
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE💍
A collaboration written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
Amai Tamia (L.Munjeri)
0786 677765
Chapter 21
Amai Josh
"Saka watoshinga here nhai Josh kusiya mukadzi achienda."
Ndakadero ndichibvunza Josh uyo ainge akazvambarara parupasa kukitchen.
"Zvandataura ndizvozvo mhamha l won't change my mind."
"Ko mwana waakatakura."
"Kana ariwangu achauya naye pano pana baba vake.Kana asiri achaenda naye kumuridzi."
"Zvozonakidza here nhai mwanangu tarisa hamuna kana mazuva maroorana motopesana shuwa.Handisi kuti akagona Happy asi tarisa mwana uyu anga atochinjawo wani.Ko kana kuri kunyepa kwemukomana uyu achida kungokurwadzisa semunhu akatora mhunhu wake.?"
"Kuchinja mhamha hapana ndofunga aingoda kuvhara mabiribobi ake chete kuitira zuva ranhasi."
"Kana mwanangu Happy anga achinja zvekuti."
"Hameno mhamha asi ini handikwanisi kugara nemunhu wandoziva kuti akarara nanhingi."
"Saka iwe unondiuudza kuti hausati wakambotadza pasi pezuva nhai Josh?Uri mutsvene pazvese zvaunoita here iwe."
Akaramba ari zii ndikati,"Waona ka you are not a saint either unofanirwa kuregerera Happy nguva ichipo uri umwe waidzikama zvako.Mwana otanga azvarwa wozona kuti ndewako here kana achienda oenda zvake."
"Yatodeuka mhamha haichadyorereke iyi.Kwandiri it's over now.Handichina mukadzi l'm a free bird now ndoita zvada moyo.Happy is out of picture."
"Hoo,"I said ndichibuda hangu panze ndipo pandakadhumana naShaleen.Ndakangomutarisa zvangu achibva ati,"Makadii mhamha?"
"Tiripo kurisei kumba?"
"Kumba kurunani zvako.Baba vakadzoka kumba saka ndati ndizooneka Josh nemukadzi wake ndakuda kudzokera."
"Abuda Josh aenda kubasa."
"Asi akanditi anenge aripo wani?"
"Yangoita emergency achibva asimuka."
"H,,,,"
"Shaleen."
Rakadero inzwi raJosh ndikaona Shaleen achinditarisa achibva ati,"Inga mati abuda wani?"
"Iwe unoswero vhima murume wemunhu kuti zvidii?Ndakakuudza kare kuti Josh ane mukadzi saka kuramba wongotoboka pese pese sehohwa ndiko kuita sei?"
"Motobvunza Josh mhamha kwete ini nokuti Josh ndotaura naye almost everyday."
"Akakuudza kuti ane mukadzi ka?"
"Mukadzi wake handina basa naye ini mhamha Josh ndiye wandinoda."
"What do you mean Shaleen?"
"Asi anga asati ataura Josh here mhamha?"
"Kutaura kuti chii?"
"Very soon ndinenge ndave muroora wenyu."
"SHALEEN!"
Akadaro Josh zvikanzi naShaleen,"Ko kunyepa here babie vanofanirwa kutogara vaziva zviripo nokuti manje manje tinenge tave tese pano."
""Ndizvo zvinoitwa here izvozvo ndimai vangu avo havasi bamnini vako vekuti ungangotaura zvawada ka."
"But ndikutaura chokwadi hangu."
""Chokwadi chipi manje?"
"Usaite sekuti ndakakupfimba wanzwa Shaleen.Kana ndakanyarara please usandisokose.Kana uchiona Amai vangu vakafanana neni zvidzidze izvozvo kuitira in future."
"Pane chandatadza here apa?"
"Yes watadza haupindure mai vangu zvaunoda futi.Amai vangu neni we are the same .Kana uchipfugamira ini make sure unoita the same Kuna mai vangu zvanzwikwa."
"Zvino ukada kundipa mitemo ine gumi ndichiri kumba kwedu what more takugara tese?"
"Ndati utogara wazviziva wosarudza zvinokuitira
zvacho."
"It's okay Josh ndazvinzwa."
"Now apologize to my mother."
"What?"
Akamutarisa neziso achibva ati ,"wazvinzwa."Ndakanzwa Shaleen uya oti,"Sorry mother."
"Better."Akadaro Josh zvikanzi,"Saka wavingei hauna kunge wataura kuti urikuuya."
"Iii nhai Josh inga ndakataura wani?"
"Handina kuzviisa musoro pano pamba pamai vangu l respect her a lot kana uchida nezvangu kwangu kuHarare kwete pano.So leave."
"Josh."
"I hate kudzokorodza zvandataura Shaleen now leave."
Akabva afamba Josh achipinda mumba,"Zvikanzi naShaleen,,"Haudaro Josh."Haana kuzviteerera akaramba akaomesa gotsi ndokuenda muroom make.Ndipo pandakasara ndichiti,"Kufunga kwako unosvikepi naye Josh achikubata setsvina kudai?Wakatadzawo kuzvitsvakira munhu wako asina umwe?Inga wakatosvikawo wani nhai mwanangu?"
Akangonditarisa ndokubhidhaira oenda ndikati tsvatu waro munhu wepi asina matyira.Anga andiratidza rimwe side randaisaziva Josh.Ndaiti zvimwe kupretender mberi kwangu ndichibva ndaenda kuri kuroom kwake chaiko ndisati ndapinda ndakanzwa ari paphone achiti,"Chero ukachema Shaleen handinei nazvo wanzwa.Pawairara neni waisaziva kuti ndine mukadzi here?Wakaita zvaunoda neni now it's my turn uchanzwa seunotsva.Zvandakuita nhasi zvishoma my mother first iwe wozotevera.Kundiona kupfumbira nekuchivika ndimai vangu.Ndivo vaita ndisvike pandiri nhasi.Handina kudonha mudenga.Ukada kurebesa muswe mberi kwamai vangu ndokukanganwa.Better be."
Akabva akata ndichibva ndati,"Saka makatorara mese nhai Josh asi unorambira mukadzi chihure nokuti arara nemunhu waaida wakambomupfimbawo here iwe?"
"Ini ndogona kuita vakadzi hobho mhamha asi mukadzi akarambidzwa kuita varume vaviri."
"Chero zvakadaro waifanirwa kumunzwisisa nokuti hauna kumupfimba uye anga asati akutambira semurume wake."
"Chipfambi ,,chipfambi mhamha hachichinje."
"Saka zvauri kuita naShaleen hachisi chipfambi here?"
Akabva anyarara hake ndichibva ndangobuda muya ndoenda kuroom kwangu uko kwandakasvikotora phone yangu ndofonera Happy.
Ndakafara payakarira achibva angodaira paOne ring zvikanzi,"Ndiri nherera mhama,amai vangu vakafa ndiri mucheche.Kana photo zvaro handina randakamboona.Handizivi mai vangu mhamha.Makore ese aya ndaifunga kuti ndigere nevabereki vangu kusaziva kuti ndaitova mutoro kwavari.Ndaedza kubatanidza mhama ndikaona kuti kugariswa kwandaiitwa kumusha,uye kuroodzwa kwandakaitwa ndichiri nemukaka pamunho yaiva ngova nzira yekundirasa mhama.Handina anondida.Josh haandide vabereki vangu havandide futi mhamha l think handichina chekuraramira pasi pano it's better for me to die nemwana wangu nokuti handidi kumusiira nhamo panyika asinawo anomuda sezvandaiitwa ini mai vake"
"Happy mwanangu dzoka kumba usafunga mweya wakadaro ini ndokuda ufunge tarisa ndanga ndawanawo mwanasikana pamusha uchibva wanditiza."
"Handina kwekuenda mhamha handina chekuraramira better ndizorodze mweya wangu.Moyo wangu angori marwadzo mhamha.Marwadzo ndiwo andinawo pamoyo chekuraramira handina zvachose.Chero ndikati ndorarama ndomupei mwana wacho ndisina kana kudzidza kwese.Single mom at 17 mhamha ,at 17,,,"
Call yakabva yakata ndikasara ndongoti ,"Happy , Happy ."
"Adii Happy mhama?"
"Ndakamusundidzira kwakadaro achibva anodonhera pacoach rangu ndichibva ndamuti,"Buda muno unotsvaka Happy ndikumuda pano nhasi."
"Inga moziva zvaakaita wani?"
"Kana iwe usina kumbotadza wakadii kumutaka nematombo haa.Waiziva zvako kuti Happy haasi mwana wamai vaya ndosaka makabvumirana kuroora mwana mudiki saHappy nokuti vaisada kugara naye ndizvo."
"Handina zvandoziva mom."
"I'm your mother Josh wanzwa,handisi muramu wako waunotamba naye.Makafurirana kutamba nehupenyu hwemwana kana wanga usingamudi wadii kumusiya pano wanogara Harare kwako.Chiona zvino Happy ati akuzviuraya nemwana wako unoigona ngozi yacho iwe."
"Ringori statement iro mhamha Happy haafe zvekudaro."
"Buda muno."
Akabva abuda ndichibva ndatora phone yangu ndokufonera baba vake Happy ichibva yaramba.Ndakabva ndafonera mai vacho ndichibva ndavati,"Maidii kuudza mwana chokwadi kuti hamusi rimi mai vacho.Kana muri umwe tsvakai mwana pachiri pedyo.Makaipa moyo fani kuchengeta secret yakadaro muchitadza kuudza mwana chokwadi mukafa denga hamupinde imi."
Ndakabva ndakata ndokutura befu ndichibva ndaedza phone yaHappy ichibva yaringer asi haina kudairwa .Ndakaramba ndoedza asi haina kudairwa.Akava mazuva ndichingofona isingadairwi kusvika ndakuedza wanike haichapindi.
End of chapter 21
More comments more 🔥
❤️
😢
👍
9