Amai Mimie(K.khums) 0782 818 892 Amai Tamia (L.Munjeri) Chapter 20 JOSH Hasha dzandainzwa dzaiva dzakaraudzira kwazvo.Ndaiti zvimwe pandichamuka ndichange ndakunzwa zviri nani asi kwete ndakatoita sendawedzerwa marwadzo acho.Ndaiti ndikatarisa phone yangu ndonzwa kuda kuirovera pasi chaiko.Ndaiva ndakaroora mhani ini zvine mutsindo chaizvo kwete kubvisa mbonano wototi ndaroora mukadzi.Ndakazviudza kuti ndinoda vachiri kutemwa dzinobva ropa.Ko ndaizivei kuti mukore uno mhandara dzakudhura kuwana.Kana wave kutoda mhandara ndofunga dzakutowanikwa kumagrade one chaiko kwete ava vabubudza mazamo. Zvakandirwadza kuziva Kuti Happy wangu wadaida samare ainge apedzwerwa neumwe murume.Ndakamudzinga ndikasara ndega muroom mangu.Ndikati ndakanyatsorara ndinganyepa kwaiva kuzorodza nyama bedzi.Ndakatozomutswa namhamha vachiti ,"Happy akuenda dzora moyo."Ndakavanzwira hasha zvekuti dai vaisava mai vangu ndakavavhara nembama chaiko. "Ngaaende mhamha l don't care." "Tinodaidza vanatete nhau yotaurwa decision yokutora wakatsamwa unozodemba mwanangu." "Hamusi kutorwadziwawo nezvandakaitirwa mhamha ini mwana wenyu shuwa.Kubva pano pamba munhu achinorara neumwe murume kunze ukoo.Handina kunhonga Happy mhamha.Ndakamutora zviri pamutemo ndikabvisa mari yangu nokuti ndomuda asi ondiitira mahumbwe aya mhamha.Chero ndimi zvamakahurirwa nadad makatsvaka chikomba here?Ndaiva ndakura mhama handina kumbosangana nemahumbwe akadaro ini.Saka why me mom?Problem yangu iri pai chaipo.Kumuda kwandaita aisakuona here mhamha?" Ndakasara ndopedza kutaura ndakutochema chaiko.Ainge andicheka nerakagomara Happy.Kutsotsonda wangu moyo ndiko kwaanga aita zvake.Ndakatadza kuzvibvuma kuti wangu Happy was cappable of doing such a disgusting thing like that.Ndakaungudza murume mukuru sepafiwa pamba zvekuti mhamha vakapinda busy neni. "Chipinda mumba Josh zvozonakidza here kuonekwa nevanhu uchichema kudai?" Vakandipinza mumba ndichibva ndazvambarara pabed hope ndokutobata.Ndakazopeputswa namhamha avo vakanditi,"Muka udye mwanangu." "Ndakaguta mhamha." "Zvino ukada kudaro zvobuda here?" Ndakaramba ndakanyarara vachibva vangozobuda ndokusiya chikafu chiya.Nzara ndainzwa asi hasha dzaindikurira.Ndakazonzwa phone yangu kuvibrater kuratidza kuti pane message yapinda.Ndakaitora ndokuwana pakanzi ,"My sweet wife."Ndakabva ndatochinja z ndokusiya number dzacho dzisina zita.Ndakazoverenga message yacho ndokuwana yakanzi,"I'm sorry Josh, ndiregererewo Josh ndoziva ndakatadza.Mhosva yangu haikodzeri kuti ndigare newe asi ndiwanirewo nzvimbo undiregererewo.Sorry." Ndakaita sendicharovera phone yacho pasi ndokuzongozvidzora hangu.Aitova nesimba rekuti sorry.Aitobvuma hake mhosva yake Happy inga zvakaoma.Ndakamushaiwira mupanda chaiko. HAPPY I wish l could return the hands of time ndotangira pandakaperekwa chaipo kugadzirisa hunhu hwangu.Ndaiva ndakunzwa kunyatsoda Josh nemoyo wangu wese kutonzwa kumusuwa but l was too late to realise that.Ndaiva ndadya manonoko chaiwo.Pandinoti zvinhu zvave mugwara Grey achibva aporonga hake life yangu.Hazvina kundityisa zvangu nokuti ndaitoziva kuti one day Chokwadi chaingozobuda zvacho pachena. Ndakabuda ndokutanga kukweva bag rangu ndichibuda.Kwandaiva ndakananga chaiko ndaisakuziva ini.Ndakangoti fambei ndokusvikogara hangu pasi pemuti ndichifunga nhamo dzangu. "Ndiri kubvepiko,ndichienda kupi nehupenyu hwangu?Eversince ndiri mwana mudiki handina zuva rimwe randakambofarawo zvangu?But why hupenyu hwangu hungori hwekuchema chete?Handina mufaro pano panyika ingori misodzi chete?Ko zvandanzi ndine nhumbu kuti Josh ndiye muridzi here kana kuti Grey?Ko iyo nhumbu inombobata nemazuva mangani chaizvo?What if nhumbu iriya Grey nhai Mwari ndiani wandichaudza hupenzi hwangu?Asi kuti ingava yaJosh ,kana iri yake ko yaidiiko kubata pese apa pandairara naye?Ko yozongobata ndarara naGrey kuti zvidiiko?" Yaingova mibvunzo isina mhinduro yaingonditambudza mupfungwa dzangu.Ndaiva ndakutanga kubatwa nehope ndipo pandakanzwa kutaura kwevanhu vachiuya kwandaiva ndichibva ndasimuka ndokutanga kufamba. "Ko ndikaenda kumba kuvabereki vangu kuti vangandidzinga here?" Ndakangoerekana ndamisa mora yaienda kuHarare ndokukwira.Ndakatarisa kumashure kwandaiva ndabva ndikaerekana ndadonhedza musodzi.Ndiko kwaitova kupesana kwangu naJosh uku.Zvaindirwadza ,zvakare ndaisamupa hangu mhosva nokuti ndini ndaiva ndazviporongera life yangu ndega nokuda kwaGrey.Kungofunga kwandakaita Grey ndakabva ndamu unblocker ndokusender message ndichiti,"Wazondigona wena Grey God bless you." Ndakabva ndasender pakarepo hope dzichibva dzatobata.Ndakazomutswa necall wanike ndiGrey. "Sorry babie it's only that ndakarwadziwa nekurasikirwa newe asi chokwadi chiripo ndechekuti l still do love you." Handina kuda kuramba ndonzwa nyaya dzake ndakabva ndadzima nekuisa mubag.Ndakazongoona vamwe vodzika ndikati,"Ko tatosvika?" "Yes tasvika."Akadaro umwe musikana airatidza kuva mazera angu.Ndakazotsvaka tax yainondisvitsa kumba kwedu uko kwandakanzwa makumbo kurema ndasvika pagedhe.Ndakazvibvunza kuti ndosvika ndichiti kudii?Ndikashaya mhinduro.Ndakazvishingisa ndokuvhura gedhe ndichibva ndapinda.Ndakakweva makumbo angu ndokusvikovhura door ndichibva ndatevedza passage ndakananga kudinning asi ndisati ndasvika kure ndakanzwa baba vangu vachiti,"Happy adirei kundinyadzisa kudaro nhaimi?Inga ndiye mwana wandaitovimba naye wani ko zvechipfambi azvitora kupi?Ndiudze mai Melo kuti akazvitora kupi mwana uyu?" "Musada kunditapa mukanwa ba Melo,ndizvo zvazvinoita kana munhu ukava nerusarura pavana.Handina kukutii regai Melo mukuru aende mukati hazviite.Ndikoko baba mwana ndofunga madzidza lesson manje.Zvamaida mazviona.Imi mairoodza mwana achiri nemukaka pamhino kuti zviite sei?Ndomene haichemedzi, nezera rake Happy oita mbiri yechipfambi.Motoona zvekuita nokuti mamunzwa munyai paafona hanzi Josh wacho akatsamwa." "Ndiye akazvida Josh wacho iye airoorerei munhu ane munhu wake akauya pano anobuda achimhanya pfuma yake yaenderana nemwedzi yaagara nemwana wangu.Achiita zvaanoda naye." Vakaseka mhamha zvikanzi,"Like mother,like daughter moti aienda nepi Ivo mai vakafa nechihure." "Wakufarisa manje Magdalene." Vakadero baba nehukasha zvikanzi namhamha ,"Ko kunyepa here?" "Iwe neni tese tinoziva chakamuuraya Shumie kwete kuda kuhwanda nemunwe wanzwa.Maybe ndiwe wakatomuuraya nokuda kwegodo rako." "Unoti dai ndaimuwanira mukana ndaimusiya hee?Taitomupfuudza kuti zvityise manje Mwari vakaita kuti zvine nyore kwandiri vakatanga zvavo ruva ravo ranga rasvava." "Godo rokukuvadza Maggie,munhu akatozvifira akazorora zvake ndiye wauchiri kungoitira godo kana kusanyara kwako." "Unoda kuti ndinyare chihure chako manje.Waiva washayei pandiri chawaiwana panaShupikai?Pedzezvo wondipa mbasera yemwana hanzi chengeta pamusoro pekundihurira futi.Woda kuti ndisekerere zvakadaro.Kutaura chokwadi Gilbert Happy anodzimbira maronda angu.Paari kutobva kumurume wake ngavatsvake kumwe kwekuenda.Handichakwanisi kuchengeta munhu oziva varume pano ini." Ndakazongonzwa kupisa pamatama angu that's when l realized kuti ndakutochema.Ndakanzwa pamoyo pangu kupisa kuita kunge munhu abaiwa netsono yemajuzi.Mibvunzo yese yandaimvboshaiwira mhinduro yainge yapindurwa yese.Paisada anodudzira asi kuti zvaingoda pachena. Ndakakweva zvakare bag rangu ndokubuda naro gedhe ndoenda kwandaisaziva.Ndangoti fambei ndakanzwa kudaidzwa kwezita rangu ndikacheuka ndokuona vari vakoma vangu.Ndakamboda kumira pandakazorangarira mashoko amhamha ndakabva ndangoomesa gotsi ndichienda. End of chapter 20 More comments more
😢 🙏 ❤️ 😂 😍 11

Comments