Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:42 AM
NOT MY CHOICE 💍 A collaboration written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 Amai Tamia (L.Munjeri) 0786677765 Chapter 29 Amai Josh "Wotorara uchifunga kuti uri kuburitsa marii yekunoroora mukadzi wako." Akandivhundutsa mashoko aya.Ndaiva ndisina kumbotarisira kuti hanzvadzi yangu ingataura mashoko akadaro.Akazviramba Josh ndichibva ndati,"Josh is right hanzvadzi,ini handina umwe muroora wandotambira kusvika ndaona kuti muroora wangu hakuchisina zvachose." "Ndiwe wakadyaidza mwana Sarah unoti zvaari zai regondo ongoita zvaada nevana vevaridzi here?Hakuna mutemo unobvuma zvakapusa kudaro wogara nemwana wevaridzi ongoenda zvake arimaoko hazviite.Ko dai arimwana sikana wako wainzwa sei?" "Zvamuri kutaura hanzvadzi ndiri kuzvinzwa ha,," Handina kukwanisa kupedza zvandaida kutaura ndagurisirwa panzira vachiti,"Makutora advantage ka nokuti mwana waanga akatakura afa ndizvo here?" Akabva atanga kuhwihwidza Shaleen zvekuti mumba makamboita runyararo.Sekuru vakabva vati,"Hamunzwe tsitsi shuwa nekurasikirwa kwaitwa mwana uyu.Kushata kwazvo angosara nevanga mwana wacho hakuna munodirei kudaro imi." Ndakatadza kana kupindura chaiko.Zvekurwadziwa kwake ndaizvinzwisisa asi kuti aroore umwe mukadzi Josh ndaisada zvachose.Ndaiva neka feeling kekuti one day Happy achauya nemuzukuru wangu ndomuona chete.Vakataura zvakawanda nehanzvadzi yangu zvekuti Josh wacho akasvika pakupererwa.Akamboedza kuti ,"Muchagara naye imi sekuru."Haana kuona kwakabva mbama achibva adzikama asi akaramba kuburitsa mari kusvika sekuru vazoti,"Ndongotora mombe ndonobvisa." "Chii chamuri kurambira makasunga tsinga sekuru kuita sekuti ndimi muchagara naye Shaleen wacho.Ini handina chandonzwira Shaleen kana ka1 ndiye munhu wamoda kuti ndirarame naye kwehupenyu hwese kuita here ikoko." "Wakadii kuzvifunga usati wamuita mukadzi.Nhasi nokuti mwana afa wakuita zvaunoda naye.Wakapusa manhingi Josh.Izvozvi nyaya dzekumukadzi wako mukuru ndiri kutodzifambira kana ari mupenyu chete urikuzogara navo pano vese.Hapana munhu anorambwa pasina gupuro raenda chishona chekupi ichocho.Pawakamudzinga wakadii kutanga wafunga wanga usina kubva kurara neuyu agere apa here Josh?Saka iwe zvako ndizvo zvinongonzi ngazvikanganwike uchingoitisa vana vevanhu uchisiya ,kana kuri kuita kuitei?" Panyaya yaHappy ndaiva ndafara asi pana Shaleen moyo wangu wakaramba kubvumirana navo,asi hazvina zvazvakabatsira achida asingadi Josh vakamurongera mazuva ndivo.Vakarahwa vake ndokuziviswa kuti pakuda kubviswa pfuma vakawirirana changa changosara kwaiva kuendako chete.Vainge vapihwa mwedzi sekuru vakati handiende kusvika waroora mwana uyu.Zveshuwa ainzwisawo tsitsi Shaleen wacho.Anga akungogara ari zii kutaura kose kuya kwapera.Waisamutarisa kaviri wega waiguma woeredza misodzi. Zvisinei hazvo despite kurwadziwa kwake nekurasikirwa nemwana,hupenyu hwaitoendawo mberi.Mazuva akafamba ndaiedza number dziya dzichingoramba ndakaguma ndangosiyana nazvo hangu.Kana aindida aizonditsvakawo ndaiva ndamboedza chose. "Mhamha izvi zvandiri kunzi ndiite it's not my choice handizvide l do not love Shaleen my heart belongs to Happy only." "Ndozviziva Josh but ndingadiiwo unovaziva sekuru vako ini ndini ndakutofira mhosva dzako dzese." "Ko kana Happy akazouya mhamha ndaroora Shaleen ndodii?" "Anouyepi hantie wakamudzinga here?It was not her choice saka anenge atowanawo mapunyukiro chero zvikanzi mupenyu." "Ndakuzviona now mom kuti ndakabhaiza in munhu wandoda ndiHappy.Ndamusuwa mhama dai ndangomuona ka1 chete.Hongu ndozviziva ndakamutadzira zvangu asi maida ndiiteiwo sei ini ndaona vedio aine umwe murume.Kutaura Chokwadi ndakarwadziwa nanhasi ndichiri kurwadziwa asi handikwanisi kugara naShaleen l better choose Happy nechihure chake than kugara nemunhu wandisingade.This other day ndakazomhanyira munhu asiri iye ndichifunga kuti ndiHappy." "Ndomene haichemedzi mwanangu wakazvikanyira wega." "I regret mom ndochokwadi." "Wakuona kukosha kwechikorobho warasa mvura ka ndizvo zvinoita hupenyu.Wotoroora hako Shaleen wacho zviri kudiwa nasekuru vako." "Hazvibude manje,,," "Muchiri kungoropodza nyaya yakapera kare pane kuti utoronga kuti topfekei mazuva atosvika aya." "But sekuru,,," Vakasimudza ruoko asati apedza kutaura Josh zvikanzi,"Ndaneta kunzwa same story ngatingozviitai zvepere. " Zveshuwa mazuva akafamba kusvika vaenda koroora Shaleen akambosarako ndokuita zvizuva achibva azouya pamba.Wangu Josh aive ongogarira sekuru angomirira kuti vadzokere so that oendawo naShaleen wake kuHarare.Ndaiva ndazviramba zvekugara naye ini ndaisada kukwidzwa hangu bp nemunhu wandisina basa naye. "Mangwana ndiri kuenda hanzvadzi,Josh wosara zvakanaka nemudzimai wako.Ndofunga yangu role ndapedza." "Makaita basa sekuru." Akadero Shaleen tichibva tangotarisana naJosh.Sekuru vakabva vatoti,"Wakaita zvako ukakasika kufunga kundidaidza mukomana uyu asati arasika." Takatarisana naJosh ndoshaya kuti vainge vazivirana kupi?Josh akabva aita kushamisika chaiko achiti," "What!" Akadaro Josh ndikaona Shaleen achitarisa pasi.Akaenderera mberi achiti,"I never introduced sekuru to you Shaleen so tell me wakaziva sei kuti Kuna sekuru hanzvadzi yamhamha?" "Unorevei Josh?" Vakadaro mhamha ndikati,"Shuwa ka mhamha zvikufamba sei?" "Saka kufunga kwenyu ndakamuziva sei?Mukuedza kuti ndine kwandomuzivira here muzukuru uyu?" "Handina kudaro sekuru asi ndoda kuziva kwamakazivirana." "Mwana uyu unomboziva kuti ndiri mai vako here ini zvaunoda kumisidzana neni kudaro." "Kubvunza kwakashata here sekuru Amai havachabvunzwi here?Ndoda kuziva kwamakaonerana seems pamuri pane nyaya hombe stereki." Ndaitodawo kunzwa nyaya yacho asi vasati vapindura phone yangu yakabva yaringer ndokuona iri same number iya yekumbondifonera. "Munhu uya afona zvakare l wonder who is she or he." "Chingodairai monzwa kuti ndiani zvimwe ihama yepedyo ." "Regai ndidaire."Ndakadero ndichiisa phone panzeve ndokuti,"Halloo,ndiani wangu uyu?Pave nenguva mandiisora mamissed calls ndikatoedza kufona back asi yakaramba kupinda." Ndakadero ndikanzwa zii to the other side.Ndikati,"Hallo pane munhu here?" Zvakare akaramba ari zii asi painzwikwa kufema kwemunhu.Patopera kanguva ndipo pakanzi,"It's me mhamha, can't you just figured out kuti ndiHappy wenyu mom.Matondikanganwa mom zvekusafunga mwana wenyu." "Happy?" "Hongu mhamha ndini ,l'm safe zvangu do not worry zvese bho kwandiri." "Happy mwanangu ko muzukuru wangu arisei?" Pakamboita runyararo ndokuzonzi,"Sorry mhamha ndakaita still birth saka hakuna vazukuru." "What?" "Yes,mom anyway l miss you a lot take care bye." Akabva akata ndokungosara ndakabata phone muruoko.Panga pasina chekurondedzera vese vairatidza kuti vainge vazvinzwa.Vakatarisana vanhu vaiva mumba Josh akaerekana ati,"Mati ndiHappy mhama?" Ndakagutsurira musoro wangu zvikanzi,"Ndipei phone l need to call here ndinzwe kana ari mupenyu zveshuwa l miss my only wife." "What about me Josh?Saka ndiri chii kwauri kana uchiti she is your only wife." "You mean nothing to me Shaleen izvozvo haudi kuudzirwa wanzwa.Handina kuroora nokuda but sekuru threatened me ,only Godknows why vaita kudaro for your sake.Lets' hope hapana story iripo between you 2." "What story are you saying Josh?" Akadaro Shaleen zvikanzi naJosh ,"Who knows maybe nhumbu yanga itori yavo." "Josh?" I said zvikanzi,"Mukaona mukadzi anodhakwisa murume kuti arare naye she can do anything mom, l mean anything to achieve zvaari kuda panguva iyoyo." Akabva afamba pasina nguva ndokudzoka achiti,"Yaramba mom anenge adzima phone yake Happy wacho." End of chapter 29 More comments more 🔥
😢 ❤️ 👍 9

Comments