Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 23, 2025 at 04:33 PM
NOT MY CHOICE💍 Written by Amai Mimie (k.khums) 0782 818 892 L Munjeri (Mai Tamia) 0786677765 0716600241 Chapter 25 Mai Joshua. I felt pity for Happiness, zvaaisangana nazvo muhupenyu zvaive zvakakura kumudarika. Ndaingonamata kuti dai ndaziva kwaari ndamutora hangu ndagara naye. Wangu mwana ndiye aive benzi. Anga asingatomborangarire hake kuti ndiye aive akavhiringa zvinhu zvese nekuroora munhu waasina kupfimba. Ndakaedza kutaura naye but aitoratidza kusada kunzwisisa hake. Akabva azongobuda pamba ndokuoneka. Iye kwaari aitoona sekunge ndaimunetsa zvakanyanya, asika he was 100% wrong. Kana dai akandiudzawo chokwadi pakutanga kuti ndiwo matorero aakaita mwana wevaridzi zvimwe ndingadai ndakamubatsirawo takagadzirisa zvinhu muroora asina kurasika kudai.Kuona kwangu she is not a bad girl. Pressure chete ndiyo yaive yakamuwandira paakauya semwana mudiki. Kudya chaiko ndakatadza ndichifunga Happy. Aivepi? Ainani achiitei panguva ino. Ndakanopfugama ndikanamata kuti mwari vamuchengetedze wherever she is. Ndaida adzoke kumba tigare. Chandoziva Josh aizodzoka chete pakunyatsofunga zvakanaka vakagara vese murudo.Husiku hope chaidzo dzakaramba kuuya ndichingofunga kuti aive pai mwana wevaridzi. Ndakamuka kuita hangu basa rangu kwave kunogara panze ndakatarisa kugate. Ndaive nechivimbo chekungoona Happy achipinda gate akatakura bag rake asi zvese zvakaenda musango ndaona achisvika ari Shaleen. Nyaya yaakasvikotaura yakandirovesa nehana, She was pregnant for Josh and achiti Josh amuti auye kumba. Ndakanzwa moyo wangu kurwadziwa chokwadi Josh anodirei kundipa zvironda pamoyo kudai? Ndakatarisa Shaleen wacho zviye zvekupererwa kwave kuona asingatombogayi hake kuti kunze kunei. "Ndoisa mupi bag rangu," akadaro ndichibva ndamuti "ibva zvako pano Shaleen hauzive kuti Josh ane mukadzi here iwe?Unoda muroora wangu aite sei akasvika uripano ,handidi mashura kana mbichana kasira zvako kubva pano, Josh ane mukadzi mumwechete", ndakadaro achibva aseka hake kwave kusimuka. Ndakamutarisa hangu achitora bag rake kwave kupinda mumba mangu ndisina kumuti pinda. I followed her kwave kusvikoona aisa bag pasofa ,uku ruoko rwakabata remote achitoona hake TV yangu. "Shaleen handidi miyedzo newe ibva hako pano nekamimba kako, wairara nemurume wemuridzi uchiti urikuitei",I said this achibva ati "ko kana musina kusvinira mwana wenyu mukaka imhosva yaani? Pano ndiri kuzopagara whether you like it or not" Ndakarohwa nehana chokwadi nemashoko ekamwana uyu. Zera rake irori andiudze zvekuti handina kusvinira mwana wangu mukaka. Ko dai asina kunge akarapirwa dai pamba pakatoungana vazukuru ka. Josh aive akura asina kana kumboita mbiri yevakadzi, kana zuva rimwe randakambonzwa kuti anetsa nanhingi kana kubvira atizirwa achinzi amitisa or abatwa aine mwana wevanhu. Wangu mwana ndaitotya ndichiti zvimwe haarore ini ndipo pouya kamwe kamunhu nhasi uno kachitaura kuti handina kusvinira mwana wangu mukaka. "Shaleen ziva zvaunotaura wanzwa, kusvinira mwana mukaka kwaunotaura ndekupi, wakambonzwa Josh achinzi aita mbiri yevakadzi? Kupihwa pamuviri handifunge kana mwana wangu akatokupfimba ini asi ndiwe waitomufambira, what do you expect from a man ukamuvinga pamba pake of coz kupihwa mimba ka, you are a fool and rega ndikuudze haufe wakagara naJosh iwe mark my words", Ndakamataura nehasha mashoko aya achibva asekera svoto zvikanzi,, "Zvino I'm here to stay and as long as Josh neni tichidanana zvatirikuita izvi no one can separate us," "We shall see." Ndakadaro achibva ati, "ko hamunyarike nei nhai mai imi zvamuri munhu wemuraini wani? Monzwa sei ari mwana wenyu apihwa nhumbu kumba kwedu odzingwa namai vangu, iyi nyaya iyi it's better mubude mairi and wait for Josh old woman", Ndakanzwa hasha kuda kumurova chaiko asi ndakaona zvisingakodzere. Ndaive pamaprayers ekunamatira Happy so ndaisafanira kusvika pakudaro. Ndakangomusiya ndokuenda kuroom kwangu kunofonera iye Josh wacho. Phone yake yakatora nguva isina anodaira. Pave paye akazodaira hake nezwi raive very low. "Ndiri kukuda kuno right now",ndakadaro achibva ati "Auya here Happy?", "Kubva kupi nhaiwe Josh, huya kuno ", ndakadaro achibva angoti "will see" ndokukata hake cal. Kuita kwake kwakaratidza kuti kuno haasi kuuya hake . Ko kana iye akasada kuuya kuno mutoro waanditumira uyu ati ndiite sei nawo, Shaleen ave munhu mukuru, kwatiri ndidzo dzatinoti tsikombi nokuti she is same age naJosh wacho. But her behavior was too much. Chokwadi munhu unosvika pamba pevanhu uchiita seunopenga kudaro. And to make matters worse. Ndini mai vaJosh wacho waatizira. Ndakatora phone yangu kwave kusenda iri message chaiyo kunaJosh wacho kuti asarege hake kuuya kana achiri kuda zvekuwirirana neni. Melody "My daughter can't you see this is the chance yekuita advance kunaJosh, urikufanira kutoenda kumba kwavo unoita seunoda kunzwisisa nyaya yaHappy then take over, tingafire munhu ane shave rechihure kufana Mai here?", Vakadaro Mai vangu ndichibva ndavatarisa neziso riye rinoti hamurevesi. "Mom are you alright," "Yes iwe kwako kusaona here he is destined for you, ndainge ndakazvitaura izvi Kare kuti ndiwe unofanira kuendako not Happy but baba vake vakaita nharo hanzi ndiye arikudiwa naJosh, now look vatoenda kunopa Josh mari yese kana ndiwewo apa isu taive taronga kuvaka kustand", Vakadaro mhamha ndikavhunduka. Baba vanga vanodzorera mari chokwadi nenhamo yemari yaive pamba pedu and inini ndaitoda Mari yekupedzisa course yangu. "Maregerei kuvarambidza nhai mhamha? Ko ndinopedza nei course yandakatanga nhai", ndakataura ndichigara pasi. Ndaive ndotoona pasisina mberi kwekuenda chokwadi "Inini manje Inga unomuziva wani kana achinge atsamwa haadi anomumisa wanga uchida ndiswere ndadonhedzwa rimwe zino zvegore riye," "Saka vaenda kumusha kwacho?", I asked zvikanzi vaenda kumba kwake kana vamushayako ndipo pavachaenda kumusha. So get ready kuendako kana vachinge vadzoka tichanzwa kuti aripi? Vakadaro mom vachibva vabuda. Mai vangu vaida ndiroorwe naJosh kubva karesa kana ini wacho ndaitomudawo Josh wacho. Kuuya kwaaiive oita pamba pedu kubva pakauya Happy ndaive ndofarira ndichiti zvimwe zvave kuita izvo kwaani anga achiva hake mucheche wababa vangu.pandakanzwa kuti ndizvo zvaiitika ndakarwadziwa handidi kunyepa,, chokwadi munhu aive akakura hake achigara kumusha ndiye ozongonyuka hake achitivharira panze. Happy aive nemukomana wake waaida chose ndaiti zvimwe achatiza kuenda kwana Josh but hey Kanenge kaitochema nhando. Nekuti munhu haucheme uchienda kaa kwausingade. Mazuva ekutanga ndakasara ndikaona nekungofunga kuti Josh ari kutorara naHappy zvechokwadi here. Days passed kusvika ndangogamuchira kuti ndizvo zvavepo. Ndokusiyana naHappy naJosh. Ndanga ndave kutosimbisa rudo rwangu naSam tave kuenda pane chimwe chikamu ndipo pakabva pasvika yekuhura kwaHappy. I ignore the issue but mom vangu vakaramba vachindionesa nekundimanikidza dzamara ndatoona kunaka kwazvo. Sam had no money chaaingokwanisa kunditengera airtime nekundirukisa musoro chete, kubhadhara Mari yandaida chaiyo for graduation aisatombokwanise. Ndakatanga ku imaginer life yangu naye kuti yaizovei mberi ndikaona zvisina kana direction. He wasn't my choice at all asikuti ndaive ndakamudira kuti ndiye akangondidawo. Choice yangu aive Josh and right now ndaifanira kutoshanda nesimba to get what belongs to me. Handingabirwe kodzero dzangu naHappy kaa. Vekare hakuna mudiki airoorwa before mukuru now vave kungoita yese yese havo. I smiled ndichitora phon yangu kwave kutarisa pic raJosh randaive ndakatora paPro pake ndikamborizuma. Ndakariona kusvika ndabatwa nehope kwave kuzomuka ndaita kurohwa rohwa. Ndakatarisa aindirova kwave kuona chiri chimupfanha changu. "What is it nhai urikundimutsireiko?", Ndakadaro ndatobhoikana aive andibvisa kuhope ndichitorota ndiina Josh wacho. Akangotendeka phon yangu achindiratidza paive nepic raJosh. "Ooh give me that phone" ndakadaro ndichida kuitora achibva ainzvengesa. "Don't tell me kuti you are thinking on taking over Josh waHappy", Tichiri kunetsana kudaro phone yangu yakabva yarira zvikanzi naPeee,"It's Josh sisi don't tell me kuti makutowirirana." Ndakasimuka zvehasha ndichida kumubvutira phone yangu hameno yakatsvedza sei ichibva yangonanga straight muchigaba changu cheweti. "Aaah?" Ndakadaro ndapererwa. End of chapter 25 More comments more 🔥
❤️ 👍 😂 😢 😮 🙏 🙈 32

Comments