
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:41 AM
NOT MY CHOICE 💍
A collaboration written by
Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
Amai Tamia (L.Munjeri)
0786677765
Chapter 28
SHALEEN
Mazuva avaiva afamba chose ndichigara pamba pana Josh.Ndaifunga kuti achadzora wake moyo asi umm apa ndipo pandakaona kuti Happy aidiwa nemoyo wese.Zvairwadza mufunge nokuti munhu wandaida wacho aingotsvedza-tsvedza semuramba.Ndaiedza kufona asi aidaira paadira chaipo.Zviya zvekuita hustuborn hunge uchiziva kuti pano ndodiwa kwete zvangu zvaitova zvekumanikidzira chaizvo.Ndakatanga kudzoka into my senses manje mashoko amainini vangu ndaive ndomafunga zvino.
"Shaleen mwanangu handina daka newe ufunge asi nzira yawafunga kufamba nayo iyi yakashata uchazodemba mangwana.Wadii wazvigarira mukufamba kwenguva wako uchauwana anokuda kwete kuda kumanikidzira rudo.Zvinozobuda here kungoonekwa wombeereka nemurume wemuridzi pose pauri."
Ndakavatarisa panguva yacho ndikabva ndavati,"Josh ndiye wandoda akandivimbisa rudo handina kumutsvaka ini asi ndiye akatanga.Ngaapedze zvaakatanga."
"Ita zvawafunga mwanagu usazoti handina kutaura.Zvimwe zvacho kungoda kutitsvakira mashoko hanzi vana stepmother vakaipa uriiwe wazviporongera life yako wega.Chimboita zvawadai wakura ko watova tsikombo ka iwe wakuziva hupenyu."
Kubva musi iwoyo havana kuzotaura futi nhau yaJosh vakabva vasiyana nazvo kusvika ndazvisarudzira nzira yangu yandakaona yakandinakira kufamba nayo.Nhasi uno ndanga ndakuchidemba zvino ndozvibvunza kuti ko ndakaitei?
Pakazouya Josh mushure mekunge ndarwara ndakambonzwa zviri nani chose.Asi musi wacho handina kurara ndainzwa kuremerwa nedumbu rangu zvakanyanya kudarika mamwe mazuva maviri ainge apfuura.Pazvakatanga ndaingonzwa kuneta asi manje apa zvanga zvarema chose.
Ndainzwa mweya wangu kuenda kure chaiko kunge wakuda kuenda chaiko.Ndanga ndangova marwadzo bedzi apo bp yanga yakwira face yangu chaiyo sandi kuzvimba ikoko.
Ndakafunga zvakawanda husiku uhu nokuti hapana mukadzi angangoenda agokusiya kuti uve nehigaro hwakanaka iwe.Obvious Happy aisazongogarira maoko ake asikuti aigona kutondibatira mushonga chaiwo kuti ndibve pamurume wake.Ndizvo zvandakatanga kufunga mushure nekurwadziwa kwandaiita.
"Hakuna umwe ndiye chete mukadzi waJosh."
Ndakadaro nechemumoyo mangu nokuti ndaiva ndakuona ndatarirwa rangu gomba mberi kouso hwangu.Kwakaedza ndatambura.Hongu Josh aisandida zvake asi musi uyu akaratidza kuti ndaisava enemy yake.Chero zvake akarara pasi ka izvozvo zvega zvakandisunu gura kwazvo.Kungovepo kwake kwakandipa simba.
"Josh atuma sadombo kumba kwenyu kozovisa kuti tisu tinewe."
Vakadaro mhamha vaJosh kuseni vachindibatsira kugadzira kuti tiende kuhospital.Dai Kari kare ndainzwa kufara kwazvo,asi apa paisava nechekufarira zvachose ndakabva ndangovati,"Makutya kuti ndogona kungokufirai here mhamha?Seiko zvangozoitwa chimbi chimbi kudaro kuita semabatirwa pfumo."
"Nguva yareba mamoyo uripano saka ndatoti sezvo Josh wacho atouya kudai better angozviita zvipere ko hantie wakarambira pano kutoita sechikwekwe here?Saka wanga uchida ndiite sei ndomudzosera here Josh wacho orega kuita zvofanirwa kuitwa zvacho."
"Hameno zvamazviitora ndimi munozviziva."
Ndakadaro ndichitopinda hangu mumota pasina nguva Josh akasvika achibva arova mota tonanga kuHoward uko kwandakasvikonzi ,"Mwana afira mudumbu."
"What?"
Ndakabvunza doctor vachibva vataura zvavainge vabva kutaura ndikanzwa kupera simba.Kana wanyatsorwadziwa chaiko hauburitsi misodzi asi kuti unochemera mudundundu ndizvo zvandakaita ini.
"Saka what's next nhai doctor zvazvadai?"
Akabvunza Josh zvikanzi,"Pakaipa semunhu ave nemazuva zvaitika hapachina imwe option kwatongova kuitwa opp dai kusiri kuti kune strike taigona kuita another method yekuti mwana abude very fast but nokuda kweblood pressure tikavanonokera it maybe risk to her zvekuti tokwanisa kutorasikirwa zvakare namai vacho."
"Itai zvacho doctor zvamoona zvinoita kuti Amai vararame already tarasikirwa nemwana hazvizodi kurasikirwa nevese."
"Correct."
Vaitaurirana havo ini ndakangoti zii ndiri pabed nemwana wangu akafa mudumbu.Ndakatanga kufunga zvakawanda panguva yacho.Ndakazonzwa Josh oti,"I think it's wiser kuzivisa dad vako Shaleen what do you think?"
"Ita zvawafunga Josh."
Akabuda Josh pasina nguva akabva adzoka zvikanzi,"Done asi varikuvava."
Handina kupindura akabva abuda zvakare ndokusara ndoendeswa utheater room uko kwandaiva ndongoti chauya chauya choona ini.Ndakaita munamato wangu nechemumoyo ndikapfidza zvivi zvangu ndaisada kufa ini.
JOSH
"I'm sorry mwana afira mudumbu."
Hana yangu yakarova ndichinzwa mashoko aya.Ndakatarisa Shaleen wacho wanike angoti tuzu zviya zvekupererwa chaiko.Ndakangozvinyaradza nerekuti zvimwe Mwari vaona kuti mwana haasi wangu ndosaka vamutora zvavo.Ndakatadza kugadzikana chaiko ndaiva nekutya mandiri ndichibva ndabuda panze ndokufonera mhamha vangu avo vakangoti,"Waona ka mabasa Ako Josh now chifara zvawaida zvaita.Aitadza nei kufa mwana iyeye ivo mai vacho vaingofungisisa ndiwe wakonzeresa Josh."
"Mhamha please!"
"Hapana apo wotoudza hama dzacho kuitira mangwana."
Ndakakata ndichibva ndafonera amai vacho mushure mekunge yababa vake yaramba.Bva vakatanga kupoppta kusvika ndakata vaizoudzana ikoko chikuru vaziva zvikuitika.
Ndakagara 5hrs ndanga ndisisina tariro manje yekuti achamuka nguva yanga yareba ndipo pakazouya doctor vachiti," Amuka."
"Thanks doctor."
Ndakadero ndichitura befu .Vachibva vati,"No need ndozvatiri kubhadharirwa izvozvo she is safe munogona kupinda mukati."
Ndakapinza ruoko rwangu muhomwe ndokuburutsa 20us ndikati,"Yedrink doctor you saved me today."
Vakanditarisa ndichibva ndafamba ndoenda kuward kwaaiva.Ndakawana agere achichema achinditi ba akabva ati,"Wafara ka Josh zvawaida zvaita,now wakunyatsondiramba zvakanaka."
"Tiri muhospital Shaleen usada kutaura zvakawanda mashoko angu hauzombomafarira zvachose."
"Taura zvawada Josh unoona vanga iri mwana wacho arikupi?Dai ndachekwa mwana wangu ndinaye ndaisarwadziwa manje this."
"In your heart unoziva kuti it's not my fault don't blame me pazvinhu zvandisina kuita uye usaite sokuti nhumbu yanga iri yangu.Ndatongokubatsirawo Shaleen saka usandiendere mberi."
Ndakabva ndatobuda ndonobvunza doc kuti aibuda rini zvikanzi after 3-4 days.Ndakabva ndatonomuoneka ndokubuda ndichienda kumba.
Ndaitofamba zvangu pandakaona umwe musikana achisunda pramer yematwins ndakaramba ndakamuyeva zvangu kusvika ave pedyo neni.Akatanga kutaura paphone ndikanzwa achiti,"Uchiri kuitei kumota nhai Happy inga unoziva wani kuti ini zvevana zvinondinetsa especially twako tumakonzo utwu mhanya shaa ubaise vana vako tifambe kuchakachena.Okay kwacho."
Ndaisanzwa zvaiva kune rimwe divi but kutaurwa kwezita raHappy kwakandisiya ndine chidokwa chekuda kuona Happy wacho aitaurwa nezvake.
Amai Josh
Bad news dzaShaleen dzakandibata ndaisashuwira kuti zvakadaro zviitike kwaari zvachose.Zvichingobva newangu mwana asingadi kudarika nemarokwe ugoona aiva munhu kwaye fani Josh kungoziva kwaakaita vakadzi zvese mudondo.Aindirwadzisa mwana uyu.
Zvisinei ndakatanga kuwacha hangu zvihembe zvangu zvepamba pandakanzwa kuti ,"Tisvikewo."
Ndakacheuka ndokuona vari mainini vaShaleen ndikaziva kuti kwabviwa hakuna kumira mushe.Ndakadaira vachibva vasvika.Ndakavapa pekugara ndokuramba ndikanzwa voti,"Vasikana hamurevesi munoziva patumirwa Mari kuseni ndatofara kusaziva kuti mune zvamanga muchiitira.Munodarireiko mai Josh shuwa.Dai Ari mwana wenyu Shaleen mainzwa sei achiitwa kudai.Motizivisa kuti mwana arwara ave kuchipatara shuwa.Kana maisamuda mwana wedu makadii kumudzosa pane kuita hunhu hwakadai.Shuwa ndizvo zvamunopfekera bhatye rekuchurch muchiita zvakadai shuwa.Ko akafa?Mambozvifungawo izvozvo here kana kuti mongozvifunga imi nemwana wenyu bedzi.Pese apa ndaiti zvese zviri mugwara izvo kwani maiziva henyu zvaiitika mumba menyu musadaro mai Josh.Inga makatoberekawo wani.Mototenda kuti handina kuudza baba vacho chokwadi kwaizvarwa mwana asina bvudzi pano."
Ndakada kutaura vachibva vasimudza ruoko rwavo vachiratidza kundidzivisa panguva iyoyo phone yangu yakabva yaringer ndokuona new number asi handina kudaira.
"Dairai ka muronge nhau dzenyu nemwana wenyu."
Handina kupindura, zvakare
yakabva yaringer ndokungoitarisa ndaitotya kuti zvimwe ndiShaleen ko aivawo nepamuromo pasingamharwi nenhunzi ka.Vakasvika pakuenda ndikasara ndoedza call iya asi yakaramba kupinda ndikasiya zvakadaro.
3 days later
Shaleen ainge adzoka kumba aive akungogara achieredza misodzi nguva dzose.Ndakaedza kutaura naye asi kusvimha haana kusiya kusvika ndazotaura naJosh ndikati,"Dzosera mwana wavaridzi sezvo nhumbu yacho pasisina kudai.Tarisa akungogaro chema nguva dzose."
"Anodzokerepi nhai hanzvadzi chero dai ari wenyu mwana uyu maizvibvumawo imi.Hapana zvaachatoita Josh chasara kutonoroora iyeyu aripo hantie mukuru wacho akaenda nesango.Chasara ndiyeyu aripo."
Ndakacheuka ndokuona iri hanzvadzi yangu tikakwazisana Josh ndiye akazoti,"Handina kubvira ndamuda munhu uyu sekuru zvandakaita izvozvo zvakatokwana handina Mari yangu inoenda kumba kwavo zvakare.Wangu mukadzi makamuona sekuru."
"Ndakamuona hongu asi iyezvino aripi hantie wakamurambira chipfambi ndizvozvo roora uyu aripo hupenyu huende mberi."
"Hazvibude sekuru."
"Kuzvitaura kudai zvoreva kuti zvoita ita semurume pakunoedza ndoda kunzwa kuti une marii tonoroora mwana uyu."
End of chapter 28
More comments more 🔥
😢
🙏
❤️
😂
7