Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:42 AM
NOT MY CHOICE 💍 A collaboration written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 Amai Tamia(L.Munjeri.) 0786677765 Chapter 27 Melody Yes ndaimudawo Josh wacho asi pekutangira chaipo ndaiva ndisina.Ndakatobikawo zvakanaka chose and saved him.Airatidza kufara chose musi uyu zvinova zvakandipa confusion chaiko kutotadza kuziva kuti sei aifara kudaro iye Happy asiri kuonekwa.I decided to ask him.Ndakutoda kutaura ndakazvidzora ndofunga kuti maybe ndogona kumutorera mufaro wake.Ndogona ka ndiri the reason why aine mufaro kudai.I decided to chill tichibva tadya tichitaura dzimwe nyaya.Mukutaura nyaya ndipo pandakazonzwa oti,"I'm happy today gulez,kungovawo nehama yaHappy pedyo koita ndinzwe kurerukirwa." Ndakabva ndatoziva kuti l was the reason yemufaro wake ndakabva ndati,"What happened kuti Happy azobva pamba?" "Truly gulez l really do love Happy but zvaakaita zvakandirwadza vedio randakatumirwa nemuface wake rakandisiya ndisina imwe option than kumudzinga chete." "Kana wanga usisamudi wakadii kunomudzosera kwawakamutora.Do you know kuti iwe namudhara mogona kufira mujere mese?" "But why? "Unobvumza zvinhu zviri pachena here? Happy anga ari under age ka uya.Izvozvi hauna ruzivo kuti aripi?" Akatanga kukwizanisa maoko ndokuti ,"Saka nekumba haako here zveshuwa."Ndikati,"Josh saka unoti baba vangasvika pakudzosa mari vachiziva kuti Happy ariko here dzinenge dzirimo dzichinyatsotora here?" "Kungobvunzawo chete?" "Wotoita action nokuti mudhara anogona kuita yese yese nokuti akatsamwa zvekuti pamunoonana chokwadi hapameri bundo." "I need your help Melody." "What help?" "Happy anogona ariko kuhama dzenyu ,please do me a favour umbobvunzawo hama dzenyu pqmwe zvoita." "I will try but handifunge ini kuti angava ariko?" "Please try wondipawo feed back." "Izvozvo ndogona kuita but what about Shaleen arikumba uko.Two days idzodzi wanga watowana replacement yaHappy shuwa." "It's not what you think gulez munhu arikumba uko anotopenga chete.Ini munhu wandoda ndiHappy chete hakuna umwe." "Not even me?" Akanditarisa ndokuti,"Watii?"Ndakasimuka ndokufamba ndichienda kwaaiva akagara ndikati,"Chero zvose izvi hauzvide hereJosh?" Akanditarisa ndokundipima apo ziso rainge ratsvuka zvino zvekuti ndega ndakanzwa kutya.Ndakazvishingisa sezvo ndaiva ndambonzwa Amai vangu vachiti varume vana vadiki havatani kuredzeka.Ndakaita wekugara pamakumbo ndichibva ndafambisa maoko angu kumusana kwake.Ndakarereka musoro wangu ndokufambisa muromo wangu ndakanangisa pane wake.Wakanyatsosvika ndokudhumana zvino he didn't move zvake asi kutenser kwake ndakaziva kuti ishock chete nokuti anyatsobatwa nemaoko emunhu ave mature uye akunyatsoziva nhau dzerudo idzi kwete vana Happy zvanana zvaitodzidzirawo pana Josh. Ndaiva busy kukwekweta muromo waJosh pandakangoerekana ndasundirwa kwakadaro ndichinorovera negotsi patable yepakati iya.Akanditevera ndikaona munhu akubvisa belt ndikanzi naro.Ndakabikwa kwete zvekutamba akazorega aneta zvikanzi,"Try this next time ndokuponda wanzwa.Ndati ndoda Happy only do you here me?" Ndakagutsurira musoro zvikanzi,"Ndati chii?" "Unoda Happy chete." "Good.Now this very minute buda mumba mangu." Amana ndaisaziva kuti kune varume vakadai ini.Ndakaitwa wekusundirwa kunze kwegedhe apo chiona muviri wangu anga angori mavanga bedzi. Ndakatotenga chijira chekuvhara kumeso kwangu ndichibva ndazokwira kombi ndakananga kumba.Ndakangosvikonanga kuroom kwangu nekutopinda mugumbeze this was too much for me. "Kwakanaka here kungosvikorara nhai Melo?" Vakabvunza mhamha ndikati,"Munhu wenyu ibhinya mhama moona zvamandiitisa.Ndoenda sei kubasa mangwana." Ndakadero ndichitochema uku ndichitaura zvaiva zvaitika ndikaerekana ndanzwa Pee achiti,"Ndakakuudza kare kuti Josh haaukude sei uchingorambira wakabatirira pamunhu asina hanya newe nhai Melody.Ko iko kushaya respect kumurume wemuninina wako shuwa haunyarewo here Melo.Vakukoniwa bamnini dai vakubvisa mazino wakapusa iwe.Unoda zvinhu kunge paperbag." "Unozivei nezverudo iwe Pee?" "Iwe unoziva hezvo wabhurwa zvino udza baba ka kuti warohwerwei?" Ndakashaya zvekutaura aingorutsa kutaura Pee asinei zvake nemavanga angu. "I need to sleep mom please chimbobudai muno." "But Melo,," "It was not my choice mom but you forced me to seduce him now see zvandaitwa." "Dai abvuma kuita zvawanga uchida wanga uchizotaura zvauri kuita izvozvo?" Ndakabva ndanyarara ndokufuga musoro ndofunga way forward. JOSH Ndaiva ndafara kuti ndawana munhu ari kurutivi rwangu kusaziva kuti aitoda kundiredza zvake.Manje uyu ndiye akaita munyama.Ndaitova nehasha dzekushaudhiwa nababa vake munhu wondivhengedzera mberi kwangu.Ndakanyatsopedza shungu dzose dzandaiva nadzo.Ndakazotura befu ndabva kumubudisa kunze kwegedhe.Ndakadzoka ndozvikandidzira pabed.Ndakatora phone yangu ndokuenda kugallery ndokutanga kuona papics aHappy andaimutora achiri kushooter mafirimu.Aiva funny kani zvekuti ndakatomboseka ndega.Ndakaguma ndochema zvese nekuseka ndikazvinzwira tsitsi. "But why me nhai?I loved her with all my heart but in return you betrayed me why?" Kwaingovawo kuzvibvunza hako asi aindipa mhinduro pasina. 7months later Ndaiva ndamboedza chose kutsvaka Happy asi zvanga zvaramba.Kana vari mai vangu vanga vasisadi kundiona nokuda kwekushaikwa kwaHappy zvese nehuvepo hwaShaleen .Ainge aramba kubva pamba pangu.Ndakaedza zvese kurova kuita sei asi akaramba ashingirira chete.Handina kuita basa nazvo ini ndakangozvisiyawo zviriko kumba kwacho nenhumbu yake.Kana vari baba vaHappy vainge vaonda zvino kuti vaende kupolice vaitya taiva takangofanana tese.Kuhama dzavo vainge vatsvaka vakashaya munhu.Zvinova zvakakatyamadza vanhu hapana anga achiri netarisiro yekuti achiri mupenyu. Rimwe zuva ndakazotambira call from mhamha avo vakanditi,"Svika kumba Josh." "Kunei mhamha?" "Huya mwanangu zvinoda uripo tichionesana mwanangu." Ndaisada zvangu asi ndakangoti samai vangu regai ndiende.Ndakasvika kuya ndokuwana Shaleen akarara parupasa aripedyo nemoto apo makumbo ari maturi kuzvimba. "Ko aita sei nhai mhamha?" Ndakadaro hana yangu ichiita kubika manhanga chaiko.Ndaisamuda semukadzi wangu but as a friend l still cares for her.Ndakaenda pedyo nepaaiva ndikati,"Chii Shaleen?Ko warwara nei?" Akabva atanga kueredza misodzi ndokuti,"Ndozviziva kuti haundide Josh,ndiri kukumbirawo kuendeswa kuhospital l'm not feeling well." "Wakamboenda kunotariswa here kuhospital kwacho?" "Haasati uyu, chero kunyoresa chaiko haana." Vakadero mhamha ndikati,"Chaikutadzisa chii wakadii kuudza muridzi wenhumbu akakupa mari yekunyoresa." "Josh?" Ndakavatarisa mhamha ndichibva ndazoti, "Saka zvoitwasei manje?" "Huya kuno Josh." Vakadaro mhamha vachindibata ruoko ndokuenda kuroom kwavo. "Unoona ka zvandaitaura now face the consequences of your foolishness." Ndozvamandidedzera here mhamha kuzondituka." "Kwete,asi kuti ndoda kuti uone kuipa kwekusavimbika.Now uchaita sei naye.Hama dzake varikutoti mwana wedu Ari kumurume apo dzave 7months kana tsvakirai kuno hauna kuendesa." "Kuendesa tsvakirai kuno zvoreva kuti ndabvuma munhu wandisingade mom.Handina tsvakirai kuno yandoendesa." "Ko akakufira unodii?" "Kana usingamudi dzosera mwana wavaridzi kumba kwavo asi uzive kuti haangoende ari maoko unotobvisa madamages chete." "Madamages munhu wandisina kurara naye mhamha." "Saka nhumbu yakauya nesadza here?Ndikwanire Josh ini zvekuvenganiswa nevanhu muraini handidi zvachose gadzirisa hunhu hwako.Ko akamuka akatifira tozvidura tichiti chii?Ini zvekupihwa headache handidi nemunhu akura handidi." Vakadaro vachitobuda ndikavadhonza ndikati,"Mhamha nhumbu yaShaleen hayisi yangu ini.Akungodawo zvake kuwana pekuzororera asi mwana haasi wangu.Seiko zvichidai pandiri mom? Happy akarara neumwe murume ini ndiripo iyezvino hapana achaziva kwaari kuti mupenyu here kana kuti aka...." "Don't even go there." Vakadaro mhama ndikati,"Nokuti ava Happy hamuchadi kunzwa chokwadi.Aripi kana aikudai chaizvo?Kana ari kupenyu kutaura kudai atova nemwana wandisingazivi kuti ndewangu here kana kuti?" "Saka unopa Ani mhosva hauziriwe wakamudzinga here?Ndakakuudza kuti usadaro ukaisa zvitanda munzeve nhasi ndezvipi?" Vakabva vafamba vachibuda vasina kupindura ndikatevera kuya.Ndikati ,"Saka toenda kuhospital kwacho here?" "Ko tikazoenda mangwana zvedu zvodii ndinenge ndakupindwa nemhepo zvishoma." "Hoo." Vakadero mhamha ndikazoti kunaShaleen,"Urikurevesa here kuti wava nani." Akagutsurira musoro asi ndega ndaitoona kuti munhu airwara uyu.Hongu yaiva nhumbu zvayo but umm there was something behind her sickness.Muviri wake wose waiva wakazvimba chero kumeso kwake umm aitotyisa kutarisa. Vakabika mhamha tikadya iye akangovavarira hake.Tapedza ndakarara naye musame room aingoshanyarika kusvika ndazomubvunza kuti,"Nhaiwe Shaleen chii?" "Dumbu rangu rikurema kuita kunge ndakatakura dombo." "Watii?" "Ndiri serious Josh handisi kunyepa." Ndakamuka ndokunoudza mhamha zvaaiva ataura vakati,"Mangwana kuseni wototuma munhu anozivisa kuti mwana tisu tinaye akatifira tozviudza Ani." Nharo dziya dzandaimboita dzakapera kuti hwaaa situation yaiva naShaleen yanga yaipa kwazvo.Hongu aiva anditadzira asi ndaisada kuti afe.Kuipa kwazvo baba vake vaitorwarawo vasati vanyatsosimba.Ndakatoona kuti zvaitaurwa namhamha was the best.Kuchichena ndakangoita sezvavaiva vareva mari ikaenda lucky yakatambirwa asi zvehurwere hazvina kutaurwa.Takaenda naye kuhospital aiva akangoti zii zvinova zvakandityisa uyu aisava Shaleen wandaiziva uyu.Wandaiziva aitaura kwete zvekutamba.Takasvika akatariswa zvikanzi hatisi kunzwa mwana kutamba.Akabva anzi scan ndaivemo mazvaiitirwa asi ndaisanzwisisa zvazvoreva.Pave paya vakabva vazoti,"I'm sorry mwana afira mudumbu." End of chapter 27 More comments more 🔥
🙏 ❤️ 😢 6

Comments