Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:43 AM
NOTE MY CHOICE💍
Written by
Amai Mimie (k.khums)
0782818892
L.Munjeri (Mai Tamia)
0716600241
Chapter 31
One day Josh akabva afona, ndakatora nguva ndakaitarisa Fon iye ndichifunga kuti ndodaira here or ndorega. Ndakazoona zviri right kumudaira ndinzwe kuti aidei. ndakadaira zvangu achibva atanga nekuti"Sorry for your loss.Ndakanzwa kuti wakazvara mwana akafa."
Ndakatura befu ndakatarisa ana Two ndichibva ndati
"Yeah it's true zvakatopfuura mwari vakandinzwiea tsitsi."
Ndakataura zviye zvekuda kumurwadzisa chete, coz neniwo ndaitove nawo marwadzo acho ayo airamba kupera.
Akambotora kanguva akanyarara mheno zvaifungwa achibva azoti
"Uripi Happy?"
"Around, why do you ask?" Ndakadaro neserious voice achibva ati
"Can we meet, titaure Happy I know uchiri wakanditsamwira but please ndipoo mukana ndikuone Happy", akadaro nevoice raitoda kuchema ndichibva ndamuti ndichatanga ndataura nemurume wangu first kana abvuma ndouya",
"Whaaaaat? , Murume Happy wanga waroorwa nguvai nhai?", Akadaro ndikaseka hangu ndichibva ndati "pandakangobva kumba kwenyu handina kuita 2days", ndakamunzwa achitaura befu pafon ndokuramba Ari zii
Ndakaramba ndakanyararawo ndichida kuti iye ataure ,ndakazonzwa kurohwa kwechinhu like table here mheno tevere kukata kwefon. Hana yangu yakarova ipapo ndafunga kuti zvimwe Josh aive apindirwa nematsotsi.
Hongu taive takaparadzana hedu asi ndaisashuwira chakaipa kuti chiitike paari. Infact he was the father of my children so kurasikirwa naye panenge pakatoipa ipapo.
Ndakatora fon yangu ndokufonera Mai vake vachidaira ndakabva ndati "mhamha Josh ariikoko here?",
📞haako mwanangu ariHarare kana urikuda kutaura fona number yake, urisei hako"
"I think you should go and see him mhamha ndabva kutaura naye izvezvi asi I think pane zvaitika pliz itopindai muroad mhamha",
Handina kuda kumirira kuti vataure futi ndichibva ndatokata Fon. Pfungwa dzangu chaidzo dzaive dzisisina kugadzikana zvachose. Dai padhuze ndingadai ndakatomhanyako kunoona kuti chii chaitora nzvimbo.
Ndakazama kufona zvekare number yake ichibva yaramba.
Izvo zvakabva zvaita ndiite worse chaiko. Ndakaenda paive nevana vangu ndokuvambundira ndichichema kwandiri ndaitoona Josh apondwa nematsotsi atofa. Kufunga kudaro shungu dzakabva dzawedzera kundibata.
Ndakasimuka ndokumbotenderera nemba yese ndichishaya kana pekubata. Ndakabva ndafonera Mai Josh vacho zvekare ndichibvunza kuti vadii "ndatobuda kumba wati chiiko chaitika", vakadaro and vaitonzwika kuti vave mumota. Ndakangoti okay ndokukata Fon, nguva iyoyo ndakabva ndanzwa kubatwa nechemuwaist umu nemaoko ari soft. Ndakavhunduka ndichidonhedza Fon uko.
"Josh kani, you scared me", ndakadaro Ash achibva ati "who is Josh?",ndipo pandakabva ndaziva kuti ndaresva kutaura apa, pfungwa dzaive dzazara Josh nenguva diki ndakabva ndamuti "sorry ndibaba two", akakwidza tsiye ndokuti "you miss him right?",
"Noo it's not like that kungoti andifonera manje manje but mheno zvaitika chete kwaari, so ndafonera Mai vacho ndichivaudza", ndakataura chokwadi changu achibva ati "makatanga kutaura mese riinhi", ndikati nhasi ndipo paafona Mai vake ndivo vandakambotaura navo ndikanyepa kuti ndakaita mwana akashaya so ndozvaafona achida kuziva",
Ash akangoti boo ndokufamba achinosimudza mwana one kuenda naye kuroom kwake, ndikasara ndichigara pasi.
*Mai Josh*
Moyo wangu wakarwadza chaizvo kunzwa kuti Happy aive arasikirwa nemwana wake ,zvese izvi ndakapa Josh mhosva dai pasina iye kutaura kuno mwana wevanhu dai Ari safe zvese nemwana wake.
Apa now aive autakudzwa mutori waShaleen zvekare, ndakatoona kuti mwana wangu aive abatirwa asi chekuita paive pasina ndaida amboita ega nyaya dzake nekuti akandiita benzi ndamuti aregerere Happy pane zvakaitika now ave kuregreter zvinhu zvamira kudaiso.
Akaedza kufonera Happy zvikaramba ndofunga Fon yaive yadzimwa nekuti neniwo ndakaedza ikaramba.
Josh nemukadzi wake vakatakurana ndokuenda Harare ndokusara ndega hangu pamba pangu ndisisina mutoro. Rimwe day ndakatorivara hangu ndakarohwa nehana Happy achifona achiti iye endai munoone Josh.
Ndakaedza kufonera Josh wacho Fon yake ndokuramba. Nyangwe zvake mwana wangu aive akandirwadzisa moyo wekubereka wakangooma ndakabuda ndsina kana kugeza chaiko. Handina kuda kuita zvemalifts coz aindinonotsa.
Munguva diki ndaive ndatosvika pamba paJosh. Ndakasvika Shaleen achibuda gate akapfeka kashort, akaita sekunge asingandizive hake kwave kutotarisa divi achienda kwaaienda.
Ndakangopinda hangu mukati nekuti haasiye wandaive ndafambira hangu. Ndakasvikoona Josh achizvitsava mumusoro maive neronda rinotyisa. Hembe yake yaive iine ropa raive raomerera rimwe riripasi , ndakatarisa pasi zvekare ndokuona fon yaJosh yakaita kuti mwarara pasi ichiratidza kuti yapunzwa.
Ndakanzwa kupererwa chokwadi ndichiona zvakadai iye Josh wacho achindiona akabva ayeredza misodzi murume mukuru. "Happy akaroorwa mhamha hiiihiihi", akadaro achibva atotanga kuhwihwidza chaiko kuchema. "Urikuchema kuroorwa kwaHappy uchitadza kuchema ronda raunaro iri ,chii chaiitika nhai Josh",
"Ndarohwa neiron naShaleen, ndiye zvekare apunza Fon yangu kuti ndataurirei naHappy", akadaro mwana wangu ndikanzwa pain mukati kati memoyo chaimo asi handina kuda kuzviratidza kwaari. Chinja hembe tiende kuHosptal hona ropa rawabuda apa rakawandisa iri", ndakadaro achibva asimuka kuenda mumba yavo. Ndakatevera muye ndokutora bucket rekugezera kwave kuuya kuzokorobha ropa raive raive pasi. Chokwadi Shaleen aitove sartun chaiye anofamba masikati machena.
Josh achipedza ndakamuti auye nehembe yekuchinja ndokubva ndaisa mubag rangu ndokubuda newangu mwana kuenda naye kuchipatara. Munzira mese vanhu vaingobvunza kuti aita sei dzamara ndazonusunga dhuku chairo kuti vanhu vasaone zvaive zvaitika. Josh akabva ati tiende kumapurisa ndikamuudza kuti zvaisaita zvaizosimudza hondo yakalira nehama dzake, ko Shaleen ndaimuzivaka aigona kuzoichinja nyaya iyoyo ikasara yave yake Josh wacho. So paitongoda kuti arapwe chinyararire kuchipatara ndakamuti anongoti adonha pa pavement kuti awane kurapwa Chete.
Akasvikopinda mukati ndikasara ndichingofamba famba sendinopenga. Ndakaedza kufonera Happy but fon yake yairamba. Ndakabva ndangomuisira message kuti ndasvika handina kuda kutaura naye zvakawanda ndaizomuudza kana achinge afona.
Josh akaitirwa zvese zvaidiwa and they confirmed kuti arasikirwa neropa rakawandisa so paitodiwa blood transfusion izvo zvaitozoda kuti ambogara muchipata kusvika ropa rake rave pari normal.
Ndakangoti zvese boo asi ini kumba kwaJosh ndaisaenda hangu kunaShaleen nekuti ndaigona kumuita zvimwe. Mheno kuti dai ndisina kuuya mwana wangu aiita hwekudii. Ndakatoona zvakanaka kurara kuout patient kusvika Josh abuda pane kuenda kumba kuenpfambi iye.
End of chapter 31[6/14, 00:28] munjerilavender: #onsale#
😢
👍
❤️
🙏
7