Mai Tamia Stories
Mai Tamia Stories
February 14, 2025 at 03:48 AM
https://chat.whatsapp.com/EaNtS61j0rXJc8SFnctbXb *When secrets surface, the truth revealed* 💥💥💥💥💥💥💥💥💥 Written by Silas Makuvaza +263779133358 Edited by Mai Tamia 0786677765 CHAPTER 01 Ooh my god, chando chacho chaive chowedzera kutonhora zvekuti ndaive ndave kutodedera chaiko. Ndakademba chandaive ndasiira bhatye rangu mushure mekuona denga riri clear, handina kunge ndaziva kuti ndichazosvika kuOffice denga rasunama zvakadaisoo. Semunhu mukuru ndakazvishingisa kwave kupukuta maoko angu kuri kutsvaga kakudziirwa ndokufamba ndichipinda muboard room. "Good morning, everyone", ndakataura neizwi raive rizere nemufaro wakapetwa ndichiona zviso zvevanhu vese vachinyemwerera kuratidza kundigamuchira nemoyo wese. "I'm happy to join you all todayvand am also excited to get to know each and everyone of you and I'm looking forward to work with you all together as a team" Ndakataura mashoko, mushure mekunge ndannounciwa as a new marketing manager to his colleagues kucompany inonzi Ruvimbo pvt Ltd co" by the top office. Narration Room yese inobva yazara ruzha vamwe vachiwombera vamwe vachirova mhururu nemufaro. Nokuti vaive vakanzva mbiri yake yekushanda nevanhu zvakanaka achiri kushanda as a public relations officer ku Bulawayo. So they liked his friendlyness which was very different from James. The old manager. James had been tough and scary zvekuti hakuna kana aida kutaura naye vanhu vaitotya kana kutumwa kwaari, saka vazhinji vakava relieved when he was demoted from being marketing manager to sales representative. Plus aive aakuwanza uwori zvinhu zvisisafambi mushe pabasa zvinove zvaive zvakukonzera kudzikira kwecompany. Now as they listened to Rodney they felt hopeful about the future. James forced smile on his face as he watched Alex settle into his new role. Asi deep down, Shungu, godo neruvengo zvaiita kumonya muchipfuva. Aiita kunzwa hasha dzichisimuka kubva maari asi zvekuita paive pasina zvachose sezvo muridzi webasa aive aita kuda kwake. He couldn't believe he had been demoted and replaced by someone younger and less experienced, asina kana mazuva ave kushanda navo zvachose, Asi zvakadaro James akasarudza kungo actor as if zvese bhoo. He pretended to be friendly and welcoming him. Asi mumoyo zvichimudya pamwe nekumushaisa hope. Aiti akatarisa Rodney anoona sekunge atoona sartun chaiye mbune, Regayi vakati (a human heart is the deep ocean of secrets) Mushure mezvese Panozorongwa party yekutambira manager mutsva sezvo zvaisimbopota zvichiitirwa mamanager mamwe aisimbouya saka yakaguma yaakuita setsika kana kuchangouya manager mutsva vaimuitira welcome part. Saka panobva parongwa commit, asi aitungamirira commit iyoyo ndi James saformer manager..Ende naiyewo aitawo urongwa uhu achitaridza kuperera asi deep down zvichimurwadza nekuti aioona sekunge ave kushandiswa. Days passed and James seemed genuinely happy for Rodney. Zvekuti chero mukushandidzana kwake naRodney zvese zvaive correct but yet James's intentions were far from genuine. He was secretly plotting his revenge by taking down Rodney. So two weeks later, the party took place, ahh zvaive zvakarongeka kani ipapo kwaisambodanwa anohwa. conference room yaive decorated zvakanaka nevaya vanoita zve deco with balloons and streamers. Paive pakatoturikwa zibannar rakanzi *Welcome Rodney Mugodhi*paine his pic mwana wevanhu . Staff yese inoungana,, vachifara, nyaya dzichirohwa mimhanzi ichirira. Uku vecatering vachimhanya manya, Vanhu vachiseka nekufara vakamirira mutambo kuti utange,, nemaitiro aya Rodney was touched by the gesture and thanked James for organising the party. "Ndinokutendayi chose baba maita zvinopfuura nekunaka chose." akadero Rodney achitaura naJames James anobva anyemwerera kwaakumbundira Rodney achimubhabhadzira musana. "we thank God for everything " Vanozosvika pakutanga programme yavo. Vanoti vagere zvavo vachimwa majuice vachidira mumaglass. James anobva asimuka *Him* " Good evening everyone, I'm so glad you could all make it to welcome Rodney to our team. I have to say I'm really impressed with the great work Rodney has been doing so far. He has already brought a fresh perspective and new ideas to the table. As some of you know, I have been with this company for a long time and I have seen a lot of changes But I have to say I'm really excited about the direction we are heading in now", Anobva ambonyarara vanhu vachiwombera maoko, Paakaona kuti vanhu varikufara anobva arova kasmiler zvake and said "Let's raise our glasses everyone and cheers to Rodney" Vanhu vese vanoita saizvozvo. Kubva nguva idzodzo vanhu vanotanga kurasa muswe, Kujamba maspeaker pamwe nekudhakwa. Celebrating Rodney's arrival. Zvekuti kuzvi around past 12 a. m vazhinji vaive vatopinda mumalevel nedoro. Then Rodney akapiwawo rake doro asi haana kutombonyanya kumwa but nehushoma hwaro doro iroro rakamudhaka muboora chaiko zvekusvika pakusaziva zvirikuitika, zvekuti chero dai aibvunzwa zita rake aigona kutokangamwa, kana kutodhomoka chaiko. *Rodney* Ndakamuka ndichinzwa musoro uchiita kurema chaiko zvandaita nditore time ndichitadza kana kuusimudza, Ndakatarisa pandaive ndokuona ndiri mumba mangu chaimo kuMandara. Haa ndakatanga kuda kuzama kufunga kuti ko ndakasvika seyi kuno Uye madeko ndakafamba seyi Nokuti handirangariri ndichidriver ini kana kuita chimwe chinhu. The last thing I remembered kunwa kwataiita kupart, so who brought me here? I asked myself asi ndakashaya kana mhinduro yemubvunzo wandaizvipa. Ndiripakati pekufunga kudaro ndakabva ndatora phone yangu kubaya so oneyi 43 missed calls plus mamsgs hobho, ndakavhunduka zvisingaite ndichitarisa nguva zvekare ndokuona dzatova kumapast eleven am ,I was really perplexed. Kurara kwerudzii nhai kwakadaro. Ndakadzosera phone muhomwe Pakarepo Ndikati better kuzoita nezvayo phone ndaamuroad kana kuti ndatosvika kubasa. Zvekugeza ndakati ratove drama iro, Moziva kaa ndaisimbodhakwa zvangu asi ndangandisati ndakambodhakwa reverse zvekusvika nguva dzakadayi, ndirere. "Ko ndazvifambisa seyi asi, ndiko kunonzi kufarisa kaa uku . " plus what the boss would think, I'm the manager but I'm late and hungover, how can I lead my team if I'm not responsible enough to show up in time" Ndakatanga ku imaginer kuti boss vangu vachadisapontika nezvandaiita izvi plus mamissed calls aya obviously ndivo chete. Ndakabva ndatongobuda ndakadero kana kugeza zvese nekuchinja handina ini. Ndabuda panze ndokuona, mota yangu iripo.Ndakafamba ndichienda ko . Kwaakutovhura door rangu waneyi ahhh kana kulocker handina. Ndakabva ndakanda ziso kusteering wheel ndokuona ahh ndakasiya macar keys paIgntion .handina kuda kufunga kaviri,. Ndakabva ndatoita key on ichibva yabvuma ipapo ipapo. Ndakabva ndacheka zvese kuti zviribho here pamota ahh wanike bhoo. Ndakabva ndamutsa mota yangu, kwaakutobuda but still trying to remember the events of the previous night. Asi zvairamba kuknocker sense kut kumba ndakasvika seyi. Pfungwa dzaipishana ndifunge zvee ahh ko idzo nguva dzacho dzandiri kuenda kubasa. Yaingova mibvunzo isina answer. But my confusion turned to shock when I saw police officers vakaisa roadblock panzvimbo yandaive ndisati ndakamboona vakaita roadblock. Saka police yakabva yapa sign yekuti ndimire, haa apa ndifunge kuti ndaive shure kwenguva. Haa sandi kusvotewa ikoko. Umwe wavo akabva a famba kuuya kuside ra driver. "we are conducting search operation, Tinemusikana mwana we chikoro watiri kutsvaka, who has been reported missing and we are checking all vehicles in the area. May we search your car. Ndikati OK sir, please do your job, ndaidero asi ndainzva hasha dzangu dzichikwirira nokuti ndaive shuresa kwenguva saka zvekuvhiringwa ndaisatomboda. Anobva afamba achienda kuback kwemota vakasviko vhura ndikahwa umwe wacho akakaruka ati "oh God"and I was really confused. Vakabva vafamba vese vachiuya kudoor zvekare.. And said sir burukayi muuye kuboot uko Ndakaburuka ndikaenda kuyaTasvika paya kwaakutarira . Haa ndakaperegwa nezvandakaona ipapo I felt like my world turned upside down. I felt like I had been punched in the gut, Ndakashaya kuti ndirikurota or ndrikuita seyi. My heart sank as I saw a young girl, lifeless and still in my boat ,munoziva kana uchinge wapinda panguva yakaoma chaiyo haukwanise kana kutaura chinhi zvachose mate anopera mukanwa pahuro pagoota sekunge pane chinhu chablocker. Police officer "You are under arrest sir" Me "What" Officer "zviripachena izvi mukuru" Aidero achinongedza trouse randaive ndakapfeka ini kwaakutarira oneyi ahh madrops eropa............ End of chapter 0ne
❤️ 👍 🙏 😂 10

Comments