Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:42 AM
NOT MY CHOICE A collaboration written by Amai Mimie (K.khums) 0782 818 892 Amai Tamia (L.Munjeri.) 0786677765 Chapter 30 Amai Happy Kushaikwa kwaHappy kwakaita imba yangu inyatsozungunuka chaiko.Mufaro mushoma wataiva nawo mumba mangu waiva watama zvekuti ndaive ndodemba zvino kuti dai Happy angodzoka ari mupenyu kwete mucoffin.Kushaikwa kwake kwaive kwatokonzeresa zvakanyanya nokuti kana kundicheuka baba vemusha panga pasisina all he was worried about aiva mwana wavo.Vainge vasati vakambopfugama pamuporofita ba Happy asi apa vaimuka everyday kobatsirwa asi vaisataura kuti zvanzii.Ndakatozongobatanidza rimwe zuva vachitaura paphone zvikanzi,"Maporofita acho arikuti Happy mupenyu ndingomirira zuva raachauya chete.Ndanonokerwa iri sisi.Mwana wangu aripai uye arikuitei nani zvakare sisi.Munoziva kana hama dzekwamai vake handina kudziudza ini ndiri kushaya pekutangira.Pashaya mai vake vakanditi tipei mwana tichengete ndikaramba naye.Zvino nhasi ndezvipi ndagumirwa ini hanzvadzi." Vakaguma vochema ndikatonzwawo tsitsi.Ndakazonzwa voti,"Ndogorega kuchema sei hanzvadzi zvinhu zvakandiomera kudai.Happy munhu ka uyu haisi huku yatinoti haina basa zvimwe yabatwa nechikwari.Ndasuwa mwana wangu ini.Chero nekuna mai vacho kwavari ikoko vanorwadziwa kuona mwana wavo achitambura kudaro." Vakazokata vachingochema chete.Vanga vasionda zvino zvekuti kana ndega ndaiva ndakunyara kufamba navo. "Nhai ba Happy saka mati tosvikepi tichirarama kudai?" Ndakabvunza umwe musi ave manheru takuda kurara.Vakangonditarisa ndokunyarara zvavo.Ndakasumuka pandaiva ndikaenda kwavaiva vakagara ndikati,"Ndasuwa murume wangu ini."Ndakadero ndichivapurudzira kumusana vakabva vangobvisa ruoko rwuya zvikanzi,"Nguva yekufadzana newe handina wanzwa chandirikuda mwana wangu chete." "Ndozviziva ba Happy asi hamuoniwo here kuti zvanyanya.Kubva zvashaikwa Happy pano hamuna kana kumbondibatawo semukadzi wenyu.Kufunga kwenyu ndonzwawo sei?Shuwa ndosuwa murume wandinorara naye mugumbeze rimwe chete here?" "Ndozvaunongofunga mwana wangu akarasika hauna basa naye.Chaunoda kufadza nyama yako bedzi.Unofunga kuti pane pandingatonakirwa mwana wangu musina mumba." "Saka ini mhosva yangu ndeyei apa?Ndofira kuti Happy haasi kuonekwa shuwa.Zvimwe zvacho hazvichaita ba Happy kana nemi murikutozviona." Vakangotora gumbeze ndokuwaridza pasi vachibva vanyarara zvavo.Ndakavatevera pasi ipapo vachibva vanditi,"Zvichiri zvekuwirirana here izvi?Handisi kunzwa kuda Saka siyana neni." "Murikumboonawo here kuti nguva yareba muchingotaura same story ndazonetawo manje.Kana musingachadi nezvangu chingotaurai ka ndifambe fambe." "Ita zvawafunga l won't stop you unenge watondisunungurawo." Ndakaridza tsamwa ndichitobuda hangu ndokunogara kusitting room ndichiona tv.Kwaingovawo kutarisa nokuti hapana chaipinda mumusoro ndaitovawo nezvinondinetsa ini.Kutonzwawo kuvaviwa nekuda murume chaiko asi achindinyima kodzero dzangu. "Kwakanaka kuona tv this hour?" Ndakacheuka ndokuona ari Melo ndikati,"Dzimbori nguvaiko?"Achibva ati,"Past 12." "Saka iwe ukuitsvakei kuno." "Ndauya kuzonwa mvura plus ndanga ndiri pacall hangu.Mukomana wangu uya wandanga ndamboramba ndichifunga kuti ndichahwinha Josh is back in picture arikundinyengerera hanzi ndoda kutoroora." "Saka wamuti chii?" "Ndingamuti chii hangu hantie you are the one anoita madecision ose.Kumuramba wasn't my choice ka ndini makandifungira pasina imi dai pasina zvese izvo.I do love him." "Unomuda zvako but haana chinhu Melody,unorarama sei netsuro yemubook.Kungoti wakadzungaira zvako instead yekuti uhwinhe Josh wakabvako wabhurwa senyoka yapinda mumba.Dzako hadzidhonze unotadza kukwezva murume shuwa inga runako wakapihwawo wani." "You won't rest ka mom kana musina kuparadza life yangu.Jonah haana mari zvake asi anondida.Ini ndomudawo.Ndaiva ndatokanganwa nezvaJosh asi makamudzosa mupicture mom.Muri mai vakaita sei chaizvo imi?" "I'm a good mother Melody,kuti usvike pauri apo ndini.Ndakakurera kusvika wasvika zvauri izvi,saka kufunga kwako ndiri mai rudzii?" "I'm appreciate everything mom asi kungonzi jumb everytime ndiko kwandiri kutoramba." "I have plans for you Melo Saka dzikama zvako,Josh haazi ega ane mari l can think of something else chinoita kuti zvako zvigoita ." Akadzungudza musoro achibva abuda achienda.Ndakasara ndokutora phone yangu ndichibva ndafona,"Let's meet tomorrow 1'00pm.I will send you the location." HAPPY "Urikusekerera chii siyana nevana vangu hantie waida kuvauraya here?" Ndakaseka zvaiva nemarwadzo mukati ndikati,"Ndaiva ndapererwa Ashwin,kugumirwa ndiko kwandaiva ndaita.Hapana chimwe chinhu chandaifunga panguva yacho kunze kwekufa." "Kufa haisi option mai two, kurwadziwa kuriko munyika asi life goes on." "Ndiwe hako urikudaro ini panguva yacho handina kumboona kukosha kwekurara ufunge,thanks ufunge you really saved me that day." "Kusvika rinhi uchingotenda nhai Happy zvakatopfuura chakudiwa kuenda mberi nelife yedu." "Thanks,," "Iwewe so." "Sorry kani Ash." "It's okay dear." "Saka wati ini ndakuita sei nhasi?" "Dyisa vana vako shaa ini ndichiwacha tuhembe twavo,ndoda kuzobika ndingauya ndikadyiwa naMiss Ashley." "Dzenyu dzopindirwa here?" "Yeah ukapindira unosara wave munyaya ndiwe,chirega ndiite basa kutamba hakubvatuke." Ndakabva ndatobuda ndakunoita basa rangu kuti ndikasike ndabikira Ashley.Ashwin naAshley aiva matwins.Pandakabva kumba kwedu musi uya handina zvimwe zvandakafunga kunze kwekuzviuraya chete.Ndainzwa kubaiwa pamoyo pangu chaiko.Vanhu vandaifunga kuti ndivo hama dzangu vainge vandivanzira zvinhu zvakakosha mulife mangu.Ndakakura ndichifunga kuti mai vangu havandide zvachose ko ndaizivei kuti vaisava mai vangu asi stepmom.Ndakatanga kurangarira zvose zvaiitika kumashure ndikaona kuti ini ndaiva the last person kurangarirwa asi ndaisazviona mupfungwa.Ndakatozombozvifunga pandakaroodzwa kwaJosh asi handina kunyanya kudzika nazvo. Kuzonzwa vabereki vandaifunga kuti ndivo vangu vachitaura kuti vangu mai vakafa kwakandirwadza kusvika ndangotanga kudzungaira semombe yemashanga.Ndakaenda pana second ndokukwira kombie ndaida kudzokera kuChiweshe ndonoudza mamha vaJosh zvese asi pandakadzika mota yandaiva ndakwira ndipo pandakarangarira kuti ndaiva ndadzingwa futi.Ndakapererwa ndokutanga kungofamba ndakati ndasvika paiva nezimuti ndokusvuura gavi rangu ndichibva ndada kuyambuka road pfungwa dzangu dzaiva kure zvekuti driver akazomirira mutsoka dzangu. Paakada kudzoka kuti ataure neni ndakabva ndamhanya kuyambuka ndokupinda musango umo mandakambogara pasi ndichifunga zvakadzama.Ndakazotora gavi rangu ndokukwira mumuti.Pandakati ndizvisunge ndipo pandakanzwa kuti,"Saka ndizvo zvawanga uchida kuita muno musango nhaiwe musikana." Ndakavhunduka ndokuona ari mukomana wemota uya.Akada kutaura neni zvakanaka asi panguva yandaiva mumuti ndaiva ndatoona kuti ndaiva kuside kwaiva nedam.Ndakaona kuti pano handichahwinhi ndokungojamba paakada kuuya pedyo neni ndakabva ndatanga kumhanya ndakananga kurwizi kuya.Akanditevera ndokutanga kudzingirirwa paya asi akatadza kundibata.Sezvineiwo ndichimhanya kudaro ndakaerekana ndawira mugomba ndisina kutarisira. "Amai weee.!" Ndakadero ndichibva ndanoti kubvu mumvura yaivamo ndiye nyurududu ndiye zii ndirimo.Ndakazopepeka ndiri muchipatara ndakasungwa kunge mupari wemhosva.Ndakatanga kuita noise ndikaona mukomana uya achipinda. "Relax, relax dear you are safe here.Anyway l'm Ashwin and you?" "Happiness." "Nice name." Akagara muya achitaura neni aiedza kubvunza kuti sei ndaida kuzviuraya.Ndakatanga ndisingadi kutaura kudzamara ndazorondedzera my whole story akandinzwira tsitsi.Handina kuzombogara muhospital akaenda neni kumba kwake uko kwandakazoziva kuti ane twin sister yake iyo yaidzidza paMadziva teachers anga atosara nemwedzi mishoma kuti agraduate.Patakazosanganaakafara kwazvo.Handina kuita problem pamba apa ndakasungunutswa naAshwin kumba kuBindura kunova ndiko kwavaigara handina kuendeswa kuhospital. Pandakasununguka munhu wandakatanga kufunga ndimai Josh.I tried kuvafonera asi yaisadairwa.Ndakagara nguva refu ndokuzoona pavakangodaira vachibvunza vazukuru vavo ndakaerekana ndati vakafa. Ndaisada kuva involver mulife yangu nevana asi kungovazivisa kuti ndiri mupenyu chete.One day Josh akabva afona ndikatodaira zvangu achibva ati,"Sorry for your loss.Ndakanzwa kuti wakazvara mwana akafa." "Yeah it's true zvakatopfuura." "Uripi Happy?" "Around, why do you ask" "Can we meet. End of chapter 30 More comments more fire.
👍 😂 😢 🙏 5

Comments