
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 07:23 AM
Not my choice 💍
A collaboration written by Amai Mimie (k.khums)
0782 818 892
Amai Tamia (L.Munjeri)
Chapter 38
0716 600 241
SHALEEN
"Saka ini ndiri kutukirwei manje?Mhosva yangu ndeyei apa?Ndiwe wauya wega pano l didn't invite you ka.So why are you angry at me l don't like it."
"What?"
Vakadero sekuru vaJosh ndikati,"You heard me.You started this game Mr.Ko nhasi zvomoda kugumira panzira moda kuti ndiite sei? "
"Siyana neni Shaleen wanzwa.Wakavhengedzera zvisina basa.Dai dzako dzichinyatsotora chaiko usina kundiunza pano.Zvino ndezvipi mai Josh vakuziva zvese now."
"Zvine basa rei?Vagara vanga vachangozviziva chete."
"Haugoni kupindura zvakanaka here?"
"Ndatadza papi apa?"
"Shaleen unotaurisa wanzwa.Pane kuti tironge kuti tovaudza sei kuti zvavaona sandizvo iwe hautorina basa nazvo hako.Chaunogona kuzvifunga chete.Saka unoti zvikaramba zvakadai hanzvadzi yangu inondiregerera here?"
"I don't care zvichaitika pakati penyu.Chandiri kuda for now kuti uudze tete vako kuti ndine nhumbu yako."
"What?"
"Wazvinzwa shaa ita plan."
"What plan?"
"Funga kuti uchandiroora sei?"
"Kuroora Ani?"
"Me of course."
Vakaseka zviya zvobhohwa zvikanzi,"Kuroora iwe kuti ndopenga here Shaleen.Inga une murume wako Josh wakabva kuroorwa iwe wakuda murume wechingani?"
"Ndeupi umwe murume wandinaye?"
"Asi umwe upi kunze kwaJosh.Enda kumurume wako sha ini zvekuvhiringidzirwa mhuri yangu handidi zvangu.Enda kumba kwako unogara nemurume wako usiye kuita bhuru mumba."
"Mukuedza kuti chii apa?"
"Wakazviporongera life yako Shaleen,kubva kwawakaita kuuya kuno was the biggest mistake you made wakabhaiza zvako. Wanga wazviwanira murume akanaka Josh asi wabva wamubata neseri kwemaoko.Ini hapana pandingasiya mukadzi wangu we25 years ndichienda newe
l love my family unogona kuita the same nokuti as for me kugara newe handigone."
"What?But you promised me kuti zvose zvinoita bho as long ndiri kurutivi rwako."
Vakaseka vachibva vati,"Paya,it was a way of getting rid of you Shaleen.Kukubvisa mulife mangu zvachose.Ndaifunga kuti zvichandishupa ka ini izvo kwani zvakandiitira nyore chaiko zvinova zvandaisafungira."
"Saka ndichaita sei nenhumbu iyi?"
"Endaka kuna Josh muridzi wayo."
"Asi munonyatsoziva kuti Josh haana kana zuva rimwe zvake randakarara naye sekuru.Sei muchida kungoita zvinhu zvisingaiti imi.Ndomutangira pai Josh nezvandakamuita izvozvo."
"Hameno kuti uchazviita sei Shaleen asi kumba kwangu handidi munhu ndapedza newe."
Vakabva vatobuda ndichibva ndangosara ndakati tuzu kuri kutoshaya zvekuita chaiko.Ndaisambofungira kuti vangandidai sekuru vaJosh nokuti kwatanga tabva ndiko kure chaiko.Zvaive zvangotangawo sekutamba sekuseka panguva yatakasangana pane imwe company yaiita zvekugadzira macarpets.Ndaitova desperate chaiko zvinhu zvainge zvisina kumira mushe zvachose.Ndaiva panguva yakaoma.Amai vangu vaiva mu Isolation vachirwara zvakaipa.Sezvamoziva vamwe vanhu vanotora advantage yekutambudzika kweumwe munhu ndaisava neoption back then vakandipromiser basa baba ava ndichibva ndaita give in.Ndakavapa my pride and joy ,my virginity ndicho chega chinhu chandaiva nacho chaiva precious panguva yacho.Ko ndaizivei kuti vaingoda kundishandisa vorasa zvavo.Ndakaitisva chaiko basa ndichibva ndatoriwana nekutopihwa mari ini advance asi zvakangova zvemwedzi umwe chete bedzi.Imwe mwedzi iyo anga angova mabecauses ndakarwadziwa sezvo amai vangu vaivawo panguva yekutambudzika.
Ndaona kuti mari haisikibuda ndakaita vekuchinjanisa vanhu pacompany paya.I didn't mind kurarirwa 1us all l needed was money to save my poor mother.
Ndanga ndisisina basa nelife yangu chandaida chete kuti zviite nothing more.Humandara hwanga hwaenda kare panga pasisina need yekurega kurovesa zvinhu.Zvakatozoguma zvakundinakidza chaiko ndakutoona kunge ndaiita zvinhu zvisvinu.Mukudaro mari yakaramba kukwana mai vangu vakafa ndikasara nagogo avo vasina kuzoitawo gore vachibva vafa zvakare.Ndakasara ndingori ndega regai nditi musha wagogo vaangu wanga wavhara kwangosara mukomana ari Joni.Iro raingovawo rombe zvaro aisatombofunga kuti kumusha kune vanhu.
Haana kubvira atsika kumusha aingova Joni kwake ikoko.Ndakati dhuu kufunga ndini uyo ndikaona kuti kudzokera kwababa vangu yaiva best option but ndisati ndaenda ndakabva ndaona kuti ndaiva nenhumbu but muridzi chaiye ndaisaziva.
"Babe l think ndave ne nhumbu chete."
Ndakadero Kuna Knowledge one day apo ndaitova serious iye akabva atongoseka zvake ndokuti,"Enda kumuridzi wayo Shaleen."
"Ndiwe muridzi."
"Unoziva sei iwe waingoita wada wabaya mangoe yepamusika pedzezvo wakuti nhumbu ndeyangu.Ndine mhuri yangu ini zvisina basa ndizvo zvandisingadi."
"Patairara tese wakadii kufunga nhau yenhumbu iyoyi nhasi zvaipa wakudaro."
Kwainge kwangova kutaura ndega hangu munhu arova pasi.Akandi threatener ndichibva ndangosiya zvose zvandaiita ndokunanga kumusha kwababa vangu uko kwandakaita lucky and meet Josh.Ndikaronga tsoro dzangu kusvika dzabuda bhobho look l was happy about it ,but Josh never loved me guys.l lied nhau yenhumbu ndichiti zvimwe achavhunduka asi kana zvake.Ndakaedza zvose ndipo pandakaudza sekuru vake avo vakabva vati,"Wotobatisisa ipapo akarongeka mufana iyeye zvose zvake zviri mugwara.Ndakabva ndatobatirira until this day pavakauya and managed to convince Josh kuti andiroore.I was happy kani ndanga ndakuzogarawo mumba chero zvangu ndanga ndamboshandisva.
Dzakambonanzvana kana dzasangana hameno zvazvinoita ndaingonzwa kuti naKnowledge we are connected zvekuti musi waaasvika takatorova zvinhu pamba pana Josh ipapo zvikati zvekubira zvinonaka fani.Akuenda Knowledge akabva atora mota yake yaaiva andinyepera kuti anditengera l was hurt mufunge ndicho chega chaioneka chandaiva ndaita pamabasa angu erima.
Days passed ndipo pakaita nyaka nyaka idzi kusvika ndapererwawo kuti zvazvadai ndodii asi ndakakasika kufunga ndichibva ndasimuka ndakananga kuChiweshe uko kwandakarohwa nehana ndichisvika ndichiona Josh akabereka mwana nechibhabbu umwe ari mumaoko.
Amai Two(Happy)
Ndakatozongoona kuti kuenda kwana Josh ndoyega option.Ndakaberek vana vangu vese ndichibva ndabuda ndakananga kuChiweshe.Ndakambozeza ndasvika pagedhe ndokuda kudzoka asi ndichingotendeuka ndiye dhuma namai vaJosh vachibva kugarden.Vakangoti,"Muroora wangu."
Vachindimbundira apo vachiita
zviya zvekudeedzera zvekuti ndakaona Josh achidongorerawo akaramba akati ndee ndipo pandinoona munhu achifamba kuuya kwataiva zvikanzi,"Who is she mamha?"
"What?"
"Relax makoti handei mukati tinotaura nhau dzacho hatingapedzeri nyayab kugedhe ka.Takabva tapinda mhamha vainge vabata umwe mwana ini ndakabereka umwe.Josh uya akangofamba asina chinhu.Achienda mumba.Ndakamutarisa ndikaerekana ndati,"Umm,pakaipa."
"Zvakaoma mwanangu,Josh arwara ipapa hapana chozivikanwa hutsi hwega zvimwe zvawauya kudai unogona kumubatsira."
"What really happened mhamha?"
Ndakabvunza vachibva vati,"Akarohwa nemukadzi wake neayini musoro zvichibva zvatodai."
"Josh ane mukadzi mhamha."
"Saka mandidaidzira chii mhamha kuno kana Josh ane mukadzi?"
"You are the only one anogona kuita kuti Josh arecove nekukasika.Josh akarasa memory saka anoda someone anomurangaridza zvaaiita kare.And that person ndiwe mwanangu."
"Saka mukungoda kundishandisa chete ndowanei pazviri kana arecover."
"A happy marriage life because Joshua anokuda mwanangu he regrets kukudzinga kwaakaita."
Ndakaseka zvangu Ndikati,"Josh kuregreter chaiko kuti kwauyeiko?Akanyatsotaura ega kuti haachada kundiona so why now?"
Akabva abudikira ndokutora mwanawangu ndikatarisa mhamha avo vakabva vati,"Don't worry hapana zvaanombomuita anoda vana zvekuti.By the way ko vana vani ava inga wakati wako akafa wani?"
Ndakaboira boira maziso ndokugara pasi ndichibva ndati,"Havana kufa mhamha.Vana ava ndiyo nhumbu iya yandakabva nayo pano."
"Meaning vazukuru vangu ka."
Vakadero vachisekerera ndikati,"Kwete mhamha parizvino handisati ndaziva baba vavo ndevemusanganiswa ava."
Ndakadero hangu wondering why vana vacho pandakangosvika pano vabva vati zii.Mukombi yandaiva ndauya nayo vanhu vaitonetsekawo kuti sei vana vachema zvakadaro.Ndakatombovabvisiswa hembe vachinzi varikutsva but havana kunyarara.
"Vana ndeve pano ava muroora usatya zvako zvawatouya kudai zvanaka."
Vakabva vabuda panze neunwe ndikaona vovananzwisa ivhu repayard.Ndikangosiyawo zvakadaro.Ndakarara ndikaswera.I was trying by all means kumurangaridza kwacho.Zvinenge zvaitoita nokuti anga akunhonga nhonga zvishoma.Aitova busy Josh kutamba nevana asi ini ndaideedzwa kunzi sister aitoratidza kusaziva chinhu Josh wacho.Achitamba kudaro ndakavhunduka kunzwa achiti ,"Iwe Shaleen ukutsvakei pano."
Ndakacheuka kuti ndione munhu aitaurwa naye kunodai ndakabva ndamuziva.Akabva aenderera mberi achiti,"Dzokera kwawabva wairara nasekuru vangu nhasi woti tocha tocha kuuya pano unodei? Murume wako haapo pano.As you can see my Happiness is back now.Hapana zvaunogona kundiita wanzwa.Waifunga kuti Happy wangu achaenda zvachose manje wanyangira yaona.Let me tell you something noone can separate me from my Happiness,she is my wife and the one l love not you."
Akamhanya Josh ndokuuuya pandiri zvikanzi,"About the photos and vedios she was lying Happy.Handina kumborara naye ini l swear."
"But how do you know all this Josh.Are you pretending kurasa memory."
"What memory?"
End of chapter 38
More comments more 🔥
❤️
👍
😂
😢
🙏
🙃
13