Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:43 AM
NOT MY CHOICE💍 Written by Amai Mimie (k.khums) 0782 818 892 L.Munjeri(Mai Tamia) 0716600241 Chapter 33 Josh I was hurt kunzwa Happy achitaura zvekuti aive akaroorwa. ndakanzwa sekunge ndabaiwa pamoyo chaipo nepfumo rakagomara. Kurohwa kwandaitwa naShaleen hakuna kana kundirwadza kupfuura zvandaive ndanzwa. Ko sei akakurumidza kuroorwa nhai Happy, akatadza kundimirirawo here kana kunditsvagawo takagadzirisa zvinhu. Ndaingochema ndichifunga ndakarara pabed muchipatara. Ko murume wake akamurambidza nhai kuuya kuzondoiona ndichamuona here Happy wangu. Ndakarara ndichichema husiku hwese nekuda kweshungu chaidzo kunze kwakazochena musoro wangu wave kunyatsorwadza zvisiri zvekutamba, marwadzo ekurohwa plus ekufunga zvaive zvasangana ipapo. Doctor akauya kuround achibva asiya anyora mishonga yandaifanira kupihwa uye musi uyu ndihwo wandaipihwa ropa rangu. Zvakangooma hazvo kana munhu uchinge warwara asi muchipatara hamujairiki zvachose. Mweya wacho waunofema imomo ma1 chaiwo, Masikati pakauya mom vachindiona ndakabva ndatobuda navo hangu kuti ndimbofurwe nemhepo yepanze. "Wambodya here nhai Josh?", Vakabvunza mom ndichibva ndavati "ndakaguta mom", "Haudaro kaa Josh unotofanira kudya kuti ukwanise kurecover ropa rakarasika iri", she said this ndichibva ndati "ndichadya mom" "Aah uri kufanira kutodya ndakatarisa rega ndimhanye ndinokutsvagira sadza kwandadya uko", Vakabva vatosimuka vachienda havo ini ndokusara hangu ndakagara. Mheno chakangonditi nditarise kune rimwe divi kwave kuona munhu wandakafananidza naHappy, aive akabereka mwana mumwe kumusana mumwe mumaoko akabata handbag rake. Ndakasimuka pandaive ndokutevera munhu uye kwaaienda. Ndakasvika agara hake mucar park. Kamwe kamwana kaaive akabata kakabva kanditarisa ndokunyemwerera. Ndichitarisa mwana ndakaita question mark but kuti ndirambe ndichifungira iye munhu wacho aripo zvaisabuda zvachose. I called her achibva aita kuvhunduka. Reaction yaakaita ipapo yakandiratidza kuti aive asina kutarisira kuti achasangana neni zvachose. Akasimuka paye tichibva tatarisana. Pasina nguva pakabva pasvika umwe murume uyo waakataura naye achiratidza kuti auya kuzomutora. Ndakaita sendanamira ndichinzwa nyaya dzavaitaura, So airevesa nhai kuti atove nemumwe murume. Apo ndichitarisa murume wacho zvaaive akaita ndega ndaibva ndatonzwa kuzvinyarira. Ndakaramba ndakamira panzvimbo imwechete vanhu vachifamba kunopinda mumota yavo Happy asina kana kundimhoresawo. Pfungwa dzangu dzakadzokedzana ndafunga zera revana vandaona ,Happy aive akabva kumba aine nhumbu kauyu and akati aita mwana akafa ko ava anga avaita riinhi? Ndakada kumhanya ndichimisa mota iye kuti titaure but it was too late mota haina kana kumira vanhu vakato driver kuenda in no time mota yaive isisaoneke. "Ndianiko nhai Josh?", Vakabvunza mom vangu ndikavaudza kuti "Happy mhamha, she is leaving with another man", Ndakadaro ndichibva ndagara pasi misodzi ichiyerera ndainyatsonzwa kuti moyo wangu chaiwo waive watsemuka nepakati. Ndaive ndakakanganisa zvisingaite kudzinga Happy kwandaive ndaita. Now ndapindana nadzo dzekurohwa nemukadzi wandakabvisira Mari."Happy chaiye asi wakurota uchifamba here or wakuvhiringika pfungwa", vakadaro mom ndikaseka zviye zvine pain mukati "mom am serious ,I saw her and ane vana matwins Happy" "Whaaaaat?", Vakakanuka mom vangu vachibva vati "vana vacho vakura sei nhai Josh?", "I don't know but vana ivavo vanofanira vari vangu mom ,I felt something pandavaona", "Saka iye ati kudi" "Handina kutaura naye ndangoti kumuona murume wake achibva atosvika kuzomutora vabva vatoenda havo" "Mira ndimufonere" Vakadaro vachiburitsa fon yavo mubag kwave kuedza kufonera Happy wacho but yake yakaramba kuita. Mai Josh Husiku hurefu guys ukarara usina chawakafuga, worse inini hangu ndaive ndakangobva kumba ndisina zvinodziya ndichiti ndirikuenda kumba kwemwana wangu. Takarara paOut patient takawanda hedu asi ini chando chakandidzidzisa. Kwakayedza ndisisakwanise kana kudii zvako. Chokwadi kurara panze mwana wangu ainemba yakakura kudaro. Ndakazviudza kuti manheru ndaizoenda kumba. Handingatongwe nemwana wemumwe munhu kaa, kana kutotya kurara mumba memwana wangu nekuda kwemukadzi wake izvo hazviko kana mbichana. Ndakaswera hangu zuva rese ndakagara pazuva ndichimirira nguva dzekuona varwere. dzichingokwana ndakabva ndapinda kunoona mwana wangu uyo ndakasvika akasvinura hake asi achiratidza kuti muviri waive usina kana Simba. Ndakabuda naye panze achiti aida mhepo irinani ndipo pandakafunga kunomutsvagira chikafu. Ndichidzoka ndipo pandiri kunzwa kuti aive aona Happy and aive nevana two. Hana yangu yakarova ndichinzwa izvi nekuti ndaive netwo times dzandakarota Happy achinditambidza vana two achiti vazukuru venyu avo. Ndakatora fon kuti ndimufonere ndaida adzoke titaure uye ndaida kuona vana vacho vaive vataurwa naJosh but Fon yake yakaramba zvachose. Ndakatarisa mwana wangu ndikaona achiita kuzvikanda pasi zvemunhu apera Simba chaiko. Kana neni wacho ndaimbove nani apa ndakambopererwa apa. Happy aive akandiudza kuti haana mwana akashaya waani. "Josh hauna kukanganisa kuona here?" Ndakabvunza zvekare Josh akati "Ndamuona nemaziso angu aya mom" "Anga asina mumwe munhu here? Pamwe mheno waari kushandira zvake waanga aperekedza kuno" "Anga ari ega mom atozouya kuzotorwa nemurume waanga achiti dad dad, I think ndiye murume wake" "Umm vana vacho anga avaita riinhi nhai?" Ndakataura ndega hangu ndichiedza kubatanidza nyaya dzacho ndikazvishaya. Ndakatarisa nguva ndokuona kuti lunch yaive yakutopera. Ndakapa Josh sadza randaive ndamutengera ndokumuita kuti adye. Aida kutoriramba ndakatozoita zvehasha chaizvo achibva angodya mbichana nekutosiya. Ndakamuti adzokere hake mukati ini ndoenda kumba. Ndaizouya ndomuona mangwana acho and I hope vaimuburitsa chete. Ndakasara paye iye apinda mukati ndikambogara kwenguva yakareba ndichifunga nezvaHappy. Pandaive ndakabvunza zvemwana akambotora nguva akanyarara ndokuzotaura kuti ndakaita mwana akafa. Kuti angave akandivanza chokwadi here Happy or vana vemumwe munhu zvavo vaanga ainavo. Chaive chonyanya kundinetsa dzaive hope dzandakamborota nezvevana maTwins, koti iko kumhuri kwana Josh maTwins ariko, baba vake chaivo vaitove mutwin.So zvoreva kaa kuti vana vaaive anavo vaive vaJosh. Ndakanzwa kurwadziwa chokwadi ndichifunga kana vana vaive vazukuru vangu. Nekudzingwa kwaaive akaitwa pamba naJosh. Ozoti vana vaviri ari ega zvaive zvakatooma chokwadi. Chinhu one chaaive angotadza kusaudzawo ini chokwadi coz ndaive ndisina kana chakaipa naye. Ndaimudawo semwana wangu and ndaishuwira kuzogara naye kwenguva yakareba. Ndakambotenderera kusvika kunze kwave kudoka ndokuzopinda muroad kuenda kumba kwaJosh uko ndakasvika gate rakavhurika. , Madoors asina kukiiwa asi mumba musina kana arimo. Humwe hunhu hwaShaleen zvaive zvakatooma hazvo. Anga asina kana matyira hake kuti pamba panogona kupindwa nembavha pakabiwa chaiko. Ndakangosiyana hangu nazvo ndokupinda muimba inorara vaenzi. Ndakakasira kubatwa nehope semunhu aive asina kunyatsorara zvakanaka. Ndakatozomutswa nenoise yevanhu vaitaura. Ndakarohwa nehana nevoice rakandakanzwa richitaura naShaleen. Ndakabuda muye ndichifamba zvishoma nezvishoma ndokuona---- End of chapter 33
👍 😢 👏 7

Comments