
Mai Tamia Stories
January 24, 2025 at 07:24 AM
: NOT MY CHOICE💍
Written by
Amai Mimie (k.khums)
0782 818 892
L Munjeri (Mai Tamia)
0716600241
0786677765
Chapter 42
Shaleen
Zvandaive ndakaronga zvese zvaive zvichiramba kubuda. Josh aitoratidza kushaya kana shungu neni. Vari Mai vake vaibva vaita sevanoona zvinosemesa mberi kwavo. Ini ndaingoti mheno chero ndagara nhamo yaive yave pakuti ndiswededze Josh pedyo neni ndigozogona kumupomera nhumbu,zvino munhu wacho aisaita izvozvo even pakurara aitorara kwake ini kwangu. Ndakatoona kuti pano ndikaita zvekutamba nhumbu ingabatwe ndisati ndavata naye. Ndakabva ndafunga kunoona vamwe Mai vaiita zvekushonga muraini medu. Vaizivikanwa nekumisa dzimba dzevazhi job kwazvo. So ndakabuda hangu chinyararire ko pane here aimbondifudza. Ndaingoita yangu ndega nguva dzese. Ndakasvika Mai vandaida varipo ndichibva ndataura nyaya yangu.
Vakangoti zvauri kuda zvidiki izvo ndozvipedza udzoke mangwana ndinenge ndatsvaga mishonga yacho.
Ndakabva paye ndichifara asi ndakati ndichisvika muyard ndakangotanga kunzwa dzungu from noway
Ndakazvishingisa kufamba kupinda mumba ndichiti ndinorara hangu but handina kwandasvika ndichisvika pamusuwo ndakatanga kunzwa dzungu ndiye zii ndakadaro.
Ndakazopepuka ndiri muhospital ndakarohwa nehana.ndichinzwa nyaya dzaitaurwa mandaive maive makatozara vanhu vekumba kwedu pamwe naJosh namai vake.
"Umm asi iwe une chokwadi here kuti nhumbu haisi yako iyi paye waida kuramba mwana wedu for no reason now wave kutaura kuti nhumbu haisi yako",
"Aripo Shaleen wacho mumirirei amuke azvidairire hake ega ndikataura ndiriini zvinoita sekunge ndinonyepa",akakadaro Josh. Ini ndichibva ndavhara maziso angu, hapana kana anga azviona kuti ndaive ndamuka so nyadzi chaidzo dzaive dzandiwandira ndaive ndabatwa ndisati ndaita action. So aitove ma1 kuside kwangu kaapa ko ndonyarira kupi nhai veduwe and namainini vangu vaivemo vaive vakandivenga zvisingaite ndaitoziva zvaizoparidzwa dunhu rese ndikashaya pekupinda.
Ndakaramba ndakavhara maziso angu uku ndichirwisana nemisodzi kuti isabude.
Vanhu vakataura vakaneta dzamara visiting hour yadarika ndipo pavakabuda vese vachiita tozodzoka na5 anenge amuka chete.
Vachibuda ndakabva ndamuka kwave kudongorera ndikaona vachienda. Pasina nguva doctor vakabva vapinda "aah madam mamuka", vakadaro ndichibva ndadaira nemusoro Ivo kwave kundibvisa zvimadrip ndokuti "muchamboramba muri muno kusvika bp yenyu yadzika ndakangodaira nemusoro kuti zvindibve asi ndaive ndatofunga parefu. 5 dzakazosara dzokwana ndatorova mutunhu kutiza chaiko muchipatara.
Ndakazoita mota dzekukumbira kwave kuenda Harare kumba kwaJosh ndiko kwandakazorara ndiri ndichifunga kwekuenda.
Josh
Panzvimbo yekuti ndisuwe mushure mekuhurirwa neanozviti mukadzi wangu ndakafara zvisingaite nekuti ndaive ndazowana way yekumusiya nayo zvachose. Ndakatora Fon yangu kwave kufonera vanhu vekumba kwavo kuti vauye kuchipatara mwana wavo adonha, handina kuda kuvaudza zvese pafon ndakaziva vaigona kunyara kuuya so ndakanyatsosiya vauye and vakabva vasvikawo nguva yekuona varwere chaiyo.
Ndavaudza mandaive vachibva vapinda ndichibva ndadedemura nyaya yese sezvairi. Vanhu vose vainyatsoratidza kunyara chokwadi nezvandaitaura apa Shaleen wacho kana kumuka hake kuti azvidairire nyaya dzake. Ini ndaive ndatononokerwa nemudzinga pamba pedu kuti ndifurwe hangu nemhepo.
Visiting hour ichipera takabuda hedu ko ini ndaisara ndcihiitei imomo, baba vacho vakabva vazoti "asi kana ndimiwo mukuwasha maida mwana wedu aite sei imi michiti manga musingamubate hamuone here kuti ndimi makamutuma kuita hunzenza"
"Hamungazvinzwisise zvakaitika pakati pedu baba, inini naShaleen hatina kubvira takadanana kana zuva rimwechete zvaro, nyaya yedu yakamira sekudai...", Ndakavarondedzera zvese zvakaitika kusvika azonditizira, zvese kusvika ndimuroore hapana chandakasiya.
"Umm kana zvakadaro nyaya yacho yakarema tave kutongomirira iye Shaleen wacho amuke tione kuti tingaitonge sei?"
Takazoparadzana isu toenda kwedu namhamha Ivo voenda kwavowo."aah mwari maita henyu", vakadaro mhamha ndikaziva zvavaireva ndichibva ndaseka hangu.
"Izvi zvanaka izvi mwanangu ubve watogadzirira kunotora muroora wangu pamwe nevazukuru vangu, uyo achibuda muchipatara kumba kwavo",
"Yaa mati ndichambomira here mhamha mangwana chaiye ndiri kunotora hembe dzake ndonosiya kumba kwavo handichadi hangu kumuona muhupenyu hwangu",
Ndichisvika kumba ndakatofonera Happy wangu ndichida kunzwa kuti aive sei nevana ndikanzwa kuti aive boo hake. Ndakabvunza kwaaive achibva ati kumba kwedu ndikamuti okay tave munzira kuuya.
Takambokurukura hedu tunyaya nyaya akazokata fon mushure mekunge mwana achema. Ndikasara ndichisekerera hangu ndanga ndave kutoona hupenyu hwedu huchidakadza chaizvo tiri pamwechete nemhuri yangu.
Ndakanogeza hangu kwave kuzobuda kuenda kuchipatara uko ndainosangana nemhuri yanaShaleen. Ndakasvika vatoveko kare but Shaleen ainzi haasisimo . Takabatsirana kumutsvaga pachipatara pese but she was noway to be found. Aive atiza nyaya dzake zvaitove pachena izvi.
Takazowirirana kuti kana asina kuuya ega kumba ndigounza hangu nhumbu dzake.ndakadzoka kumba kwave kusvikoudza mhamha zvaive zvaitika vachibva vati "munhu iyeuye ndazviona masikati kuti amuka ini, atonzwa nyaya yese kare ndosaka atiza",
"Still haisi nyaya chero hama dzake dzabvuma kumutambira chete no problem",
Ndakanyatsorara hope dzehumambo musi uyu nekuziva kuti maproblems aive andibva. Kuchiedza ndakabva ndaoneka mhamha ndave kunotora nhumbi dzaShaleen.
End of chapter 42
❤️
👍
😂
👏
😢
😮
10