Mai Tamia Stories
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                January 23, 2025 at 04:33 PM
                               
                            
                        
                            NOT MY CHOICE💍
A collaboration written by
Amai Mimie (k.khums)
0782 818 892
Amai Tamia(L.Munjeri)
0786677765
Chapter 24
Josh
"Deal."
Ndiwo mapinduriro akaita Grey mushure mekunge ndamuvimbisa a big some of money.Mhinduro yake yakandisiya ndiine mubvunzo waida mhinduro.Kuti Grey aiziva kwaiva naHappy here?Kuti Grey akugara naHappy here asi asingadi kubuda pachena?Kana kuri kuti ari kuziva kwaari ndipo paairamba ari zii here?Kana kuri  kuti anoda mari so that anondiudza Kuna Happy l'm ready to do it.
Ndakabva ndatomufonera ndichimubvunza nhau yedeal racho zvikanzi,"Relax tsano Happy is safe tikangowirirana padeal chete  anouya kwamuri pasina kukundika."
Ndakadzeya mashoko ake ndichibva ndanyumwa.Aida kundingwarira mupfana uyu.Ndakazvikanda pabed ndokutanga kudzeya zvose zvaiva zvaiitika.Hupenyu so zvimwe zvacho zvotoda Mwari pachavo.
 
Ndaifamba hangu muroad ndichitsvaga Happy pese pese pandaifungira kuti angawanike. Wese wandaingoona ndaibvunza asi munhu wese achiti haana kubvira akaona munhu akadaro. Ndakasvika pakuneta nekumutsvaga kunyatsonzwa makumbo ese kurwadza nekufamba.Happy was noway to be found. Nguva yandaive ndoti ndichisiyana nazvo ndakabva ndamuona achizvuva bag rake kupinda musango.
"Happy!"
Ndakadaidzira nezwi rese ndichimhanya kuenda kuye asi handina wandakaona.Musango macho maitotyisa zvamo zvekuti ndakatoshaya kuti zvivindi zvake zvaive zvei. Ndakaramba ndichitsvaga dzamara ndamuona. Ndakamhanya paye ndichida kuti ndimubate achibva avhunduka ndokuwira mugomba raive kumashure kwake.Ndakamhanya paye kuti ndimununure but it was too late gomba raaive awira raive rakadzika zvekuti ndakatadza kana kumuona",  chandaingonzwa i voice rake chete richidaidzira riri kure kure,she was calling for help achidaidza zita rangu, I wanted to help  asi ndaitoshaya kana zano rekuita kuti ndimubatsire.Patova paya ndichinetseka ndakwanisa kuwana way pandinoti ndimubate ruoko ndakabva ndaita kuvhunduka kubva kuhope after paita a strong knock. So I was dreaming. Happy where are you? Are you okay? Ndakabvunza kuita sekunge ndaimuona Happy wacho. Chiona zvino zvaiita dikita kuyerera nemuviri wangu. Hembe dzese dzaive dzati nyakata neziya nekuda kwehope dzandaive ndarota.
Hana chaiyo yaiita kurova kwete zvekutamba.ndakatadza kana kumuka pandaive ndakarara nekuda kwepfungwa dzaive chahwiriri kufunga. Munhu aiknocker uye aingo knocker chete kuita seachapaza door rangu. Ndakamuignore for a while ndakatozovhunduka ndanzwa ndave kudaidzwa nemuromo chaiwo and voice ndakariziva.
Raive voice rababa Happy,ndakamuka ndichitora towel rangu kwave kuzvipukuta ndichinovhura door riye. Ndichingorivhura ndakatambirwa nefight yekuti ndakawira pasi.
"Wave kundi ignore ndiri pano because of my daughter right, zvino mira unzwe Joshua ndiri kuda mwana wangu kumba handisi kuita zvekuseka, mari yako iyo," vakadaro vachindikandira envelope yaiva yakafuta futa ndikatadza kana kuibata. Ndiko kwazvaive zvazosvika nhai. 
"I'm sorry baba mari handina kuti idzoke", ndakadaro vachibva vati "Mukadzi anorambirwa chipfambi ,nyangwe mubible zvirimo, so handingadye mari yako iye mwana wangu akahura, chandiri kuda ihure rangu back, pandiri kudzoka pano ndiri kuda mwana wangu, chero kana makauraya ndipei chitunha chake ndinochida pano", vakadaro ndokufamba vachibuda havo.
Zuva iri ndiro zuva randakaona kuti vakuru ava vanotsamwa. Chokwadi nediro yavaiita mari vagodzora mari  just like that. Zvino ndoitawo sei nhai? Zvinhu zvacho zvaive zvotowedzera kutyisa nekuda kwehope dzandaive ndarota.
Happy ndaive ndamurota achiwira mugomba.Ndikatadza kumubata. Ko dzaimboreveiko hope dzacho nhai mwari wangu? Ndakazvibvunza ndave kungofamba famba nemba kunge benzi zvino.
Ndaimuwana kupi nyika yakazara nevanhu kudai. Ko iyeni ndaive ndamboitirei hubenzi hwakadaro kungodzinga munhu ndichitadza kunomusiya kumba kwavo? Dai ndakangomusiya kana kutuma dombo akaenda naye zvaireva chinhu. Now ndave kupihwa mhosva yandisingazivewo manje. Ndakadira mvura inotonhora ndokunwa yese sezvo pahuro paive paoma.
Ndichipedza kuinwa door rangu rakabva ravhurwa and it was Shaleen achizvuva mornach rake. "Urikudei pano?", Ndiwo mubvunzo
Wandakamutambira nawo nokuti panguva iyi ndaitoda kuve ndega mumwe munhu pedyo neni ndaisada zvachose.
"I'm here to stay Josh because l am pregnant",
Kakataura kachizvida bubble kachiratidza kushaya kana nyadzi. "For who?"
"You of course ,ungabvunze zvauri kuziva sei, hanti wakarara neni usina protection waiti zvinoguma nepi?"
Ndakaridza tsamwa chokwadi nenyaya yake Shaleen. Inini about that night handina chandinorangarira and handina kubvira ndaziva ndichida kurara naye chandoziva kuzongomuka tese tisina kupfeka chete. So zvekuti ane nhumbu ndakati zvimwewo izvo."get out of my house now" ndakadaro ndichimuratidza musuwo iye achibva aseka hake achinozvikanda pasofa.
Ndakanzwa hasha ndokunoita wekuzvuvira kunze kwegate. Ndakarivhara ndokudzoka mukati kunotora chibag chake ndokumukandira "I don't want to see you here kana une nhumbu enda ubvise or  keep it for yourself vakadzi murimbwa", ndakadaidzira ndichibva ndalocker gate rangu zvese nedoor  rangu
Shaleen
Josh aitopenga chaiko muitiro wake sometimes ndotombofunga kuti ane zvaakaitwa naamai vake. Hakuna murume akakwana anoramba ini Shaleen.
Ndakaramba ndakamira pagate pake ndichifunga zvekuita. Uyu ndiye aizoita murume wangu manje achida asingade. Uye ndaitoda muchato chaiwo naye. Ndakambogara pagate paye ndichiti zvimwe munhu achabuda asi kana hake. Ndakadzimara ndonzwa kutsva nezuva ndichibva ndafunga kuenda kumba kwaamai vake. Ndainovafurufusha ikoko zvekuti ndivo vachaudza mwana wavo kuti huya utore munhu wako kuno.
Handina kutambisa nguva ndakabva ndatopinda munzira kudzokera kumusha uko ndakasvika Mai Josh vagere paveranda vakaita kubata rushaya rwavo vachiratidza kuve kure nepfungwa. Kusvika kwandakaita havana kana kundiona ndakatozozviona nekuvhunduka  kwavakaita pandakati tisvikewo pano
.
"Aah kana kumboona kuti kune munhu vakadaro vachibva vanyarara havo vasina kundidaira kana kuti garai apa, ndakazvipa ndega pekugara hangu ndichibva ndavamhoresa vakadaira. "Amai ndauyawo ndanzi naJosh ndiuye pano ndine nhumbu", ndakadaro vachibva vaita kuvhunduka zviye zvekuvhura maziso kusvika pekugumisira. 
"Ndoisa mupi bag rangu,"
 ndakadaro ndatoona kuti pano handipatambirwe ndikaita zvekutamba."ibva zvako pano Shaleen hauzive kuti Josh ane mukadzi oda muroora wangu aite sei akasvika uripano ,handidi mashura kana mbichana kasira zvako kubva pano, Josh an mukadzi mumwechete", vakadaro ndichibva ndaseka ndichisimuka. Ndakangotora bag rangu kwave kupinda mumba chinyararire. Ndakangoisa bag pasofa ndokutotora hangu remote kwave kuita on TV. Pasina nguva ndakaona vateverera mai Josh.
"Shaleen handidi miyedzo newe ibva hako pano nekamimba kako, wairara nemurume wemuridzi uchiti urikuitei", she said this ndichibva ndavati "ko kana musina kusvinira mwana wenyu mukaka imhosva yaani? Pano ndiri kuzopagara whether you like it or not"
End of chapter 24
More comments more 🔥
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                    
                                        8