
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 07:23 AM
.NOT MY CHOICE💍
Written by
Amai Mimie (K.Khums)
0782 818 892
And
L Munjeri (Mai Tamia)
0786677765
Chapter 39
Joshua
Mai vangu vaive vakachenjera kana mazogara. Zano ravaive varonga kuunza Happy back raive rashanda. Ndaisada kuzviratidza nekukasira kuti ndaive boo hangu kutya kuti ndobva ndarambwa munhu akadzokera. Ndainzwa kusingaite ndichiona vana vangu. Chokwadi Happy ndaida kuzomuitira something big coz aive akaunza mufaro mukuru muhupenyu hwangu. Chwezve chinhu chandainyanya kufarira anga aine care neni yakanyanya Happy. Ndaimuona achitambudzika zvisingaite akanditarisa.
Sometimes ndaimuona achitowisa kamusodzi. Ndaibva ndafara chose kuti munhu wangu waive achiri kundida zvekudaro nhai. Ndainyatsoona kuperera paari asi kuti ndimutange ndaitya. Zvino rimwe day ndakatobereka hangu vana vangu mhepo inonzi Shaleen yakabva yabudikira. Ndakatoona kuti pano kuda kuita zvekunyepera kurwara ndaivhiringidzirwa munhu wangu zvikaenda nepamwe. So ndakabva ndatoita serious chaiyo kutaura chokwadi.
Happy akatoshamisika nerimwe divi kuti ndaive ndichiziva zvese, uku Shaleen achishama yekurasa memory. Ndaive ndoshaya kuti ndopindura upi mubvunzo asi Mai vangu vakabva vabudikira ndokundinunura.
"Chaunoshama chii nhaiwe Shaleen pawakamurova musoro ne iron waiti zvinopera sei? Handisi kuda kutombokuona pamba pangu zvako, you are the cause of all this, mwana wangu pfungwa dzaive dzarasa nekuda kwako, thank god he is recovering", vakadaro Mai vangu Shaleen achibva ati "munopenga here Mai imi, munondiudza zvekubva pamba pemurume wangu kuti zvidii?",
Akadaro Shaleen ndichibva ndamuti "kana uine nharo pinda umu uone, babe let's get inside", ndakadaro ndichiisa ruoko rwangu around Happy's shoulder kwave kufamba tichipinda hedu mumba.
Happy wacho aitoratidza kuve confused zvake pane zvese zvaitika. Tapinda mumba ndakabva ndamuti "Babe am sorry pane zvese zvakaitika please forgive me", ndakataura ndakaita kupfugama pasi chaipo ndakamutarisa. Haana zvaakakwanisa kutaura kunze kwekungodonhedza misodzi chete.
"Unotopenga Josh kana wazogara ziva kuti uri benzi, iwewe haundidzinge pano zvekudaisoo wanzwa , mistake hombe wakatoita pakundiroora kwawakaita ini handina kwandiri kuzoenda", akadaro Shaleen achiita kupupa nehasha. Mom vakadoedza kumudzinga asi akati tana kuramba. "Josh ndokumbirawo vana vangu ndiende" akadaro Happy ndichibva ndamuti ",hauna kwauchaenda Happy uri mukadzi wangu, nyangwe zviite sei? Pano pamba pako zvese nevana ava",
"True muroora ukabva pano ndinozviuraya hangu, ndokumbirawo uregerere Josh pane zvese zvakaitika", vakadaro mhamha Happy achibva angoperera mukuchema.Shaleen akaramba achingopopota asi hapana anga achamudaira. Mhamha vakatora Happy kwave kuenda naye kubedroom kwavo ndichibva ndasimukawo kuenda kwangu nevana vangu. Pasina nguva door rakavhurwa kwave kuona ari Shaleen.
"Urikudei mumba memuridzi?", Ndakamubvunza achibva ati "ndirikuda iwewe and mumba muno ndemangu pano ndakauya pasina mumwe mukadzi saka usandiudze zvisina basa", akadaro achitozvikanda pabed hake.
Ndakangosimudzana nevana vangu kwave kubuda zvekare ndichimusiya. Ini zvemunhu ane manhepo mati ndombozvida here.
Shaleen
Ndakarohwa nehana ndichiona Josh akabata mwana mumaoko kumusana akabereka mumwe. Ndakaedza kufunga kuti vaimbove vana vani chaizvo asi mhinduro dzacho ndakadziwana nekukasira. Happy aive adzoka pamba and ndiye aive muridzi wevana ava. Ndakanzwa kuda kuchema chaiko ndichiona kutambisa kwandaive ndaita mukana asi handina kuda kuzviratidza kuvavengi vangu.
Vese mai nemwana vakada kundibatsirana kundidzinga ndikaita nharo. Pamba apa ndaisazobva hangu, ndaida kutoti take take naJosh ndomuita zviye kuti ndiwane kumupa mimba. Coz hakuna chinhu chinonyadzisa sekunzi wadzoka pamusha nekuda kwekuhura kaa. So ndakaona kuti paitoda kunyepera kupenga chaiko kuti ndiwane zvandaida.
Chimwe chinhu chandakanyanya kufarira kuti Happy wacho aitoyema zvake. Zvino ini vasingatane kuchema ndinopedzera, rimwe zuva aizoenda rakacheka nyika.
Ndakanyatsopinda mubedroom macho imomo ndichibva ndatozvikanda pabed. Josh akada kutaura taura ndikamumisa achibva abuda netuvana twake.
Achingobuda chete hushingi hwese hwakabva hwapera misodzi ikatanga kuyerera. Ndaive ndakatamba nehupenyu hwangu chokwadi. Zvandaive nezvandave hazvichatoendari. And pane vese vakandipedzera nguva hapana kana umwechete zvake anga achirikuda nezvangu. Josh was my friend but now tatove ma enemies nekuda kwezvandakamuitira. Hongu ndaive ndakatadza chaizvo asi Josh ndaimuda hangu nemoyo wese, and now am ready kuti akandipa mukana ndigomupa rudo pamwe nekumuremekedza.
Ndakadzimara ndabatwa nehope ndichingofunga chete kuti ndomuwana sei Josh kuti aite zvandiri kuda. Ndakazopepuka ndanzwa kufamba kwemunhu, kwave kuona ari Josh akatakura magumbeze achibuda. Mumba manga mave nechiedza chairatidza kuti kunze kwaive kwadoka.ndakamuka paye ndichibva ndamhanya kutevera kuye kwave kuona achinopinda mune imwe room. Ndakatevera muye ndokuona Happy akatogara hake pasofa raivemo.
"Tokubatsirai nei?", Akabvunza Happy uye ndikati "iwe siyana neni handina kana zera newe wanzwa muno ndavinga murume wangu kwete wekurongerwa nevabereki kaa", ndakadaro Happy achibva ati "kana ari wako takuranai muende asi kana asiri uchamusiya muno",
Ndakaramba ndakashama muromo nemapinduriro akaita kamwana aka, handina kunge ndaziva kuti kane mukanwa makadaiso.
"Ndinokurova iwe usandijairire",
"Iwewe neni ajairira mumwe ndiani? Inga wapinda mubedroom memurume wako wani wamboona ndichikutevera here? Iwe ndiwe unojairira vanhu unosvika uchingopinda no gogogoi ko dai wapinda tisina kupfeka waidii?",
"Nxcaa chinoshamisa pauri ipapa chii? Unei iwewe as for Josh hapana chandisingazive paari, I know him in and out so chinotonyadzisa chaicho hapatorina zvachose",
"Mapedza here baTwo ini ndave kuda kurara ini ndagutisa", akadaro Happy uye achichinja nyaya Josh wacho akabva ati "yes babe hunza vana first ",
Akatambira vana kwave kuvararisa Mai vacho vachibva vapinda mumagumbeze, inini akangouya achindipushira panze nesimba rake rese ndokuvhara door mumaziso angu ndikasara ndingori boi boi.
Kana nechandaive ndakambodira Josh wacho ndakatochishaya now ave kunyatsondiratidza kuti haanei neni zvachose anoda mukadzi wake. Apa utarise kamwana kaairwarira kacho kasvava zvako. Ndakazviudza kuti handisi kuzobvuma defeat kubva kumwana akadaiso ini, ndakabhidhaira ndichipinda mukitchen mavo kunotsvaga chikafu wanei mandiro ese akatosukwa akachena zvawo hapana kana chasiirwa bete chairo.
Ndakatarisa tarisa mumba kuti ndiwane chekubika kwave kuwana salt nehupfu chete. Ndakatuka ndichibuda imomo, so vanhu ava vanga vafunga kunditarisa nenzara nhai, kana vachifunga kuti ndiri kuenda vari kuzvinyepera . Pano ndatopfunya rusero.
End of chapter 39
❤️
👍
😂
😮
😢
🙏
13