Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 04:45 AM
Not my choice 💍
A collaboration written by Amai Mimie (K.khums)
0782 818 892
Amai Tamia (L.Munjeri)
0786:677765
Chapter 36
Baba Happy
Pandakasimudza musoro ndichinoti ambu'ya vangu baaa ndakatadza kuzvidzora ndichibva ndanozviwisira mumaoko avo ndikatanga kuhwihwidza sekandumure.Vakandisiya ndakadaro kusvika ndapedza shungu.Patopera chinguva ndipo pandakazvibvisa ndikati,"Sorry mhamha."
"It's okay mwanangu l know what you are going through."
"Munoziva?"
Ndakabvunza vachibva vati,"Yes ndozviziva kuti wanga wandisuwa asi zvakare wakashaya kana mukana wekuzondionawo chero kundiratidza muzukuru wangu.Makore awanda aya asi wakasarudza kuti zii zvako ukati wangu muzukuru achiri mupenyu here?"
Ndakaramba ndakatsinatira pasi vachitaura zvaiva pamoyo pavo.Chaiva chokwadi kubva zvafa mai vaHappy handina kumbovatsvaka ndakazvigarira kuita as if all was well.Handina kumbozvifunga kuti Happy anodawo kuenda kunoona hama dzamai vake.l'm embarrassed to say that my wife suggested kuti titsvake munhu anomiririra hama dzekwamai vaHappy musi wekuroorwa.Aisaziva Happy kuti Amai vaaigara navo vaisava vake.Asi semunhu aitruster Josh ndakamuudza chokwadi chese and he was the reason why takatsvaka vemudhuze vaingovawo nesurname imwe chete neyamai vake.It was not my choice to do that but ndaingodawo kuti wangu mwana awane pekuzororera chaiko saka zvese ndaingobvuma chandaida kuti zviite bedzi.
"Akura sei muzukuru wangu?"
Ndakaita kuvhunduka chaiko.Hongu ndaiva ndakautarisira mubvunzo uyu asi mhinduro ndaiva ndisina zvachose.Ndakatanga kuyeredza misodzi vachibva vazoti,"Kwakanaka here?"
"Handina ruzivo rwekuti muzukuru wenyu aripi chaizvo nani uye achiitei?"
"Matii?"
"Ndorevesa Amai.Kuonda kudai kufunga mwana wangu."
"Haurevesi shuwa,saka unotowana simba rekuona tv uchishaya rekutsvaka mwana."
"Ndaneta kutsvaka Amai ."
"Zvakafamba sei kuti azotsakatika?"
Ndakavarondedzera zvese zvaiva zvaitika kusvika Happy azobva kumba kwaJosh.Handina chandakasiya ndipo pavakabva vati,"Saka akadya mombe dzehumai ndiani?"Zvemasungiro zvakapihwa ani?Ko machira amai akapfekwa nani?"
Ndakabva ndangopererwa nemashoko ndikaramba ndiri zii.Vakabva vati,"Zvandabvunza hazvina kunzwikwa here?It's not like hama dzamai vaHappy dzakafa dzese ka.Saka zvose izvi zviri kubva kupi?"
Ndakashaya mhinduro ndokuramba ndiri zii zvakare zvinova zvakapa mukomana wavaiva naye hasha achibva ati,"Munopa hasha imi.Ko dai takaita makunakuna maizviudza ani?Ndiani wamaipa mhosva nokuti already l was falling in love with her.Ndanga ndazvipira kuchengeta vana vake sevangu nokuti ndanga ndamuda nemoyo wese.What if gogo dai vasina kusvika in time who knows zvaizoitika next.Thank God we only kisssed chete hapana kure kwazvakaenda."
"What are you saying Ash?"
Vakabvunza ambu'ya vangu apo ini ndaiva ndakutadza kubata nyaya yacho Ash uya ndipo paakati,"Chokwadi gogo thank God ndakazvidzora otherwise kutaura kudai zvimwe Happy dai ane nhumbu yangu."
"Inyaya yeiko iri kutaurwa apa l'm totally confused?"
"I was the one akanhonga Happy achida kuzviuraya.Ndakamupa pekugara.Ndini ndakamusunungutsa mapatya ake.Ndikagara naHappy till the day rakauya gogo kumba thank God she recognized her pasina izvozvo hameno so apo ihanzvadzi yangu.Tell me why musina kuudza Happy kuti Amai vaaigara navo havasi vake?"
Ndakashaya mhinduro ndichibva ndaramba ndiri zii ndipo pakazonzi,"Happy ariko kumba uko mupenyu asi akatsidza kuti haadzoke pano."
"Mupenyu?"
"Yes,ane vana vake vaviri mapatya."
Ndakaeredza misodzi ndichipfugama pasi ndikati,"Thank God."
"No need to cry henyu ndizvo zvinoita hupenyu."
Takazogara votaura more about Happy.Ndakazongonzwa kuridzwa kwetsamwa kumashure kwedu ndichibva ndati,"She was the reason why l lied to my daughter.Ndakamuroodza nokukasika nokuda kwamai vandigere navo avo.Haana kubvira atambira mwana wangu sewake.Ini semubereki ndakaona zvakanaka kuti ndimubvise pano nokuti magariro chaiwo anga akati omei.Munongovazivawo mastep mother's uyu akatooma moyo chaiko.Ndoshaya kuti mhosva yemwana wangu yanga iri pai chaipo."
"Unofunga kuti zviri nyore here kuvigirwa mwana wegirlfriend mumba.Ini ndiri mukadzi ndomunzwisisa hangu."
"But,,,"
Vakandigurisira muroad ndokuti,"Hazvichisina basa hazvo life still goes on."
Vakazongogara zvishoma ndokuoneka ndipo pandakati ,"Ndotenderwa here kuzomuona mwanawangu?"
"Ndichatanga ndataura naye ndozokuzivisai."
Ndakavaperekedza kubus stop ndokudzoka zvangu ndichinzwa hana yangu kusununguka mufaro wangu wanga wapamhidzwa chaiko.Ndakato ndasvika padoor ndipo pandakanzwa mukadzi wangu aripaphone,,,"Okay regedza kana usingadi kuti tionane kwacho.Dont blame me later ukanzwa mukoma wako akufonera don't pick the phone nokuti chinenge chabvondoka.Ndiri kutovaudza nhasi zvese zvakaitika 21 years back.Nhasi varikurara vaziva kuti Melody naPhraise havasi vana vavo asi vako Knowledge mxii."
Akadero achibva akata ndokuenderera mberi achiti,"Mukoma wacho haachinei zvake nekuita bonde neni,kozoti iye wandakatozvarira vana haachadi kundipa kodzero dzangu futi mxii anopenga chete.Next time ndomuudza kuti ndakuudza mukadzi wake kana akaramba kuraraneni."
Akabva acheuka tichibva tasanganidzana maziso edu ndikaona munhu achishama muromo kunge gatawa.
SHALEEN
Ndanga ndadzokera kune zvandaiita makare angu aah ini kugara mumba chaiko asi zvaitoshura chaiko.Dzimba nhatu dzandanga ndatadza kumisa zvekuti yaJosh yaitova yechifour chaiyo.Ndanga ndisina lucky nadzo dzimba idzi waitova munyama chaiwo imba yega yandawana sandi kurohwa kwandaiitwa ikoko.Kuitwa hwenyoka yapinda mumba chaiyo.Zvisinei hazvo Josh anga afunga kundirasira kurezvakare zvinova zvandaisada kunzwa zvachose but with the help of sekuru vaJosh ndanga ndawana pakuzororera chaiko.Hoping that Josh will change me kuti ndivewo munhu kwaye izvo kwani ndipo paaitondipa hake attitude isina basa.Murume wepi asingavhunduke kana akaona mukadzi akashama damn it mhani.
Ndakamurova zvangu neiron paakaenda kuhospital ndakatora mukana wacho kumbo enjoyer kalife kandanga ndasuwa zvangu.
Taitova mudenga rechinomwe zvedu nasekuru vaJosh kana kurota kuti kunze kunei?Dzakazodzokedzana pfungwa pandakasanganidzana maziso namai vaJosh.
"Ko muripano hanzvadzi."
Vakadero sekuru vaJosh zvikanzi,"Totobvunza imi ka nhai hanzvadzi ko muripano."
"Nda -nda-nda."
"Vanga vauya kuzoona Josh."
"Kuti adii?"
"Ndavafonera ndichivaudza kuti Josh ari kuhospital."
"Wazovafonera kuti zvidii iwe wakatadza kana kunomuona zvako uriwe honzeri zvakare.Saka munofunga kuti ndiri bofu here ndaona zvese iko kusanyara kwenyu shuwa mungaitira tsvina dzenyu mumba maJosh matadza kuenda kumba kwenyu here nhai hanzvadzi.Murikutyei,nokuti kune mukadzi ariko ka.Makaoma moyo ndosaka maisimbirira kuti Josh aroore Shaleen nokuti maiziva kuti muchange muchiseva mese mandinyadzisa mufunge."
"What are you saying hanzvadzi?"
"Musanyepedzere kupusa l know everything ndakatozvitsvaka ndikazviwana asikuti ndanga ndisina chokwadi chazvo but now ndazvionera neangu maziso you are evil vanhu imi God will surely punish you."
"Hey ,hey."
"Shaleen?"
Vakadero sekuru vaJosh ndichibva ndanyarara.Vakabva vati,"It's not what you think mai Josh unoti ndingadaro here?"
"Garai manyarara God will surely punish you.Maida kupa mwanawangu nhumbu isiri yake but why nhai?Seiko moyo wenyu wakasviba kudaro vanhu imi.Rimwe zuva zvichakuwanai."
Vakabva vabuda ndokuenda ndokungosara takatarisana toshaya kana zvekutaura.Patova paya ndakabata ruoko rwavo ndichibva ndasabvurirwa kure zvikanzi,"After all this uchiri kuda kuenderera mberi une shuwa iwe foolish woman.It's all your fault haugute dai tangozvipedzera kulodge tisina kusvika kuno zvese zvisipo izvi."
"But,,,"
"Don't even go there."
Vakadaro vachibva vatobuda vachienda.
End of chapter 36
More comments more 🔥
😂
❤️
😢
👍
😮
13