
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:44 AM
NOT MY CHOICE💍
Written by
Amai Mimie (K.Khums)
0782 818 892
L.Munjeri(Mai Tamia)
0786677765
Chapter 34
BaHappy
Ndainge ndachizoonda kusara musoro chaiko nekufunga mwana wangu. Ndakamboedza kutyisidzira Josh kuti amutsvage asi ndakatoona kuti naiye aive apererwawo pekutangira chaipo asisina. Ndakaona zvisina zvazvaibatsira kuramba ndonetsana naye asi kutoita zvekutsvaga mwana wangu ndega zvimwe ndaikasira kuwana chinobatika. Chekutanga ndakatokwira kuenda kuMusha ndichiti zvimwe aive afunga hake kudzokera kwaakakurira asi ndakatosvika kusina munhu and munhu wese aitoshama kunzwa zvaive zvakaitika. Ndakaoneka hangu ndokusiya ndavaudza kana vachinge vamuona vagozondiudzawo. Ndakadzoka musoro wangu umire ndichishaya pekutangira zvekare. Mwana ndaive ndatomushaya zvechose. Ndakangoisa chivimbo chekuti ndinomuona chete asi hakuna zvakadaro zvakaitika. Mazuva akatopindana ikave mwedzi mwana asina kuoneka ndipo pandakatanga kutyityira futi manje ndave kuti zvimwe aive akafa. Nerimwe divi ana Sisi kumusha vaisamira kufona vachingobvunza mwana.
Ndakatanga kuenda kumaporofita kunobvunzira nezvemwana wangu asi hakuna kwandaiwana chinobatika. Chandaingoudzwa kuti mwana aive mupenyu chete uye aizodzoka hake. Kuti vagone kuona kwaari hapana aikwanisa kuona kunze kwekungoti ari safe kwaari ikoko.
Zvakaoma hama dzangu kugara munhu uchitodya kurara ugowana hope chaidzo usingazive kune mwana wako.ini zvaive zvatondiomera chaiko. Kudya zvaingove zvekumanikidzira kuti ndirarame asi zvaitoramba. Vaindiona vazhinji vaiti zvimwe ndaive ndakurwara asi kuonda nekufunga chaiko. Wangu mukadzi ndipo paaitoratidza kushaya hany'a zvake achigaronetsera bonde mazuva ese. Paye paunoona uchitokwanisa kuriita zvinhu zvinenge zvakanaka paye. Uine zvinokunetsa mupfungwa kunyepa chaiko hakuna chinobuda ndizvo zvaive zvoitika pandiri, ndanga ndisisina kana shungu nechinonzi mukadzi nekuda kwekufunga mwana wangu. Ndaizvituka pamwechete nekuzvishora nekuda kwehubenzi hwandaive ndakaita kuroodza mwana achiri nemukaka pamhuno. Ndainge ndakamuririra akure first azoita sarudzo yake. Now mwana aive azoita zvisakarurama mumusha mevaridzi pedzezvo ongonyangarika. Dai ndakamupa nguva yekufunga kutaura kuno angadai aripo mwana wangu.
Ndaizvipa mhosva yezvese zvakaitika kwaari coz ndaive ndakaita hudyire kuda Mari zvakanyanya. Ndaive ndakangofunga zviripedyo ndisingafunge zviri mberi. Chokwadi kuita mwana wekutinha kuti roroorwa roorwa chete iye asingade. Ndaive ndakaita baba fuza chaivo ,baba vari selfish I know Mai Happy kwaari ikoko haambofi aiandiregerera nezvandaive ndakaita mwana wangu.
*Happy*
Takafamba road yese takanyarara hedu ndiri seni pfungwa dzaingofunga Josh wandaive ndaona. Ko aive afunga sei achiona vana nhai ini ndakati ndakafirwa. Ko musoro aive akaita sei? Ndaingunofunga nekuzvibvunza mibvunzo but aikwanisa kundipindura chaiye paive pasina.
Kamoyo kaitomborwadza kuti ndaive ndabva ndisina kutaura naye, ndozofungazve zvakaitika pakati pedu ndaibva ndatonetera futi chaiko.
Takasvika pamba ndakangosuwa suwa.Tichisvika pagate takaona pakamira mumwe mukadzi wechikuru airatidza kuti abvira kare akamira pagate . Ash akamisa mota yake kwave kuti "aah ko madii kufona kuti murikuuya nhai mbuya honai mazoswera kunze kwegate manje",
Akadaro Ash mbuya vaye ndokusekerera havo vachiti "aah ndangoda kukurovai nechisurprise kaa makavarairwa handiti wakabva wandiramba",
"Aiwa Kani gogo imi munodiwa manje kungoti mazuvano basa ndiro rawanda,titambire", akadaro achivhura gate ne remote ndokubva aburuka achimhanyira mukadzi uye uyo waakasvikombundirana naye. Ndakanyatsoona kuti aive afara zvisingaite even mukadzi wacho waaive naye akafarawo ndikaona kuti paive paita zvevanodanana apo.
Ndakaburuka muye ndokusimudza mwana one ,Ash akabva amhanya ndokutora umwe ini ndichitora handbag. "Usandiudze kaa kuti wakaroora ukasandiudza nhaiwe Ash, ndingato packer twangu ndikadzokera izvozvi", vakadaro vachisekerera zvavo ndikaona kuti vaisarevesa.
"Aah ndakaroora ini gogo ndatove nevana kaava vamuri kuona",
"Aiwa haungadaro kaa Ash ungaroore usina kuuya kuzondiudzawo", vakadaro vachisekedzana havo kwave kuzopinda mumba takadungamidzana. Ini ndaive ndangopusa zvino. I hope mokaziva kafeeling kanongoitika Soo kana munhu uri pakati pevanozivana iwe usina wako ipapo ndizvo zvaiitika pandiri.
Takasvikogara hedu ndichibva ndazomhoresa gogo vaye, vakadaira havo zvakasununguka asi vakazoramba vakanditarisa kuti ndee. Ndakamboramba ndakavatarisawo kwekanguva asi ndakakasira kunyara nekuti havana kubvisa chiso chavo pandiri.
"Mai two enda utore Drink ini ndatsva", akadaro Ash ndichibva ndasimuka kuenda kuye ndichidzoka Ndakanzwa gogo vaye vachiti "munhu uyu ndiani uyu",
Ash wacho haana kuzopindura nekuti ndaive ndasvika. Ndakadirira munhu wese drink kwave kuzodira rangu ndokugara pasi. Gogo vaye ndaivaona vachinditarisa zvakanyanya and glass ravaive vakabata raiita kudedera Soo.pave paye vakabva vazoti "hauna kutipa introduction Ash",
"Aah sorry wena kufarisa chaiko kwandaita nhasi, Mai two ava ndimbuya vangu ava Mai vakabereka Mai vangu, gogo ava ndiMai two ava ndiye mudzimai wangu nevana vangu ava", akadaro Ash gogo vachibva vati "imbomira kuita zvemajokes Ashwin uyu munhu ndiri kumufananidza zvisingaite zvekuti kutaura kuno hana yangu haisisina kugatsikana, worse kana zvandiri kufunga zviriizvo zvinenge zvakatooma zvee"
"Kkkkkk gogo ava mamufananidza nani?", He asked achibva anzi "waziva mainini vako Emillia vaye vekushaya vachisunguka",
"Ehe but ndaive ndichiri mudiki kaa paye kana face yavo handichairangarire"
"Zvakaita mwana uyu ndizvo zvaanga akaita Emmy chiso, chimiro, mafambiro zvese nezwi chairo haana kana kumbovasiya mufunge henyu", vakadaro gogo vaye Ash achibva ati "vanhu vanofanana gogo ,plus kwave kuona kwemunhu akura uku kkkkkkk", akaseka hake mukomana asi gogo vacho havana kuseka.
Vakaramba vakangonditarisa zvekuti kana neni ndaive ndisisafeeler boo ndakabva ndangoti "ndave kumbonobika ndave nenzara"
Ndakasimuka paye ndokufamba ndichienda kuKitchen. Ndakacheuka ndave padoor kwave kuona gogo vaye vakangotarisa kwandaive chete. Ndakabva ndatonzwa kupererwa nazvo. Ndakatura befu ndapinda mukitchen kwave kuzonwa mvura ndokunzwa zviri nani.
Ndakatanga hangu nekuisa mvura yeporidge revana ndokuzoisa muriwo wangu pastove kwave kuenda kunotora vana. Ndakasvika gogo vaye vakabata one Ash aine one. Ndakati ndauya kuzovatora kuti vanodya gogo kwave kuti "ndipei bota racho ndivadyise" Ash kwave kuti itouya netwo plates ini ndidyise wangu wandakabata uyu",
Ndakanokamura poridge riye kwave kuuya netwo plates zvavaive vataura. Ndakapa Ash rake kwave kunopa gogo ravo. Avo vakatora nguva vasina kutambira vakanditarisa chete.
"Unobvepi nhai musikana?
End of chapter 34
❤️
😢
👍
🙏
10