
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE 💍
A collaboration written by Amai Mimie(K.khums)
0782 818 892
Amai Tamia (L.Munjeri)
0786 677765
Chapter 22
Amai Happy
Call yamai Josh yakandivhundutsa zvekuti dad vaiva pedyo neni vakazviona vachibva vati,"Kwakanaka here?"
Ndakagutsurira musoro sezvo ndaiva pacall vachibva vatobuda zvavo.Ndakashaya kana neremuromo pamanzwi ainge ataurwa namai vaJosh.Ko vainge vazviwana kupiko zvavaitaura?Dai Happy aiziva nhau iyi ndaigona kuti zvinwe ndiHappy akavaudza afarisa manje kwete Happy aitovawo murima zvake Hapana chaizivikamwa.Ndakaedza kufunga mushure mekukata call kwavaiva vaita asi ndakatadza kubatanidza nhau dzacho.Hakuna vanhu vaiziva kuti Happy aisava mwana wangu kunze kwevanasikana vangu chete avo vainge vakura vachizviziva sevanhu vainge vakura panguva yakamitisa baba Melo mwana wechikoro panguva yavaishanda pachikoro saguard.Iyo yedu ana Mai Melo yekuti unovimba nemurume kusvika pakumuita Mwari wako kudaro.Ndaivimba navo kani zvekuti ndaisada kunzwa anotaura zvisina basa.Ko ndaizivei kuti they is no smoke without fire wakarehwa navarungu.Ukanzwa potaurwa taurwa ziva kuti pane zviri kutora nzvimbo.
Hapangotaurwi mhani mazita evanhu pasina zviri kuitika kashoma kungopomherwa ndizvo zvandakaona panyaya yangu.Taitogara kumusha kwaBesa ivo ndokuwana basa kuChikoro chaiva muChitungwiza vachigara pachikoro ipapo.Havana kuita makore matatu varipo vainge vadzingwa nenhau dzekupfimba vana idzodzi. Zvinova zvakandidya pamoyo kwazvo.Ndaishanda kumusha ndichirima ndichifunga kuti tiri pamwe chete izvo kwani umwe wangu aiva nemamwe mafungiro.Ndakabva nadabva kumusha nevana vangu ndonoloja kwakare kuChitungwiza tikatanga kugara tese but the damage yainge yatoitika kare.Musikana anga atova nenhumbu yode kuzvarwa.Kamari kese kataiva tashanda kakarova pasi kachidungamidzana nemombe shanu dzataiva tashanda tese.Luckily vabereki vangu vainge vakumbira dzimwe mombe vachida kurimisa dzandanga dzatova sere sezvo dzaiberekana.Ndakabva ndangodzitengesa murume asingazivi mushure mekuona kuti ndaingozoshandira pasina sezvo umwe musikana ainge auya zvakare uyo akazongobhadharwa madamages ndokuenda hake sezvo aisava nenhumbu.
Zvairwadza zvaidzimba vadikanwi panguva yacho zvekuti kana kufa kwakaita amai vaHappy hakuna kundirwadza zvachose.Aiva mwana mudiki zvake paakafa pacho zuva rakasunungukwa Happy.Taurai zvenyu zvamoda asi mwana anouya ari mudiki kuvana vangu ndakatsidza kuti handichengete zvachose.
Aidiwa Happy zvakapetwa zvekuti patakatenga yedu imba muHarare vaitoda kuisa zita rake Happy.Izvozvo zvega zvakandipeputsa ndikaona kuti pano pamusha changu hapana zvachose.Vangu vana vaisaonekwa asi mwana wamarwei ndiye ainge akaiswa pamoyo pavo.Kumuchengeta kana kusamuchengeta kwandiri zvaingova zvinhu zvimwe chete moyo wemurume wangu wainge watama pandiri asisandione sechinhu.Zvairwadza asi semukadzi unofira kushingirira vana vako bedzi nothing more.
Imba yangu ndaiida ndaisada kuti iputswe nemwana anenge Happy.Ndakagara ndaramba kugara zvangu naye asi zvose izvozvo hazvina kutadzisa baba vacho kumuda.Chaindirwadza vana vangu vaviri ava ndaiita sendakavaita ndega vaisacheuka.Kuti vapfeke chaiko ndaiita mapart time asi kumusha grocery richienda everytime.Ndakasvika pakumboda kuenda kwaTilda rimwe gore nhamo yarova mudhorobha asi murume achihora every month.
Zvisinei hazvo life goes on nhasi ndiri pano murume wangu ndotozviziva kuti ini haana basa neni akangogarira vana bedzi.Zviya zvekuti mukadzi ndiwe unogarira vana aiwa kwangu ndibaba.I respect my man, zvose ndoita ndoedza kumufadza mwana wavamwene asi moyo neni haachina kubva zvafa mai vaHappy handina kumbo enjoyer marriage yangu zvachose.Sometimes ndotombodemba kuti dai aiva mupenyu zvake tichi share zviri pachena zvaiva nani than zvandiri kuona mumba mangu izvi.
Kuroorwa kwakaitwa Happy it was a great relief of my life ko ndaizivei kuti zvichaenda nepamwe kudaro.Anga apindwa neiko Happy wacho pakusvika kuda kuzviuraya.Ndaivaudza kuti chii ba Happy?Ko iye anga audzwa nani kuti haazi mwana wangu?Inga handina kubvira ndazviratidza wani kuti haasi mwana wangu.Ko zvino mai Josh vazviwana kupi?
Ndakada kuudza baba Happy ndikaona zvisingaite,asi yaisava mhosva yangu ka.Tiri tese munyaya idzi uye ndivo zvakare vaka suggester about her marriage after tete vaaigara navo varoorwa nemundebele wavo vachibva vanogara kuTsholotsho kunova kwavakaramba kuti Happy aende.Zvmwe dai akaenda zvose zvisipo izvi.Aizviwanirawo mundebele wake vogarisana ikoko kusina kana iniwo zvangu.
"Melody naPhraise huyai kuno."
Vakauya vana ndichibva ndavati,"Pahuviri hwenyu ndiani akaudza Happy kuti handisi mai vake."
"Zvotaurwa here izvozvo mhamha inga makati hamudi kuzvinzwa wani?"
Akadaro Melody,Pee achibva ati,"Zvakatobuda mupfungwa dzedu mhamha imi ndimi munoziva Kuti sei musingadi kuti azive saka isu hatina kumboitawo basa nazvo zvekuda kumuudza."
"Saka akaudzwa nani?"
"Ask dad pamwe ndivo havo vakataura imi muchitinetsa pano."
"Ko vana tete?"
"Haa kana vana tete havataure baba venyu vakati vachamuudza vega kana nguva yakwana."
"Ko aita sei Happy wacho."
"Akuzviziva akaudza vamwene vake."
"Inga pakaipa."Akadaro Melody ndikati,"Nditori confused apo kubva zvaaita nyaya dzake akadzingwa nemurume hanzi haako."
"Aripi zvino."
"Hameno handitoziviwo ini.Ndapererwa."
"Melo wotoenda kumba kwacho kuChiweshe unonzwa kuti nyaya yacho yakafamba sei?"
"Aaah mhama ini handiendi kuChiweshe handidi kuiswa pamuedzo."
"Wei manje."
"Wait , wait,wait."Pee said achiedza kufunga zvekuti Melo akatadza kundipindura zvandaiva ndabvunza.
"Chii Pee."
"Mhamha,Happy akambouya pano here week irori rapera?"
"Handina kumuona ini?"
"Sei mom isu takaona Happy achibva pano."
"Aaah rini iyeye?"
"Pane musi watakaona Happy takaedza kumudaidza asi haana kudaira akaramba akaomesa gotsi.I think kana makambotaura nhau yake anogona akazvinzwa achibva aramwa hake ndokuenda asina kutaura nemi."
"Haunyepi Pee,maitaura nani nyaya yamai vaHappy?"
"Nababa venyu."
"Saka hakuna kumwe kwaakazvinzwa makafumura gure renyu mega musatipe mhosva."
"Pakaipa saka,,wotokwira mangwana Melo wozotiudza zvabuda musarudzo."
"Dai mati Pee aende mhamha ini ndinenge ndiri busy mangwana ndine vanhu vakawanda vanoda kurukwa musoro."
"Ndiwe mukuru Melo unotombosiya woita zvandataura."
Ndakazovinga baba vacho kugarden kwavaitimbira maveges ndichibva ndasvikotenderera hangu ndichibata bata ndokuzoti,"Happy akadzingwa nemurume, uye akuziva kuti haazi mwana wangu."
"Watii?"
"Hanzi ,,,"
Ndisati ndapedza ndakaerekana ndatambidzwa mbama neseri kweruoko zvikanzi,"Ndakakuti chii nenhau iyoyo?Handina kuti hapana anofanirwa kuudza Happy kunze kwangu?"
"Makadaro."
"Saka izvi zvabva kupi?Wakamuudza ndiwe ani uye uri chii panyama yehuku?"
"Handizi ini ndakamuudza ba Melo."
"Iti zii zvako hakuna umwe kunze kwako iwe,unoti zvandaikutendera kuita zvaunoda nemwana wangu,ukati ndiri fuza.Ndakataura ndichirevesa kuti hakuna munhu anoudza Happy chokwadi kunze kwangu.Iwe wazvitora kupi?Ndosaka ndakamuroodza ari mwana nokuti wakagara usingamudi zvachose mwana wangu?Wakaramba kugara nemwana wangu kubva ari kacheche mhosva yake yaiva yei?Ndini ndakakutadzira kwete mwana.Ndakakuripa nemombe mbiri dzinotsika asi mwana wangu wakafuratira zvakadero.Seiko usina moyo wekubereka iwe."
"Ba Melo,,,"
"Nxaa."
Vakabva vabuda ndaizviziva hangu kuti ndini ndaitozopinda munyatwa chero zvangu ndaisava nemhosva.Akava marwadzo pamoyo pangu.Ndakatevera hangu ndokuwana varipa phone vachitaura nemunhu wandakafungira kuti aiva Josh vachiti,"Wangu mwana ndomuda pano,mari yako haina kukosha kudarika mwana wangu.
End of chapter 22
😢
👍
🙏
❤️
😂
😍
11