Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:44 AM
Not my choice 💍 A collaboration written by Amai Mimie (k.khums) 0782 818 892 Amai Tamia (L.Munjeri) 0786 677765 Chapter 35 Amai Happy Ndozvega zvandaikwanisa kuita ndaiva ndakuvara nenyota makumbo ari mumvura chaiko.Ndanga ndave nenguva refu tisina kusanga but chandaiziva he won't refuse me.Ndakaenda kwandaiva ndamuudza kuti ndiko kwandichange ndiri.I waited for him for almost 2hrs pasina kana munhu wandakaona.I tried calling him but no response.Ndakasvika pakusvotwa zvangu ndakuti ndave kubuda ndabata handle yemuroom mandaiva ndipo pandinonzwa a soft knock.Ndakambomira ndichiedza kufunga Kuti ndiye here munhu wangu after about 3 minutes ndakabva ndavhura door kunodai aiva iye zvake.Ndakairt wekuwira chaiko ndokunyatsomumbundira zvekuti ndaisada kukatanurwa Kubva paari.Patova paya akaita kundibvisa ndokunditarisa mumaziso chaimo zvikanzi ,"Wandidaidzira chii kuno?" "What?" "Yes,ndiri kukubvunza nokuti handina kuzvifarira." "Aaah,nhai Knowledge do you mean kuti wanga usina kumbondisuwawo here?" "Zvichapera rini izvi gulez?" "What?" "You heard me." "Zvakatanga rini zvekunditi gulez Know?" "Zvatotanga nhasi unoziva chii l regret everything it's true that l used to love you a lot but for now we have to accept it kuti ndozviripo.We have been fooling mukoma wangu for too long now izvozvi varikufunga kuti the girls vana vavo vasingazivi kuti vese vana vangu." "Zvabvepi zvauri kutaura Know nguva yareba usipo usina kumbondiona, wadii kutanga wandipa zvandinoda wozotaura hako nyaya dzako." "Hapana chandiri kukupai ini gulez, kana riri bonde raunoda unoziva kwekuriwana kwete kwandiri.Ndakadzidzira kuda mukadzi wangu Melissa munofanirwa kuita the same.Makore awanda aya by now maifanirwa kunge makutopengesana namukoma kwete zvauchiri kuda kuti tiite izvi.I know it wasn't your choice kuroorwa namukoma vangu nokuti waiva murudo neni,asi ka yadeuka yadeuka ndizvo zviripo wotozvitambira zvandakaitawo mukadzi wangu.Ireally do love my wife l think you can still love my brother the same way." Moziva ndakapererwa chaiko ndichibva ndazviwisira pabed.Know was my only hope ndiye ega aigona kundipa zvaitadzikwa nemukoma wacho.NaKnow taiva tadanana tichiti kuHigh School chaiko.We were deeply in love back then.Ndiye munhu wandainyatsonzwa kuda nemoyo wangu wese.Handina ruzivo kuti zvakafamba sei chaizvo kana kuti vabereki vangu vainge vandifungirei chaizvo handina kuita ruzivo nazvo.Sevanhu vaigara kunzvimbo imwe chete ndakangoita hwaHappy kurohwerwa musaga sekitsi.Ndakazoziva ndatonoperekwa kuti baba vangu vainge vandibheja kunjunga vachibva vadyiwa apo mari yekupa muridzi vainge vasina ndichibva ndatonzi roorwa nemwana wababa vekudya baba vangu.Ndakarwadziwa kupesana naKnow asi chandisina kuziva ndechekuti vanhu ava vaiva mukoma nemuninina sezvo taigara kumavillages akasiyana.Ndakatozozviziva Know adzoka kubva kuholiday kwaaiva aenda.Akarwadziwawo Know uya achindiona ndakasungwa dhuku semuroora wepamba pavo.Akabva akatsidza kuti zvaisapera mushe.He was the one akatanga kurara neni mukoma wacho achiri kudzeya kuti aroroora here zvedi.Nokuti naiyewo ainge asina kuzvitambira.Pakabata nhumbu ndakabva ndatoziva kuti ndeyaKnow chete.Kubva ipapo ndiye munhu aindifadza mumba mangu mandaiva ndakaroorwa nemukoma wake. Handina kumbobatikana panguva yacho nokuti ndizvo zvaitovapo uye zvaitondiita nokuti munhu wandaida aiva pedyo.Melody akakura ndikambozorora zvishoma ndokuzoita Praise uyo wandainyatsoziva kuti ndewaKnow nokuti ndakabata nhumbu murume asipo aenda kumakomba nevamwe kwemwedzi.Zvese izvi hapana ainge ambozvibata takasvika pakugara pedu tega ndichingofadzwa hangu nabamnini my first boyfriend. Pakaroora Know ndakarwadziwa asi panga pasina zvekuita chaiko.Aisamudawo musikana wacho.Saka takangoenderera mberi tichitamba yedu yataiva tajaira.Makore ese aya ndiye munhu wandaiva ndapa moyo wangu hazvina kumbochinja.Hongu mai Happy vakapinda mulife medu zvikandirwadza futi semurume wandaigara naye.Asi pamoyo chaipo paiva naKnow wangu.Zvino kuenda kwaakaita Joni kwabva kwauya kwamuchinja zvekuti haachadi kana kundiona mberi kwake apo ndomuda zvakapetwa.Ndakapusa chaiko apo nyama dzangu dzaiita kuvhuta nekuda murume.Ndakatoona kuti ndikapusa handihwinhe ndichibva ndaenda mubath ndokusvikogeza zvangu.Ndapedza ndakadzoka ndiri musvo chandaiziva ndaitova weakness yake so hapana zvaairamba zvandaida.Hazvina kutitorera nguva taiva takuchemedzana zvedu zvekuti ndakanyatdonzwa parere moyo.Ndipo pandakazoti,"Saka wakutoda mukadzi wako kupfuura ini here Knowledge?" "Mubvunzo rudzii manje iwoyo?" "Ndoda kuziva ka." "Let's stop this madness wanzwa.Ba Happy havafanirwi kufa vakazvibata kuti the girls havasi vana vavo wavo ndiHappy chete." "Vachatozvoziva nokuti Melo ane munhu ari kuda kumuroora sababa vake mofanirwa kunge muripo." "Zvichibuda izvozvo?Ini nemukoma wangu tiri ropa rimwe chete.Saka hapana need yekuda kunzi baba ava ndivo chaivo.Kana achiroorwa baba vaakakura achiziva ndivavo don't mention my name panyaya dzenyu." Akadaro achitopfeka kuti abude. "Saka wakuda kutoenda?Wakuvhaira Knowledge shuwa.Akakupeiko mukadzi wako iyeye.Hauchandioni sechinhu shuwa." "Endai kumurume wenyu gulez leave me alone nemhuri yangu." Akabva abuda ndikasara ndichirwadziwa kwazvo.Ainyatsoziva Know kuti ndiye wandoda obva andidai,asi zviri nani ndarerukirwa now ndanga ndanzwa nayo nzara.Ndakazogeza ndokubuda hangu ndakananga kumba uko kwandakawana Knowledge asvika kumba kwangu. "Ko Bamnini muri pano?" Ndakabvunza nando zvangu zvikanzi,"Ndasuwa mhuri yangu ndosaka ndauya pano where are the girls." "Kumarooms kwavo." "It's okay regai ndimbovaona." Akabva asimuka ndokudzoka papera chinguva zvikanzi,"Ko mukoma hamuchatauri kuti Happy arikushaikwa ndatowana girls dzichikurukura." "Confusion mwana wababa handitozivi kuti ndoita sei chaizvo ndaneta kumutsvaka." "Motaura ka." "Waiva kure ndaisada kukupa stress." "Inga ma1,dai akange achiri kufema chokwadi." "Mupenyu mwana wangu usatya zvako." Vakambokurukuura zvavo achibva azooneka oenda kumba kwake. Mazuva akafamba l really tried kumuswedza pedyo neni asi akandibudumira pachena kuti nditsvake umwe nokuti iye haachada.Ndakapusa chaiko zvekuti ndakashaya zvekuita.Hongu aiva nemhuri asi ndiye ega wandaida ko sei vanhu vasingandinzwisisi.Kwandiri ba Happy vanga vangova mudziyo zvanga zvasangana nekuonda kwavanga vaita aiwa aah kana bonde randaida racho ndanga ndakutovanzwira tsitsi kwanga kwangova kutarisana pasina kana chimuko. Rimwe zuva ndaitova busy zvangu kukandidzana mashoko naKnowledge paphone anga andibhohwa kutoramba zvake kuuya kuzoona vana vake.Ko ndaidawo ka favour kuzasi uku kwaisatana kupfuura.Ndaiva ndiri kudhuze negedhe pandaitaura naKnowledge.Ndakanzwa kurohwa kwegedhe ndichibva ndavhura.Ndakaona pachipinda mai vechikuru nemukomana airatidza kuti ane ganda remari.Ndakabva ndatofunga wangu mwana Melody vaikwanisa kutopindirana chete.Inga Mwari vanoziva.I promised my daughter kuti asiyane nerombe rake ndomuitira plan ndiyo ka plan b yacho iyi zvauya zvega. "Mukagotiyeva nhai askana Mati togumira kuroad here veduwe?" "Aiwa aiwa pindai zvenyu ndokuchingurai nemufaro." Vakatevera kumashure kwangu.Ini wacho ndaitoshaya kuti ndivanani but face yagogo ava yairatidza kuti ndakamboiona chete asi kusangoziva kuti kupi?" Takapinda mumba ndokuwana ba Happy vagere pasofa havana kana kusimudza musoro wavo.Ndini ndakatozoti,"Ba Happy vaenzi." Vakaita kakuvhundukira vachiti,"Vaenzi varikupi?"Vakadero vachicheuka pavakangoti baa vanhu vandaiva navo vakabva vakanda nhamo ndokusvikombundira gogo vaya vachibva vatanga kuhwihwidza vakadaro. End of chapter 35 More comments more 🔥
😢 ❤️ 👍 🙏 9

Comments