Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE💍 A collaboration written by Amai Mimie(K.Khums) 0782 818 892 L Munjeri (Mai Tamia) 0786677765 Chapter 23 Josh Ndakarohwa nehana mhamha pavakataura zvekuti Happy ati anoda kuzviuraya. Handina hangu kuda kuzviratidzira asi kwandiri ndakatoona vision chaiyo yechitunha chake, ndikanzwa moyo wangu uchiita kutsemuka nepakati.Hongu aive anditadzira zvake asi ndaisada kuti afe. And again nyaya yemwana iyi ndaitozoda kuzivawo chokwadi kana ari wangu or not. "Buda mumba mangu now Josh and kana usina Happy handisi kuda kukuona gumbo rako pano" Vakadaro mai vangu vachiratidza kuti vaisave pakutamba zvachose. "So you are choosing her over me mom, hamuna basa nemafeelings angu right, zvandakaitwa naHappy hamuna kurwadziwa nazvo here?" "Ako mafeelings ndiwo akosha Josh, wakadii kukoshesawo emwana wevanhu Happy pawakamutora, didn't you see that she was crying pamakauya naye pano, makasiisa mwana chikoro mukaita zvamunoda naStep mom vake, you did what you did nokuti aive asina anomumiririrawo, now she is pregnant haana kwekuenda oda aite sei? Kumuda kana kusamuda Happy ngaauye pano I'm her mother", "Mom please muchaita bp nenyaya dzisinei nemi idzo zvimwe siyanai nazvo." Ndakabva pavanga vari ndokupinda mumba ndichimhanya, hapana kwandaizoenda ndichisiya musha wedu. Ko iye Happy wacho umbori mweya rudziiko wamubata kudaro. Ndakagara ndikafungisisa kuti ndodii? Ndakaona zvirinani hazvo kuti adzoke but achingouya ini ndiri kubva pamba ndoenda Harare ndozodzoka for DNA mwana kana azvarwa. Ndakatora phone yangu ndokudialer number dzake wanei dziri kuramba.Ndakaridza tsamwa ndokusiyana nazvo. Ndakabva ndazvikanda hangu pabed neshungu. Ndainzwa musoro kutema zvese nemoyo pamwe chete. Happy aive andigura kunorira chaiko, rega zvakanzi ida anokuda asingakude siyana naye, ndaive ndazvimanikidzira pamunhu asinei neni now azondirwadzisa chokwadi.Rudo rwangu aiva asina kumborukoshesa Happy dai aindida chaizvo handifunge kuti aizondibata rough kudai.Chokwadi kubva atadza kufungawo nezvangu kuti ndaizoita sei nehama dzake.Zvino ndezvipi ndichaita sei manje.Zvozvoremera kumusoro setsvimbo kudai? Ndichiri mundangariro dzangu kudaro my phone rang and it was my ex- father in-law. Ndakamboda kuva ignore asi semunhu wandaive ndisina chakaipa naye ndakadaira ndipo pandiri kutonzwa vachiita kudya gaka neminzwa yaro. Handina kana kupihwa nguva yekutaurawo munhu achipopota chete. Vakazongopedzisira nekuti "Ndiri kuda mwana wangu pano zvemari yako hazvina kukosha kudarika mwana wangu." Ndakasara ndichiita kunzwa kutsva chaiko munhu wese aingondipa mhosva hapana kana aimbotarisawo divi rangu. Ndakamuka paye ndichinoudza mhamha zvaive zvataurwa vachibva vati,, "It was better dai wakaenda naye wakamusiya asvika kumba kwavo kana wanga waneta kumupidigura." "Mom!" "Kuti kunyepa here?Waneta zvino nekutambudza rusvava irworwo wakuona kunge ndiwe une yese.Zvino chirega ndikuudze chokwadi ziva kuti kana akawanikwa akafa her blood will be on your head, and baba vake hauvatange ivo vaye inini handimo munyaya dzenyu.Pawakadzitanga ndaiva ndisipo." Vakabva vatosimuka havo vachipinda mubedroom mavo ndokundisiya ndakamira.Ndaiva ndangoti tuzu zvino.Kwaitova kurambwa pachena namai nyakutumbura ka uku?Zvino ndaizoita sei nhai? Kwaingova kuzvibvunza asi mhinduro panga pasina zvapo. Ndakamhanya muroom mangu nekuti pane zvandaive ndafunga. I took my car keys ndokubuda ndakanange Harare ndaida kunotsvaga munhu anonzi Grey. Pfungwa dzangu dzakangondiudza kuti ndiko chete kuna Happy.Ndakarova mota sendinopenga ndasvikako ndipo pandakafunga kuti ndaimutsvagepi nhai munhu wandisingazive. Ndakabva ndangopusa paye.Ndakamufonera Grey wacho ndichimuudza kuti ndaida kumuona akati aive kuchikoro. "Please I want to see you", ndakadaro achibva ati Mr handina nguva yacho yekukuonai imi makauraya hupenyu hwangu so go to hell." Phone yakabva yatokatwa ipapo ipapo.Ndakadriver kuenda kumba kwangu ndatoneta chaiko. Ndaimutsvagepi Happy wacho. Ndingazivewo here kuti akaendepi nhai pamwe atoriko kumba kwavo so vanhu vachingoda kundiwachisa chete. Ko kuita mukwasha itori mhosva kaa panyika. Ndakasvika pakubatwa nehope ndichingofunga nyaya yaHappy chete dai ndakaziva kuti zvichanditemesa musoro kudai ndingadai ndakangoperera mukuchiva chete.Pandakapepuka ndaiva ndatova nedzimwe pfungwa it's either Grey or kumba kwana Happy ivava vanhu ndivo vaifanirwa kundileader Kuna Happy chete ndikasatodaro hapana changu.Ndiani wandingataura naye kwana Happy akandipa hint sezviri kuitika kumba kwavo? Ndakatarisa muphone ndikaerekana ndasangana nenumber dzaMelody ndikaona ari iye aikwanisa kundi leader kwaiva naHappy kana kuri kuti aiva kumba kwavo.Ndakambodzisiya ndichibva ndananga pane dzaGrey apo pandakanyora a long message yaasina kunonoka kupindura. *Grey* Chinhu chinonzi love hachisi chekutamba nacho veduwe, ndakazonyatsoziva kuti rudo rwakaoma pandakanzwa zvekuroorwa kwake Happy.Mwana ndaimuda hangu iyeye and ndakamuda zuva raatanga kusvika pachikoro achibva kumusha achiri nekadzungu dzungu so. She was natural unlike tusikana twemuno muHarare utwu. Ndakange ndatoronga zvese nekurongonora life yedu tiri tese. Ndipo pondonzwa kuti munhu ave nemumwe murume. I tried to forget about her and move on asi zvakaramba. Munhu wandaive ndaita mukristu wacho aive akatogona kumhanyira kuroorwa. Of course aive amanikidzwa hake asika munhu wese ane marights ake hakuna munhu anobvuma zvaasingadi. Kuita ikoko kwakandiratidza kuti anga asingatozive zvaanoda. Imwe pfungwa yainditi haasi wake siya zvakadaro ,asi pese pandaiisa musoro pasi ndaitanga ku imaginer another man ari ontop of my girl ndaibva ndanzwa kutsva chaiko. Ndaitoda kuita revenge chete kumunhu iyeye and ndaida kuto maker sure kuti varambana. Happy wacho kungobvuma kwaakaita kuuya kwandiri ndakazvimanikidzira paari ndatoona kuti changu paive pasisina, aive otoda zvemurume wake. Moyo wangu aive aisisinei nawo. Zvandaifunga nekufeeler aive asinei nazvo changa chave mumusoro make murume wake. Zvino ndaida kuzvidira jecha zvese zvidhakwe. Ndakamusiya hangu achienda ndichiziva ndaive ndatora video tichiita zvataiita. Ndaida kuzoritumira murume wake. Number dzake ndaive nadzo sezvo akambondifonera achindi threatner. Zuva randakaita izvi ndakatoziva ndapedza zvese worse kumuzivisa nezura racho razvakaitika zvaibva zvanyatsomaker sense coz vanga vave vese. Ndaida kumurwadzisa Happy kuti anyatsoziva kuti heartbreak inorwadza sei. Ndakazobatikana paakafona Happy achiti waita hako. Voice rake rainzwika kuti aichema and abvira Kare nokuti raive rashoshomera. Ndakanzwa tsitsi zvekudemba chandaive ndambozviitira hangu. Ndakabva ndafunga kumutora ndikamuti huya kuno Happy but she cut me off ndokundiblocker chaiko. Ndakaedza kuisa message kuApp but haina kuenda ndakabva ndatoziva kuti ndaive ndablokwa kwese .Ndakaridza tsamwa ndichikanda phone pabed. Where is she now? I asked myself but mhinduro paive pasina. Ndakazoronga kusvika pamaraini pavo ndobvunza bvunza kana aivepo ndoita plan yekumuona.Ndichipedza chikoro ndakabva ndatoenda ikoko, luck randakaita ndakawana sisi vacho chaivo, vachibva vati Happy haapo akaroorwa. Haana kundipa nguva yekutaura naye zvakawanda akabva atofamba achienda kwaaienda. I tried to stop her but she ignored me ndichibva ndaramba ndakamira paye.Ndakazoona mwana wepa next ndichimubvunza kana aive aona Happy akati akaroorwa munhu wamuri kuda apa haapo apa", Ndakafamba kubva pagate paye ndodzokera kwangu kumba ndonetseka futi. Asi kuti haana kurambwa nani? Chokwadi kufunga kudaro kwakapa kuti ndinzwe kutsva zvekare. Happy haaifanira kugarana Josh mhani xcaaa.Ndaimuda Happy,she is mine l can't lose her to him no mhani. Ndakadzokera kumba ndiri muhasha chaidzo shungu dzangu dzaiva dzekuda kuziva kwaakaroorwa chaiko,but how ndakazvibvunza asi mhinduro ndakaishaya. Mazuva akafamba then one day l was shocked to receive call kubva kumurume waHappy ndakamujinyura ndokudzima phone.Pandakazoibatidza manheru l was shocked kuwana paine message yaiti,"I can give you anything if you tell me kuna Happy.Happy didn't love me anoda iwe.It's not like l need her back ,no chandoda kuziva chete if she is safe.Name anything chaunoda ndokupa zvako but in return ndoda kuziva kuna Happy nothing more." End of chapter 23 More comments more 🔥
❤️ 😢 🙏 👍 9

Comments